Musarega!
“Ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo.”—VAGARATIA 6:9.
1, 2. (a) Shumba inovhima sei? (b) Dhiyabhorosi anofarira zvikurukuru kuita ani vanyajambwa?
SHUMBA inovhima nenzira dzakasiyana-siyana. Pane dzimwe nguva inovandira nyajambwa wayo pamatsime emvura kana kuti munzira dzinosanoshandiswa. Asi pane dzimwe nguva, rinotsanangura kudaro bhuku rinonzi Portraits in the Wild, shumba “inongoshandisa zvakanaka mamiriro ezvinhu—somuenzaniso, kusangana nemwana wembizi akarara.”
2 “Muvengi we[du] Dhiyabhorosi,” anotsanangura kudaro muapostora Petro, a“nofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.” (1 Petro 5:8) Achiziva kuti nguva yake yasara ipfupi, Satani ari kushandisa dzvinyiriro huru zvikuru pavanhu kuti avadzivise kunamata Jehovha. Zvisinei, iyi “shumba inorira” inofadzwa zvikurukuru nokuita vabatiri vaJehovha vanyajambwa. (Zvakazarurwa 12:12, 17) Mitoo yake yokuvhima yakafanana neiyo yomubiyake muboka remhuka. Seiko?
3, 4. (a) Mitooi iyo Satani anoshandisa mukuita vabatiri vaJehovha vanyajambwa? (b) Nemhaka yokuti idzi i“nguva dzokutambudzika,” mibvunzoi inomutswa?
3 Padzimwe nguva Satani anoedza kuvandira—chitambudzo kana kuti chishoro chakanangidzirwa pakuputsa kuperera kwedu kuitira kuti tirege kubatira Jehovha. (2 Timotio 3:12) Asi, kufanana neshumba, pane dzimwe nguva Dhiyabhorosi anongoshandisa zvakanaka mamiriro ezvinhu. Anomirira kusvikira taodzwa mwoyo kana kuti taneta, uye ipapo anoedza kushandisa chimiro chedu chendangariro chokuodzwa mwoyo kutiita kuti tirege. Hatifaniri kuva vanyajambwa vari nyore!
4 Bva, tiri kurarama munhambo inorayira zvikurusa munhau yose yemunhu. Muidzi “nguva dzokutambudzika,” vakawanda vedu vanganzwa vaodzwa mwoyo kana kuti vapera mwoyo pane imwe nhambo. (2 Timotio 3:1) Tinogona sei, ipapoka, kudzivisa kuneta kwazvo zvokuti tinova vanyajambwa vari nyore vaDhiyabhorosi? Hungu, tinogona sei kuteerera zano rakafuridzirwa romuapostora Pauro, rinoti: “Ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo”?—VaGaratia 6:9.
Apo Vamwe Vanotigumbura
5. Chii chakaparira Dhavhidhi kuneta, asi chii chaasina kuita?
5 Munguva dzeBhaibheri, kunyange vabatiri vakatendeka zvikurusa vaJehovha vangave vakanzwa vapera mwoyo. “Ndaneta nokugomba kwangu,” akanyora kudaro wezvamapisarema Dhavhidhi. “Usiku humwe nohumwe ndinoshambirisa nhoo dzangu; ndinonyorozva mubhedha wangu nemisodzi yangu. Ziso rangu rapera nokuchema.” Neiko Dhavhidhi akanzwa nenzira iyoyo? Nemhaka y“avadzivisi vangu,” akatsanangura kudaro. Zviito zvinokuvadza zvavamwe zvakaparira Dhavhidhi kurwadziwa kwemwoyo kwakadaro zvokuti misodzi yake yakaerekana yayerera. Zvisinei, Dhavhidhi haana kubva kuna Jehovha nemhaka yeizvo vanhu biyake vakanga vamuitira.—Pisarema 6:6-9.
6. (a) Tingatapurwa sei namashoko kana kuti zviito zvavamwe? (b) Vamwe vanozviita sei vamene vanyajambwa vari nyore vaDhiyabhorosi?
6 Nenzira yakafanana, mashoko kana kuti zviito zvavamwe zvingatiparira kuneta nokurwadziwa kwomwoyo kukuru. “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo,” inodaro Zvirevo 12:18. Apo mumwe asingarangariri anenge ari hama kana kuti hanzvadzi yechiKristu, ‘ronda rokubayiwa’ rinogona kudzika. Chimiro chendangariro chavanhu chingava chokugumburwa, zvichida kuchengeta pfundepfunde. Ikoku ndokwechokwadi zvikurukuru kana tikanzwa kuti tabatwa zvisina mutsa kana kuti zvisina kururama. Tingakuwana kwakaoma kutaura kumukanganisi; tingatomudzivisa namaune. Vapera mwoyo nepfundepfunde, vamwe vakarega ndokumira kuuya kumisangano yechiKristu. Nenzira inosuruvarisa, ivo nenzira iyoyo vano“pa Dhiyabhorosi nzvimbo” kuti avashandise savanyajambwa vari nyore.—VaEfeso 4:27.
7. (a) Tinogona sei kudzivisa kufambisira mberi zano raDhiyabhorosi apo vamwe vanotigumbura kana kuti vanotikuvadza? (b) Neiko tichifanira kudzivisa pfundepfunde?
7 Tinogona sei kudzivisa kufambisira mberi zano raDhiyabhorosi apo vamwe vanotigumbura kana kuti vanotikuvadza? Tinofanira kuedza kusachengeta pfundepfunde. Panzvimbo pezvo, tanga kuita chiito kuti uite rugare kana kuti kugadzikisa zvinhu nokukurumidza sezvinobvira. (VaEfeso 4:26) VaKorose 3:13 (NW), inotikurudzira, kuti: “Pfuurirai . . . kukanganwirana norusununguko kana munhu upi noupi ane chisakiso chokunyunyutira mumwe.” Kukanganwira kwakakodzera zvikurukuru apo uyo anenge akanganisa anobvuma mhosho yake uye achinzwa urombo zvechokwadi. (Enzanisa naPisarema 32:3-5 uye Zvirevo 28:13.) Zvinotibetsera, zvisinei, kana tikarangarira kuti kukanganwira hakusati kuri kubvumira kana kuti kudukupisa zvakashata izvo vamwe vaita. Kukanganwira kunobatanidza kurega pfundepfunde. Pfundepfunde mutoro unorema kutakura. Inogona kukuvadza ndangariro dzedu, ichitibira mufaro. Inogona kunyange kutapura utano hwedu. Mukupesana, kukanganwira, apo kwakakodzera, kunoshanda nokuda kwokubetserwa kwedu timene. Kufanana naDhavhidhi, ngatisatongorega ndokubva kuna Jehovha nemhaka yeizvo vamwe vanhu vakataura kana kuti vakatiitira!
Apo Tinoperevedza
8. (a) Neiko vamwe vachinzwa zvikurukuru vane mhaka padzimwe nguva? (b) Ingozii iripo mukukurirwa kwazvo nokuzvipa mhaka zvokuti tinorega?
8 “Tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji,” inodaro Jakobho 3:2. Apo tinodaro, ndokwemuzvarirwo bedzi kunzwa tine mhaka. (Pisarema 38:3-8) Kunzwa kwokuva nemhaka kunogona zvikurukuru kuva kwakasimba kana tiri kurwisa utera hwakati hwenyama uye tichiva nemhinganidzo dzepanhambo nenhambo.a Mumwe muKristu uyo akatarisana nokurwisa kwakadaro akatsanangura, kuti: “Ndakanga ndisingadi kupfuurira kurarama, ndisingazivi kana ndakanga ndaita chivi chisingakanganwirwi kana kuti kwete. Ndakanzwa kuti ndingasazvishandisawo ndimene mubasa raJehovha nemhaka yokuti zvimwe kunyanyononoka nokuda kwangu zvisinei.” Apo tinokurirwa nokuva nemhaka kwazvo zvokuti tinorega toga, tinopa Dhiyabhorosi mukana—uye angaushandisa nokukurumidza! (2 VaKorinte 2:5-7, 11) Chinodikanwa chingava murangariro wakadzikama zvikuru wokuva nemhaka.
9. Neiko tichifanira kuvimba nengoni dzaMwari?
9 Apo tinoita chivi kwakakodzera kuti tinzwe mwero wakati wokuva nemhaka. Pane dzimwe nguva, zvisinei, kunzwa kwokuva nemhaka kunopfuurira nemhaka yokuti muKristu anonzwa kuti haasati achizotongogona kuva akafanirwa nengoni dzaMwari. Bva, Bhaibheri rinotivimbisa noushamwari, kuti: “Kana tichizvireurura zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu, nokutinatsa pakusakarurama kwose.” (1 Johane 1:9) Pane chikonzero chipi nechipi chakanaka chokudavira kuti Mwari haasati achizoita izvozvo muchinoitika chedu here? Yeuka, muShoko rake, Jehovha anotaura kuti a“nofarira kukanganwira.” (Pisarema 86:5; 130:3, 4) Sezvo asingarevi nhema, achaita seizvo Shoko rake rinopikira, chero bedzi tichiuya kwaari nemwoyo unopfidza.—Tito 1:2.
10. Ivimbisoi inofadza iyo Nharireyomurindi yekare yakabudisa pamusoro pokurwisa utera hwenyama?
10 Unofanira kuitei kana uri kurwisa utera hwakati uye ukatadzazve? Usaneta! Kutadzazve hakusatiwo zvako kuchidzima fambiro mberi yawakatoita. Chinyorwa chechiNgezi chaFebruary 15, 1954, chemagazini ino chakapa iyi vimbiso inofadza: “Ti[nga]zviwana timene tichigumburwa uye tichipunzika kakawanda pamusoro pemuitiro wakaipa uyo wakarovererwa zvakasimba mukati memufambiro wedu woupenyu wekare kupfuura zvataiziva. . . . Usapera mwoyo. Usagumisa kuti wakaita chivi chisingakanganwirwi. Izvozvo ndizvo chaizvo izvo Satani angada kuti urangarire. Idi rokuti iwe umene unonzwa kunetseka uye kushushikana chibvumikiso machiri chimene chokuti hausati waenda kure zvakanyanya. Usatongoneta kutendeukira nokuzvininipisa uye nenzira yapachokwadi kuna Mwari, uchitsvaka kukanganwira kwake nokuchenesa nebetsero. Enda kwaari semwana anoenda kuna baba vake apo anenge ari muchinetso, pasinei zvapo nokuti ndekakawanda sei pautera humwe chetehwo, uye Jehovha achakupa nomutsa betsero yacho nemhaka yemutsa wake usakafanira uye, kana uri wapachokwadi, achakupa kuziva hana yakacheneswa.”
Apo Tinonzwa Kuti Hatisiri Kuita Zvakakwana
11. (a) Tinofanira kunzwa sei pamusoro pokugoverana mubasa rokuparidza Umambo? (b) Kunzwai pamusoro pokugoverana muushumiri uko vamwe vaKristu vanotambura nako?
11 Basa rokuparidza Umambo rinoita rutivi runokosha muupenyu hwomuKristu, uye kugoverana mariri kunounza mufaro. (Pisarema 40:8) Vamwe vaKristu, zvisinei, vanonzwa vane mhaka zvikuru pamusoro pokusakwanisa kuita zvakawanda zvikuru muushumiri. Kuva nemhaka kwakadaro kungatobvisa mufaro wedu ndokutiparira kurega, tichifungidzira kuti Jehovha anoziva kuti hatitongoiti zvakakwana. Rangarira mirangariro iyo vamwe vanorwisana nayo.
“Munoziva kuti urombo hunodya nguva zvakadini?” yakanyora kudaro imwe hanzvadzi yechiKristu iyo nomurume wayo vari kurera vana vatatu. “Ndinofanira kuva anochengetedza papi napapi pandinogona. Ikoku kunoreva kupedza nguva ndichitsvaka muzvitoro zvinotengesa zvinhu zvakamboshandiswa, sero, kana kuti kutosona mbatya. Ndinopedzawo awa imwe kana kuti mbiri vhiki imwe neimwe ndichiita makopani e[zvokudya zvakaderedzwa mutengo]—ndichiacheka, kuaronga, uye kuatengesa. Padzimwe nguva ndinonzwa ndine mhaka zvikuru kuita zvinhu izvi, ndichifunga kuti ndinofanira kuva ndichipedzera nguva iyoyo mubasa romumunda.”
“Ndakafunga kuti kuda kwangu Jehovha chaizvoizvo kwakanga kusina kukwana,” yakatsanangura kudaro imwe hanzvadzi ine vana vana uye murume asingatendi. “Naizvozvo ndakatambura nokubatira kwangu Jehovha. Ndakaedza zvakaoma chaizvoizvo, asi handina kutongonzwa kuti zvakanga zvakakwana. Munoona, handina kuva nokunzwa kupi nokupi kwokuzvikoshesa, naizvozvo ndaisagona kufungidzira kuti Jehovha aizotongogona sei kugamuchira basa rangu kwaari.”
Mumwe muKristu uyo akakuona kuri madikanwa kusiya basa renguva yakazara akati: “Ndaisagona kushivirira pfungwa yokuti ndakanga ndichikundikana mumusengwa wangu wokubatira Jehovha kwenguva yakazara. Hamugoni kufungidzira kuti ndakaodzwa mwoyo sei! Ndinochema zvino ndichiyeuka.”
12. Neiko vamwe vaKristu vachinzwa vane mhaka zvikuru pamusoro pokusakwanisa kuita zvakawanda muushumiri?
12 Ndokwemuzvarirwo bedzi kuda kubatira Jehovha zvizere sezvinobvira. (Pisarema 86:12) Neiko, kunyange zvakadaro, vamwe vachinzwa vane mhaka pamusoro pokusakwanisa kuita zvakawanda zvikuru? Nokuda kwavamwe, kunoratidzika kuva kune chokuita nemurangariro wavose wokusakosha, zvichida uchibva muzvakaitika zvisingafadzi muupenyu. Mune zvimwe zvinoitika, kuva nemhaka kusina kufanira kungabva mumurangariro usiri wechokwadi weizvo Jehovha anokarira kwatiri. “Ndakanga ndanzwa kuti kutoti zvichirwadza, unofanira kuva usiri kuita zvakakwana,” akabvuma kudaro mumwe muKristu. Somugumisiro, akagadza mipimo yakakwirira zvakanyanyisa nokuda kwake amene—uye ipapo ndokutonzwa aine mhaka zvikuru apo akanga asingakwanisi kuisvitsa.
13. Jehovha anokarirei kwatiri?
13 Jehovha anokarirei kwatiri? Kuchitaurwa nenzira iri nyore, Jehovha anotikarira kumubatira nomwoyo wose, tichiita izvo mamiriro edu ezvinhu anotibvumira. (VaKorose 3:23) Zvisinei, pangava, nemusiyano mukuru pakati pezvataizoda kuita neizvo tinogona chaizvoizvo kuita. Tinogona kuganhurirwa nezvinhu zvakadai sezera, utano, simba romuviri, kana kuti mitoro yemhuri. Kunyange zvakadaro, apo tinoita zvose zvatinogona, tinganzwa tavimbiswa kuti basa redu kuna Jehovha nderemweya wose—kwete remweya wose zvikuru kana kuti zvishoma zvikuru kupfuura romumwe munhu ane utano nemamiriro ezvinhu anomubvumira kuva muushumiri hwenguva yakazara.—Mateo 13:18-23.
14. Chii chaunogona kuita kana uchida betsero mukusarudza icho unogona chaizvoizvo kukarira kwauri umene?
14 Ipapoka, unogona sei kusarudza icho unogona kukarira chaizvoizvo kwauri umene? Ungashuva kukurukura nhau yacho neshamwari yechiKristu inovimbwa, yakakura mumudzimu, zvichida mukuru kana kuti hanzvadzi ine ruzivo rwokuzviwanira, uyo anoziva mano ako, ganhuriro dzako, uye mitoro yako yemhuri. (Zvirevo 15:22) Yeuka kuti mumeso aMwari kukosha kwako somunhu hakuyerwi nokuti ndezvakawanda zvakadini zvaunoita muushumiri hwomumunda. Vabatiri vose vaJehovha vanokosha kwaari. (Hagai 2:7; Maraki 3:16, 17) Zvaunoita mubasa rokuparidza zvingava zvakawanda zvikuru kana kuti zvishoma zvikuru kupfuura izvo vamwe vanoita, asi chero bedzi zvichimirira zvakanakisisa zvako, Jehovha anofadzwa, uye hapana dikanwo yokuti unzwe une mhaka.—VaGaratia 6:4.
Apo Zvakawanda Zvikurusa Zvinorayirwa Nokuda Kwedu
15. Munzirai umo zvakawanda zvikuru zvinorayirwa kuvakuru veungano?
15 “Wakapiwa zvizhinji,” akadaro Jesu, “zvizhinji zvichatsvakwa kwaari.” (Ruka 12:48) Zvirokwazvo ‘zvakawanda zvikuru zvinorayirwa’ nokuda kwaavo vari kubatira savakuru veungano. Kufanana naPauro vanozvishandisa vamene nokuda kweungano. (2 VaKorinte 12:15) Vane hurukuro dzokugadzirira, vane shanyo dzokufudza dzavanofanira kuita, nhau dzokutonga dzavanofanira kutarisira—zvose vasingaregeredzi mhuri dzavo vamene. (1 Timotio 3:4, 5) Vamwe vakuru vakabatikanawo nokubetsera kuvaka Horo dzoUmambo, kubatira muMatare Okubata Nechipatara, uye kuzvipira pamagungano nekokorodzano. Ava varume vanoshanda zvakaoma, vakazvipira vanogona sei kudzivisa kuneta mukuremerwa nemitoro yakadaro?
16. (a) Chigadzikisoi chinoshanda icho Jetero akapa Mosesi? (b) Ivarai richagonesa mukuru kugoverana migove yakafanira navamwe?
16 Apo Mosesi, murume ane mwero uye anozvininipisa, akanga achizvinetesa amene mukutarisira zvinetso zvavamwe, tezvara vake, Jetero, akapa chigadzikiso chinoshanda: kugoverana mutoro navamwe varume vakakwaniriswa. (Eksodho 18:17-26; Numeri 12:3) “Uchenjeri huri kuna vanozvininipisa,” inodaro Zvirevo 11:2. Kuva nemwero kunoreva kuziva uye kubvuma ganhuriro dzako. Murume ane mwero haasati achizengurira kugovera vamwe, uye haasati achitya kuti anorasikirwa noudzori kupfurikidza nokugoverana mitoro yakakodzera navamwe varume vakakwaniriswa.b (Numeri 11:16, 17, 26-29) Panzvimbo pezvo, anodisa kuvabetsera kuita fambiro mberi.—1 Timotio 4:15.
17. (a) Mitezo yeungano inogona sei kurerutsa mutoro wavakuru? (b) Kurega zvimwe zvinhu kupi uko vakadzi vavarume vakuru vanoita, uye tinogona sei kuvaratidza kuti hatikurerutsi?
17 Mitezo yeungano inogona kuita zvakawanda zvikuru kuti irerutse mutoro wavakuru. Vachinzwisisa kuti vakuru vane mhuri dzavo vamene dzokutarisira, vamwe havasati vachizoita kurayira kusina mufungo panguva nengwariro zvavakuru. Uyewo havasati vachizorerutsa kurega zvimwe zvinhu kwokudisa uko vakadzi vavakuru vanoita sezvo vachigoverana nenzira isiri youdyire varume vavo neungano. Vamwe mai vane vana vatatu vane murume anobatira somukuru vakatsanangura, kuti: “Chimwe chinhu chandisingatongonyunyuti pamusoro pacho mutoro wokuwedzera uyo ndinotakura mumba nokudisa kuitira kuti murume wangu agone kubatira somukuru. Ndinoziva kuti chikomborero chaJehovha chikuru pamhuri yedu nemhaka yokubatira kwake, uye handiitiri shanje zvaanopa. Bva, chaizvoizvo, kazhinji kazhinji ndinotofanira kuita basa rakawanda zvikuru pamba uye kuita kwakawanda zvikuru kwokurangwa kwavana vedu kupfuura zvandaizoita nemhaka yokuti murume wangu akabatikana.” Nenzira inosuruvarisa, iyi hanzvadzi yakawana kuti vamwe, panzvimbo pokuonga mutoro wayo wokuwedzera, vakaita tsinhiro dzokusarangarira dzakadai sokuti, “Neiko musiri kupayona?” (Zvirevo 12:18) Kuri nani zvikuru sei kurumbidza vamwe nokuda kweizvo vari kuita panzvimbo pokuvatsoropodza nokuda kwezvavasingakwanisi kuita!—Zvirevo 16:24; 25:11.
Nemhaka Yokuti Mugumo Uchigere Kuuya
18, 19. (a) Neiko ino isati iri nguva yokurega kumhanya munhangemutange youpenyu husingaperi? (b) Inyeveroi yakakodzera nguva iyo muapostora Pauro akapa vaKristu vaiva muJerusarema?
18 Apo mumhanyi anoziva kuti ava pedyo nomugumo wenhangemutange refu, haasati achirega. Muviri wake ungava wava pamugumo wokutsungirira kwawo—waneta, wapiswa zvakanyanya, uye warasikirwa nemvura yakawanda—asi nemhaka yokuva pedyo zvikuru nokupedza haisati iri nguva yokurega kumhanya. Nenzira yakafanana, savaKristu tiri munhangemutange yomubayiro woupenyu, uye tava pedyo zvikuru nomutsetse wokupedza. Zvino haisati iri nguva yokuti tirege kumhanya!—Enzanisa na1 VaKorinte 9:24; VaFiripi 2:16; 3:13, 14.
19 VaKristu vomuzana ramakore rokutanga vakatarisana namamiriro ezvinhu akafanana. Munenge muna 61 C.E., muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaiva muJerusarema. Nguva yakanga iri kupera—“chizvarwa” chakaipa, tsika yezvinhu yakaramba kutenda yechiJudha, chakanga chodo“kupfuura.” Zvikurukuru vaKristu vaiva muJerusarema vaifanira kuva vakasvinurira uye vakatendeka; vaizofanira kubva muguta apo vaizoriona richikomberedzwa nemauto aiva mumusasa. (Ruka 21:20-24, 32, NW) Yakakodzera nguva, ipapoka, yakanga iri nyevero yaPauro, inoti: ‘Musaneta ndokurega mumweya yenyu.’ (VaHebheru 12:3) Muapostora Pauro pano akashandisa zviito zviviri zvakajeka: “kuneta” (kaʹmno) uye “kurega” (e·klyʹo·mai). Maererano neimwe nyanzvi yeBhaibheri, aya mashoko echiGiriki aka“shandiswa naAristotle nezvavamhanyi avo vanozorora uye vanopunzika mushure mokunge vapfuura mutsetse wokupedza. Varavi [vetsamba yaPauro] vakanga vachiri munhangemutange. Havafaniri kurega nguva yakafanira isati yasvika. Havafaniri kuzvibvumira vamene kufenda uye kupunzika nemhaka yokuneta. Zvakare pane dikanwo yokupfuurira mukutarisana nechinetso.”
20. Neiko zano raPauro rakakodzera nguva nhasi?
20 Zano raPauro rakakodzera nguva sei kwatiri nhasi! Mukutarisana nedzvinyiriro dzinowedzera, kungava nenguva apo tinonzwa semumhanyi aneta ane makumbo odokupera simba. Asi nemhaka yokuva pedyo zvikuru nemutsetse wokupedza, hatifaniri kurega! (2 Makoronike 29:11) Izvozvo ndizvo chaizvo izvo Muvengi wedu, “shumba inorira,” aizoda kuti tiite. Tinoonga, kuti Jehovha akaita gadziriro idzo dzinopa “vanoziya . . . simba.” (Isaya 40:29) Kuti idzodzi ndedzipi uye kuti tinogona sei kudzishandisa kuchakurukurwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Somuenzaniso, vamwe vangarwisa kudzora muitiro wounhu wakarovererwa, wakadai sokukurumidza kutsamwa, kana kuti kukurira chinetso chebonhora.—Ona Mukai!, yechiNgezi yaMay 22, 1988, mapeji 19-21; November 8, 1981, mapeji 16-20; uye Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, mapeji 198-211, zvakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Ona nyaya inoti “Vakuru—Goverai!” iri muchinyorwa cheNharireyomurindi chaOctober 15, 1992, mapeji 20-3.
Ndeipi Iri Mhinduro Yako?
◻ Tinogona sei kudzivisa kurega apo vamwe vanotigumbura kana kuti vanotikuvadza?
◻ Murangariroi wakadzikama pamusoro pokuva nemhaka uchaita kuti tirege kuneta?
◻ Jehovha anokarirei kwatiri?
◻ Kuva nemwero kunogona sei kubetsera vakuru kudzivisa kuneta?
◻ Neiko zano raPauro riri pana VaHebheru 12:3 rakakodzera nguva nokuda kwedu nhasi?