Unogona Kufambira Mberi Mumudzimu
UKOSHI hwechokwadi hunogona kuva hwakaoma kuziva. Ndizvo zvinoitika kumadhaimani. Kunyange zvazvo dhaimani rapenyeswa richipenya, dhaimani risina kupenyeswa rinopenya zvisina kujeka. Kunyange zvakadaro, pasi pasi pedhaimani risina kupenyeswa pane chikonzero chisingakanganisiki chedombo rakaisvonaka.
VaKristu vakafanana nemadhaimani asina kupenyeswa munzira dzakawanda. Kunyange zvazvo tichiri kure nokuva vakakwana, tine ukoshi hukuru hunokosheswa naJehovha. Kufanana nemadhaimani, tose zvedu tine mavara edu akasiyana. Uye mumwe nomumwe wedu anogona kufambirazve mberi mumudzimu kana izvozvo zvichishuviwa nemwoyo wedu. Unhu hwedu hunogona kupenyeswa, kuitira kuti hupenye zvakajeka zvikuru mukubwinya kwaJehovha.—1 VaKorinte 10:31.
Pashure pokunge rachekwa uye rapenyeswa, dhaimani rinoiswa munzvimbo inonatsa mavara aro anovaima. Nenzira yakafanana, Jehovha anogona kutishandisa munzvimbo dzakasiyana-siyana, kana kuti migove kana tichi“[fuka] munhu mutsva, wakasikwa wakafanana naMwari pakururama, noutsvene hwezvokwadi.”—VaEfeso 4:20-24.
Kufambira mberi mumudzimu kwakadaro kungasauya nenzira yomuzvarirwo, kungofanana nedhaimani risati rapenyeswa risingawanzopenya sedombo rinokosha. Tingada kuzvibvisira kumwe kuneta kwakasaririra, kugadziridza murangariro wedu wokugamuchira mutoro, kana kuti kunyange kuzvishandisa kuti tibude mukuneta mumudzimu. Asi tinogona kufambira mberi kana tichida chaizvoizvo kudaro, sezvo Jehovha Mwari achigona kutipa “simba rinopfuura renguva dzose.”—2 VaKorinte 4:7, NW; VaFiripi 4:13.
Jehovha Anosimbisa Vabatiri Vake
Kucheka madhaimani kunoda chivimbo chi nobva muzivo yakarurama, sezvo chikamu chedhaimani risina kupenyeswa chinobviswa, kakawanda chinoraswa. Chikamu chinokosha—dzimwe nguva chakakura se50 muzana yedombo risina kuchekwa—chinofanira kuchekwa kuti chimiro chinodikanwa chibudiswe. Isuwo tinoda chivimbo chinobva muzivo yakarurama kuitira kuti tigadziridze unhu hwedu ndokufambira mberi mumudzimu. Zvikurukuru tinofanira kuva nechivimbo chokuti Jehovha achatisimbisa.
Tinganzwa tisingakwanisi, zvisinei, kana kuti kufunga kuti hatikwanisi kuita zvakawanda. Munguva yakapfuura, vabatiri vaMwari vakatendeka padzimwe nguva vainzwa nenzira iyoyo. (Eksodho 3:11, 12; 1 Madzimambo 19:1-4) Paakatumwa naMwari kuti ave “muporofita wamarudzi,” Jeremia akati: “Handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu.” (Jeremia 1:5, 6) Pasinei zvapo nokunyarara kwake, kunyange zvakadaro, Jeremia akava muporofita akashinga akaendesa mashoko akananga kuvanhu vane utsinye. Izvi zvaibvira sei? Akadzidza kutsamira pana Jehovha. Gare gare Jeremia akanyora kuti: “Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake.”—Jeremia 17:7; 20:11.
Nhasi, nenzira yakafanana Jehovha anosimbisa avo vanovimba naye. Edward,a baba wevana vana ainonoka kufambira mberi mumudzimu, akawana izvi kuva zvechokwadi. Anotsanangura kuti: “Ndakanga ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha kwemakore mapfumbamwe, asi ndairatidzika sendakamira panzvimbo imwe mumudzimu. Chinetso chakanga chiri chokuti ndakanga ndisina sundo huru uye ndisina chivimbo. Pashure pokutamira kuSpain, ndakazviwana ndiri muungano duku yakanga ichingova nemukuru mumwe bedzi uye mubatiri anoshumira mumwe. Nemhaka yokushayiwa, mukuru wacho akandikumbira kutarisira migove yakawanda. Ndaidedera pandaipa hurukuro dzangu dzokutanga nemativi emisangano. Asi, ndakadzidza kutsamira pana Jehovha. Nguva dzose mukuru aindirumbidza uye aipa zvikarakadzo zvokungwarira zvokuvandudza.
“Panguva imwe cheteyo, ndakawedzera mubato wangu webasa romumunda ndokutungamirira mhuri yangu zviri nani mumudzimu. Somugumisiro, chokwadi chakava nerevo huru kumhuri yose, uye ndakanzwa ndichigutswa zvikuru kwazvo. Zvino ndava mubatiri anoshumira, uye ndiri kushanda nesimba kukudziridza mavara emutariri wechiKristu.”
“Mubvise Munhu Wekare”
Sokuziva kwakaita Edward, kufambira mberi mumudzimu kunoda kuvimba naJehovha. Kutanga “munhu mutsva” akafanana nowaKristu kunokoshawo. Izvi zvinogona kuitwa sei? Nhanho yokutanga ku“[bvisa]” mavara aya ari rutivi rweunhu hwekare. (VaKorose 3:9, 10) Kufanana nokusakwana, zvakadai sezvicherwa zvokunze, zvinofanira kubviswa padhaimani risina kupenyeswa kuti ripenye sedombo rinokosha, naizvozvo mirangariro ye“nyika” inofanira kubviswa kuitira kuti unhu hwedu hutsva hupenye.—VaGaratia 4:3.
Mumwe murangariro wakadaro kusada kugamuchira mutoro tichityira kuti zvakawanda zvichadikanwa kwatiri. Chokwadi, mutoro unoreva basa, asi ibasa rinogutsa. (Enzanisa naMabasa 20:35.) Pauro akabvuma kuti kuzvipira kuna Mwari kunoda kuti ti‘shande zvakasimba nokuzvishandisa.’ Tinoita saizvozvo nomufaro, akadaro, “nokuti tariro yedu iri kuna Mwari mupenyu,” uyo asingambokanganwi basa ratinoitira vaKristu biyedu uye vamwe.—1 Timotio 4:9, 10; VaHebheru 6:10.
Mamwe madhaimani anokuvadzwa ne“kusasimba” kunoparirwa paanoumbwa uye anofanira kubatwa nokungwarira. Nebetsero yemudziyo unonzi polariscope, zvisinei, mupenyesi anogona kuziva pasina kusimba uye anogona kushanda padombo racho achibudirira. Zvimwe tinotambura nokusava nesimba kwomukati, kana kuti kuneta kwounhu, nemhaka yemamiriro edu ezvinhu ekare kana kuti chiitiko chakatikuvadza. Chii chatinogona kuita? Kutanga, isu tinofanira kubvuma chinetso toga ndokutsunga kuchikurira kusvika kutambanuko inobvira. Zvirokwazvo tinofanira kuzvitura pamberi paJehovha mumunyengetero, zvichida tichitsvakawo betsero yomudzimu inobva kumukuru wechiKristu.—Pisarema 55:22; Jakobho 5:14, 15.
Kusasimba kwakadaro kwomukati kwakatapura Nicholas. “Baba vangu vakanga vari chidhakwa, uye vaiparira hanzvadzi yangu neni kutambura kukuru,” anotsanangura achidaro. “Pandakapedza chikoro, ndakapinda muchiuto, asi murangariro wokupandukira wakandipinza muzvinetso nokukurumidza. Vakuru vakuru vechiuto vakandiisa mutorongo nemhaka yokutengesa mirimo, uye pane imwe nhambo ndakatiza. Pakupedzisira, ndakabva muchiuto, asi ndakanga ndichingori nezvinetso. Kunyange zvazvo upenyu hwangu hwakanga hwakanyongana nemhaka yokushandisa mirimo zvisina kufanira uye kunwisa, ndaifarira Bhaibheri uye ndaishuva kuva nechinangwa muupenyu. Pakupedzisira, ndakaonana neZvapupu zvaJehovha, ndakachinja mararamiro angu, uye ndakagamuchira chokwadi.
“Zvakatora makore, zvisinei, ndisati ndagona kubvuma ndokukurira kuneta kwounhu hwangu. Ndakanga ndisingadi chiremera zvikuru uye ndaigumbuka zvikuru pandaipiwa zano ripi neripi. Kunyange zvazvo ndakanga ndichida kushandiswa zvizere naJehovha, kuneta uku kwakandidzosera shure. Pakupedzisira, nebetsero yevakuru vaviri vainzwisisa, ndakabvuma chinetso changu uye ndakavamba kushandisa zano ravo rerudo reMagwaro. Kunyange zvazvo kushatirwa kuduku kuchiitika panhambo nenhambo, zvino ndinodzora kuva kwangu anopandukira. Ndinoonga zvikuru kushivirira kwaJehovha mukubata neni uye betsero yerudo yevakuru. Nemhaka yokufambira mberi kwangu mumudzimu, munguva pfupi yakapfuura ndakagadzwa semubatiri anoshumira.”
Sokuziva kwakaita Nicholas, kuchinja mirangariro yakasimba hakusi nyore. Tingasangana nedenho yakafanana. Zvimwe hatitani kugumbuka. Tingave tine chigumbu, kana kuti tingave tichinyanyosimbisa kuzvimirira. Nokudaro, kufambira mberi kwedu kwechiKristu kungaganhurirwa. Vanopenyesa madhaimani vanosangana nechimwe chinhu chakada kufanana nematombo chavanoti manaat. Chaizvoizvo aya matombo maviri anonyungunduswa ndokuva rimwe munguva yokuumbwa kwedhaimani. Somugumisiro, manaat ane nzira mbiri dzokukura dzinorwisana idzo dzinoita kuti kucheka maererano nemitsara yedombo racho kuve kwakaoma zvikuru. Isu, tinowana kuti “murangariro” wemudzimu unoda unorwisana ne“murangariro” wenyama usina kukwana. (Mateo 26:41; VaGaratia 5:17) Dzimwe nguva, tinganzwa tichida kurega kurwa kwacho zvachose, tichifunga kuti kusakwana kuri muunhu hwedu hakukoshi chaizvoizvo. ‘Pashure pezvose,’ tingadaro, ‘mhuri yangu neshamwari vachiri kundida.’
Kana tichizobatira hama dzedu ndokukudza Baba vedu vokudenga, zvisinei, tinofanira ‘kuitwa vatsva musimba rinosunda ndangariro yedu’ kupfurikidza nokupfeka unhu hutsva. Nhamburiko yacho yakafanira, sezvinogona kupupurira Nicholas uye vamwe vakawanda. Mupenyesi wedhaimani anoziva kuti gwapa rimwe rinogona kushatisa dhaimani rose. Nenzira yakafanana, kupfurikidza nokuregeredza rutivi rwakaneta muunhu hwedu, tinogona kushatisa chitarisiko chedu chomudzimu. Zvakatoipa, kuneta kwakakomba kungatungamirira kukuwa kwedu mumudzimu.—Zvirevo 8:33.
Se“moto” Uri Matiri
Mupenyesi wedhaimani anotsvaka kuona panopenya mukati medhaimani. Izvi zvinoitwa kupfurikidza nokuronga mativi acho kuitira kuti aparire unonzi muraraungu. Mukati medhaimani chiedza chine mavara akawanda chinoratidzirwa kumberi neshure, chichibudisa moto unoita kuti madhaimani apenye. Nenzira yakafanana, mudzimu waMwari unogona kuva se“moto” uri matiri.—1 VaTesaronika 5:19; Mabasa 18:25; VaRoma 12:11.
Asi zvakadini kana tikaziva kudikanwa kwekuva anosundwa mumudzimu? Izvi zvinogona kuitwa sei? Tinofanira ‘kurangarira nzira dzedu.’ (Pisarema 119:59, 60) Izvi zvingabatanidza kuziva zvinhu zviya zvinoderedza mumudzimu uye ipapo kuziva kuti mibato ipi youbati ushe hwaMwari yatinofanira kuronda nesimba zvikuru. Tinogona kudzamisa kunzwisisa kwedu kwomudzimu kupfurikidza nokufunda semunhu oga uye nokunyengetera zvakasimba. (Pisarema 119:18, 32; 143:1, 5, 8, 10) Uyezve, kupfurikidza nokusonganira naavo vanoshanda nesimba mukutenda, tichasimbisazve chisarudzo chedu chokubatira Jehovha nokushingaira.—Tito 2:14.
Louise, mukadzi muduku wechiKristu, akabvuma kuti: “Ndakarangarira kuita upiyona hwenguva dzose kwemakore maviri ndisati ndanyoresa chaizvoizvo sapiyona, kana kuti muzivisi woUmambo wenguva yakazara. Pakanga pasina chaindimisa, asi ndakanga ndine rudungwe rwuri nyore, uye ndakanga ndisingangoiti nhamburiko yokubva marwuri. Ipapo baba vangu vakafa kamwe kamwe. Ndakaziva kuti upenyu hunogona kuparara zviri nyore sei uye kuti ndakanga ndisiri kushandisa hwangu zvakanakisisa. Naizvozvo ndakachinja murangariro wangu womudzimu, ndakawedzera basa rangu, uye ndakava piyona wenguva dzose. Vakanga vari betsero chaiyo mune izvi vakanga vari avo vehama dzangu nehanzvadzi dzomudzimu vaitsigira nguva dzose gadziriro dzebasa romumunda uye vaindiperekedza nguva dzose muushumiri. Ndakadzidza kuti nokuda kwezvakanaka kana kuti zvakashata, tinogoverana mipimo nevavariro zvevasonganiri vedu.”
Kurodzwa Sokunge Kuti Nesimbi
Madhaimani ndiwo zvinhu zvakaoma zvikurusa zvinowanikwa nomusikirwo muvhu. Nokudaro, zvinoda dhaimani rimwe kuti richeke rimwe. Izvi zvingayeuchidza vadzidzi veBhaibheri nezvechirevo chinoti: “Simbi inorodza simbi; saizvozvo munhu unorodza chiso cheshamwari yake.” (Zvirevo 27:17) Chiso chemunhu “chinorodz[w]a” sei? Mumwe munhu angabudirira mukurodza ungwaru noumudzimu hwemumwe, kungofanana nechidimbu chesimbi chinogona kushandiswa kurodza banga rakagadzirwa nesimbi yakafanana. Somuenzaniso, kana tikafanira kuodzwa mwoyo nokushatiriswa kwakati, kukurudzira kwemumwe munhu kunogona kuva kunosimbaradza zvikuru. Nokudaro kugumbuka kwedu kunogona kuchinja nokuda kwezvakanaka, uye tinogona kumutsidzirwa nokuda kwemubato mutsva wokushingaira. (Zvirevo 13:12) Zvikurukuru vakuru veungano vanogona kubetsera kutirodza kupfurikidza nokugovera kurudziro yeMagwaro nezano zvokuvandudza. Vanotevera nheyo yakataurwa naSoromoni: “Ipa wakachenjera dzidzo, ipapo iye uchawedzerwa uchenjeri; dzidzisa wakarurama, ipapo iye uchawedzerwa zivo.”—Zvirevo 9:9.
Chokwadika, rovedzo yomudzimu inoda nguva. Kwemakore anopfuura gumi, muapostora Pauro aigoverana ruzivo rwake nemano okudzidzisa naTimotio. (1 VaKorinte 4:17; 1 Timotio 4:6, 16) Rovedzo yenguva refu iyo Mosesi akapa Joshua munhambo yemakore 40 yakabetsera rudzi rwaIsraeri kwenguva refu. (Joshua 1:1, 2; 24:29, 31) Erisha akaperekedza muporofita Eria zvimwe kwemakore matanhatu, achigamuchira rovedzo yakaisvonaka nokuda kwoushumiri hwake pachake uhwo hwaizosvika kwaanenge makore 60. (1 Madzimambo 19:21; 2 Madzimambo 3:11) Kupfurikidza nokugovera rovedzo inopfuurira nokushivirira, vakuru vanotevera muenzaniso waPauro, Mosesi, uye Eria.
Kurumbidza rutivi runokosha rwokurovedza. Kutaura kwechokwadi kwokuonga nokuda kwemigove yakaitwa zvakanaka kana kuti nokuda kwezviito zvinorumbidzwa kungasunda vamwe kuda kubatira Mwari zvizere zvikuru. Kurumbidza kunoumba chivimbo icho, somugumisiro, chinogovera chishuvo chokukurira kuneta. (Enzanisa na1 VaKorinte 11:2.) Kurudziro yekufambira mberi muchokwadi inobvawo mukuva akabatikana zvikuru nebasa rokuparidza Umambo uye mimwe mibato yeungano. (Mabasa 18:5) Apo vakuru vanogovera hama mitoro maererano nokufambira mberi kwadzo mumudzimu, izvi zvinopa varume ava ruzivo rwokuzviwanira rwunokosha uye sezvingabvira zvichasimbisa chishuvo chavo chokupfuurira kufambira mberi mumudzimu.—VaFiripi 1:8, 9.
Chikonzero Chakanaka Chokufambira Mberi Mumudzimu
Madhaimani anorangarirwa seanokosha. Zvakafanana ndezvechokwadi nezveavo zvino vari kusonganira nemhuri yenyika yose yevanamati vaJehovha. Kutaura idi, Mwari pachake anovadana kuti zvinhu “zvinodikanwa,” kana kuti “zvinokosha,” zvemarudzi ose. (Hagai 2:7, NW, mashoko emuzasi) Gore rapfuura, 373 923 vakava Zvapupu zvakabhabhatidzwa zvaJehovha. Kugovera kukura uku, pane kudikanwa kweku‘kudza zvikuru tende.’ Kupfurikidza nokufambira mberi mumudzimu—uye nokusvasvavirira ropafadzo dzebasa rechiKristu—zvinobvira kugoverana mukutarisira kukura uku.—Isaya 54:2; 60:22.
Kusafanana nemadhaimani akawanda anokosha anochengetwa mukamuri dzinochengeterwa zvinokosha dzebhangi uye asingawanzoonekwi, ukoshi hwedu hwomudzimu hunogona kupenya zvakajeka. Uye sezvatinopenyesa nguva dzose nokuratidzira mavara edu echiKristu, tinorumbidza Jehovha Mwari. Jesu akakurudzira vateveri vake achiti: “Chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.” (Mateo 5:16) Chokwadi, izvozvo zvinotipa chikonzero chakanaka chokufambira mberi mumudzimu.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita okutsiva anoshandiswa munyaya ino.