Chitsauko 3
“Musanangurwa Wangu Unofadza Mweya Wangu!”
1, 2. Nei chitsauko 42 chaIsaya chichifadza vaKristu nhasi?
“NDIMI zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura.” (Isaya 43:10) Zvakaziviswa naJehovha izvi, zvakanyorwa nomuprofita Isaya muzana remakore rechisere B.C.E., zvinoratidza kuti vanhu vaJehovha vesungano vekare vakanga vari rudzi rwezvapupu. Vakanga vari muranda waMwari akasanangurwa. Anenge makore 2 600 gare gare, muna 1931, vaKristu vakazodzwa vakazivisa pachena kuti mashoko aya aishanda kwavari. Vakatora zita rokuti Zvapupu zvaJehovha ndokugamuchira nomwoyo wose mutoro unouya nokuva muranda waMwari wepasi.
2 Zvapupu zvaJehovha zvinoda kufadza Mwari zvechokwadi. Nokuda kwechikonzero ichi, chitsauko chechi42 chebhuku raIsaya chinozvifadza kwazvo zvose, nokuti chinorondedzera zvakaita muranda uyo Jehovha anotendera uye mumwe muranda uyo Jehovha anoramba. Kufunga nezvouprofita uhwu nokuzadzika kwahwo kunobatsira kunzwisisa zvinotungamira kukutenderwa naMwari nezvinotungamira kukusatendera kwake.
“Ndakaisa Mweya Wangu Pamusoro Pake”
3. Jehovha anoprofita chii nezvo“muranda wangu” achishandisa Isaya?
3 Achishandisa Isaya, Jehovha anoprofita nezvokuuya kwomuranda waachasarudza iye pachake achiti: “Tarirai muranda wangu wandinotsigira, musanangurwa wangu unofadza mweya wangu. Ndakaisa Mweya wangu pamusoro pake, uchavigira marudzi kururamisirwa. Haangadani, kana kudanidzira nenzwi rake, kana kunzwisa inzwi rake panzira dzomumusha. Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi; uchavigira vanhu kururamisirwa muzvokwadi. Iye haangapfungairi kana kupwanyiwa, kusvikira agadza kururama panyika; zviwi zvichamirira murayiro wake.”—Isaya 42:1-4.
4. “Musanangurwa” akafanotaurwa ndiani, uye tinozviziva sei?
4 Muranda anorehwa pano ndiani? Hatisiyiwi tichiita zvokufungidzira. Tinowana mashoko aya akadzokororwa muEvhangeri yaMateu achishandisirwa kuna Jesu Kristu. (Mateu 12:15-21) Jesu ndiye Muranda anodiwa, “musanangurwa.” Jehovha akaisa mudzimu wake pana Jesu rini? Muna 29 C.E., panguva yokubhabhatidzwa kwaJesu. Chinyorwa chakafuridzirwa chinorondedzera kubhabhatidzwa ikoko uye chinoti Jesu abuda mumvura, “denga rakazaruka uye mudzimu mutsvene uri mumuviri wakaita senjiva wakaburukira paari, uye inzwi rakabva kudenga richiti: ‘Ndiwe Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakutendera.’” Munzira iyi Jehovha pachake akaratidza aiva Muranda wake anodiwa. Ushumiri hwaJesu hwakazotevera nemabasa ezvishamiso aakaita zvakaratidza kuti mudzimu waJehovha zvechokwadi wakanga uri paari.—Ruka 3:21, 22; 4:14-21; Mateu 3:16, 17.
‘Uchaunzira Marudzi Kururamisirwa’
5. Nei kunyatsojekeswa kweruramisiro kwaidiwa muzana remakore rokutanga C.E.?
5 Musanangurwa waJehovha aizo“unzira,” kana kuti aizoratidza pachena, kururamisira kwechokwadi. “Achaburitsa pachena kumarudzi kuti ruramisiro chii.” (Mateu 12:18) Izvi zvaidikanwa sei muzana remakore rokutanga C.E.! Vatungamiriri vechitendero vechiJudha vakadzidzisa maonero akamonyana eruramisiro nokururama. Vakatsvaka kuwana kururama nokutevera mitemo yakaoma—mizhinji yokuzvigadzirira. Ruramisiro yavo yomutemo yakanga isina ngoni netsitsi.
6. Jesu akaita kuti ruramisiro yechokwadi izivikanwe munzirai?
6 Kusiyana neizvi Jesu akaratidza maonero aMwari ruramisiro. Nezvaakadzidzisa uye nemararamire aakaita, Jesu akaratidza kuti ruramisiro yechokwadi ine tsitsi nengoni. Imbofunga nezveMharidzo yake yepaGomo yakakurumbira. (Mateu, zvitsauko 5-7) Kutsanangurwa kwounyanzvi kwakadini kwenzira iyo ruramisiro nokururama zvinofanira kuitwa nayo! Patinoverenga nhoroondo dzeEvhangeri, hatifadzwi here netsitsi dzaJesu kuvarombo nevakadzvinyirirwa? (Mateu 20:34; Mako 1:41; 6:34; Ruka 7:13) Akaendesa shoko rake rinonyaradza kuvazhinji vakanga vakaita setsanga yakapwanyika, vakarashwa. Vakanga vakaita somwenje unopfungaira, kasasaradzi kokupedzisira koupenyu kakanga koda kutodzima. Jesu haana kuvhuna “rutsanga rwakapwanyika” kana kudzima “mwenje unopfungaira.” Asi mashoko ake orudo netsitsi nezviito zvakamutsiridza mwoyo yevanyoro.—Mateu 11:28-30.
7. Nei uprofita hwaigona kuti Jesu ‘aisazodanidzira kana kusimudzira inzwi rake mumugwagwa’?
7 Zvisinei, nei uprofita huchiti Jesu ‘aisazodanidzira kana kusimudzira inzwi rake, uye aisazoita kuti inzwi rake rinzwiwe mumugwagwa’? Nemhaka yokuti haana kuzvishambadzira, sezvaiita vazhinji muzuva rake. (Mateu 6:5) Paakanga achiporesa aiva nemaperembudzi, akaudza murume wacho aive aporeswa kuti: “Ona kuti hapana munhu waunoudza chinhu.” (Mako 1:40-44) Pane kutsvaka mukurumbira nokuita kuti vanhu vasvike pakugumisa nezvavanonzwa nevanhu, Jesu aida kuti vazvionere voga nemhaka youchapupu hwakasimba kuti akanga ari Kristu, Muranda akazodzwa waJehovha.
8. (a) Jesu akaunzira sei “vanhu kururamisirwa”? (b) Muenzaniso waJesu womuSamariya aiva noushamwari unotidzidzisei nezveruramisiro?
8 Muranda Akasanangurwa aizounzira “vanhu kururamisirwa.” Izvi Jesu akazviita. Kunze kwokusimbisa kuva netsitsi kweruramisiro yaMwari, Jesu akadzidzisa kuti inofanira kusanganisira vanhu vose. Pane imwe nguva Jesu akayeuchidza mumwe murume aiziva Mutemo zvikuru kuti aifanira kuda Mwari nomuvakidzani wake. Murume wacho akabvunza Jesu kuti: “Chaizvoizvo muvakidzani wangu ndiani?” Pamwe aitarisira Jesu kupindura kuti: “MuJudha sewe.” Asi Jesu akataura mufananidzo womuSamariya ane ushamwari. Mumufananidzo wacho muSamariya akabatsira murume akawirwa nemakororo, apo muRevhi nomupristi vakanga varamba kubatsira. Aibvunza wacho aitofanira kubvuma kuti pachiitiko ichi muSamariya aishorwa ndiye akanga ari muvakidzani, kwete muRevhi kana kuti mupristi. Jesu akagumisa mufananidzo wake nezano rokuti: “Enda unoita izvozvo iwewe.”—Ruka 10:25-37; Revhitiko 19:18.
“Iye Haangapfungairi Kana Kupwanyiwa”
9. Kunzwisisa zvakaita ruramisiro yechokwadi kuchaita kuti tiitei?
9 Sezvo Jesu akajekesa zvakaita ruramisiro yechokwadi, vadzidzi vake vakadzidza kuratidza unhu uhwu. Ndizvozvo nesuwo. Chokutanga, tinofanira kubvuma nheyo dzaMwari dzezvakanaka nezvakaipa, sezvo ane kodzero yokusarudza kururamisira uye zvakarurama. Sezvatinoedza kuita zvinhu sezvinoda Jehovha, mufambiro wedu wakarurama uchataura zvakawanda nezvokuti ruramisiro yechokwadi chii.—1 Petro 2:12.
10. Nei kuratidza ruramisiro kuchisanganisira kuitawo basa rokuparidza nokudzidzisa?
10 Tinoratidzawo ruramisiro yechokwadi patinoita basa rokuparidza nokudzidzisa nokushingaira. Jehovha akagovera zivo yakawanda chaizvo inoponesa upenyu pamusoro pake, Mwanakomana wake, uye zvinangwa zvake. (Johani 17:3) Zvaisazova zvakarurama kana kururamisira kuzvichengetera zivo iyoyo. “Munhu, wakafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita,” anodaro Soromoni. (Zvirevo 3:27) Ngatigovane nemwoyo wose zvatinoziva nezvaMwari nevanhu vose, pasinei nedzinza ravo, rudzi, kana kuti nyika yavanobva.—Mabasa 10:34, 35.
11. Tichitevedzera Jesu, tinofanira kubata sei vamwe?
11 Uyezve, muKristu chaiyeiye anobata vamwe sezvaiita Jesu. Vazhinji nhasi vanotarisana nezvinetso zvinoodza mwoyo uye vanoda kunzwirwa tsitsi nokukurudzirwa. Kunyange vamwe vaKristu vakazvitsaurira vanooneswa nhamo nemamiriro ezvinhu zvokuti vanosvika pakuita setsanga dzakapwanyika kana kuti mwenje inopfungaira. Havadi kutsigirwa nesu here? (Ruka 22:32; Mabasa 11:23) Zvinozorodza sei kuva mumwe wesangano revaKristu vechokwadi, vanoedza kutevedzera Jesu mukuita ruramisiro!
12. Nei tingava nechivimbo chokuti ruramisiro nokuda kwavose ichavapo zvechokwadi nokukurumidza?
12 Kuchazombova nokururamisira nokuda kwavose here? Hungu, zvechokwadi. Musanangurwa waJehovha “haangapfungairi kana kupwanyiwa, kusvikira agadza kururama panyika.” Nokukurumidza Mambo akagadzwa, Kristu Jesu akamutswa, acha‘tsiva avo vasingazivi Mwari.’ (2 VaTesaronika 1:6-9; Zvakazarurwa 16:14-16) Kutonga kwevanhu kuchatsiviwa noUmambo hwaMwari. Ruramisiro nokururama zvichawanda. (Zvirevo 2:21, 22; Isaya 11:3-5; Dhanieri 2:44; 2 Petro 3:13) Nechido chikuru, vashumiri vaJehovha kwose kwose—kunyange vari kunzvimbo dziri kwadzo dzoga, “zviwi”—vanomirira zuva iroro.
‘Ndichamupa Sechiedza Chamarudzi’
13. Jehovha anoprofita chii nezvoMuranda wake Akasanangurwa?
13 Isaya anoenderera mberi achiti: “Zvanzi naMwari Jehovha, iye wakasika denga rose, akaritatamura, iye wakatambanudza nyika nezvinobvamo, iye unopa vanhu varimo kufema, navanofambapo mweya wavo.” (Isaya 42:5) Kurondedzerwa kwaJehovha Musiki kune simba zvakadini! Chiyeuchidzo ichi chesimba raJehovha chinopa simba guru kune zvaanotaura. Jehovha anoti: “Ini Jehovha ndakudana nokururama, ndichabata ruoko rwako, ndichakuchengeta, ndikuite sungano yavanhu, uve chiedza chamarudzi; usvinudze meso asingaoni, ubudise vasungwa patorongo, navagere murima paimba yokusungwa.”—Isaya 42:6, 7.
14. (a) Kubata kwaJehovha ruoko rwoMuranda wake waanotendera kunorevei? (b) Muranda Akasanangurwa anoita basa rei?
14 Musiki Mukuru wezvinhu zvose, Mupi noMutsigiri woupenyu, anobata ruoko rwoMuranda wake Akasanangurwa uye anovimbisa kutsigira zvizere nguva dzose. Izvozvo zvinokurudzira sei! Uyezve, Jehovha anoramba akamuchengeta kuitira kuti amupe kuti ave “sungano yevanhu.” Sungano chibvumirano, chitsidzo, vimbiso yakasimba. Murayiro wechokwadi. Hungu, Jehovha akaita kuti Muranda wake ave “rubato rwevanhu.”—An American Translation.
15, 16. Jesu akashanda se“chiedza chamarudzi” munzirai?
15 Se“chiedza chamarudzi,” Muranda akapikirwa wacho achavhura “meso asingaoni” osunungura “vagere murima.” Izvi Jesu akazviita. Nokupupurira chokwadi, Jesu akarumbidza zita raBaba vake vokudenga. (Johani 17:4, 6) Akafumura nhema dzechitendero, akaparidza mashoko akanaka oUmambo, ndokuzarura suo rorusununguko rwomudzimu kuvaiva muusungwa hwechitendero. (Mateu 15:3-9; Ruka 4:43; Johani 18:37) Akanyevera nezvokuita mabasa erima ndokufumura Satani sa“baba venhema” uye “mutongi wenyika ino.”—Johani 3:19-21; 8:44; 16:11.
16 Jesu akati: “Ndini chiedza chenyika.” (Johani 8:12) Akaratidza kuva akadaro munzira inoshamisa paakapira upenyu hwake ari munhu akakwana sorudzikinuro. Nokudaro akavhurira nzira vaya vanoratidza kutenda kuti vakanganwirwe zvivi, vave noukama hunotenderwa naMwari, netarisiro youpenyu husingaperi. (Mateu 20:28; Johani 3:16) Nokuchengeta kuzvipira kuna Mwari kwakakwana muupenyu hwake hwose, Jesu akatsigira uchangamire hwaJehovha, akaratidza kuti Dhiyabhorosi murevi wenhema. Jesu zvechokwadi akaita kuti mapofu aonezve uye akasunungura vakanga vari mujeri rerima romudzimu.
17. Tinoshanda sevatakuri vechiedza munzirai?
17 MuMharidzo yepaGomo, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Imi muri chiedza chenyika.” (Mateu 5:14) Isu hatisiwo here vatakuri vechiedza? Nenzira yedu youpenyu uye nebasa redu rokuparidza, tine ropafadzo yokutungamirira vamwe kuna Jehovha, Panobva kuvhenekerwa kwechokwadi. Tichitevedzera Jesu, tinoita kuti zita raJehovha rizivikanwe, tinotsigira uchangamire Hwake, nokuzivisa Umambo Hwake setariro bedzi yevanhu. Uyezve, sevatakuri vechiedza tinofumura nhema dzechitendero, tinonyevera nezvemabasa asina kuchena erima, uye tinofumura Satani, akaipa.—Mabasa 1:8; 1 Johani 5:19.
“Imbirai Jehovha Rwiyo Rutsva”
18. Jehovha anoita kuti vanhu vake vazivei?
18 Zvino Jehovha anotarira kuvanhu vake achiti: “Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa. Tarirai, zvinhu zvakare zvaitika, ndinoparidza zvinhu zvitsva; ndinokuudzai izvozvo zvisati zvabukira.” (Isaya 42:8, 9) Uprofita nezvo“muranda wangu” hwakataurwa, kwete nomumwe wevanamwari vasina basa, asi naMwari mupenyu mumwe bedzi wechokwadi. Hwaitozoitika chete, uye hwakaitika. Jehovha Mwari zvechokwadi ndiye Muvambi wezvinhu zvitsva, uye anoita kuti vanhu vake vazvizive zvisati zvaitika. Tinofanira kuitei?
19, 20. (a) Rwiyo rupi runofanira kuimbwa? (b) Ndivanaani nhasi vari kuimba rwiyo rwokurumbidza Jehovha?
19 Isaya anonyora kuti: “Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubvira pamigumo yenyika; imi, munoburukira kugungwa, nezvose zviri mukati maro, zviwi navagere pazviri. Renje namaguta aro ngazvidanidzire, nemisha inogarwa naKedhari; vagere mumatombo ngavaimbe, ngavadanidzire vari pamusoro pamakomo. Ngavakudze Jehovha, vaparidzire pazviwi kurumbidzwa kwake.”—Isaya 42:10-12.
20 Vagari vemaguta, vemisha iri murenje, vezviwi, kunyange ve“Kedhari,” kana kuti misasa iri murenje—vanhu kwose kwose—vanokurudzirwa kuimba rwiyo rwokurumbidza Jehovha. Zvinofadza sei kuti muzuva redu mamiriyoni akabvuma chikumbiro chouprofita ichi! Vakagamuchira chokwadi cheShoko raMwari uye vakaita Jehovha Mwari wavo. Vanhu vaJehovha vari kuimba rwiyo rutsva urwu—vachipa mbiri kuna Jehovha—munyika dzinopfuura 230. Zvinofadza sei kuimba korasi iyi yetsika, mitauro uye marudzi akawanda!
21. Nei vavengi vevanhu vaMwari vasingagoni kubudirira kunyaradza rwiyo rwokurumbidza Jehovha?
21 Vashori vangagona kumirisana naMwari ndokunyaradza rwiyo rwokurumbidza urwu here? Hazvibviri! “Jehovha uchabuda semhare, uchamutsa kushingaira somunhu wokurwa; uchadana, zvirokwazvo, uchadanidzira, ucharwa navavengi vake nesimba.” (Isaya 42:13) Isimba ripi ringamirisana naJehovha? Makore anenge 3 500 akapfuura, muprofita Mosesi nevanakomana vaIsraeri vakaimba kuti: “Jehovha munhu wokurwa; Jehovha ndiro zita rake. Wakakandira ngoro dzaFarao nehondo yake mugungwa; varwi vake vakasanangurwa vakanyudzwa muGungwa Dzvuku.” (Eksodho 15:3, 4) Jehovha akakurira uto rehondo raive nesimba kupfuura ose panguva iyoyo. Hapana muvengi wevanhu vaMwari anogona kubudirira Jehovha paanobuda somurwi ane simba.
“Ndakanyarara Nguva Refu”
22, 23. Nei Jehovha ‘achinyarara kwenguva refu’?
22 Jehovha haasaruri uye anoruramisira, kunyange paakatonga vavengi vake. Anoti: “Ndakanyarara nguva refu, ndakaramba ndinyerere, ndikazvidzora; zvino ndichachema somukadzi wopona, ndichafemedzeka nokutakwaira pamwe chete. Ndichaparadza makomo nezvikomo, nokuomesa zvose zvinomerapo; nzizi ndichadziita zviwi, namadziva ndichaapwisa.”—Isaya 42:14, 15.
23 Asati aita chiito chokutonga, Jehovha anobvumira kuti papfuure nguva kuitira kuti ape vatadzi mukana wokutendeuka panzira dzavo dzakaipa. (Jeremia 18:7-10; 2 Petro 3:9) Funga zvakaitika kuvaBhabhironi, avo sesimba renyika raidzora, vakaparadza Jerusarema mugore ra607 B.C.E. Jehovha anobvumira izvi kuitira kuti arange vaIsraeri nokuda kwokusatendeka kwavo. Zvisinei, vaBhabhironi vanokundikana kuona basa ravari kuita. Vanobata vanhu vaMwari noutsinye kupfuura zvinodiwa nokutonga kwaMwari. (Isaya 47:6, 7; Zekaria 1:15) Zvinofanira kurwadza Mwari wechokwadi sei kuona vanhu vake vachitambura! Asi hapana zvaanoita kusvika panguva yake. Ipapo anorwadziwa—somukadzi ari kubereka—kuti asunungure vanhu vake vesungano ovabudisa sorudzi rwakazvimirira. Kuti aite izvi, muna 539 B.C.E., anoomesa nokuparadza Bhabhironi nezvakaridzivirira.
24. Jehovha anozarurira vanhu vake vaIsraeri tarisiro yei?
24 Vanhu vaMwari vanofanira kufara sei, pashure pemakore akawanda kudaro vari nhapwa, nzira yokumusha painovazarukira pakupedzisira! (2 Makoronike 36:22, 23) Vanofanira kufara kuona kuzadzika kwechipikirwa chaJehovha chokuti: “Mapofu ndichaafambisa nenzira yaasingazivi, pamakwara aasingazivi ndichaatungamirira; rima ndichariita chiedza pamberi pavo, nezvakakombama ndichazviruramisa. Zvinhu izvi ndichazviita, handingavasiyi.”—Isaya 42:16.
25. (a) Vanhu vaJehovha vanogona kuva nechokwadi nezvechii nhasi? (b) Tinofanira kutsunga kuitei?
25 Mashoko aya anoshanda sei nhasi? Kwenguva yakareba zvino—kwemazana emakore—Jehovha akarega marudzi achiita zvaanoda. Zvisinei, nguva yake yakagadzwa yokugadzirisa zvinhu yava pedyo. Munguva dzazvino akamutsa vanhu vokuti vapupurire zita rake. Achidzivirira kushora kupi nokupi kwavangaitwa, akavagadzirira nzira kuti vamunamate “mumudzimu nechokwadi.” (Johani 4:24) Akapikira kuti: “Handingavasiyi,” uye akaita sezvaakataura. Zvakadini neavo vanoomerera pakunamata vanamwari venhema? Jehovha anoti: “Vanovimba nemifananidzo yakavezwa, vanoti kumifananidzo yakaumbwa: Imi muri vamwari vedu, ivo vachadzoserwa shure, vachanyadziswa kwazvo.” (Isaya 42:17) Zvinokosha sei kuti tirambe takatendeka kuna Jehovha, sezvakaita Musanangurwa Wake!
‘Muranda Matsi uye Bofu’
26, 27. Israeri anoratidza sei kuva ‘muranda matsi uye bofu,’ uye zvichiguma nei?
26 Muranda Akasanangurwa waMwari, Jesu Kristu, akaramba akatendeka kusvikira pakufa. Zvisinei, vanhu vaJehovha, Israeri, vanoratidza kuva muranda asina kutendeka, matsi uye bofu mupfungwa yomudzimu. Achitaura navo, Jehovha anoti: “Inzwai, imi matsi; tarirai, imi mapofu, muone. Ndianiko bofu, haazi iye muranda wangu here? Ndiani matsi, senhume yangu yandinotuma? Ndiani bofu, saiye unodikanwa neni, nebofu somuranda waJehovha? Unoona zvinhu zvizhinji, asi haucherekedzi; nzeve dzake dzakadziuka, asi haanzwi. Zvakafadza Jehovha, nokuda kwokururama kwake, kukudza murayiro nokuurumbidza.”—Isaya 42:18-21.
27 Israeri akundikana zvinosuruvarisa sei! Vanhu vake vanoramba vachingotsaukira mukunamata vanamwari vemadhimoni vemarudzi. Jehovha anoramba achitumira nhume dzake, asi vanhu vake havateereri. (2 Makoronike 36:14-16) Isaya anofanotaura zvichaitika achiti: “Asi ava ndavanhu vakatorerwa nokupambarwa; vose vakateyiwa mumakomba, vakavanzwa mudzimba dzokusungwa; vava chinhu chakatapwa, hakuna unovarwira, chinhu chakapambwa, hakuna unoti: Dzosa! Ndianiko pakati penyu ucharerekera nzeve dzake kune chinhu ichi? Uchateerera nokunzwa panguva inouya? Ndianiko wakarega Jakobho apambwe, naIsraeri awirwe namakororo? Haazi Jehovha here? Iye watakatadzira, wavakaramba kufamba nenzira dzake, wavakaramba kuteerera murayiro wake. Naizvozvo wakadurura pamusoro pake kutsamwa kwake kukuru, nesimba rokurwa; zvikamupisira kumativi ose, asingazvizivi; zvakamupisa, asi wakanga asina hanya nazvo.”—Isaya 42:22-25.
28. (a) Tingadzidzei mumuenzaniso wevagari venyika yeJudha? (b) Tingatsvaka sei kutenderwa naJehovha?
28 Nemhaka yokusatendeka kwevagari vayo, Jehovha anobvumira nyika yeJudha kuparadzwa nokukoromorwa muna 607 B.C.E. VaBhabhironi vanopisa temberi yaJehovha, vanoparadza Jerusarema, votora vaJudha senhapwa. (2 Makoronike 36:17-21) Ngatiisei mumwoyo muenzaniso unonyevera uyu torega kumbofa takaisa zvimiti munzeve pakunzwa mirayiridzo yaJehovha kana kuti kuvhara maziso kuti tisaona Shoko rake rakanyorwa. Pane kudaro, ngatitsvakei kutendera kwaJehovha nokutevedzera Kristu Jesu, Muranda uyo Jehovha pachake akatendera. Kufanana naJesu, ngatiitei kuti ruramisiro yechokwadi izivikanwe nezvatinotaura nokuita. Munzira iyi, ticharamba tiri pakati pevanhu vaJehovha, vari vatakuri vechiedza vanorumbidza Mwari wechokwadi nokumupa mbiri.
[Mifananidzo iri papeji 33]
Ruramisiro yechokwadi ine tsitsi nengoni
[Mufananidzo uri papeji 34]
Mumufananidzo womuSamariya ane ushamwari, Jesu akaratidza kuti ruramisiro yechokwadi inosanganisira vanhu vose
[Mifananidzo iri papeji 36]
Nokuva vanokurudzira nomutsa, tinoratidza ruramisiro yaMwari
[Mifananidzo iri papeji 39]
Nebasa redu rokuparidza, tinoratidza ruramisiro yaMwari
[Mufananidzo uri papeji 40]
Muranda akatenderwa akapiwa se“chiedza chemarudzi”