Chitsauko 24
Jehovha Anozviitira Zita Rakanaka
1, 2. (a) VaKristu pachavo vanofarira “zuva raJehovha” nemhaka yechii? (b) Inhau ipi inokosha inobatanidzwa nokuuya kwezuva raJehovha?
KWEMAKORE anoda kusvika 2 000, vaKristu vave va“chimirira uye [va]chiramba [va]chinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha.” (2 Petro 3:12; Tito 2:13) Zvinonzwisisika kuti vanoda kwazvo kuti zuva iroro riuye. Pamusoro pazvo, ndiro richava chiratidzo chemavambo okusunungurwa kwavo pakuparadza kwokusakwana. (VaRoma 8:22) Richarevawo kuguma kwokutambura nokudzvinyirira kwe‘nguva dzino dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.’—2 Timoti 3:1.
2 Zvisinei, kunyange zvazvo zuva raJehovha richauya nokusunungurwa kwevakarurama, richarevawo kuparadzwa kwe“vasingazivi Mwari uye vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.” (2 VaTesaronika 1:7, 8) Kufunga nezvazvo kunopengenutsa. Mwari achaparadza vakaipa zvechokwadi here kungoti anunure vanhu vake pamamiriro ezvinhu anotambudza? Chitsauko 63 chaIsaya chinoratidza kuti imwe nhau yakatokura kwazvo kupfuura ipapo inobatanidzwa, yokutsveneswa kwezita raMwari.
Kufora Kwomurwi Anokunda
3, 4. (a) Uprofita hwaIsaya chitsauko 63 hunotaurwa zvaita sei? (b) Isaya anoona ani achifamba achienda kuJerusarema, uye dzimwe nyanzvi dzakati iyeye ndiani?
3 Muchitsauko 62 chaIsaya, taverenga nezvokusunungurwa kwevaJudha pakutapwa muBhabhironi nokudzorerwa kwavo kunyika yokumusha kwavo. Mubvunzo unongomuka woga wokuti: VaJudha vasara vadzorerwa vanofanira kutya kuparadzwazve nemamwe marudzi anovavenga here? Zvakaratidzwa Isaya zvinobatsira kwazvo kuderedza kutya kwavo. Uprofita hwacho hunotanga huchiti: “Ndianiko uyu unobva Edhomi, unobva Bhozra ane nguo dzakatsvuka kwazvo? Ndiani uyo wakafuka zvinobwinya, unofamba noukuru hwesimba rake?”—Isaya 63:1a.
4 Isaya anoona murwi, ane simba uye anokurira, achifamba akananga Jerusarema. Nguo dzake dzinobwinya dzinoratidza kuti ane chinzvimbo chepamusoro-soro. Anobva nokuBhozra, guta reEdhomi rakakurumbira zvikuru, zvichiratidza kuti akunda hondo huru munyika yomuvengi iyoyo. Murwi uyu angava ani? Dzimwe nyanzvi dzinomuti ndiJesu Kristu. Vamwe vanofunga kuti mutungamiriri wehondo wechiJudha Judas Maccabaeus. Zvisinei, murwi wacho pachake anozvitaura paanopindura mubvunzo uri pamusoro apa nokuti: “Ndini ndinotaura nokururama, ndine simba rokuponesa.”—Isaya 63:1b.
5. Murwi anoonekwa naIsaya ndiani, uye nei uchipindura kudaro?
5 Hapana mubvunzo kuti murwi uyu ndiJehovha Mwari pachake. Pane dzimwe nzvimbo, anorondedzerwa seane “ukuru hwesimba” uye sea“notaura zvakarurama.” (Isaya 40:26; 45:19, 23) Nguo dzomurwi wacho dzinopenya dzinotiyeuchidza nezvemashoko omunyori wepisarema okuti: “Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makafukidzwa nokukudzwa noumambo.” (Pisarema 104:1) Kunyange zvazvo Jehovha ari Mwari worudo, Bhaibheri rinoratidza kuti kana zvichidiwa, anopfeka nguo yomurwi.—Isaya 34:2; 1 Johani 4:16.
6. Nei Jehovha ari kudzoka kubva kuhondo muEdhomi?
6 Zvisinei, nei Jehovha ari kudzoka kubva kuhondo kuEdhomi? VaEdhomi, vakuchidziri voruvengo rwakatanga natateguru wavo, Esau, vagara vari vavengi vevanhu vaMwari vesungano kwenguva refu. (Genesi 25:24-34; Numeri 20:14-21) Kudzika kworuvengo rweEdhomi nokuda kwenyika yeJudha kwakanyanya kuva pachena pakuparadzwa kweJerusarema apo vaEdhomi vaikuzirira varwi veBhabhironi. (Pisarema 137:7) Jehovha anoona ruvengo rwakadaro sokukanganisirwa kwake iye pachake. Ndosaka achironga kuvhomora munondo wake wokutsiva Edhomi!—Isaya 34:5-15; Jeremia 49:7-22.
7. (a) Uprofita pamusoro peEdhomi hwazadzika sei pakutanga? (b) Edhomi inomirirei?
7 Naizvozvo zvakaratidzwa Isaya zvinokurudzira zvikuru kuvaJudha vari kudzokera kuJerusarema. Zvinovavimbisa kuti vachagara vakachengeteka mumusha wavo mutsva. Zvechokwadi mumazuva omuprofita Maraki, Mwari akaita “makomo [eEdhomi] matongo, [a]kapa makava amarenje nhaka yake.” (Maraki 1:3) Saka izvi zvinoreva here kuti uprofita hwaIsaya hwakazadzika zvakakwana muzuva raMaraki? Aiwa, nokuti pasinei nokuva matongo kwayo, Edhomi yakanga yakatsunga kuti ivakezve matongo ayo akaparadzwa, uye Maraki akaenderera mberi achidana Edhomi kuti “nyika yezvakaipa” uye “vanhu vakatsamwirwa naJehovha nokusingaperi.”a (Maraki 1:4, 5) Zvisinei, nenzira youprofita, Edhomi haingorevi vedzinza raEsau chete. Inoshanda sechiratidzo chemarudzi ose anozviratidza kuva vavengi vevanamati vaJehovha. Nyika dzechiKristudhomu ndidzo dzave dzichinyanya kutungamirira panhau iyi. Chii chichaitika kuEdhomi yomuzuva ranhasi iyi?
Chisviniro Chewaini
8, 9. (a) Murwi anoonekwa naIsaya anga achiita basa rei? (b) Kutsikwa kwechisviniro chewaini chokufananidzira kunoitwa rini uye sei?
8 Isaya anobvunza murwi ari kudzoka kuti: “Ko nguo yenyu yakatsvuka nei? Zvokufuka zvenyu zvakafanana nezvomunhu unotsika muchisviniro chewaini neiko? Ini ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kwakanga kusina munhu wamarudzi avanhu waiva neni; zvirokwazvo, ndakavatsika pakutsamwa kwangu, ndakavapwanya pahasha dzangu, ropa roupenyu hwavo rikatsatikira panguo dzangu, ndikasvibisa zvokufuka zvangu zvose.”—Isaya 63:2, 3.
9 Mashoko akajeka aya anorondedzera kuteurwa kweropa. Chokwadi, kunyange nguo dzaMwari dzinobwinya dzine madonhwe, kufanana nenguo dzomunhu anotsika chisviniro chewaini! Chisviniro chewaini mufananidzo wakakodzera wokuva parumananzombe apo vavengi vaJehovha Mwari vanongoerekana vave paanoenda kunovaparadza. Chisviniro chewaini chokufananidzira ichi chichatsikwa rini? Uprofita hwaJoere nohwomuapostora Johani hunotaurawo nezvechisviniro chewaini chokufananidzira. Chisviniro chewaini chouprofita ihwohwo chichatsikwa apo Jehovha anotsika vavengi vake achivaparadza paAmagedhoni. (Joere 3:13; Zvakazarurwa 14:18-20; 16:16) Chisviniro chewaini chinotaurwa muuprofita hwaIsaya ndechenguva iyoyo.
10. Nei Jehovha achiti akatsika chisviniro chewaini oga?
10 Zvisinei, nei Jehovha achiti akatsika chisviniro chewaini ichi oga, pasina munhu aiva naye kubva kumarudzi? Jesu Kristu somumiririri waMwari, haasi iye here achatungamirira pakutsika chisviniro chewaini ichi? (Zvakazarurwa 19:11-16) Hungu, nokuti Jehovha ari kutaura nezvevanhu, kwete zvisikwa zvomudzimu. Ari kuti hapana munhu anokwanisa kubvisa vateveri vaSatani panyika. (Isaya 59:15, 16) Zvinosiyirwa kuna Mwari Wemasimba Ose kuti arambe achivatsika nehasha dzake, kusvikira vakuyiwa zvachose.
11. (a) Nei Jehovha achiunza “zuva rokutsiva”? (b) “Vakadzikinurwa” munguva dzekare vaiva vanaani uye ndivanaani munguva dzazvino?
11 Jehovha anowedzera kutsanangura kuti nei achiita basa racho iye pachake, achiti: “Nokuti ndakafunga zuva rokutsiva mumwoyo mangu; gore ravakadzikinurwa vangu rasvika.” (Isaya 63:4)b Jehovha bedzi ndiye ane kodzero yokutsiva ava vanokuvadza vanhu vake. (Dheuteronomio 32:35) Munguva dzekare “vakadzikinurwa” ndivo vaJudha vakatambudzwa nevaBhabhironi. (Isaya 35:10; 43:1; 48:20) Munguva dzazvino vakazodzwa ndivo vasara. (Zvakazarurwa 12:17) Kufanana nevakavafananidzira vekare, vakadzikinurwa pakusungwa kwechitendero. Uye kufanana nevaJudha ivavo, vakazodzwa, pamwe neshamwari dzavo dze“mamwe makwai,” vakatambudzwa nokushorwa. (Johani 10:16) Saka uprofita hwaIsaya hunovimbisa vaKristu nhasi kuti panguva yaMwari yakatemwa, Achapindira akavamiririra.
12, 13. (a) Munzirai umo kusina anobatsira Jehovha? (b) Ruoko rwaJehovha runopa ruponeso sei, uye hasha dzake dzinomutsigira sei?
12 Jehovha anoenderera mberi achiti: “Ndikatarira, ndikashayiwa unobatsira, ndikashamiswa nokuti kwakanga kusina unotsigira; naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso, kutsamwa kwangu ndiko kwakanditsigira. Ndikatsika-tsika marudzi avanhu pakutsamwa kwangu, ndikavapengesa nedoro rokutsamwa kwangu, ndikadurura ropa roupenyu hwavo pasi.”—Isaya 63:5, 6.
13 Hapana munhu anobatsira angati anoda kupiwa mbiri nokuda kwezuva guru rokutsiva raJehovha. Uyewo Jehovha haadi kubatsirwa nomunhu kuti aite kuda kwake.c Ruoko rwake rune simba risingayereki rwakakwanira basa racho. (Pisarema 44:3; 98:1; Jeremia 27:5) Uyezve hasha dzake dzinomutsigira. Sei? Mukuti hasha dzaMwari hakusi kunzwa kusingadzoreki, asi kutsamwa kwakarurama. Sezvo Jehovha achiita chiito nemhaka yenheyo dzakarurama nguva dzose, hasha dzake dzinomutsigira nokumukurudzira ku“putsira pasi” “ropa” revavengi vake, kuti vanyadziswe nokukundwa.—Pisarema 75:8; Isaya 25:10; 26:5.
Mutsa Worudo waMwari
14. Zviyeuchidzoi zvakakodzera izvo Isaya anopa zvino?
14 Munguva dzakapfuura, vaJudha vakakurumidza kukanganwa kuonga zvinhu izvo Jehovha akavaitira. Saka nenzira yakakodzera, Isaya anovayeuchidza kuti nei Jehovha akaita zvinhu zvakadaro. Isaya anozivisa kuti: “Ndicharumbidza unyoro hwaJehovha namabasa aJehovha anofanira kurumbidzwa, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha nezvakanaka zvizhinji kuimba yaIsraeri, zvaakavaitira nokuda kwenyasha dzake, uye nokuda kwounyoro hwake. Nokuti wakati: Zvirokwazvo, ndivo vanhu vangu, vana vasingazoiti nokunyengera; naizvozvo wakava Muponesi wavo. Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo wakanga achitambudzika, mutumwa, wakavazivisa chiso chake, wakavaponesa; wakavadzikinura norudo rwake netsitsi dzake, akavasimudza nokuvatakura mazuva ose akare.”—Isaya 63:7-9.
15. Jehovha akaratidza mutsa worudo kuvana vaAbrahamu muIjipiti sei uye rini?
15 Muenzaniso unoshamisa sei uyo Jehovha anopa mukuratidza mutsa worudo, kana kuti rudo rwakavimbika! (Pisarema 36:7; 62:12) Jehovha akazvibatanidza naAbrahamu norudo. (Mika 7:20) Akavimbisa mukuru wemhuri uyu kuti nembeu yake, kana kuti mwana, marudzi ose epasi aizozvikomborera. (Genesi 22:17, 18) Jehovha akaomerera kuchipikirwa ichocho, achiratidza runako rukuru kuimba yaIsraeri. Chikuru pakati pemabasa ake okuvimbika kwakanga kuri kununura kwake vazukuru vaAbrahamu kubva muuranda muIjipiti.—Eksodho 14:30.
16. (a) Jehovha aiva nepfungwa ipi paakaita sungano norudzi rwaIsraeri? (b) Mwari anobata sei nevanhu vake?
16 Pashure poKubuda muIjipiti, Jehovha akaunza vaIsraeri paGomo reSinai ndokuita chipikirwa ichi: “Naizvozvo zvino kana mukateerera inzwi rangu nomwoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava pfuma yangu chaiyo . . . muchava kwandiri ushe hwavaprista, norudzi rutsvene.” (Eksodho 19:5, 6) Jehovha akanga ari kunyengera here nokuvimbisa izvi? Aiwa, nokuti Isaya anoratidza kuti Jehovha akati mumwoyo make: “Zvirokwazvo, ndivo vanhu vangu, vana vasingazoiti nokunyengera.” Imwe nyanzvi inoti: “Kuti ‘zvirokwazvo’ hausi murayiro wachangamire kana kuti wokufanoziva: itariro nechivimbo zvorudo.” Hungu, Jehovha akaita sungano yake nevavariro yakanaka, achida zvechokwadi kuti vanhu vake vabudirire. Pasinei nokukundikana kwavo kuri pachena, akaratidza kuvimba navo. Zvakazonaka kunamata Mwari anovimba nevanamati vake zvakadaro! Vakuru nhasi vanoita zvakawanda kusimbisa vavanotarisira pavanoratidza chivimbo chakadaro parunako ruduku rwevanhu vaMwari.—2 VaTesaronika 3:4; VaHebheru 6:9, 10.
17. (a) Jehovha akapa uchapupu hwei hwokuda kwake vaIsraeri? (b) Tinogona kuva nechivimbo chei nhasi?
17 Kunyange zvakadaro, munyori wepisarema anoti pamusoro pevaIsraeri: “Vakakanganwa Mwari muponesi wavo, wakaita zvinhu zvikuru pa[Ijipiti].” (Pisarema 106:21) Mafungiro avo okusateerera, nokuomesa mutsipa kazhinji akaguma nokuvapinza pakaoma. (Dheuteronomio 9:6) Jehovha akamira kuvaratidza mutsa worudo here? Aiwa, Isaya anotorondedzera kuti “pakutambudzika kwavo kwose naiyewo wakanga achitambudzika.” Jehovha ane tsitsi dzakadini! Sezvinongoita baba vose vane rudo, zvairwadza Mwari kuona vana vake vachitambura, kunyange apo kutambura kwacho kwaiparirwa noupenzi hwavo pachavo. Sezvakanga zvafanotaurwa uye souchapupu hworudo rwake, akatumira “mutumwa,” pamwe Jesu asati ava munhu, kuti avatungamirire kuenda kuNyika Yakapikirwa. (Eksodho 23:20) Nokudaro Jehovha akasimudza rudzi rwacho akarutakura, “somunhu unobereka mwana wake.” (Dheuteronomio 1:31; Pisarema 106:10) Nhasi tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha anozivawo kutambura kwedu uye kuti anofunga nezvedu patinenge tiri pakaoma. Tinogona nechivimbo ‘kukandira kufunganya kwedu kwose paari nemhaka yokuti ane hanya nesu.’—1 Petro 5:7.
Mwari Anova Muvengi
18. Nei Jehovha akasvika pakuva muvengi wevanhu vake?
18 Zvisinei hatifaniri kumboshandisa mutsa worudo waMwari zvisina kufanira. Isaya anoenderera mberi achiti: “Asi vakamumukira, nokuchemedza mweya wake mutsvene; naizvozvo wakashanduka akava muvengi wavo, akarwa navo amene.” (Isaya 63:10) Jehovha akanyevera kuti, kunyange zvazvo ari Mwari ane tsitsi nenyasha, haa“ngapembedzi munhu une mhosva.” (Eksodho 34:6, 7) VaIsraeri vanozviita vakakodzera kurangwa nokuva nomuitiro wokumukira. “Usakanganwa, kuti wakatsamwisa Jehovha Mwari wako sei murenje,” akavayeuchidza kudaro Mosesi. “Kubva pazuva rawakabuda naro panyika ye[Ijipiti] kudzamara wasvika kunzvimbo iyi, makaramba muchimukira Jehovha.” (Dheuteronomio 9:7) Nokuramba kushanda kwakanaka kwomudzimu waMwari, vaurwadzisa, kana kuti kuuchemedza. (VaEfeso 4:30) Vamanikidza Jehovha kuva muvengi wavo.—Revhitiko 26:17; Dheuteronomio 28:63.
19, 20. Zvinhu zvipi izvo vaJudha vanoyeuka, uye nei?
19 Vari pakati pokutambudzika, vamwe vaJudha zvinovaita kuti vamborangarira zvekare. Isaya anoti: “Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare, Mosesi navanhu vake, vakati: Uripiko iye wakavabudisa mugungwa pamwe chete nomufudzi weboka rake? Uripiko iye wakaisa Mweya wake mutsvene pakati pavo? Uripiko iye wakafambisa ruoko rwake runokudzwa parutivi rwaMosesi, wakaparadzanisa mvura zhinji pamberi pavo kuti azviwanire mukurumbira usingaperi? Uripiko iye wakavafambisa napakadzika, sebhiza murenje, vakasagumburwa? Mweya waJehovha wakavazorodza.”—Isaya 63:11-14a.d
20 Hungu, vachitambura migumisiro yokusateerera, vaJudha vanopanga mazuva apo Jehovha akanga ari Mununuri wavo pane kuva muvengi wavo. Vanoyeuka nzira iyo “vafudzi” vavo, Mosesi naAroni, vakavatungamirira vakachengeteka nomuGungwa Dzvuku. (Pisarema 77:20; Isaya 51:10) Vanoyeuka nguva apo, pane kurwadzisa mudzimu waMwari, vakatungamirirwa nawo nokutungamirira kwaMosesi nevamwe varume vakuru vakanga vakazodzwa nomudzimu. (Numeri 11:16, 17) Vakaonawo “ruoko” rwaJehovha “runokudzwa” uye rwesimba ruchishandiswa nokuda kwavo pachishandiswa Mosesi! Nokufamba kwenguva, Mwari akavabudisa murenje guru rinotyisa ndokuvatungamirira munyika inoyerera mukaka nouchi—nzvimbo yokuzorora. (Dheuteronomio 1:19; Joshua 5:6; 22:4) Zvisinei, iye zvino vaIsraeri vanotambura nemhaka yokuti vakarasikirwa noukama hwavo hwakanaka naMwari!
‘Kuzviitira Zita Rakanaka’
21. (a) Iropafadzo huru yei iyo Israeri angadai akava nayo pamusoro pezita raMwari? (b) Ndechipi chakanga chiri chikonzero chaMwari chikuru chokusunungura vazukuru vaAbrahamu muIjipiti?
21 Kunyange zvakadaro, kurasikirwa kwevaIsraeri hapana zviripo kana kuchienzaniswa nokurasikirwa neropafadzo yavakandira kure, kureva, yokuva nomukana wokurumbidza zita raMwari. Mosesi akavimbisa vaIsraeri kuti: “Jehovha uchakusimbisa, kuti uve rudzi rwake rutsvene, sezvaakakupikira; kana uchichengeta mirayiro yaJehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake. Vanhu vose venyika vachaona kuti iwe wakatumidzwa nezita raJehovha; vachakutya.” (Dheuteronomio 28:9, 10) Jehovha paakaita chiito achidzivirira vazukuru vaAbrahamu, achivanunura kubva muuranda muIjipiti, akanga asingangoiti kudaro kuti avarerutsire upenyu kana kuti hufadze. Akanga achiitira chimwe chinhu chinokosha kupfuura ipapo nokure—zita rake. Hungu, akanga achiva nechokwadi chokuti zita rake “rikurumbire kunyika dzose.” (Eksodho 9:15, 16) Uye Mwari paakaratidza tsitsi pashure pokumukira kwaIsraeri murenje, chikonzero chake chokuita kudaro kwakanga kusiri kungoitawo tsitsi. Jehovha pachake akati: “Asi ndakazviita nokuda kwezita rangu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi.”—Ezekieri 20:8-10.
22. (a) Munguva yemberi, nei Mwari acharwira vanhu vake zvekare? (b) Kuda kwedu zita raMwari kunochinja zviito zvedu munzirai?
22 Isaya anopa uprofita uhwu mhedziso yakasimba kwazvo! Anoti: “Saizvozvo makafambisa vanhu venyu, kuti [muzvi“itire zita rakanaka,” NW].” (Isaya 63:14b) Zvino zvinogona kuonekwa zvakajeka nei Jehovha achirwira vanhu vake nesimba zvakadaro. Kuti azviitire zita rakanaka. Uprofita hwaIsaya naizvozvo hunoshanda sechiyeuchidzo chakasimba chokuti kuva nezita raJehovha iropafadzo inoshamisa nomutoro mukuru. Ichokwadi kuti vaKristu nhasi vanoda zita raJehovha kupfuura upenyu hwavo. (Isaya 56:6; VaHebheru 6:10) Havatombodi kuita chero chinhu chingagona kuunza ruzvidzo pazita dzvene iroro. Nokuda kworudo rwaMwari rwakavimbika kwavari vanorambawo vakavimbika kwaari. Uye nemhaka yokuti vanoda zita raJehovha rakanaka, vanoshuva zuva apo achatsika-tsika vavengi vake muchisviniro chewaini chehasha dzake—kwete nemhaka bedzi yokuti zvichavabatsira asi nemhaka yokuti zvichaita kuti zita raMwari wavanoda ripiwe mbiri.—Mateu 6:9.
[Mashoko Omuzasi]
a VanaHerodhi vomuzana remakore rokutanga vaiva vaEdhomi.
b Mashoko okuti “gore ravakadzikinurwa vangu” angangoreva nguva yakafanana neinorehwa nemashoko okuti “zuva rokutsiva.” Ona nzira iyo mashoko akafanana akashandiswa nayo achireva izvozvo pana Isaya 34:8.
c Jehovha anoratidza kushamisika kuti hapana ari kuda kumutsigira. Zvingafungwa zvechokwadi kuva zvinoshamisa kuti anenge makore 2 000 Jesu afa, vane simba pakati pevanhu vachiri kushora kuda kwaMwari.—Pisarema 2:2-12; Isaya 59:16.
d Ndima iyi inogonawo kushandurwa ichinzi “Iye akatanga kuyeuka.” (Isaya 63:11, mashoko omuzasi, Ref. NW) Zvisinei, izvi hazvirevi hazvo kuti Jehovha ndiye anoyeuka. Mashoko anotevera anoratidza kunzwa kwevanhu vaMwari asi kwete kwaJehovha pachake. Saka Soncino Books of the Bible inoshandura ndima iyi ichiti: “Ipapo vanhu Vake vakayeuka mazuva ekare.”
[Mufananidzo uri papeji 359]
Jehovha akanga ane tariro yezviri nani kuvanhu vake