Chitsauko 26
“Farai Mufarisise Nokusingaperi Pamusoro Pezvandinosika”
1. Mashoko api anokurudzira akanyorwa nomuapostora Petro, uye mubvunzo upi unomuka?
TICHAZOMBOONA mugumo wokusaruramisira nokutambura here? Anodarika makore 1 900 akapfuura muapostora Petro akanyora mashoko anokurudzira aya okuti: “Asi kune matenga matsva nepasi idzva zvatakamirira maererano nechipikirwa cha[Mwari], uye kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:13) Petro pamwe chete nevamwe vashumiri vakatendeka vakawanda vaMwari, kwemazana emakore vakatarisira kuzuva guru apo kusateerera mutemo, udzvinyiriri, chisimba zvaizoguma uye kururama kwaizotonga. Tinogona kuva nechokwadi chokuti chipikirwa ichi chichazadzika here?
2. Muprofita upi akanga ataura nezve“matenga matsva nepasi idzva,” uye uprofita hwekare ihwohwo hune kuzadzika kupi?
2 Hungu, tinogona! Petro paakataura nezve“matenga matsva nepasi idzva,” akanga asiri kutanga pfungwa itsva. Anenge makore 800 akanga apfuura, Jehovha achishandisa muprofita Isaya akataura mashoko akafanana nawo. Chipikirwa chokutanga ichocho chakava nokuzadzika kuduku muna 537 B.C.E. apo vaJudha vakasunungurwa pakutapwa neBhabhironi, zvichivagonesa kudzokera kunyika yokumusha kwavo. Asi uprofita hwaIsaya huri kuva nokuzadzika kukuru nhasi, uye tinotarisira kumwe kuzadzika kunotofadza zvikuru munyika itsva yaMwari iri kuuya. Chokwadi, uprofita hunofadza hwakapiwa nokuna Isaya hunoratidza muchidimbu zvikomborero izvo Mwari akachengetera vanomuda.
Jehovha Anoteterera ‘Rudzi Runomukira’
3. Mubvunzoi watinopindurirwa muchitsauko 65 chaIsaya?
3 Yeuka kuti Isaya 63:15–64:12 ine munyengetero wouprofita waIsaya akamiririra nhapwa dzechiJudha dziri kuBhabhironi. Sezvinojekeswa nemashoko aIsaya, vaJudha vazhinji havasi kunamata Jehovha nomwoyo wose, asi vamwe vapfidza vakadzokera kwaari. Jehovha zvino achadzorera rudzi rwacho nokuda kwevashoma ivavo vanozvidemba here? Tinowana mhinduro yaJehovha muchitsauko 65 chaIsaya. Asi asati ataura chipikirwa chokununura vashoma vakatendeka, Jehovha anorondedzera mutongo wakamirira vazhinji vasina kutenda.
4. (a) Kusiyana nevanhu vake vanopandukira, ndiani achatsvaka Jehovha? (b) Muapostora Pauro akashandisa sei Isaya 65:1, 2?
4 Jehovha akatsungirira vanhu vake vachiramba vachingomukira. Zvisinei, nguva ichasvika, apo achavasiyira kuvavengi vavo ogamuchira vemamwe marudzi nomutsa kuti vawane nyasha dzake. Achishandisa Isaya Jehovha anoti: “Ndakatendera kuti nditsvakwe navasina kundibvunza, ndakatendera kuti ndiwanikwe navasina kunditsvaka; ndakati kurudzi rwakanga rusingatumidzwi nezita rangu: Tarirai ndini, tarirai ndini.” (Isaya 65:1) Mashoko anonzwisa urombo anotaurwa pamusoro pevanhu vaJehovha vesungano kuti vemamwe marudzi vachauya kuna Jehovha asi nyika yeJudha yakaoma musoro yose zvayo icharamba kudaro. Isaya haasiri iye oga muprofita anofanotaura kuti Mwari pakupedzisira achasarudza vanhu vakanga vasingazivikanwi kare. (Hosea 1:10; 2:23) Muapostora Pauro akadzokorora mashoko aIsaya 65:1, 2 kubva muSeptuagint kuratidza kuti vanhu vanobva kune mamwe marudzi vaizowana “kururama kunobva mukutenda” kunyange zvazvo vaJudha chaivo vakaramba kuita kudaro.—VaRoma 9:30; 10:20, 21.
5, 6. (a) Chido chei chechokwadi icho Jehovha akaratidza, asi vanhu vake vakaitei nazvo? (b) Tingadzidzei pakubata kwaJehovha nevaJudha?
5 Jehovha anotsanangura chikonzero nei achabvumira vanhu vake pachake kutambura nhamo huru achiti: “Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kurudzi rwavanhu rwakandimukira, vanofamba nenzira isina kunaka, vachitevera ndangariro dzavo.” (Isaya 65:2) Kutambanudza maoko kwomunhu kunoratidza kukokera kana kuti kuteterera. Jehovha akatambanudza maoko ake, kwete kwenguva pfupi bedzi, asi kwezuva rose. Chido chake chomwoyo wose ndechokuti Judha adzokere kwaari. Asi, vanhu vakaoma musoro ava varamba kuteerera.
6 Chidzidzo chinokurudzira kwazvo chatinodzidza mumashoko aJehovha! Anoda kuti tiswedere pedyo naye nemhaka yokuti ndiMwari akasununguka. (Jakobho 4:8) Mashoko aya anotiratidzawo kuti Jehovha anozvininipisa. (Pisarema 113:5, 6) Pamusoro pazvo, anoramba achitambanudza maoko ake nenzira yokufananidzira, achiteterera vanhu vake kuti vadzoke kwaari pasinei nokuti kuomesa musoro kwavo kwaka“munzwisa shungu.” (Pisarema 78:40, 41) Pashure pokuvateterera kwemazana emakore ndipo paanongozovaisa kuvavengi vavo. Kunyange ipapo, haavhariri musuo vanhu vanozvininipisa vari pakati pavo.
7, 8. Vanhu vaJehovha vakaomesa musoro vakamudenha munzira dzipi?
7 VaJudha vakaoma musoro vakaramba vachinyandura Jehovha nomufambiro wavo unonyadzisa. Jehovha anorondedzera zviito zvavo zvinogumbura achiti: “Vanhu vanogara vachinditambudza pachena, vanobayira zvibayiro paminda, vachipisa zvinonhuwira pamusoro pezvidhinha; vanogara pakati pamabwiro, vachivata panzvimbo dzakavanda; vanodya nyama yenguruve, uye muto wezvinhu zvinonyangadza uri mumidziyo yavo; vanoti: Mira woga, usaswedera kwandiri, nokuti ndiri mutsvene kupfuura iwe. Ava utsi mumhino dzangu, moto unopfuta zuva rose.” (Isaya 65:3-5) Vanoratidzika sevatsvene ava vanogumbura Jehovha ‘pameso pake chaipo’—mashoko angaratidza kusvibisa nokusaremekedza. Havatomboedzi zvavo kuvanza zvinonyangadza zvavo. Hazvitonyanyi kuzvidza here kutadza pamberi peAnofanira kuremekedzwa wacho nokuteererwa?
8 Vatadzi vanozviita vakarurama ava naizvozvo, vari kuti kune vamwe vaJudha: ‘Musaswedera pedyo, nokuti ndiri mutsvene kupfuura imi.’ Unyengeri hwakadini! “Vatsvene” ava vari kupa zvibayiro nokupisira zvinonhuwira kuvanamwari venhema, avo Mutemo waMwari unoshora. (Eksodho 20:2-6) Vagere pakati pemakuva, izvo zvinovaita kuti vave vasina kuchena maererano noMutemo. (Numeri 19:14-16) Vari kudya nyama yenguruve, zvokudya zvisina kuchena.a (Revhitiko 11:7) Asi, mabasa echitendero anovaita kuti vanzwe sokuti vatsvene kupfuura vamwe vaJudha, uye vanoda kuti vamwe vanhu vasaswedera kuita sokunge kuti vasatsvenesa kana kuti kucheneswa nokungoswedera pedyo navo. Kunyange zvakadaro, iyoyo handiyo zvachose nzira iyo Mwari ane “godo” anoona nayo zvinhu!—Dheuteronomio 4:24.
9. Jehovha anoona sei vatadzi vanozviidza vakarurama?
9 Pane kuona vanhu vaizviita sevakarurama ava sevatsvene, Jehovha anoti: “utsi mumhino dzangu.” Shoko rechiHebheru rinoreva “mhino” rinowanzoshandiswa nenzira yokufananidzira kureva hasha. Utsiwo hunobatanidzwa nehasha dzinopfuta somoto dzaJehovha. (Dheuteronomio 29:20) Kunamata zvidhori kunosemesa uko vanhu vake vawira kwanyandura hasha dzaJehovha.
10. Jehovha achatsiva sei vari munyika yeJudha nokuda kwezvivi zvavo?
10 Mukururamisira, Jehovha haagoni kuita kuti vanotadza nohwoni ava vangosiyiwa vasina kurangwa. Isaya anonyora kuti: “Tarirai zvakanyorwa pamberi pangu: Handinganyarari, asi ndicharipidzira, zvirokwazvo ndicharipidzira pazvipfuva zvavo, zvakaipa zvenyu, nezvakaipa zvamadzibaba enyu pamwe chete, vakapisa zvinonhuwira pamusoro pamakomo, nokundimhura pamusoro pezvikomo; naizvozvo ndichatanga kuvayerera mabasa avo pazvipfuva zvavo.” (Isaya 65:6, 7) Nokupinda mukunamata kwenhema, vaJudha ava vashora Jehovha. Vaita kuti kunamata Mwari wechokwadi kuratidzike sokwakangofanana nekwemarudzi akavapoteredza. ‘Nokuda kwezvakaipa zvavo,’ kusanganisira kunamata zvifananidzo nokuita zvemidzimu, Jehovha achavaripidzira “pazvipfuva zvavo.” Mashoko okuti “zvipfuva” sezviri pachena anoreva homwe yokumusoro kwenguo inoitwa nokuipeta umo vapemhi vangaisa zviyo zvinenge zvayerwa. (Ruka 6:38) KuvaJudha vakaramba kutenda zvazvinoreva zvakajeka—Jehovha achayera “mubayiro” wavo, kana kuti chirango. Mwari weruramisiro achatsiva. (Pisarema 79:12; Jeremia 32:18) Sezvo Jehovha asingachinji, tinogona kuva nechivimbo chokuti munguva yake yakakodzera, achayera chirango nenzira yakafanana panyika ino yakaipa.—Maraki 3:6.
“Nokuda Kwavaranda Vangu”
11. Jehovha anoratidza sei kuti achaponesa vashoma vakatendeka?
11 Jehovha acharatidza tsitsi kuvakatendeka vari pakati pevanhu vake here? Isaya anotsanangura kuti: “Zvanzi naJehovha: Zvakafanana nomunhu kana achiwana waini itsva musumbu remizambiringa, mumwe akati: Usariparadza, nokuti mukomborero urimo; ndizvo zvandichaita nokuda kwavaranda vangu, kuti ndirege kuvaparadza vose. Ndichabudisa rudzi kuna Jakobho, nomudyi wenhaka yamakomo angu kuna Judha; vasanangurwa vangu vachagara nhaka, navaranda vangu vachagarapo.” (Isaya 65:8, 9) Mukuenzanisa vanhu vake nesumbu remazambiringa, Jehovha anoshandisa muenzaniso wavanokurumidza kunzwisisa. Mazambiringa akawanda munyika yacho, uye waini inoitwa nemazambiringa chikomborero kuvanhu. (Pisarema 104:15) Mufananidzo unopiwa ungava wesumbu rine mamwe mazambiringa akanaka, asi kwete ose. Kana kuti pfungwa yacho ingave yokuti rimwe sumbu rakanaka, asi mamwe masumbu haana kuibva kana kuti akaora. Chero zvazvingava, mucheki wemazambiringa haazoparadzi mazambiringa akanaka. Nokudaro Jehovha anopikira vanhu vake kuti haazoparadzi rudzi rwacho zvachose asi achasiya vashoma vakatendeka. Anoti vachasara vachawana nyasha vachava varidzi ve“makomo” ake kureva Jerusarema nenyika yeJudha, nyika ine zvikomborero iyo Jehovha aiti ndeyake.
12. Zvikomboreroi zvakamirira vachasara vakatendeka?
12 Zvikomboreroi zvakamirira vakatendeka vasara ava? Jehovha anotsanangura kuti: “Bani reSharoni richava mafuro amakwai, nomupata weAkori nzvimbo pangavata mombe pasi, zvichava zvavanhu vangu vakanditsvaka.” (Isaya 65:10) Mapoka emakwai anoita basa rinokosha muupenyu hwevaJudha vazhinji, uye mafuro akakura anoita kuti pfuma iwande munguva dzorugare. Jehovha anotaura nezvekwakagumira nyika kuviri kure nokure kuitira kuti ape mufananidzo worugare nokubudirira. Kumavirazuva, Bani reSharoni, rinozivikanwa norunako rwaro nokuorera, rinotambanuka richitevedza Mahombekombe eMedhiteraniani. Mupata weAkori ndiwo rutivi rwomuganhu wokumusoro kwakadziva kumabvazuva kwenyika yacho. (Joshua 15:7) Mukutapwa kuri kuuya, nzvimbo idzi dzichava matongo, pamwe neimwe nyika yose. Zvisinei, Jehovha anopikira kuti, pashure pokutapwa achava mafuro akanaka kwazvo nokuda kwevachasara vachadzoka.—Isaya 35:2; Hosea 2:15.
Kuvimba na“Mwari weMhanza”
13, 14. Miitiroi inoratidza kuti vanhu vaMwari vamusiya, uye chii chichapedzisira chaitika kwavari?
13 Uprofita hwaIsaya zvino hunodzokera shure kune vaya vakasiya Jehovha ndokurambira mukunamata zvifananidzo. Hunoti: “Asi imi munosiya Jehovha, nokukanganwa gomo rangu dzvene, imi munogadzirira Gadhi [“mwari weMhanza,” NW] tafura, nokudirira Meni [“mwari woKufanotemerwa Mugumo,” NW] waini yakavhenganiswa.” (Isaya 65:11) Nokugadzirira tafura yezvokudya nechokunwa pamberi pa“mwari weMhanza” na“mwari Wokufanotemerwa Mugumo,” vaJudha vari kudzokera shure ava vawira mumiitiro yokunamata zvidhori yemarudzi echihedheni.b Chii chichaitika kuna vose nokushayiwa mano vanovimba navanamwari ava?
14 Jehovha anovanyevera zvakananga achiti: “Ndichakutemerai muurawe nomunondo, imi mose muchakotamira pakubayiwa; nokuti panguva yandakadana, hauna kupindura; panguva yandakataura, hamuna kunzwa; asi makaita zvakaipa pamberi pangu, mukasanangura zvandakanga ndisingafariri.” (Isaya 65:12) Achishandisa zita ramwari woKufanotemerwa mugumo zvinopa revo mbiri mumutauro wechiHebheru chepakuvamba, Jehovha anoti avo vari kunamata mwari wenhema uyu vacha‘endeswa kumunondo,’ kureva kuparadzwa. Jehovha akakumbira vanhu ava akumbirazve kuti vapfidze achishandisa vaprofita vake, asi vakaisa zvimiti munzeve uye vachiomesa musoro vakasarudza kuita zvavanoziva kuti zvakaipa mumeso ake. Kuzvidza Mwari kwakadini kwavanoratidza! Mukuzadzika kwenyevero yaMwari, rudzi rwacho ruchatambura nhamo huru muna 607 B.C.E., apo Jehovha anobvumira vaBhabhironi kuparadza Jerusarema netemberi yaro. Panguva iyoyo “mwari weMhanza” achakundikana kuchengeta vanomunamata munyika yeJudha neJerusarema.—2 Makoronike 36:17.
15. VaKristu vechokwadi nhasi vanoteerera nyevero iri pana Isaya 65:11, 12 munzirai?
15 Nhasi vaKristu vechokwadi vanoteerera nyevero inowanikwa pana Isaya 65:11, 12. Havatendi zve“Mhanza,” sokunge nderimwe simba rinopfuura revanhu rinokwanisa kuratidza nyasha. Vachiramba kupedza pfuma yavo vachiedza kufadza “mwari weMhanza,” vanorega kubhejera kwemarudzi ose. Vane chokwadi chokuti vose vanozvipira kuna mwari uyu pakupedzisira vacharasikirwa nezvose, nokuti kune vakadaro Jehovha anoti: “Imi mose muchakotamira pakubayiwa.”
“Tarirai, Varanda Vangu Vachafara”
16. Jehovha achakomborera vashumiri vake vakatendeka munzira dzipi, asi chii chichaitikawo kune vakamusiya?
16 Huchitsiura avo vakasiya Jehovha, uprofita hwacho hunorondedzera migove yakapesana yakamirira vanonamata Mwari nomwoyo wose nevanoita kudaro nokunyengera huchiti: “Naizvozvo zvanzi naShe Jehovha: Tarirai varanda vangu vachadya, asi imi muchava nenzara; tarirai, varanda vangu vachanwa, asi imi muchava nenyota; tarirai, varanda vangu vachafara, asi imi muchanyadziswa; tarirai, varanda vangu vachaimba nokufara kwomwoyo, asi imi muchachema nokurwadziwa kwomwoyo, muchaungudza nokuputsika kwomweya.” (Isaya 65:13, 14) Jehovha achakomborera vashumiri vake vakatendeka. Nomwoyo inopfachuka nomufaro, vachapururudza nomufaro. Kudya, kunwa, nokufara mashoko anoratidza kuti Jehovha achagutsa vanamati vake zvikuru nezvavanoda. Kusiyana neizvi, avo vakasarudza kusiya Jehovha vachanzwa nzara nenyota yomudzimu. Havazowani zvavanoda. Vachachema nokugwauta nokurwadziwa nenhamo zvichavawira.
17. Nei vanhu vaMwari nhasi vane chikonzero chakanaka chokufara?
17 Mashoko aJehovha anonyatsorondedzera mamiriro ezvinhu omudzimu nhasi eavo vanongoti vanoshumira Mwari. Kunyange zvazvo mamiriyoni echiKristudhomu achitambura nokurwadziwa nenhamo, vashumiri vaJehovha vanopururudza nomufaro. Uye vane chikonzero chakanaka chokufara. Vanopiwa zvokudya zvakanaka zvomudzimu. Jehovha anovapa zvokudya zvomudzimu zvakawanda achishandisa mabhuku ezvinobva muBhaibheri nemisangano yechiKristu. Ichokwadi kuti, chokwadi chinovaka nezvipikirwa zvinonyaradza zveShoko raMwari zvinotipa “kufara kwomwoyo”!
18. Chii chichasara pane vakasiya Jehovha, uye kushandiswa kwezita ravo mumhiko kungarevei?
18 Jehovha anoenderera mberi achitaura nevaya vakamusiya achiti: “Imi muchasiyira vasanangurwa vangu zita renyu, rive rokutuka naro; Ishe Jehovha uchakuuraya, ndokutumidza varanda vake rimwe zita; kuti ani naani unozviti ndakaropafadzwa panyika, uchati ndakaropafadzwa naMwari wazvokwadi; nokuti madambudziko okutanga akakanganikwa, nokuti avanzirwa meso angu.” (Isaya 65:15, 16) Chichangosara bedzi pane avo vakasiya Jehovha izita ravo, richangoshandiswa bedzi mumhiko kana kuti kutuka. Izvi zvingareva kuti avo vanoda kuzvisunga nemhiko vachazoti: ‘Kana ndikasazadzisa vimbiso iyi, regai ndirangwe sezvakaita vakaramba kutenda vaya.’ Zvingatoreva kuti zita ravo richashandiswa nenzira yokufananidzira, kufanana neSodhoma neGomora, sechiratidzo chechirango chaMwari chevakaipa.
19. Vashumiri vaMwari vachadanwa nerimwe zita sei, uye nei vachava nechivimbo muna Mwari wokutendeka? (Onawo mashoko omuzasi.)
19 Zvichaitika kuvashumiri vaMwari pachavo zvichava zvakasiyana zvechokwadi! Vachatumidzwa rimwe zita. Izvozvo zvinoratidza kukomborerwa nokuremekedzwa kwavachaitwa vadzokera kunyika yokumusha kwavo. Havazotsvaki chikomborero chero kuna mwari wenhema upi zvake kana kupika nezvidhori zvisina upenyu. Pane kudaro, pavanozvikomborera kana kuti kupika mhiko, vachaita kudaro naMwari wokutendeka. (Isaya 65:16, mashoko omuzasi, Ref. NW) Vagari venyika yacho vachava nechikonzero chakanaka chokuvimba zvakakwana naMwari, nokuti achave aratidza kuti akatendeka kuzvipikirwa zvake.c Vagarika munyika yokumusha kwavo, vaJudha vachakanganwa nokukurumidza nhamo yavo yekare.
“Ndinosika Denga Idzva Nenyika Itsva”
20. Chipikirwa chaJehovha che“matenga matsva nepasi idzva” chakazadzika sei muna 537 B.C.E.?
20 Jehovha zvino anowedzera mashoko pachipikirwa chake chokudzorera vanopfidza vasara pashure pokudzoka kwavo kubva pakuva nhapwa muBhabhironi. Achishandisa Isaya, Jehovha anoti: “Nokuti tarirai, ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo.” (Isaya 65:17) Chipikirwa chaJehovha chokudzorera chichatozadzika chete, naizvozvo anotaura nezvechipikirwa chokudzorera chomunguva yemberi ichocho sokunge chava kutoitika. Uprofita uhwu hwakatanga kuzadzika muna 537 B.C.E. apo vakanga vasara vevaJudha vakadzorerwa kuJerusarema. Chii chakanga chiri “matenga matsva” panguva iyoyo? Kuva gavhuna kwaZerubhabheri kwaitsigirwa naJoshua Mupristi Mukuru uye kwakaitikira muJerusarema. VaJudha vakanga vasara vakadzorerwa vaiumba “nyika itsva,” nzanga yakacheneswa yaizviisa pasi pokutonga kwakadaro nokubatsira kudzorerazve kunamata kwakachena munyika. (Ezra 5:1, 2) Mufaro wokudzorerwa ikoko wakashandura kutambura kwomunguva yakapfuura kwose; kushushikana kwakare kwakanga kusingacharangarirwi.—Pisarema 126:1, 2.
21. Matenga matsva api akavapo muna 1914?
21 Zvisinei, yeuka kuti Petro akadzokorora uprofita hwaIsaya ndokuratidza kuti hwakanga huchizozadzika munguva yemberi. Muapostora wacho akanyora kuti: “Asi kune matenga matsva nepasi idzva zvatakamirira maererano nechipikirwa chake, uye kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:13) Muna 1914, matenga akanga akamirirwa kwenguva refu akavapo. Umambo hwaMesiya hwakaberekwa mugore iroro hunotonga huri mudenga chaimo, uye Jehovha akahupa chiremera panyika yose. (Pisarema 2:6-8) Hurumende yoUmambo iyi, inotungamirirwa naKristu nevachatonga pamwe naye 144 000, ndiwo matenga matsva.—Zvakazarurwa 14:1.
22. Ndivanaani vachaumba pasi idzva, uye vanhu vari kugadzirirwa sei kunyange zvino kuti vave musimboti wechirongwa ichocho?
22 Zvakadini nepasi idzva? Zvichitevera muenzaniso wokuzadzika kwokutanga, pasi idzva richaumbwa nevanhu vanozviisa pasi pokutonga kwehurumende yokudenga itsva nomufaro. Kunyange zvino, mamiriyoni evanhu vanoda upenyu vanozviisa pasi pehurumende iyi nokuedza kutevera mitemo yayo sezviri muBhaibheri. Ivava vanobva munyika dzose, mitauro nemadzinza, uye vanoshandira pamwe vachishumira Mambo Jesu Kristu anotonga. (Mika 4:1-4) Pashure pokupfuura kwenyika ino yakaipa iripo zvino, boka iri richaumba musimboti wepasi idzva iro pakupedzisira richava nzanga yepasi pose yevanhu vanotya Mwari vanogara nhaka yepasi pano yoUmambo hwaMwari.—Mateu 25:34.
23. Mashokoi atinowana mubhuku raZvakazarurwa pamusoro pe“denga idzva nepasi idzva,” uye uprofita uhwu huchazadzika sei?
23 Bhuku raZvakazarurwa rinorondedzera zvakaratidzwa muapostora Johani zvezuva raJehovha riri kuuya, apo nyika ino ichabviswa. Zvadaro, Satani achakandirwa mugomba rakadzika-dzika. (Zvakazarurwa 19:11–20:3) Pashure pokurondedzera ikoko, Johani anodzokorora mashoko ouprofita aIsaya, achinyora kuti: “Ndakaona denga idzva nepasi idzva.” Ndima dzinotevera dzacho dzenhoroondo iyi yezvakaratidzwa zvinoshamisa izvi dzinotaura nezvenguva apo Jehovha Mwari achachinja mamiriro ezvinhu pasi pano zvakakwana kuti zvinhu zvive nani. (Zvakazarurwa 21:1, 3-5) Sezviri pachena, chipikirwa chaIsaya che“denga idzva nenyika itsva” chichava nokuzadzika kunoshamisa munyika itsva yaMwari! Mukutonga kwematenga matsva ehurumende, nzanga itsva yepasi pano ichafadzwa neparadhiso chaiyo uye yomudzimu. Chinonyaradza zvechokwadi chipikirwa chokuti “zvinhu zvakare [kurwara, kutambura, nedzimwe nhamo zhinji idzo vanhu vanotarisana nadzo] hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo.” Chero zvatingayeuka panguva iyoyo hazvizotirwadzisi, semarwadzo anoremedza mwoyo yevazhinji zvino.
24. Nei Jehovha achafara pamusoro pokudzorerwa kweJerusarema, uye chii chisingazonzwikizve mumigwagwa yeguta iroro?
24 Uprofita hwaIsaya hunoenderera mberi huchiti: “Asi imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika; nokuti tarirai, ndinosika Jerusarema rive guta romufaro, navanhu varo vave nomufaro. Ndichafarira Jerusarema, nokuva nomufaro pamusoro pavanhu vangu; mukati maro hamuchazonzwiki inzwi rokuchema, kana inzwi rokurira.” (Isaya 65:18, 19) Havasi vaJudha vachafara bedzi nokudzorerwa kunyika yokumusha kwavo, asi Mwari pachake achafarawo, nokuti achaita kuti Jerusarema rive rakanaka kwazvo—rovazve muzinda wokunamata kwechokwadi panyika. Ruzha rwokuchema nenhamo, rwainzwikwa mumigwagwa yeguta iroro makumi emakore akanga apfuura, haruzonzwikizve.
25, 26. (a) Muzuva redu, Jehovha anoita sei kuti Jerusarema rive “guta romufaro”? (b) Jehovha achashandisa sei Jerusarema Idzva, uye nei tichigona kufara nhasi?
25 Nanhasiwo Jehovha anoita Jerusarema “guta romufaro.” Sei? Sezvatatoona kare, matenga matsva akavapo kubva muna 1914 pakupedzisira achabatanidza vanotonga pamwe chete 144 000, vachatongawo muhurumende yokudenga. Ivava vanorondedzerwa nenzira youprofita se“Jerusarema Idzva.” (Zvakazarurwa 21:2) Mwari anenge achitaura nezveJerusarema Idzva paanoti: “Ndinosika Jerusarema rive guta romufaro, navanhu varo vave nomufaro.” Jerusarema Idzva richashandiswa naMwari kudurura zvikomborero zvisingatauriki pavanhu vanoteerera. Ruzha rwokuchema kana kuti kuridza mhere haruzombonzwikizve, nokuti Jehovha achagutsa “zvinodikanwa nomwoyo” yedu.—Pisarema 37:3, 4.
26 Chokwadi, tine zvikonzero zvose zvokufara nhasi! Nokukurumidza Jehovha achatsvenesa zita rake rinobwinya nokuparadza vashori vose. (Pisarema 83:17, 18) Ipapo matenga matsva achange ave kudzora zvizere. Izvi zvikonzero zvinoshamisa zvikuru zvokufara nokusingaperi pane izvo Mwari ari kusika!
Chipikirwa Chenguva Yemberi Yakachengeteka
27. Isaya anorondedzera sei kuchengeteka uko vaJudha vari kudzokera vachawana munyika yokumusha kwavo?
27 Mukuzadzika kwokutanga, upenyu huchave hwakaita sei kuvaJudha vanodzoka vachitongwa nematenga matsva? Jehovha anoti: “Hapangazovipo rushiye rune mazuva mashoma, kana mutana usina kusvitsa mazuva ake; nokuti mwana uchafa apedza makore ane zana, nomutadzi ucharohwa nokutukwa kana asvika makore ane zana.” (Isaya 65:20) Mufananidzo wakazonaka wokuchengeteka uko nhapwa dzinodzoka dzichawana munyika yokumusha kwadzo yakadzorerwa! Mwana achangoberekwa haazofi achine mazuva mashomanana. Rufu rwakadaro haruzotoriwo munhu mukuru asati apedza nduramo yake zvizere.d Mashoko aIsaya anokurudzira zvikuru vaJudha vachadzokera kunyika yeJudha! Vachengeteka munyika yavo, havazofaniri kunetseka kuti vavengi vachatora vana vavo kana kuti kuparadza vanhu vavo.
28. Tinodzidzei mumashoko aJehovha pamusoro poupenyu munyika itsva mukutonga kwoUmambo hwake?
28 Mashoko aJehovha anotiudzei pamusoro poupenyu munyika itsva iri kuuya? Mukutonga kwoUmambo hwaMwari, mwana mumwe nomumwe achave netariro yenguva yemberi yakachengeteka. Rufu haruzombotori munhu anotya Mwari achiri pakati nepakati poupenyu hwake. Asi vanhu vakatendeka vachava vakachengeteka, vachinakidzwa noupenyu. Zvakadini nevanosarudza kupandukira Mwari? Vakadaro vacharasikirwa neropafadzo youpenyu. Kunyange kana mutadzi anopandukira akave ne“makore ane zana,” achafa. Pakadaro, anenge achiri “mwana” kana zvichienzaniswa nezvaaigona kuva—murume ane upenyu husingaperi.
29. (a) Vanhu vaMwari vanoteerera vachafadzwa nei munyika yeJudha ichadzorerwa? (b) Nei miti iri mienzaniso yakakodzera youpenyu hurefu? (Ona mashoko omuzasi.)
29 Jehovha anoenderera mberi nokurondedzera mamiriro ezvinhu achavapo munyika yeJudha ichadzorerwa achiti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.” (Isaya 65:21, 22) Pashure pokudzokera kumatongo uye pasina mubvunzo asina dzimba nemizambiringa kunyika yeJudha, vanhu vaMwari vanoteerera vachafara nokugara mumisha yavo pachavo nokudya michero yeminda yavo pachavo yemizambiringa. Mwari achakomborera basa ravo, uye vachava noupenyu hurefu—samazuva omuti—okufarira zvibereko zvesimba ravo.e
30. Mamiriroi ezvinhu anofadza ayo vanhu vaJehovha vanonakidzwa nawo nhasi, uye vachanakidzwa nei munyika itsva?
30 Muzuva redu kwave kune kuzadzika kwouprofita uhwu. Vanhu vaJehovha vakatapwa mumudzimu muna 1919 ndokutanga kudzorera “nyika” yavo, kana kuti basa ravo rokunamata. Vakavaka ungano ndokusakurira zvibereko zvomudzimu. Somugumisiro, kunyange zvino vanhu vaJehovha vari kufara neparadhiso yomudzimu norugare rwavakapiwa naMwari. Tinogona kuva nechokwadi chokuti rugare rwakadaro ruchapfuurira kusvika muParadhiso chaiyo. Hatigoni kutombotanga kufungidzira zvichaitwa naJehovha nomwoyo inoda nemaoko evanamati vake munyika itsva. Zvichafadza kwazvo kuvaka musha wako pachako wogaramo! Mukutonga kwoUmambo, basa rinogutsa harizoperi. Zvichava zvinofadza chaizvo nguva dzose kuona “zvakanaka” zviri zvibereko zvesimba rako! (Muparidzi 3:13) Tichava nenguva yakawanda here yokufadzwa zvizere nemabasa emaoko edu? Hungu, zvechokwadi! Upenyu husingagumi hwevanhu vakatendeka huchave hwakaita “samazuva omuti”—zviuru zvemakore uye kupfuura!
31, 32. (a) Zvikomboreroi izvo nhapwa dzinodzoka dzichafara kuwana? (b) Munyika itsva, vanhu vakatendeka vachava netariro yei?
31 Jehovha anorondedzera zvimwe zvikomborero zvakamirira nhapwa dziri kudzokera achiti: “Havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana, vachakurumidza kuparadzwa; nokuti ndivo vana vavakaropafadzwa naJehovha, zvibereko zvavo zvichagara navo.” (Isaya 65:23) VaJudha vakadzorerwa ivavo vachakomborerwa naJehovha, naizvozvo havazoshandiri zvisina maturo. Vabereki havazobereki vana vachangokurumidza kufa. Dzaichimbova nhapwa idzi hadzizovi idzo dzoga dzichafara nezvikomborero zvokudzorerwa; vana vavo vachave vanavo. Mwari anoda kwazvo kuzadzisa zvinodiwa nevanhu vake zvokuti anopikira kuti: “Zvino ndichapindura vasati vadana, ndichanzwa vachataura.”—Isaya 65:24.
32 Jehovha achazadzika sei zvipikirwa izvi munyika itsva iri kuuya? Tichafanira kumirira tione. Jehovha haana kupa mashoko ose akazara, asi tinogona kuva nechokwadi chokuti vanhu vakatendeka havazo“batiri zvisina maturo” zvekare. Boka guru revanhu vachapona paAmagedhoni uye vana vapi nevapi vavangabereka vachave netariro youpenyu hurefu hunogutsa—upenyu husingaperi! Avo vanodzoka nokumutswa uye vanosarudza kurarama vachiwirirana nemitemo yaMwari vachawanawo mufaro munyika itsva. Jehovha achanzwa opindura zvavanoda, achitofanozviona. Zvechokwadi, Jehovha achapfumbanura chanza chake “ndokugutisa zvipenyu zvose.”—Pisarema 145:16.
33. VaJudha pavanodzokera kunyika yokumusha kwavo, mhuka dzichave murugare mupfungwai?
33 Rugare nokuchengeteka zvinopikirwa zvichasvika kure zvakadini? Jehovha anogumisa chikamu chino chouprofita achiti: “Bere negwayana zvichafura pamwe chete, shumba ichadya uswa senzombe, uye guruva richava zvokudya zvenyoka. Havangakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Isaya 65:25) Apo vaJudha vakatendeka vasara vanodzokera kunyika yokumusha kwavo, vachatarisirwa naJehovha. Chaizvoizvo shumba ichadya uswa senzombe, nokuti shumba haizombokuvadzi vaJudha kana kuti zvipfuwo zvavo. Chipikirwa ichi ndechechokwadi, nokuti chinoguma nemashoko okuti, “ndizvo zvinotaura Jehovha.” Uye shoko rake rinoitika nguva dzose!—Isaya 55:10, 11.
34. Ndokupi kuzadzika kunoshamisa uko mashoko aJehovha achava nakwo nhasi nomunyika itsva?
34 Mashoko aJehovha ari kuzadzika zvinoshamisa pavanamati vechokwadi nhasi. Kubva muna 1919, Mwari akakomborera nyika yomudzimu yevanhu vake, achiishandura kuva paradhiso yomudzimu. Avo vanouya muparadhiso yomudzimu iyi vanochinja muupenyu hwavo zvinoshamisa. (VaEfeso 4:22-24) Vachibatsirwa nomudzimu waMwari, vanhu avo pane imwe nguva vakanga vane unhu hwakaita semhuka—avo zvimwe vaidzvinyirira kana kuti zvimwe vaitambudza vamwe vanhu—vanofambira mberi mukukurira unhu husingadiwi. Somugumisiro, vanofara norugare nokubatana mukunamata nevavanonamata navo. Zvikomborero zviri kuwanikwa nevanhu vaJehovha zvino muparadhiso yavo yomudzimu zvichapfuurira zvichipinda muParadhiso chaiyo, umo rugare runowanikwa pakati pevanhu ruchabatanidzwa norugare nemhuka. Tinogona kuva nechokwadi chokuti munguva yaMwari yakafanira, basa rake repakuvamba raakapa vanhu richaitwa nomazvo: “Mubate ushe pa[nyika]; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.”—Genesi 1:28.
35. Nei tine zvikonzero zvose zvoku“fara nokusingaperi”?
35 Tinofara zvikuru nechipikirwa chaJehovha chokusika “denga idzva nenyika itsva”! Chipikirwa ichocho chakazadzika muna 537 B.C.E. uye chiri kuzadzikazve nhasi. Kuzadzika kuviri uku kunoratidza nzira yokuenda kunguva yemberi ine mbiri nokuda kwevanhu vanoteerera. Jehovha nomutsa achishandisa Isaya akafanotiravidza zvaakachengetera vanomuda. Chokwadi, tine zvikonzero zvose zvokuti titeerere mashoko aJehovha okuti: “Farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika”!—Isaya 65:18.
[Mashoko Omuzasi]
a Vazhinji vanofunga kuti vatadzi ava vakanga vari munzvimbo dzamakuva vachiedza kutaura nevafi. Kudya kwavo nyama yenguruve kungadaro kwaive kwakabatana nokunamata zvifananidzo.
b Achitaura pamusoro pendima iyi, mushanduri weBhaibheri Jerome (akaberekwa muzana remakore rechina C.E.) anotaura nezvetsika yekare yaiitwa nevanamati vezvidhori pazuva rokupedzisira romwedzi wokupedzisira wegore ravo. Akanyora kuti: “Vaigadzira tafura izere nezvokudya zvemarudzi akasiyana-siyana nomukombe wakavhenganiswa newaini inotapira kuti vave nerombo rakanaka pakubereka kwegore rapfuura kana kuti rinotevera.”
c Maererano naIsaya 65:16 murugwaro rwavaMasorete rwechiHebheru, Jehovha ndi“Mwari waAmeni.” “Ameni” zvinoreva kuti “ngazvive zvakadaro,” kana kuti “chokwadi,” uye kusimbisa kuti chimwe chinhu ndechechokwadi kana kuti chichatoitika. Nokuita zvose zvaanopikira, Jehovha anoratidza kuti zvaanotaura ichokwadi.
d The Jerusalem Bible rinoshandura Isaya 65:20 richiti: “Hakuzowanikwizve svava inorarama mazuva mashoma chete, kana kuti murume mukuru asingazorarami kusvika kunoperera mazuva ake.”
e Miti muenzaniso wakakodzera woupenyu hurefu, nemhaka yokuti ndeimwe yezvinhu zvipenyu zvinogara nguva refu zvinozivikanwa. Somuenzaniso, muorivhi unobereka kwemazana emakore uye unogona kurarama kwezviuru zvemakore.
[Mufananidzo uri papeji 389]
Munyika itsva yaMwari, tichave nenguva yakawanda yokufarira basa remaoko edu