Kururamisa Zvinhu Pakati paMwari Newe
“Kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando.”—ISAYA 1:18.
1, 2. (a) Chii chaungafungidzira kudai mumwe munhu akati: “Uyai zvino, uye ngatirangarire pamwe chete”? (b) Neiko tisingafaniri kukarira kuva negoverano naMwari?
KANA, NEMHAKA yemhosho yakati yomunguva yakapfuura kana kuti kusava nomutsa, ukama hwakashata hwakavapo pakati pako nomumwe, ungapindura sei kuaya mashoko: “Uyai zvino, uye ngatirangarirei pamwe chete”? Ikoko kungagona kuva kokero yokugara pasi nokuda kwegoverano, nebvumirano nokubvumirana pane zvisina kufanira. Mumwe nomumwe angagona kupa murangariro wake, uye mumwe nomumwe panguva iyeyo angabvuma mwero wakati wechikanganiso kana kuti kusanzwisisa.
2 Asi iwe ungagona kufungidzira here kuti Musiki mupfungwa iyoyo aizoteterera kuti, “Uyai zvino, uye ngatirangarirei pamwe chete,” sezvinorava Isaya 1:18 mumaBhaibheri akawanda? Nyangwe. Hapana nomumwe wedu angagona kukarira ku“ita nharo” (The New English Bible) kana kuti kuva negoverano naJehovha, sokunge iye angada kubvuma chikanganiso nokubvumirana pane zvisina kufanira. Kana, kunyanguvezvo, isu tichida rugare naMwari, chii chinoda Isaya 1:18?
3. Ndeipi iri pfungwa yakafanira yeshoko rechiHebheru pane dzimwe nguva rinoshandurwa kuti “kurangarira pamwe chete” riri pana Isaya 1:18?
3 Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “kurangarira pamwe chete” zvikurukuru rinoreva “kusarudza, kutonga, kubvumikisa.” Iro rine revo yapamutemo, richireva vanhu vanopfuura vaviri vanorangarira chete pamwe chete. Chisarudzo chakabatanidzwa.a (Genesi 31:37, 42; Jobho 9:33; Pisarema 50:21; Isaya 2:4) Wilson’s Old Testament Word Studies inopa revo “kuva akarurama; kurangarira, kuratidzira chiri chakarurama nechechokwadi.” Mwari akanga achiraira: “Uyai zvino, ngatiruramisei zviro.” (The New American Bible) kana kuti, “Ngatiruramisei zvinhu.”
4-6. Isaya akanga ari ani, uye iye akabatira rini somuporofita?
4 Jehovha Mwari akashandisa muporofita Isaya kupa iri shoko rine simba. Isaya akanga ari ani, uye neiko shoko rake rakanga rakafanira munguva yake? Uyezve, tinogona sei kubetserwa naro?
5 Pakududzwa kwo“muporofita,” vazhinji nhasi vangafungidzira mifungo yejaya rakati rinozvinyima rakanga richizivisa murangariro waro wakashata wezvomene. Vamwe vangafunga nezvewechienzi anozviita amene mutongi wemigariro yakapararira. Murume akadzikama naane mufungo Isaya akanga akasiana sei navakadaro, uyo Jehovha Mwari akashandisa kunyora bhuku reBhaibheri rine zita rake!
6 “Isaya mwanakomana waAmozi” aigara muna Judha uye akabatira Jehovha nokushingaira “pamazuva aUzia, naJotami, naAhazi, naHezekia, madzimambo avaJudha”—makore anopfuura 40. Nokuzvininipisa, Isaya haana kugovera mashoko akawanda pamsoro pake amene. Gamuchidzanwa rinotaura kuti iye aiva noukama nemhuri youmambo yaJudha. Tinoziva zvechokwadi kuti iye akanga ari samhuri ane mudzimai akamuberekera vanakomana vaviri. Iye angave akaroorazve pashure pokunge afa, achiva baba kumumwe mwanakomana, akanzi nenzira youporofita Imanueri.—Isaya 1:1; 7:3, 14; 8:3, 18.
7. Neiko tichifanira kufarira uporofita hwaIsaya?
7 Pane fanano dziri pakati penguva yaIsaya neyedu. Iwe wakaona kuti tiri kurarama munguva yenyanduko yamarudzi ose, yehondo kana kuti tyisidziro dzayo. Nepo vatungamiriri vorudzidziso nevezvamatongerwe enyika vanoti vanonamata Mwari vachizviratidzira vamene semienzaniso inofanira kuteverwa, isu nguva dzose tinoona mishumo yamapepanhau yemhaka dzavo dzemari nedzetsika. Mwari anorangarira sei vatungamiriri vakadaro, zvikurukuru avo vakabatanidzwa nechiKristudhomu? Chii chiri mberi nokuda kwavo uye nokuda kwaavo vanovatevera? Mubhuku raIsaya, tinowana tsinhiro dzoumwari dzakakodzera zvikurusa kuzvinhu zvazvino zvakadaro. Tinowanawo zvidzidzo zvomumwe nomumwe wedu sezvatinovavarira somunhu oga kubatira Mwari.
Muporofita Kurudzi Rune Mhaka
8. Chii chine bhuku raIsaya, uye iro rakanyorwa nomutooi?
8 Uchirava bhuku raIsaya, uchawana mashoko pamsoro pemhaka yaJudha neJerusarema, udzame hwenhau hwevhozhokero dzavavengi, kutaura kworuparadziko nokuda kwamarudzi akapoteredza, uye kudeya kutaurwa kunokurudzira kwedzorero noruponeso nokuda kwaIsraeri. Ikoku kwakanyorwa nomutoo wakajeka, unonzwisisika. Dr. I. Slotki anoti: “Nyanzvi dzinopa rukudzo rwomwoyo wose kufungidziro yakaisvonaka yaIsaya nerondedzero dzake dzakaisvonaka nedzakajeka, kushandisa kwake madimikira ane simba, kutanga shoko rimwe nerimwe nebhii rimwe chetero kana kuti kunzwika, kufanana nokunzwika kwamashoko, uye dzikamo yakaisvonaka nokuyerera kune tsinhirano kwemitsetse yake yamashoko.” Ngatinzverei zvikurukuru shoko rokutanga raIsaya—riya rinowanwa muganhuro 1.
9. Chii chatinoziva pamsoro penguva nemigariro zvokunyorwa kwaIsaya ganhuro 1?
9 Muporofita wacho haatauri chaizvoizvo apo iye akanyora iyi ganhuro. Isaya 6:1-13 inovambira mugore apo Mambo Uzia akafa. Naizvozvo kana paiva pamberi paikoku apo Isaya akanyora ganhuro dzake dzokutanga, idzo dzingaratidzira mugariro uri pasi mukati moumambo hwaUzia. Zvikurukuru, Uzia (829-777 P.N.V.) “akaita zvakarurama pamberi paJehovha,” naizvozvo Mwari akakomborera kutonga kwake norubudiriro. Bva, isu tinoziva kuti zvose zvakanga zvisina kunaka, nokuti “vanhu vakaramba vachibaira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira” Mwari asati arova Uzia (kana kuti, Azaria) namaperembudzi nokuda kwokupa zvinonhuwira nokuzvitutumadza mutembere. Kuda kwokupa zvinonhuwira nokuzvitutumadza mutembere. (2 Makoronike 26:1-5, 16-23; 2 Madzimambo 15:1-5) Ushati hukuru munguva yaUzia hungave hwakatungamirira kuuipi hwakawanda hwatinorava nezvahwo hunobatanidza muzukuru wake Mambo Ahazi (762-745 P.N.V.), uhwowo hungava uhwo Isaya akanga achirondedzera. Asi zvinokosha zvikuru kupfuura musi chaiwo weganhuro yokutanga, ndizvo zvakasunda Mwari kuti: “Ngatiruramisei zvinhu pakati pedu.”
10. Mukati mokutonga kwaMambo Ahazi, mugariroi wakapararira muna Judha, zvikurukuru pakati pavatungamiriri?
10 Isaya akazivisa pachena, kuti: “Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora. Vakasiya Jehovha, vakashora mutsvene waIsraeri, vakadzokera shure. . . . Musoro wose unorwadza, nomwoyo wose waziya. Kubvira parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri.” (Isaya 1:4-6) Kutonga kwaMambo Ahazi kwamakore 16 kwakaratidzirwa nokunamata zvidhori kwakashata. Iye akapisa “mwanakomana wake [sezvibairo] mumwoto netsika dzezvinonyangadza zvavahedheni, . . . akabaira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira, napazvikomo, napasi pemiti yose mitema.” (2 Makoronike 28:1-4; 2 Madzimambo 16:3, 4) Kusaruramisira, fufuro, uye utere zvakanga zvakapararira pakati pamachinda, avo vakanga vakakodzera zvikuru kuva vatongi muSodhoma rakare. (Isaya 1:10, 21-23; Genesi 18:20, 21) Zvamazvirokwazvo, Mwari aisagona kuvatendera. Uye navatungamiriri vakadaro, vanhu vaizorarama sei?
11. Tinofanira kunzwisisa sei Isaya 1:29, 30?
11 Muporofita Isaya akaenzanisira mugariro unosiririsa wavanhu nokududza miti inoyera neminda umo vaipira zvibairo zvokunamata zvidhori nezvinonhuwira zvinopiswa kuvamwari vechihedheni. Iyi “miti mikuru” yaizova chisakiso chamanyadzi. (Isaya 1:29; 65:3) Achichinjira madimikira kuvanamati vezvidhori vamene, Isaya akanyora, kuti: “Muchava somuouki wasvava mashizha, uye somunda usine mvura.” (Isaya 1:30) Hungu, vanhu vanosiya Jehovha vaizo“pedzwa.” Ivo vaizova vakafanana norwonzi (zvidimbu zvinotsva zvetambo), uye zvidhori zvavo zvaizova sasaradzi yomwoto—zvose zviri zviviri zvaifanira kuparadzwa.—Isaya 1:28, 31.
12, 13. Ifananoi dzinogona kuitwa pakati penguva yedu neyaIsaya?
12 Zvino enzanisa izvozvo nomugariro nhasi. Mukati momwedzi mumwe, muUnited States pepanhau rakashuma kuti: Mumwe mukwikwidzani mukuru wapurezidhendi akabuda muruzvidzo pamsoro pemishumo yo“kusonganirana navakadzi” kwake, mumwe mukuru worudzidziso akatanhamara akatsiviwa pashure pokureurura upombwe nokupomerwa vatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo yevatano, kuchinjana vadzimai, uye kushandisa mari zvisakafanira kuti abhadhare rutsikidzo. (Iye “sezvinoshumwa akanga atora mamirioni $4,6 anokatyamadza mukuripa chibviro cha 1984.” Time, May 11, 1987) MuAustria gore rapera, Abbot weRein ‘akadzingwa ndokupomerwa mhaka yokupambadzira mamirioni $6 paimba yokuvhima namapati emitezo yemhuri yaichitonga uye nokuda kwavakadzi vaduku vomugariro unokudzwa zvishoma.’ Iwe zvimwe ungagona kupa mimwe mienzaniso yavatungamiriri vakadaro. Chii chaunofunga kuti murangariro waMwari wavo?
13 Kana vari vanhu vose zvavo, pane paradzano yorudzidziso inowedzera. Vamwe vanobva murudzidziso nokusemburwa kana kuti nokusakendenga. Somuenzaniso, 3 muzana chete yavagari veEngland inopinda muchechi inotsigirwa nehurumende. Kuno rumwe rutivi, tinowana kuva vorudzidziso kwokunyanyisa. Ikoku kuri pachena muchechi dziri kuwedzera dzamasimba echienzi, nokufadza ndangariro kwadzo kwo“kuponeswa,” kutaura nendimi, kana kuti kuona vanorwara “vachiporeswa.” Mapoka anodirana kunzvimbo tsvene achikarira manenji. Vamwe vanoita zvibairo samabasa o“kutenda,” zvakadai sokukambaira namabvi anobuda ropa kuti vaone Mhandara yeGuadalupe [Mexico City]. Pepanhau rakati: “Nepo kuvokunze kuvapo kwake neshingairo yaanonamatwa nayo kungaratidzika kuva kuvhenganiswa kuri pachena kwechiKristu nechihedheni, Mhandara yacho nenzira ine mufungo munhu anokosha zvikurusa muchiKaturike cheMexico.”
Unogona Sei Kuwana Nyasha Dzake?
14. Kupfurikidza naIsaya, Jehovha akakuita sei kuti kujeke kuti Iye haagamuchiri vose vanotaura kuti vanonamata Iye?
14 Jehovha Mwari haasiyi nyongano pamsoro pomurangariro wake waavo vanotaura kuva vari parutivi pake asi vasati vachizo“namata Baba nomudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:23, NW) Kana rudzi, boka rorudzidziso, kana kuti munhu asati achiita mutsinhirano nemipimo yakaziviswa yaMwari, ratidziro dzipi nedzipi dzorudzidziso hadzina maturo. Somuenzaniso, madyo orudzidziso nezvibairo zvakanga zviri rutivi runodikanwa rwenamato yechokwadi muna Israeri wakare. (Revhitiko, ganhuro 1-7, 23) Bva Isaya akaonesa murangariro waMwari—kusafarira vaJudha vasina kutendeka vaichengeta chengeto idzodzo. Mwari akati: “Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzira chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi.” (Isaya 1:11-15) Ikoko ndokwechokwadi zvakafanana nhasi. Panzvimbo peminamato zvayo yorudzidziso kana kuti zvitendero zvinodzidzwa nomusoro neminyengetero, Mwari anoda minyengetero namabasa akarurama zvinobva mumwoyo.
15. Neiko Isaya 1:18 ichitipa chikonzero chetariro, uye ndeipi iri revo yamashoko okuti ‘Uyai uye ngatiruramise nhau’?
15 Kuziva kwedu izvozvo kunogovera hwaro hwetariro. Vanhu vanogona kuwana nyasha dzaMwari. Seiko? Isaya akakurudzira, kuti: “Shambai, muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa; dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururamisira.” Papfundo rino Isaya akapa murairo waMwari, achiti: “Chiuyai zvino titaurirane.” Naizvozvo Jehovha akanga asiri kukumbira musangano pakati pavaenzani avo vaizogara pasi nokuda kwegoverano. Mwari aiziva chakanga chakarurama, kana kuti chakatwasuka. Chisarudzo chake chaiva ichi: Chinjo dzipi nedzipi dzinodikanwa dzinofanira kuitwa navanhu, avo vaidikanirwa kuwirirana nemipimo yake yakarurama neyakanaka. Ikoko kwakadarowo nhasi. Chinjo inobvira, nenyasha dzinovapo somuuyo. Kunyange mumwe munhu ane nzira yave iri yakashata zvisingapanikirwi anogona kuchinja. Isaya akanyora, kuti: “Kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando.”—Isaya 1:16-18.
16. Vamwe vakagamuchira sei zano rakavakirwa paBhaibheri pamsoro pokuita chakaipa?
16 Pane kombamiro, zvisinei, yokucherechedza zano rakadaro asi kufunga kuti rinoshanda kuvamwe. Sezviri pachena, vazhinji vomuzuva raIsaya vakaita izvozvo. Zvomenemene, munhu mumwe nomumwe anofanira kuzvinzvera amene. Kana muKristu ane mhaka yechivi chakakomba, kungava kureva nhema, kurozva, utere hwevatano, kana kuti zvimwe zvakaipa zvakakomba, rupfidzo namabasa akakodzera rupfidzo zvinokosha. (Mabasa 26:20) Nenzira inoongwa, vamwe vakaita chimwe chinhu kuti ‘varuramise zvinhu pakati pavo naJehovha.’ Somuenzaniso, Nharireyomurindi yaOctober 15, 1985, yakakurukura nhau yokururamisa zvikanganiso zvingava zvakavandika kuvokunze asi zvinocherechedzwa naMwari. (Mateo 6:6; VaFiripi 4:13) Nzvimbo nhatu dzengwariro dzakadudzwa: kubvuma pachivande kuisirwa ropa, bonhora, uye kushandiswa kusakafanira kwedoro. Pashure pokurangarira mashoko iwayo, chiverengero chakati chavaravi chakanyora tsamba dzokuonga; ivo vakabvuma kuti vakanga vava nezvikanganiso izvozvo, asi vakanga vasundwa kupfidza ndokuchinja.
17. Kunyange kana tisiri kuita zvakaipa zvakakomba, Isaya 1:18 inogona sei kushanda kwatiri ndokutibetsera?
17 Chokwadika, maKristu mazhinjisa ari kurangarira iyi nhau haana mhaka yomufambiro usakarurama wakakomba. Kunyanguvezvo, shoko raIsaya richingori rinofanira kutisunda kunzvero yakakomba. Tingadikanirwa here kururamisa nhau yakati naMwari? Chinhu chinokosha cheshoko raIsaya chakanga chiri vavariro yomwoyo yakarurama. Pamsoro pomunyengetero, mumwe angabvunza, kuti: ‘Ko minyengetero yangu inobva mumwoyo mangu here, uye kusvikira pakanakisisa pamano angu, ko zviito zvangu zvinowirirana neminyengetero yangu here?’ Vamwe vanoita nzvero yakadaro vakaona nzvimbo yevandudziko. Ivo vakanga vave vachinyengeterera zivo yakawedzerwa yokuda kwaMwari, bva ivo vakapedzera nguva duku vachifunda Bhaibheri nezvinyorwa zvechiKristu. Vamwe vakanga vave vachinyengetera kuti vave negoverano huru zvikuru muushumiri, asi ivo vakaronda mutoo woupenyu usina kubvumira derero mumari yavo kupfurikidza nokuderedza basa ravo rokunyika. Kana kuti iwe wakanyengetera here kuti Mwari akomborere kuita kwako vadzidzi? Ipapoka, iwe unoshanda pakuva mudzidzisi anobudirira zvikuru kusvikira patambanukoi? Ko iwe wakawedzera here nokungwarira kuita kwako shanyo dzedzokerero ndokuva anodisa kupa nguva yokuitisa fundo yeBhaibheri yenguva dzose vamwe? Kuzvishandisa umene mutsinhirano neminyengetero yako kucharatidza kuti unoda zvapachokwadi kuteerera Mwari.
18. Tinofanirireiko kupa ngwariro kukururamisa zvinhu pakati pedu naMwari?
18 Kwakafanira chose chose kuti mumwe nomumwe wedu avavarire kuita kuti mativi ose oupenyu hwedu ‘aruramiswe’ naMwari, Musiki wedu. Cherechedza kuti Isaya akarangarira sei muna ikoku: “Nzombe inoziva mwene wayo, mbongoro inoziva chidyiro chavatenzi wayo; asi Israeri haazivi, vanhu vangu havarangariri.” (Isaya 1:3) Hapana nomumwe wedu angada kuratidzirwa saanoziva kana kuti kunzwisisa zvishoma kupfuurwa nenzombe kana kuti mbongoro. Rondedzero yakadaro ingashanda, kunyanguvezvo, kana tichirangarira kuti hatidi kushanda pakudzidza pamsoro poMupi wedu woupenyu nezvinodikanwa zvake uye ipapo kuedza zvapachokwadi kurarama nenzira inowirirana.
19. Ikariroi yakaonesa Isaya nokuda kwaavo vanoruramisa zvinhu naMwari, uye irevoi ina ikoku nokuda kwedu?
19 Isaya akapa vanhu vake chikonzero chetariro. Iye akataura kuti chimiro chavo pamberi paJehovha chingagona kuchinjwa kuva chakachena. Chaigona kuva chakafanana nezvishava izvo zvaizova zvichena samakushe amakwai kana kuti sechando chakafukidza pamusoro peGomo reHermoni. (Isaya 1:18; Pisarema 51:7; Dhanieri 7:9; Zvakazarurwa 19:8) Kunyange zvazvo voruzhinji vasina kugamuchira, uye nokudaro rudzi rwacho rwakaurawa nomunondo ndokupinzwa muutapwa, vakasarira vakatendeka vaigona kudzokera. Nenzira yakafanana, tinogona kuwana nyasha dzaJehovha, zvichida norubatsiro rwavatariri vanongwarira, avo vanobatira muungano sa‘vatongi navapi vezano’ vane rudo. (Isaya 1:20, 24-27, 1 Petro 5:2-4; VaGaratia 6:1, 2) Naizvozvo iva nechokwadi chokuti, iwe unogona kururamisa zvinhu pakati paMwari newe. Kana kuti, kana tichitova nenyasha dzaMwari, unogona kusimbisa ukama hwako naye. Ikoku zvirokwazvo kwakafanirwa nenhamburiko yako iri yose.
[Mashoko Omuzasi]
a Dr. E. H. Plumptre anotsanangura, kuti: “[Kushandura muKing James Version] kunokarakadza mufungo wekurukurirano pakati pavaenzani. ChiHebheru chinoreva panzvimbo pezvo inzwi romunhu anopa chisarudzo, chine chiremera, sechinobva kumutongi chichienda kuna nyakupomerwa.”
Mapfundo Ehwirudzuro
◻ Chii chakarehwa nomurairo wokuti ‘uyai uye ngatiruramise nhau’ naMwari?
◻ Nguva yaIsaya yakanga yakafanana sei neyedu?
◻ Chii chakaratidza Isaya kuti chaidikanwa kuti vanhu vamwe navamwe vawane nyasha dzaMwari?
◻ Kunze kwechivi chakakomba, munzvimboi matingada kururamisa zvinhu pakati pedu naMwari?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Materu ane chando eGomo reHermoni, akatarira kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero mhiri kwomupata wokumusoro waJoridhani kusvikira kumakomo eGarirea
[Kwazvakatorwa]
Mifananidzo, mapeji 10, 31: Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
[Mufananidzo uri papeji 13]
Isaya akataura kuti ‘mbongoro inoziva chidyiro chavatenzi vayo.’ Chifundoi chiripo muna ikoku?