Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi, pakauya muprofita Natani kwaari pashure pekunge Dhavhidhi arara naBhati-shebha.+
51 Ndinzwirei nyasha, haiwa Mwari, maererano nerudo rwenyu rusingachinji.+
Dzimai zvitadzo zvangu maererano nekuwanda kwetsitsi dzenyu.+
2 Nyatsondigezai kukanganisa kwangu,+
Uye ndichenesei pachivi changu.+
3 Nekuti ndinonyatsoziva zvitadzo zvangu,
Uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.+
4 Ndakanyanya kutadzira imi;+
Zvandakaita pamberi penyu zvakaipa.+
Saka makarurama pamunotaura,
Mitongo yamunopa yakarurama.+
5 Onai! Ndakaberekwa ndichikanganisa,
Uye amai vangu vakandinambira muchivi.+
6 Onai! Munofarira chokwadi chiri mukati memunhu;+
Ndidzidzisei kuti ndive neuchenjeri mukati mangu.
7 Ndinatsei chivi changu nehisopi, kuti ndichene;+
Ndigezei, kuti ndichene kupfuura chando.+
8 Itai kuti ndinzwe manzwi ekufara uye ekupembera,
Kuti mapfupa amakapwanya afare.+
9 Bvisai chiso chenyu pazvivi zvangu,+
Uye dzimai kukanganisa kwangu kwese.+
10 Sikai mwoyo wakachena mandiri, haiwa Mwari,+
Muise mafungiro matsva mandiri,+ asingazununguki.
11 Regai kundirasira kure nemi;
Uye musanditorera mweya wenyu mutsvene.
12 Ndidzorerei mufaro weruponeso rwenyu;+
Itai kuti ndive nechido chekukuteererai.
13 Ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu,+
Kuti vatadzi vadzoke kwamuri.
14 Ndiponesei pamhosva yekudeura ropa,+ haiwa Mwari, imi Mwari weruponeso rwangu,+
Kuti rurimi rwangu ruzivise nezvekururama kwenyu ruchifara.+
15 Haiwa Jehovha, vhurai miromo yangu,
Kuti muromo wangu uzivise kurumbidzwa kwenyu.+
16 Nekuti hamudi chibayiro, zvimwe ndingadai ndachipa;+
Hamufariri chibayiro chinopiswa.+
17 Zvibayiro zvinofadza Mwari ndiwo mweya wakaputsika;
Haiwa Mwari, hamuzorambi mwoyo wakaputsika newakapwanyika.+
18 Itirai Ziyoni zvakanaka mukurifarira kwenyu;
Vakai masvingo eJerusarema.
19 Uye muchafadzwa nezvibayiro zvekururama,
Zvibayiro zvinopiswa uye mipiro inopiswa yese;
Mikono yemombe ichabva yabayirwa paatari yenyu.+