Chitsauko 20
Jehovha ndiMambo
1, 2. (a) Ndiani achaona hasha dzaJehovha? (b) Nyika yeJudha icharega kurangwa here, uye tinoziva sei?
BHABHIRONI, Firistia, Moabhi, Siria, Etiopia, Ijipiti, Edhomi, Tire, Asiria—dzose dzichaona hasha dzaJehovha. Isaya akafanotaura nhamo dzichawira nyika nemaguta ane utsinye aya. Zvisinei, zvakadini nenyika yeJudha? Vagari venyika yeJudha vacharega kurangwa here nokuda kwenzira dzavo dzokutadza? Zvakanyorwa munhau dzakaitika zvinopindura zvakasimba kuti kwete!
2 Funga zvakaitika kuSamaria, guta guru roumambo hwendudzi gumi dzaIsraeri. Nyika iyoyo haina kuchengeta sungano yayo naMwari. Haina kuramba yakaparadzana nemiitiro yakaipa yemarudzi akapoteredza. Asi, vagari veSamaria “vakaita zvakashata zvakatsamwisa Jehovha . . . Naizvozvo Jehovha wakatsamwira vaIsraeri kwazvo, akavabvisa pachiso chake.” Vabviswa nokumanikidzwa panyika yavo, “vaIsraeri vakatapwa panyika yavo, vakaiswa Asiria.” (2 Madzimambo 17:9-12, 16-18, 23; Hosea 4:12-14) Zvakaitika kuIsraeri hazvirevi chakanaka nokuda kwoumambo hwehama dzayo, hwenyika yeJudha.
Isaya Anofanotaura Nezvokuparadzwa Kwenyika yeJudha
3. (a) Nei Jehovha achisiya umambo hwendudzi mbiri hwenyika yeJudha? (b) Jehovha akatsunga kuitei?
3 Mamwe madzimambo enyika yeJudha akanga akatendeka, asi mazhinji akanga asina. Kunyange mukutonga kwamambo akatendeka, akadai saJotami, vanhu vacho havana kusiya zvachose kunamata kwenhema. (2 Madzimambo 15:32-35) Kuipa kwenyika yeJudha kwakasvika pakuipisisa munguva yokutonga kwaMambo Manase aida zvokudeura ropa, uyo maererano nengano dzechiJudha, anoponda muprofita akatendeka Isaya nokurayira kuti achekwe nepakati. (Enzanisa naVaHebheru 11:37.) Mambo akaipa uyu “akatsausa vaJudha navakanga vagere Jerusarema, vakaita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana vaIsraeri.” (2 Makoronike 33:9) Mukutonga kwaManase nyika inotowedzera kusvibiswa kupfuura panguva yayaidzorwa nevaKanani. Saka, Jehovha anozivisa kuti: “Ndichauyisira Jerusarema naJudha zvakaipa zvikadai, kuti vose vanozvinzwa nzeve dzavo dzichaunga. . . . Ndichapisika Jerusarema somunhu unopisika ndiro, unoipisika akaitsindikira. Ndicharasha vakasara venhaka yangu, ndivaise mumaoko avavengi vavo; vachapedzwa nokuparadzwa navavengi vavo vose; nokuti vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakanditsamwisa.”—2 Madzimambo 21:11-15.
4. Jehovha achaitei kunyika yeJudha uye uprofita uhwu hunozadzika sei?
4 Kufanana nendiro yakatsindikirwa, zvichiita kuti zvose zviri mukati mayo zvibude, nyika ichabviswa vanhu vayo vanogara pairi. Kuparadzwa kwenyika yeJudha neJerusarema kuri kuuya uku zvakare musoro wenyaya youprofita hwaIsaya. Anotanga achiti: “Tarirai, Jehovha unobvisa zvose panyika nokuiparadza, nokuitsindikira, nokuparadzira vagere mairi.” (Isaya 24:1) Uprofita uhwu hunozadzika apo Jerusarema netemberi yaro zvinoparadzwa nemauto eBhabhironi anopinda nechisimba achitungamirirwa naMambo Nebhukadhinezari uye apo vagari venyika yeJudha vanoparadzwa nomunondo, nzara, uye hosha. VaJudha vazhinji vanopona vanotapwa voenda kuBhabhironi, uye vashomanene vanosara vanotizira kuIjipiti. Saka nyika yeJudha inoparadzwa yosara isina munhu zvachose. Kunyange zvipfuwo hazvisari. Nyika yakatamiwa yacho inova sango rine matongo anotyisa anongogarwa nemhuka dzemusango bedzi neshiri.
5. Pane achasiyiwa here pakutongwa naJehovha? Tsanangura.
5 Pane munhu achaitirwa chizivano here munyika yeJudha munguva yokutonga kuri kuuya? Isaya anopindura kuti: “Vanhu vachaitirwa zvinoitirwa muprist[i], muranda zvinoitirwa tenzi wake, mushandiri zvinoitirwa vahosi vake, mutengi zvinoitirwa mutengesi, unopa chikwerete zvinoitirwa unokwereta, unoripa mhindu zvinoitirwa unoreva mhindu. Nyika ichabvisirwa zvose zvayo, ichaparadzwa chose; nokuti Jehovha wakataura shoko iro.” (Isaya 24:2, 3) Upfumi neropafadzo dzebasa repatemberi zvichashaya basa. Hapana anosiyiwa. Nyika yacho ine uori kwazvo zvokuti munhu wose anopona—vapristi, varanda nanatenzi, vatengi nevatengesi—vanofanira kuendwa navo senhapwa.
6. Nei Jehovha achibvisa chikomborero chake panyika?
6 Kuitira kuti pasava nokusanzwisisana, Isaya anorondedzera kukwana kwedambudziko riri kuuya iri uye anotsanangura chikonzero charo achiti: “Nyika inochema nokuoma, pasi pose panopera simba nokuoma, vanhu vakakudzwa venyika vanopera simba. Nyika yakasvibiswawo navagere mairi; nokuti vakadarika mirayiro, vakakanganisa mitemo, nokuputsa sungano isingaperi. Saka kutuka kwaMwari kwapedza nyika, navageremo vava nemhosva; saka vagere munyika vapiswa, vangosara vanhu vashoma.” (Isaya 24:4-6) VaIsraeri pavakapiwa nyika yeKanani, vakaiwana iri “nyika inoyerera mukaka nouchi.” (Dheuteronomio 27:3) Kunyange zvakadaro, vakaramba vachirarama nechikomborero chaJehovha. Kudai vaichengeta nokutendeka mitemo yake nemirayiro, nyika yai“bereka zvibereko zvayo,” asi kudai vaidarika mitemo yake nemirayiro simba ravo rokurima raizo“perera pasina,” uye nyika yacho yaisa“berek[a] zvibereko zvayo.” (Revhitiko 26:3-5, 14, 15, 20) Kutuka kwaJehovha kwaizo‘dya nyika yacho.’ (Dheuteronomio 28:15-20, 38-42, 62, 63) Nyika yeJudha zvino inofanira kutarisira kuona kutuka ikoko.
7. Sungano yoMutemo yaizova sei chikomborero kuvaIsraeri?
7 Anenge makore 800 zuva raIsaya risati rasvika, vaIsraeri nokuzvidira vakapinda muukama hwesungano naJehovha uye vakabvuma kuichengeta. (Eksodho 24:3-8) Zvakabvumiranwa pasungano yoMutemo iyoyo zvaiti kana vaiteerera mitemo yaJehovha, vaizokomborerwa naye zvikuru asi kana vaiputsa sungano yacho, vaizorasikirwa nechikomborero chake votapwa nevavengi vavo. (Eksodho 19:5, 6; Dheuteronomio 28:1-68) Sungano yoMutemo iyi, yakapiwa nokuna Mosesi, yaifanira kuramba ichishanda kwenguva isingazivikanwi isina kutaurwa. Yaizodzivirira vaIsraeri kusvikira pakuonekwa kwaMesiya.—VaGaratiya 3:19, 24.
8. (a) Vanhu vaka“darika mirayiro” sei noku“kanganisa mitemo”? (b) Mupfungwai umo “vakakudzwa” vari ivo vanotanga ‘kupera simba’?
8 Asi vanhu vaka“putsa sungano isingaperi.” Vakadarika mirayiro yavakapiwa naMwari, vachiita sevasingaioni. “Vakakanganisa mitemo,” vachitevera tsika dzomutemo dzakasiyana nedzavakapiwa naJehovha. (Eksodho 22:25; Ezekieri 22:12) Saka, vanhu vacho vachabviswa panyika. Hapana tsitsi dzicharatidzwa mukutonga kuri kuuya. Pakati pevachatanga ku‘pera simba’ nemhaka yokubvisa kwaJehovha kudzivirira kwake nenyasha pachava ne“vanhu vakakudzwa,” voumambo. Mukuzadzika kweizvi, kuparadzwa kweJerusarema zvakunoswedera pedyo, kutanga vaIjipiti kwozouya vaBhabhironi vanoita madzimambo enyika yeJudha vatongi vari pasi pavo. Gare gare, Mambo Jehoakini nedzimwe nhengo dzemhuri youmambo vanova vamwe vevanotanga kutapwa vachiendwa navo kuBhabhironi.—2 Makoronike 36:4, 9, 10.
Mufaro Unotama Panyika Yacho
9, 10. (a) Kurima kunoita basa rei muIsraeri? (b) Chii chinomirirwa noku‘gara pasi pomuzambiringa wake nomuonde wake’ kwomumwe nomumwe?
9 Rudzi rwaIsraeri vanhu vanorima. Kubva panguva yakapinda vaIsraeri muNyika Yakapikirwa, vakagadzikana kuti vaite upenyu hwokurima zvirimwa nokupfuwa zvipfuwo. Saka, kurima kune nzvimbo inokosha mumutemo wakapiwa Israeri. Zororo resabata rinosungirwa munhu wose rinorayirwa nokuda kwenyika yacho gore rechinomwe roga roga kuitira kuti ivhu racho riorere zvakare. (Eksodho 23:10, 11; Revhitiko 25:3-7) Mitambo mitatu yegore negore iyo rudzi rwacho runorayirwa kupemberera yakarongwa kuti iitike panguva inowirirana neyemwaka yokurima.—Eksodho 23:14-16.
10 Minda yemizambiringa yakatekeshera munyika yacho yose. Magwaro anotaura nezvewaini, inogadzirwa nemazambiringa, sechipo chinobva kuna Mwari chino “fadza mwoyo womunhu.” (Pisarema 104:15) Mumwe nomumwe ‘akagara pasi pomuzambiringa wake nomuonde wake,’ zvinoratidza kubudirira, rugare, uye kuchengeteka mukutonga kwaMwari kwakarurama. (1 Madzimambo 4:25; Mika 4:4) Mwaka wokukohwa mazambiringa unobudirira unoonekwa sechikomborero uye chikonzero chokuimba nokufara. (Vatongi 9:27; Jeremia 25:30) Zvikaita napamwe, zvakapesana zvinoitikawo. Mizambiringa painosvava kana kuti inotadza kubereka mazambiringa uye minda yemizambiringa yova mirwi yeminzwa, uchapupu hwokuti Jehovha abvisa chikomborero chake—nguva yokusuwa kukuru.
11, 12. (a) Isaya anoenzanisira sei mamiriro ezvinhu achakonzerwa nokutonga kwaJehovha? (b) Irima rei riri mberi iro Isaya anorondedzera?
11 Saka nenzira yakakodzera, Isaya anoshandisa minda yemizambiringa nezvibereko zvayo kuenzanisira mamiriro ezvinhu anovapo kana Jehovha abvisa chikomborero chake panyika. “Waini itsva inochema, muzambiringa wapera simba, vose vane mwoyo unofara vanogomera. Kufara kwengoma kwonyarara, inzwi ravanofara ropera, mufaro wembira wopera. Havanganwi waini vachiimba; zvinobata zvichavava kune vanozvinwa. Guta, rava dongo, rakoromorwa; dzimba dzose dzakapfigwa, kuti kurege kuva nomunhu ungapindamo. Kuchema kunonzwika panzira dzomumusha nokuda kwewaini; mufaro wose wasviba, kufara kwenyika kwaenda. Muguta masara mangova dongo. Suo raputswa nokuparadzwa.”—Isaya 24:7-12.
12 Ngoma nembira zviridzwa zvinofadza zvinoshandiswa kurumbidza Jehovha nokuratidza mufaro. (2 Makoronike 29:25; Pisarema 81:2) Kurira kwazvo hakuzonzwiki panguva ino yechirango chaMwari. Hapazovi negohwo remazambiringa rinofadza. Hapazovi neruzha rwomufaro mumatongo akatamiwa eJerusarema, suo raro ra“putswa nokuparadzwa” uye dzimba dzaro “dzapfigwa,” kuitira kuti pasava neangapinda. Irima rakadini riri mberi kwevagari venyika iyo yakangosikwa yakaorera!
Vakasara “Vachapururudza”
13, 14. (a) Mitemo yaJehovha pakukohwa inoti chii? (b) Isaya anoshandisa sei mitemo yepakukohwa kuratidzira kuti vamwe vachapona pakutongwa naJehovha? (c) Kunyange zvazvo kune nguva dzakaoma dzomuedzo dziri kuuya, vagari venyika yeJudha vakatendeka vanogona kuva nechokwadi chechii?
13 Kuti vakohwe zvibereko zvemuorivhi, vaIsraeri vanorova miti yacho nemipuro kuti michero yacho iwe. Maererano noMutemo waMwari, havabvumirwi kukwira mapazi emiti yacho kuti vanotora zvibereko zvinosara. Uyewo havafaniri kuunganidza mazambiringa anosara pashure pakukohwa minda. Zvinosara pakukohwa zvinofanira kusiyirwa varombo—“mutorwa, nenherera, nechirikadzi”—kuti vaunganidze zvakasara. (Dheuteronomio 24:19-21) Achizvitora pamitemo inonyatsozivikanwa iyi, Isaya anoenzanisira zvinofadza kuti pachava nevachapona mukutonga kwaJehovha kuri kuuya: “Nokuti ndizvo zvazvichaita panyika pakati pamarudzi avanhu, zvichafanana nokuzuzwa kwomuorivhi, nezvakasara kana mizambiringa yakohwiwa. Ivo vachadanidzira, vachapururudza; nokuda kwoumambo hwaJehovha vanodanidzira vari pagungwa. Saka rumbidzai Jehovha kumabvazuva, iro zita raJehovha, Mwari waIsraeri, pazviwi zvegungwa. Takanzwa nziyo dzichiimbwa kumigumo yenyika, dzichiti: Vakarurama ngavakudzwe!”—Isaya 24:13-16a.
14 Kungofanana nezvimwe zvibereko zvinosara mumuti kana kuti muzambiringa pashure pokukohwa, saizvozvo pachavawo nevamwe vanosara Jehovha aita kutonga kwake—“zvakasara kana mizambiringa yakohwiwa.” Sezvakanyorwa mundima 6, muprofita atotaura nezvazvo, achiti, “vangosara vanhu vashoma.” Kunyange zvakadaro, vari vashoma saizvozvo, pachava nevachapona pakuparadzwa kweJerusarema nenyika yeJudha, uye gare gare vakasara vachadzoka kubva kwavakatapwa kuti vagarezve munyika yacho. (Isaya 4:2, 3; 14:1-5) Kunyange zvazvo vane mwoyo yakarurama vachasangana nenguva dzakaoma dzomuedzo, vanogona kuva nechokwadi chokuti kuchava nokununurwa uye mufaro mberi. Vanopona vachaona shoko raJehovha rouprofita richiitika uye vachaziva kuti Isaya akanga ari muprofita wechokwadi waMwari. Vachazara nomufaro pavachaona kuzadzika kwouprofita hwokudzorera. Kubva kupi nokupi kwavangave vanga vakaita rumwe rumwe—kungava kuzvitsuwa zveMediterranean kuMavirira, Bhabhironi riri “munharaunda yechiedza” (mabudazuva, kana kuti Mabvazuva), kana kuti imwe nzvimbo ipi zvayo iri kure—vacharumbidza Mwari nokuti vakachengetwa, uye vachaimba kuti: “Vakarurama ngavakudzwe!”
Hapana Matiziro Kana Jehovha Otonga
15, 16. (a) Isaya anonzwa sei pamusoro pezvichaitika kuvanhu vake? (b) Chii chichawira vagari venyika vasina kutendeka?
15 Zvisinei, kufara panguva ino kumedza kutsenga kuchada. Isaya anodzosa pfungwa dzevaari kurarama navo shure kunguva iyoyo achiti: “Asi ini ndakati: Ndinowonda, ndinowonda, ndine nhamo! vanyengeri vakaita nokunyengera; zvirokwazvo, vanyengeri vakaita nokunyengera kukuru. Kutya, negomba, nomusungo zvichakuwira, iwe ugere panyika. Zvino, unotiza bope rokutyisa, uchawira mugomba; unokwira achibva mukati megomba, uchabatwa nomusungo; nokuti mawindi okumusoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinodedera. Nyika yaputswa-putswa chose, nyika yodedera chose, nyika yozununguswa chose. Nyika ichadzedzereka somunhu wakabatwa, ichadengenyeka sedumba; kudarika kwayo kuchairemedza kwazvo, ichawa, ikasasimukazve.”—Isaya 24:16b-20.
16 Isaya azere neshungu pamusoro pezvichawira vanhu vake. Mamiriro ezvinhu zvakamupoteredza anokonzera kunzwa kurwara nenhamo. Vanyengeri vakawanda uye vanokonzera kutya kuvagari vomunyika yacho. Jehovha paacharega kudzivirira, vagari venyika yeJudha vasina kutendeka vachatya masikati nousiku. Vachave vasina chokwadi noupenyu hwavo. Pachave pasina matiziro edambudziko richavawira nokuda kwokusiya mitemo yaJehovha nokusateerera uchenjeri hwaMwari. (Zvirevo 1:24-27) Ngwavaira ichauya kunyange zvazvo vanyengeri vari munyika yacho, vachiedza kuratidza vanhu kuti zvinhu zvose zvichanaka, vachishandisa nhema nokunyengera kuvatungamirira munzira yokuparadzwa. (Jeremia 27:9-15) Vavengi vanobva kunze vachapinda vovaparadza vovatapa. Zvose izvi zvinotambudza Isaya kwazvo.
17. (a) Nei pasingazobviri kutiza? (b) Apo simba rokutonga raJehovha rinobva kumatenga, chii chichaitika kunyika?
17 Asi, muprofita anofanira kuzivisa kuti hapana matiziro. Chero kupi zvakwo uko vanhu vanoedza kutizira, vachabatwa. Vamwe vangatiza imwe ngwavaira, asi vachabatwa neimwe—kuchave kusina kuchengeteka. Zvichave zvakangoita semhuka iri kuvhimwa inonzvenga kuwira mugomba yongozobatwa nomusungo. (Enzanisa naAmosi 5:18, 19.) Simba raJehovha rokutonga richabva kudenga uye richazunungusa nheyo dzenyika yacho chaidzo. Kuita somunhu akadhakwa, nyika yacho inodzedzereka yowa, yakaremerwa nokuva nemhaka uye haikwanisi kumuka zvakare. (Amosi 5:2) Kutonga kwaJehovha ndiko kwokupedzisira. Kuparadzwa kwakakwana kuchawira nyika yacho.
Jehovha Achatonga Nembiri
18, 19. (a) “Hondo yavakakudzwa” ingangorevei, uye ivava vanounganidzwa vo“pfigirwa mutorongo” sei? (b) Pamwe, “hondo yavakakudzwa” ichafungwa “mazuva mazhinji apfuura” sei? (c) Jehovha anotendeukira sei ku“madzimambo enyika panyika”?
18 Uprofita hwaIsaya zvino hunokwidza makata, huchiratidza chichapedzisira kuitika pachinangwa chaJehovha: “Zvino nezuva iro Jehovha ucharova hondo yavakakudzwa vari kumusoro, namadzimambo enyika panyika. Vachaunganidzwa pamwe chete, sezvinounganidzwa vasungwa mugomba, vachapfigirwa mutorongo; zvino kana mazuva mazhinji apfuura vachashanyirwa. Ipapo mwedzi uchanyadziswa, nezuva richanyara; nokuti Jehovha wehondo uchabata ushe pagomo rezioni, napaJerusarema; pamberi pavakuru vake pachava nokukudzwa.”—Isaya 24:21-23.
19 “Hondo yavakakudzwa” ingangoreva madhimoni “vatongi venyika verima rino, . . . masimba emidzimu yakaipa iri munzvimbo dzomumatenga.” (VaEfeso 6:12) Aya akava nesimba guru pamasimba enyika. (Dhanieri 10:13, 20; 1 Johani 5:19) Vavariro yawo ndeyokutsausa vanhu pana Jehovha nokunamatwa kwake kwakachena. Anobudirira kwazvo kunyengera Israeri kutevera tsika dzakaora dzenyika dzakaipoteredza naizvozvo vachikodzera kutongwa naMwari! Asi Satani nemadhimoni ake vanofanira kuzvidavirira kuna Mwari paachazotendeukira kwavari pakupedzisira uye kuvatongi vepano pasi, “madzimambo enyika panyika,” avo akafurira kuti amukire Mwari nokudarika mitemo yake. (Zvakazarurwa 16:13, 14) Achitaura nenzira yokufananidzira, Isaya anotaura kuti vachaunganidzwa vo“pfigirwa mutorongo.” “Mazuva mazhinji apfuura,” pamwe apo Satani nemadhimoni ake (asi kwete “madzimambo enyika panyika”) vanombosunungurwa pakupera kweMakore Ane Chiuru Okutonga kwaJesu Kristu, Mwari achavapa chirango chokupedzisira chakavafanira.—Zvakazarurwa 20:3, 7-10.
20. Munguva dzekare nedzazvino, Jehovha “unobata ushe” sei uye rini?
20 Chikamu chino chouprofita hwaIsaya naizvozvo chakasiya vaJudha vane vimbiso inoshamisa. Munguva yaJehovha yakafanira, aizoparira kuwa kweBhabhironi rekare odzorera vaJudha kunyika yokumusha kwavo. Muna 537 B.C.E., apo anoratidza simba rake nouchangamire munzira iyi akamirira vanhu vake, zvinogona kutaurwa zvechokwadi kwavari kuti: “Mwari wako unobata ushe!” (Isaya 52:7) Munguva dzazvino, Jehovha ‘akava mambo’ muna 1914 apo akagadza Jesu Kristu saMambo muUmambo Hwake hwokudenga. (Pisarema 96:10) A‘kavawo mambo’ muna 1919 apo akaratidza simba roumambo hwake nokusunungura Israeri womudzimu muusungwa hweBhabhironi Guru.
21. (a) ‘Jenaguru richadzima nezuva rinopenya richanyara’ sei? (b) Kudanidzira kukuru kupi kuchava nokuzadzika kwakwo kukuru kwazvo?
21 Jehovha ucha“bata ushe” zvakare paanogumisa Bhabhironi Guru negadziriro ino yezvinhu yose yakaipa. (Zekaria 14:9; Zvakazarurwa 19:1, 2, 19-21) Pashure pacho, kutonga kwoUmambo hwaJehovha kuchave kune mbiri kwazvo zvokuti kunyange jenaguru rakajeka usiku kana kuti zuva riri kubanda masikati harizosviki pambiri yahwo. (Enzanisa naZvakazarurwa 22:5.) Zvichanyara kuzvienzanisa naJehovha wehondo anobwinya. Jehovha achatonga nokusingaperi. Simba rake rose nokubwinya zvicharatidzwa kuna vose. (Zvakazarurwa 4:8-11; 5:13, 14) Itarisiro inoshamisa sei! Panguva iyoyo, mashoko ePisarema 97:1 achanzwika mupasi rose mukuzadzika kwawo kukuru kwazvo: “Jehovha unobata ushe; nyika ngaifare kwazvo; zviwi zvizhinji ngazvifare.”
[Mufananidzo uri papeji 262]
Mimhanzi nomufaro hazvizonzwikizve munyika yacho
[Mufananidzo uri papeji 265]
Vamwe vachapona pakutonga kwaJehovha, kungofanana nomuchero unosara pamuti pashure pokukohwa
[Mufananidzo uri papeji 267]
Isaya azere neshungu pamusoro pezvichawira vanhu vake
[Mufananidzo uri papeji 269]
Zuva kana mwedzi hazvingaenzani nokubwinya kwaJehovha