Chitsauko 21
Ruoko rwaJehovha Rwakasimudzwa
1. Nei Isaya achionga Jehovha?
ISAYA anoda Jehovha kwazvo uye anofarira kumurumbidza. Anodanidzira kuti: “Jehovha, ndimi Mwari wangu! Ndichakukudzai, ndicharumbidza zita renyu.” Chii chinobetsera muprofita kuonga Musiki wake zvakanaka kudaro? Chikonzero chikuru kuziva kwake Jehovha nemabasa ake. Mashoko aIsaya anotevera anoratidza zivo iyi: “Nokuti makaita zvinoshamisa, izvo zvamakafunga kare nokutendeka nezvokwadi.” (Isaya 25:1) Kufanana naJoshua akamutangira, Isaya anoziva kuti Jehovha akatendeka uye anogona kuvimbwa naye uye kuti “zvaakafunga” zvose—zvinhu zvaanoda kuita—zvinoitika.—Joshua 23:14.
2. Ndezvipi zvakafungwa naJehovha zvinoziviswa naIsaya zvino, uye chii chingava chinangwa chezvaakafunga izvi?
2 Zvakafungwa naJehovha zvinosanganisira kuzivisa kwake nezvokutonga vavengi vaIsraeri. Isaya zvino anotaura chimwe chacho achiti: “Nokuti guta makariita dutu ramabwe, guta rakakombwa norusvingo makariita dongo, imba huru yavatorwa rirege kuva guta; haringatongovakwi.” (Isaya 25:2) Iguta ripi iri risina kutaurwa zita? Isaya angangodaro achireva Ari reMoabhi—Moabhi rakangogara richivenga vanhu vaMwari.a Kana kuti angave achireva rimwe guta, rakasimba—Bhabhironi.—Isaya 15:1; Zefania 2:8, 9.
3. Vavengi vaJehovha vanomupa mbiri munzirai?
3 Vavengi vaJehovha vachaita sei apo zvaakafunga pamusoro peguta ravo rakasimba zvinoitika? “Naizvozvo rudzi rukuru ruchakukudzai; guta ramarudzi avanhu vanotyisa richakutyai.” (Isaya 25:3) Zvinonzwisisika kuti vavengi vaMwari wamasimba ose vachamutya. Zvisinei, vanomupa mbiri sei? Vachasiya vanamwari vavo venhema here votanga kunamata kwakachena? Kana! Asi, kufanana naFarao naNebhukadhinezari, vanopa mbiri Jehovha pavanomanikidzwa kubvuma ukuru hwake hunoshamisa.—Eksodho 10:16, 17; 12:30-33; Dhanieri 4:37.
4. I“guta ramarudzi avanhu vanotyisa” ripi riripo nhasi, uye nairowo rinotofanira kupa mbiri Jehovha sei?
4 Nhasi “guta ramarudzi avanhu vanotyisa” i“guta guru rine umambo pamusoro pemadzimambo apasi,” rinonzi “Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema. (Zvakazarurwa 17:5, 18) Chikamu chikuru choumambo uhwu chiKristudhomu. Vatungamiriri vechitendero vechiKristudhomu vanopa mbiri sei kuna Jehovha? Nokubvuma nokurwadziwa zvinhu zvinoshamisa zvaakaitira Zvapupu zvake. Kunyanya muna 1919 apo Jehovha akadzorera vashumiri vake kubasa guru pashure pokusunungurwa kwavo muusungwa hwomudzimu muBhabhironi Guru, vatungamiriri ava “vakatya vakapa mbiri kuna Mwari wokudenga.”—Zvakazarurwa 11:13.b
5. Jehovha anodzivirira sei avo vanovimba naye zvakazara?
5 Kunyange zvazvo achityisa paanoonekwa nevavengi vake, Jehovha utiziro kuvanyoro vanozvininipisa vanoda kumushumira. Vanhu vanotyisa vezvechitendero nevezvematongerwe enyika vangaedza zvose kuputsa kutenda kwevanamati vechokwadi, asi vanokundikana nokuti ava vane kutenda kwakakwana muna Jehovha. Pakupedzisira, anonyararidza vashori vake nyore nyore, achiita kudaro sokunge ari kuvhara zuva riri kubanda romugwenga negore kana kuti kudzivirira simba rechimvuramahwe nemadziro.—Rava Isaya 25:4, 5.
‘Mutambo Wemarudzi Ose’
6, 7. (a) Mutambo worudzii uyo Jehovha anogadzira, uye achiitira ani? (b) Mutambo wakaprofitwa naIsaya unomirirei?
6 Kufanana nababa vane rudo, Jehovha haangodziviriri chete asi anopawo vana vake zvokudya, kunyanya nenzira yomudzimu. Asunungura vanhu vake muna 1919, akavagadzirira mutambo wokukunda, zvokudya zvomudzimu zvakawanda kwazvo: “Pagomo iri Jehovha wehondo uchagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomwongo, wewaini yakagara pamasese yakasvinwa zvakanaka.”—Isaya 25:6.
7 Mutambo wacho unogadzirwa “pagomo” raJehovha. Gomo iri chii? I“gomo reimba yaJehovha” uko marudzi ose anodirana achienda “pamazuva okupedzisira.” I“gomo . . . dzvene” raJehovha, uko vanamati vake vakatendeka vasingakuvadzi uye vasingaparadzi. (Isaya 2:2; 11:9) Munzvimbo iyi yakakwirira yokunamatira, Jehovha anogadzira mutambo wake une mafasha-fasha nokuda kwevakatendeka vake. Uye zvinhu zvakanaka zvomudzimu zvinogoverwa zvakawanda kwazvo zvino zvinofananidzira zvinhu zvakanaka zvenyama zvichagoverwa apo Umambo hwaMwari huchava hurumende bedzi yevanhu. Ipapo hapazovizve nenzara. “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.”—Pisarema 72:8, 16.
8, 9. (a) Ndevapi vavengi vakuru vaviri vevanhu vachabviswa? Tsanangura. (b) Mwari achaitei kuti abvise ruzvidzo rwevanhu vake?
8 Avo zvino vanodya pamutambo womudzimu unogoverwa naMwari vane tariro inoshamisa. Teerera mashoko aIsaya anotevera. Achienzanisa chivi uye rufu ne“chidzitiro,” kana kuti “chifukidziro,” anoti: “Pagomo iri [Jehovha] uchaparadza chifukidziro chinofukidzira vanhu vose, nechidzitiro chakatasanurwa pamusoro pamarudzi ose. [Ucha]paradza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose.”—Isaya 25:7, 8a.
9 Hungu, hakuchinazve chivi norufu! (Zvakazarurwa 21:3, 4) Uyezve, ruzvidzo rwokunyeperwa urwo vashumiri vaJehovha vakatsungirira kwezviuru zvemakore ruchabviswawo. “Uchabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake panyika yose; nokuti Jehovha wakataura izvozvo.” (Isaya 25:8b) Izvi zvichaitika sei? Jehovha achabvisa kunobva kuzvidza ikoko, Satani nembeu yake. (Zvakazarurwa 20:1-3) Hazvishamisi kuti vanhu vaMwari vachanzwa vachida kuti: “Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye uchatiponesa; uyu ndiye Jehovha, takanga takamumirira, tichafara, nokufarira ruponeso rwake.”—Isaya 25:9.
Vanozvikudza Vanoderedzwa
10, 11. Mabatiroi ehasha ayo Jehovha anoda kuita Moabhi?
10 Jehovha anoponesa vanhu vake vanoratidza kuzvininipisa. Zvisinei, muvakidzani weIsraeri Moabhi inozvikudza, uye Jehovha anovenga kuzvikudza. (Zvirevo 16:18) Naizvozvo, Moabhi, akarongerwa kunyadziswa. “Nokuti ruoko rwaJehovha ruchagara pagomo iri; Moabhi vachatsikwa pasi panzvimbo yavo, sezvinotsikwa mashanga mumvura iri mugomba romupfudze. Uchatambanudza maoko ake imomo, somunhu unotambanudza maoko ake kana achishambira; asi Jehovha uchaderedza kuzvikudza kwake pamwe chete nenjere dzamaoko ake. Nhare yakakwirira yamasvingo enyu, wakaiwisira pasi, wakaideredza, wakaiputsira muvhu, imo muguruva.”—Isaya 25:10-12.
11 Ruoko rwaJehovha “ruchagara” pagomo reMoabhi. Zvichiguma nei? Moabhi inozvikudza inofanira kurohwa nokutsikwa so“mugomba romupfudze.” Munguva yaIsaya, mashanga anotsikwa achisangana nemirwi yendove kuita mupfudze; naizvozvo Isaya anofanotaura nezvokunyadziswa kweMoabhi, pasinei nemadziro, ayo akakwirira anoratidza seakachengeteka.
12. Nei Moabhi ichitsaurwa nokuda kwokuziviswa kutonga kwaJehovha?
12 Nei Jehovha achingotsaura Moabhi chete nokuda kwezvaakafunga zvakaoma kudaro? VaMoabhi ndevedzinza raRoti, mwana womukoma waAbrahama uye munamati waJehovha. Saka havasi vavakidzani chete vorudzi rwaMwari rwesungano asi ihamawo dzavo. Pasinei neizvi, vave navanamwari venhema uye vanoratidza ruvengo rukuru kuvaIsraeri. Vakafanirwa nenhamo yavo iri kuuya. Apa, Moabhi yakaita sevavengi vevashumiri vaJehovha nhasi. Yakafanana zvikuru nechiKristudhomu, icho chinoti chakatangira muungano yechiKristu yomuzana rokutanga remakore asi icho sezvatamboona, chiri rutivi rukuru rweBhabhironi Guru.
Rwiyo Rworuponeso
13, 14. Vanhu vaMwari nhasi vane “guta rakasimba” ripi, uye ndivanaani vanobvumirwa kupindamo?
13 Zvakadini nevanhu vaMwari? Vachifara nokuva nenyasha dzaJehovha nedziviriro, vanoshaura vachiimba rwiyo. “Nezuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa panyika yavaJudha; Tine guta rakasimba; iye uchaisapo masvingo nenhare ruve ruponeso. Zarurai masuo, kuti rudzi rwakarurama, runochengeta zvokwadi, rupinde.” (Isaya 26:1, 2) Kunyange zvazvo mashoko aya pasina mubvunzo akazadzika munguva dzakapfuura, ari kuzadzikawo zvakajeka nhasi. “Rudzi rwakarurama” rwaJehovha, Israeri womudzimu, anoropafadzwa nesangano rakasimba, rakaita seguta. Chikonzero chakadini chokufara, cherwiyo!
14 Vanhu vorudzii vanouya mu“guta” iri? Rwiyo rwacho runopa mhinduro ruchiti: “Une mwoyo wakasimba muchamuchengeta [Mwari] murugare rukuru, nokuti unovimba nemi. Vimbai naJehovha nokusingaperi; nokuti muna Jehovha, iye Jehovha, mune dombo risingaperi.” (Isaya 26:3, 4) “Mwoyo” unotsigirwa naJehovha kuda kuteerera nheyo dzake dzakarurama nokuvimba naye, kwete negadziriro dzezvekutengeserana dzisina kugadzikana nedzematongerwe enyika, uye dzezvechitendero dzenyika. “Jehovha, iye Jehovha” ndiye bedzi Dombo rakavimbika rokuchengeteka. Avo vanovimba zvakazara naJehovha vanowana dziviriro yake uye vanova no“rugare rukuru.”—Zvirevo 3:5, 6; VaFiripi 4:6, 7.
15. “Guta riri kumusoro” rakaderedzwa sei muzuva ranhasi, uye “tsoka dzevarombo” dzinoritsika munzirai?
15 Musiyano wakadini nezvinoitika kuvavengi vevanhu vaMwari! “Nokuti wakaderedza vagere pakakwirira, iro guta riri kumusoro; unorideredza, unorideredza kusvikira pavhu; unoriputsira pasi muguruva. Richatsikwa netsoka, idzo tsoka dzavarombo, nokutsika kwavanoshayiwa.” (Isaya 26:5, 6) Zvakare, Isaya pano angave achireva “guta riri kumusoro” muMoabhi, kana kuti angave achireva rimwewo guta, rakadai seBhabhironi, iro zvechokwadi rakakwirira pakuzvikudza. Chero zvazvingava, Jehovha ashandura zvinhu nokuda kwe“guta riri kumusoro,” uye ‘varombo nevanoshayiwa’ vake vanoritsika. Nhasi uprofita uhwu hwakanyatsokodzera Bhabhironi Guru, zvikurukuru chiKristudhomu. Muna 1919 iri “guta riri kumusoro” rakamanikidzwa kusunungura vanhu vaJehovha—kuwa kunonyadzisa—uye ivowo, vakatanga kutsika aichimbova akavatapa. (Zvakazarurwa 14:8) Sei? Nokuzivisa pachena hasha dzaJehovha dziri kuuya pariri.—Zvakazarurwa 8:7-12; 9:14-19.
Kuda Kururama ne“Chirangaridzo” chaJehovha
16. Muenzanisoi wakanaka kwazvo wokuzvipira unogadzwa naIsaya?
16 Pashure porwiyo rworukundo urwu, Isaya anoratidza kudzika kwokuzvipira kwake pachake nemibayiro yokushumira Mwari wokururama. (Rava Isaya 26:7-9.) Muprofita anopa muenzaniso wakanaka kwazvo woku‘va netariro muna Jehovha’ uye wokuva nechido kwazvo ne“zita” raJehovha ne“chirangaridzo.” Chirangaridzo chaJehovha chii? Eksodho 3:15 inoti: “Jehovha . . . ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose.” Isaya anokoshesa zita raJehovha nezvose zvarinomirira, kusanganisira mitemo Yake yakarurama nenzira. Avo vanokudziridza rudo rwakafanana nokuda kwaJehovha vanovimbiswa chikomborero chake.—Pisarema 5:8; 25:4, 5; 135:13; Hosea 12:5.
17. Iropafadzo dzipi dzichanyimwa vakaipa?
17 Zvisinei, havasi vose vanoda Jehovha nemitemo yake yakanaka kwazvo. (Rava Isaya 26:10.) Vakaipa, kunyange kana vakakokwa, nechisimbwa vanoramba kudzidza zvakarurama kuti vapinde mu“nyika yakarurama,” nyika inogarwa nevashumiri vaJehovha vakarurama patsika nomudzimu. Somugumisiro, vakaipa hava“ngaoni umambo hwaJehovha.” Havazorarami kuti vave nezvikomborero zvichadururirwa vanhu pashure pokunge zita raJehovha ratsveneswa. Kunyange munyika itsva, apo pasi rose richange rave “nyika yakarurama,” vamwe vangangokundikana kugamuchira tsitsi dzorudo dzaJehovha. Mazita avakadaro haazonyorwi mubhuku roupenyu.—Isaya 65:20; Zvakazarurwa 20:12, 15.
18. Vamwe vomuzuva raIsaya mapofu nokuzvidira munzirai, uye vachamanikidzwa ku“ona” Jehovha rini?
18 “Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, asi havaoni; asi vachaona kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu, vakanyadziswa; zvirokwazvo moto uchapedza vavengi venyu.” (Isaya 26:11) Muzuva raIsaya, ruoko rwaJehovha runoratidza kuva rwakasimudzwa apo Jehovha anodzivirira vanhu vake nokurwa nevavengi vavo. Asi vazhinji izvi havana kuzviona. Vakadaro, mapofu omudzimu nokuzvidira, vachamanikidzwa ku“ona” kana kuti kubvuma Jehovha, pavachapedzwa nemoto wokushingaira kwake. (Zefania 1:18) Gare gare Mwari anoti kuna Ezekieri: “Vachaziva kuti ndini Jehovha.”—Ezekieri 38:23.
“Jehovha Anoranga Waanoda”
19, 20. Nei Jehovha akaranga vanhu vake uye sei, uye ndiani akabetserwa nechirango chakadaro?
19 Isaya anoziva kuti rugare rupi zvarwo nokubudirira izvo vanhu vokwake vari kuwana imhaka yechikomborero chaJehovha. “Jehovha, imi muchatigadzirira rugare; nokuti makatibatirawo mabasa edu ose.” (Isaya 26:12) Pasinei neizvi uye pasinei nokupa kwaJehovha vanhu vake mukana wokuti vave “ushe hwavaprista, norudzi rutsvene,” nyika yeJudha yakava nenhoroondo ine zvakanaka nezvakaipa. (Eksodho 19:6) Vanhu vayo vakaramba vachingodzokera kukunamata vanamwari venhema. Somugumisiro, nguva nenguva vakarangwa. Zvisinei, kurangwa kwakadaro uchapupu hworudo rwaJehovha nemhaka yokuti “Jehovha anoranga waanoda.”—VaHebheru 12:6.
20 Kazhinji, Jehovha anoranga vanhu vake nokubvumira mamwe marudzi, “mamwe madzishe,” kuvatonga. (Rava Isaya 26:13.) Muna 607 B.C.E., anobvumira vaBhabhironi kuvatapa. Izvi zvinovabetsera here? Kutambura pachakwo hakubetseri munhu. Zvisinei, kana munhu anotambura wacho akadzidza pane zvinoitika, opfidza, ozvipira kuna Jehovha bedzi, ipapo anobetserwa. (Dheuteronomio 4:25-31) Pane vaJudha vanoratidza kupfidza kuna Mwari here? Hungu! Isaya achiprofita anoti: “Ticharumbidza zita renyu tichibatsirwa nemi moga.” Pashure pokudzoka kwavo kwavakanga vatapwa muna 537 B.C.E., vaJudha kazhinji vanoda chirango nokuda kwezvimwe zvivi, asi havazowirizve mumusungo wokunamata vamwari vematombo.
21. Chii chichaitika kune vakadzvinyirira vanhu vaMwari?
21 Zvakadini nevakatapa nyika yeJudha? “Vakafa havangararamizve, vaparara, havazomukizve; saka makasvika kwavari, mukavaparadza, nokugumisa kurangarirwa kwavo kwose.” (Isaya 26:14) Bhabhironi richatambura nokuda kwoutsinye hwarakaitira rudzi rwakasanangurwa rwaJehovha. Achishandisa vaMedhia nevaPersia, Jehovha achakudubura Bhabhironi rinozvikudza ndokusunungura vanhu vake vakatapwa. Guta guru iroro, Bhabhironi, richaitwa risina simba, kungoita serakafa. Pakupedzisira, richaguma kuvapo.
22. Munguva dzazvino, vanhu vaMwari vakakomborerwa sei?
22 Mukuzadzika kwomuzuva razvino, Israeri womudzimu asara akanatswa akasunungurwa paBhabhironi Guru ndokudzorerwa kubasa raJehovha muna 1919. Vapiwa simba idzva, vaKristu vakazodzwa vakazvipira kubasa ravo rokuparidza. (Mateu 24:14) Jehovha akavakomborerawo nokuwedzera, achitounza kunyange boka guru re“mamwe makwai” kuti rishumire navo. (Johani 10:16) “Mawanza rudzi, Jehovha, mawanza rudzi; makurumbira, makurisa miganho yose yenyika. Jehovha, vakakutsvakai panguva yokutambudzika; vakadurura munyengetero muchivaranga.”—Isaya 26:15, 16.
“Zvichamuka”
23. (a) Kuratidzwa kwesimba raJehovha kunoshamisa kupi kunoitika muna 537 B.C.E.? (b) Kuratidzwa kupi kwakafanana kwakaitika muna 1919 C.E.?
23 Isaya anodzokera kumamiriro ezvinhu akatarisana nenyika yeJudha ichiri nhapwa yeBhabhironi. Anoenzanisa nyika yacho nomukadzi ari kurwadziwa nemimba asi asingagoni kusununguka kana asina kubetserwa. (Rava Isaya 26:17, 18.) Kubetserwa ikoko kunouya muna 537 B.C.E., uye vanhu vaJehovha vanodzokera kunyika yokumusha kwavo, vachida kwazvo kuvakazve temberi nokudzorera kunamata kwechokwadi. Chaizvoizvo, rudzi rwacho runomutswa muvakafa. “Vakafa venyu vachararama, zvitunha zvangu zvichamuka. Mukai, muimbe, imi mugere muguruva; nokuti dova renyu rakaita sedova rechiedza; nyika ichabudisa vakafa.” (Isaya 26:19) Kuratidzwa kwakadini kwesimba raJehovha! Uyezve, kwaiva kuratidzwa kwakadini kwakavapo apo mashoko aya akazadzika mupfungwa yomudzimu muna 1919! (Zvakazarurwa 11:7-11) Uye tinotarisira mberi sei kunguva apo mashoko aya anozadzika nenzira chaiyoiyo munyika itsva uye avo vasingagoni kuzvibetsera vakafa ‘vanonzwa inzwi raJesu’ vobuda mumakuva ekurangaridza!—Johani 5:28, 29.
24, 25. (a) VaJudha muna 539 B.C.E. vangave vakateerera sei murayiro waJehovha wokuti vavande? (b) Chii chingava “imba . . . [dz]omukati” munguva dzazvino, uye tinofanira kudziona sei?
24 Zvisinei, kana vanhu vakatendeka vachizova nezvikomborero zvakapikirwa nokuna Isaya, vanofanira kuteerera mirayiro yaJehovha yokuti: “Uyai vanhu vangu, pindai muimba yenyu yomukati, mupfige mikova yenyu shure kwenyu; muvande nguva duku, kusvikira kutsamwa kwapfuura. Nokuti tarira, Jehovha unobuda panzvimbo yake kurova vagere panyika nokuda kwezvivi zvavo; nyikawo ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurawa vayo.” (Isaya 26:20, 21; enzanisa naZefania 1:14.) Ndima iyi ingangova nokuzadzika kwokutanga apo vaMedhia nevaPersia, vachitungamirirwa naMambo Koreshi, vanokurira Bhabhironi muna 539 B.C.E. Maererano nomunyori wenhau dzakaitika wechiGiriki Xenophon, Koreshi paanopinda muBhabhironi, anorayira kuti vanhu vose varambe vari mumisha yavo nemhaka yokuti vatasvi vake vemabhiza “varayirwa kuuraya wose wavanowana ari panze.” Nhasi, “imba . . . yomukati” youprofita uhwu ingagona kufananidzwa nemakumi ezviuru eungano dzevanhu vaJehovha kupota nyika yose. Ungano idzodzo dzicharamba dzichiita basa rinokosha kwazvo muupenyu hwedu, kunyange nomu“kutambudzika kukuru.” (Zvakazarurwa 7:14) Zvinokosha sei kuti tichengete murangariro wakanaka weungano togara tichisangana nayo!—VaHebheru 10:24, 25.
25 Nokukurumidza mugumo uchauya nokuda kwenyika yaSatani. Kuti Jehovha achachengeta vanhu vake sei munguva inotyisa iyoyo, hatisati taziva. (Zefania 2:3) Zvisinei, tinoziva kuti kupona kwedu kuchaenderana nokutenda kwedu muna Jehovha uye kuvimbika kwedu nokumuteerera.
26. “Revhiatani” chii muzuva raIsaya nomuzuva redu, uye chii chinoitika ku“chikara chiri mugungwa” ichi?
26 Achitarisa kunguva iyoyo, Isaya anoprofita kuti: “Nezuva iro Jehovha ucharova nomunondo wake mukukutu, mukuru, noune simba, revhiatani, iyo nyoka inokurumidza, nerevhiatani, nyoka yakagonyana; uchauraya chikara chiri mugungwa.” (Isaya 27:1) Mukuzadzika kwokutanga, “Revhiatani” inoreva nyika dzakapararira vaIsraeri, dzakadai seBhabhironi, Ijipiti, uye Asiria. Nyika idzi hadzizogoni kudzivisa kudzoka kwevanhu vaJehovha kunyika yokumusha kwavo panguva yakafanira. Zvisinei, Revhiatani yomuzuva ranhasi ndiani? Anoratidza sokuti ndiSatani—“nyoka yepakutanga”—negadziriro yake yezvinhu yepano pasi, chishandiso chake chokurwa nacho naIsraeri womudzimu. (Zvakazarurwa 12:9, 10; 13:14, 16, 17; 18:24) “Revhiatani” yakapudzumukwa nevanhu vaMwari muna 1919, uye nokukurumidza ichanyangarika zvachose apo Jehovha a“chauraya chikara chiri mugungwa.” Panguva ino, hapana icho “Revhiatani” ingaedza kuita chinorwa nevanhu vaJehovha chichanyatsobudirira.—Isaya 54:17.
“Munda Wemizambiringa Yewaini Inotutuma”
27, 28. (a) Munda wemizambiringa waJehovha wakazadza pasi pose nechii? (b) Jehovha anodzivirira sei munda wake wemizambiringa?
27 Norumwe rwiyo, Isaya zvino anoenzanisira zvakanaka kwazvo kuva nezvibereko kwevanhu vaJehovha vakasunungurwa: “Nezuva iro vachaimba vachiti: Munda wemizambiringa [“yewaini inotutuma,” NW]! Ini Jehovha ndini muchengeti wawo; ndichaudiridza nguva imwe neimwe; ndichauchengeta masikati nousiku, kuti urege kutadziwa nomunhu.” (Isaya 27:2, 3) Israeri womudzimu asara neshamwari dzake dzinoshanda zvakaoma zvechokwadi vakazadza pasi pose nezvibereko zvomudzimu. Chikonzero chakadini chokupembera—cherwiyo! Mbiri yose inoenda kuna Jehovha, uyo norudo anotarisira munda wake wemizambiringa.—Enzanisa naJohani 15:1-8.
28 Zvechokwadi, hasha dzaJehovha dzokutanga dzakatsiviwa nomufaro! “Ini handina hasha; dai rukato neminzwa zvairwa neni! Ndaizvivamba, ndaizvipisa pamwe chete. Kana asingadaro, ngaabate simba rangu, ayanane neni, ngaayanane neni.” (Isaya 27:4, 5) Kuva nechokwadi chokuti mizambiringa yake inoramba ichibudisa “waini inotutuma,” (NW) yakawanda, Jehovha anoparadza nokupisa sokunge nemoto chinokanganisa chipi nechipi chakaita semasora chingakanganisa munda wake wemizambiringa. Saka, ngaparege kuva nomunhu anoisa rugare rweungano yechiKristu mungozi! Asi, vose ‘ngavabate simba raJehovha,’ vachitsvaka nyasha dzake nedziviriro. Nokuita kudaro, vanoita rugare naMwari—chimwe chinhu chinokosha kwazvo zvokuti Isaya anochitaura ruviri. Zvichiguma nei? “Namazuva anouya Jakobho uchamera midzi; Israeri uchatunga maruva nokutumbuka; vachazadza nyika yose nezvibereko.” (Isaya 27:6)c Kuzadzika kwendima iyi uchapupu hunoshamisa sei hwesimba raJehovha! Kubva muna 1919, vaKristu vakazodzwa vakazadza pasi ne“zvibereko,” zvokudya zvomudzimu zvinogutsa. Somugumisiro vakasvika pakuona mamiriyoni emamwe makwai akavimbika achibatana navo, avo pamwe chete navo “vari kumuitira [Mwari] basa dzvene masikati nousiku.” (Zvakazarurwa 7:15) Pakati penyika ine uori, ivava nomufaro vanochengeta mitemo yake yakanaka kwazvo. Uye Jehovha anoramba achivakomborera nokuwedzera. Ngatiregei kumbokanganwa nezveropafadzo huru yokunokorawo “zvibereko” nokuzvigovana nevamwe nokushevedzera rumbidzo kwedu pachedu!
[Mashoko Omuzasi]
a Zita rokuti Ari pamwe rinoreva “Guta.”
b Ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, peji 170.
c Isaya 27:7-13 inokurukurwa mubhokisi riri papeji 285.
[Bhokisi riri papeji 285]
“Hwamanda Huru” Inozivisa Rusununguko
Muna 607 B.C.E., marwadzo enyika yeJudha anowedzera apo Jehovha anoranga rudzi rwake neshamhu yokutapwa. (Rava Isaya 27:7-11.) Chikanganiso chorudzi rwacho chakakura kwazvo kuti chiyananiswe nezvibayiro zvemhuka. Naizvozvo, somunhu angaparadzanisa makwai kana kuti mbudzi nekudzi“dzinga” kana kuti anga“bvisa” mashizha nemhepo ine simba, Jehovha anodzinga vaIsraeri munyika yokumusha kwavo. Pashure paizvozvo, kunyange marudzi asina kusimba, anomirirwa nomukadzi, anokwanisa kutora zvinosara munyika yacho.
Zvisinei, nguva inosvika yokuti Jehovha anunure vanhu vake pakutapwa. Anovasunungura somurimi angasunungura zvibereko zvemiorivhi zvakabatwa sevasungwa, sokunge zvakadaro, pamiti. “Zvino nezuva iro Jehovha uchapura zviyo kubvira pamvura yoRwizi kusvikira parukova rweEgipita; imi muchaunganidzwa, muchiita mumwe mumwe, imi vana vaIsraeri. Zvino nezuva iro hwamanda huru icharidzwa; vakanga voparara panyika yeAsiria, navakanga vadzingirwa kunyika yeEgipita, vachauya; vachanamata Jehovha pagomo dzvene paJerusarema.” (Isaya 27:12, 13) Pashure pokukunda kwake muna 539 B.C.E., Koreshi anobudisa murayiro unosunungura vaJudha vose vari muumambo hwake, zvinobatanidza avo vari muAsiria neIjipiti. (Ezra 1:1-4) Zvinoita sokuti “hwamanda huru” yaridzwa, ichiungira rwiyo rworusununguko rwevanhu vaMwari.
[Mifananidzo iri papeji 275]
“Mutambo wezvakakora”
[Mufananidzo uri papeji 277]
Bhabhironi rinotsikwa netsoka dzevaiva vasungwa
[Mufananidzo uri papeji 278]
“Pindai muimba yenyu yomukati”