Isaya
26 Pazuva iroro rwiyo urwu ruchaimbwa+ munyika yeJudha:+
“Tine guta rakasimba.+
Iye anoita kuti ruponeso ruve masvingo aro nemirwi yaro yevhu yekudzivirira.+
3 Muchachengetedza vaya vanovimba nemi zvizere;*
Muchaita kuti varambe vaine rugare,+
Nekuti ivo vanovimba nemi.+
5 Nekuti aderedza vaya vari kugara kumusoro, iro guta rakakwirira.
Anoriwisira pasi,
Anoriwisira muvhu;
Anorikanda pasi, muguruva.
6 Richatsikwa-tsikwa netsoka,
Idzo tsoka dzevanotambudzika, nhanho dzevakaderera.”
7 Nzira yemunhu akarurama yakatwasuka.*
Nekuti makarurama,
Muchaita kuti nzira yevakarurama iti chechetere.
8 Sezvatinofamba munzira yemitongo yenyu, haiwa Jehovha,
Takatarisira kwamuri.
Mwoyo* yedu inoda zita renyu uye tinoda kuti riyeukwe.*
9 Ndinokufungai chaizvo usiku,
Chokwadi mweya wangu unoramba uchikutsvagai;+
Nekuti kana panyika paine mitongo inobva kwamuri,
Vagari vepanyika vanodzidza nezvekururama.+
11 Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, asi ivo havaruoni.+
Vachaona kushingaira kwamunoitira vanhu venyu, uye vachanyadziswa.
Chokwadi moto wekupisa mhandu dzenyu uchadziparadza.
13 Haiwa Jehovha Mwari wedu, takatongwa nevamwe vanatenzi vasiri imi,+
Asi zita renyu chete ndiro ratinotaura nezvaro.+
14 Ivo vakafa; havazorarami.
Vakafa uye havana simba, havazomuki.+
Nekuti makafunga nezvavo
Kuti muvaparadze uye kuti muite kuti vasambotaurwa nezvavo.
Makaita kuti nyika iwedzere kukura kumiganhu yayo yese.+
16 Haiwa Jehovha, ivo vakauya kwamuri pakutambudzika;
Pamakavaranga, vakanyengetera vachitaura zvese, vachiita zvekuzevezera.+
17 Sezvinoita mukadzi ane pamuviri ava kuda kusununguka
Uyo anorwadziwa nekusununguka, uye anoshevedzera achirwadziwa,
Ndizvo zvatiriwo nekuda kwenyu, haiwa Jehovha.
18 Takava nepamuviri, takarwadziwa nekusununguka,
Asi zvakangoita sekuti takanga tabereka mhepo.
Hatina kuita kuti nyika ipone,
Uye hapana ari kuberekwa kuti agare munyika.
19 “Vakafa venyu vachararama.
Mukai mupembere nemufaro,
Imi vagari vemuguruva!+
Nekuti dova renyu rakaita sedova remangwanani,*
Uye nyika icharega vaya vasina simba vari murufu vachiva vapenyu.*
Hwandai kwenguva pfupi
Kusvikira kutsamwa kwapfuura.+
21 Nekuti Jehovha ari kuuya achibva kunzvimbo yake
Kuzoita kuti vagari vemunyika vazvidavirire kukanganisa kwavo,
Uye nyika ichabudisa pachena ropa rakadeurwa pairi
Uye haizofukidzizve vanhu vayo vakaurayiwa.”