Vimba naJah Jehovha!
“Vimbai naJehovha, imi vanhu, kwenguva dzose, nokuti muna Jah Jehovha ndimo mune Dombo renguva dzisingaperi.”—ISAYA 26:4, NW.
1, 2. Rwiyoi rwomufaro rwerumbidzo rwunooneswa pana Isaya 26:1-6, uye nei?
KUDEREDZWA kwe‘taundi ramarudzi anodzvinyirira’ kunoraira rwiyo rworukundo! (Isaya 25:3) Sezviri pachena, ipapoka, uporofita huri pana Isaya ganhuro 26, ndima 1 kusvikira ku 6, hunoonesa rwiyo rwokufara rwerumbidzo kuna Changamire Ishe Jehovha. Irwo kunyange zvino rwuri kuimbwa “munyika yaJudha,” Judha richireva “Anorumbidzwa.” Pano, zvakare, Bhaibheri reKing James Version rinoshandisa kutaura kwokuti “ISHE JEHOVHA” apo zita roumwari rinopetwa ruviri. Asi anofadza zvikuru kwazvo sei mashoko orwiyo irworwo sezvaanooneka muNew World Translation, umo uku nokumwe kuitika kwose kwezita roumwari kunoshandurwa nomazvo!
2 Teerera zvino, rwiyo rwuya runonakidza: “Tine guta rakasimba, iye [Jehovha] uchaisapo masvingo nenhare ruve ruponeso. Zarurai masuo, kuti rudzi rwakarurama, runochengeta zvokwadi, rupinde. Une mwoyo wakasimba muchamuchengeta murugare rukuru, nokuti unovimba nemi. Vimbai naJehovha nokusingaperi; nokuti muna Jehovha, iye Jehovha, mune dombo risingaperi. Nokuti wakaderedza vagere pakakwirira, iro guta riri kumusoro; unorideredza, unorideredza kusvikira pavhu; unoriputsira pasi muguruva. Richatsikwa netsoka, idzo tsoka dzavarombo, nokutsika kwavanoshaiwa.” Mufaro wakadini kuva pakati pavanovimba avo zvino vanogoverana mukuimba urwu rwiyo—Zvapupu zvaJehovha!
3. (a) Ndorupi ruri “rudzi rwakarurama,” uye ndivanaani vakapinda nomuma“suo” arwo akazaruka? (b) Kunodaro sei kuti sangano raJehovha rinofambira mberi rakabatana pasinei zvapo nenhamburiko dzomuvengi dzokuriparadzanya?
3 Ishe Jehovha—Jah Jehovha—zvamazvirokwazvo achaderedza vanozvikudza ndokununura avo vanovimba naye nguva dzose. Kunyange zvazvo aichimbova “muduku,” Israeri womudzimu azova “rudzi rune simba,” “rudzi rwakarurama.” Na“pamasuo” akazaruka esangano rakafanana neguta raJehovha, pakapindawo boka rine simba reshamwari dzinofarirwa dzinopfuura mamirioni matatu. Pamwe chete ivo vanoumba uhama hwamarudzi ose, hune chiverengero chinopfuura chaanenge 57 amarudzi anoumba chinonzi Chibatanwa chaMarudzi. Asi “rudzi” rwaMwari naavo vanosonganirana narwo vakabatana zvirokwazvo. Mupasi rose, chimiro chavo kuteerera nheyo dzake dzakarurama. “Masvingo” esangano o“rudzi” rwaMwari anogovera dziviriro panhamburiko dzaSatani dzokukanganisa mufambiro wakatendeka mukutsigirwa kwezvokwadi. Muvengi haagoni kuputsanya kufamba kwokuvimbika kwavanhu vaMwari! Chivimbo chedu nguva dzose chiri muna ‘Jah Jehovha, Dombo kusvikira kunguva isingazivikanwi.’—Isaya 54:17; 60:22.
4, 5. (a) Chii chiri “guta riri kumusoro,” uye vanhu vaJehovha vanoritsika-tsika sei nenzira yokufananidzira? (b) Uporofita hwaIsaya 26:10 hunova nezadziko yahwo huru rini, uye sei saizvozvo? (c) Ndikumwe kushandai kune uhwu uporofita?
4 Sezvatinozivisa nyevero yokuti Jehovha wodokuderedza “guta riri kumusoro,” “Bhabhironi Guru,” kunofadza kuona vanotambudzika navakaderera vapasi vachigamuchira mashoko akanaka oUmambo. (Zvakazarurwa 18:2, 4, 5) Nenzira yokufananidzira ivowo vanotsika “guta riri kumusoro” iroro, kwete kupfurikidza nokugoverana mubasa rinoparadza, asi kupfurikidza nokutora rutivi mukuzivisa zuva ramatsive aJehovha pasangano iroro rakashata. (Isaya 61:1, 2) Kwamakumi amakore zvino, Zvapupu zvaJehovha zvakaratidza mutsa kunyange kuvakaipa kupfurikidza nokushanyira pamisha yavo zvine shoko roUmambo rinoponesa upenyu. Asi muuyo wave wakaita sezvinotaurwa pana Isaya 26:10, kuti: “Wakaipa kunyange achinzwirwa tsitsi, haangadzidzi zvakarurama; uchaita hake zvisakarurama panyika yakarurama, haangaoni umambo hwaJehovha.”
5 Uporofita ihwohwu hwokudzorera hune zadziko yahwo huru nhasi. Kunyange zvazvo vachipiwa banza, vanhu vashomanene vanoda kushandura upenyu hwavo kuti vagamuchire nyasha dzaJehovha “munyika yakarurama.” Avo vanozvidza Jehovha neZvapupu zvake zvakavimbika “havangaoni umambo hwaJehovha,” nokuti ivo havasati vachizopukunyuka kuti vafarikanye zvikomborero zvinoshamisa zvichayerera zvichienda kurudzi rwomunhu pashure pokunge zita raJehovha ratsveneswa. (Isaya 11:9) Uporofita hwacho hungashandawo muParadhiso yapasi pakati paavo vanomutswa vachibva mumakuva. Vapi navapi vanoramba kuwirirana nezvinodikanwa zvaMwari, sezvinojekeswa mu“mipumburu yamanyoro” youmwari yenguva iyoyo, havasati vachizoita kuti mazita avo anyorwe mu“bhuku roupenyu.”—Zvakazarurwa 20:12, 15, NW; enzanisa naEzekieri 33:11.
Jehovha Anozivisa Rugare
6. Mashokoi ayo vanhu vakavimbika vaJehovha vanodanidzira nomufaro, uye neiko saizvozvo?
6 Vanhu vakavimbika vaMwari, kunyanguvezvo, vanofarira zvikuru kuona Jah Jehovha achisimudzirwa, achirevererwa. Ivo vanodana paari kuti “azivise rugare” kuvanhu vake, uye nomufaro vanodanidzira, kuti: “Mawanza rudzi, Jehovha, mawanza rudzi; makurumbira, makurisa miganhu yose yenyika.” (Isaya 26:12, 15) Munyika 210 kupota pasi, Jehovha anopfuurira kuwedzera vanhu vakafanana namakwai kurudzi rwake rwomudzimu. Mazana ezviuru avasonganiri vatsva ari kubhapatidzwa. Mapiona chaiwo, enguva dzose, uye ebetsero anopfuura hafu yemirioni anobatira mumwedzi yezviverengero zvapamusoro. Horo dzoUmambo dzakawanda neHoro dzaMagungano dziri kuvakwa. Mapazu eWatch Tower ari kukudza Misha yawo yeBheteri namafekitari uye ari kuwedzera zvokutsikiririsa. Kukura kunopfuurira!
7. Chii chinotsanangura kukura kwesangano rakafanana neguta raJehovha?
7 Uku kukura kunouya nemhaka yokuti “Muchinda woRugare” ari kutungamirira zvinhu zvavanhu vaMwari pasi pano. Isaya anotaura pakuvamba muuporofita hwake, kuti: “Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agere pachigaro choushe chaDhavhidhi napaushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.” (Isaya 9:6, 7) Mashoko iwayo akazadzikwa zvakaisvonaka sei nhasi! Avo vanovimba naJehovha vanotova norugare, ruramisiro, kururama, zvoubati ushe hwouchinda ihwohwo. Ihwo hwakavaunganidza pamwe chete muchinzwano chorudo chinofarikanywa bedzi navadzidzi vechokwadi vaJesu. (Johane 13:34, 35) Uyezve, ivo vanotarira mberi nekariro huru kunguva iri kusvika nokukurumidza apo ubati ushe hwoUmambo hwaJesu ne“zivo yaJehovha” zvichazadza pasi rose.—Isaya 11:9; Dhanieri 2:35, 44, 45.
8. Chii chinoratidzirwa namashoko aJehovha ari pana Isaya 26:20, uye “imba yomukati” inobatanidzwa nei?
8 Sezvo kukura kwoUmambo kunoenda kumugumo, danidzo yaJehovha iri pana Isaya 26:20 inonzwika, inoti: “Uyai vanhu vangu, pindai muimba yenyu yomukati, mupfige mikova yenyu shure kwenyu; muvande nguva duku, kusvikira kutsamwa kwapfuura.” Pasina panikiro “imba yenyu yomukati” youporofita ihwohwu inosanobatanidzwa neungano dzakafanana namaguta dzinopfuura 54 000 idzo dzinobatira Zvapupu zvaJehovha mupasi rose nhasi. Izvo Jehovha anorangarira zvichaonwa. Asi tinogona kuva nechokwadi chokuti apo iye anoparadza vakaipa, iye achadzivirira vanhu vake vanovimba, sezvaakaita muzuva raIsaya mukudzorera muAsiria ane utsinye.—Isaya 10:24-26.
Rusununguko Runopikirwa!
9. (a) Mambo Hezekia akaratidza sei chivimbo chake muna Jehovha? (b) Patinotambudzwa kana kuti kuzvidzwa navavengi vaJehovha, ndeipi iri mhinduro yedu yakafanira?
9 Vabatiri vaJehovha nhasi vanomuvimba nokuda kwechikonzero chimwe chetecho icho Mambo Hezekia akaita nacho. Iye akavimba chose chose naJehovha saChangamire Ishe wake. Nokudaro, pakakwirira petyisidziro yeAsiria, iye akanyengetera kuna Jehovha naaya mashoko: “Haiwa Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhimi! Ndimi Mwari, imi moga, wohushe hwose hwenyika, ndimi makaita kudenga napasi. Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, Jehovha, muone; inzwai mashoko ose aSanheribhi, wakatuma nhume kuzozvidza Mwari mupenyu.” (Isaya 37:16, 17) Paunotambudzwa, kunyombwa, kana kuti kuzvidzwa navavengi vaJehovha, ko munyengetero wakafanana haubudi mumwoyo mako here? Nechivimbo chakazara muna Jehovha, haumukumbiri here kubvisa ruzvidzo pazita rake? Ndiyo nzira yakanzwa nayo Jesu paakanga odokufira padanda rokutambudzira. Iye akatokumbira kuti mukombe waakanga wodokunwa ugo“pfuura” paari nemhaka yoruzvidzo rukuru kuna Baba vake.—Mateo 26:39-44.
10. (a) Chii chakazivisa munyengetero waHezekia pamsoro peitiro hanya yake huru? (b) Tinogona sei kuva vakafanana naHezekia sezvatinotarisana nemiedzo iri pamberi chaipo peArmagedhoni?
10 Munyengetero waHezekia wakaratidza kuti akanga asina vavariro youdyire mukutsvaka kusunungurwa mumuAsiria. Iye akanga asati achingoedza zvake kuzvidzivisira amene ngozi. Panzvimbo pezvo, iye akanga achiitira hanya kuti zita raJehovha ritsveneswe uye Uchangamire hwake hurevererwe. Nokudaro, munyengetero wake wakagumiswa namashoko, anoti: “Naizvozvo zvino, Jehovha, Mwari wedu, tiponesei paruoko rwake, kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti ndimi Jehovha, iyemi moga.” (Isaya 37:20) Nenzira yakafanana, sezvatinotarisana nemiedzo inotangira hondo yokupedzisira yeArmagedhoni, ngatirangarirei kuti ruponeso rwedu rwomunhu oga ndorwechipiri kukutsveneswa kwezita raJehovha. Changamire wedu Ishe akazivisa ka 60 nomuporofita wake Ezekieri, kuti: “Ivo vachaziva kuti ndini Jehovha.”—Ezekieri 38:23, NW.
11. (a) Chikanganisoi chakaita Sanheribhi, uye chii chakataura Jehovha nezvaichochi? (b) Nemhaka yomuuyo kuna Sanheribhi, chivimboi chatinogona kuva nacho?
11 Pashure pokunge Hezekia anyengetera, Isaya akazivisa mambo pamsoro peshoko iro Jehovha akanga ataura mukurwisana naSanheribhi. Chikanganiso chakadini icho mutuki waMwari weAsiria iyeyo akanga aita mukuzvidza Mwari mupenyu! Kupfurikidza naIsaya, Jehovha akati pamusoro paSanheribhi: “Ndianiko wawakatuka nokuzvidza? Wakazvikudza kuna aniko nenzwi rako, meso ako akatarira aniko kudenga? NdiMutsvene waIsraeri!” Uye akanga ari Mutsvene waIsraeri akaita chiito usiku ihwohwo! Kwakada ngirozi imwe bedzi yaJehovha kuparadza ndokuita “zvitunha” zvavarwi veAsiria 185 000, vakanakisisa vehondo yaSanheribhi. Mambo iyeyo anodada akadzokera achinyara kuNinevhe uye makore akati gare gare akaurawa navanakomana vake amene achiomerera mukunamata kwake zvidhori. Tinogona kuvimba naJehovha, tine chivimbo chokuti Iye achaita chiito chakafanana kuna Satani namapoka ake ose anozvidza nenzira yokutuka Mwari ndokutambudza Zvapupu zvaJehovha.—Isaya 37:23, 36-38.
Kutsiva “Vakaurawa”
12. (a) Isaya 26:21 inorondedzera sei kuzvidavirira kuchaitika paArmagedhoni? (b) Ndivanaani vari “vakaurawa” vachatsiviwa kunyange pamberi peArmagedhoni, uye sei saizvozvo?
12 Chakanga chiri chiono chehondo chinotyisa shure ikoko, asi kuzvidavirira kunotyisa zvikuru kuchaitika mukati me“dambudziko guru.” (Mateo 24:21) Jehovha anotikoka kuti tione ukuru hwokuuraya ikoko, achiti: “Nokuti, tarirai, Jehovha unobuda panzvimbo yake kurova vagere panyika nokuda kwezvivi zvavo; nyikawo ichafukura ropa rayo; ikasazofukidzazve vakaurawa vayo.” (Isaya 26:21) Kutanga, Jehovha achaparira masimba ezvamatongerwe enyika kuita rutongeso pavarevereri vechikanganiso chorudzidziso. Vamwari vavo venhema havasati vachizovaponesa muzuva iroro! Papa weRoma ngaapfuurire kuunganidza marudzidziso e“Bhabhironi Guru” nokuda kweminyengetero yokutenda kwakawanda. Hapana nomumwe waava vabetseri vokutenda kwakavhengana anokudza Mwari wechokwadi nomupenyu, Jehovha. Dzidziso dzavo dzakaipa, hadzisi dzeBhaibheri, ndozvakaitawo nzira dzavo. Ivo vakaurayana mumazana ose amakore. Ivo vakadeura ropa ramaKristu asina masimba masimba. Muzana rino ramakore rechi 20, vazhinji vaava vaiti vezvakaipa vakatsigira vadzvinyiriri vane utsinye avo vakauraya Zvapupu zvaJehovha mumatorongo nemisasa yechibharo nezvikwata zvinopfura uye nedemo. Seizvo Jehovha anozivisa zvakananga navaporofita vake, “vakaurawa” vakadaro vachatsiviwa.—Dheuteronomio 32:41, 43; Isaya 1:24; 63:4; Zvakazarurwa 17:15-18; 18:21, 24.
13. Chii chinodeya kutaura Isaya pamsoro pe“zuva raJehovha,” uye mashoko acho anoshanda kunaani?
13 Pashure pokunge rudzidziso rwenhema rwaparadzanywa, Jehovha achafamba nokukurumidza mukurwisana navashori vose vasara voUmambo hwaKristu. Kuvashori vose vakadaro, pamwe chete noku“Bhabhironi Guru,” mashoko aMwari ari pana Isaya 13:6, 9 anoshanda, anoti: “Chemai, nokuti zuva raJehovha riri pedyo; rinosvika sokuparadza kunobva kuna wamasimba ose. Tarirai, zuva raJehovha rinouya, rinotyisa rine hasha nokutsamwa kukuru, kuti ashandure nyika riite dongo, nokuparadza vatadzi vayo vabvemo.” Kuchaita chaizvo seizvo wezvamapisarema Dhavhidhi akadeya kutaura, kuti: “Jehovha unochengeta vose vanomuda; asi vakaipa uchavaparadza vose.”—Pisarema 145:20; Zvakazarurwa 19:11-21.
14. Ndimamwe mashokoi aIsaya ayo marudzi anoita zvakanaka kuteerera, uye nei?
14 Marudzi apasi angaita zvakanaka kuteerera mamwe mashoko aIsaya ari paganhuro 34, ndima 1 kusvikira ku 8, anoti: “Swederai, imi marudzi avanhu, munzwe, teererai imi vanhu; nokuti Jehovha wakatsamwira marudzi ose, une hasha nehondo dzawo dzose; wakavaparadza chose, wakavaisa pakuurawa. Vakaurawa vavo vacharashwa kunze, kunhuwa kwezvitunha zvavo kuchakwira, makomo achanyautswa neropa ravo. . . . Nokuti Jehovha une zuva rokutsiva.” Munzvimbo dzamatongerwe enyika, mabhizimisi makuru, uye rudzidziso rwenhema nhasi, ushati noutere zvakapararira. Asi Jehovha anoita donzo pasi rakachena. Neiri donzo, iye ari kuunganidza mumarudzi—nokuda kwepukunyuko—vanhu vaya vanodisa kushandura upenyu hwavo kuti vamubatire mukururama. Vamwe vose vanofanira kuparara muzuva rake ramatsive.—Jeremia 25:31-33.
Paradhiso Yorugare
15. Chii chinorondedzera Isaya muganhuro 35 pamsoro pa (a) nhasi? (b) nguva yemberi?
15 Muna Isaya ganhuro 35, muporofita waMwari anopfuurira, mumutauro wokufananidzira wakaisvonaka, kurondedzera mugariro wavanhu vakadzorerwa vaJehovha, avo nhasi nguva dzose vanoisa chivimbo chavo maari. Zvavakaunganidzirwa muparadhiso yomudzimu, ivava “vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo hukomba hwaMwari wedu.” Ivo vanotarirawo mberi kuparadhiso chaiyoiyo nezadziko yechipikirwa, chinoti: “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba; nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango.” (Isaya 35:1, 2, 5, 6) Ko iwe unofarira kariro iyoyo here? Ko iwe unovimba naJehovha, nechivimbo chokuti iye achazadzika zvipikirwa izvozvo here?
16, 17. (a) Chikumbiroi chokukurumidzira chinoita Isaya achirondedzera Paradhiso? (b) Vanhu vaJehovha vanofanira kupindura sei kuichi chikumbiro?
16 Uchivimba naJehovha, ungagoverana mukukurudzira vatsva, pamwe chete navamwe vanokutenda kungada kusimbiswa. Pakati pokurondedzera Paradhiso, muporofita Isaya anowedzera ichi chikumbiro chokukurumidzira: “Simbisai maoko asine simba, mutsigire mabvi anodedera. Itii kuna vane mwoyo inotya: ‘Simbai, musatya! Tarirai, Mwari wenyu uchauya nokutsiva, nokuripira kwaMwari; uchauya achikuponesai.’” (Isaya 35:3, 4) Hungu, tinoda kuona vose vane mwoyo yakarurama vachivaka chivimbo muna Jehovha, kuti vakwanise kupinda muParadhiso yapasi.
17 Naizvozvo ngatitsigirei maoko api naapi anorembera kuti ago“batisisa shoko roupenyu.” Ngatisimbisei vapi navapi vane mabvi anodedera, tichivapa yamuro painodikanwa kuti “vafambe zvakafanira Jehovha kusvikira pamugumo wokumufadza zvizere.” (VaFiripi 2:16; VaKorose 1:10, NW) Hungu, ngatinyaradzei vapi navapi vangave vakaora mwoyo, uye ngatikurudziranei, patinotarisana nemiedzo kana kuti chitambudzo, kuratidza “ushingi hukuru hwokutaura shoko raMwari nokusatya.” (VaFiripi 1:14; 1 VaTesaronika 5:14; VaEfeso 5:15, 16) Ipapo, apo zuva raJehovha ramatsive rinorova, tinogona kuva nechokwadi chechikomborero chake sezvo ‘iye anouya kuzoponesa vanhu vake.’ Muzuva iroro, iwe uchava pakati paavo vanovimba naJehovha nokuda kworuponeso here?
18. Inguvai yemberi ine mbiri iri mberi nokuda kwaavo vanovimba naJehovha, uye ndokupi kuri kutsunga kwavo?
18 Nokuda kwaavo nguva dzose vanovimba naJehovha, ikariro ine mbiri yakadini iri seri kwezuva iroro! Vadzvinyiriri vanotadza vachave vaparara! Munyika itsva, vadi vaJah Jehovha vachadzorerwa noMwanakomana wake kukukwana kusina chivi! Iwe haushuvi nguva iyoyo here? Kuvimba kwako naJehovha kuchakusvitsa kuzuva iroro rinoshamisa. Hungu, nguva dzose vimbai naJehovha, imi vanhu, nokuti ikoku kunoreva ruponeso!
Mibvunzo Muhwirudzuro
◻ Chii icho rwiyo rworukundo rwaIsaya 26 runotikurudzira kuita?
◻ I“guta riri kumusoro” ripi iro Jehovha achaderedza, uye tinoritsika-tsika sei?
◻ Chii chatinodzidza mumunyengetero waHezekia mukutarisana netyisidziro yaSanheribhi?
◻ “Vakaurawa” vaIsaya 26:21 vanotsiviwa sei?
◻ Ndoupi uchava muuyo kana tikavimba naJah Jehovha?
[Bhokisi riri papeji 19]
Kupa Mhaka Panogara Papa Here?
Mukupeta imwe nyaya yakanyorwa naUmberto Siniscalchi muIl Giornale yeMilan, World Press Review inoti: “Dare rapamusoro zvikurusa reItaly roKukwirira riri kutsoropodzwa zvakakomba nemhaka yokuti iro rakashaisa simba, muna July [1987], magwaro okusunga vakuru vakuru vebhangi veVatican vakabatanidzwa mumhaka youshati yeBanco Ambrosiano.” Chisarudzo, chakavakirwa pachibvumirano chekare pakati peVatican nehurumende yeItaly, chakabvuma kusava nemhaka kwasachigaro webhangi, uyo ari archibhishopu, pamwe chete nomutungamiriri anotarisira webhangi nomutarisiri wemari mukuru. Hwirudziro yacho inowedzera, kuti: “Vamwe vatsoropodzi, kunyange zvazvo vasingapi mhaka vatongi nokuda kwechisarudzo chacho, vanotaura kuti chibvumirano chacho chinorwisana nebumbiro remitemo reItaly kupfurikidza nokubvuma kusava nemhaka kuavo vakapunza mutemo pavhu reItaly. Vaiti vemitemo vari kumanikidzira chibvumirano chinobvumidza gadziriro yeruramisiro yeItaly kupa mhaka panogara papa nokuda kwemhaka dzakaparwa muItaly.”