Isaya
35 Renje nenyika yakaoma zvichapembera nemufaro,+
Renje richafara rotumbuka seruva rinonzi safuroni.+
Richapiwa runako rweRebhanoni,+
Kubwinya kweKameri+ nekweSharoni.+
Vachaona kukudzwa kwaJehovha, iko kubwinya kwaMwari wedu.
3 Simbisai maoko asina simba,
Uye simbisai mabvi ari kudedera.+
4 Itii kune vaya vanozvidya mwoyo:
“Simbai. Musatya.
Teererai! Mwari wenyu achauya kuzotsiva,
Mwari achauya kuzoranga.+
Achauya okuponesai.”+
6 Panguva iyoyo munhu akaremara achakwakuka senondo,+
Uye rurimi rwembeveve ruchashevedzera nemufaro.+
Nekuti mvura ichatubuka murenje,
Uye hova murenje.
7 Nyika yakaomeswa nekupisa kwekunze ichava dziva rakazara netsanga,
Uye nyika yakaoma ichava nezvitubu zvemvura.+
Munhu asina kuchena haazofambi nayo.+
Ndeyeuya ari kufamba munzira yacho;
Hapana benzi richarasika richipinda mairi.
9 Hapana shumba ichava imomo,
Uye hapana zvikara zvinotyisa zvichapinda mairi.
10 Vaya vakadzikinurwa naJehovha vachadzoka,+ uye vachasvika kuZiyoni vachishevedzera nemufaro.+
Mufaro usingaperi uchava korona mumisoro yavo.+
Vachafara chaizvo, vachipembera nemufaro,
Uye kusuwa kukuru nekugomera zvichatiza.+