Isaya
60 “Simuka, haiwa iwe mukadzi,+ vheneka, nekuti chiedza chako chauya.
Kubwinya kwaJehovha kuri kupenya pauri.+
2 Nekuti rima richafukidza nyika
Uye rima gobvu richafukidza marudzi;
Asi Jehovha achapenya pauri,
Uye kubwinya kwake kuchaonekwa pauri.
4 Simudza maziso ako utarise kumativi ako ese!
Vese zvavo vaunganidzwa; vari kuuya kwauri.
Vanakomana vako vanoramba vachiuya vachibva kure,+
Pamwe chete nevanasikana vako avo vakatakurwa mumaoko.+
5 Panguva iyoyo uchaona uye uchafara,+
Uye mwoyo wako uchatamba-tamba wofashukira,
Nekuti pfuma yegungwa ichaunzwa kwauri;
Pfuma yemarudzi ichauya kwauri.+
Vese vaya vanobva kuShebha vachauya;
Vachatakura goridhe nezvinonhuhwirira zvichena.
Vachazivisa kurumbidzwa kwaJehovha.+
7 Mapoka ese ezvipfuwo eKedhari+ achaungana kwauri.
Makondohwe eNebhayoti+ achakushumira.
9 Nekuti zvitsuwa zvichatarisira kwandiri;+
Ngarava dzeTashishi ndidzo dziri pamberi,
Kuti dziunze vanakomana vako kubva kure,+
Pamwe chete nesirivha yavo negoridhe ravo
Kuzita raJehovha Mwari wako nekuMutsvene waIsraeri,
10 Vanhu vekune imwe nyika vachavaka masvingo ako,
Uye madzimambo avo achakushumira,+
Nekuti ndakakurova ndakatsamwa,
11 Magedhi ako achagara akavhurwa nguva dzese;+
Haazovharwi masikati kana usiku,
Kuti pfuma yemarudzi iunzwe kwauri,
Uye madzimambo awo achava pamberi.+
12 Nekuti chero rudzi kana umambo husingazokushandiri huchaparara,
Uye marudzi achaparadzwa zvachose.+
13 Kunaka kweRebhanoni kuchauya kwauri,+
Muti wemujunipa, nemufiri, nemusaipresi pamwe chete,+
Kuti ndinakise nzvimbo yangu tsvene;
Ndichaita kuti nzvimbo yetsoka dzangu ikudzwe.+
14 Vanakomana vevaya vakakudzvinyirira vachauya vokotama pamberi pako;
Vaya vese vasingakuremekedzi vachakotama patsoka dzako,
Uye vachatokushevedza kuti guta raJehovha,
Ziyoni reMutsvene waIsraeri.+
15 Panzvimbo pekusiyiwa nekuvengwa, pasina anopfuura nemauri,+
Ndichaita kuti uve chinhu chinodadisa nekusingaperi,
Chinoita kuti pave nekupembera nemufaro kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
16 Chokwadi uchanwa mukaka wemarudzi,+
Uchayamwa zamu remadzimambo;+
Uye chokwadi uchaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako,
Uye Ane Simba waJakobho ndiye Mudzikinuri wako.+
17 Panzvimbo pemhangura ndichaunza goridhe,
Uye panzvimbo pesimbi ndichaunza sirivha,
Panzvimbo pematanda, mhangura,
Uye panzvimbo pematombo, simbi;
Uye ndichagadza rugare kuti ruve vatariri vako
Uye kururama kuti kuve vanokupa basa.+
Uye uchashevedza masvingo ako kuti Ruponeso,+ nemagedhi ako kuti Kurumbidza.
19 Zuva harizovizve chiedza chako masikati,
Uye kupenya kwemwedzi hakuzokupi chiedza,
Nekuti Jehovha achava chiedza chinogara nekusingaperi kwauri,+
Uye Mwari wako achava runako rwako.+
20 Zuva rako harizovirizve,
Uyewo chiedza chemwedzi wako hachizoendi chichipera,
Nekuti Jehovha achava chiedza chinogara nekusingaperi kwauri,+
Uye mazuva ekuchema kwako achange apera.+
21 Uye vanhu vako vese vachava vakarurama;
Vachava varidzi venyika yacho nekusingaperi.
22 Mudiki achava chiuru
Uye akadukupa achava rudzi rune simba.
Ini Jehovha ndichaita kuti zvikurumidze panguva yazvo.”