Nzvimbo Yakafanira Yokunamatwa kwaJehovha Muupenyu Hwedu
“Ndichakurumbidzai zuva rimwe nerimwe; ndichakudza zita renyu nokusingaperi-peri.”—PISAREMA 145:2.
1. Pamusoro pokunamata, Jehovha anodei?
“INI Jehovha, Mwari wako, ndiri Mwari une godo.” (Eksodho 20:5) Mosesi akanzwa kuzivisa ikoko kwakabva kuna Jehovha, uye gare gare akakudzokorora pakutaura kurudzi rwaIsraeri. (Dheuteronomio 5:9) Pakanga pasina kupokana mundangariro yaMosesi kuti Jehovha Mwari aikarira vabatiri Vake kuMunamata zvakakwana.
2, 3. (a) Chii chakarovererwa pana vaIsraeri kuti chakaitika pedyo neGomo reSinai chakanga chiri chechienzi? (b) Mibvunzoi yatichanzvera pamusoro pokunamata kwavaIsraeri uye kwavabatiri vaMwari nhasi?
2 Vari mumisasa pedyo neGomo reSinai, vaIsraeri na“vanhu vazhinji vakanga vakavhengana” avo vakanga vabva Egipita navo vakapupurira chimwe chinhu chechienzi. (Eksodho 12:38) Chakanga chisina kufanana nokunamatwa kwavamwari veEgipita, avo vakanga vanyadziswa zvino nengwavaira dzine gumi, kana kuti matambudziko. Sezvo Jehovha akaratidzira kuvapo kwake kuna Mosesi, zvinhu zvinoshamisa zvakaitika: kutinhira, mabhanan’ana, uye ruzha rukuru rwehwamanda urwo rwakaita kuti musasa wose udedere. Tevere kwakauya mwoto noutsi sezvo gomo rose rakazununguka. (Eksodho 19:16-20; VaHebheru 12:18-21) Kana muIsraeri upi noupi aida chimwe chibvumikiso chokuti chakanga chiri kuitika chakanga chiri chechienzi, aifanira bedzi kutarira Mosesi apo akaburuka mugomo pashure pokugamuchira mitemo yaMwari. Maererano nenhoroondo yakafuridzirwa, “vakaona ganda rechiso cha[Mosesi] richibwinya, [vanhu] vakatya kuswedera kwaari.” Zvirokwazvo, chiitiko chisingakanganwiki, chinopfuura chomunhu!—Eksodho 34:30.
3 Nokuda kworudzi irworwo rwokufananidzira rwaMwari, pakanga pasina kupokana pamusoro penzvimbo iyo kunamatwa kwaJehovha kwaiva nako. Akanga ari Mununuri wavo. Upenyu hwavo humene hwakabva kuna Mwari. Iye akanga ariwo Mupi wavo Womutemo. Asi vakachengeta kunamatwa kwaJehovha munzvimbo yokutanga here? Uye zvakadiniko navabatiri vaMwari vomuzuva razvino uno? Kunamatwa kwaJehovha kune nzvimboi muupenyu hwavo?—VaRoma 15:4.
Kunamata kwaIsraeri Jehovha
4. Chii chakanga chiri mamiriro omusasa wavaIsraeri mukati merwendo rwavo rwomurenje, uye chii chakanga chiri pakati pomusasa?
4 Kudai wakaona Israeri ari mumisasa murenje uri pakakwirira, chii chaungadai wakaona? Matende akawanda, asi ane nhevedzano, anogara sezvinobvira vanhu mamiriyoni matatu kana kuti kupfuura, vakaiswa mumapoka maererano nezvikamu zvitatu zvorudzi kuchamhembe, kumaodzanyemba, kumabvazuva, uye kumadokero. Uchisanotarisisa, ungadai wakacherekedzawo rimwe boka pedyo zvikuru napakati pomusasa. Aya mapoka maduku zvikuru mana amatende aigara mhuri dzorudzi rwaRevhi. Pakati chaipo pomusasa, munharaunda yakaparadzaniswa namadziro ejira, pakanga pane chivako chakasiyana. Ichi chakanga chiri “tende rokusongana,” kana kuti tabhernakeri, iyo vaIsraeri “vane mwoyo yakachenjera” vakanga vavaka maererano nokuronga kwaJehovha.—Numeri 1:52, 53; 2:3, 10, 17, 18, 25; Eksodho 35:10.
5. Tabhernakeri yakabatira chinangwai muna Israeri?
5 Paimwe neimwe yenzvimbo dzinenge 40 dzemisasa mukati merwendo rwavo rwomurenje, Israeri akavaka tabhernakeri, uye yakava nzvimbo yapakati yemisasa yavo. (Numeri, ganhuro 33) Nenzira yakakodzera, Bhaibheri rinorondedzera Jehovha saakagara pakati pavanhu vake pakati chaipo pomusasa wavo. Mbiri yake yaizadza tabhernakeri. (Eksodho 29:43-46; 40:34; Numeri 5:3; 11:20; 16:3) Bhuku rinonzi Our Living Bible rinotsinhira, kuti: “Iyi nzvimbo tsvene inotakurika yakanga iri youkoshi hukurusa, sezvo yakaita musimboti unosimbaradza worudzidziso worudzi. Nokudaro yakavachengeta vakabatana mukati mamakore marefu okudzungaira murenje ndokuita kuti chiito chokuva vakabatana chibvire.” Kupfuura izvozvo, tabhernakeri yakabatira sechiyeuchidzo chenguva dzose chokuti kunamata kwavaIsraeri Musiki wavo kwakanga kuchikosha kuupenyu hwavo.
6, 7. Chivakoi chokunamatira chakatsiva tabhernakeri, uye chakabatira sei rudzi rwaIsraeri?
6 Pashure pokunge vaIsraeri vasvika muNyika Yakapikirwa, tabhernakeri yakapfuurira kuva nzvimbo yapakati yokunamata kwaIsraeri. (Joshua 18:1; 1 Samueri 1:3) Munguva yakati, Mambo Dhavhidhi akakarakadza kuvaka chivako chechigarire. Ichochi chakabvumikisa kuva tembere, yakavakwa gare gare nomwanakomana wake Soromoni. (2 Samueri 7:1-10) Pakutsaurirwa kwayo gore rakaburuka kuratidzira kugamuchira kwaJehovha chivako ichocho. “Ndakakuvakirai imba pamungagara,” Soromoni akanyengetera kudaro, “nzvimbo mamungagara nokusingaperi.” (1 Madzimambo 8:12, 13; 2 Makoronike 6:2) Tembere yakanga ichangobva kuvakwa zvino yakava nzvimbo yokuzvipira kworudzi.
7 Katatu pagore, vanhurume vose vechiIsraeri vaikwira kuJerusarema kunopinda kuchengeta kunofadza patembere mukuonga chikomborero chaMwari. Nenzira yakakodzera, uku kubatanidzwazve kwainzi “mitambo yaJehovha yakatarwa,” yainangidzira ngwariro pakunamatwa kwaMwari. (Revhitiko 23:2, 4) Vakadzi vakazvipira vaipinda pamwe chete nemimwe mitezo yemhuri.—1 Samueri 1:3-7; Ruka 2:41-44.
8. Pisarema 84:1-12 rinopupurira sei ukoshi hwokunamatwa kwaJehovha?
8 Vezvamapisarema vakafuridzirwa vakabvuma zvakanaka kuti kunamata kwaikosheswa zvikuru sei muupenyu hwavo. “Ugaro hwenyu hunodikanwa sei, imi Jehovha wehondo!” vakaimba kudaro vanakomana vaKora. Zvirokwazvo vakanga vasingarumbidzi chinongova zvacho chivako chikuru. Panzvimbo pezvo, vakakwidza mazwi avo mukurumbidza Jehovha Mwari, vachizivisa, kuti: “Mwoyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu.” Basa ravaRevhi rakavaunzira mufaro mukuru. “Vakaropafadzwa vanogara mumba menyu;” vakazivisa kudaro. “Vachagara vachikurumbidzai.” Kutaura idi, Israeri wose aigona kuimba, kuti: “Wakaropafadzwa munhu une simba rake mamuri; une migwagwa . . . mumwoyo make. . . . Vanowedzera simba pasimba ravo, mumwe nomumwe wavo unosvika pamberi paMwari paZioni.” Kunyange zvazvo rwendo rwomuIsraeri rwokuenda Jerusarema rungave rwaiva rwurefu norunonetesa, simba rake rakamutsidzirwa sezvaakasvika padzimbahwe. Mwoyo wake wakazadzwa nomufaro sezvaakarumbidza ropafadzo yake yokunamata Jehovha: “Nokuti zuva rimwe pavazhe dzenyu rinokunda mamwe ane churu pakunaka. Ndinoti zviri nani kuti ndive murindi womukova mumba maMwari wangu, pakuti ndigare pamatende avane zvakaipa. . . . Jehovha wehondo, wakaropafadzwa munhu unovimba nemi.” Kutaura kwakadaro kunozivisa nzvimbo yokutanga vaIsraeri ivavo vakapa kukunamatwa kwaJehovha.—Pisarema 84:1-12.
9. Chii chakaitika kurudzi rwaIsraeri apo rwakakundikana kuchengeta kunamatwa kwaJehovha kuri kwakatanhamara?
9 Nenzira inosuruvarisa, Israeri akakundikana kuchengeta kunamata kwechokwadi kwakatanhamara. Vakabvumira kuzvipira kuvanamwari venhema kusekesa kushingairira kwavo Jehovha. Somugumisiro, Jehovha akavasiyira kuvavengi vavo, achivabvumira kupinzwa muutapwa muBhabhironi. Apo vakadzorerwa kunyika yokumusha kwavo pashure pamakore 70, Jehovha akagovera Israeri kurayira kunonyandura kwavaporofita vakatendeka Hagai, Zekaria, uye Maraki. Muprista Ezra naGavhuna Nehemia vakanyandura vanhu vaMwari kuti vavakezve tembere ndokudzorera kunamata kwechokwadi ipapo. Asi sezvo mazana amakore akapfuura, kunamata kwechokwadi kwakava zvakare chinotanga chakaderera murudzi.
Kushingaira Kwomuzana Ramakore Rokutanga Kwokunamata Kwechokwadi
10, 11. Kunamatwa kwaJehovha kwakanga kune nzvimboi muupenyu hwavakatendeka apo Jesu akanga ari pasi pano?
10 Panguva yaJehovha yakagadzwa, Mesiya akaoneka. Vanhu vamwe navamwe vakatendeka vakanga vachitarira kuna Jehovha nokuda kworuponeso. (Ruka 2:25; 3:15) Nhoroondo yeEvhangeri yaRuka inorondedzera zvakananga Ana aiva namakore 84 okukura sechirikadzi “wakanga asingabvi mutembere, achishumira Mwari nokuzvinyima zvokudya nokukumbira usiku namasikati.”—Ruka 2:37.
11 “Zvokudya zvangu,” Jesu akadaro, “ndizvo, kuti ndiite kuda kwowakandituma, nokupedza basa rake.” (Johane 4:34) Yeuka kuti Jesu akaita sei apo akanangana navatsinhanisi vemari mutembere. Akakudubura tafura dzavo pamwe chete namabhenji avashambadzi vaitengesa njiva. Marko anorondedzera, kuti: “[Jesu] akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutembere. Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose? Asi imi makaiita bako ramakororo.” (Marko 11:15-17) Hungu, Jesu haana kutongobvumira munhu upi noupi kudimbudzira nomuvazhe dzetembere pakutakura zvinhu kuendesa kurimwe divi reguta. Zviito zvaJesu zvakasimbisazve zano rake rakapiwa kare: “Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake.” (Mateo 6:33) Jesu akatisiira muenzaniso wakaisvonaka mukupa Jehovha kuzvipira kwake kwakazara. Iye zvirokwazvo akashandisa izvo akaparidza.—1 Petro 2:21.
12. Vadzidzi vaJesu vakaratidzira sei nzvimbo yokutanga yavakapa kukunamatwa kwaJehovha?
12 Jesu akagadzawo muenzaniso nokuda kwavadzidzi vake kuti vatevere nenzira yaakazadzika nayo basa rake rokusunungura vaJudha vakadzvinyirirwa, asi vakatendeka, pamitoro yemiitiro yorudzidziso rwenhema. (Ruka 4:18) Mukuteerera murayiro waJesu wokuita vadzidzi nokuvabhapatidza, vaKristu vapakuvamba vakazivisa noushingi kuda kwaJehovha maererano naIshe wavo akamutswa. Jehovha akasanofadzwa nenzvimbo yokutanga yavakapa kukunamatwa Kwake. Nokudaro, ngirozi yaMwari amene nenzira inoshamisa yakasunungura vaapostora Petro naJohane mutorongo ndokuvarayira, kuti: “Endai, mumire mutembere muchitaura kuvanhu mashoko ose oupenyu uhwu.” Vasimbiswazve, vakateerera. Zuva riri rose, mose muri muviri mutembere yeJerusarema napaimba neimba “havana kurega kudzidzisa, nokuparidza . . . zvaKristu Jesu.”—Mabasa 1:8; 4:29, 30; 5:20, 42; Mateo 28:19, 20.
13, 14. (a) Kubvira panguva yapakuvamba yechiKristu, Satani akaedza kuitei kuvabatiri vaMwari? (b) Vabatiri vaMwari vakatendeka vakapfuurira kuitei?
13 Sezvo chishoro kukuparidza kwavo chakakura, Mwari akarayira vabatiri vake vakatendeka kunyora zano rakakodzera nguva. “Kandirai pamusoro pa[Jehovha] kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai,” akanyora kudaro Petro chinguvana pashure pa 60 N.V. “Svinurai, murinde; muvengi wenyu Dhiyabhorosi, unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza. Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika.” VaKristu vapakuvamba pasina kupokana vakawana nyaradzo mumashoko iwayo. Ivo vakaziva kuti pashure pokunge vatambura kwenguva duku, Mwari aizopedzisa rovedzo yavo. (1 Petro 5:7-10) Mukati mamazuva iwayo okupedzisira etsika yezvinhu yechiJudha, vaKristu vechokwadi vakakwidza kunamatwa kworudo kwaJehovha kurumbidzo itsva.—VaKorose 1:23.
14 Sezvakanga zvadeya kutaurwa nomuapostora Pauro, kuramba kutenda, kubva pakunamata kwechokwadi, kwakaitika. (Mabasa 20:29, 30; 2 VaTesaronika 2:3) Chipupuriro chapamakumi amakore okupedzisira ezana ramakore rokutanga chakawedzera ufakazi hwaikoku. (1 Johane 2:18, 19) Satani nenzira inobudirira akadyara vaKristu vokuedzesera pakati pevechokwadi, achikuita kuve kwakaoma kusiyanisa aya “mashawi” navaKristu vakafanana negorosi. Kunyanguvezvo, pamazana amakore aipfuura, vamwe vanhu vamwe navamwe vakaisa kunamatwa kwaMwari pakutanga, kunyange pangozi youpenyu hwavo. Asi Mwari haana kuunganidzazve vabatiri vake kuti vasimudze kunamata kwechokwadi kutozosvikira makumi amakore okupedzisira e“nguva dzavahedheni” dzakagadzwa.—Mateo 13:24-30, 36-43; Ruka 21:24.
Kunamatwa kwaJehovha Kwakakwidzwa Nhasi
15. Kubvira muna 1919, uporofita hwaIsaya 2:2-4 naMika 4:1-4 hwave huchizadzikwa sei?
15 Muna 1919, Jehovha akapa simba vakasarira vakazodzwa kuti vaite nhimbe youshingi yokupupura munyika yose iyo yakasimudza kunamatwa kwaMwari wechokwadi pakakwirira. Nokudirana kwa“mamwe makwai” okufananidzira kuvambira muna 1935 zvichienda mberi, mudungwe wavanhu vanokwira nenzira yomudzimu ku“gomo reimba yaJehovha” wakakura zvikuru. Mukati megore rebasa ra 1993, Zvapupu zvaJehovha 4 709 889 zvakamurumbidza kupfurikidza nokukoka vamwe kuzokumbanira mukunamatwa kwake kwakakwidzwa. Ikoku kunoita musiyano wakadini kumamiriro ezvinhu okuderedzwa mumudzimu kwe“zvikomo” zvamasekete zvoumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, zvikurukuru muchiKristudhomu!—Johane 10:16; Isaya 2:2-4; Mika 4:1-4.
16. Chii icho vabatiri vose vaMwari vanofanira kuita nemhaka yechinodeya kutaurwa pana Isaya 2:10-22?
16 Vatsigiri vorudzidziso rwenhema vanorangarira chechi namacathedral zvavo uye kunyange vafundisi vavo sezva“kakwirira,” vachipa kwazviri mazita makuru okuremekedza norukudzo. Asi cherekedza icho Isaya akadeya kuzivisa: “Kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa, namanyawi avanhu achaninipiswa, Jehovha oga uchakudzwa nezuva iro.” Ikoku kuchava rini? Mukati medambudziko guru riri kusvika nokukurumidza apo “zvifananidzo zvichapera chose.” Nemhaka yokuva pedyo kwenguva iyoyo inotyisa, vabatiri vose vaMwari vanofanira kunzvera zvakakomba nzvimbo iyo kunamatwa kwaJehovha kunayo muupenyu hwavo.—Isaya 2:10-22.
17. Vabatiri vaJehovha nhasi vanoratidzira sei nzvimbo yokutanga yavanopa kukunamatwa kwaJehovha?
17 Souhama hwamarudzi ose, Zvapupu zvaJehovha zvinosanozivikanwa nokuda kwokushingaira kwazvo mukuparidza Umambo. Kunamata kwazvo hakusi rudzidzisowo zvarwo, rwakachengeterwa awa kana kuti kupfuura pavhiki. Aiwa, mararamire azvo. (Pisarema 145:2) Zvirokwazvo, gore rapera zvinopfuura Zvapupu 620 000 zvakaronga zvinhu zvazvo kuti zvigoverane muushumiri hwechiKristu hwenguva yakazara. Zvasara zvose zvirokwazvo hazviregeredzi kunamatwa kwaJehovha. Kunotanhamara zvikuru muzvose zviri zviviri kurukurirano yazvo yezuva riri rose uye kuparidza kwazvo kwapachena, kunyange kana misengwa yazvo yemhuri ichida kuti zvishande zvakaoma kubasa rokunyika.
18, 19. Dudza mienzaniso yekurudziro yaungave wakagamuchira mukurava nhau dzoupenyu hweZvapupu?
18 Nyaya dzoupenyu dzeZvapupu dzakaburitswa muNharireyomurindi dzinogovera uchenjeri munzira idzo hama nehanzvadzi dzakasiyana-siyana dzakachengeta nadzo kunamatwa kwaJehovha kuri pakutanga muupenyu hwadzo. Imwe hanzvadzi duku iyo yakatsaurira upenyu hwayo kuna Jehovha pamakore matanhatu ezera yakagadza basa roufundisi senharidzano yayo. Imi hama nehanzvadzi duku, inharidzanoi yamunogona kusarudza iyo ichakubetserai kuchengeta kunamatwa kwaJehovha kuri pakutanga muupenyu hwenyu?—Ona nyaya inoti, “Kuronda Nharidzano Yakagadzwa Pamakore Matanhatu Ezera,” iri muNharireyomurindi yaMarch 1, 1992, mapeji 26-30.
19 Hanzvadzi yakura iri chirikadzi inogovera mumwe muenzaniso wakaisvonaka wokuisa kunamatwa kwaJehovha munzvimbo yakwo yakafanira. Yakawana kurudziro huru kuti itsungirire kuna avo yakanga yabetsera kudzidza zvokwadi. Vakanga vari “mhuri” yake. (Marko 3:31-35) Kana ukazviwana umene uri mumamiriro ezvinhu akafanana, uchagamuchira tsigiro nebetsero zvavaduku vari muungano here? (Tapota cherekedza kuti Hanzvadzi Winifred Remmie vakataura sei vamene mu“Ndakagamuchira Munguva Yokucheka,” yakaburitswa muNharireyomurindi yaJuly 1, 1992, mapeji 21-3.) Imi vabatiri venguva yakazara, ratidzirai kuti kunamatwa kwaJehovha chaizvoizvo kunouya pokutanga muupenyu hwenyu kupfurikidza nokubatira nokuzvininipisa uko makagoverwa, muchizviisa pasi nokudisa penhungamiro youbati ushe hwamwari. (Tapota cherekedza muenzaniso waHama Roy Ryan, wakarondedzerwa munyaya inoti, “Kusanonamatira Kusangano raMwari,” muNharireyomurindi yaDecember 1, 1991, mapeji 24-7.) Yeuka kuti apo tinopa nzvimbo yokutanga kukunamatwa kwaJehovha, tine vimbiso yokuti achatitarisira. Hatifaniri kufunganya pamusoro pouko zvinodikanwa zvoupenyu zvichabva. Zvakaitika zvaHanzvadzi Olive naSonia Springate zvinoratidzira ikoku.—Ona nyaya inoti, “Takatanga kutsvaka Umambo,” iri muNharireyomurindi yaFebruary 1, 1994, mapeji 20-5.
20. Mibvunzoi yakakodzera yatinofanira kuzvibvunza timene zvino?
20 Somunhu mumwe nomumwe, ipapo, hatifaniri kuzvibvunza timene mibvunzo inobaya mwoyo here? Kunamatwa kwaJehovha kune nzvimboi muupenyu hwangu? Ndiri kurarama mukuwirirana netsauriro yangu here yokuita kuda kwaMwari kutambanuko yakanakisisa yamano angu? Munharaundai dzoupenyu mandinogona kuvandudza? Kurangarirwa kwokufunga kwenyaya inotevera kuchapa mukana wokurangarira pamusoro pokuti tinoshandisa sei fuma yedu maererano nechokutanga chedu chakasarudzwa muupenyu—kunamatwa kwaChangamire Ishe Jehovha, Baba vedu vane rudo.—Muparidzi 12:13; 2 VaKorinte 13:5.
Mukuhwirudzura
◻ Pamusoro pokunamata, Jehovha anodei?
◻ Tabhernakeri yakabatira sechiyeuchidzo chei?
◻ Muzana ramakore rokutanga N.V., ndivanaani vakanga vari mienzaniso yakatanhamara yokushingairira kunamata kwechokwadi, uye sei?
◻ Kubvira muna 1919, kunamatwa kwaJehovha kwakakwidzwa sei?