CHITSAUKO 13
“Jehovha Akaita Zvaaifunga”
1. Pashure pokunge Jerusarema raparadzwa, Jeremiya akatii nezvouprofita hwaJehovha?
JERUSAREMA rakanga rangova ungwandangwanda. Utsi hwakanga huchiri kupfungaira kubva pamoto wakanga wabatidzwa nevaBhabhironi. Jeremiya aigona kuyeuka kubowa kunotyisa kwevaya vaiurayiwa. Akanga audzwa zvaizoitika, uye zvakaitika sezvakataurwa naMwari chaizvo. Muprofita wacho akachema-chema achiti, “Jehovha akaita zvaaifunga.” Kuparara kweJerusarema kwaiva dambudziko chairo!—Verenga Mariro 2:17.
2. Jeremiya akaona kuzadzika kwouprofita hupi hwakataurwa pachine mazana emakore?
2 Chokwadi, Jeremiya akaona kuzadzika kweuprofita hwakawanda hwakaziviswa vanhu vaMwari, kusanganisira uprofita hwekare. Pachine mazana emakore, Mosesi akaudza vaIsraeri migumisiro yokuteerera kana kusateerera Mwari—“chikomborero” kana “kutukwa.” Jehovha aida kuti vanhu vake vawane zvikomborero. Ukuwo, kutukwa kwaizokonzerwa nokusateerera kwaizova kwakaipa zvikuru. Mosesi akanyevera, uye Jeremiya akazodzokorora kuti vaya vaisateerera uye vaipesana naJehovha ‘vaizodya nyama yevanakomana vavo nenyama yevanasikana vavo.’ (Dheut. 30:19, 20; Jer. 19:9; Revh. 26:29) Vamwe vangangodaro vakazvibvunza kuti, ‘Chinhu chakaipa kudaro chingaitika zvechokwadi here?’ Chokwadi, izvozvo zvakaitika vaBhabhironi pavakanga vakakomba Jerusarema, zvokudya pazvakanga zvisingawaniki. Jeremiya akataura kuti, “Maoko evakadzi vane tsitsi akabika vana vavo. Vakava sechingwa chokunyaradza kumunhu munguva yokuparara kwomwanasikana wevanhu vangu.” (Mari. 4:10) Raiva dambudziko chairo!
3. Ndechipi chaiva chinangwa chaMwari pakutumira vaprofita kuvanhu vake?
3 Kutaura zvazviri, chinangwa chaJehovha pakutuma vaprofita vakaita saJeremiya chakanga chisiri chokungozivisa kuparadzwa kwaiuya. Mwari aida kuti vanhu vake vatangezve kurarama nenzira yokutendeseka. Aida kuti vatadzi vapfidze. Ezra akataura izvi achiti: “Jehovha Mwari wemadzitateguru avo akaramba achivatumira shoko achishandisa nhume dzake, achivatumira avatumirazve, nokuti ainzwira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara.”—2 Mak. 36:15; verenga Jeremiya 26:3, 12, 13.
4. Jeremiya akanzwa sei nemashoko aakazivisa?
4 Kungofanana naJehovha, Jeremiya ainzwira vanhu vake tsitsi. Unogona kuzviona nezvaakataura Jerusarema risati raparadzwa. Akavhiringidzwa zvikuru nedambudziko iroro rakanga rava kuda kuitika. Iri idambudziko raigona kusaitika chete kana vanhu vaizoteerera voita maererano nemashoko aiziviswa naJeremiya! Chimbofungidzira manzwiro aJeremiya paaizivisa mashoko aMwari. “Maiwe ura hwangu kani, ura hwangu kani!” akachema achidaro. “Ndiri kurwadziwa kwazvo mumwoyo mangu. Mwoyo wangu hauna kugadzikana mukati mangu. Handigoni kuramba ndakanyarara, nokuti mweya wangu wanzwa kurira kwehwamanda, chiratidzo chokunyevera nezvehondo.” (Jer. 4:19) Aisagona kuramba akanyarara nezvedambudziko rakanga richiuya.
NEI AIGONA KUVA NECHOKWADI KUDARO?
5. Nei Jeremiya aiva nechivimbo nemashoko aaiparidza?
5 Nei Jeremiya aigona kuva nechivimbo chokuti zvaakaprofita zvaizoitika? (Jer. 1:17; 7:30; 9:22) Aiva murume aiva nokutenda akanga adzidza Magwaro uye aiziva kuti Jehovha ndiMwari wouprofita hwechokwadi. Zvakaitika zvakaratidza kuti Jehovha anokwanisa kufanotaura zviitiko zvaiita sezvisingaitiki mukuona kwevanhu, zvakaita sokusunungurwa kwevaIsraeri kubva muuranda kuIjipiti. Jeremiya aiziva nhoroondo iri muna Eksodho uye mashoko akataurwa nemumwe akaona zvichiitika. Joshua akayeuchidza vaIsraeri kuti: “Munonyatsoziva nemwoyo yenyu yose nemweya yenyu yose kuti hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana. Ose akaitika nokuda kwenyu. Hapana kana shoko rimwe chete rawo rakakundikana.”—Josh. 23:14.
6, 7. (a) Nei uchifanira kufarira mashoko ouprofita akaziviswa naJeremiya? (b) Chii chichakubatsira kuva nechivimbo nemashoko aunoparidza?
6 Nei uchifanira kuramba uchifunga nezvouprofita hwakaziviswa naJeremiya? Kutanga, nokuti Jeremiya aiva nechokwadi nokuvimbika kwemashoko aJehovha. Chechipiri, nokuti zvimwe zvakataurwa naMwari achishandisa Jeremiya zviri kutozadzika, uye uchaona kuzadzika kwezvimwe zvacho. Chechitatu, nokuti kuwanda kwemashoko akaziviswa naJeremiya muzita raMwari, uyewo simba raaizivisa naro, zvakamuita kuti ave mushumiri waMwari akasiyana nevamwe. Imwe nyanzvi yakati, “Kunyange pakumuenzanisa nevamwe vaprofita, Jeremiya anodarika vose.” Jeremiya aiva munhu anokosha zvikuru pakubata kwaMwari nevanhu vake zvokuti Jesu paaitaura, vamwe vakamunzwa vakafunga kuti aifanira kunge ari Jeremiya.—Mat. 16:13, 14.
7 Kungofanana naJeremiya, uri kurarama panguva iri kuzadzika uprofita hunokosha hwomuBhaibheri. Uye kungofanana naye, unofanira kuramba uine chivimbo chokuti zvinovimbiswa naMwari ndezvechokwadi. (2 Pet. 3:9-14) Ungazviita sei? Nokuramba uchiwedzera kuvimba kwaunoita kuti Shoko raMwari rouprofita rakavimbika. Muchitsauko chino tichakurukura uprofita hwakawanda hwakaziviswa naJeremiya uye hwaakaona huchizadzika. Humwe hwatichakurukura hwakazozadzika pave paya. Uye humwe hwacho hune zvahunoita kwauri iye zvino uye hune zvahuchaita pane ramangwana rako. Kukurukura kwatichaita ngakusimbise kuvimba kwako neShoko raJehovha rouprofita kuitira kuti unyatsova nechivimbo chokuti ‘achaita zvaanofunga.’—Mari. 2:17.
Nei Mwari akatuma vaprofita? Nei uchivimba nouprofita hunotaura nezvokuparadzwa kuri kuuya?
UPROFITA HWAKATAURWA NAJEREMIYA UYE HWAAKAONA HUCHIZADZIKA
8, 9. Ndechipi chinhu chimwe chete chinoita kuti Bhaibheri rive rakasiyana nemamwe mabhuku?
8 Kune vakawanda vanoedza kufanotaura nezveramangwana. Funga nezvevanoona nezvoupfumi, vezvematongerwo enyika, vanoita zvemidzimu uye vanoona nezvemamiriro ekunze. Hapana mubvunzo kuti wakaona kuoma kwazvakaita kufanotaura zvakarurama nezvezvinhu kunyange zviri nyore—zvingangoitika mumazuva kana mavhiki mashomanana achatevera. Asi uprofita hwakarurama ndechimwe chinhu chinoita kuti Bhaibheri risiyane nemamwe mabhuku. (Isa. 41:26; 42:9) Uprofita hwose hwaJeremiya, hungave hwaitaura nezvenguva yemberi yaiva pedyo kana yaiva kure, hwakanga hwakarurama. Hwakawanda hwacho hwaitaura nezvevanhu vakasiyana-siyana uye nezvemarudzi. Ngatimbotanga nokukurukura uprofita hushoma hwakazadzika munguva yakararama Jeremiya.
9 Ndiani nhasi angakwanisa kufanotaura kuti nyika ichange yakaita sei mugore rimwe kana kuti maviri ari kutevera? Somuenzaniso, ndiani muongorori wezvinoitika munyika dzakasiyana-siyana anogona kutaura zvakarurama kana masimba enyika achizochinja? Zvisinei, achifuridzirwa naMwari, Jeremiya akafanotaura nezvokuwedzera kwesimba reBhabhironi. Akataura kuti Bhabhironi raiva “kapu yendarama” yaizoshandiswa naJehovha kuratidza kutsamwira kwaakaita Judha uye mamwe maguta nevanhu vaiva pedyo, richivamanikidza kuti vave varanda. (Jer. 51:7) Izvozvo ndizvo chaizvo zvakaonekwa naJeremiya nevanhu vakararama panguva imwe chete naye.—Enzanisa naJeremiya 25:15-29; 27:3-6; 46:13.
10. Jehovha akafanotaurei nezvemadzimambo mana eJudha?
10 Jehovha akashandisawo Jeremiya kuti ataure zvaizoguma zvaitika kumadzimambo mana eJudha. NezvaJehoahazi, kana kuti Sharumu, mwanakomana waMambo Josiya, Mwari akafanotaura kuti aizotapwa uye aisazodzokazve kuJudha. (Jer. 22:11, 12) Izvozvo zvakaitika. (2 Madz. 23:31-34) Mwari akazivisa kuti Jehoyakimu, mutsivi waJehoahazi aizovigwa “sezvinoitwa mbongoro hono.” (Jer. 22:18, 19; 36:30) Bhaibheri haritauri zvakananga kuti akafa sei kana kuti chitunha chake chakaitwa sei, asi rinoratidza kuti mwanakomana wake Jehoyakini ndiye akamutsiva panguva yavakanga vakakombwa. Jeremiya akafanotaura kuti Jehoyakini (ainziwo Koniya kana kuti Jekoniya) aizotapwa oendeswa kuBhabhironi uye aizonofira ikoko. (Jer. 22:24-27; 24:1) Izvozvo zvakaitika. Ko mambo wokupedzisira, Zedhekiya? Jeremiya akafanotaura kuti Zedhekiya aizoiswa mumaoko evavengi, vaisazova netsitsi. (Jer. 21:1-10) Chii chakaitika? Vavengi ivavo vakamubata. Vakauraya vanakomana vake vaduku achiona, vakamuita bofu, uye vakaenda naye kuBhabhironi kwaakanofira. (Jer. 52:8-11) Chokwadi, uprofita hwese uhwu hwakazadzika.
11. Hananiya aiva ani, uye Jehovha akafanotaurei nezvake?
11 Muchitsauko 28 chaJeremiya tinoverenga kuti paitonga Zedhekiya, muprofita wenhema Hananiya akataura zvaipesana nemashoko aJehovha aakataura achishandisa Jeremiya kuti Jerusarema raizova pasi pesimba reBhabhironi. Achirega kuteerera shoko raMwari, Hananiya akataura kuti joko rouranda raNebhukadhinezari raakanga aisa paJudha nemamwe marudzi raizotyorwa. Zvisinei, achitungamirirwa naJehovha, Jeremiya akabudisa pachena nhema dzaHananiya, akataurazve kuti marudzi akawanda aizofanira kushumira vaBhabhironi, uye akaudza muprofita wacho wenhema kuti aizofa mugore iroro. Uye ndizvo chaizvo zvakaitika.—Verenga Jeremiya 28:10-17.
12. Vakawanda vakararama panguva imwe chete naJeremiya vakaitei neshoko rake guru rouprofita?
12 Ichokwadi kuti chinhu chikuru pamashoko akapiwa Jeremiya naMwari chaiva chokuwa kweJerusarema. Kakawanda, Jeremiya akanyevera kuti guta racho raizoparadzwa kutoti vaJudha vapfidza pakunamata kwavo zvidhori, kusaruramisira, uye kuita zvechisimba. (Jer. 4:1; 16:18; 19:3-5, 15) Vakawanda vakararama panguva imwe chete naJeremiya vaifunga kuti Jehovha aisazomboita chinhu chakadaro. Temberi yaMwari yaiva muJerusarema. Aizobvumira sei kuti nzvimbo tsvene iyoyo iparadzwe? Vakafunga kuti zvaisazombofa zvakaitika. Asi unoziva kuti Jehovha haamborevi nhema. Akaita zvaaifunga.—Jer. 52:12-14.
13. (a) Nguva yatiri kurarama yakafanana pakudini neyaJeremiya? (b) Nei zvakavimbiswa naMwari kune vamwe vanhu vakararama munguva yaJeremiya zvichifanira kukufadza?
13 Vanhu vaMwari mazuva ano vanozviwana vari mumamiriro ezvinhu akafanana neevaya vakanga vakavimbika kuna Jehovha munguva yakararama Jeremiya. Tinoziva kuti nokukurumidza Jehovha achaunza dambudziko pane vose vanoramba kuteerera kunyevera kwake. Kunyange zvakadaro, tinogona kukurudzirwa nezvaakavimbisa muuprofita, sezvakaita vaJudha vaya vakaramba vachinamata zvakachena munguva yakararama Jeremiya. Pamusana pokutendeseka kwevaRekabhi kuna Jehovha uye kumirayiro yatateguru wavo, Mwari akati vaizopona pakuparadzwa kweJerusarema. Vakapona. Kutaurwa kunozoitwa nezva“Marikija mwanakomana waRekabhi” uyo akabatsira pakugadzirisa Jerusarema, Nehemiya paaiva gavhuna, kungapa uchapupu hwokuti vakapona. (Neh. 3:14; Jer. 35:18, 19) Jehovha akavimbisa Ebhedhi-mereki kuti iye aizoponawo nokuti aivimba naMwari uye akatsigira Jeremiya. (Jer. 38:11-13; 39:15-18) Saizvozvowo, Mwari akavimbisa kuti shamwari yaJeremiya, Bharuki aizowana ‘mweya wake sechinhu chakapambwa.’ (Jer. 45:1, 5) Kuzadzika kwouprofita uhwu kunoita kuti upedzisire wati chii? Unofunga kuti Jehovha achakuitirei kana wakatendeka?—Verenga 2 Petro 2:9.
Chokwadi chokuti Mwari anozadzisa uprofita hwake nguva dzose chakabatsira sei Ebhedhi-mereki, Bharuki uye vaRekabhi? Unofungei nezvouprofita hwakadaro?
UPROFITA HWAKAZADZIKA PAVE PAYA
14. Nei uprofita hwaMwari nezveBhabhironi hwakanga hwakasiyana nehumwe?
14 Mwari akafanotaura kuti Nebhukadhinezari aisazokunda Judha chete asiwo Ijipiti. (Jer. 25:17-19) Izvozvo zvinofanira kunge zvaiita sezvisingaiti nokuti Ijipiti yakanga yakasimba zvikuru, ichitotonga Judha. (2 Madz. 23:29-35) Pashure pokunge Jerusarema rakundwa, vaJudha vakanga vasara vakaronga kusiya nyika yavo kuti vanochengeteka muIjipiti. Vaida kuita izvozvo pasinei nokuti Jehovha akanga avanyevera kuti vasadaro, uye avaudza kuti aizovakomborera kana vaizoramba vari muJudha. Ukuwo dai vaizotizira kuIjipiti, bakatwa ravaitya vaizosangana naro ikoko. (Jer. 42:10-16; 44:30) Kuti Jeremiya akaona Bhabhironi richipinda muIjipiti nechisimba here kana kuti kwete, izvozvo hazvitaurwi mune zvaakanyora. Chokwadi ndechokuti kuzadzika kwouprofita hwaJehovha kwakaitika pavaIsraeri vainge vapotera, vaBhabhironi pavakakunda Ijipiti pakutanga kwezana remakore rechitanhatu B.C.E.—Jer. 43:8-13.
15, 16. Shoko raMwari nezvokusunungurwa kwevanhu vake rakazadzika sei?
15 Jeremiya akaprofitawo nezvekuguma kweguta raizokunda Ijipiti, Bhabhironi pacharo. Zana remakore izvi zvisati zvaitika, Jeremiya akataura zvakarurama kuti Bhabhironi raizoerekana rawa. Sei? Muprofita waMwari akafanotaura kuti mvura dzaro dzinodzivirira ‘dzaizopwa’ uye varume varo vane simba vaisazorwa. (Jer. 50:38; 51:30) Uprofita uhwu hwakazadzika zvizere pakatsauswa mvura dzeRwizi rwaYufratesi nevaMedhiya nevaPezhiya, vakayambuka ndokupinda muguta racho, vaBhabhironi vasingatarisiri. Ungangoona chiziviso chokuti guta racho raizova nzvimbo isingagarwi sechinokosha zvakaenzana. (Jer. 50:39; 51:26) Nanhasi, matongo eBhabhironi raimbova nesimba anopupurira kururama kweuprofita hwaMwari.
16 Achishandisa Jeremiya, Jehovha akazivisa kuti vaJudha vaizoshumira vaBhabhironi kwemakore 70. Uye Mwari aizodzosa vanhu vake kunyika yavo. (Verenga Jeremiya 25:8-11; 29:10.) Dhanieri aivimba zvakazara nouprofita uhwu, uye akahushandisa kuti azive kuti “kuparadzwa kweJerusarema” kwaizoguma rini. (Dhan. 9:2) Ezra akati, “Kuti shoko raJehovha rakabuda mumuromo maJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mwoyo waKoreshi mambo wePezhiya,” uyo akanga akunda vaBhabhironi, kuti adzorere vaJudha kunyika yavo. (Ezra 1:1-4) Vaya vaizodzokera kunyika yavo vaizofara zvikuru nokuda kwerugare rwomunyika yavo uye vodzorera kunamata kwakachena ikoko, sezvakanga zvafanotaurwa naJeremiya.—Jer. 30:8-10; 31:3, 11, 12; 32:37.
17. Tsanangura kuti mashoko aJeremiya nezvo“kuchema” muRama angareva sei zviitiko zviviri zvakasiyana.
17 Jeremiya akanyorawo uprofita hwaizozadzika nokufamba kwenguva. Akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Inzwi riri kunzwika muRama, kurira nokuchema kunoshungurudza; Rakeri achichema vanakomana vake. Aramba kunyaradzwa nokuda kwevanakomana vake, nokuti havasisipo.’” (Jer. 31:15) Zvinoita sokuti vaJudha vakanga vatapwa vakaungana muguta reRama, raiva makiromita anenge masere kuchamhembe kweJerusarema, pashure pokuparadzwa kwaro muna 607 B.C.E. Vamwe vasungwa vechiJudha vangangove vakatourayirwa muRama. Izvozvo zvingave zvakaita kuti pave nokuzadzika kwekutanga, sokunge kuti ndiRakeri aichema kurasikirwa ne“vanakomana” vake. Zvisinei, anopfuura mazana matanhatu emakore pave paya, Mambo Herodhi akaita kuti vacheche vomuBheterehema vaurayiwe. Munyori weEvhangeri Mateu akatsanangura kuti mashoko aJeremiya akafanotaura nezvokuchema kwaizoitwa nevanhu pamusana pokuuraya ikoko.—Mat. 2:16-18.
18. Uprofita hwaMwari pamusoro peEdhomu hwakazadzika sei?
18 Humwe uprofita hwakazadzikawo muzana remakore rokutanga C.E. Achishandisa Jeremiya, Mwari akafanotaura kuti Edhomu yaiva pakati pemarudzi aizopindwa nechisimba neBhabhironi. (Jer. 25:15-17, 21; 27:1-7) Asi Mwari akataura zvakawanda nezvezvaizoitika kuEdhomu. Edhomu yaizova seSodhoma neGomora. Unoziva kuti izvozvo zvairevei—kuva dongo zvachose, kusatombowanika. (Jer. 49:7-10, 17, 18) Izvozvo ndizvo chaizvo zvakaitika. Ndokupi kwaunofunga kuti kungawanika mazita okuti Edhomu uye vaEdhomu mazuva ano? Pamepu dzemazuva ano here? Kwete. Anonyanyowanika mumabhuku ekare uye enhoroondo dzomuBhaibheri kana kuti pamepu dzinoratidza zvepanguva iyoyo. Flavius Josephus anotaura kuti vaEdhomu vakamanikidzwa kubvuma chitendero chechiJudha muzana remakore rechipiri B.C.E. Nokuparadzwa kwakazoitwa Jerusarema muna 70 C.E., vakaguma kuvapo serudzi.
19. Bhuku raJeremiya rinoratidzei nezvokukwanisa kunoita Mwari kuzadzisa uprofita?
19 Sezvaungaona, zvitsauko zviri mubhuku raJeremiya zvakazara nouprofita hunotaura nezvevanhu vakasiyana-siyana uye marudzi. Uprofita hwakawanda hwacho hwakatozadzika kare. Chokwadi ichi chinoita kuti zvive zvinokosha kuti udzidze bhuku raJeremiya, nokuti rinokuudza chimwe chinhu pamusoro paMwari wako mukuru. Jehovha akaita zvaaifunga, uye achazviitazve. (Verenga Isaya 46:9-11.) Izvi zvinogona kusimbisa chivimbo chako pane zvinofanotaurwa neBhaibheri. Kutaura zvazviri, kuzadzika kwehumwe uprofita hwakanyorwa naJeremiya kune chokuita newe neramangwana rako. Ngationgororei humwe hwacho muchikamu chasara chechitsauko chino.
Ndohupi humwe uprofita hwakazadzika pashure pokufa kwaJeremiya, uye nei huchikosha kwauri?
UPROFITA HUNE ZVAHUNOITA KWAURI
20-22. Nei zvinganzi uprofita huri muBhaibheri kusanganisira huri mubhuku raJeremiya hunozadzika kanopfuura kamwe? Ipa muenzaniso.
20 Uprofita hweBhaibheri hungazadzika kanopfuura kamwe. Izvozvo ndizvo zvakaita mhinduro iyo Jesu akapa vadzidzi vake kumubvunzo une chokuita nechiratidzo ‘chokuvapo kwake nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.’ (Mat. 24:3) Pakava nokuzadzika mumakore a66 kusvika ku70 C.E. Zvisinei, zviri pachena kuti uprofita hwacho huchazadzikazve panguva yo“kutambudzika kukuru” kuchauya panyika ino yakaipa. Kuchava kutambudzika “kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve.” (Mat. 24:21) Zvakafanana zvinowanikawo muuprofita hwakanyorwa naJeremiya. Humwe hwacho hwakatanga kuzadzika muna 607 B.C.E. asi hwaizozadzikazve pave paya sezvatakaona zvine chokuita na“Rakeri achichema vanakomana vake.” (Jer. 31:15) Chokwadi, zvimwe zvakaprofitwa naJeremiya zvinotaura nezvenguva yauri kurarama, uye kuzadzika kwazvo kune zvakunoita kwauri somunhu.
21 Unogona kuona izvozvo mubhuku reZvakazarurwa. Afuridzirwa, muapostora Johani akataura nezvouprofita hwakanga hwataurwa naJeremiya nezvokuguma kweBhabhironi muna 539 B.C.E. Muna Zvakazarurwa tinoona kufanana kweizvozvo zvakaitika pakutanga nezvichazoitika pamwero mukuru. Pauprofita hwakataurwa naJeremiya hukazadzika mazuva ano paiva nehunotaura nezvokuparara kweumambo hukuru—umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema, “Bhabhironi Guru.” (Zvak. 14:8; 17:1, 2, 5; Jer. 50:2; 51:8) Vanhu vaMwari vaitofanira ‘kubuda mariri’ kuitira kuti vasagovana naro pamatambudziko aro. (Zvak. 18:2, 4; Jer. 51:6) Mvura yeguta iroro, inomiririra vanhu varo kana kuti vaya vakazvipira kwariri ‘yaizooma.’—Jer. 51:36; Zvak. 16:12.
22 Zvakavimbiswa naMwari kuti achatsiva chitendero chenhema pamusana pokutambudza vanhu vake zvichazadzika mune ramangwana redu. Jehovha ‘acharitsiva maererano nezvose zvarakaita.’ (Jer. 50:29; 51:9; Zvak. 18:6) Uye nyika dzokufananidzira dzechitendero chenhema dzichava matongo.—Jer. 50:39, 40.
23. Kudzorerwa kupi mune zvokunamata kwakafanotaurwa naJeremiya kwakaitika muzana remakore rechi20?
23 Sezvaungave watoona kare, uprofita hwakaziviswa naJeremiya hunopawo tariro. Nokudaro, akafanotaura nezvokudzorerwa kwokunamata kwechokwadi panyika mazuva ano. Kusunungurwa kwenhapwa dzechiJudha kubva kuguta rekare reBhabhironi kwakafanana nokusunungurwa kwevanhu vaMwari vemazuva ano kubva muBhabhironi Guru pashure pokugadzwa kweUmambo kudenga. Kana totaura nezvokunamata, Jehovha akadzorera vanhu vake pakunamata kwakachena, uye izvozvo zvakaita kuti pave nokuonga nokufara. Akakomborera zvavanoita pakubatsira vamwe kuti vauye kuzomunamata uye kuti vawane zvokudya zvakawanda mune zvokunamata. (Verenga Jeremiya 30:18, 19.) Unozivawo kubva pane zvawakaona iwe pachako kuti Jehovha akazadzisa sei zvaakavimbisa zvokupa vanhu vake vafudzi—varume vakakura mune zvokunamata vanonyatsotarisira uye kuchengetedza boka.—Jer. 3:15; 23:3, 4.
24. Mashoko api ane simba akataurwa naJeremiya asati azadzika?
24 Mashoko aJeremiya kuvanhu vaMwari vekare aitaura zvose zviri zviviri, vimbiso yezvakanaka nokuda kwevakatendeka uye nyevero yokuparadzwa nokuda kwevaya vaisakoshesa ukama hwavo naJehovha. Ndizvo zvazvakaitawo mazuva ano. Hatingambotadzi kuona pfungwa yokukurumidzira yenyevero iri mumashoko aya: “Vaya vachaurayiwa naJehovha vachavapo pazuva iroro kubvira kumugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika. Havazochemwi, uyewo havazounganidzwi kana kuvigwa. Vachava somupfudze panyika.”—Jer. 25:33.
25. Mazuva ano vanhu vaMwari vanofanira kuita basa ripi?
25 Chokwadi, kungofanana naJeremiya, tiri kurarama munguva dzinokosha. Sezvazvakanga zvakaita munguva yaakararama, zvinoitwa nevanhu kumashoko aJehovha zvinogona kureva upenyu kana rufu. Mazuva ano vanhu vaMwari havasi vaprofita. Hatina kufuridzirwa kuti tiwedzere kumashoko aJehovha akakwana echokwadi ari muBhaibheri. Asi takapiwa basa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho. (Mat. 28:19, 20) Chokwadi hatimbodi ‘kuba mashoko aJehovha’ nokuvanzira vanhu zvinhu zvava kuda kuitika. (Verenga Jeremiya 23:30.) Takatsunga kusabvisa simba remashoko ake uye zvaanoita. Uprofita hwakawanda uhwo Mwari akaita kuti Jeremiya azivise hwakatozadzika kare. Izvi zvinotipa chivimbo chokuti huya husati hwazadzika ndehwechokwadi. Tinofanira kuudza vanhu kuti Mwari achatoita ‘zvaari kufunga uye zvaakarayira kubvira pamazuva ekare kare.’—Mari. 2:17.
26. Ndehupi humwe uprofita huchakurukurwa?
26 Kukurukura nezvebasa raJeremiya rouprofita kwaizova kusina kukwana kana tikasakurukura nezvevimbiso huru dzaJehovha dze“sungano itsva” nevanhu vake, mitemo yesungano yaaizonyora mumwoyo yavo. (Jer. 31:31-33) Uprofita uhwu uye kuzadzika kwahwo kune chokuita newe zvakananga ndizvo zvichakurukurwa muchitsauko chinotevera.
Uprofita hupi huri mubhuku raJeremiya hwakazadzika mazuva ano? Unofungei nezvehuya husati hwazadzika?