Jeremia—Muporofita Asingadikanwi Wamarutongeso aMwari
Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki mubhuku raJeremia kwakarongwa nokuda kweChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari kuvambira pana April 17 kusvikira kuna August 21. Idzi nyaya nhatu dzefundo dzichagovera mashoko akaisvonaka okunzwisisa manyoro omuporofita wacho.
“Ndakakuziva ndisati ndakuumba mudumbu ramai . . . Ndakakugadza kuti uve muporofita wamarudzi avanhu.”—JEREMIA 1:5.
1. (a) Mukutarira shure, vamwe vanorangarira sei Jeremia? (b) Iye akazvirangarira amene sei?
“KUNYANGE muboka ravaporofita, Jeremia anotanhamara somukuru.” Tsinhiro iyoyo yakaitwa nenyanzvi yeBhaibheri yakasiana zvikuru nomurangariro waJeremia wake amene paakatanga kugamuchira basa rake rakabva kuna Jehovha rokubatira somuporofita kuna Judha nokumarudzi. Mhinduro yake yaiva iyi: “Haiwa, Ishe Mwari, tarirai handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu.” Jeremia sezviri pachena aiziva zvikuru nezvoupwere hwake, uye denho yokutarisana namarudzi ane utsinye yakaratidzika kuva yakanyanya. Jehovha akafunga zvakapesana.—Jeremia 1:6.
2. Jehovha akaroverera sei chivimbo muna Jeremia?
2 Kubva mukurukurirano yaJehovha naJeremia muduku, kuri pachena kuti iye akanga ari mumwe wavarume vashomanene vane kuberekwa Jehovha aiva nomutoro wako. Uye neiko iye akava nefariro chaiyo muna Jeremia kuvambira pakunambwa kwake zvichienda mberi? Imhaka yokuti Jehovha airangarira basa chairo nokuda kwake. Nokudaro, iye aigona kuti: “Ndakakuita mutsvene usati wabuda muchizvaro chaamai.” (Jeremia 1:5) Ipapo iye akaraira pwere yacho, kuti: “Usati ndiri mwanana; nokuti kuna ani naani wandinenge ndichikutuma, unofanira kuenda, nechinhu chipi nechipi chandinenge ndichikuraira, unofanira kuchitaura. Usatya nokuda kwavo, nokuti zvanzi naJehovha: ‘Ini ndinewe, kuti ndikurwire.’” Pano pakanga pasina nzvimbo yokusvika mugove wake nenzira isiri yomwoyo wose. Panzvimbo pezvo, kwakada ushingi nechivimbo muna Jehovha.—Jeremia 1:7, 8.
3. Neiko basa raJeremia rakanga riri denho zvikuru?
3 Iri jaya rinofanira kuva rakanzwa raororwa uye zvichida rashamiswa sei pakugamuchira basa rakananga rakadaro richibva kuna Mwari! Uye ibasa rakadini! “Tarira, ndakugadza zuva ranhasi uve nesimba pamusoro pamarudzi noushe, kuti udzure nokukoromora, kuparadza nokuwisira pasi, kuvaka nokurima.” Zvamazvirokwazvo, mugariro wokutaura ikoko muna Judha panenge pakati pezana ramakore rechinomwe P.N.V. wakaisa mutoro muhombe pauyu muporofita muduku. Iye aifanira kutarisana norudzi runodada, rusingaitiri hanya rwakanga rwuchivimba neguta raro dzvene, Jerusarema, uye tembere yaro, kufanana nedumwa. Sezvo iye akapedza ushumiri hwake hwouporofita hwamakore 40 muJerusarema, aizofanira kupa shoko rake mukati mokutonga kwamadzimambo mashanu akasiana-siana (Josia, Jehoazi, Jehoyakimi, Jehoyakini, uye Zedhekia). Iye aizofanira kuzivisa marutongeso okushurikidza asingadikanwi kumarudzi echiJudha neBhabhironi.—Jeremia 1:10; 51:41-64.
Neiko Jeremia Achifanira Kutifadza?
4, 5. (a) Neiko zvinoitika zvomuzuva raJeremia zvichiita kuti tive tinoitira hanya? (VaRoma 15:4) (b) Kushandai chaiko kunotifadza?
4 Asi tingabvunza, Chii icho zvinoitika izvozvo shure ikoko zvine chokuita nesu, tinorarama pano pedyo nomugumo wezana ramakore rechi 20? Muapostora Pauro anopa mhinduro pakuhwirudzura imwe yenhau yaIsraeri mutsamba yake kuungano yaiva muKorinte. Iye akanyora, achiti: “Zvino zvinhu izvozvi zvakava mienzaniso yedu, kuti tirege kuva vanhu vanoshuva zvinhu zvinokuvadza, kunyange sezvo ivo vakazvishuva . . . uye izvo zvakanyorwa nokuda kwenyeverwo yedu isu tasvikirwa nemigumo yetsika dzezvinhu.”—1 VaKorinte 10:6, 11, NW.
5 Zvinoitika zvakaitika muna Israeri naJudha zvinobatira somuenzaniso unonyevera kuungano yechokwadi yechiKristu munguva ino yomugumo. Tinogonawo kuona wirirano nemifananidzo izvo zvinopa rumbonera rwezvinoitika zvomunguva yemberi. (Enzanisa Jeremia 51:6-8 naZvakazarurwa 18:2, 4.) Naizvozvo, ushumiri hwouporofita hwaJeremia nezvinoitika zvakawira Jerusarema zvine revo huru nokuda kweZvapupu zvaJehovha nhasi, zvikurukuru pamusoro pomubato wazvo munzvimbo yechiKristudhomu, sezvatichaona munyaya dzinotevera.
Kuzivisa Kwokusatya kwaJeremia Marutongeso aMwari
6. Chii chakaita kuti mugove waJeremia uve wakaoma zvikuru, bva ikurudziroi yaakagamuchira?
6 Kuti asimbise Jeremia nokuda kwomutoro wake unotyisa, Jehovha akamupikirazve, kuti: “Zvino iwe, chizvisunga chiuno, usimuke, uvaparidzire zvose zvandakakuraira; usavhunduka nokuda kwavo . . . Nokuti tarira, ndakakuita zuva ranhasi guta rakakomberedzwa . . . urwe nenyika yose, namadzimambo aJudha, namachinda avo, navaprista vavo, navanhu venyika.” Pasina panikiro pamusoro pako, Jeremia aizofanira kuva akafanana neguta rakasimbiswa kuti atarisane navatongi navaprista vaJudha. Uye kupa shoko risingadikanwi nerinodenha kuvanhu vacho kwakanga kusati kuchizova basa riri nyore.—Jeremia 1:17, 18.
7. Neiko vatongi vechiJudha vaizodzivisa Jeremia?
7 “Vacharwa newe,” akanyevera kudaro Jehovha, “asi havangakukundi.” (Jeremia 1:19) Zvinoka neiko vaJudha navatongi vavo vaizoda kurwisana nouyu muporofita? Imhaka yokuti shoko rake rakadenha kusaitira hanya kwavo nechimiro chavo chomuitiro chokunamata. Jeremia haana kusvitsa: “Tarirai, shoko raJehovha rava kwavari chinhu chinodadirwa, havarifariri. Nokuti kubva kuvaduku pakati pavo kusvikira kuvakuru pakati pavo mumwe nomumwe unokarira pfuma; uye kubva kuvaporofita kusvikira kuvaprista [avo vamene vaifanira kuva vari vataviridzi vezvinokosha zvetsika nezvomudzimu] mumwe nomumwe unoita nokunyengera.”—Jeremia 6:10, 13.
8. Vaprista navaporofita vakanga vachinyengedza sei vanhu?
8 Chokwadi, ivo vakanga vachitungamirira rudzi mukuita zvibairo. Ivo vakanga vachinamata nomutoo usakarurama. Muitiro wakareva zvakawanda kwavari kupfuura mufambiro wakarurama. Panguva imwe cheteyo, vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vakanga vachinyaradza rudzi kuti rupinde mupfungwa yenhema yechengeteko, vachiti, “Rugare, Rugare!” apo kwakanga kusina rugare. (Jeremia 6:14; 8:11) Hungu, ivo vakanga vachinyengedza vanhu kupinda mukudavira kuti vakanga vane rugare naMwari. Ivo vakanzwa kuti kwakanga kusina chinhu chokuzvinetsa pamusoro pacho, nokuti vakanga vari vanhu vakaponeswa vaJehovha, vane guta dzvene netembere yaro. Asi ndiyo nzira Jehovha akarangarira nayo mugariro wacho here?
9. Inyeveroi iyo Jeremia akapa vanamati pamusoro petembere yavo?
9 Jehovha akaraira Jeremia kumira panzvimbo yaionekwa navose pasuo retembere ndokupa shoko Rake kuvanamati vaipinda nepo. Iye aifanira kuvaudza, kuti: “Musavimba namashoko enhema, anoti: ‘Izvozvi itembere yaJehovha, tembere yaJehovha, tembere yaJehovha!’ . . . Asingagoni kubatsira.” VaJudha vakanga vachifamba nokuona, kwete nokutenda, sezvo vaidada netembere yavo. Ivo vakanga vatokanganwa mashoko enyevero aJehovha, anoti: “Kudenga ndicho chigaro changu choushe, nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu; mungandivakira imba yakadiniko?” Jehovha, Changamire Ishe wenyika ino huru, zvamazvirokwazvo akanga asina kuganhurirwa kumiganhu yetembere yavo, hazvinei hazvo nokuti ingava nembiri sei!—Jeremia 7:1-8; Isaya 66:1.
10, 11. Ndoupi waiva mugariro womudzimu worudzi urwo Jeremia akashurikidza, uye mugariro muchiKristudhomu usimbori nani here? (2 Timotio 3:5)
10 Jeremia akapfuurira nokutuka kwake kunorwadza kwapamhene, achiti: “Mungaba, nokuuraya, nokuita upombwe, nokupika nhema, nokupisira Bhaari zvinonhuwira, nokutevera vamwe vapirwa vamakanga musingazivi, . . . muchiti: ‘Tasunungurwa;’ kuti mugoita izvi zvose zvinonyangadza here?” VaJudha, sa‘vanhu vakasarudzwa’ vaMwari, vakafunga kuti aizoshivirira rudzi rwupi norwupi rwomufambiro, chero bedzi vakanga vachiunza zvibairo zvavo kutembere. Zvisinei, kana ivo vaimunzwisisa sababa munyoro anonyanyopa ngwariro kumwana akashatiswa uye bedzi, ivo vaizoshamiswa zvakashata.—Jeremia 7:9, 10; Eksodho 19:5, 6.
11 Kunamata kwaJudha kwakanga kwaderera kwazvo mumeso aJehovha zvokuti mubvunzo unokatyamadza waigona kumutswa: “Ko imba ino panodanwa zita rangu yava bako ramakororo pamberi penyu here?” Anodokusvika makore 700 gare gare mugariro wacho wakanga usiri nani, sezvo Jesu, muporofita mukuru kuna Jeremia, akashandisa awa mashoko amene kushurikidza kushandisa zvisakafanira nokutengeserana izvo zvakanga zvichiitwa mutembere yakavakwazve munguva yake. Uye mugariro wacho nhasi muchiKristudhomu hausi nani.—Jeremia 7:11; Mateo 16:14; Marko 11:15-17.
Nharirire Dzinofuratirwa, Ngwavaira Inodeya Kutaurwa
12. VaJudha vakaita sei kuvaporofita avo Jehovha akatumira kwavari?
12 Jeremia akanga asati achitongova muporofita wokutanga akashandiswa naMwari kunyevera Israeri naJudha nezvenzira yavo yenhema. Mukati mamakore ane zana rimwe akapfuura kana kuti kupfuura, vaporofita Isaya, Mika, Hosea, uye Obhedhi vakanga vatumwa senharirire kuzonyevera rudzi rwacho. (Isaya 1:1; Mika 1:1; Hosea 1:1; 2 Makoronike 28:6-9) Voruzhinji vakanga vaita sei? “Ndakagadza nharirire kukurindirai, ndikati: ‘Teererai inzwi rehwamanda;’ asi ivo vakati: ‘Hatidi kuteerera.’” (Jeremia 6:17; 7:13, 25, 26) Ivo vakaramba kupa ngwariro kuna Jeremia. Panzvimbo pezvo, ivo vakamutambudza ndokuedza kumunyaradza. Naizvozvo Jehovha akasarudza kuti vaizobhadhara mubairo nokuda kwokuvirima kwavo nokusadavira.—Jeremia 20:1, 2; 26:8, 11; 37:15; 38:6.
13. Chii chaiva hwaro hworutongeso rwaMwari rworudzi rwacho?
13 Samatsive kukuramba kworudzi rwacho nhume dzake, Jehovha akadanidzira, sokunge zvakadaro, kumarudzi apasi, achiti: “Inzwa, iwe nyika, tarira, ndini ndinouyisira vanhu ava zvakaipa, izvo zvibereko zvemifungo yavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu; kana uri murairo wangu, vakauramba.” Neiko rudzi rwacho rwaizotambura ngwavaira? Imhaka yamabasa avo akaipa akavakirwa pamifungo yavo yakaipa. Ivo vakaramba mashoko aJehovha noMutemo ndokutevera kukombamiro dzavo vamene dzoudyire, dzenyama.—Jeremia 6:18, 19; Isaya 55:8, 9; 59:7.
14. Kunamata kwavo kwenhema kwakasvika pakunyanyisai? (Enzanisa na 2 Makoronike 33:1-9.)
14 Uye chii chavakanga vachiita muna Judha icho chakaunza hasha dzaJehovha? Ivo vakanga vachibikira zvingwa zvechibairo “Vahosi voKudenga.” Ivo vakanga vachidururira zvipiriso zvinonwiwa vamwe vamwari namaune kuti vashatirise Jehovha. Naizvozvo, Jehovha anobvunza achiti: “Ndini vari kutsamwisa here? . . . Ko ivo panzvimbo pezvo havasi kuzvikuvadza vamene here, kukunyadziswa kwavo vamene?” (Jeremia 7:18, 19, New International Version) Bva, mabasa avo akaipa okutuka Mwari akatoipa zvikuru—ivo vakaisa zvidhori zvinonyangadza muimba yaiva nezita raJehovha. Ivo vakavaka atari kunze kweJerusarema, mumupata waHinomi, “kuti vapise vanakomana navanasikana vavo mumwoto.” Mubairoi wavaizobhadhara nokuda kwokuzvidza kwavo kwose kunamata kwechokwadi?—Jeremia 7:30, 31.
Judha Anobhadhara Mubairo
15. Mashokoi akashata aiva naJeremia nokuda kwaJudha?
15 Munenge muna 632 P.N.V., Asiria yakanga yawira kuvaKardhea navaMedhia, uye Egipita yakaderedzerwa kusimba duku zasi kwaJudha. Tyisidziro chaiyoiyo kuna Judha yaizouya kupfurikidza nenzira yokuvhozhokera nayo yaiva kumusoro. Nokudaro, Jeremia aifanira kupa vaJudha biyake mashoko akashata! “Tarirai, vanhu vachabva kunyika yokumusoro, . . . Vane hasha, havane nyasha. . . . Vakazvigadzira, somunhu unoenda kuhondo, kuzorwa newe, iwe mukunda weZioni.” Simba renyika guru panguva iyoyo rakanga riri Bhabhironi. Irori raizova chombo chaMwari chokuranga nacho Judha asina kutenda.—Jeremia 6:22, 23; 25:8, 9.
16. Neiko kwakanga kusina donzo mukureverera kwaJeremia rudzi rwacho?
16 Pakanga pane donzo ripi neripi here mukuedza kwaJeremia kureverera vanhu vomunyika make? Kwaigona here zvichida kuva nokubvumirana pane zvisina kufanira pamusoro penamato yechokwadi? Ko Jehovha zvichida aizogamuchira mwero ine hafu ndokukanganwira vanhu vake here? Nzvimbo yaJehovha yakanga yakajeka. Iye akaraira Jeremia padzinenge nhambo nhatu, kuti: “Naizvozvo iwe chirega kunyengeterera vanhu ava, . . . nokuti handingakunzwi.” Muzadziko inowirirana, iyi nyevero yakakomba inoratidzira zvakaipa nokuda kwechiKristudhomu.—Jeremia 7:16; 11:14; 14:11.
17, 18. Pakupedzisira rutongeso rwaMwari rwakaitwa sei pana Judha?
17 Zvinhu zvakaguma seiko nokuda kwaJudha? Chaizvoizvo seizvo Jehovha akanga adeya kutaura kupfurikidza naJeremia. Mukati mokutonga kwaMambo Jehoyakimi, Judha akava rudzi rwouranda kuBhabhironi rine simba. Makore matatu gare gare Jehoyakimi akapandukira. Ichi chiito choupenzi chakatungamirira kukunyadziswa kunotova kukuru zvikuru pasimba ravaBhabhironi, avo vakakomberedza guta reJerusarema. Pakasvika nguva ino Jehoyakimi akanga afa uye akanga atsiviwa nomwanakomana wake Jehoyakini. Komberedzwo yeBhabhironi yakaita kuti Judha atere, uye Jehoyakini nemhuri yose youmambo, pamwe chete navakuru vakuru vechaunga chechiJudha, vakapinzwa muuranda kuBhabhironi.—2 Madzimambo 24:5-17.
18 Chii chakaitika kutembere inoyera nezvishongo zvayo zvose zvitsvene zvinokosha? Izvo zvamazvirokwazvo hazvina kubatira sedumwa remhanza yakanaka nokuda kwaJudha. Nebhukadnezari “akaenda nepfuma yose yeimba yaJehovha, nepfuma yeimba yamambo, akatema-tema nhumbi dzose dzendarama dzakanga dzaitwa naSoromoni Mambo waIsraeri mutembere yaJehovha, sezvakanga zvataurwa naJehovha.” (2 Madzimambo 24:13) Pakupedzisira, mambo akagadzwa weBhabhironi, Zedhekia, uyo akasiiwa shure kuti atonge zvakanga zvasara muJerusarema, akapandukirawo vakuru vake. Ikoko kwakanga kuri kusingashivirirwi naNebhukadnezari. Guta reJerusarema rakakomberedzwa, uye muna 607 P.N.V. iro rakawira kuna Nebhuzaradhani uye rakaparadzwa chose chose.—Jeremia 34:1, 21, 22; 52:5-11.
19, 20. Musianoi waivapo muchimiro chaJudha naJeremia kunjodzi yakadeya kutaurwa, uye nomuuyoi?
19 Haiwa rukundo rune ngwavaira rwakadini nokuda kwa‘vanhu vakasarudzwa’! Asi ziviso dzorutongeso dzaJeremia dzakanga dzarevererwa zvakajeka sei. Apo vaJudha vakanga vachigara munyika yepfungwa yechienzi, vachidavira kuti hakuna kuvadziko yaigona kuuya kwavari, “muzivisi wenjodzi” Jeremia zvomenemene akanga ave ari wechokwadi, kwete muroti wokukundwa. (Jeremia 38:4; cherechedza kuti shoko rokuti “njodzi” rinooneka ka 64 mubhuku raJeremia.) Rutongeso rwaJehovha rwakanga rwava rwakarurama sei: “Zvino iwe uti kwavari: ‘Urwu ndirwo rudzi rusinganzwi shoko raJehovha Mwari wavo, kana kuti kutenda kurangwa; kutendeka kwapera, kwabva chose pamiromo yavo.’ Ipapo ndichagumisa pamaguta aJudha napanzira dzomuJerusarema inzwi rokuseka, nenzwi romufaro, . . . nokuti nyika ichava dongo!”—Jeremia 7:28, 34.
20 Neiyi nzira ine ngwavaira, vaJudha vanodada, vasingakendengi vaifanira kuziva kuti kukumbira kwavo Mwari nokuva kwavo noukama chaihwo naye zvakanga zvisina kuvimbisa ruponeso rwavo. Uporofita hwacho hwakati: “Takanga takatarira rugare, asi hakune chakanaka chakasvika; takanga takatarira nguva yokuporeswa, asi tarirai, takavhunduswa. Kucheka kwapera, zhizha rapfuura, asi tigere kuponeswa!” (Jeremia 8:15, 20) Nokuda kwaJudha zvino yakanga yava nguva yokuzvidavirira. Asi muporofita asingatyi Jeremia akadzivirirwa mubasa rake rose ndokubvumirwa kupedza mugove wake. Iye akagumisa mazuva ake ari muutapwa, kwete muBhabhironi norudzi rwakanyadziswa, asi muEgipita. Kwamakore anopfuura 65, iye akanga azivisa nokusatya uye nokutendeka marutongeso aMwari.
21. Ndimimwe mibvunzoi yatinoitira hanya?
21 Asi zvino tinofarira kuziva kushanda kuno uhwu upenyu noushumiri hwaJeremia kunguva dzedu. Ndiani aizova mubiyake waJeremia muzana rino ramakore rechi 20? Uye waJudha neJerusarema? Uye chii chinowirirana netyisidziro inobva kumusoro? Nyaya dzedu dzinotevera dzichaongorora mibvunzo iyoyo.
Unoyeuka Here?
◻ Jeremia akaita sei kubasa rake, uye ndeipi yaiva mhinduro yaJehovha?
◻ Neiko tichifarira zvinoitika zvomuzuva raJeremia?
◻ Mugariroi worudzidziso wakashurikidza Jeremia, uye vaJudha vakanga vachivimba nechii?
◻ Ndoupi waiva muuyo wokupedzisira nokuda kweJerusarema naJudha?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]
Jeremia akazivisa nokusatya marutongeso aMwari kuvatungamiriri vechiJudha nokuvanhu
[Mufananidzo uri papeji 13]
Vakadzi vakabikira zvingwa “Vahosi voKudenga”