Marutongeso aMwari Anofanira Kuziviswa
“Usimuke, uvaparidzire zvose zvandakakuraira; usavhunduka nokuda kwavo.”—JEREMIA 1:17.
1. Zvapupu zvaJehovha zvakaita sei kuti ‘chiedza chazvo chipenyu’ muNazi Germany?
“KUTAMBUDZWA kweZvapupu zvaJehovha muHolocaust Kingdom [Nazi Germany] kwakaitika pakati pedzimwe nguva dzomuedzo munhau yazvo.” (Holocaust Studies Annual, Volume II—The Churches’ Response to the Holocaust) Daily News yeSouth Africa yaJuly 15, 1939, yakataurawo pamusoro peZvapupu zveGermany, ichiti: “Kufanana nechiedza chisati chichitongodzima, iri boka duku ravarume navakadzi vechiKristu rinomira rakatsiga mukutenda kwavo, munzwa murutivi rweMonarch of Munich [Adolf Hitler] uye chipupuriro chipenyu kuhunhu hwake.” Aya mashoko anotiyeuchidza kuti Jesu akati vateveri vake vaizova “chiedza chenyika” uye vaizoita kuti chiedza chavo chipenyu pamberi penyika, pasinei zvapo nomuuyo.—Mateo 5:11, 12, 14-16.
2, 3. Muenzanisoi wokuparidzira kwokusatya wakaitika muSri Lanka?
2 Mumwe mushumo, wakabva kuSri Lanka yanetswa namagandanga, unotaura nezveChapupu chiduku cheTamil, David Gunaratnam, uyo, mumutoo wechokwadi waJeremia, akaparidzira nokusatya kuzviremera zvehondo. Iye akanga akombwa namamwe majaya nokuda kwokubvunzwa. Mushumo wacho unoti: “Vakuru vakuru navarume vakaororwa zvikurusa nezivo yomurume wacho, uye kupfuura izvozvo, nouchokwadi hwake huri pachena, zvikurukuru paakati, ‘Uye kudai ndikasangana naanonzi magandanga api naapi, ndaizoparidzira chinhu chimwe chetechi kwaariwo.’”
3 Usiku humwe chetehwo iye akanyerudzwa mumusha make namagandanga, ayo akamupomera mhaka yokubatira pamwe nehondo. Iye akaomerera pakusatora rutivi kwake uye akataura kuti akanga achingoparidzira bedzi shoko roUmambo hwaMwari. “Ndiri kuita basa raMwari uye ndichapfuurira kuriita. Ndinoparidzira ndisingasaruri kuna ani naani anoteerera.” Ichi Chapupu chakashinga chakapfurwa ndokuurawa namagandanga, chichisiya shure chirikadzi duku nomwana womukomana.—Enzanisa naMabasa 7:51-60.
4. Kutambudzwai kwakabvumirwa navakuru vorudzidziso kweZvapupu zvaJehovha kwakaitika muimwe nyika yeLatin America?
4 Kuimwe nyika yeLatin America, umo kutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha kwakatenderwa ndokufuratirwa navakuru veKaturike nePresbyterian, kunobva uyu mushumo: “Kwaiva neZvapupu zvaJehovha zvishanu zvaiva mukamba . . . Zvairohwa kazhinji kazhinji ndokuiswa mazvo zvoga pasina zvokudya. Mukuru mukuru wezvamatongerwe enyika aitarisira kudzidziswa muchikamu chedu akazviranga nemhaka yokuti zvaiparidzira kuvamwe varwi. Iye akataura kuti pavapanduki vorudzidziso vose, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvine ngozi zvikurusa.”
Sundo Nokuita
5. Somuchinoitika chaJeremia, chii chinowanzova seri kwokutambudzwa kweZvapupu?
5 Hungu, seizvo Jeremia akatambudzwa navatongi vorudzidziso navezvamatongerwe enyika vezuva rake, naizvozvo Zvapupu zvaJehovha zvinotarisana nechishoro munyika yose chinobva kumasangano mamwe chetewa. Chii chinosunda izvi zviito? Kunyange zvazvo Zvapupu zviri chikamu chine rugare zvikurusa nechinochengeta mutemo chenzanga ipi neipi, vavengi vazvo vanorangarira Shoko raMwari serine ngozi, nokuti vanoshatirwa ndokuramba shoko raro pamusoro poUmambo hwaMwari. Kuparidzira kwazvo kwokusabvumirana pane zvisina kufanira nenheyo zvinoratidzira udyire nounyengeri zvamasangano ezvamatongerwe enyika, ezvokutengeserana, uyewo orudzidziso etsika yaSatani.—Johane 15:18, 19; 1 Johane 5:19.
6. Zvapupu zvaJehovha zvakaita sei kuchitambudzo?
6 Bva, pasinei zvapo nokupinzwa mutorongo, kurohwa, uye kunyange rufu, Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvakaita saJeremia wakare. Zvichiratidzira rudo nokungwarira pakutaura, izvo zvinopfuurira kuparidzira marutongeso asingadikanwi aMwari kumarudzi. (2 Timotio 2:23-26) Izvo zvinoziva kuti zvinofanira kuteerera Mwari soMutongi panzvimbo pavanhu. (Mabasa 4:19, 20; 5:29) Izvo zvinoziva zano raPauro kumaKristu eHebheru, ndiko kuti, rokutsungirira mukuita kuda kwaMwari. Ipapo izvo zvichaona zadziko yechipikirwa, upenyu husingaperi. Naizvozvo, kufanana naPauro naJeremia, tinofanira kukwanisa kutaura, kuti: “Zvino isu hatisati tiri rudzi runodzokera shure kuruparadziko, asi rudzi rune kutenda kunotungamirira kukuponeswa kwomweya.”—VaHebheru 10:35-39, NW.
Jeremia Wazvino Uno Anoratidzira chiKristudhomu
7. Zvapupu zvomuzana ramakore rechi 20 zvakatevera sei muenzaniso wavaporofita vakatendeka vaJehovha kuna Israeri naJudha?
7 Sezvo Jehovha akaramba achitumira vaporofita vake kuna Israeri naJudha, iye akatumira Zvapupu zvake kuti zvishande nesimba pashoko rorutongeso rwake rwuri kuuya. (Jeremia 7:25, 26; 25:4, 8, 9) Zvikurukuru chibviro chegore rinosimbaradza mumudzimu ra 1919, vakasarira vakazodzwa vehama dzaKristu vakapa nokusatya marutongeso aMwari, mashoko ane simba engwavaira, kuchiKristudhomu. (Enzanisa naJeremia 11:9-13.) Mugore iroro magazini inonzi The Golden Age yakavambwa. Mumakore ose apfuura uye nemisoro yayo yakachinjwa, Consolation (1937) uye Mukai! (1946), iyo yakabatira kuratidzira nhema dzorudzidziso dzechiKristudhomu nechiKristu chacho chenhema.
8, 9. (a) Neiko machechi akashurikidzwa muna 1922? (b) Ingwavairai yakadeya kutaurwa nokuda kwawo?
8 Somuenzaniso, Golden Age yaOctober 11, 1922, yakashurikidza rudzidziso rwenhema naaya mashoko: “Nhamburiko dzose dzamasangano orudzidziso echechi, vakuru vawo vorudzidziso, vatungamiriri vawo navakutsirani vawo, dzokuponesa nokutangazve nhevedzo yezvinhu mupasi . . . dzinofanira kukundikana, nemhaka yokuti hadziumbi rutivi rupi norupi rwoUmambo hwaMesia. Kuti mukupesana, mukati meHondo yeNyika [I] vakuru vorudzidziso veaya masangano akasiana-siana echechi vakanga vasina kuvimbika kunaShe Jesu Kristu muna ikoku, kuti ivo vakabatana zvakaipa namabhizimisi makuru navezvamatongerwe enyika vakuru kuti vafambisire mberi Hondo yeNyika.”
9 Shurikidzo yacho yakapfuurira, ichiti: “Ivo vakarambazve Ishe noumambo hwake ndokuratidzira kusavimbika kwavo kupfurikidza nokuzvibatanidza vamene nokuzvidira nesangano raSatani nokuzivisa noushingi kunyika kuti Chinzwano chaMarudzi iratidzirwo yezvamatongerwe enyika youmambo hwaMwari pasi pano.” Pakupedzisira, kwakauya shoko re“ngwavaira,” kana kuti rutongeso: “Zvino kune nguva huru ye‘dambudziko rakadai serakanga risipo chibviro chapamavambo enyika kusvikira kunguva ino, aiwa, uyewo harisati richizombovapozve’ riri kuswedera pedyo uye rodokuwira pamarudzi apasi, mukuwirirana namashoko aKristu Jesu.’”
10. Ishurikidzoi yakaitwa muna 1926?
10 Basa raJeremia rakakudzwa kupfurikidza nokushandiswa kwezvimwe zvinyorwa, zvakadai samagazini yeNharireyomurindi, mabhukwana, uye mabhuku. Somuenzaniso, muna 1926 bhuku rinonzi Deliverance rakabatanidza kuratidzirwa kune simba kwedzidziso dzinotsausa dzechiKristudhomu. Papeji 203 iro rinoti: “Dzidziso dzenhema dzakapinzwa norusununguko [muchiKristudhomu chakawa pakutenda] ndokutsiva zvokwadi. Pakati paidzodzi paiva uye pane dzidziso youtatu, kusafa kwemweya yose, kutambudzwa kusingagumi kwavakaipa, maruramiro oumwari avakuru vorudzidziso namaruramiro oumwari amadzimambo okutonga. Mukufambira mberi kwenguva Maria, mai vomwana Jesu, akanamatwa; uye vanhu vakarairwa kuti vamunamate samai vaMwari.”
ChiKristudhomu Chinokamuranisa Chinonyeverwa
11, 12. (a) Chimiro chokutora rutivi chavakuru vorudzidziso chakaratidzirwa sei? (b) Inyeveroi yakapiwa neboka raJeremia?
11 Chinyorwa chimwe chetecho chakaratidzira batanidzwo yavakuru vorudzidziso muhondo, chichiti: “Vakuru vorudzidziso vaaya masangano echechi akasiana-siana vanokomborera mauto anotumwa namasangano ezvokutengeserana nezvezvamatongerwe enyika, uye chikomborero chavo chinopiwa pasinei zvapo norutivi mauto iwaya ari kurwira. Vakuru vorudzidziso vose vanonyepedzera kunyengetera kuna Mwari mumwe cheteyo nokuda kwechikomborero pamauto anorwa amativi ose ari maviri.” (Enzanisa naJeremia 7:31.) Ipapo rutongeso rwapedyo rwakarehwa: “Masangano ose iwaya anoenda kundoumba rutivi runooneka rwesangano raSatani ari kuunganidzwa pamwe chete ndokusanganiswa nokuda kwehondo huru yeArmagedhoni.”—Zvakazarurwa 16:14-16.
12 Kungofanana nomuzuva raJeremia, apo vatungamiriri vakataura kuti vakanga vakakotsekana uye vane rugare naMwari, “naizvozvo ava vatungamiriri vechechi vanotaura kwavari vamene kuti vakakotsekana, kuti vanongoda bedzi kudanwa nezita raKristu, apo vanopfuurira kutamba nomwoto waDhiabhorosi. Ivo vanozvipofomadzira vamene kumugariro chaiwoiwo kupfurikidza nokuisa majecha mumeso avo vamene pamwe chete nomumeso avanhu biyavo.” (Deliverance, peji 270) Kuzvinyengedza kwavo vamene kwakaratidzirwa naVadzidzi veBhaibheri vanoshingaira ivavo, seizvo Zvapupu zvaJehovha zvaizivikanwa panguva iyeyo.—Mateo 7:21-23.
13. Ndichinoitikai chakaitika muna 1931, uye neiko chakanga chakafanira?
13 Sezvo nguva yakapfuura, Vadzidzi veBhaibheri vakava vanotosanoziviswa zvikuru naJeremia apo, muna 1913, pakokorodzano paColumbus, Ohio, U.S.A., kwakaziviswa kuti zita reBhaibheri reiri boka rine ushingi ramaKristu rinofanira kuva “Zvapupu zvaJehovha.” (Isaya 43:10-12) Zita iroro rakanga ratanhamariswa muzana ramakore rechisere P.N.V. apo Jehovha akarishandisira kuna Israeri. Nokudaro, anenge makore ane zana rimwe gare gare, apo Jeremia akabatira somuporofita, akanga ariwo chapupu chaJehovha. (Jeremia 16:21) Nenzira yakafanana Jesu, apo akauya kupasi somuJudha, akanga ari chapupu chaBaba vake, Jehovha. (Johane 17:25, 26; Zvakazarurwa 1:5; 3:14) Naizvozvo, kwakanga kwakafanira kuti panguva yakafanira yaMwari, vanhu vake vanofanira kukwaniriswa pakupedzisira nokuda kweiri zita roumwari—“Zvapupu zvaJehovha.”—Johane 17:6, 11, 12.
ChiKristudhomu Chinoratidzirwa
14. ChiKristudhomu chakaratidzirwa sei mumakore 70 apfuura?
14 Mumakore ane makumi manomwe apfuura, pamwe chete nokuzivisa tariro ine mbiri yoUmambo huri kuuya hwaJehovha, Zvapupu zvaJehovha zvakaparadzira munyika yose mafashamo chaiwoiwo eshurikidzo norutongeso. Mumazana amamirioni ezvinyorwa zvakajeka, zvinorova zvakasimba zveBhaibheri, izvo zvakaratidzira chiKristudhomu sesimba rakasimba zvikurusa mumhombwe yorudzidziso, “Bhabhironi Guru,” inoshurikidzwa muna Zvakazarurwa ganhuro 17 ne 18. (Ona “Babylon the Great Has Fallen!” God’s Kingdom Rules!, mapeji 576-615, rakabudiswa muna 1963 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.)
15. ChiKristudhomu chakaratidzirwa sei muna 1955?
15 Muna 1955 Zvapupu zvaJehovha zvakaparadzira mamirioni amakopi ekabhukwana kanonzi Christendom or Christianity—Which One Is “the Light of the World”? Zviuru zvakagoverwa zvakananga kuvakuru vechiKristudhomu. Uye kabhukwana ikako kakavaudzei? Mumutoo wechokwadi waJeremia, iko kakati: “Pasinei zvapo nebetsero dzacho dzose idzo dzakachisaidzira mberi mune zvemari, mundangariro uye mune zvehondo, chiKristudhomu hachisati chazvibvumikisa chimene kuva ‘chiedza chenyika.’ Zvokona neiko? . . . Hachiparidziri kana kuti kushandisa chiKristu [cheBhaibheri].” Ipapo iko kakamutsa mubvunzo, unoti: “Ko kuratidzirwa kwamarudzidziso enhema chitambudzo kuvatsigiri vawo here? Ko kunyanyisa kusiri kwechiKristu here?”
16. Kwaiva kunyanyisa here kuti Zvapupu zvaJehovha zviratidzire chiKristudhomu? Tsanangura.
16 Mhinduro yaiva iyi: “Aiwa; kudai kwakadaro Jesu Kristu akanga ari mutambudzi ane chisimbwa wavaJudha, . . . uye vaporofita vose vaJehovha vomunguva dzakare [kubatanidza Jeremia] vapamberi paJesu vakanga vari vatambudzi navanyanyisi, nokuti ivo vose vakaratidzira rudzidziso rwenhema rwavaJudha vakawa pakutenda nohwamarudzi echihedheni.” Zvamazvirokwazvo, kana maKristu echokwadi achifanira kuva ‘chiedza chenyika,’ ipapo “rima” romudzimu rinofanira kuratidzirwa. (2 VaKorinte 6:14-17) Uku hakusati kuchireva kuti vanhu vamwe navamwe vanodenhwa asi, panzvimbo pezvo, sangano rinovapinza muuranda. Nokudaro, Jehovha akapa murairo kuna Jeremia, wokuti: “Zvino iwe, chizvisunga chiuno, usimuke, uvaparidzire zvose zvandakakuraira; usavhunduka nokuda kwavo, kuti ndirege kukuvhundutsa pamberi pavo. . . . Vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire—ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Jeremia 1:17, 19.
Basa raJeremia Rosvika Kumugumo
17, 18. (a) Zvapupu zvaJehovha zvakapfuuridzira sei basa razvo raJeremia mumakore achangobva kupfuura? (b) Izanoi rakapiwa kuvanhu vane mwoyo wakatendeseka?
17 Ko Zvapupu zvaJehovha zvakapfavisa rutongeso rwaMwari here? Chokwadi, tiri kurarama muzera umo kutsoropodza rumwe rudzidziso kusingarangarirwi kuva chinhu chokuita. Kunyanguvezvo, zvinyorwa zveZvapupu zvaJehovha zvinojekesa shoko rimwe chetero rorutongeso nokuda kwechiKristudhomu senguva dzose. Somuenzaniso, mumakore mana okupedzisira Zvapupu zvaJehovha zvakatsikirira makopi ebhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, mumitauro 76. Ichi chinyorwa chinopa mhinduro kumibvunzo yazvino yakawanda, zvakadai sokuti “Chii Chinoitika Parufu?” “Neiko Mwari Akabvumidza Uipi?” uye “Kuzivisa Rudzidziso Rwechokwadi.” Asi rinopawo nyevero yakajeka pamusoro poumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema.
18 Muganhuro 25, ine musoro unoti “Unotsigira Nyika yaSatani Here, Kana Kuti Unotsigira Tsika Itsva yaMwari?” iro rinoti: “MuBhaibheri rudzidziso rwenhema runomirirwa se‘hure guru,’ kana kuti chifeve, nezita rokuti ‘Bhabhironi Guru.’ . . . Uye iidi kuti munhau yose rudzidziso rwave rwakavhenganiswa nezvamatongerwe enyika, kazhinji kazhinji ruchiudza hurumende zvokuita.” Naizvozvo, inzirai yechiito inorumbidza bhuku racho? Iro rinobvunza, kuti: “Unoda kuva rutivi rwenyika yaSatani here? Kana kuti unotsigira tsika itsva yaMwari here? Kana uchitsigira tsika itsva yaMwari, uchava akaparadzana nenyika kubatanidza norudzidziso rwayo rwenhema. Uchateerera murairo, unoti: ‘Budai mariri [Bhabhironi Guru], vanhu vangu.’”—Zvakazarurwa 18:4, NW
19. Iwe unogona sei kuratidza kuti inzwi raJeremia wazvino uno harina kunyaradzwa pamusi uno wapashure?
19 Shoko rimwe cheteri rine simba reparadzano norutongeso rinonzwika zvakajeka mubhuku rinonzi Worldwide Security Under the “Prince of Peace,” rakabudiswa muna 1986 (makopi ane mamirioni 6 mumitauro 25). Iro rinoratidzira vakuru vorudzidziso nokuda kwo‘kuparidzira kuti majaya apinde munhandare dzehondo’ dzeHondo yeNyika I. Iro rinopfuurira, richiti: “ChiKristudhomu chinopfuurira somuvengi waMwari Wokumusoro-soro kusvikira kunguva ino imene. Zvamazvirokwazvo icho hachina dziviriro youmwari, uye nokuda kweichi chikonzero chinokosha kuvapo kwacho kumene kunoramba kusina kukotsekana.” (Ona mapeji 30-2.) Inzwi raJeremia wazvino uno harinyaradzwi! Nepo nhamburiko dzichiitwa navakuru vorudzidziso navezvamatongerwe enyika dzokudzivisa kuparidzirwa kwomarutongeso aMwari, zvapupu zvake zvakatendeka zvinopfuurira, zvakatsunga kupedza basa rokunyevera.—Jeremia 18:18.
20. Neiko Zvapupu zvaJehovha zvichapfuurira kuzivisa marutongeso aJehovha kumarudzi?
20 Uye neiko iri basa richifanira kupedzwa? Nemhaka yokuti Jehovha, Changamire Ishe mupenyu wenyika yose, ane kuzvidavirira namarudzi namarudzidziso awo. Kunyange sezvo Jehovha akabvunza Judha neJerusarema zvinonyengera, naizvozvo mubvunzo unoshanda zvakaenzana kuchiKristudhomu nhasi, unoti: “‘Ko handingarovi pamusoro pezvinhu izvi here?’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘ko mweya wangu haungazvitsiviri parudzi rwakadai here?’” Naizvozvo, Zvapupu zvaJehovha zvichapfuurira kushanyira vanhu vamarudzi zvine shoko rinoruma voruzhinji sorutongeso rusingadikanwi asi mashoko akanaka anofadza nokuda kwavorushoma—mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.—Jeremia 5:9, 29; 9:9; Mabasa 8:4, 12.
21. Pasinei zvapo nengwavaira yakadeya kutaurwa, ikariroi huru iri pamberi paavo vanoteerera basa raJeremia? (Pisarema 37:9, 11, 18, 19, 28, 29)
21 Nepo Jeremia akawanzonzi “muzivisi wenjodzi,” ichokwadiwo kuti shoko rake rakapa tariro kuvaJudha. (Jeremia 23:5, 6; 31:16, 17) Nenzira yakafanana, nepo Zvapupu zvaJehovha zviri kuzivisa “dambudziko guru” riri pedyo, norutongeso rwaMwari rweArmagedhoni, izvo zviri kuzivisawo zvikomborero zva“matenga matsva napasi idzva” izvo zvichavapo mudzorerwo yeruramisiro neParadhiso kupasi rino, pamwe chete noupenyu husingaperi. (Mateo 24:21, 22, NW; Zvakazarurwa 16:16; 21:1-4) Naizvozvo, zvino inguva yokuteerera shoko rorutongeso raJehovha nokutsigira kupedzwa kwebasa guru raJeremia.—Enzanisa naJeremia 38:7-13.
Unoyeuka Here?
◻ Kufanana naJeremia, Zvapupu zvaJehovha zviri kutambudzwa sei?
◻ Neiko Zvapupu zvichiomerera mukuparidzira?
◻ Basa raJeremia rakakudzwa sei?
◻ Mienzanisoi yemisi ichangobva kupfuura iyi inoratidza kuti shurikidzo haina kuchinja?
◻ Pasinei zvapo neshoko rengwavaira, itariroi inopihwawo?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Pashure penguva yakati, Maria akanamatwa uye vanhu vakarairwa kumunamata sa“Mai vaMwari”
[Mufananidzo uri papeji 24]
Muna 1931 Vadzidzi veBhaibheri vakagamuchira zita rokuti “Zvapupu zvaJehovha” pakokorodzano yazvo paColumbus, Ohio
[Mifananidzo iri papeji 25]
Zvapupu zvaJehovha munyika yose zviri kutevera muenzaniso waJeremia