Ganhuro 12
Vanoratidzirwa Nokuda Kwokuparadzwa Here kana kuti Nokuda Kwokupukunyuka?
1. Ko chifundo ichi chinotikurudzira kurangarira mibvunzoi?
MUGARIRO worudzidziso uripo nhasi unoda kuti isu tiratidzire zviri zvomenemene mumwoyo yedu. Tinoda zvomenemene Jehovha nenzira dzake here? Takafanana here noMwanakomana wake, Jesu Kristu, uyo akanzi kwaari: “Iwe wakada kururama, uye iwe wakavenga kusateerera mutemo?” (VaHebheru 1:9) Ko isu tinodisisa kuratidzira ikoku pamhene zvikuru zvokuti vamwe vanoziva patimire here? Chinyorwa cheBhaibheri pamsoro paJehu naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi chinotibetsera kunzvera mugariro wedu.
2. Ko ndiani aiva Jehu naJehonadhabhi?
2 Muzana ramakore regumi P.N.V., Jehu akagadzwa kuva mambo paumambo hwaIsraeri hwendudzi gumi, uhwo hwakanga hune dzimbahwe rahwo paSamaria. Iye akatumwa kuparadza vose vaiva veimba yakaipa yaMambo Ahabhi, kubatanidza naMambokadzi Jezebheri, uyo akanga asimudzira kunamatwa kwaBhaari muna Israeri uye akanga atamburira kubvisa chose chose kunamatwa kwaJehovha. Jehonadhabhi, muKeni (nokuda kwechikonzero ichocho, asiri muIsraeri), mukusapanikira aiziva rongedzero yaJehu yokuuraya apo iye akabuda kundochingura Jehu. Asika kuda kwaJehonadhabhi Jehovha kwakanga kwakasimba sei? Ko iye aizozviratidzira amene pamhene somumwe aidavira zvakasimba kuti Jehovha bedzi, Mwari wechokwadi, anofanira kunamatwa here?
“KO MWOYO WAKO WAKARURAMA KWANDIRI HERE?”
3. Ko Jehonadhabhi akazivisa sei pamhene nzvimbo yake pamsoro pokunamatwa kwaJehovha?
3 Pashure pokunge varume vaviri vakwazisana, Jehu akada kuti Jehonadhabhi ajekese chimiro chake. “Ko mwoyo wako wakarurama kwandiri here,” Jehu akabvunza kudaro, “sezvo mwoyo wangu ndimene wakarurama kumwoyo wako?” Asingazenguriri Jehonadhabhi akapindura, kuti: “Wakarurama.” “Kana wakarurama, dondipa ruoko rwako,” Jehu akapindura kudaro. Naizvozvo iye akakwidza Jehonadhabhi mungoro yake ndokuti: “Handei ugoona kusashivirira kwangu makwikwi kuna Jehovha.” Jehonadhabhi haana kurega mukutya.—2 Madzimambo 10:15, 16; ona Dheuteronomio 6:13-15.
4, 5. (a) Ko Jehu akaita kuti vanamati vaBhaari vazviratidzire vamene kupfurikidza nomutooi? (b) Ko Jehu ipapo akaita chiitoi, uye Jehonadhabhi akanga ari kupi? (c) Ko iwe unoita sei kukuparadzwa ikoko kwavanamati vaBhaari?
4 Pakusvika muSamaria, Jehu akaita gadziriro dzaizoda kuti vose vanonamata Bhaari vazviratidzire vamene. Vaporofita, vaprista navanamati vose vaBhaari vakadanirwa kuchibairo chikuru paimba yaBhaari. Vakaziviswa kuti vanhu vapi navapi vaizokundikana kupinda vaizorashikirwa noupenyu hwavo. Jehu akaraira kuti nguvo dzibudiswe kuti vanamati vose vaBhaari vapfeke kuti ivo vagosanoratidzirwa. Vapi navapi vaikambirawo kunamata Jehovha nenzira iyeyo vakaitwa kuti varatidzire kuti ndiani wavaishumira zvomenemene. Rakaratidzika kuva awa rine mbiri nokuda kwaBhaari uye nokuda kwaSatani Dhiabhorosi, mwari wenhema uyo Bhaari aimirira zvomenemene.
5 Iyi yakanga isati iri nzvimbo yechokwadi yavanamati vaJehovha. Kunzvera kwakaitwa kusimbisira kuti vanamati bedzi vaBhaari vakanga varipo. Ipapo chinoitika chakavamba. Kuri zvino, kunze, varume vaJehu vagadzirira, uye pakuratidzira kwake ivo vakaita chiito. “Vaurayei! Musatendera kunyange mumwe kubuda,” iye akaraira kudaro. Munamati ari wose waBhaari akaparadzwa. Imba yaBhaari yakakoromorwa. “Nenzira iyoyo Jehu akaparadzanya Bhaari muna Israeri.” Jehonadhabhi akanga ari kurutivi rwaJehu mukuona zvinoitika izvozvo. (2 Madzimambo 10:18-28) Ko iwe pachako unoita sei kune zvakaitika? Kunyange pasina navamwe vedu vanofarira rufu rwavamwe, kunyange rwavanhu vakaipa, tinonzwisisa here chikonzero nei kwakanga kuri madikanwa uye chikonzero nei kwakanyorwa muBhaibheri nokuda kwedu kuti tirave nhasi.—Enzanisa naEzekieri 33:11.
6. (a) Ko Bhabhironi Guru richaparadzwa sei? (b) Paaiveri pasi pano, Jesu akaratidzira sei kuti iye haana kuregerera kukwikwidzana naJehovha?
6 Nhauro yacho haisati ichitiraira kuparadza zvivako zviri zvamapoka orudzidziso kana kuti zvimwe vanhu vakazvipira kurudzidziso rwenhema. Jehovha akagadza, zvisati zviri zvapupu zvake zvomuzuva razvino uno, asi Jesu Kristu akapiwa mbiri, saJehu Mukuru zvikuru, kuita kutonga kwakarurama Kwake. Kupfurikidza nokubvumira vabati ushe vezvamatongerwe enyika vakabatana kuratidzira ruvengo rwavo vamene nokuda kweBhabhironi Guru, Mambo wokudenga achaparira kuparadzanywa kwoumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. (Zvakazarurwa 6:2; 17:16; 19:1, 2) Paaiveri pasi pano, Jesu akaramba kuita kunyange chiito chimwe chokunamata icho chaizokudza Dhiabhorosi. Akashora kutsaurwa kweShoko raJehovha nokuda kwegamuchidzanwa ravanhu uye kushandiswa kwokunamatwa kwaMwari nokuda kwemhindu yenhengeseranwa. Iye haana kushivirira kukwikwidzana naJehovha.—Ruka 4:5-8; Mateo 15:3-9; 21:12, 13.
7. (a) Ndihumwe hufakazii hwomuzuva razvino uno hwokunamatwa kwaBhaari? (b) Neiko Kristu saMambo akashivirira zvinhu izvi?
7 Ko zvino, neiko Kristu, zvino ari kubata ushe pakati pavavengi vake, achibvumidza kunamatwa kwaBhaari kwazvino uno kunoratidzika kuva kunobudirira? Sezvinooneka neiko achibvumidza vanhu vasingarangirwi kukudza mwari wetsika ino yezvinhu kupfurikidza nokurerutsa zvinodikanwa zvaJehovha? Neiko achishivirira kuita kwavo sokunge kuti Mwari haana chirambidzo pautere hwavo hwevatano, kukudza kwavo mararamire avo okudisa zvenyika, kupinda kwavo mumiitiro yemidzimu kunyange vachikambira kuva maKristu, uye kudzidzisa kwavo dzidziso dzechiBhabhironi sokunge kuti idzodzi dzaiva shoko raMwari? Chinoitika chekare chinoratidzira kuti ikoku ndiko kuedza vanhu, kuvaita kuti varatidzire nechokunze uyo ivo vanonamata, nenzira iyoyo ndokuratidzira kana vachifanirwa nokuchengetwa kana kuti kuurawa.
8. Ko isu tinodikanirwa kuzvibvunza timene mibvunzoi yakakomba?
8 Ko wakasarudza nzira ipi? Ko iwe wati warega miitiro yose ingakuratidzira somuiti wokunamatwa kwaBhaari kwazvino uno here? Ko iwe wati wazviparadzanisa umene nenyika ndokutora kumira kwako somunamati wechokwadi waJehovha here?—2 VaKorinte 6:17.
9. (a) Kana takafanana zvomenemene naJehonadhabhi, tichave tichiitei? (b) Ko magwaro akarongwa anosimbisa sei kukosha kwezvinhu izvi?
9 Jehonadhabhi, somunamati asiri muIsraeri waJehovha, akadeya kufananidzira “mamwe makwai” ayo zvino ari kuunganidzwa aine tariro youpenyu husingagumi pasi pano. Ko iwe unoratidzira mudzimu waJehonadhabhi here? Ko iwe unodisa kuzvibatanidza umene pamhene naJehu Mukuru zvikuru uye navateveri vake vakazodzwa pasi pano vari kuzivisa “zuva ramatsive kuna Mwari wedu” rosvika here? Ko iwe uri kutora rutivi pamwe chete navo mubasa irero rokukurumidzira here? (Isaya 61:1, 2; Ruka 9:26; Zekaria 8:23) Ko unopa Jehovha kuzvipira kwako kwapoga, usingabvumiri chinhu kupinda panzvimbo yaanofanira kuva nayo mumwoyo mako here? (Mateo 6:24; 1 Johane 2:15-17) Ko upenyu hwako hunoratidzira kuti ukama hwako naye ndiyo pfuma inoisvokosha zvikuru yako here, kuti chinhu chiri chosewo zvacho chinovakirwa pahuri?—Pisarema 37:4; Zvirevo 3:1-6.
KO IWE UNE CHIRATIDZO HERE?
10. Ko Bhaibheri rinoratidzira sei kuti vanamati bedzi vaJehovha vachapukunyuka?
10 Yaizova mhosho yakakomba kutaura kuti kana munhu akaedza kurarama upenyu“hwakanaka” uye kana iye achidzivisa marudzidziso anoita zvinhu zvinosanoshorwa muShoko raMwari, hapanazve chimwe chinhu chinodikanwa kwaari. Vose vanokarira kupukunyuka ndokupinda mu“pasi idzva” vanofanira kuratidzirwawo nomutoo usingaposhi savanamati vaJehovha. (Zvakazarurwa 14:6, 7; Pisarema 37:34; Joere 2:32) Iri shoko rinopiwa muchiono chakapiwa kuno muporofita Ezekieri Jerusarema risati raparadzwa muna 607 P.N.V.
11. (a) Rondedzera chiono chakanyorwa pana Ezekieri 9:1-11. (b) Chii chakanga chiri mutoo wokupukunyuka nawo?
11 Ezekieri akanzwa Jehovha achituma avo vakagadzwa kuparadza Jerusarema risina kutendeka navagari varo. Akaona varume vatanhatu vakashongedzerwa nezvombo zvokuputsanya, uye pakanga pano mumwewo murume akapfeka mucheka, ane runyanga rweingi rwomunyori pahudyu dzake. Kutanga kuno uyu murume akapfeka mucheka Jehovha akati: “Pfuura napakati peguta, napakati peJerusarema, uye unofanira kuisa chiratidzo pahuma dzavanhu vanogomera navanochema pamsoro pezvinhu zvinonyangadza zvinoitwa pakati paro.” Ipapo kuna vamwe vatanhatu iye akati: “Pfuurai nomuguta muchimutevera muchiuraya. Ziso renyu ngarirege kunzwira urombo, uye regai kutongonzwira tsitsi. Mutana, mujaya nemhandara nomwana muduku navakadzi munofanira kuuraya—kuparadza. Asi regai kuenda pedyo nomunhu upi noupi uyo ane chiratidzo paari, uye imi munofanira kutangira paimba yangu tsvene.” Ezekieri akaona muchiono kuparadzwa kwakatevera—kukuru zvikuru zvokuti kwakaratidzika kuti muIsraeri wose akanga achiri munyikayo akanga achiparadzwa. (Ezekieri 9:1-11) Chii chakanga chiri chinhu chinokosha pakupukunyuka? Chakanga chiri chiratidzo chakaiswa pahuma yomunhu nomurume anorunyanga rwomunyori.
12. (a) Zvii zvakanga zviri zvinhu zvinonyangadza izvo vakaiswa chiratidzo vakanga vachi“gomera nokuchema” pamsoro pazvo? (b) Neiko Jehovha aizonyangadzwa nezvinhu zvakadaro?
12 Vanhu bedzi vai“gomera nokuchema pamsoro pezvinhu zvose zvinonyangadza” zvaiitwa muJerusarema vakaiswa chiratidzo nokuda kwokupukunyuka. Zvii zvakanga zviri “zvinhu zvinonyangadza” izvozvo? Zvishanu zvinorongwa: (1) “Chifananidzo chegodo” chiri pamukova woruvazhe rwomukatikati rwetembere yaJehovha. Chimiro chipi kana chipi chachaiva nacho, ichi chinhu chakanga chichipiwa kuzvipira uko vaIsraeri vaifanira kupa kuna Jehovha. (1 Madzimambo 14:22-24) (2) Zvivezwa zvapamadziro zvezvinhu zvinokambaira nezvemhuka, izvo zvinonhuwira zvinopfungaira utsi zvakanga zvichipirwa pamberi pazvo mukati chaimo morusvingo rwetembere. (3) Vakadzi vachichema kufa kwamwari ainzi Tamuzi, iro rakanga riri rimwe zita raNimrodhi, mupandukiri Jehovha. (Genesi 10:9) (4) Varume vachiratidzira ruzvidzo rukurusa kupfurikidza nokurinza makotsi avo kutembere yaJehovha uye vachikotamira zuva. (Dheuteronomio 4:15-19) (5) Sokutsamwa kwokupedzisira, vanhu vakazadza nyika namasimba masimba uyewo kutambanudzira “bukira,” sezvingabvira chiratidzo chevatano, kumhino yaJehovha. Ko unogona here kunzwisisa chikonzero nei Jehovha akanyangadzwa nazvo?—Ezekieri 8:5-17.
13. (a) Uchirangarira mumwe panguva imwe, tsinhira pamsoro pemiitiro yomuzuva razvino uno yakaenzanirana ne“zvinhu zvinonyangadza” izvozvo. (b) Ko iwe unonzwa sei pamsoro peiyi miitiro?
13 Ko iwe pachako unoita sei kumiitiro yomuzuva razvino uno yechiKristudhomu inoenzanirana ne“zvinhu zvinonyangadza” izvozvi? (1) Muzhinji dzamachechi acho mune mifananidzo iyo vanhu vanokotamira pamberi payo mukunamata, kunyange zvazvo Bhaibheri richinyevera pamsoro pokuita kudaro. (1 VaKorinte 10:14; enzanisa 2 Madzimambo 17:40, 41.) (2) Chinowirirana nomurangariro wokuti munhu akaita mhindumupindu achibva mumhuka panzvimbo pokusikwa naMwari; uyewo chinotora rutivi mukuratidzira kuzvipira kwokushingaira pamberi pezvimiriro zvemhuka neshiri zvinoshandiswa sezviratidzo zvamarudzi. (3) Mukunamata kwacho icho chinosimudzira chipiyaniso, icho kubvira kare kare chakanga chiri chiratidzo chorudzidziso chaTamuzi, uye chinokumbanira mune zvinoitika zvokuchema avo vakafira muhondo dzakateura ropa zvinoratidzira mudzimu waNimrodhi. (Asi ona Johane 17:16, 17.) (4) Chinorinza gotsi racho pane zvinotaurwa naMwari kupfurikidza neShoko rake uye, panzvimbo pakwo, chinosarudza “zivo” inogoverwa nesayenzi yazvino uno nokuziva kwavanhu. (1 Timotio 6:20, 21; enzanisa Jeremia 2:13) (5) Sokunge kuti izvozvo zvakanga zvisino kuringanira, icho chinotsigira kumukira mune dzimwe nzvimbo uye chinoshandisa murangariro wokuregerera utere hwevatano, kunyange chichikambira kutaura muzita raMwari. (2 Petro 2:1, 2) Vamwe vanorangarira mirangariroyi kuva ino mufungo. Havangabvumirani havo nayo yose, asi vangagoverana havo mune mimwe kana kuti zvimwe kuifuratira. Ko unonzwa sei pamsoro pemiitiro yakadaro inozvidza Mwari inotsausa vanhu paMusiki wavanhu?
14. Neiko idi rokuti munhu anoodzwa mwoyo namachechi risati haro richireva kuti iye achava mupukunyuki?
14 Vanhu vazhinji vanoodzwa mwoyo namachechi nokudaro havasati vachipindazve. Ivo vangavawo vakavhiringidzwa zvikurukuru namasimba masimba nokusatendeseka kuri munyika. Asika ikoko hakuzati kuchireva hakwo kuti vakaiswa chiratidzo nokuda kwokupukunyuka. Ivo vanofanira kuiswa chiratidzo no‘murume anorunyanga rweinki rwomunyori.’ Maidi anoratidzira kuti boka ro“muranda akatendeka nowakachenjera” riri kuita basa iroro rokuisa chiratidzo nhasi.—Mateo 24:45-47.
15. (a) Chii chiri chiratidzo? (b) Ko munhu anochiwana sei?
15 Vose vanoda kuiswa chiratidzo kuva vane tendero yaMwari vanofanira kugamuchira murairidzo uyo Jehovha ari kugovera kupfurikidza neboka irero ro“muranda” ndokuva vanamati vechokwadi vaJehovha. Havasati vachifanira kuva vanhu vanokudza Jehovha nemiromo yavo asi avo vanoda zvomenemene nzira dzenyika. (Isaya 29:13, 14; 1 Johane 2:15) Ivo vanofanira kuda Jehovha nemipimo yake ndokurwadziwa pamwoyo, “kuchema nokugomera,” pamsoro pedzidziso nemiitiro zvinomuzvidza. Hakuna munhu achaisa chiratidzo chaichoicho cheinki pahuma yavo. Asi apo ivo vanova nechiratidzo chokufananidzira kuchava kunooneka kuna vose kuti, samaKristu akazvitsaurira, akabhapatidzwa, ivo vakapfeka “hunhu hutsva” hunorondedzerwa pana VaEfeso 4:24. Ivo vano kutenda kupenyu. Pamhene napachivande ivo vanotamburira kuita zvichakudza Jehovha. Havasati vachingova bedzi vanhu vakabuda muchiKristudhomu asi vose, pasinei hapo nomugariro wavo, vanokarira kupukunyuka ndokupinda mu“pasi idzva” seshamwari dzeboka rakazodzwa vanofanira kuva neichi chiratidzo.
16. Neiko ichi chiono chichikosha zvikurukuru kuvana navabereki vavo?
16 Rinoisvokosha zvikurukuru ndiro idi rokuti vaurayi vaJehovha vakaudzwa kuti zera, munhurume nomunhukadzi, pfunda kana kuti ukama hweroorano hwakanga husiri chikonzero chokuponesa anotadzira Jehovha. Munhu akaroora iye amene anofanira kuva nechiratidzo chake kuti agopeneswa. Kana vabereki vachidzivisa vana vavo kuiswa chiratidzo kana kuti kana ivo vachikundikana kuvarera savabatiri vaJehovha, ivo vanofanira kuva nomutoro wechinoitika kuvana ivavo. Kunyange zvazvo vana vanoteerera vavabereki voumwari vachirangarirwa sa“vatsvene” naJehovha, vapandukiri havazati. (1 VaKorinte 7:14; Pisarema 102:28; Zvirevo 20:11; 30:17) Kana vana vakura zvakaringanira kuva maKristu akabhapatidzwa asi vasati vachida havo kurarama mukuwirirana nezvinodikanwa, kunyange vakabhapatidzwa kana kuti kwete, zera ravo harizati richizoparira kuva kwavo vanoponeswa. Haiwa kunokosha sei, ipapoka, kuti munhu mumwe nomumwe wezera rinomutoro ave anoiswa chiratidzo nomutoo wakajeka somunhu akazvitsaurira kuna Mwari uye anoita kuda kwake!
17. Chii chatadzidza pano pamsoro pokunzwira ngoni kwaJehovha?
17 Jehova akaratidzira kunzwira urombo kukuru vanhu kupfurikidza nokutumira zvapupu zvake kundovanyevera nezvoruparadziko rwosvika uye kuratidzira nzira yokukotsekano. Asi iye anosanoziva chinyorwa chorudzidziso rwenhema nechibereko chakashata charwakabereka. Apo Bhabhironi Guru rinoparadzwa, hakuna kunzwira urombo kuchaitirwa vapi navapi vanoomerera havo kukubatirira kwarwuri. Kuti tigopukunyuka kuitwa kworutongeso rwoumwari, tinotofanira kufamba mumakwara aJesu Kristu savanamati vechokwadi vaJehovha, Musiki wedenga napasi.
[Mifananidzo iri papeji 95]
Ko iwe zvomenemene une chiratidzo chinodikanirwa kupukunyuka here?