“Vachaziva Kuti Ndini Jehovha”
“Handichatenderi kuti zita rangu dzvene rimhurwe; marudzi avanhu achaziva kuti ndini Jehovha.”—EZEKIERI 39:7.
1, 2. Tinoziva sei kuti Jehovha haasati achizoshivirira nokusingagumi kumhurwa kwezita rake dzvene?
ZITA dzvene raJehovha rakamhurwa navaIsraeri vakare. Bhuku raEzekieri rinojekesa ikoku. Asi vanhu vechiKristudhomu vanomhurawo zita raMwari uyo vanoti vanonamata.
2 Ko Changamire Wapose pose achashivirira nokusingagumi kumhurwa kwezita rake here? Aiwa, nokuti iye akazivisa, kuti: “Handichatenderi kuti zita rangu dzvene rimhurwe; marudzi avanhu achaziva kuti ndini Jehovha.” (Ezekieri 39:7; onawo Ezekieri 38:23.) Ikoku kuchareveiko? Uye zvifundoiko zvinogona kudzidzwa muganhuro dzapashure dzomubhuku raEzekieri?
Mauporofita Pamusoro Pavamwe
3. (a) Mamwe marudzi akaita sei kukutambura kwaJudha? (b) “Mambo” weTire akabviswa nokuda kwomudzimui, uye ikoku kunofanira kutitapura sei?
3 Pashure poruparadziko rweJerusarema, Amoni akashurikidzwa nokuda kwokuratidzira mufaro pamusoro pokutambura kwaJudha, uye Moabhi nokuda kwokuva nechimiro chokuzvidza kuna Judha. Edhomi aiva nemhaka yoruvengo, uye mudzimu wamatsive wavaFiristia waifanira kuunza “kutuka kwehasha” kwaMwari. (Ezekieri 25:1-17; Zvirevo 24:17, 18) Nokuda kwokufara pamusoro penjodzi yeJerusarema, guta reTire raizowira kuna Nebhukadnezari, kana kuti Nebhukadrezari (kuperetera kuri pedyo zvikuru nekweBhabhironia). (Ezekieri 26:1-21) Iro rakanga rakafanana nengarava ine chokwadi chokunyura. (Ezekieri 27:1-36) “Mambo” weTire (sezviri pachena mutsara waro wavatongi) akabviswa nokuda kwokuva nomudzimu wokuzvikudza kufanana nouyo waSatani. (Ezekieri 28:1-26) Zvirokwazvo, ipapoka, tinofanira kudzivisa kuzvitutumadza kwokutadza uko kungatiparira kumhura zita raJehovha.—Pisarema 138:6; Zvirevo 21:4.
4. Chii chakanga chakachengeterwa Farao neEgipita?
4 Ezekieri akadeya kutaura dongo ramakore 40 reEgipita. Pfuma yayo yaizova mubhadharo waNebhukadrezari nokuda kwebasa rehondo rakaitwa mukuita rutongeso rwaJehovha paTire. (Ezekieri 29:1-21) Apo Mwari akava nechokwadi chokuti vaEgipita vakanga vaparadzirwa, ‘ivo vaizoziva kuti iye ndiJehovha.’ (Ezekieri 30:1-26) Achimirira Egipita, Farao anozvikudza akafananidzwa nomusidhari murefu waizotemerwa pasi. (Ezekieri 31:1-18) Pakupedzisira, Ezekieri akaita mariro pamusoro paFarao nokupinda kweEgipita muSheori.—Ezekieri 32:1-32.
Basa Renharirire
5. (a) Mwari anotendera nharirire yomudzimu mumigariroi bedzi? (b) ‘Kufamba mumirairo imene youpenyu’ kunorevei?
5 Ezekieri akayeuchidzwa nezvebasa rake senharirire. (Ezekieri 33:1-7) Chokwadika, Mwari anotendera nharirire yomudzimu bedzi kana ichiita basa rayo ndokunyevera vakaipa. (Rava Ezekieri 33:8, 9.) Kufanana naEzekieri, ipapoka, boka rakazodzwa re“nharirire” rinozivisa nyevero dzoumwari noushingi. Sezvo Mwari asingafariri rufu rwavakaipa, iye haasati achizorangarira chinyorwa chavo chomunguva yakapfuura kana vakateerera nyevero ndo‘kufamba mumirairo imene youpenyu.’ Muzuva raEzekieri, kufamba mumirairo iyoyo kwakareva kuchengeta Mutemo, asi iko zvino kunoreva kugamuchira rudzikinuro rwaKristu nokuva muteveri wake. (1 Petro 2:21) Hapana chinhu chakashata pamusoro penzira Mwari anoranga nayo kana kuti anotusa nayo vanhu, uye kupona mu“dambudziko guru” kunotsamira pawirirano nemirairo yake.—Ezekieri 33:10-20; Mateo 24:21, NW.
6. Nhasi, vazhinji vakafanana sei nenhapwa dzechiJudha dzomunguva yaEzekieri?
6 Pedyo nomugumo wa 607 P.N.V., mupoteri akashuma ruparadziko rweJerusarema, uye Ezekieri akataura zvakare shoko raJehovha. (Ezekieri 33:21-29) Nhapwa dzakaita seiko? (Rava Ezekieri 33:30-33.) Nhasi, vazhinji vakafanana nenhapwa dzechiJudha kwadziri Ezekieri akanga ari muimbi wo‘rwiyo rworudo.’ Apo vakazodzwa navasonganiri vavo vanoshanya paimba neimba, ava vanhu vanofarikanya kunzwika kweshoko roUmambo asi havarigamuchiri. Kwavari, rakafanana norwiyo rworudo rwunofadza, asi havaiti tsauriro kuna Jehovha, uye havasati vachizopukunyuka “dambudziko guru.”
“Mufudzi Mumwe” waJehovha
7. Mabasai akaitwa naJehovha munguva yedu akaenzana nokubata kwake namakwai ake muzuva raEzekieri?
7 Mushoko kuna Ezekieri pashure pokuwa kweJerusarema, Jehovha akashurikidza vamhuri vezita Rake dzvene, “vafudzi vaIsraeri” vehurumende. Mashoko iwayo anosanokodzera sei vatongi vechiKristudhomu! (Rava Ezekieri 34:1-6.) Kusafanana noMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu, vatongi vezvamatongerwe enyika vechiKristudhomu vanozvikodza vamene mune zvokunyama vachitorera “makwai.” (Johane 10:9-15) Asi sezvo Mwari akanunura makwai ake kupfurikidza nokubvisira vafudzi vane udyire umambo apo Judha akaitwa dongo, naizvozvo iye achanunurazve makwai ake kupfurikidza nokunyima vatongi vechiKristudhomu chiremera chavo mukati me“dambudziko guru.” (Zvakazarurwa 16:14-16,NW; 19:11-21) Jehovha akaratidza rudo nokuda kwavanhu vake vakafanana namakwai apo iye akavanunura muBhabhironi muna 537 P.N.V., kunyange sezvaakaratidzira vara iroro apo iye akashandisa Koreshi Mukuru, Jesu Kristu, kusunungura vakasarira vaIsraeri womudzimu muubatwa kuBhabhironi Guru muna 1919 N.V.—Ezekieri 34:7-14.
8. Chii chaizoita Jehovha kudai ‘gwai rakakora’ rikadzvinyirira boka, uye vafudzi vaduku vechiKristu vanofanira kubata sei makwai?
8 Mwari anopa makwai ake tarisiro yorudo. (Rava Ezekieri 34:15, 16.) Kana ‘gwai rakakora’ rikadzvinyirira boka raMwari nhasi, Jehovha angari“fura” nokudzinga zvino uye ruparadziko mu“dambudziko guru.” Muna 1914 Jehovha akaisa pavakasarira vakazodzwa “mufudzi mumwe,” Jesu Kristu. Chibviro cha 1935 iye akatungamirira kuunganidzwa kwe“boka guru” ra“mamwe makwai,” avo zvino vanobatira na‘makwai [akazodzwa] amafuro aJehovha.’ Kufanana naMwari naKristu, vafudzi vaduku vechiKristu vanofanira kubata aya makwai ose nounyoro.—Ezekieri 34:17-31; Zvakazarurwa 7:9, NW; Johane 10:16; Pisarema 23:1-4; Mabasa 20:28-30.
“Munda weEdheni”!
9. Sezvo Jehovha akanga asarudza kuti nyika yaJudha naIsraeri inofanira kuchengeta sabata, chii chaakaita?
9 Rangarira zvakare nyika yakaitwa dongo yaJudha naIsraeri. Sezvo Mwari akanga asarudza kuti inofanira kuchengeta sabata kupfurikidza nokugara isingagarwi kwamakore 70, akaita chimwe chinhu kudzivisa Edhomi namamwe marudzi kugara munyika iyoyo. (2 Makoronike 36:19-21; Dhanieri 9:2) Kutaura idi, Edhomi nenharaunda yaro ine makomo yeSeire yakaitwawo matongo, sezvakadeya kutaurwa, zvichikundwa navaBhabhironi muna 602-601 P.N.V.—Ezekieri 35:1–36:5; Jeremia 25:15-26.
10. Dzorerwo yavakasarira kuna Judha muna 537 P.N.V. yakanongedzera kuzvinoitikai muzuva redu?
10 Kudzorerwa kwavakasarira kuna Judha muna 537 P.N.V. kwakanongedzera kuzvinoitika zvinofadza muzuva redu. Muna 1919 “makomo aIsraeri,” kana kuti mugariro womudzimu wezvapupu zvakazodzwa zvaJehovha, wakavamba kugarwazve navakasarira vakamutsidzirwa mumudzimu. (Ezekieri 36:6-15) Mwari akavachenesa pakusachena kworudzidziso ndokuisa mavari “mudzimu mutsva” uchivagonesa kubereka chibereko chomudzimu mutsvene wake. (VaGaratia 5:22, 23) Uye kuti zita raJehovha rigorega kumhurwa navanhu venyika nemhaka yokuti akanga aranga vanhu vake, iye akakomborera vakasarira zvikuru kwazvo.—Ezekieri 36:16-32.
11. Mutsinhirano naEzekieri 36:33-36, chii chakaita Mwari nomugariro womudzimu wavakasarira vakazodzwa?
11 Pashure pokunge vakasarira vahwirira kuna Judha, nyika iyoyo yakaitwa dongo yakashandurwa kuva “munda [unobereka zvibereko] weEdheni.” (Rava Ezekieri 36:33-36.) Nenzira yakafanana, chibviro cha 1919 Jehovha akashandura mugariro wakambova dongo wavakasarira vakazodzwa kuva paradhiso yomudzimu inobereka zvibereko, zvino inogoveranwa ne“boka guru.” Sezvo iyi paradhiso yomudzimu yakagarwa navanhu vatsvene, muKristu akazvitsaurira mumwe nomumwe ngaashande kuichengeta yakachena.—Ezekieri 36:37, 38.
Chinzwano Chinodzorerwa
12. Kumutsidzirwa kworudzi rwechiJudha rwakare kwakaratidzirwa sei pana Ezekieri 37:1-14, uye iwiriranoi yomuzuva razvino uno yakava naikoku?
12 Vari muutapwa hweBhabhironi, vaJudha vakanga vari rudzi rwakadokufa, kufanana namapfupa zvarwo ari mumunda. (Ezekieri 37:1-4) Asi chii chakatevera kuona Ezekieri? (Rava Ezekieri 37:5-10.) Mapfupa iwayo akapfekedzwazve marunda, nyama, uye ganda, uye akaitwa mapenyu nechifemo choupenyu. (Ezekieri 37:11-14) Mwari akamutsa rudzi rwechiJudha apo vanhu vane 42 360 vamarudzi ose aIsraeri navaisava vaIsraeri vane 7 500 vakabata banza ravo rokugarazve Judha, vakavakazve Jerusarema netembere yaro, vakadzorera namato yechokwadi munyika yokumusha kwavo. (Ezra 1:1-4; 2:64, 65) Nenzira yakafanana, muna 1918 vakasarira vakatambudzwa vaIsraeri womudzimu vakava vakafanana namapfupa akaoma iwayo—vakaurawa kana toreva nezvebasa ravo rokupupurira pachena. Asi muna 1919 Jehovha akavamutsidzira savazivisi voUmambo. (Zvakazarurwa 11:7-12) Iyi wirirano inofanira kusimbisa chivimbo chedu chokuti ava vakazodzwa navasonganiri vavo vanoumba sangano rapasi Jehovha ari kushandisa nhasi.—Ona 1975 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 87-125.
13. Kudzorerwa kwechinzwano chesangano pakati pavanhu vakare vaJehovha kwakaratidzirwa sei pana Ezekieri 37:15-20, uye iwiriranoi yaivapo yaikoku?
13 Dzorerwo yechinzwano chesangano pakati pavanhu vakare vaJehovha yakaratidzirwa sei? (Rava Ezekieri 37:15-20.) Pane wirirano yazvino uno yokubatanidzwa kwamatanda maviri (rumwe rwakanyorwa nokuda kwoumambo hwamarudzi maviri hwaJudha, rumwe rwacho nokuda kwaIsraeri wamarudzi gumi). Mukati meHondo yeNyika I, varume vane chinendirini vakaedza kupunza chinzwano chavabatiri vaMwari, asi muna 1919 vakasarira vakatendeka vakabatanidzwa pasi paKristu, “mambo mumwe” wavo no“mufudzi mumwe.” Uyezve, kufanana navaisava vaIsraeri vanopfuura 7 500 avo vakahwirira kuna Judha, avo ve“boka guru” zvino vakabatanidzwa navakasarira vakazodzwa. Mufaro wakadini kuva muparadhiso yomudzimu, tichibatira Jehovha muchinzwano pasi pa“mambo mumwe” wedu!—Ezekieri 37:21-28.
Gogi Anodenha!
14. Gogi waMagogi ndiani, uye chiitoi chaachaita? (Ezekieri 38:1-17)
14 Tevere, chinoitika chinoshamisa chakadeya kutaurwa. Achikarira kumhura zita raMwari ndokuparadza vanhu Vake, Gogi waMagogi achadenha vakasarira vaIsraeri womudzimu, avo vanomirira “mukadzi” waJehovha, kana kuti sangano rokudenga. (Zvakazarurwa 12:1-17) Gogi ndiye “mutongi wenyika ino,” Satani Dhiabhorosi. Iye akagamuchira zita iroro rokuti Gogi pashure pokudzingwa kwake mudenga, pashure pokuberekwa kwoUmambo muna 1914. (Johane 12:31, NW) “Nyika yaMagogi” inzvimbo uko Gogi namadhemoni ake vakaganhurirwa pedyo napasi. Pashure pokunge mauto anorwisana norudzidziso aparadza chiKristudhomu norutivi rwose rwasara rweBhabhironi Guru, Jehovha acharwisa Gogi navakasarira vanoratidzika kuva vasina dziviriro vaIsraeri womudzimu navasonganiri vavo vakazvitsaurira.—Ezekieri 38:1-17; Zvakazarurwa 17:12-14.
15. Chii chichaitika apo Gogi anodenha Zvapupu zvaJehovha?
15 Chii chichaitika apo Gogi anodenha Zvapupu zvaJehovha? (Rava Ezekieri 38:18-23.) Jehovha achanunura vanhu vake! Zvombo zvake zvichava maboporodzi, zvimvuramabwe zvikuru, mwoto, nhenda inopenga. Munyongano, mauto aGogi acharwisana neminondo yawo. Asi Mwari asati aaparadzanya, ‘achaitwa kuti azive kuti iye ndiye Jehovha.’
16. (a) Chii chichaitika ku“nyika yaMagogi”? (b) Tinofanira kutapurwa sei nezivo yezvinoitika zvakadeya kutaurwa zvinobatanidza Gogi?
16 Apo Satani namadhemoni ake vanoiswa mugomba rakadzika-dzika, “nyika yaMagogi,” nzvimbo yavo yakaderera pasi pano, ichaparara nokusingaperi. (Zvakazarurwa 20:1-3) Zvombo zvehondo zvaGogi zvichava zvakawanda kwazvo zvokuti kuchatora nguva kuzviparadza. Shiri nezvikara zvichadya mitumbi isina kuvigwa yeboka raGogi. Zivo yaikoku kwose inofanira kutitapura sei? Chokwadi, kuziva kuti denho yaGogi yava pedyo asi kuti Jehovha achanunura vanhu Vake kunofanira kuwedzera kutenda kwedu ndokuita kuti tifare kuti zvinoitika zvakadaro zvichaguma nokutsvenesa zita raMwari rakamhurwa kwenguva refu!—Ezekieri 39:1-29.
Ona Nzvimbo Tsvene yaJehovha!
17. (a) Chionoi chakapiwa Ezekieri muna 593 P.N.V.? (b) Kuvapo kwetembere yomuchiono chitendiso chechii?
17 Muna 593 P.N.V., gore rechi 14 pashure poruparadziko rwetembere muJerusarema, Ezekieri akapiwa chiono chenzvimbo tsvene itsva yokunamatwa kwaJehovha. Zvayakayerwa nomutungamiriri wengirozi womuporofita, yakanga yakakura zvikuru. (Ezekieri 40:1–48:35) Iyi tembere yakafananidzira “tende yechokwadi, iyo Jehovha akavaka,” uye iyo yaiva ne“mifananidzo yokufananidzira yezvinhu zvomumatenga.” Jesu Kristu akapinda Nzvimbo Tsvene Tsvene yayo, “denga rimene,” muna 33 N.V. kuzopa kuna Mwari runako rwechibairo chake chorudzikinuro. (VaHebheru 8:2; 9:23, 24) Tembere yomuchiono inobvumikisa kuti namato yechokwadi ichapukunyuka denho yaGogi. Inyaradzo yakadini nokuda kwavadi vezita raJehovha!
18. Ndaapi ari akati kuti amativi akanyorwa etembere yomuchiono?
18 Tembere yaiva namativi akawanda. Somuenzaniso, kwakanga kune masuo matanhatu mumasvingo ayo okunze nomukati. (Ezekieri 40:6-35) Kamuri dzokudyira dzina makumi matatu (sezvingabvira dzokuti vanhu vadyire zvibairo zvokuyananisa) dzakanga dziri muruvazhe rwokunze. (Eze 40:17) Atari yezvipiriso zvinopiswa yakanga iri muruvazhe rwomukati. (Eze 43:13-17) Atari yemiti, sezviri pachena yokupisira zvinonhuwira, yakanga iri mukamuri rokutanga retembere. (Eze 41:21, 22) Nzvimbo Tsvene Tsvene yakanga ina makubhiti 20 akaenzana kumativi mana, uye rusvingo rwakapoteredza tembere rwakanga rwakaita tsanga dzine 500 (mamita 1,600) parutivi rumwe norumwe. Iimba yakaisvonaka zvakadini yakazadzwa nembiri yaMwari!—Ezekieri 41:4; 42:16-20; 43:1-7.
19. Tinofanira kutapurwa sei noudzame hwetembere neidi rokuti avo vaibatirapo vaifanira kusvitsa mipimo yaMwari?
19 Udzame hwakawanda hwetembere, zvibairo, zvipiriso, uye mitambo hunofanira kutiorora nokudikanwa kwokutevera miraidzo inobva kusangano raMwari nokungwarira, tichiziva kuti nhamburiko iri yose inofanira kuitwa kukudza Jehovha nokunamatwa kwake. (Ezekieri 45:13-25; 46:12-20) Avo vaibatira patembere vaifanira kusvitsa mipimo yakakwirira yaMwari, uye ivo vaifanira kudzidzisa vanhu ‘musiano pakati pezvinhu zvitsvene nezvinhu zvisiri zvitsvene.’ (Ezekieri 44:15, 16, 23) Ikoku kunofanira kutisunda kuchengeta utsvene savanhu vaJehovha.—VaEfeso 1:3, 4.
20. (a) Chii chinofananidzirwa nemvura iyo yakayerera ichibva mutembere yomuchiono? (b) Iyi mvura yokufananidzira ichava nomuuyoi?
20 Rwizi rwakayerera ruchibva mutembere urwo rwakaporesa, kana kuti kutapidza, mvura dzine munyu dzeGungwa Rakafa, zvokuti dzakava nehove dzakawanda. (Ezekieri 47:1-11) Iyi mvura inofananidzira gadziriro yaMwari youpenyu husingagumi, kubatanidza chibairo chaJesu, iyo yakakwana nokuda kwavapukunyuki vedenho yaGogi navamwe, kubatanidza avo vanomutswa. (Johane 5:28, 29; 1 Johane 2:2; Zvakazarurwa 22:1, 2) Gungwa Rakafa rinomirira nzvimbo umo rudzi rwomunhu rwakavapo—shurikidzo yokuchivi chakagarwa nhaka norufu pamwe chete noutongi hwaSatani. Kufanana nehove dzakawanda dzaiva mumvura dzakatapidzwa dzeGungwa Rakafa, rudzi rwomunhu rwakadzikinurwa ruchakura zvakanaka mumigariro inoporesa yokutonga kwaMesia.
21. Ezekieri 47:12 inoratidzira kuti rudzi rwomunhu rwunoteerera ruchafarikanya chii munyika itsva?
21 Kuporesa kunobatanidzwawo nemiti inokura murutivi rworwizi rwomuchiono. (Rava Ezekieri 47:12.) Munyika itsva, rudzi rwomunhu runoteerera ruchafarikanya utano hwakakwana hwokunyama nohwomudzimu. Uye zvokona neiko? Mashizha emiti yemichero yakaonwa muchiono ane zvinhu zvinoporesa zvinopfuurira. Zvikomborero zvakadini nokuda kwaavo vanoziva ndokubatira Jehovha!
Ipapo Vachaziva!
22. Chii chinoratidzira kuti Mwari achaisa vanhu paanosarudza muParadhiso?
22 Kupfurikidza nokubatira pamwe nesangano raJehovha zvino, tinogona kukudziridza mavara achaita kuti tive vanobatira pamwe apo Mwari anoisa vanhu avo anosarudza muParadhiso yapasi. Kuti kuchava nokuiswa kwakadaro kwavanhu kunokarakadzwa neidi rokuti migove yamarudzi yakaitwa kumusoro nezasi kwechikamu chokudzora chakaonwa naEzekieri muchiono. “Mupiro” iwoyo wamativi matatu wenyika wakabatanidza chikamu chavaRevhi vaisava vouprista nechikamu chouprista chaiva netembere yomuchiono. Pakati pechikamu chezasi pakanga pane guta rina vashandi vamarudzi ose pasi po“muchinda” akaumbwa navazhinji, vamiriri vouchinda vaMesia mu“pasi idzva.”—Ezekieri 47:13–48:34; 2 Petro 3:13; Pisarema 45:16.
23. Kuti tive rutivi rworudzi rwomunhu rwunodzikinurwa runogara muParadhiso, chii chatinofanira kuita zvino?
23 Agara pachigaro choumambo munzvimbo tsvene yake yokudenga, Mwari achakomborera guta rokufananidzira rakaonwa naEzekieri. (Rava Ezekieri 48:35.) Hugaro ihwohwo hwapasi hwokudzora huchanzi Jehovha-Shama, kana kuti “Jehovha Amene Aripo.” Pfuurira kuratidzira rudo rusingakundikani nokuda kwaMwari, uye unogona kuva rutivi rworudzi rwomunhu rwakadzikinurwa rwunogara muParadhiso, apo kusati kuchizova nomunhu pasi pano achava murima romudzimu asi vose vachaziva kuti Jehovha ndiye Mwari mumwe mupenyu nowechokwadi. (Habhakuki 2:14) Dzivisa kumanikidzirwa kubvuma zita raMwari mukurwisana nechido chako apo vakaipa vanoparadzwa. Shandisa kutenda, uchiratidza kuti unokarira kuva pakati pavapukunyuki apo iye anozadzika mashoko anoti: “Marudzi achaziva kuti ndini Jehovha.”—Ezekieri 36:23.
Waizotii?
◻ Jehovha anotendera nharirire yomudzimu mumigariroi bedzi?
◻ Jehovha anobata sei makwai ake, uye vafudzi vechiKristu vanofanira kubata sei nawo?
◻ Kumutsidzirwa kworudzi rwechiJudha kwakaratidzirwa sei? (Ezekieri 37:1-14) Chii chiri wirirano yazvino uno yaikoku?
◻ Ndiani ari Gogi waMagogi, uye chii chichaitika apo iye anodenha Zvapupu zvaJehovha?
◻ Chii chinofananidzirwa nemvura inoyerera ichibva mutembere yomuchiono?
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 25]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Mupiro mutsvene nemigove yamarudzi
THE GREAT SEA
ENTERING IN TO HAMATH
DAN
ASHER
NAPHTALI
MANASSEH
EPHRAIM
REUBEN
JUDAH
THE CHIEFTAIN
Holy Contribution
En-Eglaim
BENJAMIN
SIMEON
En-gedi
ISSACHAR
ZEBULUN
Tamar
GAD
Meribath-Kadesh
Salt Sea
Jordan River
Sea of Galilee
[Mufananidzo uri papeji 23]
Jehovha anopa makwai ake tarisiro yorudo, sezvaiita vafudzi vakare. Naizvozvo vafudzi vechiKristu vanofanira kubata boka raMwari nounyoro