Tsamba kuvaHebheru
8 Iri ndiro shoko guru pane zvatiri kutaura: Tine mupristi mukuru akaita seuyu,+ uye akagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheumambo chaChangamire kumatenga,+ 2 mushumiri wemunzvimbo tsvene+ uye wemutende rechokwadi, rakamiswa naJehovha,* kwete nemunhu. 3 Nekuti mupristi mukuru wese anogadzwa kuti ape zvipo nezvibayiro; saka zvakanga zvakakodzera kuti uyu avewo nechimwe chinhu chekupa.+ 4 Kudai aiva panyika, angadai asina kuva mupristi,+ nekuti pagara paine vanhu vanopa zvipo maererano neMutemo. 5 Basa dzvene riri kuitwa nevarume ava riri kufananidzira zvinhu zvekudenga+ uye mumvuri wazvo;+ sezvakangoitikawo kuti Mozisi, paakanga ava kuda kugadzira tende, akapiwa murayiro uyu naMwari: Nekuti anoti: “Unofanira kugadzira zvinhu zvese uchinyatsotevedzera zvawakaratidzwa mugomo.”+ 6 Asi iye zvino Jesu akawana ushumiri hwemhando yepamusorosoro, nekuti ndiyewo murevereri+ wesungano yepamusorosoro,+ yakavakirwa zviri pamutemo pavimbiso dziri nani.+
7 Kudai pakanga pasina chakakanganisika pasungano iyoyo yekutanga, pangadai pasina kuzova neyechipiri.+ 8 Nekuti iye anoratidza vanhu kuti vakakanganisa paanoti: “‘Inzwai! Mazuva achasvika,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,* ‘andichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha. 9 Ichange yakasiyana nesungano yandakaita nemadzitateguru avo pazuva randakabata maoko avo kuti ndivabudise munyika yeIjipiti,+ nekuti havana kuramba vari musungano yangu, saka ndakanga ndisisina shungu navo,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.*
10 “‘Nekuti iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri kana mazuva iwayo apfuura,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.* ‘Ndichaisa mitemo yangu mupfungwa dzavo, uye ndichainyora mumwoyo mavo.+ Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.+
11 “‘Uye hapana achazodzidzisazve mumwe wake uye hama yake, achiti: “Ziva Jehovha!”* Nekuti vese vachandiziva, kubvira kumudiki wavo kusvika kumukuru. 12 Nekuti ndichavanzwira tsitsi pamabasa avo asina kururama, uye handizoyeukizve zvivi zvavo.’”+
13 Paari kutaura kuti “sungano itsva,” ari kutoita kuti yekare isashanda.+ Saka kana chinhu chisisashandi uye chava chekare chinenge chava pedyo kuti chinyangarike.+