Tevedzera Kutenda Kwavo
Akadzidza Kubva Pazvikanganiso Zvake
JONA akashuva kuti dai aikwanisa kumisa ruzha rwaityisa. Rwakanga rusingori rwemhepo yaityisa, yairidza tambo dzemaseiri engarava; kana kuti rwemafungu makuru airovera pangarava, achiita kuti mapuranga ayo arire. Asi ruzha rwaive rwakanyanya rwaive rwuri rwevafambisi vengarava, sezvo mukuru wengarava uye boka rake vairwisa kuti ngarava isanyura. Jona akaziva kuti varume vose ava vakanga vava kufa, zvichikonzerwa naye!
Chii chakanga chaitika kuti Jona ave panyanga dzamushore kudai? Akanga akanganisira kwazvo Mwari wake, Jehovha. Akanga amboitei? Yakanga yadeuka zvokusaorereka here? Tinodzidza zvakawanda kumhinduro dzemibvunzo iyi. Somuenzaniso, nyaya yaJona inotibatsira kuona kuti chero vaya vane kutenda kwechokwadi vanogona kukanganisa—uye kuti vangagadzirisa sei.
Muprofita wokuGarireya
Vanhu pavanofunga nezvomurume anonzi Jona, vanoita sokuti vanongotarisa zvikanganiso zvake, zvakadai sepaakatadza kuteerera kana kuti paakaomesa musoro wake. Asi pane zvakawanda zvatinofanira kuziva nezvomurume uyu. Yeuka kuti Jona akanga asarudzwa kuti ashumire somuprofita waJehovha Mwari. Jehovha angadai asina kumusarudza kuti aite basa raikosha kudaro kudai aiva munhu asina kuvimbika uye asina kururama.
Pana 2 Madzimambo 14:25 tinowana mashoko mashomanana nezvaJona. Aibva kuGati-heferi, makiromita mana chete kubva kuNazareta, taundi raizokurira Jesu Kristu mazana masere emakore gare gare.a Jona akashumira somuprofita panguva yaitonga Mambo Jerobhoami II wendudzi gumi dzoumambo hwaIsraeri. Pakanga pava nenguva yakawanda Eriya afa; Erisha, akauya pashure pake, akanga afawo paitonga baba vaJerobhoami. Kunyange zvazvo Jehovha akanga ashandisa varume ivavo kutsvaira kunamatwa kwaBhaari, Israeri akanga ava kutsauka zvekare nemaune. Nyika yakanga yave kutongwa namambo ai“ramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha.” (2 Madzimambo 14:24) Saka, zvimwe basa raJona rakanga risiri nyore uye risingafadzi. Asi, akariita akavimbika.
Zvisinei, rimwe zuva upenyu hwaJona hwakashanduka. Akapiwa basa naJehovha iro akaona sokuti rakanga rakaoma zvikuru. Jehovha aimutuma kuti aitei?
“Simuka, Uende kuNinivhi”
Jehovha akaudza Jona kuti: “Simuka, uende kuNinivhi guta guru, urizivise kuti kuipa kwavo kwasvika pamberi pangu.” (Jona 1:2) Zviri nyore kuona kuti nei basa iri raiita serakanga rakaoma. Ninivhi yaiva makiromita 800 nechokumabvazuva, rwendo rwokuendako rwaigona kutora mwedzi uchifamba netsoka. Zvisinei, chaiva chakaomera Jona pabasa racho rwakanga rwusiri rwendo urwu. KuNinivhi, Jona aifanira kutaura mutongo waJehovha kuvaAsiriya, avo vaiva nembiri youtsinye. Sezvo Jona akaona kuti vanhu vaMwari havana kunyatsomuteerera, ko kuzoti vahedheni? Mushumiri mumwe chete waJehovha aizobudirira here muNinivhi yaiva yakakura zvikuru, iyo yaizonzi “guta rokuteura ropa”?—Nahumi 3:1, 7.
Zvimwe izvi ndizvo zvakafungwa naJona. Hatizivi. Chatinoziva ndechokuti akaita rutsoka ndibereke. Jehovha akamurayira kuti aende kumabvazuva; iye tande zvake kumadokero, kure kwaaikwanisa kusvika. Akaenda kumhenderekedzo yegungwa, paguta rine chiteshi chengarava rinonzi Jopa, kwaakawana ngarava yaienda kuTashishi. Dzimwe nyanzvi dzinoti Tashishi yaiva kuSpeini. Kana zvakadaro, Jona aienda kunzvimbo yaiva makiromita 3 500 kure neNinivhi. Rwendo rwomugungwa rwakadaro rwokuenda kumucheto kweGungwa Guru—iro raiva zita reGungwa reMediterranean mazuva iwayo—rwaigona kuita gore rose uchifamba! Jona aiva akatsunga kutiza basa raaiva apiwa naJehovha zvokuti aida kuita rwendo rwakadaro!
Izvi zvinoreva here kuti tingabva tati Jona aiva gwara? Hatifaniri kungomhanyirira kudaro. Sezvatichaona, aiva noushingi hunoshamisa. Zvisinei, sezvatinongoita, Jona aiva munhu asina kukwana aikanganisawo kakawanda. (Pisarema 51:5) Ndiani wedu asina kumbotyawo pane imwe nguva?
Dzimwe nguva zvinoita sokuti Mwari anotikumbira kuita zvinhu zvakaita sezvakaoma, kana kuti zvisingaitiki. SevaKristu tinofanira kuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, asi basa iri rinogona kutiomera. (Mateu 24:14) Zviri nyore kuti tikanganwe chokwadi chinokosha chakataurwa naJesu chokuti: “Zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.” (Mako 10:27) Kana tichimbokanganwa chokwadi ichocho, zvimwe tinganzwisisa zvaiva zvakaomera Jona. Zvisinei, kutiza kwakaita Jona kwakaguma nei?
Jehovha Anoranga Muprofita Wake Aiva Asina Kuteerera
Tinogona kufungidzira Jona achigadzikana zvake ari mungarava, zvimwe yaiva ngarava hombe yokutakura zvinhu yevaFenikiya. Aiva akatarisa sezvo mukuru wengarava nechikwata chake vakanga vava kumhanya-mhanya kuti ngarava isimuke. Sezvo aiona mhenderekedzo ichitsakatika zvishoma nezvishoma, Jona akafunga kuti akanga atiza ngozi yaaitya zvikuru. Pasina nguva, mamiriro okunze akaita shandukuminya.
Mhepo yakatanga kuvhuvhuta ichibvongodza gungwa zvaityisa, ichikonzera mafungu anogona kukanda ngarava dzamazuva ano sekanhu kaduku-duku. Zvakatora nguva yakawanda sei kuti ngarava iyoyo iite sekanhu kaduku-duku kasina simba, vachibva vaita chidzimira mugungwa raive rangova mafungu oga oga? Panguva iyoyo Jona aiziva here zvaakazonyora, kuti “Jehovha akatuma mhepo huru pagungwa”? Hatizivi. Zvisinei, akaona kuti vafambisi vengarava vakanga vava kudana kuna vanamwari vakasiyana-siyana, uye aiziva kuti hapana rubatsiro rwavaizowana. Nyaya yake inoti: “Ngarava yacho yakanga yava kuda kuparadzwa.” (Jona 1:4; Revhitiko 19:4) Uye Jona aizonyengetera sei kuna Mwari waakanga achitiza?
Achinzwa kuti haana zvaaikwanisa kuita kuti abatsire, Jona akaenda mukamuri raiva nechepasi mungarava ndokuwana pokurara. Ndokubva atanga kupfodora hope.b Mukuru wengarava uya akawana Jona ndokumumutsa, uye akamukurudzira kuti anyengeterewo kuna mwari wake sezvaingoita vamwe vose. Vaona kuti izvi zvakanga zvisiri zvoga, vafambisi vengarava vakakanda mijenya kuti vaone kuti pavanhu vaivapo ndiyani akanga ari kuparira dambudziko iri. Hapana mubvunzo kuti hana yaJona yairova sezvo mijenya yaipotsa vamwe. Pasina nguva, chokwadi chakabuda pachena. Jehovha ndiye akanga ari kukonzera dutu, uye akaita kuti mujenya ubate munhu mumwe chete, Jona!—Jona 1:5-7.
Jona akadura zvose kuvarume ava. Aiva mushumiri waMwari wemasimbaose, Jehovha. Ndiye Mwari waanga ari kutiza uye waakanga atsamwisa, zvichiita kuti vose vapinde mutsekwende iyi. Varume vacho vakashamiswa chaizvo, Jona akaona kuti vakanga vari kutya. Vakamubvunza kuti vaifanira kuitei kuti vapone uye kuti ngarava isaparara. Akati kudii? Jona anofanira kunge akatya paakazvifunga achinyura pakati pegungwa raitonhora uye rainge rabvongodzwa. Asi zvaiva nomusoro here kuurayisa vanhu vose ava iye achiziva kuti aigona kuvaponesa? Saka akati: “Ndisimudzei mundikande mugungwa, uye gungwa richadzikama nokuda kwenyu; nokuti ndinoziva kuti mhepo huru iyi ine mvura yauya pamuri nokuda kwangu.”—Jona 1:12.
Tingati gwara ringataura zvinhu zvakadai? Zvinofanira kunge zvakafadza mwoyo waJehovha paakaona chivindi chaJona, kuzvipira kwake panguva yakaoma kudai. Apa tinoona kuti Jona aiva nokutenda kwakasimba. Tinogona kutevedzera izvi nhasi patinokoshesa zvinodiwa nevamwe pane kunyanya kukoshesa zvatinoda. (Johani 13:34, 35) Patinoona munhu anoda kubatsirwa nezvinhu kana kuti mune zvokunamata, kana anoda kunyaradzwa, tinozvipira here kumubatsira? Chokwadi tinofadza Jehovha patinodaro!
Zvimwe vafambisi vengarava ava vakanzwawo tsitsi, nokuti vakamboramba kumukanda mumvura! Pane kudaro, vakaedza zvose zvavaikwanisa kurwisana nedutu, asi kwaingova kuteya nzou neriva. Zvinhu zvakatowedzera kuita manyama amire nerongo. Pakupedzisira, vakaona kuti pakanga pasina zvimwe zvokuita. Vachikumbira Jehovha, Mwari waJona kuti avanzwire ngoni, vakamusimudza ndokumukandira mugungwa.—Jona 1:13-15.
Jona Anonzwirwa Ngoni uye Anoponeswa
Jona akanowira pakati pemafungu. Zvimwe akamboedza kushambira kuti asanyura, ndokuona ngarava iya iri pakati pemafungu ichienda. Asi mafungu acho akamukukura ndokuita kuti anyure. Akaramba achingodzika, achinzwa sokuti ndipo pakanga paperera sarungano.
Jona akazotsanangura kuti ainzwa sei panguva iyi. Akafunga zvakawanda. Akasuwa paakafunga kuti aisazomboonazve temberi yakanaka yaJehovha yaiva muJerusarema. Aizvinzwa achinyura akananga pasi pegungwa, panotangira makomo, paakanomonererwa nemasora omugungwa. Izvi zvaiita sokuti ndiro rakanga riri guva rake.—Jona 2:2-6.
Asi chimbomira! Pane chinhu chaifamba chiri pedyo naye—chiri chipenyu, chakakura uye chiri chitema. Chaityisa zvikuru, ndokunanga kwaaiva chichimhanya. Chakashama muromo wacho ndokumumedza!
Uku ndiko kwakanga kwava kufa. Asi pane chimwe chinhu chakashamisa Jona. Akanga achiri mupenyu! Haana kumbotsengwa, kana kugayiwa, kana kubitirirwa. Kwete, akanga asina kufa, kunyange zvazvo muri imo maaifanira kunge akafira. Zvishoma nezvishoma, Jona akatanga kurumbidza. Pasina mubvunzo, ndiJehovha Mwari wake “akaita kuti hove huru imedze Jona.”c—Jona 1:17.
Nguva yakatanga kufamba kusvikira papera maawa. Ari murima gobvu raakanga asina kumboona, Jona akawana nguva yokufunga uye kunyengetera kuna Jehovha Mwari. Munyengetero wake, wakanyorwa muchitsauko chechipiri chebhuku raJona, unobatsira. Unoratidza kuti ainyatsoziva Magwaro, nokuti anotaura zviri muMapisarema. Unoratidzawo kuti aionga, huri unhu zvakanaka zvikuru. Jona akagumisa kuti: “Ini, ndichabayira chibayiro kwamuri nenzwi rokuonga. Ndicharipa zvandakapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha.”—Jona 2:9.
Jona akadzidza kuti Jehovha anogona kuponesa chero munhu upi zvake, chero kwaanenge ari, uye chero nguva. Kunyange “mudumbu rehove,” Jehovha akaponesa mushumiri wake akanga atambudzika. (Jona 1:17) Jehovha chete ndiye anogona kuchengeta munhu zvakanaka uye ari mupenyu kwemazuva matatu uye usiku hutatu mudumbu rehove huru. Zvakanaka kuti isu nhasi tiyeuke kuti Jehovha ndiye “Mwari ane mhepo yenyu yokufema muruoko rwake.” (Dhanieri 5:23) Kufema kwedu uye upenyu hwedu zvinobva kwaari. Tinoonga here? Saka hatifaniri here kuteerera Jehovha?
Zvakadini naJona? Akadzidza here kuonga Jehovha achimuteerera? Hungu. Papera mazuva matatu uye usiku hutatu, hove yacho yakamuendesa kumucheto chaiko kwegungwa uye ya“karutsira Jona panyika yakaoma.” (Jona 2:10) Pafunge, pashure pezvose izvi, pakanga pasingatombodi kuti Jona ashambire kuti asvike panyika yakaoma! Ichokwadi kuti chero kwaakanga arutsirwa, aifanira kuzofamba achibva ikoko. Zvisinei, pasina nguva refu, kuonga kwake kwakaedzwa. Jona 3:1, 2 inoti: “Zvino shoko raJehovha rakauya kuna Jona kechipiri, richiti: ‘Simuka, uende kuNinivhi guta guru, unorizivisa mashoko andichakuudza.’” Jona aizoitei?
Haana kumbozeza. Tinoverenga kuti: “Jona akabva asimuka, akaenda kuNinivhi maererano neshoko raJehovha.” (Jona 3:3) Hungu, akateerera. Zviri pachena kuti akadzidza kubva muzvikanganiso zvake. Pane izviwo, tinofanira kutevedzera kutenda kwaiva naJona. Tose tinotadza, tose tinokanganisa. (VaRoma 3:23) Asi, tinobva takanda mapfumo pasi here, kana kuti tinodzidza kubva muzvikanganiso zvedu tobva tatanga kushumira Mwari tichimuteerera?
Jehovha akakomborera Jona pamusana pokuteerera kwake here? Chokwadi akadaro. Somuenzaniso, zvinoratidza sokuti Jona akazoziva kuti vatyairi vaya vengarava vakanga vararama. Dutu rakanyarara pashure pokunge Jona azvipira kununura vanhu, uye vafambisi vaya “vakatanga kutya Jehovha kwazvo” uye vakapa zvibayiro kuna Jehovha kwete vanamwari vavo venhema.—Jona 1:15, 16.
Mubayiro mukuru wakazovapo pave paya. Jesu akataura nezvenguva iyo Jona akagara mudumbu rehove kuti hwaiva uprofita hwaifananidzira nguva yaaizopedza ari muguva kana kuti Sheori. (Mateu 12:38-40) Jona achafara zvikuru paachazoziva nezvechikomborero chacho apo achamutswa kuti ararame pasi pano! (Johani 5:28, 29) Jehovha anoda kukukomborerawo. Sezvakaitwa naJona, uchadzidzawo here kubva muzvikanganiso zvako uye woratidza kuti unoteerera uye une mafungiro okuzvipira?
[Mashoko Omuzasi]
a Zvinokosha kuziva kuti Jona aibva muguta rokuGarireya nokuti vaFarisi vakataura nokuzvikudza nezvaJesu kuti: “Ongorora uone kuti hapana muprofita achamutswa achibva kuGarireya.” (Johani 7:52) Vashanduri nevatsvakurudzi vakawanda vanotaura kuti vaFarisi vaingotaurawo zvavo kuti kwakanga kusina kana kuti kwaisazombomuka muprofita kubva munzvimbo yakaderera yeGarireya. Kana zvakadaro, varume ivavo vakanga vachipira makotsi kunhoroondo nouprofita.—Isaya 9:1, 2.
b Septuagint inotaura marariro aive akaita Jona ichiwedzera kuti airidza ngonono. Zvisinei, pane kuti tingoti kukotsira kwakaita Jona kunoratidza kuti aiva asina hanya, hatifaniri kukanganwa kuti dzimwe nguva hope dzinombobata vaya vakaora mwoyo. Panguva yokurwadziwa kwaJesu mumunda weGetsemane, Petro, Jakobho uye Johani vai“tsimwaira nokuda kweshungu.”—Ruka 22:45.
c Kana shoko rechiHebheru rokuti “hove” rikashandurirwa muchiGiriki rinoreva “chipuka chomugungwa chinotyisa” kana kuti “zihove.” Kunyange zvazvo tisingakwanisi kuziva kuti chii chaicho chairehwa, zvakaonekwa kuti pane dzimwe hove dzinonzi shark dziri kuMediterranean dzakakura zvokukwanisa kumedza munhu akadaro. Pane dzimwe dzakatokura kupfuura idzi dziri kune dzimwe nzvimbo; dzinonzi whale shark dzinogona kureba mamita 15, kana kupfuura!
[Bhokisi/Mufananidzo riri papeji 29]
Jona Anotsoropodzwa
▪ Zviitiko zvakanyorwa mubhuku rinonzi Jona riri muBhaibheri zvakanyatsoitika here? Kubvira kare, bhuku iri rave richitsoropodzwa. Mazuva ano parave kunyanyotsoropodzwa, bhuku racho rinongoonekwa senganowo kana kuti senyaya yokunyepera. Mumwe munyori womuzana remakore rechi19 anotaura matsanangurirwo akaitwa nomumwe mufundisi nyaya yaJona nehove huru senganowo achiti: Jona aiva muhotera yaive kuJopa yainzi Chiratidzo Chehove Huru. Paakanga asina mari yokubhadhara, muridzi wehotera yacho akamukandira kunze. Saka uku ndiko “kumedzwa” nokuzo“rutswa” nehove huru kwaakaitwa! Chokwadi, vatsoropodzi veBhaibheri vakatoshinga kumedza Jona kupfuura hove yakamedza Jona!
Nei bhuku iri romuBhaibheri richitsoropodzwa zvakanyanya? Nokuti rinotsanangura zvishamiso. Zvinoita sokuti vatsoropodzi vakawanda vanongoona zvishamiso vachiti: Zvinhu zvakadaro hazvitomboitiki. Asi zvine musoro here kufunga saizvozvo? Zvibvunze kuti, ‘Ndinodavira here kuti mutsetse wokutanga weBhaibheri ndewechokwadi?’ Unoti: “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” (Genesisi 1:1) Mamiriyoni akawanda evanhu vane mafungiro akanaka munyika vanobvuma chokwadi ichocho chiri nyore kunzwisisa. Zvisinei, mutsetse iwoyo chete unosanganisira zvakawanda kupfuura zvimwe zvishamiso zvinozotaurwa muBhaibheri.
Chimbofunga: Musiki akasika denga rakazara nenyeredzi uye akasika zvipenyu zvinoshamisa zvakaoma kunzwisisa zviri panyika aizoomerwa here nokuita zvinhu zvakatsanangurwa mubhuku raJona? Aizoomerwa here nokuita kuti pave nedutu? Nokuita kuti hove huru imedze munhu here? Kana nokuita kuti hove iyoyo irutse munhu wacho zvakare here? Zvinhu izvi zvaisazomboomera Wemasimbaose.—Isaya 40:26.
Nyange Mwari asina zvaaita, zvinhu zvinoshamisa zvinogona kungoitika. Somuenzaniso, zvinonzi muna 1758, mumwe mutyairi wengarava akadonhera muGungwa reMediterranean achibva mungarava ndokubva amedzwa nehove inonzi shark. Zvisinei, hove yacho yakabva yapfurwa. Yapfurwa, hove yacho yakabva yamusvipa, uye akanunurwa asina kumbokuvara. Kana zviri izvo chaizvo zvakaitika tingati zvinoshamisa asi harisi nenji. Mwari aizotadza kushandisa simba rake zvinopfuura ipapo here?
Vatsoropodzi vanoti hakuna munhu angagara mazuva matatu mudumbu rehove akatadza kubitirirwa. Zvisinei, vanhu vakakwanisa kuisa mweya muzvigubhu kuitira kuti vaende pasi pemvura nazvo kuti vakwanise kufema kwenguva yakawanda. Mwari aizotadza here kushandisa simba rake uye uchenjeri hwake husingaperi kuti achengete Jona ari mupenyu uye achifema kwemazuva matatu? Imwe yengirozi dzaJehovha yakamboudza Mariya amai vaJesu kuti, “kuna Mwari hapana chinoziviswa chichava chisingabviri.”—Ruka 1:37.
Chiizve chimwe chinoratidza kuti bhuku raJona inhoroondo yechokwadi? Matsananguriro anoita Jona nezvengarava uye vatyairi vayo ndeechokwadi uye anodonongodza zvose. Pana Jona 1:5, panotaura nezvevatyairi vachikandira zvinhu panze kuti ngarava isanyanya kurema. Vanyori venhoroondo dzekare, nemitemo yavanarabhi zvinoratidza kuti tsika iyi yaigara ichiitwa zvikuru kana mamiriro okunze akaipa. Matsananguriro aakazoita Ninivhi anowiriranawo neuchapupu hwenhoroondo uye hwezvokuchera matongo. Zvisinei, chikuru ndechokuti Jesu Kristu akataura nezvokugara kwakaita Jona mudumbu mehove huru achiti hwaiva uprofita hwokugara kwaaizoitawo muguva. (Mateu 12:38-40) Kupupurira kwakaitwa naJesu kunoratidza kuti nyaya yaJona ndeyechokwadi.
“Kuna Mwari hapana chinoziviswa chichava chisingabviri.”—RUKA 1:37.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Vaudzwa naJona, vatyairi vakamusimudza ndokumukandira mugungwa