Chitsauko 14
“Chikomborero Kusvikira Musisina Chamunoshayiwa”
1, 2. (a) Zvisarudzo zvipi zvinobatsira zvingaitwa nomumwe nomumwe wedu? (b) Kuzadzika kwouprofita hupi kune chokuita nezvikomborero zvatingawana?
NGUVA yatiri kurarama inguva yokutongwa uye yokukomborerwa. Inguva yokushata kwezvitendero uye yokudzorerwa kwokunamata kwechokwadi. Chokwadi unofanira kuda chikomborero chacho pamwe chete nezvinhu zvakanaka zvomunguva ino uye yemberi zvokudzorerwa kwokunamata kwechokwadi! Asi ungava sei nechokwadi neizvi? Mhinduro yacho ine chokuita nouprofita hwakazadzika zvakanyanya “mazuva okupedzisira” achangotanga muna 1914. (2 Timoti 3:1) Maraki akafanotaura kuti: “‘Ishe wechokwadi [Jehovha achauya] kutemberi yake, iye wamuri kutsvaka, uye nhume yesungano yamuri kufarira. Tarirai! Iye achauya,’ Jehovha wemauto adaro.”—Maraki 3:1.
2 Uprofita uhwu hune zvahunoreva zvinokosha muupenyu hwako huri mune rokupedzisira remabhuku 12 ouprofita. Sezvatinogumisa kuakurukura kwedu, zvakanyorwa naMaraki zvinokosha zvikuru. Bhuku rake rinosanganisira murayiridzo unokosha unobvumira iwe nevamwe vashumiri vaJehovha kuwana “chikomborero kusvikira musisina chamunoshayiwa.” (Maraki 3:10) Ngatinyatsoongororei chitsauko 3 chebhuku raMaraki.
NGUVA YOKUCHENESWA PANE ZVOKUNAMATA
3. Chii chakaitika pakati pevanhu vaMwari vekare chakazoita kuti “Israeri waMwari” asarudzwe?
3 Anenge mazana emakore mashanu nguva yaMaraki yapfuura, Jehovha, achimiririrwa naKristu (“nhume yaMwari yesungano [yaAbrahamu]”), akauya kutemberi chaiyoiyo yaiva muJerusarema kuzotonga vanhu Vake vesungano. Rudzi irworwo rwakanga rwaratidza kakawanda kuti rwakanga rusina kukodzera kuramba ruchinzwirwa nyasha, saka Jehovha akaruramba. (Mateu 23:37, 38) Unogona kuona uchapupu hwaizvozvo pane zvakaitika muna 70 C.E. Unogona kuvawo nechokwadi chokuti panzvimbo pavo, Mwari akasarudza “Israeri waMwari,” rudzi rwomudzimu rwevane 144 000 vanobva mumarudzi ose. (VaGaratiya 6:16; VaRoma 3:25, 26) Zvisinei, ikoko kwakanga kusiri kuzadzika kwokupedzisira kwouprofita hwaMaraki. Hunotaurawo nezvenguva yazvino uye hune zvahunoita zvakananga pakutarisira kwaunoita kuzowana ‘chikomborero kusvikira usisina chaunoshayiwa’ munguva yemberi.
4. Chii chaifanira kupindurwa pashure pokunge Jesu agadzwa pachigaro choumambo muna 1914?
4 Kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri kunosimbisa kuti muna 1914, Jesu Kristu akagadzwa saMambo woUmambo hwokudenga hwaJehovha. Nguva yakabva yasvika yokuti Jesu aratidze boka revaKristu vakanga vakakodzera kufarirwa naMwari. Ndiani aizobudirira pakuongororwa kwokuchena pakunamata? Unogona kuwana mhinduro inoratidzwa mumashoko aMaraki okuti: “Ndiani achatsunga pazuva raanouya, uye ndiani achamira paanoonekwa? Nokuti achava akaita somoto womunatsi.” (Maraki 3:2) Jehovha akauya ku“temberi” yake kuzotonga rini uye sei?
5, 6. (a) Jehovha paakauya kutemberi yake ine chokuita nokunamata kuzoiongorora, akawanei pakati pevakawanda vaizviti vanamati? (b) Chii chaifanira kuitwa kuvashumiri vaMwari vakazodzwa nomudzimu?
5 Zviri pachena kuti Mwari haana kuuya kutemberi yakavakwa nematombo nedhaka. Yokupedzisira yetemberi chaiyoiyo yakadaro yokunamata kwechokwadi yakanga yaparadzwa muna 70 C.E. Asi Jehovha akauya kutemberi ine chokuita nokunamata, urongwa hunoshandiswa nevanhu kutaura naye uye kumunamata vachishandisa chibayiro chorudzikinuro chaJesu. (VaHebheru 9:2-10, 23-28) Zvechokwadi machechi echiKristudhomu haana kuva temberi iyoyo ine chokuita nokunamata, nokuti aiva chikamu chezvitendero zvaiva nemhosva yokuteura ropa uye uhure pane zvokunamata, zvaitsigira dzidziso dzenhema pane kutsigira kunamata kwakachena. Jehovha akava “chapupu chinokurumidza chinorwisana” nazvo, uye unoziva kuti mutongo wake wakaoma wakanga wakarurama. (Maraki 3:5) Zvisinei, Umambo hwaMwari hwagadzwa, paiva neboka revaKristu vechokwadi vaishumira muzvivanze zvetemberi yaMwari ine chokuita nokunamata vakaratidza kuvimbika kwavo kuna Mwari nomumiedzo yakaoma. Pasinei naizvozvo, kunyange vakazodzwa ivavo vaifanira kucheneswa. Zvakanyorwa nevaprofita 12 zvakataura nezvokuchenesa kwakadaro, nokuti zvine zvipikirwa zvinofadza zvokudzorerwa kwevashumiri vaMwari pane zvokunamata uye mumuviri. Maraki akafanotaura kuti paizova nevanhu avo Jehovha aizo“chenesa sezvinoitwa ndarama uye sezvinoitwa sirivha. . . . Kuna Jehovha va[izo]va vanhu vanouya nechipo chinopiwa mukururama.”—Maraki 3:3.
6 Maererano nouchapupu hwakati wandei huripo, kubvira muna 1918 zvichienda mberi, Jehovha akachenesa vaKristu vakazodzwa sezvaidiwa, achinatsa kunamata kwavo, zvavaiita uye zvavaitenda.a Ivo ne“boka guru” rakazobatana navo, vakabatsirwa zvikuru. (Zvakazarurwa 7:9) Seboka rakabatana, vanoramba vachipa “chipo chinopiwa mukururama” ‘chinofadza Jehovha.’—Maraki 3:3, 4.
7. Nenzira yakakodzera tingazvibvunza kuti chii nezvoukama hwedu naMwari?
7 Izvozvo ndizvo zvinoitwa nevanhu vaMwari vose zvavo, asi zvakadini nomumwe nomumwe wedu? Ungabvunza kuti: ‘Pane zvimwe zvinhu pamafungiro angu uye zvandinoita zvichiri kuda kunatsiridzwa here? Ndichiri kufanira kunatsiridza mufambiro wangu here, sokunatsiridza kwakaita Jehovha vanhu vake vakazodzwa?’ Kwokutanga takaona kuti vaprofita 12 vakasimbisa maonero nomufambiro zvisina kunaka uyewo maitiro nemabasa zvakanaka. Kuita kwavo saizvozvo kunoita kuti ukwanise kuziva ‘zvinodiwa naJehovha kwauri.’ (Mika 6:8) Ona kuti zvanzi “kwauri.” Izvozvo zvinosimbisa nei mumwe nomumwe wedu achifanira kuongorora kana achifanira kuzvinatsiridzazve kana kuti kuzvichenesa iye pachake.
“NDAPOTA, NDIEDZEI”
8. Jehovha anokoka vanhu vake kuti vaitei?
8 Funga zvinopfuurira kutaurwa naJehovha achishandisa Maraki muchitsauko 3, ndima 10. Ipapo uchawana kukokwa noushamwari uku: “‘Uyai nezvegumi zvose mudura, kuti mumba mangu muve nezvokudya; uye ndapota, ndiedzei pane izvozvi,’ Jehovha wemauto adaro, ‘muone kana ndisingazokuzaruririi magedhi emvura okumatenga, ndikakudururirai chikomborero kusvikira musisina chamunoshayiwa.’” Chikumbiro ichocho chinoitwa kuvanhu vaMwari vose seboka. Unofunga kuti unokokwawo iwe pachako here?
9. Ungapa Jehovha zvinopiwa uye zvegumi zvakaita sei?
9 Ungapa sei Jehovha “zvegumi”? Chokwadi, hausungirwi kupa zvinopiwa chaizvoizvo uye zvegumi, sezviya zvaidiwa muMutemo. Iye zvino Mwari anotarisira kupiwa zvinopiwa zvine chokuita nokunamata. Sezvakakurukurwa muchitsauko chakapfuura, Pauro akatsanangura basa rako rokupupurira sechinopiwa. (Hosiya 14:2) Muapostora wacho akabva ataura rumwe rudzi rwechibayiro, achinyora kuti: “Musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu [zvokunyama] nevamwe, nokuti Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.” (VaHebheru 13:15, 16) Saka zviri pachena kuti “zvegumi” zvinotaurwa pana Maraki 3:10 zvinomiririra zvinopiwa pakunamata uye mune zvokunyama. SomuKristu akabhabhatidzwa, wakazvitsaurira zvachose kuna Jehovha, asi chegumi chako chinomiririra chikamu chezvinhu zvako zvaunokwanisa kuuya nazvo kuna Jehovha, kana kuti kushandisa mubasa rake. Chinosanganisira nguva, simba, pfuma, uye zvipo zvaunopa kuti zvishandiswe mubasa raJehovha.
10. ‘Ungaedza Jehovha’ zvakakodzera munzira ipi?
10 Chokwadi zvakakodzera kuti upe Jehovha zvegumi zvokufananidzira zvakadaro uchinzwa wakazvipira uye uchiratidza rudo! Pfungwa yokuti pane zvinofanira kukurumidza kuitwa inobatanidzwawo. Unoziva kuti zuva guru raJehovha riri kukurumidza kuuya uye kuti “rinotyisa kwazvo.” (Joeri 2:1, 2, 11) Upenyu huri pangozi. Mwari anokukoka iwe pachako kuti uite chimwe chinhu. Jehovha anokukumbira kuti ‘umuedze.’ Chokwadi, hapana munhu akaderera anofanira kumboedza Jehovha sokunge kuti Mwari haana kuvimbika. (VaHebheru 3:8-10) Asi unogona kumuedza uchizvininipisa nenzira yakakodzera. Sei? Iye akapikira chikomborero. Paunomuteerera, unoedza Mwari, sokunge uri kubvunza kuti ‘Achandikomborera here?’ Iyewo, anonzwa achisungirwa kuita saizvozvo, achichengeta chipikirwa chake. Saka, kubvumira kwaMwari kuti ‘umuedze’ kunosimbisa chivimbo chako chokuti achakukomborera zvikuru.
11, 12. Jehovha akakomborera sei vanhu vake zvawakaona iwe pachako?
11 Unogona kuona kuti vanhu vaJehovha vakapa zvinhu zvokunyama uye zvibayiro zvine chokuita nokunamata zvakawanda chaizvo. Uye Jehovha akadurura ‘chikomborero kusvikira vasisina chavanoshayiwa.’ Ungave wakaona chikomborero ichocho chichipiwa vanhu vaMwari, sezvinoratidzwa nokuwedzera kukuru kwakaita Zvapupu zvaJehovha kubvira pakutanga kwezana remakore rechi20 kusvikira mumazuva edu. Wakaonawo kuwedzera kukuru pakunzwisisa “zvinhu zvakadzama zvaMwari.” (1 VaKorinde 2:10; Zvirevo 4:18) Zvisinei, funga izvi neimwe nzira: Izvi zvakaitei pauri iwe pachako?
12 Pane imwe nguva ungave waiva nhengo yeimwe chechi, kana kuti wakanga uchangotanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Panguva iyoyo, wakanzwisisa chokwadi chinokosha cheBhaibheri chakawanda sei? Zvino chienzanisa izvozvo nezvawakadzidza kubvira panguva iyoyo uye zvaunokwanisa kuratidza zvakajeka kuti ndezvechokwadi kubva muMagwaro. Kana kuti funga nezvezvinhu zvakadzama zvawava kunzwisisa, kusanganisira uprofita huri kuzadzika iye zvino. Uye funga nezvokufambira mberi kwawaita pakushandisa zvakananga zvikamu zveBhaibheri pamararamiro ako. Chokwadi, wafambira mberi zvikuru! Iwe pachako ungataura sezvakaita muapostora Petro, kuti: “Tine shoko rouprofita rakaitwa kuti rive rechokwadi kwazvo.” (2 Petro 1:19) Pfungwa yacho ndeiyi: Iwe pachako wave uchi“dzidziswa naJehovha” uye uri mumwe wevanhu vanonamata zvechokwadi uye unoda kushumira Jehovha nokusingaperi. (Isaya 54:13) Zvechokwadi ungati akatokukomborera zvikuru.
ZITA RAKO RIRI MUBHUKU ROUPENYU
13. Zvinoita sei kuti zita romunhu rinyorwe mubhuku raMwari rokuyeuchidza?
13 Unowana zvimwe zvikomborero zvinobva kuna Jehovha zvinotaurwa pana Maraki 3:16, kuti: “Panguva iyoyo vaya vaitya Jehovha vakataurirana, mumwe nomumwe neshamwari yake, Jehovha akaramba akateerera uye achinzwa. Bhuku rokuyeuchidza rakatanga kunyorwa pamberi pake nokuda kwevaya vanotya Jehovha nevaya vanofunga nezvezita rake.” Vakazodzwa pamwe chete nevaya veboka guru vanoratidza ku“tya Jehovha” uku kwokumuremekedza. Hauzvioni seropafadzo here kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, mumwe wevanhu vanofara vanofunga nezvezita raJehovha uye vanorikudza munyika yose? Chokwadi unogona kugutsikana iwe pachako, zvauine chivimbo chokuti Jehovha anoyeuka kutendeka kwako!—VaHebheru 6:10.
14. Vaprofita 12 vakakubatsira sei kuona kuti mafungiro api uye zvinhu zvipi zvinosemwa naJehovha?
14 Asi, iwe pachako ungakodzera sei kuti zita rako rinyorwe mu“bhuku rokuyeuchidza” iroro, riri kutonyorwa iye zvino pamberi paJehovha? Yeuka mamwe emazano okuchenjera atakawana mumabhuku evaprofita 12. Takadzidza nezvomufambiro, unhu, uye mafungiro zvisingafadzi Jehovha. Somuenzaniso, vaprofita vacho vakaita kuti tichenjerere zvinhu zvinonzi naMwari zvinopesana nezvinhu zvakarurama zvaanoda uye zvinogona kuparadza upenyu hwedu, zvakadai so‘kusazvibata’ uye “kuda kuita ufeve.” (Hosiya 4:12; 6:9) Mwari anovenga vaya vanonyengera wavakaroorana naye kana kuti, dzimwe nhengo dzemhuri. (Maraki 2:15, 16) Jehovha akafuridzira vaprofita vacho kuti vasimbise kuti haafariri chisimba, chero chorudzi rupi zvarwo. (Amosi 3:10) Akaitawo kuti vasimbise zvakanakira kudzivisa kusaruramisira kana kuti kusatendeseka munyaya dzebhizimisi nedzemari. (Amosi 5:24; Maraki 3:5) Uye mabhuku acho 12 akasimbisa kukosha kwazvinoita kuti varume vakapiwa chiremera vasabvumira kuti zvavanosarudza zvikanganiswe norusaruro kana kuti zvinhu zvoudyire.—Mika 7:3, 4.
15. Ndezvipi zvinhu zvinobatsira zvakanaka chaizvo zvauchawana nokutevera zvakarayirwa nevaprofita 12?
15 Zvisinei, vaprofita vacho havana kungotiratidza chete zvinhu zvatinofanira kudzivisa. Vakatiratidzawo zvinhu zvinobatsira zvatinogona kuwana nokutsigira zvinodiwa naMwari. Tichava noukama hwepedyo zvikuru naJehovha. (Mika 4:5) Ungano yedu ichava yakatsiga zvikuru uye inoshingaira kana kururama kuchiwedzera. Ukama hwedu newatakaroorana naye huchava hwakasimba, uye mhuri yedu ichava yakabatana kwazvo, ichiramba ichifunga zvinhu zvine chokuita nokunamata. (Hosiya 2:19; 11:4) Kana tikaita zvinhu zvakarurama uye nokutendeseka, ticharemekedzwa nevamwe. Tichitevedzera ngoni dzaJehovha, ticharatidza tsitsi nomutsa worudo uye hama dzedu nehanzvadzi dzotiratidzirawo izvozvo. (Mika 7:18, 19) Chokwadi, tichapoteredzwa nevanhu vanoda zvokunamata, hama nehanzvadzi dzinoda chokwadi norugare, uye zvinonyanya kukosha ndezvokuti tichange tava noushamwari naJehovha. (Zekariya 8:16, 19) Haubvumi here kuti izvi zvikomborero zvauri kutowana iye zvino?
16. Kusiyana kupi kuri pachena mazuva ano, uye izvi zvicharevei pazuva raJehovha rokuzvidavirira?
16 Pamusana pezvatichangobva kukurukura, ichokwadi chaicho kuti “kusiyana kwomunhu akarurama nomunhu akaipa”—kwomuKristu wechokwadi nowenhema—kwava pachena zvakanyanya kupfuura kare. (Maraki 3:18) Tiri kuvavarira kuita zvinodiwa naJehovha nepo nyika ichiramba ichinyura mumatambudziko okusada Mwari. Uye unoziva kuti kusiyana uku kuchava nemigumisiro yakakomba “zuva guru raJehovha” parinosvika.—Zefaniya 1:14; Mateu 25:46.
17. Munguva yemberi, ungashandisa sei mashoko ari mubhuku rino?
17 Saka, zviri pachena kuti zano revaprofita vacho 12 harichinji nokufamba kwenguva. Sezvaunotarisana nematambudziko chaiwo kana kuti zvisarudzo, ungada kudzokorora mashoko anobatsira akurukurwa muzvitsauko zvebhuku rino. Nokuita izvozvo ungaratidza chido chako chokuramba uchirayiridzwa nzira dzaJehovha uye choku“famba mumakwara ake.” (Mika 4:2) Zvisinei, kufamba munzira iyoyo hakusi kwenguva ino chete. Chido chako chomwoyo wose hachisi here chokuita kuti zita rako rinyorwe zvechigarire mubhuku raJehovha rokuyeuchidza? Mabhuku evaprofita 12 anogona kukubatsira kuita izvozvo.
KUTENDA KUNOITA KUTI UPONESWE
18. Ndechipi chinodiwa chinokosha chaunowana pana Joeri 2:32, uye muapostora Pauro akawedzera chii pane chinodiwa ichocho?
18 Achisimbisa chinhu chikuru chinogona kuita kuti ufarirwe kwenguva refu naMwari, Joeri akati: “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.” (Joeri 2:32) Vaapostora vaviri, Petro naPauro, vakataura nezvechinodiwa ichi chinokosha. (Mabasa 2:21; VaRoma 10:13) Pauro akawedzera chimwe chinhu pakukurudzira ikoko paakabvunza kuti: “Vachadana sei pana iye wavasina kutenda maari?” (VaRoma 10:14) Iwe, chokwadi unoda kudana zita raJehovha wotenda maari iye zvino uye nokusingaperi!
19. Kudana zita raJehovha kunorevei?
19 Kudana zita raJehovha hakurevi kungoziva uye kushandisa zita raMwari pachake. (Isaya 1:15) Mamwe mashoko akapoteredza Joeri 2:32 anosimbisa kupfidza kwechokwadi uye kuvimba nokukanganwira kwaJehovha. (Joeri 2:12, 13) Kudana zita raMwari kunoreva kunyatsosvika pakumuziva, kuvimba naye, kumuteerera, uye kumuisa pokutanga muupenyu hwedu. Chokwadi, kushumira Jehovha kunova chinhu chinonyanya kukosha kwatiri. Izvozvowo zvinobatsira zvikuru pakuva noupenyu hunogutsa uye husingaperi, uhwo huri chikomborero chinobva kuna Mwari.—Mateu 6:33.
20. Sezvaunotenda, mubayiro upi unoshamisa waunokwanisa kuwana?
20 Achishandisa Habhakuki, Jehovha akati: “Asi munhu akarurama, acharamba achirarama nokutendeka kwake.” (Habhakuki 2:4) Iva nechokwadi chokunyatsoisa izvozvo mupfungwa nomwoyo. Ichocho ndechimwe chechokwadi chinokosha cheBhaibheri. Pauro akataura nezvorugwaro irworwo katatu mutsamba dzake dzakafuridzirwa.b (VaRoma 1:16, 17; VaGaratiya 3:11, 14; VaHebheru 10:38) Chokwadi ichi chinoda kuti utende muchibayiro chakapiwa naJesu Kristu nokuda kwezvivi zvedu. Jesu akatsanangura kuti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari . . . ave noupenyu husingaperi.” Tinoverengawo kuti: “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi.” (Johani 3:16, 36) Chibayiro ichocho chinoita kuti pave nokuporeswa kunogona kungoitwa noMudzikinuri wedu chete. Pashure pokunyora zvakataurwa naJehovha zvichaitwa nezuva Rake guru panyika yakaipa yaSatani, Maraki akapfuurira achiti: “Imi munotya zita rangu muchapenyerwa nezuva rokururama, rine kuporesa mumapapiro aro.” Chokwadi, Jesu achapenya aine kuporesa. Izvozvo zvinosanganisira kuporeswa pane zvokunamata kwatiri kuwana iye zvino. Asi, zvinofadza zvikuru kufunga kuti zvicharevawo kuporeswa zvizere mumuviri munyika itsva!—Maraki 4:2.
21. Nei ungatenda kuti Jehovha anokwanisa kuita zvaanoda?
21 Zvinokoshawo kutenda kuti Mwari anokwanisa kuita zvaanoda. Muzuva raMika, zvakanga zvakaoma kuvimba nevamwe vanhu. Muprofita wacho akati: ‘Musatenda wamunofambidzana naye. Regai kuvimba neshamwari inovimbwa.’ Kunyange zvakadaro, Mika akanga asina kuomerwa nokuvimba naJehovha; uyewo iwe haufaniri kuomerwa. Mika akati: “Ini, ndicharamba ndichitarira kuna Jehovha.” (Mika 7:5, 7) Kusiyana nevanhu vasingagoni kuvimbwa navo, Jehovha anoda uye ane simba rokuzadzisa chinangwa chake kuti areverere uchangamire hwake uye kuti vanhu vanotenda vagare zvakanaka nokusingaperi.
22. Chii chichaitika kune vaya vanodana zita raJehovha mukutenda?
22 Unogona kudzokorora mashoko aHabhakuki nechivimbo okuti: “Ndichapemberera Jehovha nomufaro; ndichafarira Mwari wokuponeswa kwangu.” (Habhakuki 3:18) Muprofita Joeri naPauro vanoisa pachena chikonzero chokuti vaya vanodana zita raJehovha vafare vachiratidza kutenda, vachiti: Va“chaponeswa.” (Joeri 2:32; VaRoma 10:13) Vachaponeswa sei? Kutenda kwako kwakatokuponesa pamanomano aSatani uye pane zvinoitika zvakawanda zvinorwadza zvinosangana nevakaipa. (1 Petro 1:18) Zvisinei, kupfuura izvozvo, unogona kutarira mberi uine chivimbo chokuponeswa pakuguma kune njodzi zvikuru kwemamiriro ezvinhu aripo iye zvino. Izvozvo zvichaita kuti ukwanise kuwana zvikomborero zvakawanda zvakataurwa nezvazvo nevaprofita 12.
ZVISHOMANANA ZVICHANGE ZVAKAITA PARADHISO
23, 24. (a) Ndezvipi zvishomanana zvichange zvakaita Paradhiso zvinotaurwa nevaprofita 12? (b) Maonero aunoita nguva yemberi achinjwa sei nezvakanyorwa nevaprofita 12?
23 Pane zvikomborero zvinogara nokusingaperi zvakamirira vaya ‘vanotya zita raJehovha.’ (Maraki 3:16) Vamwe vevaprofita vacho 12 vakaratidza zvakajeka zvishomanana zvichange zvakaita Paradhiso yepasi pano yava pedyo, rondedzero dzinogona kukuzadza nomufaro uye tarisiro. Somuenzaniso, Mika akanyora kuti: “Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, nepasi pomuonde wake, hapana angazovadederesa.” (Mika 4:4) Chokwadi, muUmambo hwaMwari, uchanzwa wakachengeteka uye uchakohwa zvibereko zvebasa rako!
24 Kuti utarisire kuguma kwokurwara, kushungurudzika, uye kunyange rufu, hakusi chido chinongovawo zvacho mupfungwa. Fungidzira mufaro uchava nevaya vachamutsirwa kuupenyu vaine tarisiro yokusvika pakukwana! Zvinotaurwa naHosiya 13:14 zvichashanda kwavari zvizere pasi pano, zvokuti: “Ndichavadzikinura pasimba reSheori; ndichavanunura parufu. Haiwa iwe Rufu, kuruma kwako kuripi? Haiwa iwe Sheori, kuparadza kwako kuripi?” Pauro akashandisira ndima iyoyo pakumuka kwevanoenda kudenga.—1 VaKorinde 15:55-57.
25. Munyika itsva uchanzwa sei?
25 Hazvifaniri kuva zvakanyanya kuoma kudavira kuti kumuka kwevachagara panyika kuchaitika. (Zekariya 8:6) Amosi naMika pavakafanotaura kuti vanhu vaMwari vaizodzoka vachibva kwavakanga vatapwa, izvozvo zvingave zvakaita sezvakaoma kudavira. Asi, unoziva kuti zvakaitika. (Amosi 9:14, 15; Mika 2:12; 4:1-7) Vanhu vacho vakadzoka vakabvuma kuti: “Takaita sevaya vairota. Panguva iyoyo miromo yedu yakazadzwa nokuseka, uye rurimi rwedu nokushevedzera kwokufara. . . . Jehovha akaita chinhu chikuru pane zvaakatiitira. Tava kufara.” (Pisarema 126:1-3) Iwayo ndiwo manzwiro auchaita munyika itsva pauchawana ‘chikomborero kusvikira usisina chaunoshayiwa.’
26. Chii chiri mberi nokuda kwevaya vanorarama vachifunga nezvezuva raJehovha?
26 Pashure pokunge “zuva raJehovha” rabvisa uipi hwose panyika, “umambo huchava hwaJehovha” mupfungwa izere. (Obhadhiya 15, 21) Ichocho hachizovi chikomborero chinoshamisa kuvanhu vake vose vaanenge achitonga vari panyika here? Uye unogona kuva mumwe wevaya vachashandirwa nemashoko echitsauko 3 chaMaraki, anoti: “‘Vachava vangu,’ Jehovha wemauto adaro, . . . ‘Ndichavanzwira tsitsi, sezvinoita murume anonzwira nyasha mwanakomana wake anomushandira.’” (Maraki 3:17) Zviri pachena kuti kutendeka kwako, kunoita kuti uzoponeswa, kuchaita kuti uzowana ‘chikomborero kusvikira usisina chaunoshayiwa.’ Iyoyo itarisiro inoshamisa zvikuru!
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane mamwe mashoko, ona Nharireyomurindi yeChirungu yaJune 15, 1987, mapeji 14-20.
b Pauro akatora mashoko muSeptuagint yechiGiriki, umo mashoko acho akati siyanei nemashoko echiHebheru.
WABATSIRWA SEI?
• Wakabatsirwa sei nokucheneswa pakunamata kwevanhu vaJehovha vemazuva ano?—Dhanieri 12:10; Maraki 3:12.
• Nei uchida kuwedzera zvibayiro zvaunopa Mwari?—Hosiya 14:2; 1 Petro 2:5.
RARAMA UCHIFUNGA NEZVEZUVA RAJEHOVHA
• Nei uchifunga kuti zvinokosha kugara uchifunga nezvaHabhakuki 2:4?—Hosiya 2:18, 20.
• Vaprofita 12 vawedzera sei kutarisira kwaunoita nyika itsva?—Pisarema 126:1-3.
• Nei wakatsunga kurarama uchifunga nezvezuva raJehovha?—Joeri 2:1, 2; Habhakuki 2:2, 3.
[Mufananidzo uri papeji 180, 181]
Jehovha ave achinatsa vanhu vake seboka. Isu somunhu mumwe nomumwe tichiri kufanira kuzvinatsiridza here?
[Mufananidzo uri papeji 187]
Joeri
[Mifananidzo iri papeji 188, 189]
Vashumiri vaJehovha vakapoteredzwa nevaya vanoda chokwadi nokururamisira