Mufarwa Wakavimbiswa!
“VANOFARA ndeavo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu,” akataura kudaro Jesu Kristu. (Mateo 5:3, NW) Mukupesana nouchenjeri hwetsika, Jesu akanongedzera kukugutswa kwechinodikanwa chomudzimu chomunhu panzvimbo pokugutswa kwezvishuvo zvokunyama sorutivi rumwe runokosha nokuda kworubudiriro mukurondwa kwomufarwa. Mashoko iwayo aJesu, kana akateverwa, anoguma nevimbiso yomufarwa.
Kuziva chinodikanwa chako chomudzimu, zvisinei, kunoreva zvinopfuura kungova hako unoziva kuti chakadaro chiriko. Kazhinji kazhinji zvikuru, chinodikanwa chisingagutswi manyuko efunganyo nepfundepfunde panzvimbo pomufarwa. Chirevo cheBhaibheri chinokutaura neiyi nzira, kuti: “Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo.” (Zvirevo 13:12) Nokudaro, mufarwa unokura sezvo munhu anoita nhano dzokuziva dzokonokei ogutsa chinodikanwa chake chomudzimu. Ikoku kunogona sei kuitwa?
Apa ndipo apo Bhaibheri rinogovera chinodikanwa. Neiko? Nokuti iro roga rinogona kugovera mhinduro kumibvunzo iyo vakawanda vakarangarira kwenguva refu vasingawani mhinduro dzinogutsa. Somuenzaniso, wati wambobvunza here kuti, ‘Chii chiri chinangwa choupenyu? Neiko munhu ari papasi? Nguva yemberi inei?’ Mukuwedzera kukugovera mhinduro kuiyi mibvunzo nemimwe, Bhaibheri rinogoverawo nhungamiro yokurarama iyo yakabetsera mamiriyoni kugonana nezvinetso zvakaoma zvakanangana nesu tose nhasi uye zvinowanzopinganidza kutsvaka kwedu mufarwa. “Shoko [raMwari] ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu,” anodaro wezvamapisarema. (Pisarema 119:105) Hungu, Bhaibheri inhungamiro yechokwadi inogona kukubetsera kubudirira mukurondwa kwomufarwa. Rangarira iyi mienzaniso miviri chaiyoiyo.
Kubva Mupfundepfundekuenda Kumufarwa Womuchato
Muchato unogona kuva manyuko omufarwa kana kuti nhamo. Nenzira inosuruvarisa, nokuda kwavakawanda ndokwapashure. Zvisinei, zano reBhaibheri, apo rinoshandiswa, rakabetsera vakawanda kuwana mufarwa mune waichimbova muchato usingafadzi.
Yungk’un naMeihsiu vakava nechiitiko chakadaro. “Makore manomwe okutanga omuchato wedu akanga asingafadzi,” anodudza kudaro Yungk’un. “Ndaipedza nguva shoma zvikuru nomudzimai wangu navanasikana vaviri. Kutaura idi, ndaiwanzorara kunzvimbo yangu yebasa.” Kunyange zvazvo vaiva nezvose zvavaida zvokunyama, vakanga vasingafari. Mudzimai wake anowedzera, kuti: “Kunze kwokutigovera zvokunyama, murume wangu akasiyira nhau dzose dzemhuri mukutarisira kwangu. Ndakakuitira chaizvoizvo pfundepfunde.” Vaitofunga nezvokuparadzana.
Yungk’un akanga ane zvimwe zvinetsowo zvemhuri. Nemhaka yezvinetso zvekare zvemhuri, akanga asina kutaura kuhanzvadzi yake kwamakore manomwe. Ikoku pasinei hapo neidi rokuti vaigara mamita asingasviki zana rimwe kubva kune mumwe nomumwe. Zvino, zvisinei, anofarikanya muchato unofadza noukama hwakaisvonaka nehanzvadzi yake. Neiko iyi chinjo huru yakaitika?
“Mudzimai wangu neni takavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha nokupinda misangano yazvo yeBhaibheri yevhiki nevhiki,” anotsanangura kudaro Yungk’un. Hanzvadzi yake yakaita zvimwe chetezvo. Vakavamba kushandisa zvinhu zvavakanga vachidzidza uye vakashamiswa nemigumisiro. Yungk’un akawana basa raimubvumira kutarisira zvisati zvichingova bedzi zvinodikanwa zvokunyama zvemhuri yake asiwo zvinodikanwa zvavo zvomudzimu nezvendangariro. Zvino vanofarikanya upenyu hwemhuri hunofadza, hwakabatana.
Akawana Chinangwa Muupenyu
Avo vanofunda musikirwo womunhu vakataura kuti kuti tive vanofara tinoda chikonzero chokurarama, chinangwa muupenyu. Upenyu hwakavakirwa pakurondwa kwoudyire kwezvinhu zvokunyama hahusati huchigutsa ichi chinodikanwa. Lini ana makore makumi maviri namatanhatu okukura akawana ikoku kuva kwechokwadi.
“Ndaiwanzoshanda maawa 12 pazuva, mazuva manomwe pavhiki,” iye anodaro. “Nharidzano yangu yakanga iri yokuzarura saruni huru yorunako.” Kunyange zvazvo aiva pedyo nokuzadzika chiroto chake, akanzwa kuti chimwe chinhu chakanga chichishayikwa muupenyu hwake. “Ndaiwanzoshamisika pamusoro pechinangwa choupenyu. Chakanga chichingova bedzi chokushanda ndokuwana mari yakawanda here?”
Ipapo rimwe zuva mumwe munhu akapinda mushopu yake ndokubvunza mubvunzo wakafanana waakanga ashamisika pamusoro pawo. Akaudzwa kuti Bhaibheri rinogona kupindura mubvunzo iwowo. Kunyange zvazvo akanga asina kutongorava Bhaibheri kare, akabvumira kutsaura awa imwe vhiki imwe neimwe kuti arinzvere.
Kubva mufundo yake yevhiki nevhiki, Lini akadzidza kuti Bhaibheri rakanga radeya kutaura zvakawanda zvezvinhu zvaakanga achiona zuva rimwe nerimwe. Akashamiswa nokuti Bhaibheri rakanga rarondedzera nomazvo sei kuchine nguva mberi zvimiro zvendangariro zvaivako makamupoteredza mose, richideya kutaura kuti vanhu vaizova “vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari.” Akafunda humwe uporofita hunonongedzera kukutambura kusingaenzaniswi kunoparirwa nehondo, nzara, uye ngwavaira dzomusikirwo idzo dzinooneka kupote nyika.—2 Timotio 3:1-5; Mateo 24:7, 12.
Lini ipapo akadzidza chimwe chinhu chakamuita kuti afare zvikuru—aya mamirire ezvinhu zvenyika ayo anowanzotorera vanhu mufarwa chiratidzo chokuti nhambo itsva munhau yomunhu yava pedyo. (Mateo 24:3-14) Akaravawo muBhaibheri kuti Musiki worudzi rwomunhu anoronga kugadza nyika itsva pano pasi, umo rubudiriro rwokunyama rwakadai sourwo munhu asina kukwana asina kutongoziva ruchakurira munyika yose. (Pisarema 72:16; Isaya 65:17, 18, 21, 22) Ichi chaunga chinobudirira chomunguva yemberi hachisati chichizoshatswa nokuvapo kwamakaro, udyire, uye kudisa zvenyika, nemigumisiro yakaipa yazvo yose. (Pisarema 37:9-11, 29; 1 VaKorinte 6:9, 10) Akafara apo akarava aya mashoko muBhaibheri: “Sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.”—2 Petro 3:13.
Mufarwa Wakakumirira
Panzvimbo pokupedzera nguva yake yose mukurondwa kwenharidzano dzokunyama, Lini zvino anopedzera yakawanda yenguva yake achiudza vamwe pamusoro pezvinhu zvaakadzidza. Ungada kuziva zvakawanda pamusoro peizvi zvipikirwa zvinoshamisa here? Ungada kuwana kuti Bhaibheri rinogona sei kukubetsera kuwana mufarwa uyo Lini, Yungk’un, Meihsiu, uye mamiriyoni avamwe vakawanda here? Zvapupu zvaJehovha zvingada zvikurusa kukubetsera.
[Mufananidzo uri papeji 8, 9]
Musiki weduanoronga kugadza paradhiso yapasi