13 Mwanakomana akachenjera anobvuma kurayirwa nababa vake,+
Asi museki haateereri kana achitsiurwa.+
2 Munhu achadya zvibereko zvakanaka zvinobva pakutaura kwake,+
Asi chido chevanyengeri ndechekungoita zvemhirizhonga.
3 Munhu anobata muromo wake anochengetedza upenyu hwake,+
Asi munhu anoshama muromo wake asingaudzore achaparadzwa.+
4 Simbe ine zvainopanga, asi haina chinhu,+
Asi munhu anoshanda nesimba achagutswa.+
5 Vakarurama vanovenga manyepo,+
Asi vakaipa vanoita zvinonyadzisa uye zvinoshoresa.
6 Kururama kunochengetedza munhu anofamba asina mhosva,+
Asi uipi hunowisira pasi mutadzi.
7 Kune munhu anonyepedzera kuva mupfumi, asi iye asina chaainacho;+
Kune mumwe anonyepedzera kuva murombo, asi iye aine pfuma yakawanda.
8 Upfumi ndihwo rudzikinuro rweupenyu hwemunhu,+
Asi varombo havana kana anotombovanetsa.+
9 Chiedza chevakarurama chinopenya zvakajeka,+
Asi rambi revakaipa richadzimwa.+
10 Kuzvikudza kunongoita kuti papedzisire pava nekukakavadzana,+
Asi uchenjeri ndehwevaya vanotsvaga mazano.+
11 Upfumi hunowanikwa nekukurumidza huchakurumidza kupera,+
Asi upfumi hwemunhu anounganidza zvishoma nezvishoma huchawedzera.
12 Kana zviri kutarisirwa zvikanonoka, mwoyo unonetseka,+
Asi kana chishuwo chikazadziswa, iwoyo muti weupenyu.+
13 Munhu wese anoshora zvaanenge achidzidziswa achakohwa izvozvo,+
Asi uya anoremekedza murayiro achapiwa mubayiro.+
14 Zvinodzidziswa nemunhu akachenjera zvinopa upenyu+
Zvichibvisa munhu pamisungo yerufu.
15 Munhu anonzwisisa zvakadzama anonzwirwa nyasha,
Asi nzira yevanyengeri yakaoma kufamba.
16 Munhu akangwara anoita zvinhu zvinoratidza ruzivo,+
Asi benzi rinobudisa upenzi hwaro.+
17 Mutumwa akaipa anowira mudambudziko,+
Asi nhume yakatendeka inoporesa.+
18 Munhu wese anoramba kurayirwa anova murombo uye anonyadziswa,
Asi uya anobvuma kururamiswa achakudzwa.+
19 Kana chishuwo chazadziswa, munhu anofara,+
Asi benzi rinovenga kusiya zvakaipa.+
20 Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera,+
Asi uya anoshamwaridzana nemapenzi zvichamuipira.+
21 Dambudziko rinotevera vatadzi,+
Asi vakarurama vanowana mubayiro wekubudirira.+
22 Munhu akanaka anosiyira vazukuru vake nhaka,
Asi pfuma yemutadzi ichachengeterwa munhu akarurama.+
23 Munda wakarimwa wemurombo unobereka zvekudya zvakawanda,
Asi pakasatongwa zvakarurama unogona kuparadzwa.
24 Munhu asingashandisi shamhu yake anovenga mwanakomana wake,+
Asi anomuda anogara achimurayira.+
25 Munhu akarurama anodya kusvikira aguta,+
Asi matumbu evakaipa haana chinhu.+