Zvakaisvonaka zvomuEvhangeri yaMateo
JEHOVHA MWARI akafuridzira achimbova muteresi Mateo kunyora nhauro inofadza yokuberekwa, upenyu, rufu, uye rumuko rwaJesu Kristu. Tsigiro dziri muchiverengero chakati chamanyoro apashure pezana ramakore rechigumi dzinotaura kuti iyi Evhangeri yakanyorwa munenge mugore rechisere pashure pokukwira kwaJesu (c. 41 N.V.). Ikoku hakurwisani noufakazi hwomukati, sezvo nhauro yacho ichiguma nokutuma kwaJesu vaiti vavadzidzi muna 33 N.V. uye isingatauri chinhu pamusoro poruparadziko rweJerusarema rwakaitwa naVaRoma muna 70 N.V.
Muyake Historia Ecclesiastica (Ecclesiastical History), wezvenhau womuzana ramakore rechina Eusebius anonokora mashoko Papias naIrenaeus womuzana ramakore rechipiri naOrigen werechitatu, vose vavo vanoti iyi Evhangeri yakanyorwa naMateo uye vanotaura kuti akainyora muchiHebheru. Ko ichochi chakanga chiri chiAramaiki chaizvoizvo here? Kwete mukuwirirana nezvinyorwa zvinodudzwa naGeorge Howard, purofesa worudzidziso paUniversity of Georgia. Iye akanyora: “Iyi pfungwa yakavapo zvikurukuru nemhaka yechitendero chokuti chiHebheru mumazuva aJesu chakanga chisati chichashandiswa muParestina asi chakanga chatsiviwa nechiAramaiki. Kuwanwa kwapashure kweDead Sea Scrolls, mazhinji awo ari muchiHebheru, pamwe chete namamwe manyoro echiHebheru akabva Parestina omunhambo yenguva yaJesu, zvino anoratidza chiHebheru kuva chaiva chipenyu uye chakanaka muzana rokutanga ramakore.” Sezviri pachena, Mateo akanyora Evhangeri yake kuti abetsere maKristu echiHebheru asi angave akaishandurirawo muchiGiriki chavose.
Tinokukurudzira kurava Evhangeri yaMateo. Sezvatinorangarira zvishomanene zvezvakaisvonaka zvainayo, cherechedza mashoko akapoteredza ayo anojekesa nhauro yacho.
Kuberekwa Noushumiri Hwapakuvamba
Evhangeri yaMateo inotanga nomutsara wedzinza nokuberekwa kwaJesu. Apo Maria akawanwa ane pamuviri, mukomana wake, Josefa, “akafunga kumurega chinyararire.” (1:19) Asi iye aigona sei kuita saizvozvo, sezvo ivo vakanga vangobvunzirana bedzi? Eya, kuvaJudha mukadzi akabvunzirwa aiva nemisengwa mimwe cheteyo yakanga ine vakadzi vakaroorwa. Kudai iye akanga avatana nomumwe munhu, aigona kutakwa namabwe semhombwe. (Dheuteronomio 22:23-29) Nemhaka yorudzi runosunga rwokubvunzira, naizvozvo, Josefa akaronga kuchatanura naMaria, kunyange zvazvo kwakanga kusina chinoitika chakanga chavabatanidza muroorano.
Ganhuro dzapakuvamba dzeEvhangeri yaMateo ine Mharidzo yaJesu yapaGomo. Mairi, Kristu akanyevera kuti munhu aizova anozvidavirira ku“Dare Gurusa” nokuda kwokutaura kuhama “shoko risingataurike roruzvidzo.” (5:22, NW) Mutauro wakadaro wakaenzana nokudana hama yomunhu kuti benzi risina musoro.
Asi chii chakanga chiri “Dare Gurusa”? Yakanga iri Sanhedreni yeJerusarema yaiva nemitezo 71. Mashokoi aidikanwa kukwanirisa nokuda kwoumutezo mariri? Cyclopedia yaMcClintock naStrong inoti: “Mukumbiri aifanira kuva asina mhaka mutsika nomumuviri. Iye aifanira kuva nezera rapakati, murefu, akanaka, mupfumi, akadzidza . . . Iye aidikanirwa kuziva mitauro inoverengeka . . . Vanhu vakwegura zvikuru, vaproserite, ngomwa, uye vaNetinimi vakanga vasingakwanirisi nemhaka yamavara avo; uyewo vakwikwidzani vakadai savaisava navana vaisagona kusarudzwa, nemhaka yokuti vaisagona kunzwira urombo zvinhu zvemhuri . . . ; uyewo avo vaisagona kubvumikisa kuti vakanga vari vana vapamutemo vomuprista, muRevhi, kana kuti muIsraeri. . . . Mukwikwidzani weSanhedrimi Huru aidikanirwa, kutanga kwazvose, kuva aiva mutongi mutaundi romaakaberekerwa; kuva akabva ikoko achienda kuSanhedrimi Duku . . . , kuvambira panguva iyeyo zvakare kuva akafambira mberi kusvikira kuSanhedrimi Duku yechipiri . . . asati agona kugamuchirwa somutezo wamakumi manonwe nomumwe.”
Naizvozvo Jesu akareva kuti “aninaani anotaura kuhama yake neshoko risingatauriki roruzvidzo” ane mhaka yakaenzana neiyo yomunhu akawanika ane mhosva ndokutongerwa kurufu neDare Gurusa rechiJudha. Inyevero yakadini yokusazvidza hama dzedu! Ngatidzorei rurimi rwedu kuti tisatongowane shurikidzo muDare Gurusa, pamberi paJehovha, “Mutongi wapasi rose.”—Genesi 18:25; Jakobho 3:2-12.
Jesu Mudzidzisi Anobudirira
Evhangeri iyi inoratidzirawo Jesu somudzidzisi anokwanisa kupindura mibvunzo nounyanzvi. Somuenzaniso, mumhinduro kumubvunzo, iye akatsanangura chikonzero nei vadzidzi vake vaisazvinyima zvokudya. (9:14-17) Ivo vakanga vasina chikonzero chokuzvinyima zvokudya paakanga achiri mupenyu. Asi sezvaakadeya kutaura, ivo vakazvinyima zvokudya uye vakachema apo iye akafa nemhaka yokuti vakanga vasingazivi chikonzero nei rufu rwake rwakabvumirwa. Pashure pokugamuchira mudzimu mutsvene paPentekosta, zvisinei, ivo vakaziviswa uye havanazve kuzozvinyima zvokudya murusuruvaro.
Achiri kubata nenhau imwe cheteyo, Jesu akawedzera kuti hakuna munhu anonama nguvo yasakara nechiremo chitsva nemhaka yokuti simba racho rinoita kuti buri rive rakaipa zvikuru. Iye akataurawo kuti waini itsva haiiswi muhombodo tsaru. Hombodo, kana kuti bhodhoro reganda, rakanga riri dehwe remhuka rakasukutwa raingova zvichida gumbo rakasonwa. Waini itsva inovira inoburitsa carbon dioxide iyo inoshandisa simba rakakwana kuparura hombodo dzakare, dzakaoma. Nenzira yakafanana, zvokwadi iyo Jesu akadzidzisa yakanga ine simba zvikuru nokuda kwechiJudha chekare, chakaoma. Uyezve, iye akanga asiri kuedza kunama kana kuti kupfuuridzira sangano ripi neripi rasakara rorudzi raiva netsika dzaro dzokuzvinyima zvokudya nemimwe miitiro. Panzvimbo pezvo, Mwari akashandisa Jesu kutanga sangano idzva rokunamata. Zvirokwazvo, ipapoka, hatifaniri kuita chinhu chipi nechipi chokutsigira masangano okutenda kwakavhengana kana kuti kupfuuridzira rudzidziso rwenhema.
Teerera Zano Rinobva kuMwanakomana waMwari
Mukuwirirana nenhauro yaMateo yokushanduka chitarisiko, Mwari akadana Jesu kuti Mwanakomana Wake anotenderwa uye akataura kuti tinofanira kumuteerera. (17:5) Naizvozvo tinofanira kuteerera zano rose raKristu, zvakadai senyevero yake yokuti munhu upi noupi anogumbura munhu anoisa kutenda maari kwaizova nani kuti anyudzwe mugungwa akasungirirwa guyo muhuro make. (18:6) Iri raiva rudzii rwedombo? Kwete duku, nokuti Jesu akareva guyo rakakura namamita 1,2 kusvikira ku 1,5. Kuitenderedza padombo guru rapasi kwaida simba remhuka. Hakuna munhu aigona kupona ari mugungwa ane uremu hwakadaro mumutsipa make. Chaizvoizvo, ipapoka, Jesu akanga achitipa zano rokudzivisa mhaka yokugumbura ani naani wavateveri vake. Nedonzo rakafanana, muapostora Pauro akanyora, kuti: “Zvakanaka kusadya nyama, kana kusanwa waini, kana kusaita chimwe chinhu chingagumburisa hama yako.”—VaRoma 14:21.
Mwanakomana waMwari akapa zano risina kunanga apo akazivisa nhamo pavanyori navaFarise ndokutaura kuti ivo vakanga vakafanana namakuva akacheneswa. (23:27, 28) Wakanga uri muitiro kuchenesa makuva namarinda kuitira kuti vanhu vagosazoabata netsaona ndokuva vasina kuchena. Kupfurikidza nokunongedzera kuuyu muitiro, Jesu akaratidza kuti vanyori navaFarise vakaoneka savakarurama nechekunze asi vakanga “vakazara nokunyengera nokusateerera mutemo.” Kuteerera iri zano rakarehwa kuchatiparira kudzivisa unyengeri ndokuita “nokutenda kusina unyengeri.”—1 Timotio 1:5; Zvirevo 3:23; 2 Timotio 1:5.
Muenzaniso Wedu Muchengeti Weperero
Pashure pokunyora uporofita hwaJesu pamusoro pe‘chiratidzo chokuvapo kwake,’ Mateo anotaura nezvokushambadzwa kwaKristu, kusungwa, kuedzwa, rufu, uye rumuko. Ari padanda, Jesu akaramba waini yakavhenganiswa nenduru, chinhu chino muuyo wokurarisa. (27:34) Vakadzi nomuitiro vaipa waini yakadaro kumatsotsi kuuraya marwadzo okuroverwa. Marko 15:23 inotaura kuti waini yacho yakanga “yakavhenganiswa nemura,” uko kwaizovandudza kunaka. Sezviri pachena, zvose zviri zviviri nduru nemura zvaiva muwaini iyo Kristu akaramba. Sezvo akasvika mugumo wenzira yake yapasi, iye haana kuda kupiwa mirimo kana kuti kuitwa benzi. Jesu akashuva kudzora zvakazara pfungwa dzake kuti ave akatendeka kusvikira kurufu. Kufanana noMuenzaniso wedu, nguva dzose ngatiitire hanya kuchengeta kwedu perero kuna Jehovha Mwari.—Pisarema 26:1, 11.