Vakadzi vechiKristu Vanofanirwa Norukudzo Noruremekedzo
“Imi varume, pfuurirai kugara navo . . . mukuwirirana nezivo muchivapa rukudzo sezvamunoita kumudziyo une simba duku zvikuru, iye munhukadzi.”—1 PETRO 3:7, NW.
1, 2. (a) Kurukurirano yaJesu nomukadzi weSamaria patsime yakanyandura itiro hanyai, uye nei? (Onawo mashoko omuzasi.) (b) Kupfurikidza nokuparidzira mukadzi weSamaria, chii icho Jesu akaratidzira?
PATSIME rekare pedyo neguta reSikari mamwe masikati pedyo nomugumo wa 30 C.E., Jesu akaratidza nzira yaainzwa kuti vakadzi vanofanira kubatwa nayo. Akanga apedza mangwanani acho achifamba nomunyika ine makomo yeSamaria ndokusvika patsime aneta, ava nenzara, uye ava nenyota. Sezvo akagara pedyo netsime, mumwe mukadzi weSamaria akasvika kuzochera mvura. “Ndipeiwo, ndinwe,” Jesu akadaro kwaari. Mukadzi wacho anofanira kuva akamudzvokora mukukatyamadzwa. Akabvunza, kuti: “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria?” Gare gare, apo vadzidzi vake vakadzoka kubva kundotenga zvokudya, vakashamisika, vachinetseka kuti chikonzero nei Jesu akanga achi“taurirana nomukadzi.”—Johane 4:4-9, 27.
2 Chii chakasunda mubvunzo wouyu mukadzi neitiro hanya yavadzidzi? Akanga ari muSamaria, uye vaJudha vakanga vasingadyidzani navaSamaria. (Johane 8:48) Asi sezviri pachena pakangawo pane chimwe chikonzero chokuitira hanya. Panguva iyoyo, gamuchidzanwa ravanarabhi raisakurudzira varume kutaura navakadzi pachena.a Bva, Jesu akaparidzira pachena uyu mukadzi wapachokwadi, kunyange kuzivisa kwaari kuti akanga ari Mesiya. (Johane 4:25, 26) Jesu nenzira iyoyo akaratidza kuti aisazoganhurirwa nemagamuchidzanwa asiri apamagwaro, kubatanidza ayo aideredza vakadzi. (Marko 7:9-13) Mukupesana, kupfurikidza nezvaakaita uye kupfurikidza nezvaakadzidzisa, Jesu akaratidzira kuti vakadzi vanofanira kubatwa norukudzo noruremekedzo.
Nzira Iyo Jesu Akabata Nayo Vakadzi
3, 4. (a) Jesu akadavidza sei kumukadzi akabata nguo yake? (b) Jesu akagadza sei muenzaniso wakanaka nokuda kwavarume vechiKristu, zvikurukuru vatariri?
3 Tsitsi nyoro dzaJesu kuvanhu dzakaratidzirwa munzira iyo akabata nayo vakadzi. Pane imwe nhambo mumwe mukadzi uyo akanga ave achirwara nokuyerera kweropa kwamakore 12 akatsvaka Jesu mumhomho. Mamiriro ake ezvinhu akamuita kuti asave akachena mutsika, naizvozvo aisafanira kuva akanga aripo. (Revhitiko 15:25-27) Asi akanga apererwa nezano kwazvo zvokuti akafamba zvinyoronyoro mumashure maJesu. Apo akabata nguo yake, akaporeswa pakarepo! Kunyange zvazvo akanga ari munzira kuenda kumusha waJairosi, ane mwanasikana akanga achirwara zvakakomba, Jesu akamira. Anzwa simba rabuda maari, akatsvaka akanga amubata. Pakupedzisira, mukadzi wacho akauya ndokuwira pamberi pake achidedera. Jesu aizomutuka here nokuda kwokuva mumhomho kana kuti nokuda kwokubata nguo yake pasina mvumo yake? Mukupesana, akamuwana ane ushamwari zvikuru uye ane mutsa. “Mukunda,” akadaro, “kutenda kwako kwakuponesa.” Iyi ndiyo nguva bedzi apo Jesu akadana zvakananga mukadzi kuti “mukunda.” Shoko iroro rinofanira kuva rakamunyaradza sei!—Mateo 9:18-22; Marko 5:21-34.
4 Jesu akarangarira zvinopfuura revo yoMutemo. Akaona revo chaiyo yaiutsigira uye dikanwo yengoni netsitsi. (Enzanisa naMateo 23:23.) Jesu akacherechedza mamiriro ezvinhu okupererwa nezano omukadzi airwara ndokurangarira kuti akanga achisundwa nokutenda. Nenzira iyoyo akagadza muenzaniso wakanaka nokuda kwavarume vechiKristu, zvikurukuru vatariri. Kana hanzvadzi yechiKristu iri kunangana nezvinetso zvomunhu oga kana kuti zvikurukuru mamiriro ezvinhu akaoma kana kuti anoedza, vakuru vanofanira kuedza kutarira zvinopfuura mashoko apakarepo kana kuti zviito ndokurangarira mamiriro ezvinhu nevavariro. Kunzwisisa kwakadaro kungaratidzira kuti shiviro, nzwisiso, uye tsitsi zvinodikanwa panzvimbo pezano neruramiso.—Zvirevo 10:19; 16:23; 19:11.
5. (a) Vakadzi vakanga vakaganhurirwa munzirai nemagamuchidzanwa avanarabhi? (Ona mashoko omuzasi.) (b) Ndivanaani vakanga vari vokutanga kuona nokupupura pamusoro paJesu akamutswa?
5 Vaganhurirwa nemagamuchidzanwa avanarabhi, vakadzi vairarama apo Jesu akanga ari pasi pano vakanga vakaganhurirwa pakubatira sezvapupu zvapamutemo.b Rangarira chakaitika nokukurumidza mushure mokunge Jesu amutswa kubva muvakafa pamangwanani aNisani 16, 33 C.E. Ndiani aizova wokutanga kuona Jesu akamutswa ndokupupura kuvamwe vadzidzi kuti Ishe wavo akanga amutswa? Kwakabvumikisa kuva vakadzi avo vakanga vagara pedyo nenzvimbo yokuroverwa padanda kutozosvikira afa.—Mateo 27:55, 56, 61.
6, 7. (a) Chii icho Jesu akaudza vakadzi vakauya kuguva? (b) Vadzidzirume vaJesu vakaita sei pakutanga kuchipupuriro chavakadzi, uye chii chinogona kudzidzwa muna ikoku?
6 Mangwanani-ngwanani pazuva rokutanga revhiki, Maria Magdharene navamwe vakadzi vakaenda kuguva nezvinonhuwira kuti vazodze mutumbi waJesu. Pavakaona guva risina chinhu, Maria akamhanya kunotaurira Petro naJohane. Vamwe vakadzi vakasara. Nokukurumidza, ngirozi yakaoneka kwavari ndokuvaudza kuti Jesu akanga amutswa. “Kurumidzai muende mundoudza vadzidzi vake,” ngirozi yakarayira kudaro. Apo ava vakadzi vakanga vachikurumidzira kundozivisa mashoko acho, Jesu amene akaoneka kwavari. “Endai mundoudza hama dzangu,” akavaudza kudaro. (Mateo 28:1-10; Marko 16:1, 2; Johane 20:1, 2) Asingazivi nezveshanyo yengirozi uye akurirwa nenhamo, Maria Magdharene akadzokera kuguva risina chinhu. Jesu akaoneka kwaari ikoko, uye mushure mokunge amuziva pakupedzisira, akati kwaari: “Enda kuhama dzangu, uti kwavari: Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”—Johane 20:11-18; enzanisa naMateo 28:9, 10.
7 Jesu aigona kuva akaoneka kutanga kuna Petro, Johane, kana kuti mumwe wavamwe vadzidzirume. Panzvimbo pezvo, akasarudza kuda ava vakadzi kupfurikidza nokuvaita zvapupu zvakaona zvokutanga zverumuko rwake uye kupfurikidza nokuvarayira kupupura pamusoro parwo kuvadzidzirume vake. Varume vacho vakaita sei pakutanga? Chinyorwa chacho chinoti: “Mashoko awa akaita sooupenzi kwavari; vakasaatenda.” (Ruka 24:11) Kungagona here kuva kuti vakawana chipupuriro chacho chakaoma kugamuchira nemhaka yokuti chaibva kuvakadzi? Kana zvakadaro, mushure menguva yakati vakagamuchira ufakazi hwakawanda hwokuti Jesu akanga amutswa muna vakafa. (Ruka 24:13-46; 1 VaKorinte 15:3-8) Nhasi, varume vechiKristu vanoita nokuchenjera apo vanorangarira cherechedzo dzehanzvadzi dzavo dzomudzimu.—Enzanisa naGenesi 21:12.
8. Kupfurikidza nenzira yaakabata nayo vakadzi, chii icho Jesu akaratidza?
8 Kunofadza zvirokwazvo kucherechedza nzira iyo Jesu akabata nayo vakadzi. Akanga achinzwira tsitsi nguva dzose uye akadzikama zvakakwana mukubata navakadzi, haana kuvaderedza kana kuti kuvadukupisa. (Johane 2:3-5) Akaramba magamuchidzanwa avanarabhi ayo akavabvisira chiremera chavo uye ayo akashayisa basa Shoko raMwari. (Enzanisa naMateo 15:3-9) Kupfurikidza nokubata vakadzi norukudzo noruremekedzo, Jesu akaratidza zvakananga nzira iyo Jehovha Mwari anonzwa kuti vanofanira kubatwa nayo. (Johane 5:19) Jesuwo akagadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavarume vechiKristu kuti vatevedzere.—1 Petro 2:21.
Dzidziso dzaJesu Pamusoro Pavakadzi
9, 10. Jesu akaramba sei magamuchidzanwa avanarabhi pamusoro pavakadzi, uye chii chaakataura mushure mokunge vaFarise vamutsa mubvunzo pamusoro pechatanuro?
9 Jesu akaramba magamuchidzanwa avanarabhi ndokupa vakadzi chiremera kwete bedzi nezviito zvake asi kupfurikidza nedzidziso dzakewo. Rangarira, somuenzaniso, icho akadzidzisa pamusoro pechatanuro noupombwe.
10 Pamusoro pechatanuro, Jesu akabvunzwa uyu mubvunzo: “Ko munhu unotenderwa kurasha mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?” Mukuwirirana nenhoroondo yaMarko, Jesu akati: “Aninaani unorasha mukadzi wake [kunze kwechikonzero choufeve], akawana mumwe, unoita upombwe kwaari. Uye kana iye mukadzi akarasha murume wake, akawanikwa nomumwe, unofeva.” (Marko 10:10-12; Mateo 19:3, 9) Mashoko iwayo akataurwa zvakapfava akaratidza kuremekedza chiremera chavakadzi. Seiko?
11. Mashoko aJesu okuti “asi nemhaka youpombwe” anoratidzei pamusoro pechisungo cheroorano?
11 Kutanga, namashoko okuti “asi nemhaka youpombwe” (anowanika munhoroondo yeEvhangeri yaMateo), Jesu akaratidzira kuti chisungo cheroorano hachifaniri kurangarirwa nenzira yokurerutsa kana kuti kugurwa nenzira iri nyore. Dzidziso yavanarabhi yakanga yakapararira yakabvumira chatanuro pazvikonzero zviduku zvakadai sokukanganisa kwomukadzi kubika zvokudya kana kuti kutaura kumurume wechienzi. Chokwadi, chatanuro yaitobvumirwa kana murume akawana mumwe mukadzi akanga achikwezva zvikuru mumeso ake! Imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti: “Apo Jesu akataura sezvaakaita akanga . . . achitsigira vakadzi kupfurikidza nokutsvaka kudzorera roorano munzvimbo yainofanira kuva nayo.” Zvirokwazvo, roorano inofanira kuva mubatanidzwa wechigarire mauri mukadzi anogona kunzwa akachengeteka.—Marko 10:6-9.
12. Kupfurikidza namashoko okuti “unoita upombwe kwaari,” murangariroi uyo Jesu akanga achitanga?
12 Chechipiri, nokutaura kwokuti “unoita upombwe kwaari,” Jesu akatanga murangariro wakanga usingazivikanwi mumatare avanarabhi—murangariro wokuita kwomurume upombwe mukurwisana nomudzimai wake. The Expositor’s Bible Commentary rinotsanangura, kuti: “MuchiJudha chavanarabhi mukadzi kupfurikidza nokusatendeka aigona kuita upombwe mukupesana nomurume wake; uye murume, kupfurikidza nokuva nevatano nomukadzi womumwe murume, aigona kuita upombwe mukupesana naye. Asi murume aisatongogona kuita upombwe mukupesana nomudzimai wake, pasinei zvapo nezvaaiita. Jesu, kupfurikidza nokuisa murume mumusengwa wetsika mumwe chetewo somudzimai, akasimudzira chimiro noruremekedzo rwavakadzi.”
13. Pamusoro pechatanuro, Jesu akaratidza sei kuti mutsika yechiKristu, kwaizova nemupimo mumwe nokuda kwavose vari vaviri varume navakadzi?
13 Chechitatu, nemashoko okuti “kana . . . akarasha murume wake,” Jesu aiziva kodzero yomukadzi yokuchatanura murume asina kutendeka—sezviri pachena muitiro waizivikanwa asi waisazivikanwa mumutemo wechiJudha muzuva iroro.c Kwaitaurwa kuti “mukadzi angachatanurwa nemvumo kana kuti pasina mvumo yake, asi murume nemvumo yake bedzi.” Mukuwirirana naJesu, zvisinei, mutsika yechiKristu, mupimo mumwe chetewo ungashanda kuvose vari vaviri varume navakadzi.
14. Kupfurikidza nedzidziso dzake, chii icho Jesu akaratidzira?
14 Dzidziso dzaJesu dzinoratidza zvakajeka itiro hanya huru nokuda kwegarikano yavakadzi. Naizvozvo, hakusati kuri kwakaoma kunzwisisa chikonzero nei vamwe vakadzi vakanzwa rudo rwakadaro nokuda kwaJesu zvokuti vakatarisira zvinodikanwa zvake kubva muzvinhu zvavo vamene. (Ruka 8:1-3) “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu,” akadaro Jesu, “asi ndokwawakandituma.” (Johane 7:16) Kupfurikidza nezvaakadzidzisa, Jesu akaratidzira kuitira hanya kunyoro kwaJehovha amene nokuda kwavakadzi.
“Muchivapa Rukudzo”
15. Chii icho muapostora Petro akanyora pamusoro penzira iyo varume vanofanira kubata nayo vadzimai vavo?
15 Muapostora Petro akacherechedza zvakananga nzira iyo Jesu akabata nayo vakadzi. Makore 30 gare gare, Petro akapa vadzimai zano rorudo ndokunyora, kuti: “Imi varume, pfuurirai kugara navo nomutoo wakafanana mukuwirirana nezivo, muchivapa rukudzo sezvamunoita kumudziyo une simba duku zvikuru, iye munhukadzi, sezvo muriwo vadyi venhaka navo venyasha dzakakomba dzoupenyu, kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.” (1 Petro 3:7, NW) Chii icho Petro akareva nemashoko okuti “muchivapa rukudzo”?
16. (a) Chii chiri revo yezita rechiGiriki rinoshandurwa kuti “rukudzo”? (b) Jehovha akakudza sei Jesu mukati mokushanduka chitarisiko, uye chii chatinodzidza muna ikoku?
16 Mukuwirirana nomumwe munyori weduramashoko, zita rechiGiriki rinoshandurwa kuti “rukudzo” (ti·meʹ) rinoreva kuti “mutengo, ukoshi, rukudzo, ruremekedzo.” Zvimiro zveshoko rechiGiriki iri zvinoshandurwa kuti “zvipo” uye “zvinokosha.” (Mabasa 28:10, NW; 1 Petro 2:7, NW) Tinowana nzwisiso yezvakunoreva kukudza mumwe munhu kana tikanzvera kushandisa kwaPetro chimiro cheshoko rimwe chetero pana 2 Petro 1:17. Ipapo akati achinongedzera kukushanduka chitarisiko kwaJesu: “Iye wakapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakauya inzwi rakadai kwaari, richibva kukubwinya kukurukuru, richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira.” Pakushanduka chitarisiko kwaJesu, Jehovha akakudza Mwanakomana wake kupfurikidza nokutaura kubvumira kwake Jesu, uye Mwari akaita kudaro vamwe vachinzwa. (Mateo 17:1-5) Murume anokudza mudzimai wake, ipapo, haasati achimudukupisa kana kuti kumuderedza. Panzvimbo pezvo, anoratidzira namashoko ake nezviito zvake—pachivande uye pachena—kuti anomukoshesa.—Zvirevo 31:28-30.
17. (a) Neiko rukudzo rwakafanira mudzimai wechiKristu? (b) Neiko murume asingafaniri kunzwa kuti ane ukoshi hukuru zvikuru mumeso aMwari kupfuura zvinoita mukadzi?
17 Urwu rukudzo, Petro anodaro, runofanira ‘kupiwa’ navarume vechiKristu kuvadzimai vavo. Runofanira kupiwa, kwete semutsa, asi sechakafanira nenzira yakakodzera chavadzimai vavo. Neiko vakadzi vakafanirwa norukudzo rwakadaro? Nemhaka yokuti “muriwo vadyi venhaka navo venyasha dzakakomba dzoupenyu,” anotsanangura kudaro Petro. Muzana ramakore rokutanga C.E., varume navakadzi avo vakagamuchira tsamba yaPetro vose vakadanwa kuva vadyi nhaka pamwe chete naKristu. (VaRoma 8:16, 17; VaGaratia 3:28) Vaisava namabasa mamwe chetewo muungano, asi vaizogoverana pakupedzisira mukutonga naKristu mudenga. (Zvakazarurwa 20:6) Nhasiwo, apo vakawanda zvikurusa vavanhu vaMwari vane tariro yapasi, yaizova mhosho yakakomba nokuda kwomurume wechiKristu upi noupi kunzwa kuti nemhaka yeropafadzo dzaangava nadzo muungano, ane ukoshi hukuru mumeso aMwari kupfuura zvinoita vakadzi. (Enzanisa naRuka 17:10.) Varume navakadzi vane kumira kwomudzimu kwakaenzana pamberi paMwari, nokuti rufu rwechibayiro rwaJesu rwakazarurira vose vari vaviri varume navakadzi mukana mumwe chetewo—wokusunungurwa pashurikidzo yechivi norufu, nekariro youpenyu husingaperi.—VaRoma 6:23.
18. Chikonzeroi chinosunda icho Petro anopa nokuda kwokuti murume akudze mudzimai wake?
18 Petro anopa chimwe chikonzero chinosunda nei murume achifanira kukudza mudzimai wake, “kuti minyengetero [yake] irege kudziviswa.” Shoko rokuti “kudziviswa” rinobva muchiito chechiGiriki (en·koʹpto) icho chinoreva chaizvoizvo “kucheka.” Mukuwirirana neExpository Dictionary of New Testament Words raVine, ra“kanga richishandiswa kudzivisa vanhu kupfurikidza nokuparadza mugwagwa, kana kuti kupfurikidza nokuisa mhinganidzo munzira chaimo.” Nokudaro, murume anokundikana kupa rukudzo kumudzimai wake angagona kuwana kuti pane chidziviso pakati peminyengetero yake nokunzwa kwaMwari. Murume wacho anganzwa asina kufanira kusvika Mwari, kana kuti Jehovha angasava akagadzirira kuteerera. Nenzira yakajeka, Jehovha anoitira hanya zvikuru nzira iyo varume vanobata nayo vakadzi.—Enzanisa naMariro 3:44.
19. Varume navakadzi vari muungano vangabatira pamwe chete sei nokuremekedzana kwapedyo?
19 Musengwa wokuratidza rukudzo hausati uri wavarume voga. Nepo murume achifanira kukudza mudzimai wake kupfurikidza nokumubata nenzira yorudo uye noruremekedzo, mudzimai anofanira kukudza murume wake kupfurikidza nokuzviisa pasi nokuratidza ruremekedzo rukuru. (1 Petro 3:1-6) Uyezve, Pauro akarayira vaKristu ‘kuratidza rukudzo kune mumwe nomumwe.’ (VaRoma 12:10) Ikoku kunorayira varume navakadzi vari muungano kubatira pamwe chete nokuremekedzana kwapedyo. Apo mudzimu wakadaro unotekeshera, vakadzi vechiKristu havasati vachizotaura nenzira inoderedza chiremera chaavo vari kutungamirira. Panzvimbo pezvo, vachatsigira vakuru ndokubatira pamwe navo. (1 VaKorinte 14:34, 35; VaHebheru 13:17) Kana toreva nezvavo, vatariri vechiKristu vachabata “vakadzi vakuru samadzimai, navaduku sehanzvadzi nokuchena kwomwoyo kwose.” (1 Timotio 5:1, 2) Nenzira yokuchenjera, vakuru vachapa itiro hanya yomutsa kuzvinotaurwa nehanzvadzi dzavo dzechiKristu. Nokudaro, apo imwe hanzvadzi inoratidza kuremekedza kwayo umusoro hwoubati ushe hwaMwari uye inobvunza mubvunzo nenzira yokuremekedza kana kuti kutotsanangura chimwe chinhu chinoda ngwariro, vakuru vacharangarira nomufaro mubvunzo wayo kana kuti chinetso.
20. Mukuwirirana nechinyorwa chapaMagwaro, vakadzi vanofanira kubatwa sei?
20 Chibviro chokutanga kwechivi muEdheni, vakadzi mutsika dzakawanda vave vachiiswa munzvimbo yekusakudzwa. Asi irworwo harusati ruri rudzi rwokubata urwo Jehovha akavagadzirira pakuvamba kuti vawane. Pasinei zvapo nokuti mirangariroi pamusoro pavakadzi ingapararira, chinyorwa cheose ari maviri Magwaro echiHebheru neechiGiriki echiKristu anoratidza zvakajeka kuti vakadzi voumwari vanofanira kubatwa norukudzo noruremekedzo. Ndichakafanirwa chavo chakapiwa naMwari.
[Mashoko Omuzasi]
a The International Standard Bible Encyclopedia inotsanangura, kuti: “Vakadzi vaisadya navaeni vechirume, uye varume vaisakurudzirwa kutaura navakadzi. . . . Kurukurirano nomukadzi munzvimbo yavose yakanga iri zvikurukuru inonyadzisa.” Mishnah yechiJudha, muunganidzwa wedzidziso dzavanarabhi, yakati: “Usataurisa navakadzi. . . . Anotaurisa navakadzi anozviunzira amene zvakaipa uye anoregeredza fundo yoMutemo uye pakupedzisira achagara nhaka yeGehena.”—Aboth 1:5.
b Bhuku rinonzi Palestine in the Time of Christ rinoti: “Mune zvimwe zviitiko, mukadzi aiiswa pamwero mumwe chetewo nomuranda. Somuenzaniso, aisagona kupa ufakazi mudare reruramisiro, kunze kwekupupurira rufu rwomurume wake.” Richinongedzera kuna Revhitiko 5:1, The Mishnah inoti: “[Mutemo pamusoro pe]‘mhiko yechipupuriro’ unoshanda kuvarume asi kwete kuvakadzi.”—Shebuoth 4:I.
c Wezvenhau wechiJudha wezana ramakore rokutanga Josephus anoshuma kuti hanzvadzi yaMambo Herodhe Sarome yakatumira murume wayo “gwaro raigura muchato wavo, uko kwakanga kusati kuri mukuwirirana noMutemo wechiJudha. Nokuti murume (bedzi) anobvumidzwa nesu kuita ikoku.”—Jewish Antiquities, XV, 259 [vii, 10].
Ndeipi Iri Mhinduro Yako?
◻ Mienzanisoi inoratidzira kuti Jesu aibata vakadzi norukudzo noruremekedzo?
◻ Dzidziso dzaJesu dzakaratidza sei ruremekedzo nokuda kwechiremera chavakadzi?
◻ Neiko murume achifanira kupa rukudzo kumudzimai wake wechiKristu?
◻ Musengwai wokuratidza rukudzo uyo vaKristu vose vanawo?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kukufadzwa kwavo, vakadzi voumwari vakanga vari vokutanga kuona Jesu akamutswa, uyo akaita kuti vapupure kuhama dzake