Ivai Vashandi Vanokohwa Vachifara!
“Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”—MATEU 9:37, 38.
1. Chii chinotibatsira kuramba tichiita kuda kwaMwari?
PATINOYEUKA zuva rokubhabhatidzwa kwedu somumwe wevashumiri vaJehovha, kungava kwakaitika makore mashomanana kana kuti akawanda apfuura, zvingaita sokunge zvakaitika nezuro. Kurumbidza Jehovha kwakava chinhu chinokosha muupenyu hwedu hwokuzvitsaurira. Sezvataitenga nguva yedu kuti tibatsire vamwe kunzwa uye kana zvichibvira kugamuchira shoko roUmambo, kushumira Jehovha nomufaro ndiko kwatainyanya kuda. (VaEfeso 5:15, 16) Kusvikira nhasi uno tiri kuona kuti nguva inomhanya kana takabatikana, “[ti]chigarova nezvakawanda zvokuita mubasa raShe.” (1 VaKorinde 15:58) Kunyange zvazvo tichisangana nezvinetso, mufaro wedu mukuita kuda kwaJehovha unoita kuti tipfuurire.—Nehemia 8:10.
2. Zvinhu zvipi zvinobatsira kuti tive nomufaro mubasa redu rokukohwa kwokufananidzira?
2 SevaKristu, tiri mubasa rokukohwa kwokufananidzira. Jesu Kristu akafananidza kuunganidzwa kwevanhu kuti vawane upenyu husingaperi nokukohwa. (Johani 4:35-38) Sezvo tiri kuitawo basa rakadaro rokukohwa, zvichava zvinokurudzira kuongorora mufaro waiva nevashandi vanokohwa vechiKristu vepakuvamba. Tichaongorora zvinhu zvitatu zvinoita kuti tifare mubasa rokukohwa nhasi. Ndeizvi: (1) shoko redu retariro, (2) kubudirira kwokutsvaka kwedu, uye (3) mafungiro edu anounza rugare sevashandi vanokohwa.
Vakatumwa Sevashandi Vanokohwa
3. Vateveri vaJesu vepakuvamba vakawana mufaro muchii?
3 Upenyu hwevashandi vanokohwa vepakuvamba—zvikurukuru vaapostora vaJesu 11 vakatendeka—hwakachinja zvikuru rimwe zuva muna 33 C.E. pavakaenda kune rimwe gomo muGarireya kunosangana naKristu akanga amutswa! (Mateu 28:16) ‘Vanopfuura mazana mashanu’ vangave vaivepo pachiitiko ichocho. (1 VaKorinde 15:6) Basa ravakapiwa naJesu rakaramba riri mundangariro dzavo. Akavaudza kuti: “Endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Pasinei nokutambudzwa kwairwadza, vakawana mufaro wakawanda mubasa rokukohwa sezvavaiona ungano dzevateveri vaKristu dzichitangwa munzvimbo dzakawanda. Nokufamba kwenguva, ‘mashoko akanaka akanga achiparidzwa pakati pezvisikwa zvose zviri pasi pedenga.’—VaKorose 1:23; Mabasa 1:8; 16:5.
4. Zvinhu zvakanga zvakamira sei pakatumwa vadzidzi?
4 Pakutanga kwoushumiri hwake muGareriya, Jesu akanga adana vaapostora 12 uye akanga avatuma zvikurukuru kunozivisa kuti: “Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.” (Mateu 10:1-7) Iye pachake akanga a“tanga kushanyira maguta ose nemisha [yomuGarireya] achidzidzisa mumasinagogi avo nokuparidza mashoko akanaka oumambo achirapa hosha dzorudzi rwose noundonda hworudzi rwose.” Jesu akasiririswa nemapoka evanhu “nokuti aibatwa zvisina kufanira uye akanga akapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mateu 9:35, 36) Anzwa tsitsi zvikuru akaudza vadzidzi vake kuti: “Hungu, kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa [Jehovha Mwari] kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Mateu 9:37, 38) Zvaifungwa naJesu nezvevashandi vanokohwa zvaive zvimwe chetezvo muJudhea kwasara mwedzi mitanhatu bedzi youshumiri hwake hwepasi pano. (Ruka 10:2) Muzviitiko zvacho zviri zviviri, akatuma vateveri vake sevashandi vanokohwa.—Mateu 10:5; Ruka 10:3.
Shoko Redu Retariro
5. Tinozivisa mashoko orudzii?
5 Sevashumiri vaJehovha vomuzuva rino, tinofara kubvuma kukumbirwa kuva vashandi vanokohwa. Chimwe chinhu chinoita kuti tifare zvikuru ndechokuti tinoendesa shoko retariro kune vakaora mwoyo. Kufanana nevadzidzi vaJesu vomuzana remakore rokutanga, tine ropafadzo huru yokuzivisa mashoko akanaka—shoko retariro chairo—kune vaya ‘vanobatwa zvisina kufanira uye vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi’!
6. Vaapostora vakaita basa rei muzana remakore rokutanga?
6 Pakazosvika pakati pezana remakore rokutanga, muapostora Pauro akanga akabatikana mukuparidza mashoko akanaka. Uye basa rake rokukohwa rakabudirira zvechokwadi, nokuti paakanyorera vaKristu muKorinde muna 55 C.E., akati: “Hama ndinokuzivisai, mashoko akanaka andakambokuzivisai, amakagamuchirawo, amumirewo maari.” (1 VaKorinde 15:1) Vaapostora nevamwe vaKristu vepakuvamba vaiva vashandi vanokohwa vaishanda zvakaoma. Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatiudzi kuti vaapostora vangani vakapukunyuka zviitiko zvikuru zvakaguma nokuparadzwa kweJerusarema muna 70 C.E., tinoziva kuti muapostora Johani akanga achiri kuparidzira makore 25 gare gare.—Zvakazarurwa 1:9.
7, 8. Ishoko ripi retariro ranga richiziviswa nevashumiri vaJehovha nokukurumidzira zvikuru kupfuura zvavakamboita?
7 Pakazouya mazana emakore okudzora kwevafundisi vechiKristudhomu, “munhu wokusateerera mutemo” akaramba kutenda. (2 VaTesaronika 2:3) Zvisinei, pakuzonopera kwezana remakore rechi19, vaya vaitsvaka kuwiriranisa upenyu hwavo nechiKristu chepakuvamba vakagamuchira shoko retariro, vachizivisa Umambo. Chaizvoizvo, kubvira pakutanga kubuda kwayo (July 1879), musoro wemagazini iyi wave uchisanganisira mashoko okuti “Yokuzivisa Kuvapo kwaKristu,” “Yokuzivisa Umambo hwaKristu,” kana kuti “Yokuzivisa Umambo hwaJehovha.”
8 Umambo hwaMwari hwokudenga hwakagadzwa mumaoko aJesu Kristu muna 1914, uye iye zvino tava kuzivisa shoko retariro nokukurumidzira kwakawedzera kupfuura kare kose. Nei? Nokuti chimwe chezvikomborero zvokutonga kwoUmambo kugumiswa kwenyika iripo kwava kuda kutoitwa. (Dhanieri 2:44) Pane shoko ringanaka kupfuura iri here? Uye pane mufaro watingawana kupfuura wokuzivisa pamwe nevamwe Umambo “kutambudzika kukuru” kusati kwasvika here?—Mateu 24:21; Mako 13:10.
Kutsvaka Kunobudirira
9. Murayiridzo upi wakapiwa naJesu kuvadzidzi vake, uye vanhu vakadavira sei shoko roUmambo?
9 Chimwe chinhu chinoita kuti tifare sevashandi vanokohwa kubudirira kwokutsvaka kwedu vaya vanozova vadzidzi vobatana nesu mubasa rokukohwa. Shure muna 31-32 C.E., Jesu akarayiridza vadzidzi vake kuti: “Muguta rose kana musha wamunopinda, tsvakai mariri akafanira.” (Mateu 10:11) Havasi vanhu vose vakanga vakafanira, sezvakaratidzwa nemadaviriro avakaita shoko roUmambo. Kunyange zvakadaro, vadzidzi vaJesu vakaparidza mashoko akanaka nokushingaira papi zvapo paiwanika vanhu.
10. Pauro akaramba sei achitsvaka vakafanira?
10 Pashure porufu uye kumuka kwaJesu, kutsvakwa kwevakafanira kwakapfuurira nesimba. Pauro akakurukurirana nevaJudha mumasinagogi avo uye vanhu vaaiwana mumisika yomuAtene. Paakapa uchapupu paAreyopago muguta iroro reGiriki, “vamwe vanhu vakabatana naye vakava vatendi, pakati pavo paivawo naDhiyonisiyo, mutongi wedare reAreyopago, uye mukadzi ainzi Dhamarisi, nevamwe kunze kwavo.” Kwose kwaienda Pauro, aivawo muenzaniso wakanaka pakuparidza “pachena uye paimba neimba.”—Mabasa 17:17, 34; 20:20.
11. Mitoo ipi yokuita ushumiri yaishandiswa makore akapfuura?
11 Mumakumi emakore okupedzisira ezana remakore rechi19, vaKristu vakazodzwa vakatsvaka vakafanira noushingi. Mune imwe nyaya yaive nomusoro unoti “Vakazodzwa Kuti Vaparidze,” Zion’s Watch Tower yaJuly/August 1881 yakati: “Kuparidzira mashoko akanaka . . . kuri kuitika ‘kuvanyoro’—avo vanoda uye vanokwanisa kunzwa, kuitira kuti mavari mubve muviri waKristu, vanodya nhaka naye.” Vashandi vanokohwa vaMwari vaiwanzosangana nevanhu pavanenge vava kubva kunopinda chechi uye vaivapa maturakiti aive nemashoko omuMagwaro akagadzirirwa kuita kuti vanhu vakafanira vadavire zvakanaka. Pashure pokunge kwanyatsofungisiswa nezvokubudirira kwomutoo uyu wokupupurira, Nharireyomurindi yeChirungu yaMay 15, 1903, yakakurudzira vashandi vanokohwa kuparadzira maturakiti “pamba nemba, musi weSvondo mangwanani.”
12. Takawedzera sei kubudirira kwebasa redu rokuparidza? Enzanisira.
12 Mumakore achangopfuura, takawedzera ushumiri hwedu nokutaura nevanhu kudzimwe nzvimbo dzisiri misha yavo. Izvi zvakaratidza kuva zvinobudirira munyika idzo vanhu vanobva pamba vachitsvaka mari kana kuti vachitsvaka kusasana panguva dzatinowanzoshanya. Apo mumwe weZvapupu nomumwe wake vakaona vashanyi vaienda nguva dzose nebhazi pashure pokuswera vachitamba mumahombekombe egungwa, vakashinga kukwira mabhazi acho ndokugovera Nharireyomurindi neMukai! kuvakanga varimo. Mumwedzi mumwe chete, vakaparadzira makopi 229. Vanoshuma kuti: “Hatityi kupupurira mumahombekombe egungwa, munzvimbo dzemabhizimisi, kana nzvimbo ipi zvayo yatingasvika nokuti tinoziva kuti Jehovha anesu.” Vakawana kwavaizogara vachiendesa magazini, vakatanga chidzidzo cheBhaibheri, uye vose vakatora basa roupiyona hwebetsero.
13. Kugadziridza kupi muushumiri hwedu kwava kuda kushandiswa mune dzimwe nzvimbo?
13 Kutsvakwa kwevakafanira zvakunopfuurira, pangadiwa kufunga zvakare nokungwarira nezvoushumiri hwedu mune dzimwe nzvimbo. Kunyange zvazvo Zvapupu zvakawanda zviine muitiro wokuparidza pamba nemba misi yeSvondo mangwanani, mune dzimwe nzvimbo vanoona kuti kukurumidza kushanyira dzimba dzevanhu hakunyanyi kubudirira nokuti vanhu vanenge vachakarara. Nokugadziridza zvirongwa zvavo, Zvapupu zvakawanda zvava kubuda zuva rati kwirei, zvichida mushure memisangano yechiKristu. Uye uku kutsvaka zvechokwadi kwaratidza kuva nezvibereko. Gore rakapera nhamba yevazivisi voUmambo nyika yose yakawedzera ne2,3 muzana. Izvi zvinokudza Tenzi wokukohwa uye zvinounza mufaro mumwoyo yedu.
Rambai Muine Rugare Mubasa Rokukohwa
14. Tinoratidza mafungiroi patinopa shoko redu, uye nei?
14 Chimwe chinoita kuti tifare mafungiro edu anounza rugare atinoratidzira mubasa rokukohwa. Jesu akati: “Pamunenge muchipinda mumba, kwazisai imba yacho; uye kana imba ichifanira, rugare rwamunoishuvira ngaruuye pairi.” (Mateu 10:12, 13) Kukwazisa kwechiHebheru uye kwakafanana nako kwechiGiriki chomuBhaibheri kwose kunopa pfungwa yokuti ‘Ngazvikufambirei zvakanaka.’ Mafungiro aya anotungamirira masvikiro atinoita kuvanhu patinenge tichiparidza mashoko akanaka. Tarisiro yedu ndeyokuti vachabvuma shoko roUmambo. Kune vaya vanobvuma, kune tariro yokuyananiswa naMwari sezvavanopfidza zvivi zvavo, votendeuka, voita kuda kwake. Kuva norugare naMwari kunotungamirirawo kuupenyu husingaperi.—Johani 17:3; Mabasa 3:19; 13:38, 48; 2 VaKorinde 5:18-20.
15. Tingachengeta sei mafungiro orugare kana tikasadavirwa zvakanaka mubasa rokuparidza?
15 Tingachengeta sei rugare rwedu kana tikasadavirwa zvakanaka? Jesu akarayira kuti: “Kana [imba] isingafaniri, rugare runobva kwamuri ngarudzokere pamuri.” (Mateu 10:13) Nhoroondo yaRuka yokutumwa kwevadzidzi 70 inosanganisira kutaura kwaJesu kwokuti: “Kana shamwari yorugare irimo, rugare rwenyu ruchava pairi. Asi kana pasina, ruchadzokera kwamuri.” (Ruka 10:6) Patinosvika pavanhu nemashoko akanaka, tinoita izvozvo zvakakodzera nokuratidza unhu hunoyemurika uye nenzira yorugare. Kudavirwa zvokusakendenga, kunyunyutirwa, kana kutaurirwa zvakashata nasaimba zvinongoita kuti mashoko edu orugare ‘adzoke kwatiri.’ Asi hapana chimwe chaizvozvi chinotitorera rugare rwedu, chibereko chomudzimu waJehovha.—VaGaratiya 5:22, 23.
Chinangwa Chakanaka Chevashandi Vanokohwa
16, 17. (a) Chinangwa chedu ndechei patinoshanyazve? (b) Tingabatsira sei vaya vane mibvunzo yeBhaibheri?
16 Sevashandi vanokohwa tinofara kuitawo chimwe chinhu mukuunganidzwa kwevanhu kuti vawane upenyu husingaperi. Uye tinofara zvikuru kana munhu watinoparidzira akabvuma, achida kudzidza, uye oratidza kuva “shamwari yorugare”! Zvichida ane mibvunzo yakawanda yeBhaibheri uye tinozviwana zvakaoma kupindura yose tangoshanya kamwe chete. Sezvo kunyanyogarisa pakushanyira kokutanga kusina kufanira, tingaita sei? Tinogona kuita chinangwa sechakakurudzirwa makore 60 apfuura.
17 “Zvapupu zvaJehovha zvose zvinofanira kuva zvakagadzirira kuitisa chidzidzo cheBhaibheri chomuenzaniso.” Mashoko iwayo aionekwa mune kechitatu ketumabhuku twemirayiridzo twakatevedzana twainzi Model Study twakabudiswa muna 1937 kusvika muna 1941. Kaipfuurira kutaura kuti: “Vaparidzi vose [voUmambo] vanofanira kushanda nemwoyo wose mukubatsira nenzira dzose vanhu vanonyatsofarira shoko roUmambo. Vanhu ava vanofanira [kushanyirwazve], vopindurwa mibvunzo yakasiyana-siyana . . . , mozotanga chidzidzo chomuenzaniso . . . nokukurumidza sezvinobvira.” Hungu, chinangwa chedu pakushanyazve ndechokutanga chidzidzo cheBhaibheri chepamusha tochiitisa nguva dzose.a Kuva noushamwari uye rudo rwokuva nehanya kumunhu anofarira kunotiita kuti tinyatsogadzirira toitisa chidzidzo chacho zvinobudirira.
18. Tingabatsira sei vatsva kuva vadzidzi vaJesu Kristu?
18 Tichibatsirwa nebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi uye mabhurocha akadai serinonzi Mwari Anodei Kwatiri?, tinogona kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha zvinobudirira nokudaro tobatsira vachangotanga kufarira kuva vadzidzi. Sezvatinotsvaka kutevedzera Mudzidzisi Mukuru, Jesu Kristu, kazhinji kacho vadzidzi veBhaibheri vakadaro vachadzidzawo kubva mukuva kwedu vane rugare, vanofara, vepachokwadi, uye kuremekedza kwedu mitemo nenhungamiro zvaJehovha. Patinobatsira vatsva nokupindura mibvunzo yavo, ngatiitewo nepatinogona napo kuvadzidzisa mapinduriro avangaita vaya vanovabvunza. (2 Timoti 2:1, 2; 1 Petro 2:21) Sevashandi vanokohwa zvokufananidzira, zvechokwadi tinogona kuva nomufaro kuti avhareji yezvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha 4 766 631 zvakaitiswa nyika yose gore rebasa rapera. Tinofara zvikurukuru kana tiri pakati pevashandi vanokohwa vanoitawo basa rokuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha.
Rambai Muchifarira Kukohwa
19. Nei paive nezvikonzero zvakanaka zvokufara mubasa rokukohwa muushumiri hwaJesu uye nguva pfupi pashure pacho?
19 Paive nezvikonzero zvakanaka zvokufarira basa rokukohwa muushumiri hwaJesu uye nguva pfupi pashure pacho. Vazhinji panguva iyoyo vaibvuma mashoko akanaka. Mufaro wakanga wakakura zvikurukuru paPendekosti ya33 C.E., nokuti vanenge 3 000 panguva iyoyo vakabvuma nhungamiro yaPetro, vakagamuchira mudzimu mutsvene waJehovha, uye vakava rutivi rworudzi rwaMwari rwaIsraeri womudzimu. Chokwadi, nhamba yavo yakaramba ichiwedzera uye mufaro wakawanda, sezvo “Jehovha akaramba achiwedzera kwavari zuva nezuva avo vakanga vachiponeswa.”—Mabasa 2:37-41, 46, 47; VaGaratiya 6:16; 1 Petro 2:9.
20. Chii chinounza mufaro wakawanda mubasa redu rokukohwa?
20 Panguva iyoyo, uprofita hwaIsaya hwairatidza kuti ndohwechokwadi, hunoti: “[Jehovha] makawanza rudzi, makawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu, sokufara kwavanhu panguva yokucheka, sokufara kwavanhu kana vachigoverana zvakapambwa.” (Isaya 9:3) Kunyange zvazvo nhasi tichiona ‘rudzi rwakawanzwa’ irworwo rwevakazodzwa rwasara paduku kupera, mufaro wedu wakawanda patinoona nhamba yevashandi vanokohwa ichiwedzera gore negore.—Pisarema 4:7; Zekaria 8:23; Johani 10:16.
21. Tichakurukurei munyaya inotevera?
21 Zvechokwadi tine chikonzero chakanaka chokuramba tichifara mubasa redu rokukohwa. Shoko redu retariro, kutsvaka kwedu vakafanira, uye mafungiro edu ane rugare—zvose izvi zvinotiunzira mufaro sevashandi vanokohwa. Asi zvinoita kuti vakawanda vasatifarira. Muapostora Johani akasangana nazvo. Akaiswa mujeri pachitsuwa chePatimosi “nemhaka yokutaura pamusoro paMwari nokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 1:9) Saka, tingaramba sei tichifara kana tasangana nokutambudzwa uye nokupikiswa? Chii chingatibatsira kubata nokuoma musoro kwevakawanda vatinoparidzira kwavari? Nyaya yedu inotevera inotibatsira neMagwaro kupindura mibvunzo iyi.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvidzidzo zvakatanga kurongwa kunzvimbo dzaizosangana vanhu vanofarira. Zvisinei, shure kwenguva pfupi, zvidzidzo zvakaitwawo nevanhu vamwe nevamwe nemhuri.—Ona Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, papeji 574, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
Ungapindura Sei?
• Basa rokukohwa kwokufananidzira chii?
• Ishoko rorudzii ratinozivisa?
• Nei kutsvaka kwedu vadzidzi kuchibudirira?
• Tinochengeta sei rugare mubasa rokukohwa?
• Nei tichiramba tichifara mubasa rokukohwa?
[Mifananidzo iri papeji 12, 13]
Kuparidzira muzana remakore rokutanga nerechi20
[Mifananidzo iri papeji 13]
Kufanana naPauro, vashandi vanokohwa vanhasi vanoedza kusvika kune vanhu kwose
[Mufananidzo uri papeji 13]
Zivisa mashoko akanaka nounhu hunoyemurika