Mapisarema
Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo. Rwiyo rwaDhavhidhi.
4 Pandinoshevedza, ndipindureiwo, Mwari wangu akarurama.+
Ndigadzirirei nzira yekutiza nayo* pandinenge ndichitambudzika.
Ndinzwirei nyasha, munzwe munyengetero wangu.
2 Imi vanakomana vevanhu, mucharamba muchichinja kukudzwa kwangu kuti kuve kuninipiswa kusvikira riini?
Mucharamba muchida zvinhu zvisina zvazvinobatsira uye muchitsvaga zvenhema kusvikira riini? (Sera)
4 Kana mukagumbuka, musatadza.+
Taurai nechemumwoyo, muri pamibhedha yenyu, murambe makanyarara. (Sera)
6 Kune vazhinji vari kuti: “Ndiani achatiratidza zvakanaka?”
Itai kuti chiedza chechiso chenyu chipenye patiri, haiwa Jehovha.+
7 Mazadza mwoyo wangu nemufaro mukuru
Unopfuura wevaya vakakohwa zviyo newaini itsva zvakawanda.