Ganhuro 7
Bhaibheri Rinozvipokanidza Rimene Here?
Pomero inowanzoitirwa Bhaibheri ndeyokuti rinozvinopokanidza rimene. Kazhinji kazhinji, vanhu vanoita iyi pomero ivo pachavo havasati varava Bhaibheri; vari kungodzokorora bedzi zvavakanzwa. Vamwe, kunyange zvazvo zvakadaro, vakawana dzinoratidzika kuva pokanidzano chaidzoidzo uye vanonetswa nadzo.
1, 2. (Batanidza sumo.) (a) Ipomeroi inowanzoitirwa Bhaibheri? (b) Mukuenzanisira zvikamu zvamashoko zvakasiana zveBhaibheri, tinofanira kuyeukei? (c) Ndezvipi zvimwe zvikonzero nei padzimwe nguva pane musiano munzira iyo vanyori vaviri veBhaibheri vanoshuma nayo chinoitika chimwe chetecho?
KANA iro riri chaizvoizvo Shoko raMwari, Bhaibheri rinofanira kuva rinotsinhirana, kwete rinozvipokanidza. Neiko, ipapoka, zvimwe zvikamu zvamashoko zvichiratidzika kuva zvinopokanidza zvimwe? Kuti tipindure, tinofanira kuyeuka kuti, nepo Bhaibheri riri Shoko raMwari, rakanyorwa nechiverengero chakati chavarume kwenhambo inopfuura mazana amakore anoverengeka. Ava vanyori vakanga vane migariro yakasiana, mitoo yokunyora, uye zvipo, uye misiano yose iyi inoratidzirwa mukunyora.
2 Zvakare, kana vanyori vaviri kana kuti vanopfuura vakakurukura chinoitika chimwe chetecho, mumwe angabatanidza udzame uhwo mumwe anosiya. Mukuwedzera, vanyori vakasiana vanopa mashoko omusoro munzira dzakasiana. Mumwe angainyora mukuwirirana nokuverengwa kwenguva, nepo mumwe angatevera gadziriro yakasiana. Muganhuro rino, ticharatidzira kuzvipokanidza kunonzi kuri muBhaibheri ndokurangarira kuti kunogona sei kuyananiswa, tichirangarira mufungo iri pamusoro apa.
Zvapupu Zvakazvimirira
3, 4. Pamusoro pomukuru weuto ane mubatiri wake akanga achirwara, musianoi unooneka uripo pakati penhauro yaMateo neyeyo yaRuka, uye nhauro idzodzi dzinogona sei kuyananiswa?
3 Dzimwe “pokanidzano” dzinomuka apo tinova nenhauro mbiri kana kuti dzinopfuura dzechinoitika chimwe chetecho. Somuenzaniso, pana Mateo 8:5 tinorava kuti apo Jesu akapinda muKapernaume, “mumwe mukuru weuto akauya kwaari, achimuteterera” achikumbira Jesu kuporesa mubatiri wake. Asi pana Ruka 7:3, tinorava nezvouyu mukuru weuto kuti “iye akatuma varume vakuru vavaJudha kwaari kundokumbira [Jesu] kuuya ndokuita kuti muranda wake anaye.” Ko mukuru weuto akataura naJesu here, kana kuti iye akatuma varume vakuru?
4 Mhinduro yacho, nomutoo wakajeka, ndeyokuti murumeyo akatuma vakuru vavaJudha. Ko zvino, neiko Mateo achitaura kuti murume iye amene akateterera Jesu? Nokuti, chokwadika, murume akakumbira Jesu kupfurikidza navakuru vechiJudha. Vakuru vakabatira savatauriri vake.
5. Neiko Bhaibheri richitaura kuti Soromoni akavaka tembere, apo basa chairo nenzira yakajeka rakaitwa navamwe?
5 Kuti tigoenzanisira ikoku, pana 2 Makoronike 3:1, tinorava, kuti: “Pakupedzisira Soromoni akatanga kuvaka imba yaJehovha muJerusarama.” Gare gare, tinorava, kuti: “Nokudaro Soromoni akapedza imba yaJehovha.” (2 Makoronike 7:11) Ko Soromoni pachake amene akavaka tembere kubvira pakutanga kusvikira pakupera here? Zvamazvirokwazvo kwete. Basa chairoiro rokuvaka rakaitwa navazhinji-zhinji venyanzvi dzokuvaka navashandi. Asi Soromoni akanga ari murongi webasaro, uyo aiva nomutoro. Nokudaro, Bhaibheri rinotaura kuti iye akavaka imbayo. Nenzira imwe cheteyo, Evhangeri yaMateo inotiudza kuti mutungamiriri weuto akasvika Jesu. Asi Ruka anopa udzame hwakawedzerwa hwokuti iye akamusvika kupfurikidza navakuru vechiJudha.
6, 7. Tinogona sei kuyananisa nhauro mbiri dzakasiana dzeEvhangeri dzokukumbira kwavanakomana vaZebhedhi?
6 Heuno muenzaniso wakafanana. Pana Mateo 20:20, 21, tinorava, kuti: “Amai vavanakomana vaZebhedhi vakasvika [Jesu] vaine vanakomana vavo, vachimuremekedza uye vachikumbira chimwe chinhu kwaari.” Chavakakumbira chakanga chiri chokuti vanakomana vavo vanofanira kuva nenzvimbo inodiwa apo Jesu anopinda muUmambo hwake. Munhauro yaMarko yeichi chinoitika chimwe chetecho, tinorava, kuti: “Jakobho naJohane, vanakomana vaviri vaZebhedhi, vakakwira kuna [Jesu] ndokuti kwaari: ‘Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chiri chipi kana chipi chatinokukumbirai.’” (Marko 10:35-37) Ko vakanga vari vanakomana vaviri vaZebhedhi here, kana kuti vakanga vari amai vavo, vakakumbira kuna Jesu?
7 Nomutoo wakajeka, vakanga vari vanakomana vaviri vaZebhedhi vakakumbira, sokutaura kunoita Marko. Asi ivo vakakuita kupfurikidza naamai vavo. Ivo vakanga vari mutauriri wavo. Ikoku kunotsigirwa nomushumo waMateo wokuti apo vamwe vaapostora vakanzwa icho amai vavanakomana vaZebhedhi vakanga vaita, ivo vakatsamwira, vasati vari amai, asi “mukoma nomunun’una.”—Mateo 20:24.
8. Kunobvira sei kuti nhauro mbiri dzakasiana dzechinoitika chimwe chetecho dzisiane neimwe neimwe bva dzose dziri mbiri ndokuva zvokwadi?
8 Wati wambonzwa vanhu vaviri vachirondedzera chinoitika icho ivo vose vari vaviri vakaona here? Kana zvakadaro, wakacherekedza here kuti munhu mumwe nomumwe akasimbisa udzame hwakamuorora? Mumwe angave akasiya zvinhu izvo mumwe akabatanidza. Zvisinei, vose vari vaviri, vakanga vachitaura zvokwadi. Ndizvimwe chetezvo nenhauro ina dzeEvhangeri dzoushumiri hwaJesu, pamwe chete nezvinoitika zvenhau zvakashumwa navanopfuura munyori mumwe weBhaibheri. Munyori mumwe nomumwe akanyora mashoko akarurama kunyange apo mumwe akachengeta udzame uhwo mumwe akasiya. Kupfurikidza nokurangarira nhauro dzose, kunzwisiswa kuzere zvikuru kwezvakaitika kunogona kuwanwa. Misiano yakadaro inobvumikisa kuti nhauro dzeBhaibheri dzakazvimirira. Uye tsinhirano yadzo inokosha inobvumikisa kuti idzo ndedzechokwadi.
Rava Mashoko Akapoteredza
9, 10. Ko mashoko akapoteredza anotibetsera munzirai kuona uko Kaini akawana mudzimai wake?
9 Kazhinji kazhinji, kusawirirana kunooneka kunogona kupedzwa kana tikatarira bedzi mashoko akapoteredza. Rangarira, somuenzaniso, mubvunzo unowanzomutswa pamusoro pomudzimai waKaini. Pana Genesi 4:1, 2 tinorava, kuti: “Mukufambira mberi kwenguva [Evha] akabereka Kaini ndokuti: ‘Ndabereka munhu neyamuro yaJehovha.’ Gare gare akaberekazve, munun’una wake Abheri.” Sezvinosanozivikanwa, Kaini akauraya Abheri; asi pashure paikoko, tinorava kuti Kaini akava nomudzimai navana. (Genesi 4:17) Kana Adhama naEvha vakanga vachingova bedzi navanakomana vaviri, Kaini akawana kupi mudzimai wake?
10 Mhinhuro iri muidi rokuti Adhama naEvha vakanga vane vanopfuura vana vaviri. Mukuwirirana namashoko akapoteredza, vakanga vane mhuri huru. Pana Genesi 5:3 tinorava kuti Adhama akabereka mumwe mwanakomana ainzi Seti uye ipapo, mundima inotevera, tinorava, kuti: “Iye akabereka vanakomana navanasikana.” (Genesi 5:4) Naizvozvo Kaini aigona kudai akaroora imwe yehanzvadzi dzake kana kuti mumwe wavazukuru vake. Panhano iyeyo yapakuvamba yenhau yomunhu, apo rudzi rwomunhu rwakanga rwuri pedyo zvikuru nokukwana, roorano yakadaro sezvinooneka yakanga isingapariri ngozi nokuda kwavana vomubatanidzwa wacho sezvayaizoita nhasi.
11. Kusabvumiranai kunonzi kuri pakati paJakobho nomuapostora Pauro kunongedzerwa kwakuri navamwe?
11 Kurangarira kwedu mashoko akapoteredza kunotibetserawo kunzwisisa icho vamwe vakataura kuti kusabvumirana pakati pomuapostora Pauro naJakobho. Pana VaEfeso 2:8, 9, Pauro anotaura kuti maKristu anoponeswa nokutenda, kwete namabasa. Iye anoti: “Imi makaponeswa kupfurikidza nokutenda . . . kwete nokuda kwamabasa.” Zvisinei, Jakobho anoomerera paukoshi hwamabasa. Iye anonyora, kuti: “Sezvo muviri usina mudzimu wakafa, saizvozvowo kutenda kusina mabasa kwakafa.” (Jakobho 2:26) Ko uku kutaura kuviri kungayananiswa sei?
12, 13. Ko mashoko aJakobho anokwanisa sei panzvimbo pokupokanidza awo omuapostora Pauro?
12 Tichirangarira mashoko akapoteredza amashoko aPauro, tinowana kuti kutaura kumwe kunokwanisa kumwe. Muapostora Pauro ari kutaura nezvenhamburiko dzavaJudha dzokuchengeta Mutemo waMosesi. Ivo vaidavira kuti kana vaizochengeta mutemo muudzame hwawo hwose, vaizova vakarurama. Pauro akaratidzira kuti ikoku kwakanga kusingabviri. Hatitongogoni kuva vakarurama—nokudaro ndokufanirwa noruponeso—kupfurikidza namabasa edu timene, nokuti tinoita chivi nomutoo womuzvarirwo. Tinogona bedzi kuva vanoponeswa kupfurikidza nokutenda muchibairo chorudzikinuro chaJesu.—VaRoma 5:18.
13 Zvisinei, Jakobho anowedzera pfundo rinokosha rokuti kutenda iko kumene hakukoshi kana kusati kuchitsigirwa nezviito. Munhu anotaura kuti ane kutenda muna Jesu anofanira kukubvumikisa kupfurikidza nezvaanoita. Kutenda kusina mabasa kutenda kwakafa uye hakusati kuchizotungamirira kuruponeso.
14. Ko Pauro anoratidzira kuti iye ari mutsinhirano izere nenheyo yokuti kutenda kupenyu kunofanira kuratidzirwa namabasa muzvikamui zvamashoko?
14 Muapostora Pauro akanga achibvumirana zvizere naikoku, uye iye aiwanzodudza marudzi amabasa ayo maKristu anofanira kubatikana maari kuti aratidzire kutenda kwawo. Somuenzaniso, kuna vaRoma iye akanyora, kuti: “Munhu anotenda nomwoyo nokuda kwokururama, asi nomuromo munhu anoita ziviso yapamhene nokuda kworuponeso.” Kuita “ziviso yapamhene”—kugoverana kutenda kwedu navamwe—kunokosha nokuda kworuponeso. (VaRoma 10:10; onawo 1 VaKorinte 15:58; VaEfeso 5:15, 21-33; 6:15; 1 Timotio 4:16; 2 Timotio 4:5; VaHebheru 10:23-25.) Zvisinei, hakuna basa iro muKristu anogona kuita, uye zvamazvirokwazvo hapana nhamburiko yokuchengeta Mutemo waMosesi, richamuwanira maruramiro oupenyu husingaperi. Ichi ndicho “chipo Mwari anopa” kune avo vanoshandisa kutenda.—VaRoma 6:23; Johane 3:16.
Mirangariro Yakasiana
15, 16. Ko vose vari vaviri Mosesi naJoshua vangagona sei kuva vakarurama apo mumwe akataura kuti mabvazuva aJoridhani akanga ari “mhiri kuno” kwerwizi nepo mumwe akataura kuti akanga ari “kumwe kumhiri”?
15 Padzimwe nguva vanyori veBhaibheri vakanyora pamusoro pechinoitika chimwe chetecho mumirangariro yakasiana, kana kuti ivo vakapa nhauro dzavo munzira dzakasiana. Apo iyi misiano inorangarirwa, kumwezve kupokanidzana kuri pachena kunova nyore kugadzikisa. Muenzaniso waikoku uri pana Numeri 35:14, apo Mosesi anotaura nezveruwa rwuri kumabvazuva kwaJoridhani se“rwuri mhiri kuno kwaJoridhani.” Zvisinei, Joshua achitaura nezvenyika iri nechokumabvazuva kwaJoridhani, akaiti “kumwe kumhiri kwaJoridhani.” (Joshua 22:4) Ndokupi kwakarurama?
16 Kutaura idi, vose vari vaviri vakarurama. Mukuwirirana nenhauro iri muna Numeri, vaIsraeri vakanga vachigere kuyambuka Rwizi rwaJoridhani ndokupinda Munyika Yakapikirwa, naizvozvo kwavari mabvazuva aJoridhani akanga ari “rutivi rwuno.” Asi Joshua akanga atoyambuka Joridhani. Chaizvoizvo, zvino iye akanga ava kumavirazuva kworwizi, munyika yeKanani. Naizvozvo kwaari, mabvazuva aJoridhani, akanga ava “kumwe kumhiri.”
17. (a) Kusabvumiranai kunonongedzerwa kwakuri navamwe mumaganhuro maviri okutanga aGenesi? (b) Chii chiri chikonzero chikuru chomusiano unofungidzirwa?
17 Mukuwedzera, maumbirwe enhauro angaparira pokanidzano iri pachena. Pana Genesi 1:24-26, Bhaibheri rinoratidzira kuti mhuka dzakatangira munhu kusikwa. Bva pana Genesi 2:7, 19, 20, rinoratidzika kuva rinotaura kuti munhu akatangira mhuka kusikwa. Neiko pane musiano? Nemhaka yokuti nhauro mbiri dzokusika dzinokukurukura mumirangariro miviri yakasiana. Yokutanga inorondedzera kusikwa kwamatenga napasi nechinhu chiri chose chiri mazviri. (Genesi 1:1–2:4) Yechipiri inobata zvikurusa nokusikwa kwedzinza romunhu nokupinda kwaro muchivi.—Genesi 2:5–4:26.
18. Tinogona sei kuyananisa misiano inooneka pakati penhauro mbiri dzokusika dziri mumaganhuro okutanga aGenesi?
18 Nhauro yokutanga inoumbwa nokuverengwa kwenguva, ichikamuranisirwa mu“mazuva” matanhatu anotevedzana. Yechipiri inonyorwa munhevedzano youkoshi hwemisoro. Pashure pesumo pfupi, nomutoo une mufungo inonanga kukusikwa kwaAdhama, sezvo iye nemhuri yake varivo musoro wezvinotevera. (Genesi 2:7) Ipapo mamwe mashoko anosumwa sezvinodikanwa. Tinodzidza kuti pashure pokusikwa kwake Adhama aizorarama mubindu reEdheni. Naizvozvo kusimwa kwebindu reEdheni zvino kunodudzwa. (Genesi 2:8, 9, 15) Jehovha anoudza Adhama kutumidza mazita “mhuka iri yose yomusango nechisikwa chiri chose chinobhururuka chomumatenga.” Zvino, ipapoka, ndiyo nguva yokududza kuti “Jehovha Mwari akanga achiumba kubva muvhu” zvisikwa zvose izvozvi, kunyange zvazvo kusikwa kwazvo kwakavamba kare Adhama asati aoneka panyika.—Genesi 2:19; 1:20, 24, 26.
Sanorava Nhauro Yacho
19. Inyonganoi inooneka iripo munhauro yeBhaibheri yokukundwa kweJerusarema?
19 Padzimwe nguva, zvinongodikanwa bedzi kugadzikisa pokanidzano dziri pachena ndezvokusanorava nhauro yacho ndokurangarira pamusoro pamashoko anogoverwa. Izvi ndizvo zvinoitika apo tinorangarira kukundwa kweJerusarema navaIsraeri. Jerusarema rakarongwa sorutivi rwenhaka yaBhenjamini, asi tinorava kuti ndudzi yaBhenjamini yakanga isingakwanisi kurikunda. (Joshua 18:28; Vatongi 1:21) Tinoravawo kuti Judha akanga asingakwanisi kukunda Jerusarema—sokunge raiva rutivi rwenhaka yendudzi iyeyo. Pakupedzisira, Judha akakurira Jerusarema, achiripisa nomwoto. (Joshua 15:63; Vatongi 1:8) Zvisinei, mazana amakore gare gare, Dhavhidhi anonyorwawo saanokurira Jerusarema.—2 Samueri 5:5-9.
20, 21. Kupfurikidza nokusanonzvera udzame hwose hwakakodzera, chii chinobuda senhau yokutorazve kwavaHebheru guta reJerusarema?
20 Pakuringa kwokutanga, kwose ikoku kungaratidzika kuva kunovhiringidza, asika muuchokwadi hapana pokanidzano. Kutaura idi, muganhu uri pakati penhaka yaBhenjamini neyaJudha waigura nomuMupata waHinomi, uchindosvika kuguta rekare reJerusarema chaimo. Iro gare gare rakazonzi Guta raDhavhidhi riri chaizvoizvo muruwa rwaBhenjamini, sokutaura kunoita Joshua 18:28. Asi kunobvira kuti guta ravaJebhusi reJerusarema raigura nomumupata waHinomi nokudaro ndokupinda nomuruwa rwaJudha, zvokuti Judhawo, aitofanira kurwisana navagari varo vechiKanani.
21 Bhenjamini haana kukwanisa kukunda gutaro. Pane imwe nhambo, Judha akakunda Jerusarema ndokuripisa. (Vatongi 1:8, 9) Asi mauto aJudha sezvinooneka akaenderera mberi, uye vamwe vavagari vemo vapakuvamba vakawana udzorwi hwegutaro. Gare gare, ivo vakaita boka duku rine simba iro Judha kana kuti Bhenjamini asati aigona kubvisa. Nokudaro, vaJebhusi vakapfuurira kugara muJerusarema kutozosvikira Dhavhidhi akurira gutaro mazana amakore gare gare.
22, 23. Ndianiko akatakura danda rokutambudzira raJesu kuenda kunzvimbo yokuuraiwa?
22 Tinosangana nomuenzaniso wechipiri uri muEvhangeri. Pamusoro pokuva kwaJesu anoendeswa kurufu rwake, muEvhangeri yaJohane tinorava, kuti: “Akazvitakurira amene danda rake rokutambudzira, iye akabuda.” (Johane 19:17) Zvisinei, muna Ruka tinorava, kuti: “Zvino zvavaienda naye, ivo vakabata Simoni, mugari weKurini, achibva muruwarwo, uye ivo vakamutakudza danda rokutambudzira kuti aritakure shure kwaJesu.” (Ruka 23:26) Ko Jesu akatakura mudziyo worufu rwake here, kana kuti Simoni akamutakurira?
23 Kutanga, sezvinooneka Jesu akatakura danda rokutambudzira rake amene, sokuratidzira kunoita Johane. Asi gare gare, sokupupurira kunoita Mateo, Marko, uye Ruka, Simoni weKurini akagombedzerwa kuti aite basa rokumutakurira rutivi rwose rwasara rwokuenda kunzvimbo yokuurairwa.
Chibvumikiso Chokuzvimirira
24. Neiko tisingashamiswi nokuwana kusabvumirana kunooneka kuri muBhaibheri, asi chii chatisati tichifanira kugumisa muna ikoku?
24 Chokwadi, pane kusabvumirana kwakati kuti kunooneka kuri muBhaibheri kuri kwakaoma kuyananisa. Asi hatisati tichifanira kurangarira kuti iko ipokanidzano chaidzoidzo. Kazhinji kazhinji inongova bedzi mhaka yekushaikwa kwamashoko akakwana. Bhaibheri rinogovera zivo yakaringanira yokugutsa chinodikanwa chedu chomudzimu. Asi kudai raizotipa udzame huri hwose pamusoro pechinoitika chiri chose chinodudzwa, raizova mupakwa mukuru, usingashandisiki, panzvimbo pokuva vhoriyamu rinoshandisika, riri nyore kutakura ratinaro nhasi.
25. Chii chinotaura Johane pamusoro pechinyorwa choushumiri hwaJesu, uye ikoku kunotibetsera sei kunzwisisa chikonzero nei Bhaibheri risati richitipa udzame huri hwose pamusoro pechinoitika chiri chose?
25 Achitaura nezvoushumiri hwaJesu, muapostora Johane akanyora nokututsira kunoruramiswa, kuti: “Kutaura idi, kune zvinhu zvizhinjiwo izvo Jesu akaita, izvo, kudai zvakanyorwa muudzame huzere, ndinoti, nyika iyo imene hayati yaigona kuringana mipumburu yamanyoro yakanyorwa.” (Johane 21:25) Kwaizotova kusingabviri zvikuru kunyora udzame hwose hwenhau refu yavanhu vaMwari kubvira kumadzitateguru kusvikira kuungano yamaKristu omuzana rokutanga ramakore!
26. Bhaibheri rine mashoko akaringanira nokuda kwedu kuti tive vane chokwadi cheidii rinokosha?
26 Zvamazvirokwazvo, Bhaibheri inenji rokupfupikiswa kwamashoko. Rine mashoko akaringanira kutigonesa kuriziva serinopfuura kungovawo zvaro bhuku ravanhu. Misiano ipi neipi yarinayo inobvumikisa kuti vanyori vakanga vari zvirokwazvo zvapupu zvakazvimirira. Kune rumwe rutivi, chinzwano chakatanhamara cheBhaibheri—chatichakurukura muudzame zvikuru muganhuro rinotevera—chinoratidzira pasina panikiro ipi neipi mavambo aro oumwari. Iro ishoko raMwari, kwete romunhu.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 89]
Kusawirirana kuri pachena kuri muBhaibheri kunobvumikisa kuti vanyori vaiva zvirokwazvo zvapupu zvakazvimirira
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 91]
Kurangarirwa kwamashoko akapoteredza kunowanzobetsera kugadzikisa kunonzi kuzvipokanidza
[Bhokisi riri papeji 93]
“Kusawirirana” Hakufaniri Kuva Pokanidzano
Kenneth S. Kantzer, mufundisi, akamboenzanisira kuti mishumo miviri yechinoitika chimwe chetecho inogona sei kuratidzika kuva inopokanidzana bva yose iri miviri iri yechokwadi. Iye akanyora, kuti: “Paimwe nguva yakapfuura amai veshamwari yedu inodiwa vakaurawa. Takatanga kuziva nezvorufu rwavo kupfurikidza neshamwari inovimbwa yedu tiri vaviri iyo yakashuma kuti amai veshamwari yedu vakanga vave vamire pakona yomugwagwa vachimirira bhazi, vakanga varohwa nerimwe bhazi raipfuura, vakakuvadzwa zvikuru, uye vakafa maminiti mashomanene gare gare.”
Nokukurumidza pashure pacho, iye akanzwa mushumo wakasiana zvikuru. Iye anoti: “Takanzwa nomuzukuru womukadzi akafa kuti iye akanga abatanidzwa mubonderano yemotokari, akakandirwa kunze kwemotokari yaakanga akakwira, uye akafa pakare pakarepo. Mukomanayo akanga ane chokwadi zvikuru namaidi ake.
“Gare gare zvikuru . . . takaongorora nokuda kwetsinhirano. Takanzwa kuti mbuya vakanga vachimirira bhazi, vakarohwa nerimwe bhazi, uye vakakuvadzwa zvikuru kwazvo. Ivo vakanga vatorwa neimwe motokari yaipfuura ndokumhanyisirwa kuchipatara, asi muchimbi-chimbi, motokari yakanga ichivaendesa kuchipatara yakabonderana neimwe motokari. Ivo vakakandirwa kunze kwemotokari ndokufa pakare pakarepo.”
Hungu, nhauro mbiri dzechinoitika chimwe chetecho dzose dziri mbiri dzingava dzechokwadi kunyange zvazvo idzo dzingaratidzika kuva dzisingabvumirani. Ikoku padzimwe nguva kunoitika muBhaibheri. Zvapupu zvakazvimirira zvingarondedzera udzame hwakasiana pamusoro pechinoitika chimwe chetecho. Zvisinei, panzvimbo pokuva zvinopokanidzana, zvazvinonyora zvinokwanisa, uye kana tikarangarira nhau dzose, tinowana nzwisiso iri nani yechakaitika.