RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Mwari anozorora pazuva rechinomwe (1-3)

      • Jehovha Mwari, Musiki wedenga nenyika (4)

      • Murume nemukadzi mumunda weEdheni (5-25)

        • Munhu anoumbwa neguruva (7)

        • Muti wairambidzwa wekuziva zvakanaka nezvakaipa (15-17)

        • Kusikwa kwemukadzi (18-25)

Genesisi 2:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “neuto razvo rese.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 9:6; Pis 146:6

Genesisi 2:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 31:17; VaH 4:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Simba Rekusika—“Musiki Wedenga Nenyika”

    cl chits. 5 ndim. 20

    Mwari Akatanga Riini Kusika Denga Nenyika?

    ijwbq nyaya 173 ndim. 10

    Bhaibheri Rinozvipikisa Here?

    ijwbq nyaya 70

    Teerera Mwari Ubatsirwe Nezvaakavimbisa

    w12 10/15 p. 22 ndim. 2

    Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

    w01 10/1 p. 30

    Wakapinda Muzororo raMwari Here?

    w98 7/15 pp. 14-16 ndim. 2-7

    Bhuku reBhaibheri Nhamba 1—Genesi

    si p. 18

    Bhaibheri Rinozvipokanidza Rimene Here?

    w88 2/1 p. 6

Genesisi 2:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jehovha Anoita Kuti Tive Nechokwadi Nevimbiso Yake yeParadhiso

    w23.11 p. 5 ndim. 14

    VaKristu Vanofanira Kuchengeta Sabata Here?

    ijwbq nyaya 88

    Teerera Mwari Ubatsirwe Nezvaakavimbisa

    w12 10/15 p. 22 ndim. 2

    Zororo raMwari Chii?

    w11 7/15 pp. 24-25 ndim. 1-5

    Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

    w01 10/1 p. 30

    Kariro Dzavanhu Dzakaisvonaka muParadhiso Yomufaro

    w89 8/1 p. 21 ndim. 20-21

Genesisi 2:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Apa ndipo panotanga kushandiswa zita raMwari rakasiyana nemamwe mazita ese, rainyorwa seizvi, יהוה (YHWH). Ona Mashoko Ekuwedzera A4.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 45:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Genesisi 1:1—“Pakutanga Mwari Akasika Denga Nenyika”

    ijwbv nyaya 2 ndim. 7

    Ungawanepi Mhinduro?

    g04 7/8 p. 19

Genesisi 2:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Tinofamba Nokutenda, Hatifambi Nokuona”

    w98 1/15 p. 9 ndim. 6

Genesisi 2:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya mupenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 3:19; Pis 103:14; Mup 3:20
  • +Ge 7:22; Isa 42:5; Mab 17:25
  • +1VaK 15:45, 47

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Bhaibheri Rinoti Chii Chinoitika Kana Munhu Afa?

    wp17 nha. 4 pp. 4-7

    Chii Chinonzi Mweya?

    ijwbq nyaya 71 ndim. 2

    Adhamu naEvha Vaiva Vanhu Chaivoivo Here?

    w09 9/1 pp. 12-13

    Nhema 1: Mweya Haufi

    w09 11/1 p. 4

    Kusika

    rs p. 166 ndim. 1

    Upenyu Pashure Porufu—Bhaibheri Rinotii?

    w99 4/1 p. 14 ndim. 3

    Kutsigira Nokuvimbika Shoko raMwari Rakafuridzirwa

    w97 10/1 p. 19 ndim. 12

    Bhuku reBhaibheri Nhamba 1—Genesi

    si p. 18

    Chii Chinoitika Kuvadiwa Vedu Vakafa?

    kl chits. 9

    Pasinei Zvapo Nokuitwa Neguruva, Fambira Mberi!

    w94 9/1 p. 8 ndim. 1-2

    Sayenzi: Yakabvumikisa Bhaibheri Kuva Risina Kururama Here?

    gm chits. 8

    Murangariro Wako Womweya Unotapura Upenyu Hwako

    w90 5/1 p. 19 ndim. 6

    Mwari Anoronga Kuti Munhu Afarikanye Upenyu muParadhiso

    w89 8/1 p. 12 ndim. 9-10

Genesisi 2:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 2:15; 3:23
  • +Ge 1:26

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Toonana muParadhiso!”

    w18.12 p. 3 ndim. 3

    Munhu—Akasikwa Semwanakomana waMwari

    w10 3/1 pp. 30-31

    Mwari Anoronga Kuti Munhu Afarikanye Upenyu muParadhiso

    w89 8/1 pp. 10-11 ndim. 1-3

    Kuzarura Nzira Yokudzokera kuParadhiso

    w89 8/15 p. 10 ndim. 1-2

Genesisi 2:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 3:22, 24; Zva 2:7
  • +Ge 2:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tsanangudzo Yemashoko emuBhaibheri

    nwt p. 1963

    Ichokwadi Here Kuti Kwaiva Nemunda weEdheni?

    w11 1/1 p. 7

    Upenyu

    rs p. 358 ndim. 4

    Nei Tichikwegura Tofa?

    w08 3/1 pp. 30-31

    Upenyu Husingaperi Hunobvira Chaizvoizvo Here?

    w99 4/15 p. 8 ndim. 17-18

    Upenyu—Hwakachengeteka Nekusingaperi

    g98 10/8 p. 7

    Mwari Anoronga Kuti Munhu Afarikanye Upenyu muParadhiso

    w89 8/1 pp. 12-13 ndim. 9-15

Genesisi 2:10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Ichokwadi Here Kuti Kwaiva Nemunda weEdheni?

    w11 1/1 pp. 5-6

Genesisi 2:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mwari Anoronga Kuti Munhu Afarikanye Upenyu muParadhiso

    w89 8/1 pp. 10-15

Genesisi 2:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iyi inamo inonhuhwirira inobuda pane imwe mhando yemiti.

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mwari Anoronga Kuti Munhu Afarikanye Upenyu muParadhiso

    w89 8/1 p. 12

Genesisi 2:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mwari Anoronga Kuti Munhu Afarikanye Upenyu muParadhiso

    w89 8/1 pp. 10-15

Genesisi 2:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Tigirisi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 10:4
  • +Ge 10:8, 11
  • +Ge 15:18; Dhe 11:24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mwari Anoronga Kuti Munhu Afarikanye Upenyu muParadhiso

    w89 8/1 pp. 10-15

Genesisi 2:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 1:28; 2:8; Pis 115:16

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Dzidza Zvakawanda nezvaJehovha Kubva Pazvinhu Zvaakasika

    w23.03 pp. 15-16

    Ndiani Achachengetedza Nyika Kuti Isaparadzwa?

    mrt nyaya 15

    Mwari Anoronga Kuti Munhu Afarikanye Upenyu muParadhiso

    w89 8/1 pp. 10-15

Genesisi 2:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 2:8, 9; 3:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nei Jesu Achinzi Mwanakomana waMwari?

    ijwbq nyaya 160 ndim. 12

    Rusununguko Rune Vanamati vaJehovha

    wt chits. 5 ndim. 4

    Nei Tichikwegura Ndokufa?

    kl chits. 6

    Mibvunzo Inobva Kuvaravi

    w90 5/1 p. 30

    Mwari Anoronga Kuti Munhu Afarikanye Upenyu muParadhiso

    w89 8/1 pp. 12-13 ndim. 11-12

Genesisi 2:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 3:19; Pis 146:4; Mup 9:5, 10; Eze 18:4; VaR 5:12; 1VaK 15:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nei Tichichembera Uye Tichifa?

    wp19 nha. 3 p. 8

    Nei Jesu Achinzi Mwanakomana waMwari?

    ijwbq nyaya 160 ndim. 12

    Tingava Sei Nerusununguko Rwechokwadi?

    w18.04 p. 5 ndim. 9-10

    Kufa Uye Kumuka kwaJesu—Kunoita Kuti Uwanei?

    w15 3/1 p. 4

    Muvengi Wokupedzisira, Rufu, Achaparadzwa

    w14 9/15 pp. 24-25 ndim. 3-7

    Nei Tichikwegura Tofa?

    w08 3/1 pp. 30-31

    Chivi Chokutanga Chaiva Chei?

    g06.07 pp. 14-15

    Nyaradzo Kune Vaya Vanotambura

    w03 1/1 pp. 4-7

    Rusununguko Rune Vanamati vaJehovha

    wt chits. 5 ndim. 4

    Zvatinodzidza Mukubvumira kwaMwari Uipi

    wt chits. 7 ndim. 5

    Kukudziridza Kwatingaita Kunaka

    w01 1/15 pp. 4-5

    Nei Jehovha Achifanira Kuva Nezvapupu?

    jv chits. 1

    Nei Tichifa?

    ie p. 21

    Nei Tichikwegura Ndokufa?

    kl chits. 6

    Neiko Kwatora Nguva Refu Kwazvo Kupedza Nhau Yacho?

    w91 3/1 pp. 5-6

    Mwari Anoronga Kuti Munhu Afarikanye Upenyu muParadhiso

    w89 8/1 pp. 12-13 ndim. 11-14

    Kariro dzeParadhiso Dzakanaka Pasinei Zvapo Nokusateerera Kwavanhu

    w89 8/1 pp. 22-25 ndim. 3-11

    Chirevo Chinobatanidza Iwe

    tp chits. 5 ndim. 5

Genesisi 2:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 11:8, 9; 1Ti 2:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Hanzvadzi Dzechidiki​—⁠Ivai Neushamwari Hwakasimba naJehovha

    w23.12 p. 23 ndim. 19

    Wanano

    g 1/14 p. 14

    Mwari Ane Hanya Nevanhukadzi Zvechokwadi Here?

    w12 9/1 pp. 4-5

    Kuroora Kana Kuroorwa Ndiko Kunoita Kuti Munhu Afare Here?

    w12 10/1 p. 25

    Mhuri dzechiKristu—‘Rambai Makamuka’

    w11 5/15 p. 8 ndim. 10

    Vakadzi

    rs p. 396 ndim. 2

    Basa Raamai Rinokudzwa

    g05.01 pp. 10-11

    Tinogona Kudzidza Kuvanhu Vaviri Vokutanga

    w00 11/15 pp. 24-25

    Kiyi Mbiri Dzeroorano Inogara

    fy chits. 3 ndim. 16-17

    Nzvimbo Ine Chiremera Yavakadzi Pakati Pavabatiri Vapakuvamba vaMwari

    w95 7/15 pp. 10-11

    Basa Romukadzi muMagwaro

    w91 7/1 p. 9 ndim. 4

    Ndinogona Seiko Kuita Kuti Ushoma Hwangu Hubve?

    yp-CA chits. 14

    Musazvisunga Mumene Pajoko Navasingatendi

    w89 11/1 p. 18 ndim. 2

Genesisi 2:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “chero zita raipiwa mweya mupenyu mumwe nemumwe nemunhu, ndiro rakava zita rawo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 1:26

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Dzidza Zvakawanda nezvaJehovha Kubva Pazvinhu Zvaakasika

    w23.03 p. 15 ndim. 3

    Kushanda naMwari Kunoita Kuti Tifare

    w16.01 p. 29 ndim. 3

    Mhuka—Chipo chaMwari

    g04 3/8 p. 11

    Bhaibheri Rinozvipokanidza Rimene Here?

    gm chits. 7 ndim. 17-18

    Kariro Dzavanhu Dzakaisvonaka muParadhiso Yomufaro

    w89 8/1 pp. 15-16 ndim. 2-4

Genesisi 2:20

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kariro Dzavanhu Dzakaisvonaka muParadhiso Yomufaro

    w89 8/1 pp. 15-18 ndim. 2-9

Genesisi 2:21

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Ichokwadi Here Kuti Kwaiva Nemunda weEdheni?

    w11 1/1 p. 7

    Adhamu naEvha Vaiva Vanhu Chaivoivo Here?

    w09 9/1 p. 13

Genesisi 2:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mk 10:9; 1Ti 2:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Ichokwadi Here Kuti Kwaiva Nemunda weEdheni?

    w11 1/1 p. 7

    Adhamu naEvha Vaiva Vanhu Chaivoivo Here?

    w09 9/1 p. 13

    Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raGenesi—I

    w04 1/1 p. 30 ndim. 2

Genesisi 2:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 11:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raGenesi—I

    w04 1/1 p. 30 ndim. 2

    Kariro Dzavanhu Dzakaisvonaka muParadhiso Yomufaro

    w89 8/1 pp. 18-19 ndim. 9-10

Genesisi 2:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “acharamba aine mudzimai wake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mar 2:16; Mt 19:5; Mk 10:7, 8; VaR 7:2; 1VaK 6:16; VaE 5:31; VaH 13:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Bhaibheri Rinotii Nezvenyaya Yekupinda Muwanano Kana Kuti Kugara Wakadaro?

    lff chidzidzo 42 pfungwa 1-7

    Mazano Anobatsira Kuti Mhuri Ifare

    g21 nha. 1 p. 4

    Jehovha Anotinyaradza Pakutambudzika Kwedu Kwose

    w17.06 p. 5 ndim. 4

    Zvinorevei ‘Kukudza Baba Naamai Vako’?

    ijwbq nyaya 130 ndim. 7

    Wanano—Matangiro Ayakaita Uye Chinangwa Chayo

    w16.08 pp. 8-9 ndim. 1-2

    Bhaibheri Rinorambidza Kunakidzwa Nebonde Here?

    ijwbq nyaya 58 ndim. 1

    Bhaibheri Pane Zvarinotaura Here Nezvekuroorana Kwengochani?

    ijwbq nyaya 16 ndim. 1-2

    Remekedzai Imba Yenyu Sechipo Chamakapiwa naMwari

    w11 1/15 pp. 14-16 ndim. 9-14

    Kuchinja Kunoita Zvinhu Murume Nomudzimai Pavanova Nevana

    w11 5/1 p. 13

    Kuva Noukama Hwakanaka Navanaamwene, Vanaambuya Nemadzitezvara

    w10 2/1 p. 27

    Kuroorana

    rs p. 144 ndim. 2

    Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raGenesi—I

    w04 1/1 p. 30 ndim. 2

    Zuva Romuchato—Rinofadza Asi Rinonetsa

    g02 2/8 p. 24

    Muchato Unofanira Kuva Mubatanidzwa Woupenyu Hwose Here?

    g01 2/8 pp. 31-32

    Tinogona Kudzidza Kuvanhu Vaviri Vokutanga

    w00 11/15 p. 25

    Bhuku reBhaibheri Nhamba 1—Genesi

    si pp. 13-19

    Kuroorana Kana Kuti Kugara Pamwe Chete—Ndechipi?

    g92 1/8 p. 29

    Kufarikanya Ukama Hwoushamwari Hwehama Dzomuroorano

    g90 4/8 pp. 8-11

Genesisi 2:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 3:7

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 2:1Ne 9:6; Pis 146:6
Gen. 2:2Eks 31:17; VaH 4:4
Gen. 2:4Isa 45:18
Gen. 2:7Ge 3:19; Pis 103:14; Mup 3:20
Gen. 2:7Ge 7:22; Isa 42:5; Mab 17:25
Gen. 2:71VaK 15:45, 47
Gen. 2:8Ge 2:15; 3:23
Gen. 2:8Ge 1:26
Gen. 2:9Ge 3:22, 24; Zva 2:7
Gen. 2:9Ge 2:17
Gen. 2:14Dha 10:4
Gen. 2:14Ge 10:8, 11
Gen. 2:14Ge 15:18; Dhe 11:24
Gen. 2:15Ge 1:28; 2:8; Pis 115:16
Gen. 2:16Ge 2:8, 9; 3:2
Gen. 2:17Ge 3:19; Pis 146:4; Mup 9:5, 10; Eze 18:4; VaR 5:12; 1VaK 15:22
Gen. 2:181VaK 11:8, 9; 1Ti 2:13
Gen. 2:19Ge 1:26
Gen. 2:22Mk 10:9; 1Ti 2:13
Gen. 2:231VaK 11:8
Gen. 2:24Mar 2:16; Mt 19:5; Mk 10:7, 8; VaR 7:2; 1VaK 6:16; VaE 5:31; VaH 13:4
Gen. 2:25Ge 3:7
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 2:1-25

Genesisi

2 Saka denga nenyika nezvimwe zvese zviri mazviri* zvakapera kusikwa.+ 2 Pakazosvika zuva rechinomwe, Mwari akanga apedza basa rake raakanga achiita, uye akatanga kuzorora pazuva rechinomwe pabasa rake rese raakanga achiita.+ 3 Mwari akabva atanga kukomborera zuva rechinomwe, akariti idzvene, nekuti pazuva iroro Mwari akatanga kuzorora pabasa rake rekusika zvinhu zvese, zvese zvaakaita maererano nechinangwa chake.

4 Iyi ndiyo nhoroondo yedenga nenyika pazvakasikwa, pazuva rakaitwa denga nenyika+ naJehovha* Mwari.

5 Panyika pakanga pasati pava nemakwenzi uye masango akanga asati avapo, nekuti Jehovha Mwari akanga asati anayisa mvura panyika uye pakanga pasina munhu wekuti airime. 6 Asi mhute yaikwira ichibva panyika, ichinyorovesa nyika yese.

7 Uye Jehovha Mwari akatanga kuumba munhu neguruva+ revhu akafuridzira mumhino dzake mweya wekufema weupenyu,+ munhu akava mupenyu.*+ 8 Zvadaro, Jehovha Mwari akasima munda muEdheni,+ nechekumabvazuva; uye akaisamo munhu waakanga asika.+ 9 Saka Jehovha Mwari akaita kuti mumunda macho mumere miti yese inoyevedza uye yakanakira kudya uyewo muti weupenyu+ uri pakati pemunda, nemuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa.+

10 Paiva nerwizi rwaitangira muEdheni rwaiyerera ruchidiridza munda wacho, uye parwaibuda imomo rwaiparadzana rwoita nzizi ina. 11 Rwekutanga runonzi Pishoni; ndirwo runopoterera nyika yese yeHavhira, iyo ine goridhe. 12 Goridhe renyika iyoyo rakanaka. Kunowanikawo dheriyamu* nedombo reonikisi. 13 Rwizi rwechipiri runonzi Gihoni; ndirwo runopoterera nyika yese yeKushi. 14 Rwizi rwechitatu runonzi Hidhekeri;*+ ndirwo runoenda kumabvazuva kweAsiriya.+ Uye rwizi rwechina runonzi Yufratesi.+

15 Jehovha Mwari akatora munhu, akamuita kuti agare mumunda weEdheni kuti aurime nekuuchengeta.+ 16 Jehovha Mwari akapawo munhu murayiro uyu: “Unogona hako kudya michero yemiti yese yemumunda kusvikira waguta.+ 17 Asi haufaniri kudya muchero wemuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa, nekuti zuva raunoudya chokwadi uchafa.”+

18 Jehovha Mwari akabva ati: “Hazvina kunaka kuti munhu arambe ari ega. Ndichamuitira mubatsiri, anonyatsoenderana naye.”+ 19 Uye Jehovha Mwari akanga aumba nevhu mhuka dzese dzemusango nezvisikwa zvese zvinobhururuka zvekudenga, uye akatanga kuzviunza kumunhu kuti aone kuti aizotumidza chimwe nechimwe kuti chii; chero zita raipiwa chisikwa chipenyu chimwe nechimwe nemunhu, ndiro rakava zita racho.*+ 20 Saka munhu akapa mazita kuzvipfuwo zvese nezvisikwa zvinobhururuka zvekudenga nemhuka dzese dzesango, asi munhu akanga asina mubatsiri wake anonyatsoenderana naye. 21 Saka Jehovha Mwari akaita kuti munhu abatwe nehope huru, uye paakanga akarara, akatora mbabvu yake imwe chete akabva aita kuti nyama ivhare panzvimbo payo. 22 Jehovha Mwari akaumba mukadzi nembabvu yaakanga atora pamurume, akamuunza kumurume.+

23 Murume akabva ati:

“Iri ndiro rava pfupa remapfupa angu

Nenyama yenyama yangu.

Uyu achanzi Mukadzi,

Nekuti akatorwa pamurume.”+

24 Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira kumudzimai wake,* uye vachava nyama imwe.+ 25 Vese vari vaviri vakanga vasina kupfeka,+ murume nemudzimai wake; asi vakanga vasinganyare.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe