Chii Chinotaura Magwaro Pamusoro po“Umwari hwaKristu”?
JESU KRISTU akava nomuuyo mukuru worudzidziso parudzi rwomunhu. Ikoku kwakadaro nemhaka yokuti mamirioni anotaura kuva vateveri vake. Zvisinei, havasati vari vose vavo vanobvumirana pamusoro pokuzivikanwa kwake.
Vamwe vanotaura kuti vanogamuchira dzidziso dzaJesu vanomurangarira soMwanakomana waMwari, kwete soMusiki amene. Vamwe vanotenda mu“umwari hwaKristu” ndokufunga kuti iye ndiMwari zvomenemene. Ivo vanodavira kuti Jesu aivapo nguva dzose uye aipfuura munhu apo akanga ari pano pasi pano. Ko ivo vakarurama pamusoro paikoku here? Chii chinotaura Magwaro?
Kuvapo kwaJesu Asati Ava Munhu
Jesu akapupurira kuti iye aiva nokuvapo asati ava munhu. Iye akati: “Hakuna munhu wakakwira kudenga, asi iye wakaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.” (Johane 3:13) Jesu akatiwo: “Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, uchararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, huve upenyu hwenyika.”—Johane 6:51.
Kuti Jesu akanga ari mupenyu asati auya kupasi kwakajeka kubva mumashoko ake, okuti: “Abrahama asati avapo, ini ndaivapo.” (Johane 8:58) Abrahama akararama kuvambira muna 2018 kusvikira kuna 1843 P.N.V., nepo upenyu hwohunhu hwaJesu hwakavambira muna 2 P.N.V. kusvikira kuna 33 N.V. Pamberi chaipo porufu rwake, Jesu akanyengetera, kuti: “Zvino imi Baba, mundikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako kwamuri, nyika isati yavapo.”—Johane 17:5.
Vateveri vaJesu vakapa chipupuriro chakafanana. Muapostora Johane akanyora, kuti: “Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga rina Mwari, uye Shoko rakanga riri mwari. Zvinhu zvose zvakavapo kupfurikidza naye, uye kunze kwake hakuna kunyange nechinhu chimwe chakavapo. . . . Naizvozvo Shoko rakava nyama ndokugara pakati pedu, uye takaona mbiri yake, mbiri yakadai seyomwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi akabva kuna baba; uye akanga akazara mutsa usakafanirwa nezvokwadi.” (Johane 1:1, 3, 14, NW) Hungu, “Shoko rakava nyama” somunhu Jesu Kristu.
Achinongedzera kukuvapo kwaJesu asati ava munhu, muapostora Pauro akanyora, kuti: “Chengetai ichi chimiro chendangariro mamuri icho chaivawo muna Kristu Jesu, uyo, kunyange zvazvo akanga aripo muchimiro chaMwari, asina kurangarira kubvuta, ndiko kuti, kuti anofanira kuva akaenzana naMwari. Aiwa, asi akazvikutura amene ndokutora chimiro chomuranda ndokusvika pakuva akafanana navanhu.” (VaFiripi 2:5-7, NW) Pauro akadana Jesu kuti “dangwe rechisiko chose; nemhaka yokuti kupfurikidza naye zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa.”—VaKorose 1:13-16, NW.
Akanga Asiri Woumwari Pasi Pano
Magwaro anojekesa kuti Jesu akanga ari wohunhu chose chose kuvambira pakuberekwa kwake kutozosvikira parufu rwake. Johane haana kutaura kuti Shoko rakangopfekedzwa zvaro nyama. Iye “akava nyama” ndizvo akanga asiri rutivi nyama uye rutivi Mwari. Kudai Jesu akanga ave ari wohunhu nowoumwari panguva imwe cheteyo, kungadai kusina kugona kutaurwa kuti akanga a“itwa muduku zvishoma kuvatumwa.”—VaHebheru 2:9; Pisarema 8:4, 5.
Kudai Jesu akanga ave ari zvose zviri zviviri Mwari nomunhu apo akanga ari pasi pano, neiko akanyengetera anyengeterazve kuna Jehovha? Pauro akanyora, kuti: “Iye, pamazuva enyama yake, wakauya kuna iye wakanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.”—VaHebheru 5:7.
Kuti Jesu akanga asati ari rutivi mudzimu apo akanga ari pasi pano kunobvumikiswa nokutaura kwaPetro kwokuti Kristu “akaurawa munyama, asi . . . akaitwa mupenyu mumudzimu.” (1 Petro 3:18, NW) Kwaingova bedzi nemhaka yokuti Jesu akanga ari munhu chose chose kuti aigona kuva akatambura izvo vanhu vasina kukwana vanotambura uye nokudaro achiva muprista mukuru anonzwira tsitsi. Pauro akanyora, kuti: “Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi wakaidzwa pazvinhu zvose sesu, asina zvivi.”—VaHebheru 4:15.
Se“Gwaiana raMwari iro rinobvisa chivi chenyika,” Jesu “akazvipa amene sorudzikinuro runowirirana nokuda kwavose.” (Johane 1:29; 1 Timotio 2:6, NW) Nenzira iyoyo, Jesu akatenga zvomenemene icho Adhama akanga arasa—upenyu hwohunhu hwakakwana, husingagumi. Sezvo ruramisiro yaMwari yaida ‘mweya nokuda kwomweya,’ Jesu nokudaro aifanira kuva izvo Adhama akanga akaita pakuvamba—munhu akakwana, kwete Mwari-munhu.—Dheuteronomio 19:21; 1 VaKorinte 15:22.
Usanyanyowedzera muMagwaro eBhaibheri
Avo vanotaura kuti Jesu akanga ari Mwari-munhu vanoshandisa magwaro akasiana-siana munhamburiko yokubvumikisa kuti iye akanga ari mutezo woUtatu hwechiKristudhomu, akaenzana naMwari mumusikirwo, simba, mbiri, uye urefu hwenguva. Asi apo tinonzvera aya magwaro nokungwarira, tinowana kuti avo vanotsigira “umwari hwaKristu” vanorangarira idzi ndima sedzinotaura zvakawanda kupfuura zvadzinoita chaizvoizvo.
Vamwe vanotaura kuti magwaro eBhaibheri umo Mwari anoshandisa shoko rinomirira zita rokuti “ti” anoita kuti Jesu (Shoko) asati ava munhu ave akaenzana naJehovha. Asi kushandiswa kweiri shoko rinomirira zita hakurevi kuti Mwari akanga achitaura kumuenzani. Zvikurusa rinoreva kuti pakati pezvisikwa zvokudenga, chimwe chine nzvimbo inodikanwa mukuwirirana naMwari. Zvomenemene, Jesu asati ava munhu akanga ari musonganiri wapedyo waMwari, Mhizha, uye Mutauriri.—Genesi 1:26; 11:7; Zvirevo 8:30, 31; Johane 1:3.
Migariro yakabatanidzwa norubhapatidzo rwaJesu haikarakadzi kuti Mwari, Kristu, uye mudzimu mutsvene vakaenzana. Somunhu, Jesu akabhapatidzwa muratidzirwo yokuzvipa amene kuna Baba vake vokudenga. Panguva iyoyo “matenga akazaruka,” uye mudzimu waMwari wakaburuka, uchiuya pana Jesu kufanana nenjiva. Uyewo, “kubva kumatenga,” inzwi raJehovha rakanzwiwa richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera.”—Mateo 3:13-17, NW.
Naizvozvo, ipapoka, chii chakareva Jesu apo akaudza vateveri vake kubhapatidza vadzidzi “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene”? (Mateo 28:19, 20, NW) Jesu haana kureva kana kuti kutaura kuti iye, Baba vake, uye mudzimu mutsvene vakanga vakaenzana. Panzvimbo pezvo, avo vanobhapatidzwa vanoziva Jehovha soMupi woUpenyu naMwari Wamasimba ose, kwaari vanotsaurira upenyu hwavo. Ivo vanogamuchira Jesu saMesia nouyo kupfurikidza naye Mwari akagovera rudzikinuro nokuda kworudzi rwomunhu runotenda. Uye ivo vanoziva kuti mudzimu mutsvene isimba rinobata basa raMwari, ravanofanira kuzviisa pasi paro. Zvisinei, vanobhapatidzwa vakadaro havafaniri kurangarira Jehovha, Jesu, uye mudzimu mutsvene samwari mumwe woUtatu.
Asi manenji aJesu haabvumikisi here kuti iye akanga ari Mwari-munhu? Aiwa, nokuti Mosesi, Eria, Erisha, vaapostora Petro naPauro, uye vamwe vakaita manenji pasina kuva vanaMwari-vanhu. (Eksodho 14:15-31; 1 Madzimambo 18:18-40; 2 Madzimambo 4:17-37; Mabasa 9:36-42; 19:11, 12) Kufanana navo, Jesu akanga ari munhu uyo akaita manenji nesimba rakapiwa naMwari.—Ruka 11:14-19.
Isaya akanongedzera nenzira youporofita kuna Jesu Mesia sa“Mwari Une Simba.” (Isaya 9:6) Pana Isaya 10:21, muporofita mumwe cheteyo akataura nezvaJehovha sa“Mwari Une Simba.” Vamwe vanoedza kushandisa iyi fanano yamashoko kubvumikisa kuti Jesu ndiMwari. Asi tinofanira kuva vanongwarira pamusoro pokunyanyowedzera muidzi ndima. Kutaura kwechiHebheru kunoshandurwa kuti “Mwari Une Simba” hakuna kuganhurirwa kuna Jehovha sezvakaita kutaura kwokuti “Mwari Wamasimba ose.” (Genesi 17:1) Sezvinobvumwa, pane musiano pakati pokuva ane simba nokuva wamasimba ose, pasina mukuru.
Mukuwirirana naIsaya 43:10, Jehovha akati: “Hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe.” Asi mashoko iwayo haabvumikisi kuti Jesu ndiMwari. Pfundo nderokuti Jehovha akanga asina mutangiri, kuti hakuna mwari aivapo pamberi pake, nokuti iye haagumi. Hakusati kuchizova namwari pashure paJehovha nemhaka yokuti iye achavapo nguva dzose uye haasati achizova navatsivi saChangamire Mukuru. Bva, Jehovha akaita vamwe avo iye amene akadana kuti vamwari, sezvinoratidza Magwaro kupfurikidza nokuti pamusoro pavanhu vakati: “Ndakati: ‘Muri vamwari, mose muri vanakomana voWokumusorosoro. Kunyange zvakadaro muchafa savanhu, muchafa somumwe wamachinda!’” (Pisarema 82:6, 7) Nenzira yakafanana, Shoko rakanga riri mwari akasikwa naJehovha, asi ikoko hakuna kuita kuti Jesu aenzane naMwari Wamasimba ose panguva ipi neipi.
Nzvimbo Yechokwadi yaJesu
Avo vanotaura kuti Mwari akava nokuvapo kwomunhu saMwari-munhu vanofanira kucherekedza kuti Bhaibheri harisati richimbokarakadza kuti Jesu akazvirangarira amene nenzira yakadaro. Panzvimbo pezvo, nguva dzose rinoratidza kuti Jesu nguva dzose ave ari muduku kuna Baba wake. Apo akanga ari pasi pano, Jesu haana kutongotaura kuva anopfuura Mwanakomana waMwari. Kupfuurirazve, Kristu akati: “Baba vakuru kwandiri.”—Johane 14:28.
Pauro akaita musiano pakati paJehovha naJesu mukuti: “Isu tinongova naMwari mumwe bedzi, ndivo Baba; zvinhu zvose zvinobva kwaari, nesu tiripo nokuda kwake; uye Ishe mumwe, Jesu Kristu; zvinhu zvose zviripo naye, nesu tiripo naye.” (1 VaKorinte 8:6) Pauro akatiwo: “Imi muri vaKristu; naKristu ndowaMwari.” (1 VaKorinte 3:23) Zvamazvirokwazvo, kunyange sezvo maKristu ari aTenzi wawo, Jesu Kristu, naizvozvo iye ndowoMusoro wake, Jehovha Mwari.
Achiita pfundo rakafanana, Pauro akanyora, kuti: “Musoro womurume ari wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.” (1 VaKorinte 11:3, NW) Ukama ihwohwu huri pakati paMwari naKristu huchapfuurira, nokuti pashure poKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaJesu, “iye anopa umambo kuna Mwari wake naBaba” uye “Mwanakomana amene achazviisa amene pasi poUyo akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti Mwari agova zvinhu zvose kumunhu ari wose.”—1 VaKorinte 15:24, 28; Zvakazarurwa 20:6, NW.
Kutarira Mamwe Magwaro
Pamusoro pokuberekwa kwaJesu, Mateo akanyora, kuti: “Izvozvo zvose zvakaitwa kuti zviitike zvakarehwa na[Jehovha, NW] nomuromo womuprofita [pana Isaya 7:14], achiti: ‘Tarira, mhandara ichava nemimba, ichazvara mwanakomana, vachamutumidza zita rinonzi Emanueri;’ ndokuti kana zvichishandurwa: ‘Mwari unesu.’” (Mateo 1:22, 23) Jesu haana kupiwa zita romunhu oga rokuti Emanueri, asi basa rake somunhu rakazadzika revo yaro. Kuvapo kwaJesu pasi pano seMbeu youMesia noMudyi wenhaka kuchigaro choumambo chaDhavhidhi zvakabvumikisa kuvanamati vaJehovha kuti Mwari akanga anavo, parutivi pavo, achivatsigira mumabasa avo.—Genesi 28:15; Eksodho 3:11, 12; Joshua 1:5, 9; Pisarema 46:5-7; Jeremia 1:19.
Achitaura kuna Jesu amutswa, muapostora Tomasi akati: “Ishe wangu, naMwari wangu!” (Johane 20:28) Iyi nedzimwe nhauro dzaka“nyorwa kuti [isu] tigotenda kuti Jesu ndiye Kristu Mwanakomana waMwari.” Uye Tomasi akanga asiri kupokanidza Jesu, uyo akanga atumira vadzidzi Vake shoko rokuti: “Ndiri kukwira kuna . . . Mwari wangu naMwari wenyu.” (Johane 20:17, 30, 31, NW) Naizvozvo Tomasi haana kufunga kuti Jesu akanga ari Mwari Wamasimba ose. Tomasi angave akataura kuna Jesu sa“Mwari wangu” mupfungwa yokuva kwaKristu “mwari,” kunyange zvazvo akanga asiri “Mwari bedzi wechokwadi.” (Johane 1:1; 17:1-3, NW) Kana kuti kupfurikidza nokutaura kuti “Mwari wangu,” Tomasi angave akanga achibvuma Jesu soMutauriri noMumiriri waMwari, kunyange sezvo vamwe vakataura kunhume yengirozi sokunge akanga ari Jehovha.—Enzanisa naGenesi 18:1-5, 22-33; 31:11-13; 32:24-30; Vatongi 2:1-5; 6:11-15; 13:20-22.
Mukuwirirana neBhaibheri, ipapoka, Jesu aiva nokuvapo asati ava munhu seShoko. Apo akanga ari pasi pano, akanga asiri Mwari-munhu woumwari. Iye akanga ari munhu chose chose, kunyange zvazvo akanga akakwana, sezvakanga zvakaita Adhama pakuvamba. Chifo chorumuko rwaJesu, ave ari mudzimu usingafi wakakwidziridzwa unozviisa pasi paMwari nguva dzose. Nenzira yakajeka, naizvozvo, Magwaro haatsigiri pfungwa yo“umwari hwaKristu.”
[Bhokisi riri papeji 23]
Ngirozi Dzinonamata Jesu Here?
SHANDURO dzakati dzaVaHebheru 1:6 dzinoti: “Ngirozi dzose dzaMwari ngadzimunamate [Jesu].”(King James Version; The Jerusalem Bible) Muapostora Pauro sezviri pachena akanokora mashoko Septuagint, iro rinoti paPisarema 97:7: “Munamatei [Mwari] imi mose ngirozi Dzake.”—C. Thomson.
Shoko rechiGiriki pro·sky·neʹo, rinoshandurwa kuti “kunamata” pana VaHebheru 1:6, rinoshandiswa paPisarema 97:7 muSeptuagint nokuda kweshoko rechiHebheru, sha·chahʹ, rinoreva kuti “kukotama.” Ichi chinogona kuva chiito chinogamuchirika choruremekedzo nokuda kwavanhu. (Genesi 23:7; 1 Samueri 24:8; 2 Madzimambo 2:15) Kana kuti rinogona kuva nechokuita nokunamatwa kwaMwari wechokwadi kana kuti uko kunonangidzirwa zvakaipa kuvamwari venhema.—Eksodho 23:24; 24:1; 34:14; Dheuteronomio 8:19.
Kazhinji kazhinji pro·sky·neʹo anopiwa kuna Jesu anowirirana noruremekedzo kumadzimambo navamwe. (Enzanisa Mateo 2:2, 8; 8:2; 9:18; 15:25; 20:20 na 1 Samueri 25:23, 24; 2 Samueri 14:4-7; 1 Madzimambo 1:16; 2 Madzimambo 4:36, 37.) Kazhinji kazhinji kwakajeka kuti ruremekedzo runopiwa kuna Jesu kwete saMwari asi so“Mwanakomana waMwari” kana kuti “Mwanakomana womunhu” wouMesia.—Mateo 14:32, 33; Ruka 24:50-52; Johane 9:35, 38.
VaHebheru 1:6 ine chokuita nenzvimbo yaJesu pasi paMwari. (VaFiripi 2:9-11) Pano dzimwe shanduro dzinoshandura pro·sky·neʹo kuti “kupa . . . rukudzo” (The New English Bible), “kuita rukudzo ku” (New World Translation), kana kuti “kukotama pamberi” (An American Translation). Kana munhu achida zvake kushandura kwokuti “kunamata,” kunamata kwakadaro kune mwero, nokuti Jesu akaudza Satani, kuti: “NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata [chimiro chapro·sky·neʹo], uye ndokwaari bedzi kwaunofanira kuita basa rinoyera.”—Mateo 4:8-10, NW.
Kunyange zvazvo Pisarema 97:7, iro rinotaura pamusoro pokunamata Mwari, rakashandiswa kuna Kristu pana VaHebheru 1:6, Pauro akanga aratidza kuti Jesu akamutswa ndiye “chadzera chokubwinya kwa[Mwari], nomufananidzo wake chaiye.” (VaHebheru 1:1-3) Naizvozvo “kunamata” kupi nokupi ngirozi dzinopa kuMwanakomana waMwari kune mwero uye kunonangidzirwa kupfurikidza naye kuna Jehovha.