Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Jesu akati, “Dai maiva mapofu, hamuzaiva nezvivi.” (Johane 9:41) Ko iye akareva here kuti vamwe vanhu havana zvivi?
Aiwa, vanhu vose nhasi vatadzi, sezvakanga zvakaita vose muzana rokutanga ramakore, kunze kwaJesu amene. Muawa mashoko anobva muna Johane 9:41, Jesu akanga achinongedzera kurudzi rwakati rwechivi.
Mukare wedu tose Adhama akaremedza vazukuru vake vose nechivi. Adhama akanga asikwa akakwana, asina chivi. (Dheuteronomio 32:4; 2 Samueri 22:31) Apo akasateerera miraidzo mikuru yaJehovha, Adhama akava asina kukwana. Kuita chivi kunoreva zvikurukuru “kupotsa chiratidzo.” Adhama zvirokwazvo akaita izvozvo. Naizvozvo kupfurikidza nokupunza murairo waMwari, Adhama akava mutadzi.
Tose zvedu takatapurwa nemhaka yokuti tose zvedu takabva kuna Adhama. Ungagona kukuenzanisira neiyi nzira: Munhu akaberekwa ane urema hukuru hunogarwa nhaka angahupfuudza kuvana vake vose; ivo vaizogara nhaka urema humwe chetehwo. Masaindisiti azvino uno anogona kuziva kana urema hwakati hwamachromosomes huripo mumwana achangobva kunambwa kana kuti achangobva kuberekwa, asi Jehovha anopfuura izvozvo. Iye anozivisa kuti urema hwakakomba hwakavapo muna Adhama uye kuti ihwo hwakapfuuridzirwa kwatiri tose. Urema ihwohwu chivi. “Kupfurikidza nomunhu mumwe [Adhama] chivi chakapinda munyika uye rufu kupfurikidza nechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nemhaka yokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12, NW) Uyu mugariro wokutadza wakabvisa vanhu mutsinhirano noMusiki, mukuwedzera kukuunza pavari chirwere norufu. Hakuna munhu kunze kwaJesu ave akakwana uye asina shurikidzo yokurufu.—VaRoma 5:18-21; 6:23; 2 Makoronike 6:36.
MuBhaibheri, zvisinei, vanhu pane dzimwe nguva vanonzi “vatadzi” nemhaka yokucherechedzwa savaiti vechivi vakatanhamara kana kuti vorudzi runokatyamadza rwechivi. (Ruka 19:2-7; Marko 2:16, 17; 14:41) Ikoko, chokwadika, hakurevi kuti vasara vose vavanhu vakanga vakakwana, vasina chivi. Kudai vakanga vasina, vangadai vasina kukwegura uye pakupedzisira kufa.
Nhauro iri muna Johane ganhuro 9 yakabatanidza mumwe munhu akaberekwa riri bofu asi ane chiono icho Jesu akaporesa. Munhu wacho pachake akanga asina kukwanisa kurava Magwaro, bva aiva nezivo yakaganhurirwa. Iye aiziva kuti Mwari haanzwi zvikumbiro zvavatadzi vamaune. Idi rokuti Jehovha akasimbaradza Jesu kuti aite nenji rokudzorera chiono rakabvumikisa kuti Jesu akanga ari muporofita. VaFarise vanodada, kunyanguvezvo, vakaramba kugamuchira chipupuriro chine mufungo chouyu munhu, uye ivo vakamubudisira kunze.—Johane 9:13-17, 26-34.
Pashure paikoku, Jesu akati: “Kutonga ndiko kwandauyira panyika ino, kuti vasingaoni, vaone; navanoona vave mapofu.” (Johane 9:39) Hungu, pahwaro hwokuparidzira kwake, mimwe mibato, uye basa mumadonzo aMwari, vanhu vamwe navamwe vaizowana chiono chomudzimu ndokufamba muchiedza kana kuti zvimwe vaizova murima romudzimu. (Isaya 9:1, 2; 42:6, 7; Mateo 4:13-17; 6:23; 2 Petro 1:9; 2 VaKorinte 4:4) Kudai vatungamiriri vorudzidziso vakanga vangova zvavo vaJudha vasina kuziviswa vaiva nomutoro wenguva dzose wechivi chohunhu, kusagamuchira kwavo Mesia kungadai kwakaregererwa. Asi ivo, avo vaiti “vanoona,” kana kuti kunzwisisa, vaiva nemhaka zvikuru nemhaka yokuti vaiva nezivo huru yoMutemo neyeShoko rouporofita raMwari. Naizvozvo kuramba kwavo Jesu kwakanga kuri chivi chakakomba icho chakavashurikidza zvikuru kupfuura zvakaita kusakwana kwavo kwomuzvarirwo kwohunhu nechivi. Nokudaro, Jesu akaudza vaFarise, kuti: “Dai maiva mapofu, hamuzaiva nezvivi, asi zvino munoti: Tinoona; zvivi zvenyu zvinoramba zviripo.”—Johane 9:41.