Upenyu hwaJesu Noushumiri
Zano Rokuonekana
CHIDYO chechirangaridzo chapera, asi Jesu navaapostora vake vachiri mukamuri rapamusoro. Kunyange zvazvo Jesu achakurumidza kuenda, achine zvinhu zvakawanda zvokutaura. “Mwoyo yenyu isatambudzika,” anovanyaradza kudaro. “Shandisai kutenda muna Mwari.” Asi zvakawanda zvinodikanwa. “Shandisawo kutenda mandiri,” anowedzera kudaro.—NW.
“Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara,” Jesu anopfuurira kudaro. “Ndinoenda kundokugadzirirai pokugara . . . kuti apo pandiri, nemi mugovapowo. Napandinoendapo, imi munoziva nzira.” Vaapostora havanzwisisi kuti Jesu ari kutaura pamusoro pokuenda kudenga, naizvozvo Tomasi anobvunza, achiti: “Ishe, hatizivi kwamunoenda; nzira tingaiziva seiko?”
“Ndini nzira, nezvokwadi,” Jesu anopindura kudaro. Hungu, kupfurikidza bedzi nokumugamuchira nokutevedzera nzira yake youpenyu munhu upi noupi anogona kupinda muimba yokudenga yaBaba nemhaka yokuti, sezvinotaura Jesu, kuti: “Hapana munhu anouya kuna Baba, asi nokwandiri.”
“Ishe, tiratidzei Baba,” Firipo anokumbira kudaro, “zvigotiringana.” Firipo sezviri pachena anoda kuti Jesu agovere chiratidzo chinooneka chaMwari, chakadai sechakapiwa munguva dzakare muzviono kuna Mosesi, Eria, uye Isaya. Asi, chaizvoizvo, vaapostora vane chimwe chinhu chiri nani zvikuru kupfuura zviono zvorudzi irworwo, sezvo Jesu anoti: “Ndakava nemi nguva refu yakadai, ko hausati wandiziva here, Firipo? Wandiona ini aona Baba.”
Jesu anoratidzira zvakakwana kwazvo hunhu hwaBaba vake zvokuti kugara nokumucherechedza, chaizvoizvo, kwakafanana nokuona zvomenemene Baba. Bva, Baba vakuru kuMwanakomana, seizvo Jesu anobvuma: “Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu.” Jesu nenzira yakafanira anopa mbiri yose yedzidziso dzake kuna Baba vake vokudenga.
Kunofanira kuva kunokurudzira sei kuti vaapostora vanzwe Jesu zvino achivaudza, kuti: “Unotenda kwandiri, mabasa andinoita, iye uchaaitawo, uchaita makuru kuna iwaya”! Jesu haarevi kuti vateveri vake vachashandisa masimba makuru enenji kupfuura ayo akaita. Aiwa, asi anoreva kuti ivo vachapfuuridzira ushumiri kwenguva yakareba zvikuru, panharaunda huru zvikuru, uye kuvanhu vazhinji zvikuru.
Jesu haasati achisiya vadzidzi vake pashure pokuenda kwake. “Chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu,” iye anopikira kudaro, “ndichaita ichochi.” Uyezve, iye anoti: “Ndichakumbira Baba uye ivo vachakupai mumwe mubetseri kuti ave nemi nokusingaperi, mudzimu wezvokwadi.” (NW) Gare gare, pashure pokunge akwira kudenga, Jesu anodururira pavadzidzi vake mudzimu mutsvene, uyu mumwe mubetseri.
Kuenda kwaJesu kwava pedyo, sezvaanoti: “Kuchine nguva duku, nyika haichazondioni.” Jesu achava chisikwa chomudzimu icho munhu asingagoni kuona. Asi zvakare Jesu anopikira vaapostora vake vakatendeka, kuti: “Imi muchandiona, nemhaka yokuti ndiri mupenyu uye imi muchava vapenyu.” (NW) Hungu, Jesu haasati achizongooneka bedzi kwavari muchimiro chomunhu pashure porumuko rwake asi munguva yakafanira achavamutsira kuupenyu naye mudenga sezvisikwa zvomudzimu.
Jesu zvino anotaura mutemo wakapfava: “Uyo ane mirairo yangu uye anoichengeta, iyeyo ndiye anondida. Uyewo uyo anondida achadiwa naBaba vangu, uye ndichamuda uye ndichazviratidza ndimene zvakajeka kwaari.”—NW.
Pana ikoku muapostora Judhasi, uyo anonziwo Tadheo, anodzongonyedza: “Ishe ndokudiniko kuti muchazviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?”
“Kana munhu achindida,” Jesu anopindura kudaro, “uchachengeta shoko rangu; naBaba vangu vachamuda . . . Usingadi ini, haachengeti mashoko angu.” Kusafanana navateveri vake vanoteerera, nyika inofuratira dzidziso dzaKristu. Naizvozvo haasati achizviratidza amene kwavari.
Mukati moushumiri hwake hwapasi, Jesu adzidzisa vaapostora vake zvinhu zvizhinji. Vachazviyeuka sei zvose, zvikurukuru sezvo, kunyange kusvikira panguva ino, ivo vachikundikana kunzwisisa zvakawanda kwazvo? Nomufaro, Jesu anopikira, kuti: “Mubetseri, mudzimu mutsvene, uyo Baba vachatumira muzita rangu, iyeyo achakudzidzisai zvinhu zvose ndokudzorera kundangariro dzenyu zvinhu zvose zvandakakuudzai.”—NW.
Zvakare achivanyaradza, Jesu anoti: “Ndinokusiirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. . . . Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa, uye irege kutya.” Chokwadi, Jesu ava kuenda, asi anotsanangura, kuti: “Dai maindida, mungadai maifara, nokuti ndinoenda kuna Baba; nokuti Baba vakuru kwandiri.”
Nguva yasara yaJesu anavo ipfupi. “Handichazotauri zvizhinji nemi,” anodaro, “muchinda wenyika unouya; asi haane chinhu kwandiri.” Satani Dhiabhorosi, uyo akakwanisa kupinda muna Judhasi ndokuva nesimba paari, ndiye mutongi wenyika. Asi hapana utera hwokutadza muna Jesu uhwo Satani anogona kushandisa kumubvisa pakubatira Mwari. Johane 14:1-31; 13:27; Ruka 22:3, 4; Eksodho 24:10; 1 Madzimambo 19:9-13; Isaya 6:1-5.
▪ Jesu ari kuenda kupi, uye imhinduroi inogamuchira Tomasi pamusoro penzira yokuendako?
▪ Kupfurikidza nechikumbiro chake, chii sezviri pachena icho Firipo anoda kuti Jesu agovere?
▪ Neiko munhu akaona Jesu akaonawo Baba?
▪ Vateveri vaJesu vangaita sei mabasa makuru zvikuru kupfuura ayo akaita?
▪ Satani haana simba pana Jesu mupfungwai?