Jehovha Ndiye Mubetseri Wangu
“Shingai muti: ‘Jehovha ndiye mubetseri wangu; handisati ndichizotya. Chii chinogona kuita munhu kwandiri?’”—VAHEBHERU 13:6, “NW.”
1, 2. (a) Vose vari vaviri wezvamapisarema nomuapostora Pauro vakataura chivimboi muna Jehovha? (b) Mibvunzoi inomuka?
JEHOVHA MWARI ndiye manyuko asingakundikani ebetsero. Wezvamapisarema aiziva ikoku kubva muruzivo rwokuzviwanira uye aigona kuti: “Jehovha uri kurutivi rwangu; handingatyi; munhu ungandiiteiko?” (Pisarema 118:6) Mirangariro yakafanana yakataurwa nomuapostora Pauro apo akanyora tsamba yake yakafuridzirwa noumwari kumaKristu eHebheru.
2 Sezviri pachena achinokora mashoko owezvamapisarema muSeptuagint yechiGiriki, Pauro akaudza vanamati biyake veHebheru, kuti: “Shingai muti: ‘Jehovha ndiye mubetseri wangu; handisati ndichizotya. Chii chinogona kuita munhu kwandiri?’” (VaHebheru 13:6, NW) Neiko muapostora akanyora neiyi nzira? Uye chiiko chatinogona kudzidza mumashoko akapoteredza?
Vaida Betsero yaJehovha
3. (a) Jehovha akabvumikisa kuva Mubetseri waPauro mumigariroi? (b) Neiko maKristu eHebheru aida zvikuru Jehovha soMubetseri wavo?
3 Pauro akanga ari chapupu chinozvibaira icho chaiva noufakazi hwokuti Jehovha akanga ari Mubetseri wake. Mwari akabetsera muapostora wacho mukutarisana nenhamo dzakawanda. Pauro akapinzwa mutorongo, akarohwa, uye akatakwa namabwe. Mukufamba kwake somushumiri wechiKristu, iye akatambura kupunzikirwa nechikepe pamwe chete nedzimwe ngozi dzakawanda. Iye akanga akasanorovedzana nokushanda zvakaoma, usiku hwokusarara, nzara, nyota, kunyange mushutu. “Kunze kwaizvozvi,” iye akadaro, “ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose.” (2 VaKorinte 11:24-29) Pauro aiva norudzi irworwo rweitiro hanya nokuda kwamaKristu eHebheru. Mazuva eJerusarema akanga ava mashoma, uye hama nehanzvadzi dzechiJudha dzomuapostora wacho dzaiva muJudhea dzaizotarisana nemiedzo mikuru yokutenda. (Dhanieri 9:24-27; Ruka 21:5-24) Naizvozvo vaizofanira kuva naJehovha soMubetseri wavo.
4. Izanoi guru rinopiwa mutsamba yose yokuvaHebheru?
4 Mukuzarura tsamba yake kumaKristu eHebheru, Pauro akaratidza kuti betsero youmwari yaizowanwa bedzi kana vakateerera Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu. (VaHebheru 1:1, 2) Iri pfundo rakasimudzirwa mutsamba yacho. Somuenzaniso, kuti atsigire iri zano, muapostora akayeuchidza varavi vake kuti vaIsraeri vakarangwa nokuda kwokusateerera vari murenje. MaKristu eHebheru aizopukunyuka chirango chiduku sei kana akaramba izvo Mwari akataura kwavari kupfurikidza naJesu ndokuva vawi pakutenda vachinamatira kuMutemo waMosesi uyo wakaiswa parutivi nechibairo chaJesu!—VaHebheru 12:24-27.
Rudo Rwouhama Ruchishanda
5. (a) Nderimwe zanoi rinogovera tsamba yokuvaHebheru? (b) Chii chakataura Pauro pamusoro porudo?
5 Tsamba yokuvaHebheru yakapa vadyi venhaka vanokarirwa voUmambo hwokudenga zano pamusoro penzira yokutevera nayo Muenzaniso wavo, Jesu Kristu, ‘kuita basa rinoyera norutyo rwoumwari norukudzo,’ uye kuva naJehovha soMubetseri wavo. (VaHebheru 12:1-4, 28, 29) Pauro akakurudzira vatendi biyake kusangana nguva dzose no‘kunyandurirana kurudo namabasa akaisvonaka.’ (VaHebheru 10:24, 25) Zvino iye akapa zano, achiti: “Rudo rwenyu rwouhama ngarupfuurire.”—VaHebheru 13:1, NW.
6. Jesu akapa vateveri vake “murairo mutsva” pamusoro porudo mupfungwai?
6 Jesu aida rudo rwakadaro rwavateveri vake, nokuti iye akati: “Ndinokupai murairo mutsva, kuti mudane; kungofanana neni ndakakudai, kuti imiwo mudane. Kupfurikidza naikoku vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu.” (Johane 13:34, 35, NW) Uyu wakanga uri “murairo mutsva” mukuti iwo wakaraira zvakawanda kupfuura zvaiita Mutemo waMosesi, uyo wakati: “Unofanira kuda munhu biyako [kana kuti, muvakidzani] sewe umene.” (Revhitiko 19:18, NW) “Murairo mutsva” wakaita zvinopfuura kuda kuti munhu ade muvakidzani wake sezvaaizvida amene. Wakaraira rudo rwokuzvibaira kusvikira papfundo rokupa upenyu hwako nokuda kwomumwe munhu. Upenyu hwaJesu norufu zvakaratidzira rudzi irworwo rworudo. Tertullian akanongedzera kuiri vara rinoratidzira apo iye akanokora mashoko kutaura kwavanhu venyika pamusoro pamaKristu ndokuti: “‘Tarirai,’ ivo vanoti, ‘vanodana sei . . . uye vakagadzirira sei kufirana.’”—Apology, ganhuro XXXIX, 7.
7. Rudo rwouhama rwakanga rwuri pachena sei pashure pePentekosta 33 N.V.?
7 Rudo rwouhama rwakanga rwuri pachena pakati pavadzidzi vaJesu pashure pePentekosta 33 N.V. Kuti vatendi vazhinji vakanga vachangobva kubhapatidzwa vakabva kunzvimbo dziri kure vagogona kutambanudza kugara kwavo muJerusarema ndokudzidza zvakawanda pamusoro pegadziriro yaMwari yoruponeso kupfurikidza naKristu, “navaitenda vose, vaiva pamwe chete, vakati zvinhu zvose ndezvavose; vakatengesa pfuma yavo nenhumbi, vakagovana navose, mumwe nomumwe paakashaiwa napo.”—Mabasa 2:43-47; 4:32-37.
8. Chitendisoi chiripo chokuti rudo rwouhama rwuripo pakati peZvapupu zvaJehovha nhasi?
8 Rudo rwouhama rwakadaro rwuripo pakati peZvapupu zvaJehovha munguva yedu. Somuenzaniso, pashure peHondo yeNyika II, rudo rwakadaro rwakasunda vanhu vaMwari kuita nhimbe yebetsero yamakore maviri nehafu. Zvapupu zvomuCanada, Sweden, Switzerland, United States, uye dzimwe nyika dzakapa zvokupfeka nemari yokutenga zvokudya zvavatendi biyavo vaiva munyika dzakasakadzwa nehondo dzeAustria, Belgium, Bulgaria, China, Czechoslovakia, Denmark, England, Finland, France, Germany, Greece, Hungary, Italy, Netherlands, Norway, Philippines, Poland, uye Romania. Uyu unongova muenzaniso bedzi, nokuti vabatiri vaMwari misi ichangobva kupfuura iyi zvikuru vakaratidza rudo rwakadaro nokuda kwavanyajambwa vechiKristu vokudengenyeka kwapasi muPeru neMexico, madutu emhepo muJamaica, uye ngwavaira dzakafanana mune dzimwe nzvimbo. Muiyi nzira nedzimwe dzakawanda, vanhu vaJehovha ‘vanorega rudo rwavo rwouhama ruchipfuurira.’
Iva Nomutsa
9. (a) Ivarai roumwari rinodudzwa pana VaHebheru 13:2? (b) Vamwe vasingazivi ‘vakagamuchira ngirozi’ sei?
9 Pauro akatevera kududza rimwe vara rinoratidzirwa naavo vanotevera Kristu, ‘kuita basa rinoyera norutyo rwoumwari norukudzo,’ uye kuva naJehovha soMubetseri wavo. Iye akakurudzira, kuti: “Musakanganwa kuitira vaeni rudo; nokuti vachidaro vamwe vakagarisa vatumwa mumba, vasingazvizivi.” (VaHebheru 13:2) Ndiani asingazivi a“kagarisa vatumwa mumba”? Eya, tateguru Abrahama akanga ari mugamuchiri wengirozi nhatu. (Genesi 18:1-22) Mbiri dzadzo dzakaenda, uye mwanakomana womunun’una wake Roti akakoka ava vaeni vamene kupinda mumusha make muSodhoma. Zvisinei, dzisati dzagona kurara, imba yaRoti yakakombwa nechikwata, “kuvambira pamukomana kusvikira pamurume mukuru.” Ivo vakaraira kuti Roti avape vaeni vake nokuda kwamadonzo outere, asi iye akaramba nesimba. Kunyange zvazvo Roti akanga asingakuzivi pakutanga, iye akanga agamuchira ngirozi, idzo panguva iyeyo dzakamubatsira navanasikana vake kupukunyuka rufu apo ‘Jehovha akanisa mwoto nesurferi zvichibva kudenga paSodhoma neGomora.’—Genesi 19:1-26, NW.
10. Zvikomboreroi zvinofarikanya maKristu ane mutsa?
10 MaKristu ane mutsa anofarikanya zvikomborero zvakawanda. Anonzwa zvinoitika zvinopfumisa zvinorondedzerwa navashanyi vavo ndokubetserwa nesongano yavo inotusa mumudzimu. Gayo akarumbidzwa nokuda kwokugamuchira vatendi biyake nomutsa, “uye vaeni pana ikoko,” kunyange sezvo vazhinji vavanhu vaJehovha zvino vachigamuchira vatariri vanofambira. (3 Johane 1, 5-8, NW) Kuva nomutsa chikwaniriso chokugadzwa somukuru. (1 Timotio 3:2; Tito 1:7, 8) Kunokoshawo kuti Jesu akapikira zvikomborero zvoUmambo kuvanhu vamwe navamwe vakafanana namakwai vakaita nenzira yomutsa zvakanaka ku“hama” dzake dzakazodzwa.—Mateo 25:34-40.
Yeukai Avo Vanotambudzwa
11. Neiko zano riri pana VaHebheru 13:3 rakanga rakafanira?
11 Avo vanoshuva kuva nebetsero yaJehovha noku‘ita basa rinoyera kwaari norutyo rwoumwari norukudzo’ vanofanira kusakanganwa vatendi biyavo vari kutambura. Pauro akanzwisisa nhamo dzaitamburwa namaKristu aibatwa zvisakafanira. Nguva yakati pamberi pezvi, vadzidzi vakanga vaparadzirwa nechitambudzo, uye mushandi biyake Timotio akanga achangobva kusunungurwa mutorongo. (VaHebheru 13:23; Mabasa 11:19-21) Vafundisi vechiKristu vakanga vachifamba-fambawo vachiumba ungano itsva kana kuti kuvaka dzaivapo mumudzimu. Sezvo vazhinji vehama nehanzvadzi panguva iyeyo vaifamba vakanga vari Vamarudzi, maKristu eHebheru angave aisavaitira hanya zvakakwana. Rakafanira, ipapoka, rakanga riri zano, rinoti: “Fungai vakasungwa, somunenge makasungwa pamwe chete navo; naivo vanoitirwa zvakaipa, somunenge muri mumiviri imiwo.”—VaHebheru 13:3.
12. Tingashandisa sei zano rokurangarira vatendi biyedu vanobatwa zvisakafanira?
12 VaHebheru vakanga va“nzwira tsitsi avo vakasungwa” asi vaisafanira kukanganwa vanamati biyavo vakadaro vakatendeka, vangave vaiva vaJudha kana kuti Vamarudzi. (VaHebheru 10:34) Asi zvakadiniko nesu? Tingaratidza sei kuti tinorangarira maKristu anobatwa zvisakafanira? Muzvinoitika zvakati kungava kwakafanira kuti tikumbire kuzviremera zvehurumende netsamba munhamburiko yokubetsera vatendi biyedu vakapinzwa mutorongo nokuda kwokutenda kwavo munyika umo basa rokuparidzira Umambo rakarambidzwa. Tinofanira kuvayeuka zvikuru muminyengetero yedu, kunyange kududza vamwe nezita, kana kuchibvira. Kutambudzwa kwavo kunotitapura zvikuru, uye Jehovha anonzwa zvikumbiro zvedu zvechokwadi nokuda kwavo. (Pisarema 65:2; VaEfeso 6:17-20) Nepo tinenge tisiri muchitokisi chimwe chetecho, kwakaita sokunge takasungwa navo ndokukwanisa kupa betsero nekurudziro. MaKristu akaberekwa nomudzimu zvamazvirokwazvo anonzwira tsitsi vakazodzwa vanobatwa zvisakafanira. (Enzanisa na 1 VaKorinte 12:19-26.) Ivava vane itiro hanya yakafanana nokuda kweshamwari dzavo dzinotambudzwa dzine tariro dzapasi, avo vanotamburawo kubatwa kusakafanira kwamarudzi mazhinji pasimba ravatambudzi. Kunzwira tsitsi kwakadaro kwakafanira, sezvo tose zvedu tichiri mumuviri wohunhu uye tingatambura kutambura nechitambudzo savanamati vaJehovha.—1 Petro 5:6-11.
Roorano Inofanira Kuva Inokudzwa
13. Chaizvoizvo, chii chakataura Pauro pana VaHebheru 13:4?
13 Kutevera muenzaniso waKristu noku‘ita basa rinoyera kuna Jehovha norutyo rwoumwari norukudzo’ kunofanira kutapura itiro hanya yedu nokuda kwavamwe munzira dzakawanda. Achinge ataura kuti “imi mumene muchiriwo mumuviri,” Pauro akadudza ukama hune rutivi rwomutumbi, kana kuti muviri, urwo rwakapa banza rokuratidza rangariro yakafanira nokuda kwavamwe. (VaHebheru 13:3, NW) Iye akapa maKristu eHebheru iri zano: “Roorano ngaikudzwe pakati pavose, uye huvato hweroorano huve husina svibiso, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (VaHebheru 13:4, NW) Iri zano rakafanira sei, sezvo utere hwevatano hwakanga hwakapararira muUmambo hweRoma! MaKristu omuzuva razvino anofanirawo kuteerera aya mashoko nemhaka yemipimo yetsika yakaderera yenyika neidi rokuti gore rimwe nerimwe zviuru zvinodzingwa muungano nemhaka youtere hwevatano.
14. Neiko ungataura kuti roorano inokudzwa?
14 Pakati paavo vasina kuremekedza zvikuru roorano pakanga pana vaEsene venguva yaPauro. Ivo vaiwanzova vasingaroori, kufanana navamwe vari mumapoka avakuru vorudzidziso nhasi vanorangarira nenzira yakaipa kusaroora kuva kutsvene zvikuru kupfuura kuroora. Kupfurikidza neizvo Pauro akaudza maKristu eHebheru, zvisinei, iye akaratidzira nenzira yakajeka kuti roorano inokudzwa. Kuiremekedza kwakanga kuri pachena apo Naome akataura ichi chishuvo nokuda kwavaroora vake vakafirwa, Rute naOrpa: “Jehovha ngaakuzorodzei, mumwe nomumwe mumba momurume wake.” (Rute 1:9) Pane imwe nzvimbo, Pauro amene akaonesa kuti ‘munhambo dzapashure dzenguva vamwe vaizowa pakutenda, vachirambidza kuroora.’—1 Timotio 4:1-5.
15. Ndivanaani vakadudzwa sezvifeve nemhombwe pana VaHebheru 13:4, uye Mwari aizovatonga sei?
15 VaHebheru vaichimbova muMutemo asi vakapinzwa musungano itsva vaiziva murairo, unoti: “Hausati uchifanira kuita upombwe.” (Eksodho 20:14, NW) Asi ivo vakanga vari munyika ine utere uye vaida nyevero, inoti: “ . . . huvato hweroorano ngahuve husina svibiso, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” Pakati pezvifeve pane vanhu vasina kuroora vanovatana. Mhombwe zvikurukuru vanhu vakaroora vanogara naavo vasiri vakwanyina vavo, vachisvibisa huvato hwavo vamene hweroorano. Sezvo vaiti vasingapfidzi voufeve noupombwe vachifanirwa norutongeso rwakaipa rwaMwari, ivo havasati vachizopinzwa muJerusarema Idzva rokudenga kana kuti zvimwe kufarikanya upenyu husingagumi pasi pano mukutonga kwoUmambo. (Zvakazarurwa 21:1, 2, 8; 1 VaKorinte 6:9, 10) Iyi nyevero yokusasvibisa huvato hweroorano inofanira kuitawo kuti maKristu akaroora adzivise mufambiro wevatano unosvibisa navakwanyina vavo, kunyange zvazvo pasina chinhu chisina kuchena pamusoro pekwamirano yomuviri yakafanira mukati meroorano.—Ona Nharireyomurindi, September 1, 1983, mapeji 27-31.
Kugutswa Nezvinhu Zvazvino
16, 17. Chii chakataurwa pana VaHebheru 13:5, uye neiko vaHebheru vaida iri zano?
16 Tichawana gutsikano kana tikatevera Muenzaniso wedu ndo‘kuita basa rinoyera norutyo rwoumwari norukudzo,’ tine chivimbo chokuti Jehovha ndiye Mubetseri wedu. Kubatanidzwa zvikuru muzvirondwa zvenyika kunogona kuva muedzo. Asi maKristu haafaniri kutera kwakuri. VaHebheru vakaudzwa, kuti: “Musakarira mari pamugarire wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye amene wakati: ‘Handingatongokuregerei, handingatongokusiiyi.’” (VaHebheru 13:5) Neiko vaHebheru vaida iri zano?
17 Zvichida vaHebheru vainyanyoitira hanya mari nemhaka yokuti vakayeuka “nzara huru” mukutonga kwaKraudhio Kesari (41-54 N.V.). Nzara iyoyo yakanga yakashata kwazvo zvokuti maKristu kune dzimwe nzvimbo akatumira mbuva dzokubetsera kuhama dzavo muJudhea. (Mabasa 11:28, 29) Mukuwirirana nowezvenhau wechiJudha Josephus, nzara yacho yakagara makore matatu kana kuti kupfuura, kuchiparira urombo hunodzvinyirira muJudhea neJerusarema.—Antiquities of the Jews, XX, 2, 5; 5, 2.
18. Zano riri pana VaHebheru 13:5 rinogovera chifundoi nokuda kwedu?
18 Muno mune chifundo chedu here? Hungu, nokuti hazvinei hazvo nokuti tingava varombo sei, hatifaniri kuda mari kana kuti kunyanyoiitira hanya. Panzvimbo pokuva vanofunganya pamusoro pechengeteko yokunyama, sezvinobvira kunyange kuva vane ruchiva, tinofanira “kugutswa nezvinhu zvazvino.” Jesu akati: “Rambai, naizvozvo, muchitanga kutsvaka umambo nokururama [kwaMwari], uye zvimwe zvinhu zvose izvozvi zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:25-34, NW) Iye akaratidzawo kuti tinofanira kupa ngwariro pakuva vaka“pfuma kuna Mwari” nemhaka yokuti ‘upenyu hwedu hahubvi muzvinhu zvatinazvo.’ (Ruka 12:13-21, NW) Kana rudo rwemari rwava kutyisidzira umudzimu hwedu, ipapoka, ngatiteererei zano raPauro rokuvaHebheru uyewo kuyeuka kuti “kuzvipira kwoumwari pamwe chete nokukwanisa kuzvitsigira” ndiwo “mutoo wemhindu huru.”—1 Timotio 6:6-8, NW.
Vimba naJehovha
19. Chipikirwai chakapa Mwari kuna Joshua, uye ichochi chinofanira kutitapura sei?
19 Savateveri vaJesu vari kutsvaka ‘kuita basa rinoyera norutyo rwoumwari norukudzo, tinofanira kuisa chivimbo chedu kwete mumari asi muna Baba vedu vokudenga, vane betsero inokosha. Zvinetso zvipi kana zvipi zvatinotarisana nazvo, tinofanira kuyeuka chipikirwa chake, chinoti: “Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.” (VaHebheru 13:5) Pano Pauro akanongedzera kumashoko aMwari kuna Joshua, anoti: “Handingakuregi kana kukusiya.” (Joshua 1:5; enzanisa naDheuteronomio 31:6, 8.) Jehovha haana kutongosiya Joshua, uye Iye haasati achizotisiya kana tikavimba naIye.
20. (a) Ndorwupi rwuri rugwaro rwegore rwa 1990? (b) Pasina rutyo, chii chatinofanira kupfuurira kuita?
20 Betsero isingakundikani yaMwari ichasimbiswa pakati peZvapupu zvaJehovha mumwedzi iri mberi, nokuti rugwaro rwazvo rwegore ra 1990 runorava, kuti: “Shingai muti: ‘Jehovha ndiye mubetseri wangu.’” Aya mashoko anowanwa pana VaHebheru 13:6 (NW), apo Pauro akanokora mashoko wezvamapisarema ndokuudza vaHebheru, kuti: “Kuti tigova noushingi ndokuti: ‘Jehovha ndiye mubetseri wangu; handisati ndichizotya. Chii chinogona kuita munhu kwandiri?’” (Pisarema 118:6) Kunyange zvazvo tichitambudzwa, hatityi, nokuti vanhu havagoni kuita zvinopfuura izvo Mwari anobvumidza. (Pisarema 27:1) Kunyange kana tikafanira kufa savachengeti veperero, tine tariro yorumuko. (Mabasa 24:15) Naizvozvo ngatipfuurirei kutevera Muenzaniso wedu mu‘kuita basa rinoyera norutyo rwoumwari norukudzo,’ tine chivimbo chokuti Jehovha ndiye Mubetseri wedu.
Ungapindura Sei?
◻ Neiko maKristu eHebheru aida zvikuru betsero yaJehovha?
◻ Vanhu vaJehovha ‘vakarega [sei] rudo rwavo rwouhama ruchipfuurira’?
◻ Kuvirei nomutsa?
◻ Chii chatinogona kuita kuratidza kuti tinoyeuka vatendi biyedu vanobatwa zvisakafanira?
◻ Neiko roorano ichifanira kuchengetwa ichikudzwa?