Mapisarema
Kumutungamiriri. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo.
2 Haiwa imi Munzwi wemunyengetero, vanhu vemarudzi ese vachauya kwamuri.+
5 Muchatipindura nemabasa enyu anoshamisa+ ekururama,
Haiwa Mwari weruponeso rwedu;
Vanhu vese vepanyika vanovimba nemi+
Nevaya vari kure mhiri kwemakungwa.
8 Vanogara kure kure vachashamiswa nezviratidzo zvenyu;+
Muchaita kuti vaya vanogara kumabvazuva nekumavirira vapembere nemufaro.
Rukova runobva kuna Mwari ruzere nemvura;
Nekuti ndiwo magadziriro amakaita nyika.
10 Munozadza miforo yayo nemvura, moenzanisa ivhu rayo rakarimwa;
Munoipfavisa nemvura inopfunha; munokomborera zvinokura pairi.+
11 Munopedzisa gore nekuripfekedza korona yekunaka kwenyu;
Zvinopemberera zvichifara, chokwadi, zvinoimba.+