Shoko raJehovha Rinopararira!
“Nenzira ine simba shoko raJehovha rakaramba richikura nokupararira.”—MABASA 19:20, “NW.”
1. Chii chichafukidzwa mufundo ino yebhuku reBhaibheri raMabasa aVaapostora?
JEHOVHA akanga ari kuzarura suo rokumubato. Zvikurukuru Pauro, “muapostora kumarudzi,” aizotungamirira basa iroro. (VaRoma 11:13, NW) Zvamazvirokwazvo, yedu fundo inopfuurira yaMabasa aVaapostora inomuwana akabatikana munzendo dzoufundisi dzinofadza.—Mabasa 16:6–19:41.
2. (a) Muapostora Pauro akabatira sei somunyori akafuridzirwa nenzira youmwari kubvira munenge muna 50 N.V. kusvikira kuna 56 N.V.? (b) Chii chakaitika sezvo Mwari akakomborera ushumiri hwaPauro nouhwo hwavamwe?
2 Pauro akanga ariwo munyori akafuridzirwa nenzira youmwari. Kuvambira munenge muna 50 N.V. kusvikira kuna 56 N.V., iye akanyora 1 na 2 VaTesaronika ari muKorinte, VaGaratia ari muguta iroro kana kuti ari muAntiokia yeSiria, 1 VaKorinte ari muEfeso, 2 VaKorinte ari muMakedhonia, uye VaRoma ari muKorinte. Uye sezvo Mwari akakomborera ushumiri hwaPauro nouhwo hwavamwe, “munzira ine simba shoko raJehovha rakaramba richikura nokupararira.”—Mabasa 19:20, NW.
Kubva Asia Kuenda kuEurope
3. Pauro neshamwari dzake vakagadza sei muenzaniso wakaisvonaka pamusoro penhungamiro yomudzimu mutsvene?
3 Pauro navasonganiri vake vakagadza muenzaniso wakaisvonaka mukugamuchira nhungamiro yakapiwa nomudzimu mutsvene. (16:6-10) Zvichida kupfurikidza nezviziviso zvinonzwika, zviroto, kana kuti zviono, mudzimu wakavadzivisa kuparidzira muruwa rweAsia nomuruwa rweBhitinia, rwakasvikwa gare gare namashoko akanaka. (Mabasa 18:18-21; 1 Petro 1:1, 2) Neiko mudzimu wakadzivisa kupinda kwapakuvamba? Vashandi vakanga vari vashoma, uye mudzimu wakanga uchivatungamirira kupinda muminda inobereka zvikuru muEurope. Naizvozvo nhasi, kana nzira ikavharwa yokupinda mundima imwe, Zvapupu zvaJehovha zvinoparidzira kune imwe nzvimbo, zviine chokwadi chokuti mudzimu waMwari uchazvitungamirira kuna vakafanana namakwai.
4. Chii chaiva mhinduro kuchiono chaPauro chomurume weMakedhonia akanga achikumbira betsero?
4 Pauro navasonganiri vake ipapo vaka‘pfuura’ napaMisia, ruwa rwuri muAsia Minor, somunda woufundisi. Muchiono, zvisinei, Pauro akaona murume weMakedhonia achikumbira betsero. Naizvozvo vafundisi nokukurumidza vakaenda kuMakedonia, ruwa rweBalkan Peninsula. Nenzira yakafanana, Zvapupu zvizhinji zvinotungamirirwa nomudzimu mutsvene kundobatira zvino uko kunokushaiwa kukuru kwavazivisi voUmambo.
5. (a) Nei kuchigona kutaurwa kuti shoko raJehovha rakapararira muFiripi? (b) Zvapupu zvizhinji zvomuzuva razvino zvakafanana naRidhia munzirai?
5 Shoko raJehovha rakapararira muMakedhonia. (16:11-15) Firipi, koroni yaigarwa zvikurusa navagari veRoma, sezviri pachena yakanga ine vaJudha vashoma uye isina sinagoge. Naizvozvo hama dzakaenda ku“nzvimbo yomunyengetero” parutivi porwizi kunze kweguta. Pakati paavo vakawanikwa ikoko pakanga pana Ridhia, sezvinobvira muproserite wechiJudha akabva Tiatira, guta raiva muAsia Minor raizivikanwa nokuda kwokugadzira kwaro dhayi. Aitengesa dhayi yepepuru kana kuti machira nezvipfeko zvaiva nayo. Pashure pokunge Ridhia nemhuri yake vabhapatidzwa, akapa mutsa zvapachokwadi kwazvo zvokuti Ruka akanyora, kuti: “Akatitendisa.” Tinoonga hanzvadzi dzorudzi irworwo nhasi.
Murindi Wetorongo Anova Mutendi
6. Mubato wamadhemoni wakatungamirira sei kukupinzwa mutorongo kwaPauro naSirasi paFiripi?
6 Satani anofanira kuva akatsamwiswa pamusoro pezvinoitika zvomudzimu muFiripi, nokuti mubato woudhemoni imomo wakatungamirira kukupinzwa mutorongo kwaPauro naSirasi. (16:16-24) Kwamazuva vakanga vachiteverwa nomusikana akanga ane “dhemoni rokuuka” (chaizvoizvo, “mudzimu weshato”). Dhemoni racho ringave rakaedzesera Apollo wePythia, mwari uyo sezvinofungidzirwa akauraya nyoka yainzi pyʹthon. Musikana wacho aiunzira vatenzi vake mhindu huru kupfurikidza nokushandisa unyanzvi hwokudeya kutaura. Chokwadi, angave akaudza varimi nguva yokudyara, vasikana nguva yokuroorwa, uye vashandi vomumugodhi kwokutsvaka ndarama! Akaramba achitevera hama uye achidanidzira, kuti: “Vanhu ava varanda vaMwari Wokumusorosoro, vanokuparidzirai nzira yoruponeso.” Dhemoni racho ringave rakamuita kuti ataure izvozvi kuita kuti kuratidzike kuti kudeya kutaura kwake kwakanga kwakafuridzirwa nenzira youmwari, asi madhemoni haana maruramiro okuita ziviso pamusoro paJehovha negadziriro yake yoruponeso. Apo Pauro akaneta nokunetswa, akadzinga dhemoni racho muzita raJesu. Bhizimisi ravo raparadzwa, vatenzi vomusikana wacho vakakakatira Pauro naSirasi mumusika, uko vakarohwa neshamhu. (2 VaKorinte 11:25) Ipapo vakaiswa mutorongo uye tsoka dzavo dzakaiswa mumatanda. Zvinhu zvakadaro zvaigona kugadziridzwa kuti zvimanikidzire makumbo omunhu kuparadzana, kuchiparira marwadzo makuru.
7. Kupinzwa mutorongo kwaPauro naSirasi paFiripi kwakatungamirira kuzvikomborero nokuda kwaani uye sei?
7 Uku kupinzwa mutorongo kwakatungamirira kuzvikomborero nokuda kwomurindi wetorongo nemhuri yake. (16:25-40) Panenge pakati pousiku Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokurumbidza Mwari munziyo, vane chokwadi chokuti akanga anavo. (Pisarema 42:8) Pakarepo, kudengenyeka kwapasi kwakazarura masuo ndokusunungura zvisungo zvose sezvo ngetani dzakadimbuka pamatanda kana kuti masvingo. Murindi wetorongo akanga achitya kutambura chirango chorufu nemhaka yokuti vasungwa vake vakanga vatiza. Akanga odokuzviuraya apo Pauro akadanidzira, kuti: “Usazvikuvadza, nokuti tiri muno tose!” Achibudisa Pauro naSirasi kunze, murindi wetorongo akabvunza kuti aigona sei kuponeswa. “Tenda kunaShe Jesu,” yakanga iri mhinduro. Pakunzwa shoko raJehovha, “iye nevake vakabhapatidzwa pasina kunonoka.” Mufaro wakadini ikoko kwakaparira!
8. Chiitoi chakatorwa navatongi veFiripi, uye chii chingadai chakaitwa kudai ivo vakabvuma mhosho yavo pachena?
8 Zuva rakatevera, vatongi vakatumira shoko rokusunungura Pauro naSirasi. Asi Pauro akati: ‘Vakatirova tisina mhosva, varume vari vaRoma, uye vakatikandira mutorongo. Vari kutikandira panze pachivande here? Ngavauye kuzotibudisa.’ Kana vatongi vakabvuma mhosho yavo pachena, vangazengurira kurova nokupinza mutorongo mamwe maKristu. Vasingakwanisi kudzinga vagari veRoma, vatongi vakauya ndokukumbira hama kuti dziende, asi ivava vakaita saizvozvo pashure bedzi pokukurudzira vatendi biyavo. Fariro yakadaro zvino inosunda mitezo yoMutumbi Unodzora navamwe vamiriri vanofambira kushanyira ndokukurudzira vanhu vaMwari pasi pose.
Shoko raJehovha Rinopararira muTesaronika neBherea
9. Pauro ‘akatsanangura ndokubvumikisa’ nomutooi, uchiri kushandiswa neZvapupu zvaJehovha, kuti Mesia aifanira kutambura ndokumuka muvakafa?
9 Shoko raMwari rakatevera kupararira muTesaronika, dzimbahwe reMakedhonia uye chiteshi chikuru chengarava. (17:1-9) Ikoko Pauro akarangarira navaJudha, “achitsanangura nokuzivisa” kuti Mesia aifanira kutambura ndokumuka muvakafa. (Pauro akaita saizvozvo kupfurikidza nokuenzanisa mauporofita nezvinoitika zviri kuzadzika, sezvinoita Zvapupu zvaJehovha.) Nokudaro, vamwe vaJudha, vaproserite vazhinji, uye vamwe vakava vatendi. Apo vamwe vaJudha vane shanje vakaumba nyongori asi vasingakwanisi kuwana Pauro naSirasi, vakaendesa Jasoni nedzimwe hama kuvatongi veguta ndokuvapomera kupandukira, pomero yenhema ichiri kuitirwa vanhu vaJehovha. Zvisinei, hama dzakasunungurwa pashure pokupa “rubatso.”
10. VaJudha vomuBherea ‘vakanzvera nokungwarira’ Magwaro mupfungwai?
10 Pauro naSirasi vakatevera kuenda kuguta reBherea. (17:10-15) Ikoko vaJudha ‘vakanzvera nokungwarira’ Magwaro, sezvo Zvapupu zvaJehovha zvinokurudzira vanhu kuita nhasi. VaBherea ivavo havana kupanikira Pauro asi vakaita nzvero kubvumikisa kuti Jesu aiva Mesia. Muuyo wacho? VaJudha vazhinji navamwe vaGiriki (zvichida vaproserite) vakava vatendi. Apo vaJudha vakabva Tesaronika vakanyandura vanhu, hama dzakaperekedza Pauro kuenda kumhenderekedzo yegungwa, uko vamwe veboka rake vangave vakakwira chikepe vachienda kuPiraeus, (Piraiévs yomuzuva razvino uno) guta rechiteshi chengarava reAtene.
Shoko raJehovha Rinopararira muAtene
11. (a) Pauro akapupurira sei noushingi muAtene, asi ndiani akataura naye nenharo? (b) Vamwe vakarevei apo vakataura nezvaPauro so“mutauri wezvisina maturo”?
11 Uchapupu hwoushingi hwakapiwa muAtene. (17:16-21) Nemhaka yamashoko aPauro pamusoro paJesu norumuko, vazivi vakataura naye nenharo. Vamwe vakanga vari vaEpikuro, avo vaisimbisa mufarwa. Vamwe vakanga vari vaStoiko, vaisimbisa kuzviranga. ‘Uyu mutauri wezvisina maturo angada kutaurei?’ vakabvunza kudaro vamwe. “Mutauri wezvisina maturo” (chaizvoizvo, “munhongi wembeu”) akakarakadza kuti Pauro akanga akafanana neshiri iri kunhonga mbeu nokugovera mativi ezivo asi asina uchenjeri. Vamwe vakati: “Unenge muparidzi wavamwari vasingazivikanwi.” Ikoku kwakanga kwakakomba, nokuti Socrates akarasikirwa noupenyu hwake papomero yakadaro. Nokukurumidza Pauro akaendeswa kuAreopago (Mars’ Hill), sezvinobvira uko dare rapamusoro rapachena risangana pedyo neAcropolis.
12. (a) Mativii okutaura kwakanaka kwapachena ari pachena muhurukuro yaPauro paAreopago? (b) Mapfundoi ayo Pauro akaita pamusoro paMwari, uye nemiuyoi?
12 Hurukuro yaPauro paAreopago yakanga iri muenzaniso wakaisvonaka womunhu ane sumo inobudirira, kudziridzo ine mufungo, uye chibvumikiso chinopwisa—sezvinodzidziswa muChikoro Choubati Ushe Hwoumwari cheZvapupu zvaJehovha. (17:22-34) Iye akataura kuti vaAtene vakanga vari vorudzidziso zvikuru kupfuura vamwe. Chokwadi, vakanga vachitova neatari “Kuna Mwari Asingazivikanwi,” zvichida kuti vadzivise kuzvidza mwari upi noupi! Pauro akataura nezvoMusiki uyo “akaita marudzi ose avanhu achibva kuno mumwe chete” uye “akatara nguva dzavakatemerwa miganhu yokugara kwavo,” zvakadai sapanguva yokuparadza vaKanani. (Genesi 15:13-21; Dhanieri 2:21; 7:12) Uyu Mwari anogona kuwanikwa, “nokuti tiri vorudzi rwake,” akadaro Pauro, achinongedzera kukusikwa kwomunhu naJehovha uye achinokora mashoko vadetembedzi vavo Aratus naCleanthes. Sorudzi rwaMwari, hatifaniri kufunga kuti Musiki akakwana akafanana nechidhori chakaitwa nomunhu asina kukwana. Mwari akambofuratira kusaziva kwakadaro asi zvino akanga ari kuudza rudzi rwomunhu kuti rwupfidze, nokuti akanga agadza zuva rokutonga vanhu kupfurikidza noMugadzwi wake. Sezvo Pauro akanga ave achi“zivisa mashoko akanaka aJesu,” vateereri vake vakaziva kuti aireva kuti Kristu aizova Mutongi iyeyo. (Mabasa 17:18; Johane 5:22, 30) Hurukuro yorupfidzo yakashatirisa vaEpikuro, uye vazivi vechiGiriki vaigona kugamuchira tsinhiro pamusoro pokusafa asi kwete rufu norumuko. Sezviri pachena, kufanana navazhinji zvino vanoramba mashoko akanaka, vamwe vakati: ‘Tichakunzwa pane imwe nguva.’ Asi Mutongi Dhionisio navamwe vakava vatendi.
Shoko raMwari Rinopararira muKorinte
13. Pauro akazvitsigira amene sei muushumiri, uye ifananoi yomuzuva razvino yatinowana?
13 Pauro akapfuurira kuKorinte, dzimbahwe roruwa rweAkaya. (18:1-11) Ikoko akawana Akwira naPrisira, avo vakanga vauya ikoko apo Kraudhio Kesari akaraira vaJudha vakanga vasiri vagari veRoma kubva muRoma. Kuti azvitsigire amene muushumiri, Pauro akagadzira matende navaviri ava vechiKristu. (1 VaKorinte 16:19; 2 VaKorinte 11:9) Kucheka nokusona jira rakaoma remvere dzembudzi rakanga riri basa rakaoma. Nenzira yakafanana, Zvapupu zvaJehovha zvinogovera zvinodikanwa zvavo zvokunyama kupfurikidza nebasa rokunyika, asi basa razvo ushumiri.
14. (a) Anangwa nechishoro chinopfuurira chakaitwa navaJudha muKorinte, Pauro akaitei? (b) Pauro akakurudzirwa sei kuti aifanira kuramba ari muKorinte, asi vanhu vaJehovha vanotungamirirwa sei nhasi?
14 VaJudha veKorinte vakaramba vachituka sezvo Pauro aizivisa uMesia hwaJesu. Naizvozvo akazunza nguvo dzake kuti arambe mutoro kwavari ndokuvamba kuita misangano muimba yaTito Justo, sezvingabvira muRoma. Vazhinji (kubatanidza aichimbova mukuru wesinagoge Krispo nemhuri yake) vakava vatendi vakabhapatidzwa. Kana ruvengo rwechiJudha rwakaita kuti Pauro ashamisike pamusoro pokuramba ari muKorinte, panikiro yakapera apo Ishe akamuudza muchiono, kuti: ‘Usatya hako. Ramba uchitaura, nokuti ndinewe uye hapana munhu uchakukuvadza. Ndina vanhu vazhinji muguta rino.’ Naizvozvo Pauro akaramba achidzidzisa shoko raMwari imomo, pamwe chete kwegore nemwedzi mitanhatu. Kunyange zvazvo vanhu vaJehovha vasati vachigamuchira zvino zviono, zvose zviri zviviri munyengetero nenhungamiro inopiwa nomudzimu mutsvene zvinovabetsera kuita zvisarudzo zvokuchenjera zvakafanana zvinotapura fariro dzoUmambo.
15. Chii chakaitika apo Pauro akaendeswa pamberi poMubati Gario?
15 VaJudha vakatungamirira Pauro kuno Mubati Junio Gario. (18:12-17) Vakareva kuti Pauro akanga chiita vaproserite zvisiri pamutemo—pomero yenhema vaprista vechiGiriki zvino vanoitira Zvapupu zvaJehovha. Gario akanga achiziva kuti Pauro akanga asina mhaka yechakaipa uye kuti vaJudha vaitira hanya zvishoma pamusoro pegarikano yeRoma nomutemo wayo, naizvozvo akavadzinga. Apo vaoni vanorova vaSosteni, mukuru mukuru wesinagoge mutsva, Gario haana kupindira, zvichida achifunga kuti mutungamiri anooneka wechiito chenyongori chokurwisana naPauro akanga achiwana chaaifanirwa nacho.
16. Nei kwakanga kuchigamuchirika kuti Pauro aveure musoro wake pamusoro pemhiko?
16 Pauro akaenda nechikepe kuEfeso achibva pachiteshi chengarava cheAegea cheKenkrea, guta riri muAsia Minor. (18:18-22) Pamberi perwendo irworwo ‘akaveura musoro wake, nokuti akanga ane mhiko.’ Hakutaurwi kana Pauro akaita mhiko pamberi pokuva muteveri waJesu kana kuti kana ikoku kwakanga kuri kutanga kana kuti kuguma kwenhambo yakapikirwa. MaKristu haasati ari pasi poMutemo, asi wakanga wapiwa naMwari uye uri mutsvene, uye pakanga pasina chakaipa pamusoro pemhiko yakadaro. (VaRoma 6:14; 7:6, 12; VaGaratia 5:18) MuEfeso, Pauro akarangarira navaJudha, achipikira kudzoka kana Mwari akanga achida. (Chipikirwa ichocho chakazadzikwa gare gare.) Kudzoka kwake kuAntiokia yeSiria kwakagumisa rwendo rwake rwechipiri rwoufundisi.
Shoko raJehovha Rinopararira muEfeso
17. Pamusoro porubhapatidzo, muraidzoi waida Aporo navamwe?
17 Nokukurumidza Pauro akatanga rwendo rwake rwechitatu rwoufundisi (c. 52-56 N.V.). (18:23–19:7) Munguvayo muEfeso, Aporo akadzidzisa pamusoro paJesu asi akanga achiziva bedzi rubhapatidzo rwaJohane muchiratidzo chorupfidzo nokuda kwezvivi zvokutadzira sungano yoMutemo. Prisira naAkwira “vakanyatsomududzira nzira yaMwari,” sezvingabvira vachitsanangura kuti kubhapatidzwa sezvakaitwa Jesu kwaibatanidza kunyudzwa kwomunhu mumvura ndokugamuchira mudzimu mutsvene wakadururwa. Pashure pokunge kubhapatidzwa nomudzimu mutsvene kwaitika paPentekosta 33 N.V., munhu upi noupi akabhapatidzwa norubhapatidzo rwaJohane aifanira kubhapatidzwazve muzita raJesu. (Mateo 3:11, 16; Mabasa 2:38) Gare gare muEfeso, vanenge varume 12 vechiJudha avo vakanga vabhapatidzwa murubhapatidzwo rwaJohane “vakabhapatidzwa muzita raShe Jesu” mukubhapatidzwazve bedzi kwakanyorwa muMagwaro. Apo Pauro akaisa maoko ake pamusoro pavo, vakagamuchira mudzimu mutsvene uye zviratidzo zviviri zvenenji zvegamuchiro yokudenga—kutaura nendimi uye kuporofita.
18. Pauro akapupurira kupi apo akanga ari muEfeso, uye nemiuyoi?
18 Pauro akachengetwa akabatikana zvamazvirokwazvo muEfeso, guta ravagari vemo vanenge 300 000. (19:8-10) Tembere yaro yamwarikadzi Dhiana yakanga iri chimwe chezvishamiso zvinomwe zvenyika, uye horo yayo yaigona kugara vane 25 000. Musinagoge, Pauro ‘akashandisa kupwisa’ kupfurikidza nokupa zvibvumikiso nyengetedzo asi akaenda apo vamwe vakatuka Nzira Iyo, kana kuti mutoo woupenyu wakavakirwa pakutenda muna Kristu. Kwamakore maviri, Pauro akataura zuva nezuva muhoro yechikoro chaTirano, uye “shoko racho” rakapararira muruwa rwose rweAsia.
19. Chii chakaitika muEfeso icho chakaparira ‘shoko raJehovha kuramba richikura nokupararira’ imomo?
19 Mwari akaratidza tendero yomubato waPauro kupfurikidza nokumugonesa kurapa nokubudisa madhemoni. (19:11-20) Asi vanakomana vanomwe vomuprista mukuru Skevha vakakundikana kubudisa dhemoni nokushandiswa kwezita raJesu nemhaka yokuti havana kumiririra Mwari naKristu. Vakatokuvadzwa nomurume aiva nedhemoni! Ikoku kwakaita kuti vanhu vatye, uye “zita raShe Jesu rakapfuurira kurumbidzwa.” Avo vakava vatendi vakaramba miitiro yavo yakavanzika ndokupisa pachena mabhuku avo ayo sezviri pachena aiva nezvokutsinga nemiitiro yamashiripiti. “Nokudaro,” akanyora kudaro Ruka, “nenzira ine simba shoko raMwari rakaramba richikura nokupararira.” Nhasiwo vabatiri vaMwari vanobatsira kusunungura vanhu muudhemoni.—Dheuteronomio 18:10-12.
Kusashivirira Rudzidziso Hakubudiriri
20. Neiko vapfuri vesirivha veEfeso vakanyandura chimurenga, uye chakagumiswa sei?
20 Zvapupu zvaJehovha kazhinji kazhinji zvakanangana nenyongori dzakatsamwa, uye ndizvo zvakaitawo maKristu omuEfeso. (19:21-41) Sezvo vatendi vakawedzera, Dhemetrio navamwe vapfuri vesirivha vakarasikirwa nemari nemhaka yokuti vanhu vashomanene vakatenga atari dzavo dzesirivha dzamwarikadzi woruzvaro ane mazamu akawanda Dhiana. Yanyandurwa naDhemetrio, nyongori yakapinza vasonganiri vaPauro Gayo naAristarko muhoro, asi vadzidzi havana kubvumira Pauro kupinda mukati. Kunyange vamwe vakuru vamadyo nemitambo vakateterera kuti asapinde mungozi yakadaro. Kwaanenge maawa maviri, nyongori yakadanidzira, kuti: “Dhiana wavaEfeso mukuru!” Pakupedzisira, munyori weguta (uyo aitungamirira hurumende yemanisiparati) akataura kuti mhizha dzaigona kupa pomero dzadzo kumubati, akapiwa simba rokuita zvisarudzo zvokutonga, kana kuti nhau yavo ingasarudzwa mu“ungano yenguva dzose” yavagari vemo. Kukasadaro, Roma yaigona kupa mhaka avo vaiva muuyu musangano usiri wenguva dzose yokuita chimurenga. Naizvozvo, akavadzinga.
21. Mwari akakomborera basa raPauro munzirai, uye iye anokomborera sei iro reZvapupu zvaJehovha nhasi?
21 Mwari akabetsera Pauro kunangana nemiedzo yakasiana-siana ndokukomborera nhamburiko dzake dzokubetsera vanhu kuramba mhosho yorudzidziso ndokugamuchira zvokwadi. (Enzanisa naJeremia 1:9, 10.) Tinoonga sei kuti Baba vedu vokudenga vanokomborera nenzira yakafanana basa redu! Nokudaro, zvino somuzana ramakore rokutanga, ‘shoko raJehovha riri kukura uye riri kupararira.’
Waizopindura Sei?
◻ Muenzanisoi wakagadza Pauro mukugamuchira nhungamiro yakapiwa nomudzimu mutsvene?
◻ Pauro ‘akatsanangura ndokubvumikisa’ zvinhu nomutooi, uchiri kushandiswa navabatiri vaJehovha?
◻ Ifananoi iripo pakati pemhinduro dzokutaura kwaPauro paAreopago nokuparidzira kweZvapupu zvaJehovha?
◻ Pauro akazvitsigira amene sei muushumiri, uye ifananoi yomuzuva razvino ina ikoku?
◻ Sezvaakaita nebasa raPauro, Mwari akakomborera sei basa reZvapupu zvaJehovha nhasi?
[Mifananidzo iri papeji 16, 17]
Shoko raJehovha rakapararira mu
1. Firipi
2. uye 3. Atene
4. uye 6. Efeso
5. Roma
[Kwazvakatorwa]
Photo No. 4: Manley Studios