Tsamba kuvaGaratiya
5 Nekuti Kristu akatisunungura kuti tive nerusununguko rwakadaro. Saka mirai makasimba,+ uye musazvirega muchisungwazve pajoko reuranda.+
2 Inzwai! Ini Pauro, ndiri kukuudzai kuti kana mukachecheudzwa, Kristu haazovi nezvaanobatsira kwamuri.+ 3 Ndinopupurazve kuti munhu wese anochecheudzwa anofanira kuchengeta Mutemo wese.+ 4 Makaparadzaniswa naKristu, imi vari kuedza kunzi makarurama nemutemo;+ mabva panyasha dzake. 5 Kana tiri isu, tiri kumirira nemwoyo wese tichibatsirwa nemweya kuti tiwane kururama kwatinotarisira kunobva pakutenda. 6 Nekuti kuna Kristu Jesu, kuchecheudzwa kana kusachecheudzwa hazvikoshi,+ asi kutenda kunoshanda nerudo ndiko kunokosha.
7 Makanga muchimhanya zvakanaka.+ Ndiani akakutadzisai kuramba muchiteerera chokwadi? 8 Kunyengetedza kwakadai hakubvi kune uya ari kukudanai. 9 Mbiriso shomanana inovirisa mukanyiwa wese.+ 10 Ndine chivimbo chekuti imi muri pamwe naShe+ hamuzosviki pakuchinja mafungiro enyu; asi uya ari kukunetsai+ achagamuchira mutongo wakamukodzera, pasinei nekuti ndiani. 11 Kana ndiri ini, hama, kana ndichiri kuparidza nezvekuchecheudzwa, ndichiri kutambudzirwei? Kana zvakadaro chinhu chinogumbura chedanda rekutambudzirwa*+ chabviswa. 12 Ndinoshuva kuti dai vanhu vari kuedza kukukanganisai vazvicheka nhengo dzavo.*
13 Hama, makadanirwa rusununguko; asi musashandisa rusununguko urwu semukana wekutevera zvido zvenyama,+ asi shandiranai nerudo.+ 14 Nekuti Mutemo wese unozadziswa* nemurayiro mumwe chete unoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”+ 15 Asi kana muchiramba muchirumana nekudyanana,+ chenjerai kuti hamupedzani.+
16 Asi ndinoti, Rambai muchifamba nemweya+ uye hamuzomboiti zvido zvenyama.+ 17 Nekuti nyama inorwisana nemweya pazvido zvayo, uye mweya unorwisana nenyama; zvinhu izvi zvinorwisana, zvekuti hamukwanisi kuita zvamunoda kuita chaizvo.+ 18 Uyezve, kana muchitungamirirwa nemweya, hamusi pasi pemutemo.
19 Mabasa enyama anonyatsooneka, uye ndeaya: upombwe,*+ kusachena, tsika dzakafumuka,*+ 20 kunamata zvidhori, kuita zvemidzimu,*+ kuvengana, kupopotedzana, godo, kuviruka nehasha, kunetsana, kupesana, kuita tumapoka, 21 ruchiva, udhakwa,+ mitambo yekufara zvakapfurikidza, nezvinhu zvakaita seizvi.+ Ndiri kugara ndakuyambirai nezvezvinhu izvi, sekukuyambirai kwandakamboita, kuti vaya vanoita zvinhu izvi havazogari nhaka yeUmambo hwaMwari.+
22 Asi zvibereko zvemweya rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, kuva akanaka,+ kutenda, 23 unyoro, kuzvidzora.+ Hapana mutemo unorambidza zvinhu zvakadai. 24 Uyewo vanhu vaKristu Jesu vakaroverera nyama pamwe chete nekuchiva kwayo nezvido zvayo.+
25 Kana tichirarama nemweya, ngatirambei tichifambawo zvakanaka nemweya.+ 26 Ngatiregei kuzvikudza,+ tichimutsa makwikwi pakati pedu,+ tichiitirana shanje.