Bhuku reBhaibheri Nhamba 45—VaRoma
Munyori: Pauro
Nzvimbo Yakanyorerwa: Korinte
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 56 C.E.
1. Pauro anokurukurei mutsamba yake kuvaRoma?
MUBHUKU raMabasa takacherekedza Pauro, aichimbova mutambudzi ane masimba masimba wavaKristu vechiJudha, achiva muapostora waKristu anoshingaira kumarudzi aisava echiJudha. Nebhuku raVaRoma tinovamba mabhuku 14 eBhaibheri ayo mudzimu mutsvene wakafuridzira uyu aichimbova muFarise, zvino mubatiri akatendeka waMwari, kunyora. Pakasvika nguva yaakanyora VaRoma, Pauro akanga atopedza nzendo mbiri refu dzokuparidza uye akanga atofamba chaizvo pane rwechitatu. Akanga anyora dzimwe tsamba shanu dzakafuridzirwa: VaTesaronika Wokutanga noWechipiri, VaGaratia, uye VaKorinte Wokutanga noWechipiri. Bva kunoratidzika kuva kwakakodzera kuti mumaBhaibheri edu azvino uno, bhuku raVaRoma rinotangira dzimwe, sezvo richikurukura muudzame kuenzana kutsva pakati pavaJudha navasati vari vaJudha, mapoka maviri ayo Pauro akaparidza kwaari. Rinotsanangura chinjo huru mukubata kwaMwari navanhu vake uye rinoratidza kuti Magwaro echiHebheru akafuridzirwa akanga afanotaura kare kare kuti mashoko akanaka aizoziviswawo kuvasati vari vaJudha.
2. (a) Pauro anokurukura zvinetsoi mubhuku raVaRoma? (b) Chii chinobvumikiswa zvakatsiga neiyi tsamba?
2 Pauro, achishandisa Tertiosi somunyori, anobatanidza chibvumikiso chokukurumidza nenhamba inoshamisa yekunokorwa kwamashoko kwoRugwaro rwechiHebheru kuva rimwe ramabhuku ane simba zvikurusa aMagwaro echiKristu echiGiriki. Norunako runoshamisa rwomutauro, anokurukura zvinetso zvakamuka apo ungano dzechiKristu dzomuzana rokutanga ramakore dzakanga dzakaumbwa navose vari vaviri vaJudha navaGiriki. VaJudha vakanga vane nzvimbo yokutanga nemhaka yokuva vazukuru vaAbrahama here? VaKristu vakakura mumudzimu, vachishandisa rusununguko rwavo muMutemo waMosesi, vakanga vane kodzero yokugumbura hama dzechiJudha dzakaneta idzo dzakanga dzichiri kuchengeta tsika dzakare here? Mutsamba ino Pauro akabvumikisa zvakasimba kuti vaJudha navasati vari vaJudha vakaenzana pamberi paMwari uye kuti vanhu vanoruramiswa, kwete kupfurikidza noMutemo waMosesi, asi kupfurikidza nokutenda Jesu Kristu uye kupfurikidza nomutsa usakafanirwa waMwari. Panguva imwe cheteyo, Mwari anoda kuti vaKristu varatidze kuzviisa pasi kwakafanira pezviremera zvakasiyana-siyana zvavanozviwana vamene vari pasi pazvo.
3. Ungano muRoma yakatangwa sei, uye chii chingave chakaparira kuziva kwaPauro vakawanda kwazvo imomo?
3 Ungano yeRoma yakatangwa sei? Kwakanga kwave kune nzanga yakati kurei yechiJudha muRoma kubvira panenge panguva yokutapa Jerusarema kwaPompey muna 63 B.C.E. Pana Mabasa 2:10 kunotaurwa nenzira yakananga kuti vamwe vavaJudha ivavo vakanga vari muJerusarema paPentekosta 33 C.E., umo vakanzwa mashoko akanaka achiparidzwa. Vagari vechinguvana vakatendeutswa vakagara muJerusarema kuti vadzidze kuvaapostora, uye gare gare avo vakabva Roma pasina kupanikira vakadzokera ikoko, vamwe zvimwe panguva apo chitambudzo chakatanga muJerusarema. (Mabasa 2:41-47; 8:1, 4) Uyezve, vanhu vezuva iroro vaifamba zvikuru, uye ikoku kungatsanangura kusanozivana kwaPauro nemitezo yakawanda kwazvo yeungano yeRoma, vamwe vavo vangave vakanzwa mashoko akanaka muGirisi kana kuti Asia somugumisiro wokuparidza kwaPauro.
4. (a) Bhuku raVaRoma rinogovera mashokoi pamusoro peungano iri muguta iroro? (b) Chii chinoratidzirwa nokuvapo kwaAkwira naPrisira muRoma?
4 Mashoko akavimbika okutanga pamusoro peiyi ungano anowanwa mutsamba yaPauro. Kwakajeka kubva muna iyoyi kuti ungano yacho yakanga yakaumbwa navose vari vaviri vaKristu vechiJudha navaisava vechiJudha uye kuti shingairo yavo yakanga ichirumbidzwa. Anovaudza, kuti: “Kutenda kwenyu kunoparidzirwa panyika yose,” uye, “Kuteerera kwenyu kwakasvika kuvanhu vose.” (VaR. 1:8; 16:19) Suetonius, achinyora muzana ramakore rechipiri, anoshuma kuti mukati mokutonga kwaClaudius (41-54 C.E.), vaJudha vakadzingwa muRoma. Vakadzokera gare gare, zvisinei, sezvinoratidzwa nokuvapo kwaAkwira naPrisira muRoma. Vakanga vari vaJudha avo Pauro akasangana navo muKorinte uye avo vakanga vabva kuRoma panguva yemurayiro waClaudius asi avo vakadzoka kuRoma panguva iyo Pauro akanyorera ungano ikoko.—Mabasa 18:2; VaR. 16:3.
5. Maidii anobvumikisa uchokwadi hwebhuku raVaRoma?
5 Uchokwadi hwetsamba yacho hunobvumikiswa zvakasimba. Sokutaura kunoita sumo yayo, yakabva kuna “Pauro, muranda waKristu Jesu, wakadanwa kuti ave muapostora, . . . kuna vose vari muRoma, vadikanwa vaMwari, vakadanwa kuti vave vatsvene.” (VaR. 1:1, 7) Kutsigirwa kwayo kwokunze kuri pakati pekwokuvamba zvikurusa kunowanwa nokuda kwaMagwaro echiKristu echiGiriki. Petro anoshandisa kutaura kwakawanda kwazvo kwakafanana mutsamba yake yokutanga, yakanyorwa zvimwe makore matanhatu kusvikira kumasere gare gare, zvokuti nyanzvi dzakawanda dzinofunga kuti anofanira kuve akanga atoona kopi yebhuku raVaRoma. Bhuku raVaRoma nenzira yakajeka rakarangarirwa sorutivi rwamanyoro aPauro uye rakadudzwa serakadaro naClement weRome, Polycarp weSmirna, uye Ignatius weAntiokia, vose vavo vakararama mukupera kwezana ramakore rokutanga nomukuvamba kwerechipiri C.E.
6. Mumwe mupumburu wamanyoro wenhokwe wakare unopupurira sei kuva romundaza yamanyoro matsvene kwebhuku raVaRoma?
6 Bhuku raVaRoma rinowanwa, pamwe chete nedzimwe sere dzetsamba dzaPauro, mumanyoro anonzi Chester Beatty Papyrus Nha. 2 (P46). Pamusoro peaya manyoro apakuvamba, Changamire Frederic Kenyon akanyora, kuti: “Pano, ipapoka, tine manyoro anodokuva akakwana eTsamba dzaPauro, dzakanyorwa sezviri pachena panenge pakuvamba kwezana ramakore rechitatu.”a Mipumburu yamanyoro yenhokwe yeBhaibheri yechiGiriki yeChester Beatty ndeyekare zvikuru kupfuura Sinaitic Manuscript neVatican Manuscript Nha. 1209 anosanozivikanwa, ose ari maviri omuzana ramakore rechina C.E. Iwayawo ane bhuku raVaRoma.
7. Ufakazii huriko pamusoro penzvimbo nenguva zvokunyorwa kwebhuku raVaRoma?
7 Bhuku raVaRoma rakanyorwa rini uye kupi? Hapana kusabvumirana pakati pavatsinhiri veBhaibheri kuti iyi tsamba yakanyorwa ari muGirisi, sezvinobvira zvikurusa ari muKorinte, apo Pauro akashanyira ikoko kwemwedzi yakati mukupera kworwendo rwake rwechitatu rwoufundisi. Ufakazi hwomukati hunonongedzera kuKorinte. Pauro akanyora tsamba yacho ari mumusha waGayo, uyo akanga ari mutezo weungano imomo, uye anorumbidza Fibhi weungano iri pedyo yeKenkrea, chiteshi chengarava cheKorinte. Sezviri pachena akanga ari Fibhi uyo akaendesa iyi tsamba kuRoma. (VaR. 16:1, 23; 1 VaK. 1:14) Pana VaRoma 15:23 (NW), Pauro akanyora, kuti: “Handichisina ndima isina kushandwa muidzi nharaunda,” uye anoratidzira mundima inotevera kuti anoda kutambanudza basa rake roufundisi kumadokero, nechokuSpania. Aigona kusanonyora neiyi nzira mukupera kworwendo rwake rwechitatu, pakuvamba kwa56 C.E.
ZVIRI MUBHUKU RAVAROMA
8. (a) Pauro anotaurei pamusoro pebasa rake? (b) Anoratidza sei kuti vose vari vaviri vaJudha navaGiriki vakafanirwa nokutsamwa kwaMwari?
8 Kusasarura kwaMwari kumuJudha noWamarudzi (1:1–2:29). Chii icho Pauro akafuridzirwa anoudza vaRoma? Mumashoko ake okutanga, anozvizivisa amene somuapostora akasarudzwa naKristu kuti adzidzise ‘kuteerera kupfurikidza nokutenda’ pakati pamarudzi. Anotaura chishuvo chake chikuru chokushanyira vatsvene muRoma, kuti afarikanye “tsinhano yekurudziro” (NW), navo, uye kuti azivise pakati pavo mashoko akanaka ayo ari “simba raMwari rokuponesa mumwe nomumwe unotenda.” Sezvakange zvave zvakanyorwa kare, akarurama achararama “nokutenda.” (1:5, 12, 16, 17) Vose vari vaviri vaJudha navaGiriki, anoratidza kudaro, vakafanirwa nokutsamwa kwaMwari. Kusava noumwari kwomunhu hakupembedzwi nemhaka yokuti “mavara asingaoneki [aMwari] anoonekwa nenzira yakajeka kubvira pakusikwa kwenyika zvichienda mberi.” (1:20, NW) Bva, marudzi nenzira youpenzi anoita vamwari vezvinhu zvakasikwa. Zvisinei, vaJudha havafaniri kutonga marudzi nenzira yehasha, sezvo vanewo mhaka yezvivi. Mapoka ose ari maviri achatongwa maererano namabasa awo, nokuti Mwari haasaruri. Kudzingiswa kwokunyama hakusati kuri chinhu chinosarudza; “muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko kwomwoyo.”—2:29.
9. (a) VaJudha vakuru muchii, bva Pauro anonokora mashoko magwaroi kuratidza kuti vose vari muchivi? (b) Ipapoka, munhu acharuramiswa sei, uye muenzanisoi unotsigira ichi chibvumikiso?
9 Kupfurikidza nokutenda vose vanoruramiswa (3:1–4:25). “Ko muJudha unopfuura vamwe neiko?” Zvikuru, nokuti vaJudha vakaronzeswa zviziviso zvinoyera zvaMwari. Bva, “vaJudha navaGiriki . . . vose vakasungwa nezvivi,” uye hakuna munhu “wakarurama” mukuona kwaMwari. Kunokorwa kwamashoko kunomwe kunoitwa muMagwaro echiHebheru kunobvumikisa iri pfundo. (VaR. 3:1, 9-18; Pis. 14:1-3; 5:9; 140:3; 10:7; Zvir. 1:16; Isa. 59:7, 8; Pis. 36:1) Mutemo unoratidza kutadza kwomunhu, naizvozvo “hakuna nyama ingaruramiswa . . . namabasa omurayiro.” Zvisinei, kupfurikidza nomutsa usakafanirwa waMwari nokusunungurwa kupfurikidza norudzikinuro, vose vari vaviri vaJudha navaGiriki vari kururamiswa “nokutenda kunze kwamabasa omurayiro.” (VaR. 3:20, 28) Pauro anotsigira ichi chibvumikiso kupfurikidza nokududza muenzaniso waAbrahama, uyo akarangarirwa kuva akarurama, kwete nemhaka yamabasa kana kuti kudzingiswa, asi nemhaka yokutenda kwake kwomuenzaniso. Nokudaro Abrahama akava baba kwete bedzi wavaJudha asi wa“vose vanotenda.”—4:11.
10. (a) Rufu rwakasvika sei pakutonga samambo? (b) Chii chakava mugumisiro kupfurikidza nokuteerera kwaKristu, asi inyeveroi inoziviswa pamusoro pechivi?
10 Havachisiri varanda kuchivi asi kukururama kupfurikidza naKristu (5:1–6:23). Kupfurikidza nomunhu mumwe, Adhama, chivi chakapinda munyika, uye chivi chakaunza rufu, “saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza.” (5:12) Rufu rwakatonga samambo kubvira pana Adhama kuburukira kuna Mosesi. Apo Mutemo wakapiwa kupfurikidza naMosesi, chivi chakatekeshera, uye rufu rwakapfuurira kutonga. Asi mutsa usakafanirwa waMwari zvino unowanda zvinotova zvikuru, uye kupfurikidza nokuteerera kwaKristu vakawanda vanoruramiswa nokuda kwoupenyu husingaperi. Bva iyi haisati iri mvumo yokurarama muchivi. Vanhu vakabhapatidzwa muna Kristu vanofanira kuva vakafa kuchivi. Unhu hwavo hwekare hunorovererwa, uye vanorarama maererano naMwari. Chivi hachichavatongizve, asi vanova varanda kukururama, vachirangarira utsvene. “Mubayiro wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu, Ishe wedu.”—6:23.
11. (a) Pauro anoenzanisira sei kusunungurwa kwavaJudha vechiKristu muMutemo? (b) Mutemo wakaita kuti chii chive pachena, naizvozvo zvinhui zviri kurwisana mumuKristu?
11 Vakafa kuMutemo, vapenyu kupfurikidza nomudzimu muumwe naKristu (7:1–8:39). Pauro anoshandisa muenzaniso womudzimai, uyo akasungwa kumurume wake chero bedzi achirarama asi uyo akasununguka kuroorwa nomumwe kana akafa, kuti aratidze kuti kupfurikidza nechibayiro chaKristu vaJudha vechiKristu vakaitwa sei vakafa kuMutemo uye vakanga vakasununguka kuva vaKristu ndokuberekera Mwari zvibereko. Mutemo mutsvene wakaita kuti chivi chive pachena zvikuru, uye chivi chakaunza rufu. Chivi, chiri mumiviri yedu yenyama, chinorwisana nevavariro dzedu dzakanaka. Sokutaura kunoita Pauro: “Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.” Nokudaro, “handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.”—7:19, 20.
12. Vamwe vanova sei vadyi venhaka pamwe chete naKristu, uye ivava vanokunda chose chose muchii?
12 Chii chinogona kuponesa munhu muaya mamirire ezvinhu anosuruvarisa? Mwari anogona kuraramisa avo vari vaKristu kupfurikidza nomudzimu Wake! Vanogamuchirwa savanakomana, vanoruramiswa, vanova vadyi venhaka vaMwari uye vadyi venhaka pamwe chete naKristu, uye vanorumbidzwa. Kwavari Pauro anoti: “Kana Mwari achitirwira, ndianiko uchatirwisa? Ndianiko uchatiparadzanisa norudo rwaKristu?” Hapana! Nenzira yokukunda anozivisa, kuti: “Pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nokupfuurisa naiye wakatida. Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana vakuru, kana zvazvino, kana zvinouya, kana masimba, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri muna Kristu Jesu, Ishe wedu.”—8:31, 35, 37-39.
13. (a) Maererano nouporofita, ndivanaani vanobatanidzwa muna Israeri chaiyeiye waMwari, uye ikoku kuri maererano nenheyoi youmwari? (b) Neiko vaIsraeri vokunyama vakatadza, asi chii chiri madikanwa nokuda kworuponeso?
13 “VaIsraeri” vanoponeswa kupfurikidza nokutenda uye kupfurikidza nengoni dzaMwari (9:1–10:21). Pauro anoratidzira “shungu kwazvo” nokuda kwavaIsraeri biyake, asi anoziva kuti havasati vari vaIsraeri vose vokunyama vari chaizvoizvo “vaIsraeri,” sezvo Mwari ane chiremera chokusarudza savanakomana upi kana upi waanoda. Sezvinoratidzwa kupfurikidza nokubata kwaMwari naFarao uye kupfurikidza nomuenzaniso womuumbi wehari, “hazvibvi kune unoda, kana kune unomhanya, asi kuna Mwari, munzwiri wengoni.” (9:2, 6, 16) Anodana vanakomana “[kwete] kuvaJudha bedzi, asi kuvahedheniwo,” sokufanotaura kwakaita Hosea kare kare. (Hos. 2:23) VaIsraeri vakaperevedza nemhaka yokutsvaka kuwana nyasha dzaMwari, “[kwete] nokutenda, asi zvinenge namabasa avo,” uye nemhaka yokugumburwa naKristu, i“bwe rinogumbusa.” (VaR. 9:24, 32, 33) Vakanga vachi“shingairira Mwari” asi kwete “nokuziva.” Kristu ndiye mugumo woMutemo nokuda kwaavo vanoshandisa kutenda nokuda kwokururama, uye kuti awane ruponeso munhu anofanira kuzivisa pachena “kuti Jesu ndiye Ishe” ndokutenda “kuti Mwari wakamumutsa muvakafa.” (10:2, 9) Vaparidzi vanotumwa kuti vagonese vanhu vamarudzi ose kunzwa, kuva nokutenda, uye kudana pazita raJehovha kuti vaponeswe.
14. Pauro anoenzanisirei kupfurikidza nomuorivhi?
14 Muenzaniso womuorivhi (11:1-36). Nemhaka yomutsa usakafanirwa, vakasarira vaIsraeri wokunyama vakasarudzwa, asi nemhaka yokuti voruzhinji vakagumburwa, “ruponeso rwakasvika kuvahedheni.” (11:11) Achishandisa muenzaniso womuti womuorivhi, Pauro anoratidza kuti, nemhaka yokushayiwa kutenda kwaIsraeri wokunyama, vasiri vaJudha vakabatanidzwa sei. Kunyange zvazvo zvakadaro, vasiri vaJudha havafaniri kufarira kurambwa kwavaIsraeri, sezvo kana Mwari asina kuchengeta matavi omusikirwo asina kutendeka, haasati aizochengetawo matavi omuorivhi wokudondo akabatanidzwa kubva pakati pamarudzi.
15. Chii chinobatanidzwa mukupa zvibayiro zvipenyu kuna Mwari?
15 Kushandura ndangariro; zviremera zvikuru (12:1–13:14). Ipai miviri yenyu sezvibayiro zvipenyu kuna Mwari, Pauro anopa zano kudaro. Regai ku“enzaniswa[zve] nenyika ino” asi “mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa.” Musazvitutumadza. Muviri waKristu, kufanana nomuviri womunhu, une mitezo yakawanda, iyo ine mabasa akasiyana-siyana, asi inoshanda pamwe chete muchinzwano. Musadzorera munhu chakaipa nokuda kwechakaipa. Siyirai matsive kuna Jehovha. Kundai “zvakaipa nezvakanaka.”—12:2, 21.
16. VaKristu vanofanira kufamba sei pamberi pezviremera navamwe?
16 Zviisei pasi pezviremera zvikuru; igadziriro yaMwari. Rambai muchiita zvakanaka uye musava nechikwereti nomunhu upi noupi chechinhu chimwe kunze kwokudana. Ruponeso runosvika, naizvozvo “rash[ai] mabasa erima, uye [shongai] nhumbi dzokurwa dzechiedza.” (13:12) Fambai nomufambiro wakanaka, kwete maererano nezvishuvo zvenyama.
17. Chii chinopiwa zano pamusoro pokutonga nokuvaka vakaneta?
17 Gamuchirai vose nenzira yokusasarura musingatongi (14:1–15:33). Shivirirai avo, nemhaka yokuti kutenda kwavo kwakaneta, vanorega zvokudya zvakati kana kuti vanochengeta mazuva emabiko. Musatonga hama yenyu kana kuti zvimwe kuigumbura kupfurikidza nokudya kwenyu mumene nokunwa, sezvo Mwari achitonga munhu ari wose. Rondai rugare nezvinhu zvinovaka, uye takurai utera hwavamwe.
18. (a) Pauro anoita kumwe kunokorwai kwamashoko mukuratidza kugamuchira kwaMwari vasiri vaJudha? (b) Pauro amene anoshandisa sei mutsa usakafanirwa waMwari?
18 Muapostora anonyora, kuti: “Zvose zvakanyorwa kare, zvakanyorwa kuti isu tidzidze,” uye anopa kumwe kunokorwa kuna kwamashoko kwoRugwaro rwechiHebheru sechibvumikiso chokupedzisira chokuti vaporofita vakafuridzirwa vakanga vafanotaura kare kare kuti zvipikirwa zvaMwari zvaizotambanukira kumarudzi asati ari echiJudha. (VaR. 15:4, 9-12; Pis. 18:49; Dheut. 32:43; Pis. 117:1; Isa. 11:1, 10) “Saka,” Pauro anorayira kudaro, “gamuchiranai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe.” (VaR. 15:7) Pauro anoratidzira kuonga mutsa usakafanirwa wakapiwa kwaari naMwari kuti ave mubatiri wavose kumarudzi, a“chiita basa rouprista paEvhangeri yaMwari.” Ari kutsvaka nguva dzose kuzarura ndima itsva panzvimbo po“kuvaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu.” Uye achigere kupedza, nokuti anoronga, pashure pokuendesa mipiro kuJerusarema, rwendo rwokuparidza rwakatokura zvikuru kuSpania iri kure uye, achienda ikoko, kuti aunze “kuropafadza kwakazara kwaKristu” kuhama dzake dzomudzimu muRoma.—15:16, 20, 29.
19. Ikwazisoi nezano zvinogumisa tsamba yacho?
19 Kwaziso dzokupedzisira (16:1-27). Pauro anotumira kwaziso dzomunhu oga kumitezo 26 yeungano yeRoma nezita, pamwe chete nokuvamwe, uye anovarayira kudzivisa vanhu vanoparira mapoka uye kuva “vakachenjera kune zvakanaka, asi vasina njere kune zvakaipa.” Zvose zviri nokuda kwembiri yaMwari “naJesu Kristu nokusingaperi. Ameni.”—16:19, 27.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
20. (a) Chikonzeroi chine mufungo icho bhuku raVaRoma rinopa nokuda kwokudavira Mwari? (b) Kururama kwaMwari nengoni zvinoenzanisirwa sei, uye ikoku kunotungamirira Pauro kukuwa chii?
20 Bhuku raVaRoma rinopa hwaro hune mufungo hwokudavira Mwari, richitaura kuti “izvo zvake zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nouMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa pazvinhu zvakaitwa.” Asi kupfuura izvozvi, rinopfuurira kurumbidza kururama kwake nokuzivisa ngoni dzake huru nomutsa usakafanirwa. Ikoku kunounzwa kungwariro yedu nenzira yakaisvonaka kupfurikidza nomuenzaniso womuorivhi, umo matavi omudondo anobatanidzwa apo matavi omusikirwo anovhuniwa. Mukurangarira uhwu ukombi nomutsa waMwari, Pauro anokuwa, kuti: “Haiwa kufuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi!”—1:20; 11:33.
21. Bhuku raVaRoma rinoratidza sei kumwe kukura kwechakavanzika chinoyera chaMwari?
21 Bhuku raVaRoma rinotsanangura kumwe kukudziridzwa kwechakavanzika chinoyera chaMwari maererano naikoku. Muungano yechiKristu, hakuchisina mutsaukano pakati pomuJudha noWamarudzi, asi vanhu vamarudzi ose vangagoverana mumutsa usakafanirwa waJehovha kupfurikidza naJesu Kristu. “Mwari haatendi zvinoonekwa zvomunhu.” “Ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko kwomwoyo, mumweya, kusati kuri kwezvakanyorwa.” “MuJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, wakafuma kuna vose vanodana kwaari.” Nokuda kwaivava vose ndiko kutenda, uye kwete mabasa, kunorangarirwa kwavari sokururama.—2:11, 29; 10:12; 3:28.
22. Izanoi rinoshanda iro bhuku raVaRoma rinopa pamusoro pokuwirirana naavo vari kunze kweungano?
22 Zano rinoshanda riri mutsamba ino kuvaKristu muRoma rinobetsera zvakaenzana vaKristu nhasi, avo vanofanira kusangana nezvinetso zvakafanana munyika yokumwe. MuKristu anokurudzirwa ku“[va] norugare navanhu vose,” kubatanidza avo vari kunze kweungano. Mweya uri wose unofanira ku“zviis[a] pasi pamasimba makuru,” nokuti iwaya anoumba gadziriro yaMwari uye anotyiwa, kwete navanoteerera mutemo, asi naavo vanoita mabasa akaipa. VaKristu vanofanira kuva vachizviisa pasi mukuteerera mutemo kwete bedzi nemhaka yokutya chirango asi nemhaka yehana yechiKristu, naizvozvo vachiripira mitero yavo, vachipa zvakafanira zvavo, vachiita misengwa yavo, vasina chikwereti chechinhu chipi nechipi, “asi chokudana.” Rudo runozadzika Mutemo.—12:17-21; 13:1-10.
23. Pauro anosimbisa sei ukoshi hweziviso yapachena, uye muenzanisoi waanopa pamusoro pokugadzirira ushumiri?
23 Pauro anosimbisa nhau yechipupuriro chapachena. Nepo munhu achitenda nomwoyo nokuda kwokururama, munhu anoita ziviso yapachena nomuromo nokuda kworuponeso. “Ani naani unodana kuzita raShe, uchaponeswa.” Asi kuti ikoku kuitike, kuri madikanwa kuti vaparidzi vaende ndoku“[zivisa, NW] mashoko omufaro ezvinhu zvakanaka.” Rutivi rwedu runofadza kana tiri pakati paava vaparidzi vane inzwi rakabuda zvino “kumigumo yenyika”! (10:13, 15, 18) Uye mukugadzirira iri basa rokuparidza, ngatiedze kuva vakarovedzana naMagwaro akafuridzirwa sezvakanga zvakaita Pauro, nokuti muichi chikamu chimwe chamashoko (10:11-21) anonokora anokorazve mashoko muMagwaro echiHebheru. (Isa. 28:16; Joere 2:32; Isa. 52:7; 53:1; Pis. 19:4; Dheut. 32:21; Isa. 65:1, 2) Aigona kusanotaura, kuti: “Zvose zvakanyorwa kare, zvakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro.”—VaR. 15:4.
24. Izanoi iro Pauro anopa nomurangariro wokuvaka shingairo nokuwirirana kunofadza mukati meungano?
24 Zano rinoshanda nenzira inoshamisa rinopiwa pamusoro pokuwirirana mukati meungano yechiKristu. Upi kana upi ungava mugariro wavo wekare worudzi, wedzinza, kana kuti wenzanga, vose vanofanira kushandura ndangariro dzavo kuti vaitire Mwari basa rinoyera maererano no“kuda [kwake] kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.” (11:17-22; 12:1, 2) Kuva nomufungo kunoshanda kwakadini kunooneka muzano rose raPauro riri pana VaRoma 12:3-16! Herino zvirokwazvo zano rakaisvonaka nokuda kwokuvaka shingairo, kuzvininipisa, uye chidakadaka pakati pavose muungano yechiKristu. Mumaganhuro okupedzisira, Pauro anopa zano rakasimba pamusoro pokurinda nokudzivisa avo vanoparira mapoka, asi anotaurawo nezvokufarirana nokuzorodzana zvinobva musonganiro dzakachena muungano.—16:17-19; 15:7, 32.
25. (a) Murangariroi wakakodzera neimwe nzwisiso izvo bhuku raVaRoma rinopa pamusoro poUmambo hwaMwari? (b) Kufunda bhuku raVaRoma kunofanira kutibetsera munzirai?
25 SavaKristu, tinofanira kupfuurira kungwarira kuwirirana kwedu nomumwe nomumwe. “Nokuti ushe hwaMwari hazvizi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMweya Mutsvene.” (14:17) Uku kururama, rugare, uye mufaro zvikurukuru chikamu cha“vadyi venhaka pamwe chete naKristu,” avo vacha“kudzwawo pamwe chete” naye muUmambo hwokudenga. Cherekedzawo kuti bhuku raVaRoma rinonongedzera sei kuimwe nhano mukuzadzikwa kwechipikirwa choUmambo chakapiwa muEdheni, richiti: “Mwari worugare uchakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu.” (VaR. 8:17; 16:20; Gen. 3:15) Tichidavira idzi zvokwadi huru, ngatipfuurire kuzadzwa nomufaro wose norugare ndokukura mutariro. Kutsunga kwedu ngakuve kubuda takunda neMbeu yoUmambo, nokuti tinopwiswa kuti hakuna chinhu mudenga pamusoro kana kuti mupasi pakadzika “kana chinhu chimwe chakasikwa, [chinogona] kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri muna Kristu Jesu, Ishe wedu.”—VaR. 8:39; 15:13.
[Mashoko Omuzasi]
a Our Bible and the Ancient Manuscripts, 1958, peji 188.