Mapisarema
ל [Lamed]
10 Haiwa Jehovha, munomirirei nechekure?
Munozvivanzirei munguva dzekutambudzika?+
2 Munhu akaipa anozvikudza achidzingirira munhu asina mubatsiri,+
Asi achabatwa nemazano ake aakaronga.+
3 Nekuti munhu akaipa anozvirumbidza pamusoro peruchiva rwake+
Uye anorumbidza munhu ane makaro;*
נ [Nun]
Haaremekedzi Jehovha.
4 Nekuzvikudza kwake, munhu akaipa haaedzi kuongorora zvinhu;
Mupfungwa dzake anongoti: “Hakuna Mwari.”+
5 Nzira dzake dzinoramba dzichibudirira,+
Asi haatombonzwisisi mitongo yenyu;+
Anozvidza vavengi vake vese.
6 Anoti mumwoyo make: “Handisi kuzombozununguswa;*
Kwezvizvarwa nezvizvarwa
Handisi kuzoona dambudziko.”+
פ [Pe]
7 Muromo wake uzere nekutuka, kunyepa, nekutyisidzira;+
Pasi perurimi rwake pakazara matambudziko nekukuvadza.+
ע [Ayin]
Maziso ake ari kutsvaga munhu wekuuraya.+
9 Anomirira ari paakahwanda seshumba iri panzvimbo painohwandira iri.+
Anomirira kubata munhu asina mubatsiri.
Paanodhonza mambure ake achiavhara,+ anobata munhu asina mubatsiri.
11 Anoti mumwoyo make: “Mwari akanganwa.+
Atendeudza chiso chake.
Haatombooni zviri kuitika.”+
ק [Qoph]
12 Simukai, haiwa Jehovha.+ Simudzai ruoko rwenyu,+ haiwa Mwari.
Regai kukanganwa vasina mubatsiri.+
13 Nei munhu akaipa asina kuremekedza Mwari?
Anoti mumwoyo make: “Hamuzoiti kuti ndizvidavirire.”
ר [Resh]
14 Asi panoitika nhamo nematambudziko munozviona.
Munotarisa moisa nyaya dzacho mumaoko enyu.+
ש [Shin]
16 Jehovha ndiMambo nariini nariini.+
Marudzi aparara panyika.+
ת [Taw]