Zivisa Ruponeso Pachena
“Ani naani unodana kuzita ra[Jehovha, NW] uchaponeswa.”—VAROMA 10:13.
1. Munhau yose, inyeveroi dzakaziviswa?
NHAU inorondedzera ‘mazuva aJehovha’ anoverengeka. Mafashamo omuzuva raNoa, kuparadzwa kweSodhoma neGomora, uye kuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E. na70 C.E. akanga ari mazuva makuru uye anotyisa aJehovha. Akanga ari mazuva okuita ruramisiro pana vaya vakapandukira Jehovha. (Maraki 4:5; Ruka 21:22) Mukati mamazuva iwayo, vakawanda vakafa nemhaka yokuipa kwavo. Asi vamwe vakapukunyuka. Jehovha akaparira kuti nyevero dzipiwe, achizivisa vakaipa nezvengwavaira yaiuya uye achipa vane mwoyo yakarurama mukana wokuwana ruponeso.
2, 3. (a) Inyeveroi youporofita yakanokorwa mashoko paPendekosti? (b) Kubva paPendekosti ya33 C.E., chii chaidikanwa pakudana zita raJehovha?
2 Kuparadzwa kweJerusarema muna 70 C.E. muenzaniso wakatanhamara weizvi. Achifanotaura chiitiko ichocho makore anenge 900 pachine nguva mberi, muporofita Joere akanyora kuti: “Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, zvinoti: Ropa nomoto neshongwe dzoutsi. Zuva richashanduka rima, mwedzi uchashanduka ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.” Munhu upi noupi aigona sei kupukunyuka nguva inotyisa kudaro? Joere akanyora achifuridzirwa kuti: “Zvino ani naani unodana zita raJehovha ucharwirwa; nokuti pagomo reZioni napaJerusarema ndipo pachava navakapukunyuka, sezvakataura Jehovha, napakati pavakasara ndipo pachava vakadanwa naJehovha.”—Joere 2:30-32.
3 PaPendekosti ya33 C.E., muapostora Petro akataura kuboka ravaJudha navapuroserite muJerusarema uye akanokora mashoko ouporofita hwaJoere, achiratidza kuti vateereri vake vaigona kukarira kuzadzikwa muzuva ravo: “Ndichaita zvinoshamisa kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi; ropa, nomoto, nemhute youtsi. Zuva richashandurwa rima, nomwedzi uchashandurwa ropa. Zuva guru raShe rinobwinya risati rasvika. Zvino kuchaitika kuti ani naani unodana zita ra[Jehovha, NW] uchaponeswa.” (Mabasa 2:16-21) Mapoka akanga akateerera Petro ose akanga ari pasi poMutemo waMosesi, uye naizvozvo aiziva zita raJehovha. Petro akatsanangura kuti, kubva ipapo zvichienda mberi, kudana zita raJehovha kwaizobatanidza chimwe chinhu. Nenzira yakatanhamara, ikoku kwakabatanidza kubhabhatidzwa muzita raJesu, uyo akanga aurawa uye ipapo amutsirwa kuupenyu husingafi hwokudenga.—Mabasa 2:37, 38.
4. VaKristu vakazivisa shokoi kune dzimwe nyika?
4 Kubva paPendekosti zvichienda mberi, vaKristu vakaparadzira shoko pamusoro paJesu akamutswa. (1 VaKorinte 1:23) Vakazivisa kuti vanhu vaigona kugamuchirwa savanakomana vomudzimu vaJehovha Mwari ndokuva rutivi rwa“Israeri [w]aMwari” mutsva, rudzi rwomudzimu rwaizo‘zivisa kunaka kwaJehovha kune dzimwe nyika.’ (VaGaratia 6:16; 1 Petro 2:9) Avo vakaramba vakatendeka kusvikira kurufu vaizogara nhaka upenyu husingafi kudenga savadyi venhaka pamwe chete naJesu muUmambo hwake hwokudenga. (Mateo 24:13; VaRoma 8:15, 16; 1 VaKorinte 15:50-54) Uyezve, ava vaKristu vakanga vachifanira kuzivisa kuuya kwezuva guru nerinotyisa raJehovha. Vaifanira kunyevera nyika yechiJudha kuti yaizowana dambudziko rinopfuura chinhu chipi nechipi chakanga chamborovanya Jerusarema navaiti vanhu vaMwari kusvikira panguva iyoyo. Zvisinei, paizova nevapukunyuki. Vanaani? Vaya vaidana zita raJehovha.
Mu“mazuva Okupedzisira”
5. Ndokupi kuzadzikwa kwouporofita kwakaitika nhasi?
5 Munzira dzakawanda, mamiriro ezvinhu kare panguva iyoyo aifanofananidzira zvatinoona nhasi. Chibviro cha1914, rudzi rwomunhu rwave rwuchirarama munhambo yenguva chaiyo inonongedzerwa kwairi muBhaibheri se“nguva yokupedzisira,” “mhedziso yetsika yezvinhu,” uye “mazuva okupedzisira.” (Dhanieri 12:1, 4; Mateo 24:3-8, NW; 2 Timotio 3:1-5, 13) Muzana redu ramakore, hondo dzoutsinye, masimba masimba asingadzorwi, uye kuparadzwa kwenzanga nezvakatipoteredza zvakagovera kuzadzikwa kunoshamisa kwouporofita hweBhaibheri. Izvi zvose rutivi rwechiratidzo chakaporofitwa naJesu, achiratidzira kuti rudzi rwomunhu rwava kuda kuva nezuva rokupedzisira, rakakomba rinotyisa raJehovha. Irori rinoguma nehondo yeArmagedhoni, kuguma kwe“kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.”—Mateo 24:21; Zvakazarurwa 16:16.
6. (a) Jehovha ave achiita sei kuti aponese vanyoro? (b) Ndokupi kwatinowana zano raPauro pamusoro penzira yokupukunyuka nayo?
6 Sezvo zuva rokuparadza rinoswedera pedyo nguva dzose, Jehovha ari kuita chiito nokuda kwokuponeswa kwavanyoro. Mukati me“nguva [ino] yokupedzisira,” akaunganidza vakasarira vaIsraeri womudzimu waMwari ndokutendeudzira ngwariro yavabatiri vake vapasi, kubva muma1930 zvichienda mberi, kukuunganidza “vazhinji-zhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.” Seboka, ava “vanobva kukutambudzika kukuru” vapenyu. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Asi munhu mumwe nomumwe anogona sei kuva nechokwadi chokupona kwake? Muapostora Pauro anopindura mubvunzo iwoyo. Muna VaRoma ganhuro 10, anopa zano rakaisvonaka nokuda kwokuponeswa—zano raishanda muzuva rake uye rinoshanda zvakare mune redu.
Munyengetero Wokuponeswa
7. (a) Itariro ipi inoziviswa pana VaRoma 10:1, 2? (b) Nei Jehovha zvino angagona kuti “mashoko akanaka” aziviswe zvikuru?
7 Pauro paakanyora bhuku raVaRoma, Jehovha akanga atoramba Israeri sorudzi. Zvisinei, muapostora akasimbisa kuti: “Kuda kwomwoyo wangu nokukumbira kwangu kuna Mwari pamusoro pavo ndiko, kuti vaponeswe.” Tariro yake yakanga iri yokuti vaJudha vawane zivo yakarurama yezvinodiwa naMwari, zvichitungamirira kukuponeswa kwavo. (VaRoma 10:1, 2) Uyezve, Jehovha aizoshuva kuponeswa kwaavo vaiva munyika yose yorudzi rwomunhu vanoshandisa kutenda, sezvinoratidzirwa pana Johane 3:16: “Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani naani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” Chibayiro chorudzikinuro chaJesu chakazarura nzira yokuponeswa ikoko kwakaisvonaka. Somuzuva raNoa nemamwe mazuva orutongeso akatevera, Jehovha anoita kuti “mashoko akanaka” aziviswe, achinongedzera kunzira yokuponeswa nayo.—Marko 13:10, 19, 20.
8. Vachitevedzera mutoo waPauro, vaKristu vanoratidzira fariro kuna ani nhasi, uye sei?
8 Achiratidza kufarira kwake vose vari vaviri muJudha noWorumwe Rudzi, Pauro akaparidza pamukana wose. Ai“gombedzera vaJudha navaGiriki.” Akaudza vakuru veEfeso kuti: “Handina kutya kukuparidzirai zvingakubatsirai nokukudzidzisai pachena padzimba dzose; ndichipupurira kwazvo vaJudha navaGiriki, kuti vatendeukire kuna Mwari, nokutenda kunaShe wedu Jesu.” (Mabasa 18:4; 20:20, 21) Nenzira yakafanana, Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinozvishandisa mukuparidza, kwete bedzi kuvanoti vaKristu asi kuvanhu vose, kunyange “kumugumo wenyika.”—Mabasa 1:8; 18:5.
Kuzivisa “Shoko Rokutenda”
9. (a) VaRoma 10:8, 9 inokurudzira rudzii rwokutenda? (b) Tinofanira kuzivisa kutenda kwedu rini uye sei?
9 Kutenda kunotsungirira kunodikanwa nokuda kworuponeso. Achinokora mashoko aDheuteronomio 30:14, Pauro akazivisa kuti: “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako, nomumwoyo mako; ndiro shoko rokutenda ratinoparidza.” (VaRoma 10:8) Sezvatinoparidza “shoko rokutenda” iroro, rinorovererwa zvikuru mumwoyo yedu. Zvakanga zvakadaro kuna Pauro, uye mamwe mashoko ake anogona kusimbisa kutsunga kwedu kuva saiye mukugoverana kutenda ikoko navamwe: “Kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumwoyo mako, kuti Mwari wakamumutsa kuvakafa, uchaponeswa.” (VaRoma 10:9) Kuzivisa uku hakungoitwi bedzi pamberi pavamwe panguva yokubhabhatidzwa asi kunofanira kuva kuzivisa kunopfuurira, chipupuriro chokushingaira chapachena pamusoro pemativi ose akaisvonaka echokwadi. Chokwadi chakadaro chinosimbisa zita rinokosha raChangamire Ishe Jehovha; Mambo wedu Mesiya noMudzikinuri, Ishe Jesu Kristu; uye zvipikirwa zvake zvakaisvonaka zvoUmambo.
10. Maererano naVaRoma 10:10, 11, tinofanira kubata sei iri “shoko rokutenda”?
10 Hapana kuponeswa nokuda kwavapi navapi vasingagamuchiri ndokushandisa iri “shoko rokutenda,” sezvo muapostora anopfuurira kuti: “Nokuti munhu unotenda nomwoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa. Nokuti Rugwaro runoti: Ani naani unotenda kwaari, haanganyadziswi.” (VaRoma 10:10, 11) Tinofanira kuwana zivo yakarurama yeiri “shoko rokutenda” ndokupfuurira kuichengeta mumwoyo yedu kuitira kuti tigosundwa kuiudza vamwe. Jesu pachake anotiyeuchidza kuti: “Ani naani unonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwoupombwe nokutadza, Mwanakomana womunhu uchanyarawo pamusoro pake, musi waanouya nokubwinya kwake naBaba vake navatumwa vatsvene.”—Marko 8:38.
11. Mashoko akanaka anofanira kuziviswa zvikuru sei, uye nei?
11 Sezvakafanotaurwa nomuporofita Dhanieri, munguva ino yomugumo, “vakachenjera” vanoonekwa vachipenya “sokupenya kwokudenga,” sezvo uchapupu hwoUmambo hunopararira kumigumo yepasi. Vari ku“dzorera vazhinji kukururama,” uye zivo yechokwadi zvirokwazvo yawanda, nokuti Jehovha ari kupa chiedza chakatojeka zvikuru nguva dzose pauporofita hune chokuita nenguva ino yomugumo. (Dhanieri 12:3, 4) Herino shoko rokuponeswa rinokosha kukupukunyuka kwavose vanoda chokwadi nokururama.
12. VaRoma 10:12 inowirirana sei nebasa rengirozi rinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 14:6?
12 Muapostora Pauro anopfuurira kuti: “MuJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, wakafuma kuna vose vanodana kwaari.” (VaRoma 10:12) “Evhangeri” inofanira kuparidzirwa nhasi pamwero wakatokura zvikuru wenyika yose—kuvanhu vose, kumigumo chaiyo yepasi. Ngirozi yaZvakazarurwa 14:6 inoramba ichibhururuka pakati pedenga, ichitironzesa “evhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose.” Izvi zvichabetsera sei vanogamuchira?
Kudana Zita raJehovha
13. (a) Ndorwupi rwuri rugwaro rwedu rwegore rwa1998? (b) Nei urwu rugwaro rwegore rwakakodzera zvikurusa nhasi?
13 Achinokora mashoko Joere 2:32, Pauro anozivisa kuti: “Ani naani unodana kuzita ra[Jehovha, NW] uchaponeswa.” (VaRoma 10:13) Zvakakodzera sei kuti mashoko iwayo akasarudzwa sorugwaro rwegore rweZvapupu zvaJehovha rwa1998! Hazvisati zvambova zvinokosha zvikuru kufambira mberi nokuvimba naJehovha, tichizivisa zita rake nezvinangwa zvikuru zvarinomirira! Somuzana rokutanga ramakore, naizvozvo mumazuva okupedzisira etsika yakaipa yezvinhu yazvino, kudanidzira kukuru kuti: “Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.” (Mabasa 2:40) Ikokero yakaita sehwamanda yokuti vanhu vose vanotya Mwari munyika yose vadane Jehovha kuti avape ruponeso uyewo kune avo vanoteerera kuzivisa kwavo kwapachena mashoko akanaka.—1 Timotio 4:16.
14. Tinofanira kudana paDombo ripi nokuda kworuponeso?
14 Chii chichaitika apo zuva raJehovha rinotanga pasi pano? Vakawanda zvikurusa havazotariri kuna Jehovha nokuda kworuponeso. Rudzi rwose rwomunhu rwucha“ti kumakomo nokumabwe: Tiwirei, mutivige pameso aiye unogara pachigaro choushe, napakutsamwa kweGwayana.” (Zvakazarurwa 6:15, 16) Tariro yavo ichava iri mumasangano akaita semakomo nemasangano etsika ino yezvinhu. Zvaizova zviri nani zvikuru, kunyange zvakadaro, kudai vaizovimba neDombo gurusa reose, Jehovha Mwari! (Dheuteronomio 32:3, 4) Nezvake, Mambo Dhavhidhi akati: “Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu.” Jehovha i“dombo rokuponeswa kwedu.” (Pisarema 18:2; 95:1) Zita rake i“nhare yakasimba,” “nhare” imwe bedzi yakasimba zvokutidzivirira mukati menhamo iri kuuya. (Zvirevo 18:10) Nokudaro, zvinokosha kuti vakawanda sevanobvira vevanhu vanenge mabhiriyoni matanhatu ari mapenyu nhasi vadzidziswe kudana zita raJehovha mukutendeka neuchokwadi.
15. VaRoma 10:14 inoratidzirei pamusoro pokutenda?
15 Nenzira yakafanira, muapostora Pauro anopfuurira kubvunza kuti: “Vachagodana seiko kuna iye, wavasina kutenda kwaari?” (VaRoma 10:14) Kune vazhinji-zhinji vangabetserwa kuita kuti “shoko rokutenda” rive ravo pachavo, kuitira kuti vadane Jehovha nokuda kworuponeso. Kutenda kunokosha. Pauro anotaura mune imwe tsamba kuti: “Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti unouya kuna Mwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, uye kuti unopa vanomutsvaka mubayiro wavo.” (VaHebheru 11:6) Kunyange zvakadaro, mamiriyoni akawanda achasvika sei pakuva nokutenda muna Mwari? Mutsamba yokuvaRoma, Pauro anobvunza kuti: “Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa?” (VaRoma 10:14) Jehovha anogovera mutoo wokuti vanzwe nawo here? Chokwadi anodaro! Teerera mashoko anopfuurira aPauro: “Vachanzwa seiko, kana kusina muparidzi?”
16. Mugadziriro yaMwari, nei vaparidzi vachikosha?
16 Kubva mukutaura kwaPauro zviri pachena kuti vaparidzi vanodikanwa. Jesu akaratidzira kuti izvi zvaizova zvakadaro, “kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mateo 24:14; 28:18-20) Kuparidza rutivi rwunokosha rwegadziriro yaMwari yokubetsera vanhu kuti vadane zita raJehovha kuitira kuti vaponeswe. Kunyange muchiKristudhomu ruzhinji haruiti chinhu kuti rukudze zita rinokosha raMwari. Vakawanda vakaita kuti Jehovha avhiringidzwe zvikuru navamwe vanhu mudzidziso isingatsananguriki yoUtatu. Uyewo, vakawanda vanowira muboka rinotaurwa nezvaro paPisarema 14:1 ne53:1 kuti: “Benzi rakati mumwoyo maro: Mwari haako.” Vanofanira kuziva kuti Jehovha ndiMwari mupenyu, uye vanofanira kunzwisisa zvose zvinomirira zita rake kana vachizopukunyuka dambudziko guru riri kuswedera pedyo.
‘Tsoka Dzakanaka’ Dzavaparidzi
17. (a) Nei zvakafanira kuti Pauro anokore mashoko uporofita hwokudzorerwa? (b) Chii chinobatanidzwa mukuva ne‘tsoka dzakanaka’?
17 Muapostora Pauro ane mumwe mubvunzo unokosha: “Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?” (VaRoma 10:15) Pauro pano anonokora mashoko mubhuku raIsaya 52:7, riri rutivi rwouporofita hwokudzorerwa hwakashanda kubvira muna 1919. Nhasi, zvakare, Jehovha anotuma “unouya namashoko akanaka, unoparidza rugare, unouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, unoparidza ruponeso.” Nenzira yokuteerera, “nharirire” dzaMwari dzakazodzwa neshamwari dzadzo dzinoramba dzichidanidzira nomufaro. (Isaya 52:7, 8) Tsoka dzaavo vanozivisa ruponeso nhasi dzinganeta, kunyange kuva neguruva, sezvavanofamba paimba neimba, asi zviso zvavo zvinopenya zvikuru nomufaro! Vanoziva kuti vanotumwa naJehovha kuti vazivise mashoko akanaka orugare uye kuti vanyaradze vanochema, vachibetsera ava kudana zita raJehovha vachirangarira kuponeswa.
18. VaRoma 10:16-18 inotii pamusoro pomugumisiro wokupedzisira wokuzivisa mashoko akanaka?
18 Kunyange kana vanhu “vakatenda chavakanzwa” (NW) kana kuti vakasarudza kusachiteerera, mashoko aPauro ndeechokwadi: “Havana kunzwa here? Hungu, zvirokwazvo, inzwi ravo rakabuda kunyika yose, namashoko avo kumigumo yenyika.” (VaRoma 10:16-18) Sezvo “kudenga-denga ku[chi]paridza kubwinya kwaMwari,” sezvinoratidzirwa mumabasa ake okusika, naizvozvo Zvapupu zvake pasi pano zvinofanira kuzivisa “gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu; kuti [zvi]nyaradze vose vanochema.”—Pisarema 19:1-4; Isaya 61:2.
19. Chii chichaitika kuvose vano‘dana zita raJehovha’ nhasi?
19 Zuva guru uye rinotyisa raJehovha rinoswedera pedyo nguva dzose. “Haiwa, zuva iro here! Nokuti zuva raJehovha rava pedyo, richasvika richiparadza richibva kuna Wamasimba Ose.” (Joere 1:15; 2:31) Tinonyengetera kuti vamwe vazhinji-zhinji vachagamuchira nokukurumidza mashoko akanaka, vachidirana kusangano raJehovha. (Isaya 60:8; Habhakuki 2:3) Yeuka kuti mamwe mazuva aJehovha akaparadza vakaipa—muzuva raNoa, muzuva raRoti, uye mumazuva aIsraeri naJudha vakaramba kutenda. Zvino takamira pamucheto pedambudziko gurusa reose, apo chamupupuri chaJehovha chichaparadza uipi pasi pano, chichigadzirira paradhiso yorugare rusingaperi. Uchava mumwe ucha“dana zita raJehovha” nokutendeka here? Kana zvakadaro, fara! Unopikirwa naMwari pachake kuti uchaponeswa.—VaRoma 10:13.
Ungapindura Sei?
◻ Ndezvipi zvinhu zvitsva zvakaziviswa pashure pePendekosti ya33 C.E.?
◻ VaKristu vanofanira kupa ngwariro sei ku“shoko rokutenda”?
◻ Chii chinorehwa noku‘dana zita raJehovha’?
◻ Nhume dzoUmambo dzine ‘tsoka dzakanaka’ mupfungwai?
[Mifananidzo iri papeji 18]
Vanhu vaMwari vari kuzivisa kunaka kwake muPuerto Rico, Ghana, Peru, Papua New Guinea—hungu, munyika yose