Nyika
Tsanangudzo: Parinoshandurwa kubva pashoko rechiGiriki rokuti koʹsmos, shoko rokuti “nyika” rinogona kureva (1) vanhu vose, pasinei netsika dzavo kana kuti mararamiro avo, (2) mamiriro anenge akaita zvinhu panoberekwa munhu uye maanogara kana kuti (3) boka revanhu vasiri vashumiri vaJehovha vaanotendera. Vamwe vashanduri veBhaibheri vakaita kuti vanhu vafunge zvisiri izvo nokushandisawo “nyika” seshoko rinoreva zvakafanana nemashoko echiGiriki anoreva “pasi,” “pasi rinogarwa,” uye “mamiriro ezvinhu.” Mashoko anotevera anonyanya kutaura nezvetsanangudzo yechitatu yeshoko rokuti “nyika” sezviri pamusoro apa.
Nyika ichaparadzwa nemoto here?
2 Pet. 3:7: “Neshoko iroro [raMwari] matenga nenyika zviripo iye zvino zvakachengeterwa moto uye zviri kuchengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.” (Onai kuti “vanhu vasingadi Mwari” ndivo vachaparadzwa kwete vanhu vose. Saizvozvowo, 2Pe 3 ndima 6 inotaura nezvokuparadzwa kwe“nyika” yomuzuva raNoa. Vanhu vakaipa vakaparadzwa, asi pasi harina kuparadzwa uyewo Noa nemhuri yake vaitya Mwari havana kuparadzwa. “Moto” womuzuva rokutonga riri kuuya uchange uri moto chaiwo here, kana kuti unofananidzira kuparadzwa zvachose? Moto chaiwoiwo ungaitei pazvinhu zviri mudenga zvakadai sezuva nenyeredzi zvagara zvichitopisa zvakanyanya? Kuti uwane pamwe panotaurwa rugwaro urwu, ona mapeji 283, 284, pasi pemusoro unoti “Pasi.”)
Zvir. 2:21, 22: “Vakarurama ndivo vachagara panyika, uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari pairi. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; uye vanyengeri, vachabviswa pairi.”
Ndiani anotonga nyika ino—Mwari kana kuti Satani?
Dhan. 4:35: “[Mwari Wokumusorosoro, Jehovha,] anoita maererano nezvaanoda pakati peuto rokumatenga nepakati pevagari vepanyika. Hakuna angadzivisa ruoko rwake kana kumuti, ‘Wanga uchiitei?’” (Saizvozvowo, Jeremiya 10:6, 7 inotaura nezvaJehovha sa“Mambo wemarudzi” nokuti ndiye Mambo Mukuru pane vose, uyo anogona uye achaita kuti madzimambo evanhu nemarudzi avanotonga vazvidavirire. Zvaari Musiki wenyika, Jehovha ndiye Mutongi wayo akakodzera; haana kumbosiya chinzvimbo ichocho.)
Joh. 14:30: “[Jesu akati:] Mutongi wenyika ari kuuya. Asi haana simba pandiri.” (Zviri pachena kuti mutongi uyu haasi Jehovha Mwari, anogara achiteererwa naJesu akavimbika. “Mutongi wenyika” ino anofanira kuva Satani Dhiyabhorosi, “akaipa,” uye “nyika yose” iri musimba rake, sezvinotaurwa pana 1 Johani 5:19. Kunyange zvazvo vanhu vachigara mupasi rakasikwa naMwari, nyika inoumbwa nevaya vasiri vashumiri vaJehovha vanoteerera iri kudzorwa naSatani nokuti vanhu ivavo vanomuteerera. Vaya vanozviisa nemwoyo wose pasi pokutonga kwaJehovha havasi venyika iyoyo. Enzanisa na2 VaKorinde 4:4.)
Zvak. 13:2: “Dhiragoni [Satani Dhiyabhorosi] yakapa chikara simba racho nechigaro chacho choumambo nemasimba makuru.” (Kuenzanisa kurondedzerwa kunoitwa “chikara” ichi nezvinotaurwa pana Dhanieri 7 kunoratidza kuti chinomiririra hurumende dzevanhu, kwete imwe chete asi zvematongerwo enyika munyika yose. Ruka 4:5-7 inobvumirana nemashoko okuti Satani ndiye mutongi wayo, uyewo Zvakazarurwa 16:14, 16, inorondedzera zvinotaurwa nemadhimoni kuti anotungamirira vatongi venyika yose kunorwisana naMwari paAmagedhoni. Mwari anoshivirira kutonga nyika kuri kuitwa naSatani kusvikira nguva yake yaakasarudza yasvika yokuti agadzirise nyaya youchangamire hwake.)
Zvak. 11:15: “Manzwi makuru akanzwika kudenga, achiti: ‘Umambo hwenyika hwava umambo hwaShe wedu [Jehovha] nohwaKristu wake.’” (Izvi pazvakaitika muna 1914, “mazuva okupedzisira” emamiriro ezvinhu akaipa epanguva ino akatanga. Kuratidzwa kutsva kweuchangamire hwaJehovha kwakaoneka, panguva ino achishandisa Mwanakomana wake soMutongi Mesiya. Nokukurumidza nyika yakaipa ichaparadzwa uye Satani, mutongi wayo womudzimu, achaiswa mugomba rakadzikadzika, asingakwanisi kufurira vanhu.)
VaKristu vechokwadi vanoona sei nyika uye vanhu venyika?
Joh. 15:19: “[Vateveri vaJesu] hamusi venyika, asi ndakakusarudzai munyika.” (Saka vaKristu vechokwadi havabatanidzwi nevanhu vakazviparadzanisa naMwari. Vanoita zvinhu zvinoitwa nevanhu vose, asi vanoramba mafungiro, matauriro uye maitiro anoitwa nenyika uye anopesana nenzira dzaJehovha dzakarurama.) (Ona mapeji 149-155, uyewo 249-252.)
Jak. 4:4: “Imi mhombwekadzi, hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvengana naMwari? Naizvozvo, munhu wose anoda kuva shamwari yenyika anozviita muvengi waMwari.” (Nokuti vaKristu havana kukwana, dzimwe nguva vanosvibiswa nokushamwaridzana nenyika. Asi pavanopiwa zano rinobva muShoko raMwari, vanopfidza vogadzirisa upenyu hwavo. Zvisinei, kana vamwe vakasarudza zvavo vachida kushamwaridzana nenyika kana kuti kutevedzera zvainoita, vanoratidza kuti havasisiri vaKristu vechokwadi asi vava venyika inovengana naMwari.)
VaR. 13:1: “Mweya yose ngaizviise pasi pevanhu vane masimba makuru, nokuti hapana munhu ane masimba asina kubvumirwa naMwari; vanhu vane masimba varipo vakaiswa munzvimbo dzavo dzine mwero naMwari.” (Vaya vanoteerera zano iri havasi vapanduki vanoedza kupandukira hurumende dzenyika. Vanozviisa pasi pevatongi vezvematongerwo enyika, vachivateerera chero bedzi zvinorayirwa nevatongi ivavo zvisingapesani nezvinodiwa naMwari. Mwari akafanoona uye akafanotaura nezvehurumende idzodzo. Dzine simba kwete nokuti dzakaripiwa naMwari, asi akadzibvumira. Uyewo panguva yake yakakodzera achadzibvisa.)
VaG. 6:10: “Chero bedzi tiine nguva yakakodzera nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka, asi kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.” (Saka vaKristu vechokwadi havaregi kuitira vamwe vanhu zvakanaka. Vanotevedzera Mwari, anobudisira zuva rake vanhu vakaipa nevakanaka.—Mat. 5:43-48.)
Mat. 5:14-16: “Imi muri chiedza chenyika. . . . Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka uye vakudze Baba venyu vari kumatenga.” (Kuti vamwe vakudze Mwari pamusana pezvinoitwa nevaKristu, zviri pachena kuti vaya vari vaKristu vanofanira kushingaira kupupurira nyika nezvezita raMwari nechinangwa chake. VaKristu vechokwadi vanokoshesa zvikuru basa iri.)
Chii chinorehwa nezvinhu zviri kuitika munyika?
Ona musoro mukuru unoti “Mazuva Okupedzisira.”