Ratidza Mafungire aKristu
“Mwari anogovera kutsungirira nenyaradzo ngaakubvumirei kuti pakati penyu muve nemafungire akafanana neaiva naKristu Jesu.”—VAROMA 15:5.
1. Mafungire omunhu anogona sei kuva nezvaanoita paupenyu hwake?
MAFUNGIRE anokonzera mutsauko mukuru muupenyu. Mafungire okusakendenga kana kuti okushingaira, mafungire akanaka kana kuti asina kunaka, mafungire okurwa kana kuti okushandira pamwe, mafungire okunyunyuta kana kuti okuonga ane zvikuru zvaanoita panzira iyo munhu anobata nayo mamiriro ezvinhu uye kuti vamwe vanhu vanoita sei kwaari. Nemafungire akanaka, mumwe anogona kufara kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma zvikuru. Kumunhu ane mafungire akaipa, hapana chinoratidzika kuti chakarurama, kunyange apo—mumaonero akanaka—upenyu hunenge hwakanaka.
2. Munhu anodzidza sei mafungire?
2 Mafungire—akanaka kana akaipa—anogona kudzidzwa. Chokwadi ndechokuti anofanira kudzidzwa. Ichitaura nezvekasvava, Collier’s Encyclopedia inoti: “Kanofanira kuwana kana kuti kudzidza mafungire akanozoguma kava nawo, sezvakanongofanira kuwana kana kuti kudzidza mutauro kana unyanzvi hupi nohupi.” Tinodzidza sei mafungire? Nepo zvinhu zvakawanda zvine zvazvinoita, zvakatipoteredza uye vatinoshamwaridzana navo zvine simba guru. Enisaikoropidhiya yabva kududzwa inoti: “Tinodzidza kana kuti kupinza mupfungwa, sokunge kuti nokumwirira, mafungire avaya vatinoshamwaridzana navo zvikuru.” Zviuru zvemakore zvakapfuura, Bhaibheri rakataura chimwe chinhu chakafanana naichocho richiti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.”—Zvirevo 13:20; 1 VaKorinde 15:33.
Muenzaniso Wemafungire Akarurama
3. Ndiani aiva nomuenzaniso wakanaka mumafungire ake, uye tingamutevedzera sei?
3 Sapamwe pose, munhau yemafungire zvakare, Jesu Kristu akaratidza muenzaniso wakanaka kupfuura mimwe yose. Akati: “Ndakuitirai muenzaniso, kuti, sezvandakuitirai, munofanirawo kudaro.” (Johani 13:15) Kuti tive saJesu, tinofanira kutanga tadzidza nezvake.a Tinodzidza upenyu hwaJesu nevavariro yokuita zvakarumbidzwa nomuapostora Petro zvokuti: “Makadanirwa izvozvi, nokuti kunyange Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.” (1 Petro 2:21) Vavariro yedu ndeyokuti tive vakafanana naJesu sezvinobvira. Izvozvo zvinosanganisira kuva nemafungire ake.
4, 5. Pamafungire aiva naJesu chii chinonyanya kusimbiswa pana VaRoma 15:1-3, uye vaKristu vangamutevedzera sei?
4 Kuva nemafungire aKristu Jesu kunosanganisirei? Chitsauko 15 chetsamba yaPauro kuvaRomaVaR 15 chinotibatsira kupindura mubvunzo iwoyo. Mundima shoma dzokutanga dzechitsauko ichi, Pauro anotaura nezvounhu hunoorora hwaJesu paanoti: “Kunyange zvakadaro, isu takasimba tinofanira kutakura kusava nesimba kwevasina kusimba, tisingazvifadzi. Mumwe nomumwe wedu ngaafadze muvakidzani wake muzvakanaka kuti avakwe. Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza; asi sokunyorwa kwazvakaitwa kuti: ‘Kuzvidza kweavo vakanga vachikuzvidzai kwakawira pandiri.’”—VaRoma 15:1-3.
5 Vachitevedzera mafungire aJesu, vaKristu vanokurudzirwa kuva vakagadzirira kuita zvinodiwa navamwe nokuzvininipisa pane kuda kuzvifadza ivo chete. Chokwadi, kuda kushumira vamwe ikoko kwokuzvininipisa chiratidzo chevaya ‘vakasimba.’ Jesu, akanga akasimba mumudzimu kupfuura munhu chero upi zvake akamborarama, akati nezvake: “Mwanakomana womunhu akauya, kwete kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevakawanda.” (Mateu 20:28) Zvatiri vaKristu, isuwo tinoda kutsvaka kushumira vamwe, kusanganisira vaya “vasina kusimba.”
6. Tingatevedzera sei zvaiitwa naJesu paaishorwa nokutukwa?
6 Humwe unhu hwakanaka kwazvo hwakaratidzwa naJesu hwaiva mafungire namaitiro akanga akanaka nguva dzose. Haana kumbobvumira mafungire asina kunaka avamwe kuti apesvedzere mafungire ake akanaka kwazvo pamusoro pokushumira Mwari; nesuwo hatifaniri. Paakashorwa nokutambudzwa nemhaka yokunamata Mwari nenzira yakatendeka, Jesu akatsungirira achishivirira asinganyunyuti. Aiziva kuti kushora kunoita nyika isingatendi uye isinganzwisisi kunogona kutarisirwa navaya vanoedza kufadza muvakidzani wavo “muzvakanaka kuti avakwe.”
7. Jesu akaratidza sei kushivirira, uye nei tichifanira kuita zvakafanana?
7 Jesu akaratidza mafungire akarurama mune dzimwe nzira. Haana kumboratidza kuti Jehovha anonoka asi akamirira achishivirira kuti zvinangwa zvake zviitike. (Pisarema 110:1; Mateu 24:36; Mabasa 2:32-36; VaHebheru 10:12, 13) Uyezve, Jesu haana kutadza kushivirira vateveri vake. Akavaudza kuti: ‘Dzidzai kwandiri’; sezvo aiva “munyoro,” mirayiridzo yake yaivaka uye yaizorodza. Uye nemhaka yokuti ai“zvininipisa mumwoyo,” akanga asingamboonererwi kana kuzvikudza. (Mateu 11:29) Pauro anotikurudzira kutevedzera mafungire aJesu aya paanoti: “Ivai nemafungire aya aivawo muna Kristu Jesu, uyo, kunyange aivapo saMwari, haana kufunga nezvokubvuta, kureva kuti, kuti anofanira kuva akaenzana naMwari. Aiwa, asi akazvidurura akava somuranda ndokuva akafanana nevanhu.”—VaFiripi 2:5-7.
8, 9. (a) Nei tichifanira kushanda kuti tikudziridze mafungire asiri oudyire? (b) Nei tisingafaniri kuora mwoyo kana tichitadza kunyatsotevedzera muenzaniso wakasiyiwa naJesu, uye Pauro aiva sei muenzaniso wakanaka pakuita kudaro?
8 Zviri nyore kutaura kuti tinoda kushumira vamwe uye kuti tinoda kuisa zvavanoda pamberi pezvatinoda. Asi kuongorora mafungire edu nokutendeka kungaratidza kuti mwoyo yedu haina kurerekera zvakakwana ikoko. Nei zvisina kudaro? Chokutanga, nokuti takagara nhaka unhu hune udyire kuna Adhamu naEvha; chechipiri, nokuti tinorarama munyika inosimudzira udyire. (VaEfeso 4:17, 18) Kuva nemafungire asiri oudyire kunowanzoreva kukudziridza mafungire akasiyana nounhu hwedu husina kukwana hwatakazvarwa nahwo. Izvozvo zvinoda kutsunga nokuedza kwakasimba.
9 Kusakwana kwedu kuri pachena, zvakwakasiyana kwazvo nomuenzaniso wakakwana watakasiyirwa naJesu, dzimwe nguva kungaita kuti tiore mwoyo. Tingasava nechokwadi chokuti kuva nemafungire akafanana neaiva naJesu kungambobvira. Asi cherechedza mashoko aPauro anokurudzira okuti: “Ndinoziva kuti mandiri, ndiko kuti, munyama yangu, hamugari chakanaka; nokuti mano okuda arimo mandiri, asi mano okuita zvakanaka kwazvo haamo. Nokuti zvakanaka zvandinoda handizviiti, asi zvakaipa zvandisingadi ndizvo zvandinoita. Ndinofarira chaizvoizvo mutemo waMwari maererano nomunhu wandiri mukati, asi ndinoona mumitezo yangu mumwe mutemo uchirwisana nomutemo wepfungwa dzangu uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kumutemo wechivi uri mumitezo yangu.” (VaRoma 7:18, 19, 22, 23) Chokwadi, kusakwana kwaPauro kwaigara kuchimutadzisa kuita zvinodiwa naMwari sezvaaida, asi mafungire ake—nzira yaaifunga nayo nokunzwa nayo pamusoro paJehovha nomutemo Wake—aiva omuenzaniso wakanaka. Edu anogona kuva akadarowo.
Kugadzirisa Mafungire Asina Kunaka
10. Pauro akakurudzira vaFiripi kukudziridza mafungire akaita sei?
10 Zvingava here kuti vamwe vanofanira kugadzirisa mafungire asina kunaka? Hungu. Izvi zvaiva pachena kuti ndizvo zvaifanira kuita vamwe vaKristu muzana remakore rokutanga. Mutsamba yake kuvaFiripi, Pauro akataura nezvokuva nemafungire akanaka. Akanyora kuti: “Hazvirevi kuti ndato[h]uwana [upenyu hwokudenga norumuko rwokutanga] kana kuti ndatoitwa akakwana, asi ndiri kutevera kuti ndione kana ndingabatawo chandakabatirwa naKristu Jesu. Hama, handizvirangariri sendatoubata; asi kune chinhu chimwe pamusoro pawo: Ndichikanganwa zvinhu zviri shure uye kusveerera zvinhu zviri mberi, ndiri kutevera kuti ndibate vavariro yomubayiro wokudanwa kumusoro naMwari nokuna Kristu Jesu. Naizvozvo, isu tose takura zvakakwana, ngativei nemafungire akadai.”—VaFiripi 3:10-15.
11, 12. Jehovha anotizivisa sei mafungire akarurama?
11 Mashoko aPauro anoratidza kuti chero ani zvake, pashure pokuva muKristu, kana asinganzwi kudiwa kwokufambira mberi ane mafungire akaipa. Atadza kuva nemafungire aKristu. (VaHebheru 4:11; 2 Petro 1:10; 3:14) Munhu akadaro haana tariro here? Nyangwe. Mwari anogona kutibatsira kuchinja mafungire edu kana tichinyatsoda kudaro. Pauro anoenderera mberi achiti: “Kana mune kumwe kufunga kwakasiyana nouku pane chimwe chinhu, Mwari achakuratidzai kufunga kuri pamusoro apa.”—VaFiripi 3:15.
12 Zvisinei, kana tichida kuti Jehovha atiratidze mafungire akarurama, tinofanira kuva nezvatinoitawo. Kudzidza Shoko raMwari tichinyengetera tichibatsirwa namabhuku echiKristu akagoverwa no“muranda akatendeka, akangwara” kuchaita kuti vaya vane “kumwe kufunga kwakasiyana nouku” vakwanise kuva nemafungire akarurama. (Mateu 24:45) Vakuru vechiKristu, vakagadzwa nomudzimu mutsvene “kuti [va]fudze ungano yaMwari,” vachafara kutsigira. (Mabasa 20:28) Tinofara sei kuti Jehovha anorangarira kuti hatina kukwana uye kuti anotibatsira nenzira yorudo! Ngatibvume kubatsira kwacho.
Kudzidza Kune Vamwe
13. Tinodzidzei nezvemafungire akarurama munhoroondo yeBhaibheri yaJobho?
13 Muna VaRoma chitsauko 15, Pauro anotiratidza kuti kufungisisa pamienzaniso yenhau kungatibatsira kuchinja mafungire edu. Anonyora kuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorwa kuti tidzidze, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro tive netariro.” (VaRoma 15:4) Vamwe vavashumiri vaJehovha vakatendeka vomunguva dzakapfuura vane zvimwe zvavaifanira kugadzirisa pamafungire avo. Somuenzaniso, Jobho aiva nemafungire akanaka kwazvo. Haana kumboti Jehovha ndiye aikonzera uipi, uye haana kumbobvumira kutambura kuti kuzununguse kuvimba kwake naMwari. (Jobho 1:8, 21, 22) Asi, aiwanzoda kuzviruramisa. Jehovha akatuma Erihu kuti anobatsira Jobho kugadzirisa izvozvi. Pane kunzwa sokuti atukwa, Jobho akabvuma achizvininipisa kuti aifanira kuchinja mafungiro achibva atanga kuita kudaro.—Jobho 42:1-6.
14. Tingava sei saJobho kana tikapiwa zano pamusoro pemafungire edu?
14 Taizoita sezvakaita Jobho here kudai mumwe muKristu aizotiudza nomutsa kuti tiri kuratidza kuti tine mafungire asina kunaka? Kufanana naJobho, ngatisamboti “Mwari akaita noupenzi.” (Jobho 1:22) Kana tikatambura zvisina kururama, ngatisambonyunyute kana kuti titi Jehovha ndiye anokonzera matambudziko edu. Ngatisamboedza kuzviruramisa, tichiyeuka kuti pasinei zvapo nokuti ropafadzo dzedu dzingava dzei mubasa raJehovha, tichiri “varanda pasina” chete.—Ruka 17:10.
15. (a) Mafungire api asina kururama akaratidzwa navamwe vavateveri vaJesu? (b) Petro akaratidza sei mafungire akanaka kwazvo?
15 Muzana remakore rokutanga, vamwe vakateerera Jesu vakaratidza mafungire asina kururama. Pane imwe nguva, Jesu akataura chimwe chinhu chakanga chisiri nyore kunzwisisa. “Vakawanda vevadzidzi vake, pavakanzwa izvi, vakati: ‘Kutaura uku kunoshamisa kwazvo; ndiani angagona kukuteerera?’” Vaya vakataura nenzira iyi zviri pachena kuti vaiva nemafungire asina kururama. Uye mafungire avo asina kururama akaita kuti varege kuteerera Jesu. Nyaya yacho inoti: “Nemhaka yeizvi vakawanda vevadzidzi vake vakadzokera kuzvinhu zveshure uye vakanga vasingachafambizve naye.” Vose vaiva nemafungire asina kururama here? Kwete. Nyaya yacho inoenderera mberi ichiti: “Naizvozvo Jesu akati kuvane gumi nevaviri: ‘Hamudi kuendawo, munoda here?’ Simoni Petro akamupindura akati: ‘Ishe, tichaenda kuna ani?’” Chaizvoizvo, Petro akabva apindura mubvunzo wake pachake, achiti: “Mune mashoko oupenyu husingaperi.” (Johani 6:60, 66-68) Mafungire akaisvonaka zvakadini! Patinoona tsanangudzo kana kuti kugadziridzwa kwokunzwisisa kwatinoita Magwaro kwatingawana kwakaoma kugamuchira pakutanga, hazvingavi zvakanaka here kuratidza mafungire akaita Petro? Hungava upenzi hwakadini kurega kushumira Jehovha kana kutaura munzira inopesana no“muenzaniso wemashoko anopa utano” nemhaka chete yokuti zvimwe zvinhu zvakaoma kunzwisisa pakutanga!—2 Timoti 1:13.
16. Mafungire api anoshamisa akaratidzwa navatungamiriri vechitendero vechiJudha vomuzuva raJesu?
16 Vatungamiriri vechitendero vechiJudha vomuzana remakore rokutanga vakatadza kuratidza mafungire aiva naJesu. Kutsunga kwavo zvikuru kusateerera Jesu kwakaratidzwa paakamutsa Razaro kuvakafa. Kuna ani naani ane mafungire akarurama, chishamiso ichocho chaizodai chakava uchapupu hwakakwana hwokuti Jesu akatumwa achibva kuna Mwari. Zvisinei, tinorava kuti: “Naizvozvo vapristi vakuru nevaFarisi vakaunganidza Sanihedrini vakatanga kuti: ‘Toitei, nokuti munhu uyu anoita zviratidzo zvakawanda? Kana tikamurega achiita izvi, vose vachatenda maari, uye vaRoma vachauya vakatora nzvimbo yedu norudzi rwedu.’” Vakazvigadzirisa sei? “Kubvira pazuva iroro vakarangana kumuuraya.” Kunze kwokurangana kuuraya Jesu, vakatsvaka kuparadza muenzaniso mupenyu wokuva kwake muiti wezvishamiso. “Vapristi vakuru zvino vakarangana kuurayawo Razaro.” (Johani 11:47, 48, 53; 12:9-11) Zvakaipa sei kudai taizokudziridza mafungire akadaro ndokushatiriswa kana kugumbuka nezvinhu zvatinotofanira kufara nazvo! Hungu, zvine ngozi sei!
Kutevedzera Mafungire aKristu Akanaka
17. (a) Dhanieri akaratidza mafungire okusatya mumamiriroi ezvinhu? (b) Jesu akaratidza sei kuti akashinga?
17 Vashumiri vaJehovha vanoramba vane mafungire akanaka. Apo vavengi vaDhanieri vakaronga zano rokuti paiswe mutemo unorambidza kuita zvikumbiro kuna mwari upi noupi kana munhu kunze kwamambo kwamazuva 30, Dhanieri akaziva kuti izvozvo zvaikanganisa ukama hwake naJehovha Mwari. Aizorega kunyengetera kuna Mwari kwamazuva 30 here? Kwete, akapfuurira kunyengetera kuna Jehovha katatu pazuva asingatyi, sezvayaiva tsika yake. (Dhanieri 6:6-17) Jesu akarambawo kutyisidzirwa navavengi vake. Rimwe zuva reSabata, akasangana nomurume aiva noruoko rwakakokonyara. Jesu aiziva kuti vaJudha vakawanda vaiva ipapo vaisazofara kana aizorapa mumwe munhu paSabata. Akavakumbira zvakananga kuti vataure zvavaifunga panhau yacho. Pavakaramba, Jesu akaporesa munhu wacho. (Mako 3:1-6) Jesu haana kumborega kuzadzika basa rake nenzira yaaiona kuti yakanga yakakodzera.
18. Nei vamwe vachitishora, asi tinofanira kuita sei kumafungire avo asina kunaka?
18 Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinoziva kuti naizvowo hazvimbofaniri kutyisidzirwa nezvakashata zvingangoitwa navashori. Zvikasadaro, zvinenge zvisiri kuratidza mafungire aJesu. Vakawanda vanoshora Zvapupu zvaJehovha, vamwe nokuti havazivi chokwadi uye vamwe nokuti vanovenga Zvapupu kana kuti shoko razvo. Asi ngatisambobvumira mafungire avo asiri oushamwari kuchinja edu akanaka. Hatimbofaniri kubvumira vamwe kudzora manamatire atinoita.
19. Tingaratidza sei mafungire akafanana neaJesu Kristu?
19 Nguva dzose Jesu airatidza mafungire akanaka kuvateveri vake uye kugadziriro dzaMwari, pasinei nokuti zvakanga zvakaoma sei kuita kudaro. (Mateu 23:2, 3) Tinofanira kutevedzera muenzaniso wake. Chokwadi, hama dzedu hadzina kukwana, asi ndizvo zvatakaitawo. Uye ndokupi kwatingawana vasonganiri vari nani uye shamwari dzakavimbika zvechokwadi kudarika muhama dzedu dzomunyika yose? Jehovha haasati aita kuti tinzwisise zvakakwana Shoko rake rakanyorwa, asi iboka ripi rechitendero rinonzwisisa zvakawanda? Nguva dzose ngatirambei tine mafungire akarurama, mafungire aiva naJesu Kristu. Pane zvimwe zvinhu zvose, izvi zvinosanganisira kuziva kumirira pana Jehovha, sezvatichakurukura munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Bhuku rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., rinotaura nezvoupenyu noushumiri zvaJesu.
Ungatsanangura Here?
• Upenyu hwedu hunochinjwa sei nemafungire edu?
• Rondedzera mafungire aJesu Kristu.
• Tingadzidzei mumafungire aJobho?
• Mafungire api akarurama atinofanira kuva nawo patinoshorwa?
[Mifananidzo iri papeji 7]
MuKristu ane mafungire akarurama anoedza kubatsira vamwe
[Mufananidzo uri papeji 9]
Kudzidza Shoko raMwari tichinyengetera kunotibatsira kuva nemafungire aKristu