Tsamba kuvaRoma
15 Asi isu takasimba tinofanira kutakura kushayiwa simba kwevaya vasina kusimba,+ tisingazvifadzi.+ 2 Mumwe nemumwe wedu ngaafadze muvakidzani wake muzvinhu zvakanaka, kuti amuvake.+ 3 Nekuti kunyange Kristu haana kuzvifadza,+ asi sekunyorwa kwazvakaitwa, kuti: “Kuzvidza kwevaya vanokuzvidzai kwawira pandiri.”+ 4 Nekuti zvinhu zvese zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe,+ kuti tive netariro+ inobva pakutsungirira kwedu+ uye pakunyaradza kunobva muMagwaro. 5 Saka Mwari anopa kutsungirira nenyaradzo ngaaite kuti muve nemafungiro seaiva naKristu Jesu, 6 kuti mubatane+ nenzwi rimwe chete* pakukudza Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu.
7 Saka gamuchiranai,+ sekugamuchirwawo kwamakaitwa naKristu,+ kuti Mwari akudzwe. 8 Nekuti ndinokuudzai kuti Kristu akava mushumiri wevaya vakachecheudzwa+ achiratidza kuti Mwari ndewechokwadi, kuti asimbise vimbiso dzakaitwa naMwari kumadzitateguru avo,+ 9 uye kuti mamwe marudzi akudze Mwari nekuda kwetsitsi dzake.+ Sekunyorwa kwazvakaitwa, kuti: “Ndokusaka ndichakubvumai pachena ndiri pakati pemamwe marudzi, uye ndichaimba ndichirumbidza zita renyu.”+ 10 Uyezve anoti: “Farai, imi marudzi, nevanhu vake.”+ 11 Uyezve: “Rumbidzai Jehovha,* imi marudzi ese, uye vanhu vese ngavamurumbidze.”+ 12 Uyezve Isaya anoti: “Pachava nemudzi waJese,+ uya anomuka kuti atonge marudzi;+ marudzi achaisa tariro yawo paari.”+ 13 Mwari anopa tariro ngaakuzadzei nemufaro mukuru nerugare nekuvimba kwamunoita naye, kuti tariro yenyu iwedzere* nesimba remweya mutsvene.+
14 Ini ndine chokwadi nemi, hama dzangu, kuti imi muzerewo nerunako, makazadzwa neruzivo rwese, uye kuti munokwanisa kudzidzisana.* 15 Asi ndakunyorerai zvimwe zvacho ndichinyatsotaura sezvazviri, kuti ndikuyeuchidzei zvakare, nekuda kwenyasha dzandakaratidzwa naMwari 16 kuti ndive mushandi waKristu Jesu anobatsira ruzhinji kumamwe marudzi.+ Ndiri kuita basa dzvene remashoko akanaka aMwari,+ kuti mamwe marudzi aya ave mupiro unogamuchirika, wakatsveneswa nemweya mutsvene.
17 Saka ndine chikonzero chekupembera nemufaro muna Kristu Jesu pamusoro pezvinhu zvine chekuita naMwari. 18 Nekuti handingambotauri zvimwe zvinhu kunze kwezviya zvakaitwa naKristu achindishandisa kuti mamwe marudzi ateerere, pachishandiswa shoko rangu nezviito, 19 nesimba rezviratidzo nezvishamiso,+ uye simba remweya waMwari, zvekuti kubvira muJerusarema kutenderera kusvikira kwese kuIririkumu ndakanyatsoparidza mashoko akanaka pamusoro paKristu.+ 20 Ndakaita izvi ndiine chinangwa chekuti ndisazivisa mashoko akanaka munzvimbo dzakanga dzatoitwa kuti zita raKristu rizivikanwe, kuti ndirege kuvaka pakatotanga kuvakwa nemumwe munhu; 21 asi sekunyorwa kwazvakaitwa, kuti: “Vaya vasina kuudzwa nezvake vachaona, uye vaya vasina kunzwa vachanzwisisa.”+
22 Ndokusaka ndaitadziswa kakawanda kuuya kwamuri. 23 Asi iye zvino handisisina nzvimbo isina kuparidzirwa munharaunda ino, uye ndava nemakore ndichida kuuya kwamuri. 24 Saka pandinoenda kuSpeini, ndiri kutarisira kukuonai uye kuti muzondiperekedza kana tambova nenguva tese. 25 Asi iye zvino ndava kumboenda kuJerusarema kunoshumira vatsvene.+ 26 Nekuti vekuMakedhoniya neAkaya vakafara kupawo zvimwe zvinhu zvavo semupiro kuti upiwe varombo vari pakati pevatsvene kuJerusarema.+ 27 Chokwadi, vakazviita vachifara, uye vakanga vaine chikwereti navo; nekuti sezvo vemamwe marudzi vakabatsirwawo navo pazvinhu zvemweya, ivowo vanofanira kuvashumira nezvinhu zvekurarama nazvo.+ 28 Saka kana ndapedza izvi uye ndasvitsa mupiro uyu zvakanaka, ndichabva ndapfuura nekwamuri ndichienda kuSpeini. 29 Uye ndinoziva kuti pandinouya ikoko ndichauya nechikomborero chakazara chinobva kuna Kristu.
30 Iye zvino hama, ndinokukurudzirai munaShe wedu Jesu Kristu uye murudo runobva mumweya, kuti mundinyengetererewo zvakasimba kuna Mwari sezvandiri kuitawo ini,+ 31 kuti ndinunurwe+ pavanhu vasingatendi vari muJudhiya uye kuti ushumiri hwangu hwekuJerusarema hugamuchirwe nevatsvene,+ 32 kuti kana kuri kuda kwaMwari, ndisvike kwamuri ndichifara, ndozorodzwa pamwe chete nemi. 33 Mwari anopa rugare ngaave nemi mese.+ Ameni.