Murume Uye Mukuru—Kudzikamisa Mabasa Acho
‘Mutariri anofanira kuva murume womudzimai mumwe.’ —1 TIMOTIO 3:2.
1, 2. Nei kusaroora kwavaprista kusiri kwapaMagwaro?
MUZANA ramakore rokutanga, vaKristu vakatendeka vaiitira hanya kudzikamisa mabasa avo akasiyana siyana. Apo muapostora Pauro akataura kuti muKristu anoramba asina kuroora “unoita zvinopfuura nokunaka,” akareva kuti murume akadaro aizova akakodzera zviri nani kubatira somutariri muungano yechiKristu here? Kutaura idi akanga achiita kusaroora chinodikanwa chokuva mukuru here? (1 VaKorinte 7:38) Kusaroora kunodikanwa kuvafundisi veKaturike. Asi kusaroora kwevaprista ndekwepaMagwaro here? Chechi dzeEastern Orthodox dzinobvumira vaprista vemaruwa adzo kuva varume vakaroora, bva kwete vanabhishopi vadzo. Ikoko kunotsinhirana neBhaibheri here?
2 Vazhinji vevaapostora 12 vaKristu, mitezo yokutanga yeungano yechiKristu, vakanga vari varume vakaroora. (Mateo 8:14, 15; VaEfeso 2:20) Pauro akanyora, kuti: “Hatina simba rokufamba nomukadzi iri hama, savamwe vaapostora navanun’una vaShe, naKefasi [Petro] here?” (1 VaKorinte 9:5) New Catholic Encyclopedia inobvuma kuti “mutemo wokusaroora wakavambwa nechechi” uye kuti “vafundisi veTestamende Itsva vakanga vasingasungirwi kusaroora.” Zvapupu zvaJehovha zvinotevera muenzaniso wapaMagwaro panzvimbo pomutemo wechechi.—1 Timotio 4:1-3.
Kuva Mukuru Neroorano Zvinowirirana
3. Maidii apaMagwaro anoratidza kuti vatariri vechiKristu vanogona kuva varume vakaroora?
3 Panzvimbo pokuda kuti varume vanogadzwa sevatariri vave vasina kuroora, Pauro akanyorera Tito, kuti: “Ndakakusiya paKrete nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira izvo zvakanga zvasara, nokugadza vakuru [chiGiriki, pre·sbyʹte·ros] mumaguta ose, sezvandakakurayira; kana kune munhu usina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, una vana vanotenda, vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori, kana kuti havateereri. Nokuti mutariri [chiGiriki, e·piʹsko·pos, panobva shoko rokuti “bhishopu”] unofanira kuva munhu usina chaangapomerwa, somuchengeti weimba yaMwari.”—Tito 1:5-7.
4. (a) Tinoziva sei kuti roorano haisi chinodikanwa chevatariri vechiKristu? (b) Ibetseroi iyo hama isina kuroora iri mukuru inayo?
4 Pane rumwe rutivi, roorano hachisi chinodikanwa chapaMagwaro chokuva mukuru. Jesu akaramba asina kuroora. (VaEfeso 1:22) Pauro, mutariri akatanhamara mukati meungano yechiKristu yemuzana rokutanga ramakore, panguva iyoyo akanga asina kuroora. (1 VaKorinte 7:7-9) Nhasi, kune vaKristu vazhinji vasina kuroora vanobatira sevakuru. Kusaroora kwavo zvimwe kunovasiyira nguva zhinji yokuita mabasa avo savatariri.
‘Murume Akaroora Akakamuka’
5. Iidii rapaMagwaro iro hama dzakaroora dzinofanira kubvuma?
5 Apo murume wechiKristu anoroora, anofanira kuziva kuti ari kuva nemabasa matsva ayo achada nguva yake nengwariro. Bhaibheri rinoti: “Usina kuwana, unofunga zvaShe, kuti ungafadza Ishe wake sei. Asi wakawana, unofunga zvenyika, kuti ungafadza mukadzi wake sei, [uye akakamuka, NW].” (1 VaKorinte 7:32-34) Kukamuka mupfungwai?
6, 7. (a) Ndeipi iri imwe nzira umo murume akaroora “akakamuka” nayo? (b) Izanoi iro Pauro anopa kuvaKristu vakaroora? (c) Ikoku kungagona sei kupesvedzera chisarudzo chemunhu chekugamuchira mugove webasa?
6 Kutanga, murume akaroora anorega simba pamuviri wake amene. Pauro akajekesa ikoku zvikuru: “Mukadzi haane simba pamusoro pomuviri wake, asi murume; saizvozvowo murume haana simba pamusoro pomuviri wake, asi mukadzi.” (1 VaKorinte 7:4) Vamwe vari kurangarira roorano vanganzwa kuti ikoku ndekweukoshi huduku nemhaka yokuti vatano inenge isati ichizova chinhu chikuru muroorano yavo. Zvisinei, sezvo rucheno roorano isati yaitika rwuri chinodikanwa chapaMagwaro, vaKristu havazivi chaizvozvo zvinodikanwa zvakavanzika zvemukwanyina wavo weramangwana.
7 Pauro anoratidza kuti kunyange varoorani ‘vanoisa ndangariro pazvinhu zvomudzimu’ vanofanira kurangarira zvinodikanwa zvevatano zvemumwe nemumwe. Akarayira vaKristu vaiva muKorinte, kuti: “Murume ngaape mukadzi zvakafanira; nomukadzi ngaadarowo kumurume. Musanyimana, asi muchiita nguva duku, mambotenderana, kuti muve nenguva yokunyengetera, ndokusonganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusagona kwenyu kuzvidzora.” (VaRoma 8:5; 1 VaKorinte 7:3, 5) Nenzira inosuruvarisa, kwave kune zviitiko zvoupombwe apo zano rino risina kuteverwa. Ikoko zvakwakadaro, muKristu akaroora anofanira kurangarira zvinhu nokungwarira asati agamuchira mugove webasa uchamuparadzanisa nemudzimai wake kwenhambo yakareba. Haasati achine rusununguko rumwe cheterwo rwekufamba serwaaive narwo apo akanga asina kuroora.
8, 9. (a) Pauro airevei apo akataura kuti vaKristu vakaroora vano“funga zvenyika”? (b) VaKristu vakaroora vanofanira kudisa kufunga kuitei?
8 Mupfungwai munogona kutaurwa kuti varume vechiKristu vakaroora, kubatanidza vakuru, va“nofunga zvenyika [koʹsmos]”? (1 VaKorinte 7:33) Kuri pachena zvikuru kuti Pauro akanga asiri kutaura nezvezvinhu zvakashata zvenyika ino, izvo vaKristu vose vechokwadi vanofanira kudzivisa. (2 Petro 1:4; 2:18-20; 1 Johane 2:15-17) Shoko raMwari rinotirayira ku“ramb[a] kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika [ko·smi·kosʹ], tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino.”—Tito 2:12.
9 MuKristu akaroora, naizvozvo, “unofunga zvinhu zvenyika” mukuti iye nenzira yakarurama anoitira hanya zvinhu zvokunyama zviri rutivi rweupenyu hwenguva dzose hweroorano. Ikoku kunobatanidza pokugara, zvokudya, zvokupfeka, nhandaro—tisingatauri zvedu nezvedzimwe itiro hanya dzisingaverengeki kana pane vana. Asi kunyange nokuda kwavaroorani vasina vana, kana roorano ichizobudirira, vose vari vaviri murume nomudzimai vanofanira kufunganya ku“fadza” mukwanyina wake weroorano. Ikoku ndekwefariro zvikuru kuvakuru vechiKristu sezvavanodzikamisa mabasa avo.
Varume Vakanaka Pamwe Chete neVakuru Vakanaka
10. Kuti muKristu akwanirise somukuru, hama dzake nevanhu vari kunze vanofanira kukwanisa kucherekedzei?
10 Nepo roorano isiri chinodikanwa chekuva mukuru, kana murume wechiKristu akaroora, asati arumbidzwa kuti agadzwe somukuru, zvirokwazvo anofanira kupa ufakazi hwekuedza kuva murume akanaka, ane rudo, achishandisa umusoro hwakafanira. (VaEfeso 5:23-25, 28-31) Pauro akanyora, kuti: “Kana munhu achitsvaka basa romutariri, unoda basa rakanaka. Naizvozvo mutariri unofanira kuva munhu usina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete.” (1 Timotio 3:1, 2) Kunofanira kuva pachena kuti mukuru ari kuita unani hwake kuva murume akanaka, mudzimai wake angave muKristu biyake kana kuti kwete. Kutaura idi, kunyange vanhu vari kunze kweungano vanofanira kukwanisa kucherekedza kuti anotarisira zvakanaka mudzimai wake uye mamwe mabasa ake. Pauro akawedzera, kuti: “Unofanira kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuti arege kuzvidzwa, nokubatwa mumusungo waDhiyabhorosi.”—1 Timotio 3:7.
11. Kutaura kwokuti “murume womukadzi mumwe,” kunorevei, naizvozvo kungwarirai uko vakuru vanofanira kuita?
11 Chokwadika, kutaura kwokuti “murume womukadzi mumwe chete” kunobvisa barika, asi kunorevawo kutendeka muroorano. (VaHebheru 13:4) Vakuru zvikurukuru vanofanira kungwarira zvikuru pakubetsera hanzvadzi dziri muungano. Vanofanira kudzivisa kuva voga pakushanyira hanzvadzi inoda zano nenyaradzo. Vangaita zvakanaka kuperekedzwa nomumwe mukuru, mubatiri anoshumira, kana kuti kunyange mudzimai wavo kana iri nhau yokungoshanya kwokukurudzira.—1 Timotio 5:1, 2.
12. Irondedzeroi iyo vadzimai vevakuru nevabatiri vanoshumira vanofanira kuvavarira kusvitsa?
12 Sezvineiwo, achironga zvinodikanwa zvevakuru nevabatiri vanoshumira, muapostora Pauro akanga anewo shoko rezano revadzimai veavo vanorangarirwa nokuda kweropafadzo dzakadaro. Akanyora, kuti: “Vakadzi ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe, vakasvinuka, vakatendeka pazvose.” (1 Timotio 3:11) Murume wechiKristu anogona kuita zvakawanda kuti abetsere mudzimai wake kuwirirana nerondedzero iyoyo.
Mabasa apaMagwaro Kumudzimai
13, 14. Kunyange kana mudzimai wemukuru asiri Chapupu biyake, nei achifanira kugara naye ndokuva murume akanaka?
13 Chokwadika, zano iri rakapiwa kuvadzimai vevakuru kana kuti vabatiri vanoshumira rinoreva kuti vadzimai vakadaro vaKristu vakazvitsaurira vamene. Kazhinji kazhinji, ikoku kwakadaro nemhaka yekuti vaKristu vanodikanirwa kuroora “munaShe bedzi.” (1 VaKorinte 7:39, NW) Asi zvakadini nehama yakanga yakatoroora asingatendi apo yakatsaurira upenyu hwayo kuna Jehovha, kana kuti ine mudzimai anopunzika neisiri mhaka yake?
14 Ikoku, makuri kumene, kwaisazomudzivisa kuva mukuru. Uyewo, kunyange zvakadaro, hakwaizoruramisa kuparadzana kwake nomudzimai wake nemhaka bedzi yokuti haagoverani zvitendero zvake. Pauro akapa zano, kuti: “Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa.” (1 VaKorinte 7:27) Akatizve: “Kana hama ine mukadzi usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumurasha. Zvino kana usingatendi achienda, ngaaende hake. Hama, kana iri murume kana mukadzi, haisungwi nezvakadaro; asi Mwari wakakudanai kuti muve norugare. Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko kuti uchaponesa murume wako? Kana iwe murume, unoziva seiko kuti uchaponesa mukadzi wako?” (1 VaKorinte 7:12, 15, 16) Kunyange kana mudzimai wake asiri Chapupu, mukuru anofanira kuva murume akanaka.
15. Izanoi iro muapostora Petro anopa kuvarume vechiKristu, uye ndeipi ingagona kuva migumisiro kana mukuru akabvumikisa kuva murume anoregeredza?
15 Kana mudzimai wake ari mutendi biyake kana kuti kwete, mukuru wechiKristu anofanira kuziva kuti mudzimai wake anoda ngwariro yake yorudo. Muapostora Petro akanyora, kuti: “Saizvozvo imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo une simba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka dzenyasha dzoupenyu pamwe chete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.” (1 Petro 3:7) Murume anokundikana nenzira youne kutarisira zvinodikanwa zvemudzimai wake anoisa mungozi ukama hwake amene naJehovha; kungagona kudzivisa kusvika kwake Jehovha se“negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungapindapo.” (Mariro 3:44) Ikoku kungagona kutungamirira kukuva kwake asina kukwaniriswa kubatira somutariri wechiKristu.
16. Ipfundoi guru iro Pauro anoita, uye vakuru vanofanira kunzwa sei pamusoro paikoku?
16 Sezvacherekedzwa, pfundo guru rekutaura kwaPauro nderekuti apo murume anoroora, anorega rusununguko rwakati rwaaiva narwo somurume asina kuroora urwo rwaimubvumidza ku“namatir[a] Ishe, [a]singakanganiswi.” (1 VaKorinte 7:35) Mishumo inoratidza kuti vamwe vakuru vakaroora nguva dzose havana kuva vakadzikama mukurangarira mashoko aPauro akafuridzirwa. Muchishuvo chavo chokuita izvo vanorangarira kuti vakuru vakanaka vanofanira kuita, vangafuratira mamwe emabasa avo omurume. Vamwe vangakuwana kwakaoma kuramba ropafadzo yeungano, kunyange kana kuigamuchira sezviri pachena kungava kukukuvadzwa mumudzimu kwevadzimai vavo. Vanofarikanya ropafadzo dzakabatana neroorano, asi vanodisa here kuita mabasa akabatana nayo?
17. Chii chakaitika kune vamwe vadzimai, uye ikoku kungagona sei kuve kwakadziviswa?
17 Zvirokwazvo, kushingaira somukuru kunorumbidzwa. Zvisinei, muKristu akadzikama here kana, mukuita mabasa ake muungano, asingarangariri mabasa ake apaMagwaro kumudzimai wake? Nepo achishuva kutsigira avo vari muungano, mukuru akadzikama achaitirawo hanya umudzimu hwemudzimai wake. Vamwe vadzimai vevakuru vakava vakaneta mumudzimu, uye vamwe vakava ne“kurashikirwa” mumudzimu. (1 Timotio 1:19) Nepo mudzimai aine basa rokushandira ruponeso rwake amene, muzvimwe zviitiko chinetso chomudzimu chaigona kuve chakadziviswa kudai mukuru wacho akanga ‘adyisa ndokutarisira’ mudzimai wake, “Kristu sezvaanoitira kereke.” (VaEfeso 5:28, 29) Kutaura chokwadi, vakuru vanofanira ku‘zvingwarira vamene neboka rose.’ (Mabasa 20:28) Kana vakaroora, ikoku kunobatanidza vadzimai vavo.
‘Kutambudzika Munyama’
18. Ndeapi ari mamwe mativi e“kutambudzika” ayo vaKristu vakaroora vanova nawo, uye ikoku kungagona sei kutapura mibato yemukuru?
18 Muapostora akanyorawo, kuti: “Mhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirai.” (1 VaKorinte 7:28) Pauro aishuva kusunungura avo vaikwanisa kutevera muenzaniso wake wokusaroora pafunganyo idzo nenzira isingadzivisiki dzinouya neroorano. Kunyange nokuda kwavaroorani vasina vana, idzi itiro hanya dzingabatanidza zvinetso zvoutano kana kuti zvinetso zvemari pamwe chete nemabasa epaMagwaro kuvabereki vakwegura vemukwanyina wemunhu. (1 Timotio 5:4, 8) Mukuru anofanira, nenzira yomuenzaniso, kugamuchira aya mabasa, uye ikoku padzimwe nguva kungatapura mibato yake somutariri wechiKristu. Nenzira inofadza, vakuru vazhinjisa vari kuita basa rakaisvonaka mukuita mabasa ose ari maviri emhuri neeungano.
19. Pauro airevei apo akati, “vane vakadzi vave savasina”?
19 Pauro akawedzera, kuti: “Nguva ipfupi; kuti kubva zvino vane vakadzi vave savasina.” (1 VaKorinte 7:29) Chokwadika, mukurangarira zvaakanga atonyora muganhuro irori kuVaKorinte, kuri pachena kuti haana kureva kuti vaKristu vakaroora vanofanira munzira yakati kuregeredza vadzimai vavo. (1 VaKorinte 7:2, 3, 33) Akaratidza chaaireva, apo akanyora, kuti: “Vanobata nezvenyika, [ngavave] vasingabatisisi nazvo; nokuti mugariro wenyika ino unopfuura.” (1 VaKorinte 7:31) Zvinotova zvikuru kwazvo zvino kupfuura muzuva raPauro kana kuti muzuva romuapostora Johane, “nyika inopfuura.” (1 Johane 2:15-17) Naizvozvo, vaKristu vakaroora avo vanoziva kudikanwa kwekurega zvimwe zvinhu mukutevedzera Kristu havagoni kubatanidzwa chose chose mumifaro neropafadzo zveroorano.—1 VaKorinte 7:5.
Vakadzi Vanorega Zvimwe Zvinhu
20, 21. (a) Zvinhui izvo vadzimai vazhinji vechiKristu vanodisa kurega? (b) Mudzimai anogona kukarirei nenzira yakarurama kumurume wake, kunyange kana ari mukuru?
20 Kungofanana nevakuru vanorega zvimwe zvinhu kuitira kuti vabetsere vamwe, vadzimai vazhinji vevakuru vakavavarira kudzikamisa mabasa avo muroorano nefariro dzoUmambo dzinokosha. Zviuru zvevakadzi vechiKristu zvinofara kubatira pamwe kuti zvigonese varume vazvo kuita mabasa avo sevatariri. Jehovha anovadira ikoku, uye anokomborera mudzimu wakaisvonaka wavanoratidza. (Firemoni 25) Kunyange zvakadaro, zano raPauro rakadzikama rinoratidza kuti vadzimai vevatariri vanogona nenzira yakarurama kukarira nguva ine mufungo nengwariro zvinobva kuvarume vavo. Ibasa rapaMagwaro revakuru vakaroora kupa nguva yakakwana kuvadzimai vavo kuitira kuti vadzikamise mabasa avo maviri somurume nemutariri.
21 Asi zvakadini kana mukuwedzera kukuva murume, mukuru wechiKristu ari baba? Ikoku kunowedzera mabasa ake uye kunomuzarurira nzvimbo yokuwedzera yekutarisira, sezvatichaona munyaya inotevera.
Nokuhwirudzura
◻ Maidii apaMagwaro anoratidza kuti mutariri wechiKristu anogona kuva murume akaroora?
◻ Kana mukuru asina kuroora akaroora, anofanira kungwarirei?
◻ Munzirai umo muKristu akaroora ano“funga zvenyika?”
◻ Vadzimai vazhinji vevatariri vanoratidza sei mudzimu wakaisvonaka wekurega zvimwe zvinhu?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kunyange zvazvo akabatikana nemibato yeubati ushe hwaMwari, mukuru anofanira kupa mudzimai wake ngwariro yorudo