Baba Uye Mukuru—Kuita Mabasa Acho Ose Ari Maviri
“Kana munhu asingazivi kubata imba yake, ungachengeta seiko kereke yaMwari?” —1 TIMOTIO 3:5.
1, 2. (a) Muzana ramakore rokutanga, vatariri vasina kuroora uye vatariri vakaroora vasina vana vakakwanisa sei kubatira hama dzavo? (b) Akwira naPrisira muenzaniso sei kuvaroorani vazhinji nhasi?
VATARIRI vaiva muungano yechiKristu yapakuvamba vaigona kuva varume vasina kuroora kana kuti varume vakaroora vasina vana kana kuti varume vane mhuri ine vana. Pasina panikiro vamwe vevaKristu ivavo vakakwanisa kutevera zano romuapostora Pauro rinopiwa mutsamba yake yokutanga kuvaKorinte, ganhuro 7, vachiramba vasina kuroora. Jesu akanga ati: “Ngomwa dziripo dzakazviita ngomwa nokuda kwoushe kwokudenga.” (Mateo 19:12) Varume vakadaro vasina kuroora, kufanana naPauro uye zvichida vamwe veshamwari dzake dzaaifambira nadzo, vaizova vakasununguka kufamba kuti vabetsere hama dzavo.
2 Bhaibheri haritauri kana Bharnabhasi, Marko, Sirasi, Ruka, Timotio, uye Tito vakanga vari varume vasina kuroora. Kana vakanga vakaroora, sezviri pachena vakanga vakasununguka zvakakwana pamabasa emhuri kuti vakwanise kufamba zvikuru pamigove yakasiyana-siyana. (Mabasa 13:2; 15:39-41; 2 VaKorinte 8:16, 17; 2 Timotio 4:9-11; Tito 1:5) Vaigona kuve vakaperekedzwa navadzimai vavo, kufanana naPetro uye “savamwe vaapostora,” avo sezviri pachena vaienda navadzimai vavo pakuenda panzvimbo nenzvimbo. (1 VaKorinte 9:5) Akwira naPrisira muenzaniso wevaroorani vakanga vachidisa kutama, vachitevera Pauro kubva kuKorinte kuenda kuEfeso, ipapo kuenda kuRoma, uye kudzokerazve kuEfeso. Bhaibheri haritauri kana vakanga vane vana vapi navapi. Basa ravo rokuzvipira nokuda kwehama dzavo rakavaita kuti vaongwe ne“kereke dzose dzavahedheni.” (VaRoma 16:3-5; Mabasa 18:2, 18; 2 Timotio 4:19) Nhasi, pasina panikiro kune varoorani vazhinji avo, kufanana naAkwira naPrisira, vangagona kubatira dzimwe ungano, zvichida kupfurikidza nokutamira kune kushayiwa kukuru.
Baba uye Mukuru
3. Chii chinokarakadza kuti vakuru vazhinji vemuzana ramakore rokutanga vakanga vari varume vakaroora vane mhuri?
3 Kungaratidzika kuti muzana ramakore rokutanga C.E., ruzhinji rwevakuru vechiKristu rwakanga rwuri varume vakaroora vaiva nevana. Apo Pauro akaronga zvikwaniriso zvaidikanwa kumurume anenge “achitsvaka basa romutariri,” akataura kuti muKristu akadaro anofanira kuva “unobata imba yake zvakanaka, una vana vanozviisa pasi nomugarire wose unokudzwa.”—1 Timotio 3:1, 4.
4. Chii chaidikanwa kuvakuru vakaroora vaive nevana?
4 Sezvataona, mutariri akanga asingasungirwi kuva navana, kana kuti kunyange kuva akaroora. Asi kudai akanga akaroora, kuti akwanirise semukuru kana kuti mubatiri anoshumira, muKristu aifanira kushandisa umusoro hwakafanira uye hune rudo pamudzimai wake ndokuzviratidza amene kuva anokwanisa kuchengeta vana vake vachizviisa pasi zvakafanira. (1 VaKorinte 11:3; 1 Timotio 3:12, 13) Utera hupi nohupi hwakakomba mukutarisira mhuri yake hwaizoita kuti hama isakwanirise nokuda kweropafadzo chaidzo muungano. Nei? Pauro anotsanangura, kuti: “Kana munhu asingazivi kubata imba yake, ungachengeta seiko kereke yaMwari?” (1 Timotio 3:5) Kana avo vemhuri yake amene vakanga vasingadisi kuzviisa pasi pekutarisira kwake, vamwe vaizoita sei?
“Une Vana Vanotenda”
5, 6. (a) Ndichinodikanwai chine chokuita navana icho Pauro akadudza kuna Tito? (b) Chii chinokarirwa kuvakuru vane vana?
5 Pakurayiridza Tito kuti agadze vatariri muungano dzeKrete, Pauro akarondedzera, kuti: “Kana kune munhu usina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, une vana vanotenda, vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori, kana kuti havateereri. Nokuti mutariri unofanira kuva munhu usina chaangapomerwa.” Chii chaizvo chinomborehwa nechinodikanwa chokuva na“vana vanotenda”?—Tito 1:6, 7.
6 Mashoko okuti “vana vanotenda” anonongedzera kuvechiduku avo vakatotsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha uye vakabhabhatidzwa kana kuti kuvaduku vari kufambira mberi kukuzvitsaurira nerubhabhatidzo. Mitezo yeungano inokarira vana vevakuru kuva vanozvibata uye vanoteerera kazhinji kazhinji. Kunofanira kuva pachena kuti mukuru ari kuita zvose zvaagona kuvaka kutenda muvana vake. Mambo Soromoni akanyora, kuti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.” (Zvirevo 22:6) Asi zvakadini kana pwere yakagamuchira rovedzo yakadaro ikaramba kubatira Jehovha kana kuti kunyange ikaita chakaipa chakakomba?
7. (a) Nei kuri pachena kuti Zvirevo 22:6 haitauri mutemo usingachinjiki? (b) Kana mwana wemukuru akasasarudza kubatira Jehovha, nei mukuru asati achizongoerekana arasikirwa neropafadzo dzake?
7 Kuri pachena kuti chirevo chanokorwa mashoko pamusoro apa hachisi kutaura mutemo wakaoma. Hachibvisi nheyo yekuzvisarudzira. (Dheuteronomio 30:15, 16, 19) Apo mwanakomana kana kuti mwanasikana anosvika zera rekuzvidavirira, iye anofanira kuita chisarudzo chomunhu oga pamusoro petsauriro nerubhabhatidzo. Kana mukuru nenzira yakajeka akapa betsero yomudzimu inodikanwa, nhungamiro, uye chirango, bva pwere yacho isingasarudzi kubatira Jehovha, baba havangoerekani vava vasingakwanirisi kubatira somutariri. Pane rumwe rutivi, kana mukuru ane vana vaduku vanoverengeka vari kugara pamusha avo, mumwe pashure pemumwe, vanorwara mumudzimu uye vanopinda muchinetso, angasarangarirwa se“unobata imba yake zvakanaka.” (1 Timotio 3:4) Pfundo nderokuti, kunofanira kuva pachena kuti mutariri ari kuita zvakanakisisa zvake kuva ne‘vana vanotenda vasingapomerwi kusazvibata kana kuti vasingadzoreki.’a
Akaroora “Mukadzi Usingatendi”
8. Mukuru anofanira kuita sei kumudzimai wake asingatendi?
8 Pamusoro pevarume vechiKristu vakaroora vasingatendi, Pauro akanyora, kuti: “Kana hama ine mukadzi usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumurasha . . . nokuti . . . mukadzi usingatendi unoitwa mutsvene nomurume; kana zvisina kudaro, vana venyu vaiva netsvina; asi zvino vatsvene. Nokuti iwe . . . murume, unoziva seiko kuti uchaponesa mukadzi wako?” (1 VaKorinte 7:12-14, 16) Shoko rokuti “usingatendi” pano harinongedzeri kumudzimai asina zvitendero zvorudzidziso asi kune uyo asina kuzvitsaurira kuna Jehovha. Angagona kuva akanga ari muJudha, kana kuti aitenda vamwari vechihedheni. Nhasi, mukuru angava akaroora mukadzi anoshandisa rudzidziso rwakasiyana, anoti Mwari haazivikanwi, kana kuti kunyange asingadaviri kuvapo kwaMwari. Kana achidisa kugara naye, haafaniri kumusiya nemhaka bedzi yezvitendero zvake zvakasiyana. Anofanira kungo‘gara naye maererano nezivo, achimukudza somudziyo usina simba, munhukadzi,’ achirarama mutariro dzokumuponesa.—1 Petro 3:7; VaKorose 3:19.
9. Munyika umo mutemo unopa vose vari vaviri murume nomudzimai kodzero dzokuisa vana vavo kuzvitendero zvavo zvorudzidziso, mukuru anofanira kuita sei, uye ikoku kuchatapura sei ropafadzo dzake?
9 Kana mutariri aine vana, achashandisa umusoro hwakafanira hwomurume nababa mukuvarera “pakuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Munyika zhinji mutemo unopa varoorani vose vari vaviri kodzero yokugovera murayiridzo worudzidziso kuvana vavo. Muchiitiko chino mudzimai angarayira kushandisa kodzero dzake kuisa vana kuzvitendero zvake zvorudzidziso nemiitiro izvo, zvingabatanidza kuenda navo kuchechi yake.b Chokwadika, vana vanofanira kutevera hana yavo yakarovedzwa neBhaibheri pamusoro pokusatora rutivi muzvinoitika zvorudzidziso rwenhema. Somusoro wemhuri, baba vachashandisa kodzero dzavo vamene dzokufunda navana vavo ndokuvaendesa kumisangano paHoro yoUmambo apo kunobvira. Apo vanosvika zera ravanogona kuzviitira zvisarudzo zvavo vamene, vachazvisarudzira vamene nzira yavachaenda nayo. (Joshua 24:15) Kana vakuru biyavo nemitezo yeungano vachigona kuona kuti vari kuita zvose izvo mutemo unomubvumira kuita kuti varayiridze vana vavo zvakafanira munzira yechokwadi, havasati vachizova vasingakwaniriswi somutariri.
‘Anotungamirira Mhuri Yake Nemutoo Wakaisvonaka’
10. Kana murume ane mhuri ari mukuru, ibasai guru raanofanira kuita?
10 Kunyange nokuda kwemukuru ari baba uye ane mudzimai ari muKristu biyake, harisi basa riri nyore kukamura nguva yake nengwariro zvakarurama pakati pemudzimai wake, vana, uye mabasa eungano. Magwaro akajeka zvikuru kuti baba vechiKristu vane musengwa wekutarisira mudzimai wavo navana. Pauro akanyora, kuti: “Kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.” (1 Timotio 5:8) Mutsamba imwe cheteyo, Pauro akataura kuti varume vakaroora bedzi avo vakatozviratidza vamene kuva varume vakanaka navanababa vanofanira kurumbidzwa kuti vabatire sevatariri.—1 Timotio 3:1-5.
11. (a) Munzirai umo mukuru ano“chenget[a] vokwake”? (b) Ikoku kunogona sei kubetsera mukuru kuita mabasa ake eungano?
11 Mukuru anofanira ku“chenget[a]” vokwake amene kwete bedzi mune zvokunyama asiwo mune zvemudzimu nemirangariro. Mambo akachenjera Soromoni akanyora, kuti: “Gadzira basa rako kunze, uzvigadzirire iro pamunda; pashure ugovaka imba yako.” (Zvirevo 24:27) Naizvozvo nepo achigovera zvinodikanwa zvekunyama, zvemirangariro, uye zvenhandaro zvemudzimai wake navana, mutariri anofanirawo kuvavaka mumudzimu. Ikoku kunotora nguva—nguva yaasati achizokwanisa kupira kuzvinhu zveungano. Asi inguva inogona kuunza tuso huru kana toreva nezvemufarwa wemhuri neumudzimu. Pakupedzisira, kana mhuri yake yasimba mumudzimu, mukuru angada kupedza nguva shoma achitarisira zvinetso zvemhuri. Ikoku kuchasiya ndangariro yake yakasununguka zvikuru kuti atarisire zvinhu zveungano. Muenzaniso wake somurume akanaka nababa vakanaka uchava webetsero yomudzimu kuungano.—1 Petro 5:1-3.
12. Munhau ipi yemhuri iyo vanababa vari vakuru vanofanira kugadza muenzaniso wakaisvonaka?
12 Kutungamirira mhuri nemutoo wakaisvonaka kunobatanidza kuronga nguva yokutungamirira fundo yemhuri. Kunokosha zvikurukuru kuti vakuru vagadze muenzaniso wakanaka muna ikoku, nokuti mhuri dzakasimba dzinoita ungano dzakasimba. Nguva yomutariri nguva dzose haifaniri kuva yakabatikaniswa nedzimwe ropafadzo dzebasa zvokuti haana nguva yokufunda nemudzimai wake navana. Kana ikoku kwave kwakadaro, anofanira kunzverazve rudungwe rwake. Angafanira kurongazve kana kuti kuderedza nguva yaanopa kuzvimwe zvinhu, kunyange kuramba ropafadzo dzakati pane imwe nhambo.
Kutarisira Kwakadzikama
13, 14. Izanoi iro “muranda wakatendeka, wakangwara” akapa kuvakuru vari varume vane mhuri?
13 Zano rokudzikamisa mabasa emhuri neeungano harisi idzva. Kwemakore “muranda wakatendeka, wakangwara” ave achipa zano kuvakuru muna ikoku. (Mateo 24:45) Makore anopfuura 37 apfuura, Nharireyomurindi yechiNgezi yaSeptember 15, 1959, mapeji 553 ne554, yakapa zano, kuti: “Chaizvoizvo, haisi nhau yekudzikamisa zvose izvozvi zvinoda nguva yedu here? Muuku kudzikamisa simbiso yakafanira inofanira kupiwa fariro dzemhuri yako umene. Zvirokwazvo Jehovha Mwari haangakariri murume kushandisa nguva yake yose mumubato weungano, mukubetsera hama dzake nevavakidzani kuwana ruponeso, bva orega kutarisira ruponeso rwemhuri yake amene. Mudzimai wemurume navana ibasa rokutanga.”
14 Nharireyomurindi yaNovember 1, 1986, peji 21, yakapa zano, kuti: “Kupinda muushumiri hwomumunda semhuri kuchakukweverai pedyo, bva zvinodikanwa zvechienzi zvavana zvinoda kupiwa kwenguva yako yomunhu oga nesimba nemirangariro. Naizvozvo, dzikamo inodikanwa kuziva kuti inguva yakawanda sei yaunogona kushandisa nokuda kwebasa . . . [r]eungano paunotarisirawo mumudzimu, mundangariro, uye mune zvokunyama zva‘avo vari vako umene.’ [MuKristu] anofanira ‘kutanga kudzidza kushandisa kuzvipira kwoumwari muimba [yake] amene.’ (1 Timotio 5:4, 8, NW)”
15. Nei mukuru ane mudzimai navana achida uchenjeri nenzwisiso?
15 Chimwe chirevo chapaMagwaro chinoti: “Imba inovakwa nouchenjeri; inosimbiswa nenjere.” (Zvirevo 24:3) Hungu, kuti mutariri aite mabasa ake oubati ushe hwaMwari uye panguva imwe cheteyo kuvaka mhuri yake, zvirokwazvo anoda zvikurusa uchenjeri nenzwisiso. Nenzira yapaMagwaro, ane dzinopfuura nzvimbo mbiri dzekutarisira. Mhuri yake nemabasa ake eungano zvinobatanidzwa. Anoda nzwisiso kuti achengete dzikamo pakati paidzodzi. (VaFiripi 1:9, 10) Anoda uchenjeri kuti aronge zvekutanga zvake. (Zvirevo 2:10, 11) Kunyange zvazvo anganzwa aine mutoro wekutarisira ungano yake, anofanira kuziva kuti somurume uye baba, basa rake guru rakapiwa naMwari nderekutarisirwa uye kuponeswa kwemhuri yake.
Vanababa Vakanaka Pamwe Chete neVakuru Vakanaka
16. Ibetseroi iyo mukuru anayo kana ariwo baba?
16 Mukuru ane vana vanozvibata anogona kuva betsero chaiyoiyo. Kana akadzidza kutarisira zvakanaka mhuri yake, anokwanisa kubetsera dzimwe mhuri muungano. Anonzwisisa zvinetso zvavo zviri nani uye anogona kupa zano rinoratidzira ruzivo rwake amene rwokuzviwanira. Nenzira inofadza, zviuru zvavakuru munyika yose zviri kuita basa rakaisvonaka sevarume, vanababa, uye vatariri.
17. (a) Chii icho murume ari zvose zviri zviviri baba nomukuru asingatongofaniri kukanganwa? (b) Mimwe mitezo yeungano inofanira kuratidza tsitsi sei?
17 Kuti murume ane mhuri ave mukuru, anofanira kuva muKristu akakura mumudzimu uyo, nepo achitarisira mudzimai wake navana, anogona kuronga zvinhu zvake kuitira kuti akwanise kupa nguva nengwariro kune vamwe vari muungano. Haafaniri kutongokanganwa kuti basa rake rokufudza rinovambira pamusha. Kuziva kuti vakuru vane mudzimai nevana vane basa rezvose zviri zviviri remhuri yavo nemabasa avo eungano, mitezo yeungano ichaedza kusarayira nguva yavo zvisina kufanira. Somuenzaniso, mukuru ane vana vanofanira kuenda kuchikoro mangwanani anotevera nguva dzose angasakwanisa kugara kwenguva yakati pashure pemisangano yemanheru. Mimwe mitezo yeungano inofanira kunzwisisa ikoku ndokuratidza tsitsi.—VaFiripi 4:5.
Vakuru Vedu Vanofanira Kudiwa Nesu
18, 19. (a) Kunzvera kwedu 1 VaKorinte ganhuro 7 kwatigonesa kuzivei? (b) Tinofanira kurangarira sei varume vechiKristu vakadaro?
18 Kunzvera kwedu ganhuro 7 retsamba yaPauro yekutanga kuVaKorinte yatigonesa kuona kuti, vachitevera zano raPauro, kune varume vazhinji vasina kuroora vari kushandisa rusununguko rwavo kubatira fariro dzoUmambo. Kunewo zviuru zvehama dzakaroora dzisina vana idzo, nepo dzichitarisira zvakafanira vadzimai vadzo, dzinobatira savakuru vakaisvonaka mumaruwa, matunhu, ungano, uye mumapazu eWatch Tower, nebatira pamwe inorumbidzwa yevadzimai vadzo. Pakupedzisira, mudzinodokuva ungano 80 000 dzevanhu vaJehovha, muna vanababa vazhinji avo vasingatarisiri bedzi norudo vadzimai vavo navana asiwo vanotora nguva yokubatira hama dzavo savafudzi vanoitira hanya.—Mabasa 20:28.
19 Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Vakuru vanobata kereke zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa.” (1 Timotio 5:17) Hungu, vakuru vanotungamirira munzira yakaisvonaka mumisha yavo uye muungano vakafanirwa nerudo rwedu neruremekedzo. Zvirokwazvo tinofara “kuramba tichida varume vakadaro.”—VaFiripi 2:29, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Nharireyomurindi yechiNgezi, yaFebruary 1, 1978, mapeji 31-2.
b Ona Nharireyomurindi yechiNgezi, yaDecember 1, 1960, mapeji 735-6.
Nokuhwirudzura
◻ Tinoziva sei kuti vakuru vazhinji vemuzana ramakore rokutanga C.E. vakanga vari varume vane mhuri?
◻ Chii chinodikanwa kuvakuru vakaroora vane vana, uye nei?
◻ Chii chinorehwa nokuva na“vana vanotenda,” asi zvakadini kana mwana wemukuru akasasarudza kubatira Jehovha?
◻ Muzvii umo mukuru ano“chenget[a] vokwake”?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Mhuri dzakasimba dzinoita ungano dzakasimba