Ganhuro 14
Chiremera Chaani Chaunofanira Kuziva?
“CHIREMERA” ishoko risingafadzi kuvanhu vakawanda. Ikoku kunonzwisisika, nokuti chiremera chinowanzoshandiswa zvakaipa—pabasa, mumhuri, uye nehurumende. Bhaibheri rinoti nenzira yapachokwadi: “Munhu akadzora munhu kusvikira kukuvadziko yake.” (Muparidzi 8:9, NW) Hungu, vakawanda vakadzora vamwe kupfurikidza nokuita nomutoo wokudzvinyirira nowokuzvibatira.
2 Asi hachisati chiri chiremera chose chinokuvadza. Somuenzaniso, kungataurwa kuti muviri wedu unoshandisa chiremera patiri. Iwo unoti“rayira” kufema, kudya, kunwa, uye kuvata. Ikoku kunodzvinyirira here? Aiwa. Kuwirirana neizvi zvinodikanwa ndokwenakirwo yedu. Nepo kuzviisa pasi pezvinodikanwa zvemiviri yedu kungasava kwokuzvidira, kune zvimwe zvimiro zvechiremera zvinoda kuzviisa pasi kwedu kwokudisa. Rangarira mienzaniso.
CHIREMERA CHIKURUSA
3 Kanopfuura 300 muBhaibheri, Jehovha anonzi “Changamire Ishe.” Changamire munhu ane chiremera chikurusa. Chii chinopa Jehovha maruramiro kuiyi nzvimbo? Zvakazarurwa 4:11 anopindura, kuti: “Imi [Jehovha, NW], Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvikasikwa nokuda kwenyu.”
4 SoMusiki wedu, Jehovha ane maruramiro okushandisa chiremera chake sezvaanoda. Ikoku kungaratidzika kuva kunotyisa, zvikurukuru apo tinorangarira kuti Mwari ane “simba guru rakawanda.” Iye anonzi “Mwari Wamasimba ose”—kutaura uko muchiHebheru kunopa pfungwa yesimba rinokurira. (Isaya 40:26; Genesi 17:1, NW) Bva, Jehovha anoratidza simba rake nenzira yomutsa, nokuti vara rake guru rudo.—1 Johane 4:16.
5 Kunyange zvazvo Jehovha akanyevera kuti aizounza chirango pavaiti vezvakaipa vasingapfidzi, Mosesi aimuziva zvikurukuru sa“Mwari, Mwari wakatendeka, unosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirayiro yake.” (Dheuteronomio 7:9) Imbofunga zvako! Chiremera Chikurusa chechisiko chose hachitimanikidziri kuchibatira. Panzvimbo pezvo, tinokweverwa kwaari nemhaka yorudo rwake. (VaRoma 2:4; 5:8) Kuzviisa pasi pechiremera chaJehovha kunotova mufarwa, nokuti mitemo yake nguva dzose inoshanda kubetserwo yedu pakupedzisira.—Pisarema 19:7, 8.
6 Vabereki vedu vokutanga vakaramba uchangamire hwaMwari. Ivo vakada kuzvisarudzira vamene chakanga chakanaka nechakanga chakashata. (Genesi 3:4-6) Somugumisiro, vakadzingwa mumusha wavo weParadhiso. Jehovha pashure paikoko akabvumira vanhu kuvamba gadziriro dzechiremera dzaizovagonesa kugara munzanga ine nhevedzano, kunyange zvazvo isina kukwana. Ndezvipi zviri zvimwe zveizvi zviremera, uye Mwari anotikarira kuzviisa pasi pazvo kusvikira pamweroi?
“ZVIREMERA ZVIKURU”
7 Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Mweya uri wose ngauzviise pasi pezviremera zvikuru, nokuti hakuna chiremera chisina kubvumirwa naMwari.” Ndivanaani vari “zviremera zvikuru”? Mashoko aPauro ari mundima dzinotevera anoratidza kuti zviremera zvehurumende dzavanhu. (VaRoma 13:1-7, NW; Tito 3:1) Jehovha haana kuvamba zviremera zvehurumende zvomunhu, asi zviripo kupfurikidza nemvumo yake. Naizvozvo Pauro aigona kunyora, kuti: “Zviremera zviripo zvakaiswa munzvimbo yazvo ine mwero naMwari.” Ikoku kunoratidzirei pamusoro pechiremera chakadaro chapasi? Kuti chiri pasi, kana kuti chiduku, kuchiremera chaMwari. (Johane 19:10, 11) Naizvozvo, apo kunenge kune rwisano pakati pomutemo womunhu nomutemo waMwari, vaKristu vanofanira kutungamirirwa nehana yavo yakarovedzwa neBhaibheri. Ivo “vanofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu.”—Mabasa 5:29, NW.
8 Nguva yakawanda, zvisinei, zviremera zvikuru zvehurumende zvinoita so‘mushumiri waMwari kwatiri nokuda kwenakirwo yedu.’ (VaRoma 13:4) Munzirai? Eya, funga nezvamabasa akawanda ayo zviremera zvikuru zvinogovera, akadai sokufambiswa kwetsamba, dziviriro yamapurisa nomwoto, utsanana, uye dzidzo. “Ndokusaka muchiripawo mitero,” akanyora kudaro Pauro, “nokuti izvo vabatiri vapachena vaMwari vanobatira nguva dzose ichi chinangwa chimene.” (VaRoma 13:6, NW) Pamusoro pemitero kana kuti mumwe musengwa upi noupi wapamutemo, tinofanira ku“zvibata timene nenzira yokutendeseka muzvinhu zvose.”—VaHebheru 13:18, NW.
9 Padzimwe nguva, zviremera zvikuru zvinoshandisa zvisakafanira simba razvo. Ikoku kunotibvisira mutoro wedu wokuramba tichizviisa pasi pazvo here? Aiwa, hakusati. Jehovha anoona zvakaipa zveizvi zviremera. (Zvirevo 15:3) Kushivirira kwake kutonga kwomunhu hakusati kuchireva kuti anofuratira ushati hwako; uyewo haatikariri kuita saizvozvo. Zvirokwazvo, Mwari achakurumidza “kupwanya ndokugumisa umambo hwose ihwohwu,” achihutsiva nokutonga kwehurumende yakarurama yake amene. (Dhanieri 2:44, NW) Asi kutozosvikira ikoku kwaitika, zviremera zvikuru zvinobatira chinangwa chinobetsera.
10 Pauro akatsanangura, kuti: “Iye anoshora chiremera arwisana negadziriro yaMwari.” (VaRoma 13:2, NW) Zviremera zvikuru i“gadziriro” yaMwari mukuti zvinochengeta mwero wakati worugare, pasina izvo nyongano nevhiringidziko zvaizodzora. Kuzvishora kwaizova kusiri kwapaMagwaro nokusina maturo. Kuenzanisira: Fungidzira kuti wakanga wavhiyiwa uye misono yakanga ichidzivirira ronda. Kunyange zvazvo misono yacho iri yechienzi kumuviri, inobatira chinangwa kwenguva yakaganhurirwa. Kukurumidza kuibvisa kungagona kuva kunokuvadza. Nenzira yakafanana, zviremera zvehurumende yomunhu zvakanga zvisati zviri rutivi rwechinangwa chapakuvamba chaMwari. Kutozosvikira Umambo hwake hwava kutonga pasi chose chose, zvisinei, hurumende dzavanhu dzinobatanidza nzanga pamwe chete, dzichiita basa rinokodzerana nokuda kwaMwari kwenguva iripo. Tinofanira nokudaro kuramba tichizviisa pasi pezviremera zvikuru, nepo tichipa nzvimbo yokutanga kumutemo waMwari nechiremera.
CHIREMERA MUMHURI
11 Mhuri iboka guru renzanga yavanhu. Mukati maro murume nomudzimai vanogona kuwana ushamwaridzani hunotusa, uye vana vanogona kutaviridzwa ndokurovedzwa nokuda kwoukuru. (Zvirevo 5:15-21; VaEfeso 6:1-4) Gadziriro yakaisvonaka yakadaro inofanira kurongwa nenzira iyo inogonesa mitezo yemhuri kugara murugare netsinhirano. Nzira yaJehovha yokuita nayo ikoku iri kupfurikidza nenheyo youmusoro, inopfupikiswa muawa mashoko, anowanwa pana 1 VaKorinte 11:3: “Musoro womumwe nomumwe ndiye Kristu; uye musoro womukadzi ndiye murume; uye musoro waKristu ndiye Mwari.”
12 Murume ndiye musoro wemhuri. Zvisinei, kune musoro uri pamusoro pake—Jesu Kristu. Pauro akanyora, kuti: “Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nokuda kwayo.” (VaEfeso 5:25) Murume anoratidzira kuzviisa kwake pasi paKristu apo anobata mudzimai wake nenzira iyo Jesu nguva dzose akabata nayo ungano. (1 Johane 2:6) Chiremera chikuru chakapiwa kuna Jesu, asi anochishandisa nounyoro hukurusa, rudo, uye kuva nomufungo. (Mateo 20:25-28) Somurume, Jesu haana kutongoshandisa zvakaipa nzvimbo yake yechiremera. Iye akanga ari “munyoro, [ane] mwoyo unozvininipisa,” uye akadana vateveri vake kuti “shamwari” panzvimbo pa“varanda.” “[Ndichakuzorodzai, NW],” akavavimbisa kudaro, uye izvozvo ndizvo zvaakaita.—Mateo 11:28, 29; Johane 15:15, NW.
13 Muenzaniso waJesu unodzidzisa varume kuti umusoro hwechiKristu hahusati huri nzvimbo youdzori hune hasha. Panzvimbo pezvo, ndeyoruremekedzo norudo rwokuzvibayira. Ikoku kwaizobvisa nenzira yakajeka kuitira utsinye mukwanyina mumuviri kana kuti nokutuka. (VaEfeso 4:29, 31, 32; 5:28, 29; VaKorose 3:19) Kana murume wechiKristu akadarozvo kubata zvisina kufanira mudzimai wake, mamwe mabasa ake akanaka aizova asina maturo, uye minyengetero yake yaizodziviswa.—1 VaKorinte 13:1-3; 1 Petro 3:7.
14 Apo murume anotevedzera muenzaniso waKristu, kuri nyore zvikuru kuti mudzimai wake awirirane namashoko aVaEfeso 5:22, 23, anoti: “Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kunaShe. Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuwo musoro wekereke.” Sezvo murume achifanira kuzviisa pasi paKristu, mudzimai anofanira kuzviisa pasi pomurume wake. Bhaibheri rinokujekesawo kuti vadzimai vanoita zvakanaka vakafanirwa norukudzo nerumbidzo nokuda kwouchenjeri hwavo hwoumwari nokubishaira.—Zvirevo 31:10-31.
15 Kuzviisa pasi pomurume wake kwomudzimai wechiKristu kuno mwero. Ikoku kunoreva kuti Mwari panzvimbo pomunhu anofanira kuteererwa kana kuzviisa pasi munhau yakati kungaguma nokupunza mutemo waMwari. Kunyange panguva iyeyo, chimiro chakasimba chomudzimai chinofanira kudzikamiswa no“mudzimu wakanyarara nomunyoro.” Kunofanira kuva pachena kuti kuziva Mwari kwakamuita mudzimai ari nani. (1 Petro 3:1-4, NW) Zvimwe chetezvo zvaizova zvechokwadi nezvomurume wechiKristu ane mudzimai asiri mutendi. Kuwirirana kwake nenheyo dzeBhaibheri kunofanira kumuita murume ari nani.
16 VaEfeso 6:1 anoratidzira rutivi rwavana, achiti: “Teererai vabereki venyu munaShe; nokuti ndizvo zvakarurama.” Vana vechiKristu vanotevera muenzaniso waJesu, uyo akaramba achizviisa pasi pavabereki vake sezvo aikura. Somukomana anoteerera, iye “akaramba achienda mberi pakuchenjera, napakukura, napakufadza Mwari navanhu.”—Ruka 2:51, 52.
17 Nzira iyo vabereki vanoita nayo mitoro yavo ingava nepesvedzero pakuti vana vavo vacharemekedza chiremera kana kuti vachachipandukira here. (Zvirevo 22:6) Naizvozvo vabereki vangasanozvibvunza vamene kuti, ‘Ndinoshandisa chiremera changu nenzira yorudo kana kuti nehasha here? Ndinobvumira madiro here?’ Mubereki woumwari anokarirwa kuva ane rudo naanorangarira, bva akasimba mukunamatira kunheyo dzoumwari. Nenzira yakafanira, Pauro akanyora, kuti: “Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu [chaizvoizvo, ‘kuvashatirisa’]; asi varerei pakuranga nokurayira kwa[Jehovha, NW].”—VaEfeso 6:4; VaKorose 3:21.
18 Vabereki vanofanira kuongorora mitoo yavo yokurovedza, zvikurukuru kana vachishuva kuti vana vavo vateerere nokudaro ndokuvaunzira mufaro. (Zvirevo 23:24, 25) MuBhaibheri, chirango zvikurukuru chimiro chomurayiridzo. (Zvirevo 4:1; 8:33) Chakabatanidzwa norudo nounyoro, kwete nehasha noutsinye. Nokudaro, vabereki vechiKristu vanofanira kuita nouchenjeri ndokuzvichengeta vamene vachidzorwa pakuranga vana vavo.—Zvirevo 1:7.
CHIREMERA MUUNGANO
19 Sezvo Jehovha ari Mwari ane nhevedzano, kune mufungo kuti aizogovera utungamiriri hune chiremera nohwakasanorongwa nokuda kwavanhu vake. Nenzira inowirirana, iye akagadza Jesu soMusoro weungano yechiKristu. (1 VaKorinte 14:33, 40; VaEfeso 1:20-23) Muutungamiriri husingaoneki hwaKristu, Mwari akabvumira gadziriro iyo vakuru vakagadzwa vari muungano imwe neimwe vanofudza nayo boka nokudisa, nomwoyo unoda, uye nenzira yorudo. (1 Petro 5:2, 3) Vabatiri vanoshumira vanovabatsira munzira dzakasiyana-siyana ndokuita basa rinokosha mukati meungano.—VaFiripi 1:1.
20 Pamusoro pavakuru vechiKristu, Pauro akanyora, kuti: “Teererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanorinda mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingaiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu.” (VaHebheru 13:17) Nenzira yokuchenjera, Mwari akaronza vatariri vechiKristu mutoro wokutarisira zvinodikanwa zvomudzimu zvaavo vari muungano. Ava vakuru havaumbi boka ravafundisi. Ivo vabatiri navaranda vaMwari, vanobatira zvinodikanwa zvavanamati biyavo, seizvo Tenzi wedu, Jesu Kristu, akaita. (Johane 10:14, 15) Kuziva kuti varume vakakwaniriswa paMagwaro vanofarira fambiro mberi yedu nokukura mumudzimu kunotikurudzira kuva vanobatira pamwe navanozviisa pasi.—1 VaKorinte 16:16.
21 Padzimwe nguva, makwai angarasika kana kuti kupinzwa mungozi nezvinhu zvenyika zvinokuvadza. Muutungamiriri hwoMufudzi Mukuru, vakuru savafudzi vaduku vanosvinurira zvinodikanwa zvaavo vanotarisira uye vanovapa nokushingaira ngwariro yomunhu oga. (1 Petro 5:4) Ivo vanoshanyira mitezo yeungano ndokupa mashoko ekurudziro. Vachiziva kuti Dhiyabhorosi anotsvaka kuparadza rugare rwavanhu vaMwari, vakuru vanoshandisa uchenjeri hunobva kumusoro mukubata nezvinetso zvipi nezvipi. (Jakobho 3:17, 18) Ivo vanoshanda zvakaoma kuti vachengete chinzwano nohumwe hwokutenda, chimwe chinhu icho Jesu amene akanyengeterera.—Johane 17:20-22; 1 VaKorinte 1:10.
22 Zvakadiniko kana mumwe muKristu akatambura chakaipa chakati kana kuti akava anoodzwa mwoyo nemhaka yokuita chivi? Zano rinonyaradza reBhaibheri neminyengetero yomwoyo wose yavakuru nokuda kwake zvinogona kubetsera kumudzorera kuutano hwomudzimu. (Jakobho 5:13-15) Ava varume, vanogadzwa nomudzimu mutsvene, vanewo chiremera chokuranga ndokutsiura vapi navapi vanoronda kuita chakaipa kana kuti vanopinza mungozi rucheno rwomudzimu norwetsika rweungano. (Mabasa 20:28; Tito 1:9; 2:15) Kuchengeta ungano yakachena, kungava kuri madikanwa kuti vanhu vamwe navamwe vashume chakaipa chakakomba. (Revhitiko 5:1) Kana muKristu uyo akaita chivi chakakomba akagamuchira chirango chapaMagwaro netsiuro uye achipa ufakazi hworupfidzo rwechokwadi, achabetserwa. Chokwadika, vapunzi vanopfuurira navasingapfidzi vomutemo waMwari vanodzingwa.—1 VaKorinte 5:9-13.
23 Bhaibheri rakafanotaura kuti pasi paJesu Kristu saMambo, varume vakakura mumudzimu vaizogadzwa kuti vagovere nyaradzo, dziviriro, uye zororo nokuda kwavanhu vaMwari. (Isaya 32:1, 2) Ivo vaizotungamirira savaevhangeri, vafudzi, uye vadzidzisi kuti vasimudzire kukura kwomudzimu. (VaEfeso 4:11, 12, 16) Kunyange zvazvo vatariri vechiKristu padzimwe nguva vangatsiura, kurayira, uye kupa zano vatendi biyavo, kushandiswa kwokudzidzisa kwavakuru kwakanaka kwakavakirwa paShoko raMwari kunobetsera kuchengeta vose vari munzira inoenda kuupenyu.—Zvirevo 3:11, 12; 6:23; Tito 2:1.
GAMUCHIRA MURANGARIRO WAJEHOVHA WECHIREMERA
24 Murume wokutanga nomukadzi vakaedzwa pamusoro penhau yokuzviisa pasi pechiremera. Nenzira isingashamisi, muedzo wakafanana unotarisana nesu zuva nezuva. Satani Dhiyabhorosi akasimudzira mudzimu wokupanduka pakati porudzi rwomunhu. (VaEfeso 2:2) Uzvimiriri hunoitwa kuti huratidzike sohukuru nenzira inonyengera kupfuura kuzviisa pasi.
25 Tinofanira, zvisinei, kuramba mudzimu wokupanduka wenyika. Mukuita saizvozvo, tichawana kuti kuzviisa pasi kwoumwari kunounza tuso huru. Somuenzaniso, tichadzivisa funganyo nevhiringidziko zvavose avo vanova nechinetso nezviremera zvenyika. Tichaderedza rwisano yakapararira mumhuri dzakawanda. Uye tichafarikanya betsero dzesonganirano youshamwari, yorudo navatendi biyedu vechiKristu. Chinokosha zvikurusa kupfuura zvose, kuzviisa pasi kwedu kwoumwari kuchaguma noukama hwakanaka naJehovha, Chiremera Chikurusa.
EDZA ZIVO YAKO
Jehovha anoshandisa sei chiremera chake?
Ndivanaani vari “zviremera zvikuru,” uye tinoramba sei tichizviisa pasi pazvo?
Mutoroi uyo nheyo youmusoro inoisa pamutezo mumwe nomumwe wemhuri?
Tinogona sei kuratidza kuzviisa pasi muungano yechiKristu?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1, 2. Zvimiro zvose zvechiremera zvinokuvadza here? Tsanangura.
3. Nei Jehovha achinzi nenzira yakarurama “Changamire Ishe”?
4. Jehovha anosarudza sei kushandisa chiremera chake?
5. Nei kusina kuoma kuzviisa pasi pechiremera chaJehovha?
6. Nhau yechiremera yakamuka sei mubindu reEdheni, uye nomugumisiroi?
7. Ndivanaani vari “zviremera zvikuru,” uye nzvimbo yavo inowirirana sei nechiremera chaMwari?
8. Unobetserwa sei nezviremera zvikuru, uye unogona sei kuratidza kuzviisa pasi pazvo kwako?
9, 10. (a) Zviremera zvikuru zvinokodzerana sei negadziriro yaMwari? (b) Nei kwaizova kusina kururama kushora zviremera zvikuru?
11. Ungatsanangura sei nheyo youmusoro?
12, 13. Ndiani ari musoro wemhuri, uye chii chinogona kudzidzwa munzira yaJesu yokushandisa umusoro?
14, 15. Kuziva Mwari kunobetsera sei mudzimai kuzviisa pasi pomurume wake?
16. Vana vanogona sei kutevedzera muenzaniso waJesu apo akanga ari pwere?
17. Nzira iyo vabereki vanoshandisa nayo chiremera ingava netapuroi pavana vavo?
18. Chirango chavabereki chinofanira kupiwa sei?
19. Mwari akagovera sei nokuda kwenhevedzano yakanaka muungano yechiKristu?
20. Nei tichifanira kuva vanozviisa pasi pavakuru vechiKristu vakagadzwa, uye nei ikoku kuchibetsera?
21. Vakuru vakagadzwa vanotsvaka sei kubetsera vaKristu biyavo mumudzimu?
22. Ibetseroi iyo vakuru vanogovera muzviitiko zvechakaipa?
23. Chii icho vakuru vechiKristu vanogovera nokuda kwenakirwo yeungano?
24. Tinoedzwa pamusoro penhaui zuva nezuva?
25. Ndedzipi dziri betsero dzokuramba mudzimu wenyika wokupandukira nedzokuzviisa pasi pechiremera icho Mwari anoshandisa kana kuti anobvumidza?
[Bhokisi riri papeji 134]
KUZVIISA PASI, HAKUSI KUPANDUKIRA
Kupfurikidza nomubato wazvo wokuparidza pachena, Zvapupu zvaJehovha zvinonongedzera kuUmambo hwaMwari setariro bedzi yorudzi rwomunhu yorugare rwechokwadi nechengeteko. Asi ava vazivisi vanoshingaira voUmambo hwaMwari havatongopandukiri hurumende mazvinogara. Mukupesana, Zvapupu zviri pakati pavagari vemo vanoremekedza zvikurusa navanochengeta mutemo. “Kudai masangano ose orudzidziso akafanana nezvapupu zvaJehovha,” akadaro mumwe mukuru mukuru muimwe nyika yeAfrica, “tingadai tisina kuponda, kupaza, kusindimara, vasungwa uye mabhomba eatomu. Masuo haasati aizokiyiwa zuva nezuva.”
Vachiziva ikoku, vakuru vakuru vomunyika dzakawanda vakabvumira basa rokuparidza reZvapupu kuti ripfuurire risingadziviswi. Mudzimwe nyika, kurambidza kana kuti ganhuriro zvakabviswa apo zviremera zvakaziva kuti Zvapupu zvaJehovha ipesvedzero yezvakanaka. Kwakaita seizvo muapostora Pauro akanyora pamusoro pokuteerera zviremera zvikuru, achiti: “Ramba uchiita zvakanaka, uye ucharumbidzwa nacho.”—VaRoma 13:1, 3, NW.