Mutsa Wakakomba waMwari—Usapotsa Donzo Rawo!
“KUTAURA pamusoro porudzidziso . . . chaizvoizvo ibasa romufudzi,” wakadaro mumwe mutezo wechechi. (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Vamwe vakabvuma kuti, “MaKristu mashomanene zvikuru anoita nhamburiko yokugoverana kutenda kwawo navamwe.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Kutaura kwakadaro kunosimbisa zvakajeka kuti nokuda kwavoruzhinji vavaendi vokuchechi nhasi, chiKristu chinotipfuurei rudaviro rwusingashingairi muna Mwari nomuna Kristu saMesia.
Chii chiri murangariro wako? Vadzidzi vaJesu vakagoverana kutenda kwavo navamwe. (Ruka 8:1) Ko maKristu nhasi anofanira kuita zvimwe chetezvo here? Kana kuti kana Mwari asati achada vanoti maKristu kuva vaparidziri veevhangeri, chii chaanokarira kwaari? Ko Mwari ane donzo nokuda kwamaKristu nhasi here? Hungu! Uye nokuda kweichi chikonzero, nyevero yomuapostora Pauro kumaKristu eKorinte yokusa“gamuchira mutsa wakakomba waMwari ndokupotsa donzo rawo” ine revo nokuda kwedu. (2 VaKorinte 6:1, NW) Ngationei chikonzero nei.
Donzo raMwari Rinoziviswa
Kufanana naPauro, maKristu eKorinte akanga agamuchira chibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu. Nemhaka yokutenda kwawo muiyi gadziriro, Jehovha akaaruramisa. Kugamuchira kwawo zvokwadi dzaMesia dzakagamuchirwa kupfurikidza noushumiri hwaPauro kwakaanunura muuranda kumiitiro yenhema, yechihedheni, uye youtere iyo Korinte yakare yakanga yakakurumbira nokuda kwayo. Nokuda kwawo, mutsa wakakomba waJehovha wakareva kusunungurwa kwawo. Zvisinei, ko mutsa wakakomba wakadaro wakanga usina donzo here?
Aiwa. Panzvimbo pezvo, donzo raJehovha mukuvanunura rakanga rakafanana nezvakanga zvakaita donzo rake mukununura Pauro mumagamuchidzanwa asiri apamagwaro amadzibaba aPauro. Pauro amene anojekesa donzo iroro, achiti: “Ndakava mushumiri waikoku mukuwirirana nechipiwa chapachena chomutsa wakakomba waMwari uyo wakapiweni . . . kuti ndinofanira kuzivisa kumarudzi mashoko akanaka pamusoro pepfuma isinganzverwi yaKristu.” (VaEfeso 3:7, 8, NW; enzanisa naVaGaratia 1:15, 16.) Hungu, donzo romutsa wakakomba waMwari raiva rokuti vabatiri vake vanofanira kugamuchira namato yechokwadi—kurumbidza zita rake, Jehovha, nokurizivisa muushumiri hwechiKristu, sezvakangoita Pauro.—VaRoma 10:10.
Zvisinei, apo Pauro akanyora tsamba yake yokutanga kuvaKorinte, kwakanga kuri pachena kuti vazhinji vavo vakanga vaputsa donzo romutsa wakakomba waMwari. Seiko? Panzvimbo pokuchengeta chimiro chokunamata chakanga chakachena nechinogamuchirika kuna Mwari, ivo vakanga vabvumira pesvedzero dzoutere dzavagari veKorinte kugomadza pfungwa dzavo. Zvose zviri zviviri gakava noufeve zvakanga zvashumwa pakati pavo. (1 VaKorinte 1:11; 5:1, 2) Voruzhinji vaavo vaisonganirana neungano yacho vakagadziridzwa nezano raPauro. Kunyanguvezvo, Pauro haana kuda kuti vavezve nezvinotsausa paushumiri hwechiKristu. Nokudaro, iye gare gare akavayeuchidza kusa“gamuchira mutsa wakakomba waMwari ndokupotsa donzo rawo.”—2 VaKorinte 6:1, NW.
Muenzaniso Wakare
Mugariro wakafanana naiwoyu wakanga waitika mazana amakore pamberi pezvi. Muchirimo cha 537 P.N.V., Jehovha Mwari akasunungura rudzi rwake rwakasarudzwa vaIsraeri muutapwa hweBhabhironi kupfurikidza namambo wePersia Koreshi. Donzo rokusunungurwa kwavo rakaziviswa naKoreshi amene mumurairo unotevera: “Zvino ani naani uripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake Jerusarema riri paJudha, kundovaka imba yaJehovha Mwari waIsraeri.”—Ezra 1:1-3.
Hungu, yakanga iri nguva yakagadzwa yaJehovha yokuita kuti kunamata kwechokwadi kudzorerwe kunyika yaJudha. Nemhaka yomutsa wakakomba waJehovha, vaJudha ivavo vakadzorerwa kunyika yavo vaiva neropafadzo yokuvakazve tembere yake muJerusarema. Dzichigamuchira denho yacho, nhapwa dzakadzorerwa dzakagadzikana munyika yokumusha kwadzo ndokuvamba basa rokudzorera patembere.—Ezra 1:5-11.
Mukati menguva pfupi, zvisinei, rudzi urwu rwakadzorerwa rwechiJudha rwakabvumira chishoro chokunze kudzongonyedza basa ravo. Panzvimbo pokusimbisa zvakajeka mundangariro donzo rokununurwa kwavo, ivo vakavamba kuti: “Nguva ichigere kusvika, iyo nguva yokuvakwa kweimba yaJehovha.” (Hagai 1:2) Somuuyo, basa rokuvakazve rakasiiwa chose chose kwaanenge makore 16.
Munguvayo, ivo vakanga vakabatikana nezvirondwa zvoudyire, vachiisa simbiso huru pazvinhu zvokunyama, zvinonyaradza zvokunyama, kupfuura pakuvakwazve kweimba inoyera yaJehovha. (Hagai 1:3-9) Pana Hagai 1:4 tinorava, kuti: “Ko zvino inguva yamungagara imi mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namatanda, imba ino iri dongo here?” Imba yaJehovha yokunamata yakanga iri “dongo,” ine nheyo chete, apo vaJudha vakanga vachigara mudzimba dzavo dzakasanoiswa denga namadziro adzo akarovererwa zvakaisvonaka miti yakaisvonaka.
Kupfurikidza navaporofita vake Hagai naZekaria, Jehovha akayeuchidza vaJudha nezvedonzo rokununurwa kwavo, uye basa rokuvakazve rakapedzwa pakupedzisira. Zvisinei, vapi navapi vakapfuurira kukoshesa zvinhu zvokunyama kupfuura ropafadzo yokuona kunamatwa kwechokwadi kuchidzorerwa muJerusarema nenzira yakajeka vakapotsa donzo romutsa wakakomba waMwari.
Donzo Rokununurwa Kwedu
Chii chatinogona kudzidza nhasi mumuenzaniso wavaJudha vakadzorerwa kunyika yavo muna 537 P.N.V. uye mumaKristu eKorinte omuzuva raPauro? Savabatiri vakazvitsaurira vaJehovha Mwari, isu takanunurwawo. Kupfurikidza nomutsa wake wakakomba, hatisati tichakapinzwa muuranda kudzidziso dzenhema namagamuchidzanwa zveBhabhironi Guru kana kuti kuhuipi hwetsika ino yekare yezvinhu. (Johane 8:32; 2 VaKorinte 4:4-6) Kununurwa kwakadaro, pamwe chete norusununguko rwakunounza, kunotipa banza rokuratidza Mwari kuonga kwedu nokuda kworudo rwake nokuda kwedu. (1 Johane 4:9) Seiko?
Kupfurikidza nokusapotsa kwedu donzo romutsa wakakomba waMwari. Ikoku ndikumwe cheteko nezvakwakanga kwakaita kuvabatiri ivavo vapakuvamba vaJehovha, kuti tinofanira kugamuchira namato yechokwadi. Nhasi, somuzuva raPauro, ikoku kunoreva kuti tinofanira “kuzivisa kumarudzi mashoko akanaka pamusoro . . . paKristu.” (VaEfeso 3:8, NW) Vose, naizvozvo, vanogamuchira mutsa wakakomba waMwari vanofanira kugoverana muushumiri hwechiKristu. Ikoku kunoreva kuti savabatiri vakazvitsaurira vaJehovha Mwari, tine mutoro wokuzivisa zvokwadi kuvamwe, kukudza nokurumbidza zita raMwari, uye kumubatira mukunamata kwakachena nokutsvene.—Mateo 28:19, 20; VaHebheru 13:15; Jakobho 1:27.
‘Usapotsa Donzo Rawo’
Kunobvira here kuti vapi navapi vedu, kufanana namaKristu iwayo apakuvamba, ari mungozi yo‘kupotsa donzo’ romutsa wakakomba waMwari? Hungu. Kufanana navo, vazhinji vedu, kubasa kana kuti kuchikoro, tinofanira kuvhengana navanhu vanoshandisa utere hwevatano, umbavha, kureva nhema, uye kurozva, pamwe chete nezvimwe zvinhu zvinosemesa kuna Jehovha Mwari. (1 VaKorinte 6:9, 10; VaGaratia 5:19-21) Naizvozvo kunokosha kuti tidzivise kusonganirana navanhu vakadaro, kutyira kuti tingavamba kukudziridza chishuvo chechiri chakashata. (1 VaKorinte 15:33) Songaniro dzakadaro dzinongogona bedzi kuva nomuuyo unonetesa pakutenda kwedu. Nenzira yakafanira, Pauro akanyorera Tito, kuti: “Nokuti nyasha dzaMwari dzakaonekwa, dzinovigira vanhu vose kuponeswa, dzichitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino.”—Tito 2:11, 12.
Vamwe vangagumisa kuti vari kuita ushumiri hwavo kana vakapinda misangano paHoro yoUmambo, vakagoverana nguva dzose mukuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, uye vasina kubatikana murudzi rwupi norwupi rwomufambiro woutere. Zvisinei, kune chimwe chinhu chokurangarira. Jesu akati: “Hakuna munhu anogona kubatira vatenzi vaviri.” (Mateo 6:24, NW) Akareveiko? Kuti kunyange zvazvo tichipa mwero wakati wenguva yedu kukufambisirwa mberi kwamashoko akanaka, kunobvira kuti fariro yedu huru muupenyu ive iya yokutsvaka zvinhu zvenyika zvakawanda zvikuru. Chokwadi, tingawana kariro yetsika itsva yezvinhu pasi paKristu Jesu kuva inofadza zvechokwadi, bva panguva imwe cheteyo tingada kuwana zvakawanda zvikurusa mutsika ino painenge ichiripo. Chimiro chakadaro chinongogona bedzi kutibvisa padonzo chairoiro rokununurwa kwedu. Chakanga chisiri chimiro chakafanana here kuzvirondwa zvenyama chakatsausa vaJudha vakadzorerwa kunyika yavo pakuita donzo rokununurwa kwavo?
Ko mabasa edu anoratidza here kuti takapotsa donzo rokununurwa kwedu mutsika ino yekare yakaipa norudzidziso rwayo rwenhema? Pauro akaudza vaKorinte kuti “zvino inguva yakafanira” yokubetsera vamwe kuwana ruponeso. (2 VaKorinte 6:2) Nhasi, noruparadziko rwuri kusvika rwetsika ino yekare rwava pedyo, kune kurumidziro huru zvikuru kumashoko aPauro. Nepo kuri pachena kuti voruzhinji vavaendi vokuchechi vanhasi vanosarudza kusagoverana kutenda kwavo navamwe, maKristu anoratidzira rudo rwechokwadi nokuda kwaJehovha Mwari achakurangarira kuva ropafadzo kugoverana zvizere muushumiri hwechiKristu hwaakaagovera. Vose avo vanozivisa nokutendeka mashoko akanaka munguva ino inogamuchirika ndokubatira Jehovha mukunamata kuri kwakachena nokutsvene vanogona kuita saizvozvo nevimbiso yokuti vaka‘gamuchira mutsa wakakomba waMwari uye havana kupotsa donzo rawo.’—2 VaKorinte 6:1.