Ganhuro 20
Boka Guru Ravazhinji-zhinji
1. Pashure pokurondedzera kuiswa chisimbiso kwavane 144 000, Johane anoona rimwe bokai?
PASHURE pokunge arondedzera kuiswa chisimbiso kwe144 000, Johane anopfuurira kushuma chimwe chezvakazarurwa chinoisvonyandura zvikuru muRugwaro rwose. Mwoyo wake unofanira kuve wakakwakuka nomufaro sezvaakachishuma, achiti: “Pashure pezvinhu izvozvi ini ndakaona, uye, tarirai! boka guru, rakanga risino munhu aikwanisa kuriverenga, rakabva kumarudzi ose nendudzi namadzinza nendimi, rimire pamberi pechigaro choumambo napamberi peGwayana, rakapfeka nguvo chena; uye muzvanza zvaro makanga muna matavi emichindwe.” (Zvakazarurwa 7:9) Hungu, kudziviswa kwemhepo ina kunobvumira nokuda kwokuponeswa kwerimwe boka kunze kwemitezo ine 144 000 yaIsraeri womudzimu: boka guru remitauro mizhinji, ramarudzi ose.a—Zvakazarurwa 7:1.
2. Ko vatsinhiri venyika vakatsanangura sei boka guru, uye kunyange Vadzidzi veBhaibheri munguva yakapfuura vakarangarira sei iri boka?
2 Vatsinhiri venyika vakaturikira iri boka guru kuva vasati vari vaJudha vokunyama vakatendeudzirwa kuchiKristu kana kuti kuva vaponderwi kutendeka vechiKristu vanosungirwa kuenda kudenga. Kunyange Vadzidzi veBhaibheri munguva yakapfuura vakavarangarira seboka rechipiri rokudenga, sezvakacherekedzwa muna 1886 muVolume I yeStudies in the Scriptures, The Divine Plan of the Ages, kuti: “Ivo vanorashikirwa nomubairo wechigaro choumambo nomugariro woumwari, asi pakupedzisira vachasvika kuberekwa savanhu vomudzimu vomugariro wakaderera kupinda mugariro woumwari. Kunyange zvazvo ivava vachizvitsaurira zvechokwadi, ivo vanokurirwa nomudzimu wenyika kutambanuko yokuti vanokundikana kupira upenyu hwavo muchibairo.” Uye pashure sapana 1930, mufungowo wakaratidzirwa murinonzi Light, Bhuku Rokutanga: “Avo vanoumba iri boka guru vanokundikana kudavidza kokero yokuva zvapupu zvinoshingaira nokuda kwaShe.” Ivo vakarondedzera seboka rinozviruramisa rakanga rine zivo yezvokwadi asi rakaita zviduku pamusoro pokuiparidzira. Ivo vaizoenda kudenga seboka rechipiri risati raizogoverana mukutonga pamwe chete naKristu.
3. (a) Itariroi yakatambanudzirwa kuna vane mwoyo yakarurama vakati kuti avo gare gare vakava vanoshingaira mubasa rokuparidzira? (b) Ko Watch Tower muna 1923 yakatsanangura sei mufananidzo wamakwai nembudzi?
3 Zvisinei, kwaiva nedzimwe shamwari dzamaKristu akazodzwa idzo gare gare dzakazova dzinoisvoshingaira mubasa rokuparidzira. Dzakanga dzisina kariro dzokuenda kudenga. Zvamazvirokwazvo, tariro yadzo yakanga ichiwirirana nomusoro wehurukuro yavose yakasimbiswa navanhu vaJehovha kubvira muna 1918 kusvikira kuna 1922. Pakuvamba-vamba, iyoyi yaiva yokuti “Nyika Yaguma—Mamiriyoni Zvino Anorarama Haazati Achizotongofa.”b Nokukurumidza pashure pacho, magazini yeWatch Tower yaOctober 15, 1923, yakatsanangura mufananidzo waJesu wamakwai nembudzi (Mateo 25:31-46), ichiti: “Makwai anomirira madzinza ose amarudzi, kwete vakaberekwa nomudzimu asi vakarerekera kukururama, avo mundangariro vanobvuma Jesu Kristu saIshe uye vanotarira navanokarira nguva iri nani zvikuru mukutonga kwake.”
4. Ko chiedza pamusoro peboka rapasi chakava chinojeka sei zvikuru muna 1931? muna 1932? muna 1934?
4 Makore akati kuti gare gare, muna 1931, Vindication, Bhuku Rokutanga, rakatsanangura Ezekieri ganhuro 9, richizivisa vanhu ivavo vakaiswa chiratidzo pahuma nokuda kwokuchengetwa pamugumo wenyika samakwai omufananidzo uri pamusoro apa. Vindication, Bhuku Rechitatu, rakabudiswa muna 1932, rakarondedzera chimiro chomwoyo chakarurama chomurume asati ari wechiIsraeri Jonadhabhi, uyo akakumbanira Mambo akazodzwa waIsraeri Jehu mungoro yake ndokuenda pamwe chete naye kundoona rushingairo rwaJehu mukuuraya vezvorudzidziso rwenhema. (2 Madzimambo 10:15-17) Bhukuro rakatsinhira, kuti: “Jonadhabhi akamirira kana kuti akadeya kufananidzira boka irero ravanhu vari vane mwoyo wakanaka zvino vari pasi pano mukati menguva iyo basa raJehu [rokuparidzira marutongeso aJehovha] riri kuenderera mberi, vasati vari mutsinhirano nesangano raSatani, avo vanoita kumira kwavo kurutivi rwokururama, uye ndivo avo Ishe achachengeta mukati menguva yeArmagedhoni, achivapfuudza nomunhamo iyeyo, ndokuvapa upenyu husingaperi pasi pano. Ivava vanoumba boka ra‘makwai.’” Muna 1934, Watchtower yakajekesa kuti aya maKristu ane tariro dzapasi anofanira kuita tsauriro kuna Jehovha ndokubhapatidzwa. Chiedza pamusoro peiri boka rapasi chakanga chichiramba chichijeka zvikuru.—Zvirevo 4:18.
5. (a) Kuzivikanwai kweboka guru kwakaitwa muna 1935? (b) Apo J. F. Rutherford muna 1935 akakumbira vakokorodzani vaiva netariro yokurarama nokusingaperi pasi pano kuti vasimuke, chii chakaitika?
5 Kunzwisiswa kwaZvakazarurwa 7:9-17 zvino kwakanga kwodokuratidzirwa mukupenya kwakwo kunon’animira! (Pisarema 97:11) Magazini yeWatchtower yakanga yaratidzira yaratidzirazve kariro yokuti kokorodzano yakarongerwa May 30 kusvikira kuna June 3, 1935, muWashington, D.C., U.S.A., yaizova “nyaradzo chaiyo nebetsero” kuna avo vakafananidzirwa naJonadhabhi. Yakabvumikisa kuva yakadaro! Muhurukuro inonyandura pamusoro peinoti “Vazhinji-zhinji Zvikuru,” yakakurukurirwa kuvanenge vakokorodzani 20 000, J. F. Rutherford, panguva iyoyo aitungamirira basa rokuparidza munyika yose, akapa chibvumikiso chapaMagwaro chokuti mamwe makwai omuzuva razvino uno akafanana neboka guru irero raZvakazarurwa 7:9. Pamugumo weiyi hurukuro, mukurukuri akabvunza, kuti: “Tapota vose avo vane kariro yokurarama nokusingaperi pasi pano vangasimuka here?” Rutivi rukuru rwavateereri zvarwakasimuka, mukurukuri akazivisa, kuti: “Tarirai! Vazhinji-zhinji zvikuru!” Pakava nokuti mwiroo, kwakateverwa nokufara kunotinhira. Haiwa rakafara sei boka raJohane—uyewo boka raJonadhabhi! Pazuva rakatevera racho, Zvapupu zvitsva zvine 840 zvakabhapatidzwa, zvizhinjisa zvaizvozvi zvichikambira kuva zveboka guru irero.
Kusimbisa Kuzivikanwa Kweboka Guru
6. (a) Neiko tingagona kusanonzwisisa kuti boka guru iboka romuzuva razvino uno ramaKristu akazvitsaurira rine tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano? (b) Ko nguvo chena dzeboka guru dzinofananidzirei?
6 Tinogona sei kutaura nomutoo wakananga kuti boka guru ndiro iri boka romuzuva razvino uno ramaKristu akazvitsaurira anokarira kurarama papasi raMwari? Kare, Johane akanga aona muchiono boka rokudenga “rakadzikinurwa . . . nokuda kwaMwari rinobva mundudzi iri yose nendimi nedzinza norudzi.” (Zvakazarurwa 5:9, 10) Boka guru rine mviromviro imwe cheteyo asi mugumo wakasiyana. Mukusafanana naIsraeri waMwari, chiverengero charo hachina kudeya kutemwa. Hakuno munhu anogona kuziva pachine nguva mberi kuti pachava navangani. Nguvo dzavo dzakasukwa kuti dzichene muropa reGwayana, kuratidzira kuti ivo vane kumira kwakarurama pamberi paJehovha kupfurikidza nokutenda kwavo chibairo chaJesu. (Zvakazarurwa 7:14) Uye vari kuvheyesa matavi omuchindwe, kurumbidza Mesiya saMambo wavo.
7, 8. (a) Kuvheyeswa kwamatavi omuchindwe pasina panikiro kwakayeuchidza muapostora Johane nezvezvinoitikai? (b) Chii chiri revo yeidi rokuti avo veboka guru vanovheyesa matavi emichindwe?
7 Zvaanotarisisa ichi chiono, mifungo yaJohane inofanira kuva inomudzosera shure makore anopfuura makore 60 kuvhiki rokupedzisira raJesu pasi pano. Pana Nisani 9, 33 C.E., apo mapoka akadirana kuzochingura Jesu kupinda muJerusarema, iwo “akatora matavi omuchindwe ndokubuda kundomuchingura. Ipapo iwo akavamba kudanidzira, kuti: ‘Tiponesei, tinokukumbirai! Wakakomborerwa ndiye uyo anouya muzita raJehovha, kunyange mambo waIsraeri!’” (Johane 12:12, 13) Mumugariro wakafanana, kuvheyeswa kwamatavi omuchindwe nokudanidzira kweboka guru kunoratidzira mufaro usingadzorwi mukugamuchira Jesu saMambo akazodzwa waJehovha.
8 Pasina panikiro, matavi emichindwe nokudanidzira kwokufara zvinoyeuchidzawo Johane nezvoMutambo Womusasa wekare wechiIsraeri. Nokuda kwouyu mutambo Jehovha akaraira, kuti: “Uye imi munofanira kuzvitorera mumene pazuva rokutanga michero yemiti yakaisvonaka, mashizha emichindwe namatavi emiti mikobvu nemikonachando yomumupata worukova, uye imi munofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wenyu mazuva manomwe.” Matavi emichindwe aishandiswa sechiratidzo chokufara. Misasa yechinguvana yaiva chiyeuchidzo chokuti Jehovha akanga aponesa vanhu vake kubuda muEgipita, kundogara mumatende murenje. “Mugari wechienzi nenherera nechirikadzi” vaigoverana muno uyu mutambo. Israeri wose aizova “vasingaiti chimwe chinhu kunze kwokufara bedzi.”—Revhitiko 23:40; Dheuteronomio 16:13-15.
9. Ko boka guru rinokumbanira mukupururudzai kwomufaro?
9 Ipapoka, kwakakodzera kuti boka guru, kunyange zvazvo risati riri rutivi rwaIsraeri womudzimu, rinofanira kuvheyesa matavi emichindwe, sezvo ivo mumufaro nomukuonga vachiti rukundo noruponeso zvinobva kuna Mwari nokuGwayana, sezvo Johane pano anocherekedza, kuti: “Uye ivo vanoramba vachidanidzira nenzwi guru, vachiti: ‘Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu, uyo agere pachigaro choumambo, nokuGwayana.’” (Zvakazarurwa 7:10) Kunyange zvazvo ivo vakaparadzaniswa namapoka ose amarudzi, boka guru rinodanidzira ne“inzwi guru” rimwe chete irero bedzi. Vanogona sei kuita ikoku, pasinei hapo nomusiano wavo wamarudzi nemitauro?
10. Ko boka guru rinogona sei kudanidzira mukubatana ne“inzwi guru” rimwe pasinei hapo nomusiano wamarudzi nemitauro?
10 Iri boka guru rutivi rwesangano bedzi rakabatana zvechokwadi ramarudzi mazhinji pasi pano nhasi. Havana mipimo yakasiyana nokuda kwenyika dzakasiyana asi vanoshandisa nheyo dzakanaka dzeBhaibheri nguva dzose kupi kana kupi kwavanogara. Havabatanidzwi mumasangano ezvourudzi, okumukira asi zvamazvirokwazvo vaka‘pfura minondo kuva miromo yamapadza.’ (Isaya 2:4) Ivo havana kuparadzanisirwa mumasekete kana kuti masangano, zvokuti ivo vanodanidzira mashoko akanyongana kana kuti anopokanidzana sezvinoita marudzidziso echiKristudhomu; uyewo havasati vachikusiira kuboka ravakafundira kuva vafundisi kuvaitira kurumbidza kwavo. Ivo havazati vachidanidzira kuti ivo vanowana ruponeso kumudzimu mutsvene, nokuti ivo havazati vari vabatiri vamwari woutatu. Munyika dzine 200 kupote pasi, ivo vari muhumwe mukudana pazita raJehovha sezvavanotaura mutauro mumwe wakachena wezvokwadi. (Zefania 3:9) Nomutoo wakakodzera, ivo vanobvuma pamhene kuti ruponeso rwavo runobva kuna Jehovha, Mwari woruponeso, kupfurikidza naJesu Kristu, Mumiriri Wake Mukuru woruponeso.—Pisarema 3:8; VaHebheru 2:10.
11. Ko ruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu rwazvino uno rwakabetsera sei avo veboka guru kuita kudanidzira nenzwi guru ravo kunyange zvikuru kwazvo?
11 Ruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu rwazvino uno rwakabetsera kuita kuti inzwi guru reboka guru rakabatana rinzwike kunyange zvikuru kwazvo. Hakuna rimwe boka rorudzidziso pasi pano rine chinodikanwa chokubudisa yamuro dzefundo dzeBhaibheri mumitauro inopfuura 400, sezvo pasina rimwe boka rinofarira kusvika madzinza ose apasi neshoko rimwe rakabatana. Seimwe betsero muna ikoku, mukutarisira kwoMutumbi Unodzora wakazodzwa weZvapupu zvaJehovha, Multilanguage Electronic Phototypesetting System (MEPS) yakaitwa. Panguva yokudhinda kuno, zvimiro zvakasiyana-siyana zveMEPS zviri kushandiswa nzvimbo dzinopfuura 125 kupote pasi, uye iyoyi yakabetsera kubvirisa kuburiswa kwamagazini inobuda kaviri pamwedzi, Nharireyomurindi, mumitauro inopfuura 130 panguva imwe cheteyo. Vanhu vaJehovha vanobudisa panguva imwe cheteyo mabhuku, akadai serino iri, muchiverengero chakati chemitauro. Nokudaro, Zvapupu zvaJehovha, izvo boka guru rinoumba voruzhinjisa varo, zvinokwanisa gore negore kubudisa mazana amamiriyoni ezvinyorwa mumitauro yose inosanozivikanwa, zvichigonesa mapoka omuraudzo anobva mundudzi dzose nendimi kufunda Shoko raMwari ndokukumbanidza manzwi awo nenzwi guru reboka guru.—Isaya 42:10, 12.
Mudenga Here Kana Kuti Pasi Pano?
12, 13. Ko boka guru “rimire pamberi pechigaro choumambo napamberi peGwayana” munzirai?
12 Ko tinoziva sei kuti “kumira pamberi pechigaro choumambo” hakuzati kuchireva kuti boka guru riri mudenga? Pano ufakazi hwakajeka zvikuru kwazvo pane iri pfundo. Somuenzaniso, shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “pamberi” (e·noʹpi·on) rinoreva chaizvoizvo kuti “mukuona [kwa]” uye rinoshandiswa kanoverengeka nezvavanhu pasi pano vari “pamberi” kana kuti “mukuona kwa” Jehovha. (1 Timotio 5:21; 2 Timotio 2:14; VaRoma 14:22; VaGaratia 1:20) Pane imwe nhambo apo vaIsraeri vaiva murenje, Mosesi akati kuna Aroni: “Iti kuungano yose yavanakomana vaIsraeri, ‘Swederai pamberi paJehovha, nokuti iye akanzwa kupopota kwenyu.’” (Eksodho 16:9) VaIsraeri havazati vaifanira kuendeswa kudenga kuti vagomira pamberi paJehovha panhambo iyeyo. (Enzanisa naRevhitiko 24:8.) Panzvimbo pakwo, imomo chaimo murenje ivo vakamira pavaionwa naJehovha, uye ngwariro yake yakanga iri pavari.
13 Mukuwedzera, tinorava, kuti: “Apo Mwanakomana womunhu anosvika ari mumbiri yake . . . marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake.”c Dzinza rose rohunhu harizovi mudenga apo uhwu uporofita hunozadzika. Zvamazvirokwazvo, avo vano“bva vachipinda mukugurwa kusingaperi” havazovi vari mudenga. (Mateo 25:31-33, 41, 46) Panzvimbo pakwo, vanhu vamire pasi panoonwa naJesu, uye iye anotendeudzira ngwariro yake kukuvatonga. Nomutoo wakafanana, boka guru riri “pamberi pechigaro choumambo napamberi peGwayana” mukuti iro rimire panoonwa naJehovha naMambo wake, Kristu Jesu, uyo iro rinowana rutongeso rwakanaka kwaari.
14. (a) Ndivanaani vanorondedzerwa savari “vakapoteredza chigaro choumambo” na“paGomo reZioni” [rokudenga]? (b) Kunyange zvazvo boka guru richibatira Mwari “mutembere yake,” neiko ikoku kusati kuchiriita boka ravaprista?
14 Vakuru vane 24 neboka rakazodzwa ravane 144 000 vanorondedzerwa savari vaka“komba chigaro choumambo” chaJehovha uye vari “paGomo reZioni” rokudenga. (Zvakazarurwa 4:4; 14:1) Boka guru harizati riri boka rouprista uye harizati richisvika kunzvimbo iyeyo yakakwirira. Chokwadi, gare gare iro rinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 7:15 serinobatira Mwari “mutembere yake.” Asika tembere iyi haizati ichireva nzvimbo tsvene yomukatikati, Nzvimbo Tsvene Tsvene. Panzvimbo pakwo, ndirwo ruvazhe rwapasi rwetembere yomudzimu yaMwari. Shoko rechiGiriki rokuti na·osʹ, rinoshandurwa pano kuti “tembere,” rinowanzoreva pfungwa yakafara yechivako chose chakavakirwa namatwo yaJehovha. Nhasi, ichi chivako chomudzimu chinobatanidza zvose zviri zviviri denga napasi.—Enzanisa naMateo 26:61; 27:5, 39, 40; Marko 15:29, 30; Johane 2:19-21, New World Translation Reference Bible, mashoko omunyasi.
Kudanidzira Kwenyika Yose Kwerumbidzo
15, 16. (a) Chii chiri davidzo mudenga pakuonekwa kweboka guru? (b) Ko chisikwa chomudzimu chaJehovha chinoita sei kuwadzanyurwo itsva imwe neimwe yedonzo rake? (c) Ko isu pasi pano tinogona sei kukumbanira murwiyo rwerumbidzo?
15 Boka guru riri kurumbidza Jehovha, asi vamwewo vari kuimba rumbidzo dzake. Johane anoshuma, kuti: “Ipapo ngirozi dzose dzakanga dzimire dzakapoteredza chigaro choumambo uye vakuru nezvisikwa zvina zvipenyu, uye ivo vakawira pasi nezviso zvavo pamberi pechigaro choumambo uye vachinamata Mwari, vachiti: ‘Ameni! Rumbidzo nembiri nouchenjeri nokuonga norukudzo nesimba noumhare ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperi-peri Ameni.’”—Zvakazarurwa 7:11, 12.
16 Apo Jehovha akasika pasi, ngirozi dzake tsvene “nomufaro dzakaimbira pamwe chete, uye vanakomana vose vaMwari vakavamba kupururudza murumbidzo.” (Jobho 38:7) Kuwadzanyurwa kutsva kumwe nokumwe kwedonzo raJehovha kunofanira kuve kwaiparira kupururudza kumwe cheteko kwengirozi kwerumbidzo. Apo vakuru vane 24—vane 144 000 vari mumbiri yavo yokudenga—vanodanidzira nenzwi guru mukubvuma Gwayana, zvimwe zvose zvezvisikwa zvaMwari zvokudenga zvinotsinhiranisa rumbidzo nokuda kwaJesu uye nokuda kwaJehovha Mwari. (Zvakazarurwa 5:9-14) Nechekare, izvi zvisikwa zvakanyanyofarikanya kucherekedza kuzadzika kwedonzo raJehovha mukumutsira kwake vanhu vakatendeka vakazodzwa kunzvimbo yembiri mudunhu romudzimu. Zvino, zvose zvezvisikwa zvakatendeka zvokudenga zvaJehovha zvinoimba rumbidzo yakaisvonaka sezvo boka guru rinooneka. Zvamazvirokwazvo, nokuda kwavabatiri vose vaJehovha, zuva raShe inguva inofadza yokurarama mairi. (Zvakazarurwa 1:10) Pano papasi, takaropafadzwa sei kugoverana murwiyo rwerumbidzo kupfurikidza nokupupurira Umambo hwaJehovha!
Boka Guru Rinoita Kuoneka Kwaro
17. (a) Mubvunzoi unomutswa nomumwe wavakuru vane 24, uye idi rokuti mukuru aigona kuwana mhinduro rinokarakadza chii? (b) Ko mubvunzo womukuru wakapindurwa rini?
17 Kubvira panguva yomuapostora Johane ndokupfuurira kupinda muzuva raShe, maKristu akazodzwa akakangaidzwa pamusoro pezivikanwo yeboka guru. Kwakakodzera, ipapoka, kuti mumwe wavakuru vane 24, anomirira vakazodzwa vatova mudenga, anofanira kunyandura kufunga kwaJohane kupfurikidza nokumutsa mubvunzo wakakodzera. “Uye mudavidzo mumwe wavakuru akati kwandiri: ‘Ava vakapfeka nguvo chena, ndivanaaniko uye vakabva kupi?’ Naizvozvo pakarepo ini ndakati kuna iye: ‘Ishe wangu, imi ndimi munoziva.’” (Zvakazarurwa 7:13, 14a) Hungu, mukuru iyeyo aigona kuwana mhinduro ndokuipa kuna Johane. Ikoku kunokarakadza kuti vakamutswa veboka ravakuru vane 24 vangabatanidzwa mukupfuudzira kwezvokwadi dzoumwari nhasi. Nokuda kwavo, avo veboka raJohane vari pasi pano vakatosvika pakuziva zivikanwo yeboka guru kupfurikidza nokusanocherekedza izvo Jehovha akanga achiita pakati pavo. Ivo vakakurumidza kunzwisisa kupenya kunoteya meso kwechiedza choumwari chakavhenekera matenga oubati ushe hwoumwari muna 1935, panguva yakafanira yaJehovha.
18, 19. (a) Ikariroi yakasimbiswa neboka raJohane muma1920 nomuma1930, asi ndivanaani vakadavidza kushoko muzviverengero zvinowedzera? (b) Kuzivikanwa kweboka guru muna 1935 kwakaratidzira chii pamusoro pavane 144 000? (c) Ko zviverengero zveChirangaridzo zvinozivisei?
18 Mukati mama1920 napakuvamba pama1930, boka raJohane rakanga rasimbisa tariro yokudenga, mose muri muviri muzvinyorwa nomubasa rokuparidza. Sezvinooneka, chiverengero chizere chavane 144 000 chakanga chichigere kuzadzwa. Asi zviverengero zvinowedzera zvaavo vakatetekera shoko uye avo vakaratidzira rushingairo mubasa rokuparidza zvakasvika pakukambira fariro yokurarama nokusingaperi papasi reParadhiso. Vakanga vasina chishuvo chokuenda kudenga. Kwakanga kusati kuri kudanwa kwavo. Ivo vakanga vasati vari rutivi rweboka duku asi panzvimbo pakwo vamamwe makwai. (Ruka 12:32; Johane 10:16) Kuva kwavo vanozivikanwa muna 1935 seboka guru ramamwe makwai kwakanga kuri ratidziro yokuti kusarudzwa kwavane 144 000 panguva iyeyo kwakanga kwodokupera.
19 Ko zviverengero zvinotsigira uku kutaura here? Hungu, zvinodaro. Muna 1938, munyika yose, Zvapupu zvine 59 047 zvaJehovha zvakagoverana muushumiri. Pana ivava, 36 732 vakagoverana zviratidzo pakuchengetwa kwegore negore kweChirangaridzo chorufu rwaJesu, nokudarokwo ndokuratidzira kuti ivo vakanga vane tariro yokudenga. Mumakore anovambira panguva iyeyo, chiverengero chavagoverani ivava chakaderera nomutoo unofambira mberi, zvikurukuru nokuti Zvapupu zvakatendeka zvaJehovha zvakapedza nzira yazvo youpenyu hwapasi murufu. Muna 2005 vane 8 524 bedzi ndivo vakadya zviratidzo zveChirangaridzo—0,05 muzana ye16 390 116 vakapinda kuchengeta ikoko kwemburumbwa yose.
20. (a) MuHondo yeNyika II, J. F. Rutherford akaita tsinhiroi ari woga pamusoro peboka guru? (b) Maidii zvino anoratidzira kuti boka guru zvamazvirokwazvo iguru?
20 Apo hondo yenyika yechipiri yakagundika, Satani akaratidzira nhamburiko dzakakasharara dzokumisa kuchekwa kweboka guru. Basa raJehovha rakarambidzwa munyika zhinji. Mumazuva iwawa akasviba, uye nokukurumidza asati afa muna January 1942, J. F. Rutherford akanzwiwa achiti: “Hekani waro . . . kunze kwezvo kunoratidzika sokunge kuti vazhinji-zhinji zvikuru havazati vachizova vakawanda zvikuru.” Asika chikomborero choumwari chakatungamirira nomumwe mutoo! Pakuzosvika muna 1946 chiverengero cheZvapupu zvinoshumira munyika yose chakanga chawedzera kusvika kuvane 176 456—vazhinji vaivava vachiva veboka guru. Muna 2005 kwaiva neZvapupu 6 390 022 zvakanga zvichibatira Jehovha zvakatendeka munyika 235—zvamazvirokwazvo IBOKA GURU! Uye chiverengerocho chinoramba chichiwedzera.
21. (a) Ko kuchekwa kwavanhu muzuva raShe kwave kuri mutsinhirano izere sei nechiono chaJohane? (b) Ko uporofita hwakati kuti hunokosha hwakavamba kuzadzika sei?
21 Kuchekwa kwavanhu vaMwari muzuva raShe nokudaro kwave kuri mutsinhirano izere nechiono chaJohane: kutanga basa rokuunganidza vakasarira vevane 144 000; tevere kuunganidzwa kweboka guru. Sokuporofita kwakaita Isaya, zvino “murutivi rwokupedzisira rwamazuva,” vanhu vamarudzi ose vari kudirana kuzogoverana namatwo yakachena yaJehovha. Uye, zvamazvirokwazvo, tinofara mukuonga chisiko chaJehovha che“matenga matsva napasi idzva.” (Isaya 2:2-4; 65:17, 18) Mwari ari kuunganidza “zvinhu zvose pamwe chete zvakare muna Kristu, zvinhu zviri mumatenga nezvinhu zviri pasi pano.” (VaEfeso 1:10) Vadyi venhaka vakazodzwa voUmambo hwokudenga—vakasarudzwa kwamazana amakore chifo chezuva raJesu—ndizvo “zvinhu zviri mumatenga.” Uye zvino, boka guru ramamwe makwai rinooneka savokutanga ve“zvinhu zviri pasi pano.” Kubatira kwako mutsinhirano negadziriro iyeyo kunogona kureva mufaro usingagumi kwauri.
Zvikomborero Zveboka Guru
22. Ko Johane anogamuchira mamwe mashokoi pamusoro peboka guru?
22 Kupfurikidza nomukoto woumwari, Johane anogamuchira mamwezve mashoko pamusoro peiri boka guru, anoti: “Ipapo iye [mukuru] akati kwandiri: ‘Ava ndivo vanobuda mudambudziko guru, uye ivo vakasuka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwayana. Ndicho chikonzero nei ivo vari pamberi pechigaro choumambo chaMwari; uye ivo vanomuitira basa dzvene zuva nousiku mutembere yake; uye Uyo agere pachigaro choumambo achawadza tendi rake pamusoro pavo.’”—Zvakazarurwa 7:14b, 15.
23. Chii chiri dambudziko guru umo boka guru rino“buda” mariri?
23 Panhambo yapakuvamba-vamba, Jesu akanga ataura kuti kuvapo kwake mumbiri yoUmambo kwaizogumira mu“dambudziko guru rakadai serisakamboitika chifo chamavambo enyika kutozosvikira zvino, aiwa, uyewo harizati richizoitikazve.” (Mateo 24:21, 22) Muzadziko youporofita ihwohwo, ngirozi dzichasunungura mhepo ina dzapasi kuparadzanya tsika yenyika yaSatani. Richatanga kuparadzwa richava Bhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Tevere, pakunyanyisa kwedambudziko, Jesu achanunura vakasarira vevane 144 000 vari pasi pano, pamwe chete neboka guru ravazhinji-zhinji.—Zvakazarurwa 7:1; 18:2.
24. Ko vanhu vamwe navamwe veboka guru vanokwaniriswa sei nokuda kworupukunyuko?
24 Ko vanhu vamwe navamwe veboka guru vanokwaniriswa sei nokuda kwokupukunyuka? Mukuru anoudza Johane kuti ivo vaka“suka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwayana.” Namamwe mashoko, ivo vakashandisa kutenda muna Jesu soMudzikinuri wavo, vakaita tsauriro kuna Jehovha, vakaratidzira tsauriro yavo kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura, uye “vane hana yakanaka” kupfurikidza nomufambiro wavo wakarurama. (1 Petro 3:16, 21; Mateo 20:28) Nokudaro, ivo vakachena uye vakarurama mumeso aJehovha. Uye vanozvichengeta ivo vamene “vasina vanga rinobva munyika.”—Jakobho 1:27.
25. (a) Ko boka guru rinoitira sei Jehovha “basa dzvene masikati nousiku mutembere yake”? (b) Ko Jehovha “anowadza tendi rake” sei paboka guru?
25 Kupfuurirazve, ivo vakava Zvapupu zvinoshingaira zvaJehovha—zvi“nomuitira basa dzvene zuva nousiku mutembere yake.” Ko iwe uri mumwe weiri boka guru rakazvitsaurira here? Kana zvakadaro, iropafadzo yako kubatira Jehovha usingaregi muruvazhe rwapasi rwetembere yake huru yomudzimu. Nhasi, mukutungamirira kwavakazodzwa, boka guru riri kuita rutivi rukurukuru kwazvo rwebasa rokuparidza. Pasinei hapo nemitoro yebasa rokunyika, mazana ezviuru azvo akawanira nzvimbo ushumiri hwenguva yakazara samapiona. Asi kunyange uri muboka irero kana kuti kwete, somutezo wakazvitsaurira weboka guru, unogona kufara kuti nokuda kwokutenda kwako namabasa ako unonzi wakarurama seshamwari yaMwari uye unogamuchirwa somueni mutendi rake. (Pisarema 15:1-5; Jakobho 2:21-26) Nokudaro Jehovha ano‘wadza tendi rake’ pana avo vanomuda uye, somuchinguri akanaka, anovataviridzira.—Zvirevo 18:10.
26. Ko boka guru richafarikanya zvimwe zvikomboreroi?
26 Mukuru anopfuurira, kuti: “Ivo havazati vachizonzwazve nzara kana kuti kunzwazve nyota, uye zuva harizati richizopisa pavari kana kupisa kupi nokupi kunobvuraudza, nokuti Gwayana, iro riri pakati pechigaro choumambo, richavafudza, uye richavatungamirira kumatsime emvura dzoupenyu. Ipapo Mwari uchapukuta musodzi uri wose pameso avo.” (Zvakazarurwa 7:16, 17) Hungu, Jehovha ane mutsa zvamazvirokwazvo! Asika udzamei huripo hwerevo yamashoko iwawa?
27. (a) Ko Isaya akaporofita sei chimwe chinhu chakafanana namashoko omukuru? (b) Chii chinoratidza kuti uporofita hwaIsaya hwakavamba kuzadzika paungano yechiKristu muzuva raPauro?
27 Ngatirangarirei uporofita huna mashoko akafanana, hunoti: “Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha: ‘Ini ndakakupindurai munguva yefariro, uye ini ndakakubetserai muzuva roruponeso . . . Ivo havazonzwi nzara, uye ivo havazonzwi nyota, kana kuti kurovanywa nokupisa kunobvuraudza kana kuti nezuva. Nokuti Uyo unovanzwira tsitsi uchavatungamirira, uye uchavafambisa pamatsime emvura.’” (Isaya 49:8, 10; onawo Pisarema 121:5, 6.) Muapostora Pauro akanokora mashoko rutivi rwouhwu uporofita ndokurushandisira ku“zuva roruponeso” rakavamba paPentenkosta ya33 C.E. Iye akanyora, kuti: “Nokuti iye [Jehovha] anoti: ‘Ini ndakakunzwa munguva yakafanira, uye ini ndakakubetserai muzuva roruponeso.’ Tarirai! Zvino inguva chaiyoiyo yakafanira. Tarirai! Zvino izuva roruponeso.”—2 VaKorinte 6:2.
28, 29. (a) Ko mashoko aIsaya akazadzika sei muzana rokutanga ramakore? (b) Ko mashoko aZvakazarurwa 7:16 anozadzika sei pamusoro peboka guru? (c) Chii chichava muuyo mukutungamirirwa kweboka guru ku“matsime emvura dzoupenyu”? (d) Nei boka guru richizova rakasiyana pakati pavanhu?
28 Ko chipikirwa pamusoro pokusanzwa nzara kana kuti kusanzwa nyota kana kuti kutambura kupisa kunobvuraudza chakava nokushandai shure panguva iyeyo? Zvamazvirokwazvo, maKristu omuzana rokutanga ramakore akatambura nzara chaiyoiyo nenyota padzimwe nguva. (2 VaKorinte 11:23-27) Nenzira yomudzimu, kunyange zvazvo zvakadaro, vakanga vane zvakawanda. Ivo vakagoverwa nomutoo wakapfuma, zvokuti ivo havana kunzwa nzara kana kuti kunzwa nyota nokuda kwezvinhu zvomudzimu. Zvakare, Jehovha haana kusakisa kupisa kwokutsamwa kwake kuitikira pavari apo iye akaparadza tsika yezvinhu yechiJudha muna 70 C.E. Mashoko aZvakazarurwa 7:16 ane zadziko yakafanana yomudzimu nokuda kweboka guru nhasi. Pamwe chete namaKristu akazodzwa, ivo vanofarikanya gadziriro dzakawanda dzomudzimu.—Isaya 65:13; Nahumi 1:6, 7.
29 Kana iwe uri mumwe weboka guru irero, mugariro wako wakanaka womwoyo uchakuita kuti “udanidzire mumufaro,” pasinei zvapo nezvaunofanira kutsungirira munzira yokushaiwa nedzvinyiriro mukati mamakore orubvunza vaeni etsika yaSatani. (Isaya 65:14) Mupfungwa iyeyo, kunyange zvino, Jehovha anogona ‘kupukuta musodzi uri wose pameso ako.’ “Zuva” rinobvuraudza raMwari rorutongeso rwakashata harizati richakutyisidzirazve, uye apo mhepo ina dzoruparadziko dzinosunungurwa, ungadzivirirwa pa“kupisa kunobvuraudza” kwokusafarira kwaJehovha. Pashure pokunge ruparadziko irworwo rwapfuura, Gwayana richakutungamirira kundobetserekana zvizere “namatsime emvura dzoupenyu” anosimbaradza, idzodzi dzichimirira gadziriro dzose idzo Jehovha anoita nokuda kwokuwana kwako upenyu husingaperi. Kutenda kwako muropa reGwayana kucharevererwa mukuti iwe pashoma napashoma uchava anosimudzirwa kukukwana kwohunhu. Imi veboka guru muchava vakasiyana pakati pavanhu sa“mamiriyoni” asina kutongofanira kufa! Mupfungwa izere zvikurusa, musodzi uri wose uchave wapukutwa pameso enyu.—Zvakazarurwa 21:4.
Kusimbisira Kudanwa
30. Chionoi chakaisvonaka chinotizarukira muchiono chaJohane, uye ndivanaani vachakwanisa ku“mira”?
30 Haiwa chiono chakaisvonaka chakadini chatinozarurirwa naaya mashoko! Jehovha iye amene ari pachigaro chake choumambo, uye vabatiri vake, vomudenga navapasi, vanobatana mukumurumbidza. Vabatiri vake vose vapasi vanonzwisisa kuti iropafadzo huru zvikuru sei kugoverana muno urwu rwiyo rwunowedzera rwerumbidzo. Nokukurumidza zvikuru, Jehovha naKristu Jesu vachaita rutongeso, uye kudanidzira kuchanzwika, kunoti: “Zuva guru rokutsamwa kwavo rasvika, uye ndianiko anokwanisa kumira?” (Zvakazarurwa 6:17) Chii chiri mhinduro yacho? Vorushoma bedzi vavanhu, kubatanidza chero vapi zvavo ve144 000 vakaiswa chisimbiso vangave vachiri pasi pano uye boka guru ramamwe makwai vacha“mira,” ndiko kuti, vanopukunyuka pamwe chete navo.—Jeremia 35:19; 1 VaKorinte 16:13.
31. Ko kuzadzika kwechiono chaJohane kunofanira kutapura sei maKristu, ose ari maviri avakazodzwa neeboka guru?
31 Nokuda kweiri idi, maKristu akazodzwa eboka raJohane anozvishandisa iwo amene nomutoo une simba muku“svasvavirira nokuda kwomubairo wokudanwa kwokudenga waMwari kupfurikidza naKristu Jesu.” (VaFiripi 3:14) Ivo vanoziva zvizere kuti zvinoitika mumazuva ano zvinoda tsungiriro chaiyo kwavari. (Zvakazarurwa 13:10) Pashure pokubatira mukuvimbika Jehovha kwamakore mazhinji zvikuru, ivo vanobatisisa kutenda, vachifara kuti mazita avo “akanyorwa mumatenga.” (Ruka 10:20; Zvakazarurwa 3:5) Avo veboka guru vanozivawo kuti “iye [bedzi] akatsungirira kusvikira kumugumo ndiye uchaponeswa.” (Mateo 24:13) Kunyange boka guru seboka richiiswa chiratidzo kuti ribude mudambudziko guru, vanhu vamwe navamwe varo vanofanira kuzvishandisa ivo vamene kuti varambe vakachena uye vachishingaira.
32. Mugariroi unokosha unosimbiswa neidi rokuti mapoka maviri bedzi acha“mira” muzuva rokutsamwa kwaJehovha?
32 Hakuna ufakazi hwokuti vapi navapi kunze kwaaya mapoka maviri vacha“mira” muzuva rokutsamwa kwaJehovha. Ikoku kunorevei nokuda kwamamiriyoni awo gore rimwe nerimwe anoratidzira ruremekedzo rwakati nokuda kwechibairo chaJesu kupfurikidza nokupinda kuchengetwa kweChirangaridzo chorufu rwake asi avo vachigere kushandisa kutenda muchibairo chaJesu kusvikira kupfundo rokuva vabatiri vakazvitsaurira, vakabhapatidzwa vaJehovha, vanoshingaira mubasa rake? Kupfuurirazve, zvakadiniko naavo vaichimbova vanoshingaira asi avo vakabvumira mwoyo yavo kuva “inoremedzwa . . . nefunganyo dzoupenyu”? Vakadaro vose vangamuka, ndokuramba vakamuka; kuti va“budirire mukupukunyuka zvinhu izvozvi zvose zvakatemerwa kuitika, nomukumira pamberi poMwanakomana womunhu”—Jesu Kristu. Nguva yapfupika!—Ruka 21:34-36.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona New World Translation Reference Bible, mashoko omunyasi.
b The Watch Tower, yaApril 1, 1918, peji 98.
c Chaizvoizvo, “pamberi pake,” The Kingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures.
[Bhokisi riri papeji 119]
Kududzira ndokwaMwari
Kwamakumi mazhinji amakore boka raJohane rakabvunza pamusoro pokuzivikanwa kweboka guru asi risingawani tsananguro inogutsa. Neiko? Tinowana mhinduro mumashoko aJosefa akatendeka, apo iye akati: “Ko kududzira hakuzi kwaMwari here?” (Genesi 40:8) Ko Mwari anodudzira rini uye sei zadziko youporofita hwake? Kazhinji kazhinji, ndipaye apo hunenge hwodokuva hunozadzika kana kuti huri mukuzadzika kuti mashoko ahwo agone kusanocherekedzwa navabatiri vake vanotsvaka. Iyi nzwisiso inopiwa “nokuda kwomuraidzo wedu, kuti kupfurikidza netsungiriro yedu uye kupfurikidza nenyaradzo inobva muMagwaro tigova netariro.”—VaRoma 15:4.
[Bhokisi riri papeji 124]
Mitezo yeboka guru
▪ inobva mumarudzi ose nendudzi namadzinza nendimi
▪ inomira pamberi pechigaro choumambo chaJehovha
▪ yakasuka nguvo dzayo ndokudzichenesa muropa reGwayana
▪ inoti ruponeso runoparirwa naJehovha uye naJesu
▪ inobuda mudambudziko guru
▪ inobatira Jehovha mutembere yake masikati nousiku
▪ inowana taviridziro yorudo netarisiro zvaJehovha
▪ inotungamirirwa naJesu kumatsime emvura dzoupenyu
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 121]
[Mufananidzo uri papeji 127]
Boka guru rinowana ruponeso kuna Mwari nokuGwayana
[Mufananidzo uri papeji 128]
Gwayana richatungamirira boka guru kumatsime emvura dzoupenyu