Jobho
38 Jehovha akabva apindura Jobho ari mudutu achiti:+
3 Chigadzirira semunhu wemurume;
Ndichakubvunza, iwe wondiudza.
4 Wakanga uri kupi pandakamisa nyika?+
Ndiudze, kana uchifunga kuti unonzwisisa.
5 Ndiani akatara kukura kwayo, pamwe unozviziva,
Kana kuti ndiani akatambanudza tambo achiiyera?
6 Ko zvigadziko zvayo zvakagara pai,
Kana kuti ndiani akamisa dombo rayo repakona,+
7 Nyeredzi dzemangwanani+ padzakashevedzera nemufaro pamwe chete,
Uye vanakomana vese vaMwari*+ pavakatanga kushevedzera vachirumbidza?
8 Uye ndiani akavharira gungwa nemasuo+
Parakaputika richibuda muchibereko,
9 Pandakaripfekedza makore,
Ndikariputira nerima gobvu,
10 Pandakariisira muganhu wangu,
Ndikaisa mazariro aro nemasuo,+
11 Ndikati, ‘Unogona kusvika apa, asi haufaniri kupapfuura;
Pano ndipo pachagumira mafungu ako makuru’?+
12 Wakamborayira mangwanani here
Kana kuita kuti mambakwedza azive nzvimbo yawo,+
13 Kuti abate migumo yenyika
Uye azunze vakaipa kuti vabve pairi?+
14 Inoshandurwa sevhu rekuumbisa riri pasi pechidhindo,*
Uye zviri pairi zvinooneka senguo yakashongedzwa.
15 Asi vakaipa vanovharirwa chiedza chavo,
Uye ruoko rwavo rwakasimudzwa runotyorwa.
18 Wava kunzwisisa kukura kwakaita nyika here?+
Ndiudze, kana uchiziva zvese izvi.
19 Chiedza chinogara nechekupi?+
22 Wakambopinda mumatura echando,+
Kana kuona matura echimvuramabwe here,+
23 Zvandakachengetera nguva yekutambudzika,
Pazuva rekurwa nerehondo?+
24 Chiedza chinopararira chichibva* nekupi,
Uye mhepo yekumabvazuva inovhuvhuta panyika ichibva nekupi?+
25 Ndiani akavhurira mugero mvura zhinji iri mudenga kuti idzike
Uye akagadzira nzira inofamba negore remvura ine mabhanan’ana,+
26 Kuti mvura inaye kusingagari vanhu,
Murenje musina vanhu,+
27 Kuti igutse nzvimbo dzakaita magwenga,
Ichiita kuti uswa humere?+
29 Magodo echando akabuda muchibereko chaani,
Uye ndiani akabereka chando chakachena chichibva mudenga+
30 Panofukidzwa mvura sekunge yakavharwa nedombo,
Uye pamusoro pemvura yakadzika pachiita zigodo?+
32 Ungatungamirira nyeredzi dzakaungana panzvimbo imwe chete* mumwaka wadzo here,
Kana kutungamirira nyeredzi dzeAshi* pamwe chete nevanakomana vadzo?
35 Ungatuma mheni here?
Ingauya here yoti kwauri, ‘Ndauya!’?
36 Ndiani akaisa uchenjeri mumakore,*+
Kana kuti ndiani akaita kuti zvinhu zviri mudenga zvinzwisise?*+
37 Ndiani akachenjera zvekuti angaverenga makore,
Kana kuti ndiani angadeura zvirongo zvemvura zvekudenga,+
38 Guruva parinova matope royerera
Uye mavhinga enyika paanonamatirana?