Kufanorongerwa Zvichaitika Muupenyu
Tsanangudzo: Mugumisiro usingagoni kudziviswa uye kazhinji kacho unenge wakaipa. Idzidziso yokuti zvinoitika muupenyu zvakafanorongwa naMwari kana kuti nerimwe simba guru kupfuura vanhu, yokuti chiitiko chose chinofanira kuitika sezvachinoita nokuti chakafanorongwa. MuBhaibheri hamuna mashoko akadaro uye haridzidzisi izvozvo.
Munhu wose akafanorongerwa “nguva yokufa” here?
Dzidziso iyi yakanga yakakurumbira muvaGiriki nevaRoma. Maererano nengano dzechiGiriki dzechihedheni, dzidziso iyi inobva pana vanamwarikadzi vatatu vakaruka tambo youpenyu, vakasarudza urefu hwayo, uye vakaidimbura.
Muparidzi 3:1, 2 inotaura nezve“nguva yokufa.” Asi ichiratidza kuti iyi haisi nguva yakatarwa yokuti munhu afe, Muparidzi 7:17 inorayira kuti: “Usanyanya kuva akaipa, kana kuva benzi. Ungafirei iyo isiri nguva yako?” Zvirevo 10:27 inoti: “Makore evakaipa achatapudzwa.” Uye Pisarema 55:23 rinowedzera kuti: “Varume vane mhosva yeropa nevanonyengera, havazorarami hafu yemazuva avo.” Saka Muparidzi 3:1, 2 inorevei? Iri kungotaura nezvokurarama nokufa mumamiriro ano ezvinhu asina kukwana. Pane nguva yokuti vanhu vanoberekwa uye yokufa—kazhinji kacho vasingapfuuri makore 70 kana 80, asi dzimwe nguva achangodarika kana kuti pave paya.—Pis. 90:10; onawo Muparidzi 9:11.
Kudai nguva uye mafiro omunhu mumwe nomumwe akanga akafanorongwa panguva yaakazvarwa kana kuti asati atombozvarwa, zvaisazova nebasa kuti munhu adzivise ngozi kana kuchengetedza utano hwake, uye kutora matanho okudzivisa ngozi kwaisazoita kuti vanhu vanofa vave vashoma. Asi munodavira here kuti nzvimbo inorwirwa hondo yakachengeteka sezvakaita musha unenge uri kure nokunenge kuchirwirwa? Munochengetedza utano hwenyu kana kuti munoendesa vana venyu kuna chiremba here? Nei vanhu vanosvuta vachitangira vanhu vasingasvuti kufa nemakore anenge matatu kana mana paavhareji? Nei tsaona dzinouraya dzichiita shoma kana vanhu vanenge vari mumotokari vakasunga mabhandi omumotokari uye kana vatyairi vakateerera mitemo yomumigwagwa? Zviri pachena kuti kudzivirira ngozi kunobatsira.
Zvose zvinoitika “kuda kwaMwari” here?
2 Pet. 3:9: “Jehovha . . . anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (Asi havasi vanhu vose vanoita zvinoenderana nokushivirira kwake. Zviri pachena kuti hakusi “kuda kwaMwari” kana vamwe vakasapfidza. Enzanisa naZvakazarurwa 9:20, 21.)
Jer. 7:23-26: ‘Ndakarayira [vaIsraeri] chinhu ichi, ndichiti: “Teererai inzwi rangu, ndichava Mwari wenyu, imi muchava vanhu vangu; fambai munzira yose yandichakurayirai, kuti zvikufambirei zvakanaka.” Asi ivo havana kuteerera . . . ndakaramba ndichikutumirai vashumiri vangu vose vaprofita, ndichifumomuka zuva nezuva ndichivatuma. Asi ivo havana kunditeerera, uye havana kurereka nzeve dzavo, asi vakaramba vachiomesa mitsipa yavo.’ (Zviri pachena kuti zvakaipa zvaiitika muIsraeri kwakanga kusiri “kuda kwaMwari.”)
Mako 3:35: “Munhu wose anoita kuda kwaMwari, iyeyu ndiye munun’una wangu nehanzvadzi naamai.” (Kana zvose zvinoitwa nevanhu zviri “kuda kwaMwari,” saka munhu wose aizova neukama hwakatsanangurwa naJesu. Asi akati kune vamwe: “Munobva kuna baba venyu Dhiyabhorosi.”—Joh. 8:44.
Zvinganzi chii nezvezvinhu zvakawanda zvinoita sezvisingatsananguriki?
Mup. 9:11: “Vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi [“nguva nezvinoitika,” BUS].” (Saka munhu angawirwa nezvakaipa, kwete nemhaka yezvinhu zvinofanooneka zvinoitika muupenyu, asi nemhaka yezvinongoerekana zvaitika. Saka munhu anogona kungowirwa nezvakaipa zvinongoitika zvoga kwete pamusana pokuti munhu anenge akafanorongerwa.)
Vanhu ndivo vanokonzera kutambura kwakawanda kwavanoita uye kunoita vamwe vanhu here?
VaR. 5:12: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete [Adhamu] uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (Tose takagara nhaka kusakwana uye kuda kuita zvakaipa kubva kuna Adhamu.)
Mup. 8:9: “Munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.”
Zvir. 13:1: “Mwanakomana anochenjera kana achirangwa nababa.” (Zvinoitwa nevabereki zvine zvazvinoita zvikuru pavana vavo.)
VaG. 6:7: “Musatsauswa: Mwari haasi wokuseka. Nokuti zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.” (Uyewo Zvirevo 11:17; 23:29, 30; 29:15; 1 VaKorinde 6:18)
Kune masimba anopfuura evanhu anokonzerawo nhamo kuvanhu here?
Zvak. 12:12: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.” (Uyewo Mabasa 10:38)
Mwari anofanoziva uye anofanoronga zvinhu zvose here?
Isa. 46:9, 10: “Ndini Mwari uye hakuna mumwe Mwari, kana ani naani akafanana neni; Iye ari kuzivisa zvokuguma kubvira pakutanga, uye zvinhu zvisati zvaitwa kubvira kare kare; Iye ari kuti, ‘Zvandakaronga zvichamira, uye ndichaita zvinhu zvose zvandinofarira.’” (Anozivisa chinangwa chake, anofanoronga zvinhu zvine chokuita nokuzadzika kwacho, uye ane simba rose rokuvimbisa kuti izvi zvichazadzika.)
Isa. 11:1-3: “Pachigutsa chaJese pachabuda davi; uye bukira rinobva pamidzi yake richabereka zvibereko. [Jesu akaberekerwa mudzinza raJese.] Mudzimu waJehovha uchagara pamusoro pake, . . . mudzimu wouchenjeri uye wokunzwisisa, mudzimu wezano uye wokuva nesimba, mudzimu wokuziva uye wokutya Jehovha.” (Jehovha aigona kufanotaura izvi nechivimbo nezveMwanakomana wake nokuti akanga aona mafungiro ake nemaitiro ake kumatenga kubvira pakutanga kusika.) Nezvokuvapo kwaJesu asati ava munhu, ona peji 101, pasi pomusoro unoti “Jesu Kristu.”)
Dheut. 31:20, 21: “Ndichavaunza [rudzi rwaIsraeri] kunyika yandakapikira madzitateguru avo, inoyerera mukaka nouchi, uye vachadya, voguta, vokora uye votsaukira kune vamwe vanamwari, vachavashumira, vorega kundiremekedza, voputsa sungano yangu. Zvino kana matambudziko mazhinji nenhamo zvikavawira, rwiyo urwu [runotaura zvavakaita pamusana pokutadza kuonga nyasha dzaMwari] ruchavapindura sechapupu, . . nokuti ndinonyatsoziva mafungiro avo avari kutanga kuita nhasi ndisati ndavapinza munyika yandakapika nezvayo.” (Ona kuti kukwanisa kwaMwari kunzwisisa migumisiro yezvavaiita kwakanga kusingarevi kuti ndiye akanga azvikonzera kana kuti ndozvaaida kuti zviitike kwavari, asi achitarisa zvavaiita aigona kufanoona zvaizoitika. Saizvozvowo, maererano nezvinenge zvacherechedzwa, anoona nezvemamiriro okunze angafanotaura mamiriro okunze zvakarurama, asi haakonzeri kuti kunze kuite saizvozvo.)
Kukwanisa kunoita Mwari kufanoziva uye kufanoronga zvinoitika kunoratidza here kuti anofanoronga zvose zvinoitwa nezvisikwa zvake zvose?
Zvak. 22:17: “Munhu wose anonzwa ngaati: ‘Uya!’ Munhu wose anonzwa nyota ngaauye; munhu wose anoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.” (Mwari haafanosarudzi; asi munhu ndiye anozvisarudzira.)
VaR. 2:4, 5: “Unozvidza here pfuma yomutsa wake nokushivirira nomwoyo murefu, nokuti hauzivi kuti mutsa waMwari uri kuedza kukuita kuti upfidze? Asi maererano noukukutu hwako nomwoyo usingapfidzi uri kuzviunganidzira hasha pazuva rehasha uye rokuratidzwa kwokutonga kwakarurama kwaMwari.” (Vanhu havamanikidzwi kuita zvinhu zvakafanorongwa. Asi munhu anozvidavirira pane zvaanoita.)
Zef. 2:3: “Tsvakai Jehovha, imi vanyoro vose vepanyika . . . Tsvakai kururama, tsvakai unyoro. Zvimwe mungavanzwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha.” (Mwari akarurama uye ane rudo angakurudzira vanhu kuti vaite zvakarurama here, vachitarisira kuwana mubayiro, kana achiziva kuti vakafanorongerwa kuti vasabudirira?)
Kuenzanisira: Muridzi weredhiyo anogona kuteerera nhau dzomunyika yose. Asi kugona kwake kuteerera imwe nhepfenyuro hakurevi kuti anoiteerera. Anofanira kutanga abatidza redhiyo ozosarudza nhepfenyuro yacho. Saizvozvowo, Jehovha anokwanisa kufanoziva zvinoitika, asi Bhaibheri rinoratidza kuti anosarudza nokungwarira pakushandisa kwaanoita mano acho, achifungawo nezvorusununguko rwokusarudza rwaakapa vanhu vaakasika.—Enzanisa naGenesisi 22:12; 18:20, 21.
Mwari paakasika Adhamu, aiziva here kuti Adhamu aizotadza?
Hezvino zvakarongerwa Adhamu naEvha naMwari: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire, muve nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvisikwa zvose zvipenyu zvinofamba panyika.” “Jehovha Mwari akarayirawo munhu kuti: ‘Ungadya miti yose yomunda kusvikira waguta. Asi usadya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti nezuva raunoudya chokwadi uchafa.’” (Gen. 1:28; 2:16, 17) Waizokurudzira here vana vako kuti vaite rimwe basa rine pundutso mune ramangwana, uchiziva kubva pakutanga kuti rakarongerwa kuti raitozokundikana chete? Waizovanyevera nezvengozi here uchiziva kuti wakaronga zvinhu zvose zvokuti vaitozopinda mutsekwende chete? Saka zvine musoro here kuti titi Mwari anoita zvakadaro?
Mat. 7:11: “Kana imi, kunyange makaipa [kana kuti, “makaipa mwoyo kudai,” BR], muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kumatenga vachapa zvikuru sei zvinhu zvakanaka kune vaya vanovakumbira!”
Kana Mwari akanga afanoronga uye achifanoziva chivi chaAdhamu uye zvose zvaizokonzerwa nechivi ichocho, zvaizoreva kuti Mwari paakasika Adhamu, akatanga nemaune uipi hwave huchiitwa munhoroondo yose yevanhu. Aizova iye anokonzera hondo dzose, kuparwa kwemhosva, unzenza, udzvinyiriri, kureva nhema, unyengeri uye zvirwere. Asi Bhaibheri rinonyatsotaura pachena kuti: “Hamusi Mwari anofarira zvakaipa.” (Pis. 5:4) “Mweya wake unovenga munhu wose anoda zvechisimba.” (Pis. 11:5) ‘Mwari haamborevi nhema.’ (Tito 1:2) “[Akasarudzwa naMwari saMambo Mesiya] achadzikinura mweya yavo pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba, ropa ravo richava rinokosha mumaziso ake.” (Pis. 72:14) “Mwari rudo.” (1 Joh. 4:8) “Iye anoda kururama nokururamisira.”—Pis. 33:5.
Mwari akafanoronga zvaizoitika muupenyu hwaJakobho naIsau here?
Gen. 25:23: “Jehovha akati kwaari [Ribheka]: ‘Marudzi maviri ari mudumbu mako, uye mapoka maviri emarudzi achaparadzaniswa achibva mukati mako; rimwe boka rorudzi richava nesimba kupfuura rimwe boka rorudzi, mukuru [Isau] achashandira muduku [Jakobho].’” (Jehovha aikwanisa kuona majini emapatya aya akanga asati aberekwa. Angave akafunga izvi paaifanoona unhu hwaizova nomumwe nomumwe wevakomana ava uye paakafanotaura zvaizoitika. [Pis. 139:16] Asi pano hapana chinoratidza kuti akafanotema zvaizotika kwavari kana kuti akafanoronga zvaizoitika muupenyu hwavo kuti zvaizoitika sei.
Judhasi Iskariyoti ainge akafanorongerwa kuti azotengesa Jesu here?
Pis. 41:9: “Munhu wandaiva norugare naye, wandaivimba naye, aidya chingwa changu, andisimudzira chitsitsinho chake.” (Ona kuti uprofita hwacho hautauri kuti ishamwari ipi yaJesu yepedyo. Jehovha aiziva kuti Dhiyabhorosi akanga ashandisa chipangamazano waDhavhidhi, Ahitoferi kuti amutengese, uye akaita kuti izvozvo zvinyorwe nokuti zvairatidza mashandiro anoita Dhiyabhorosi uye zvaaizoita munguva yemberi. Haasi Mwari asi ndi“Dhiyabhorosi [akaisa] mumwoyo maJudhasi Iskariyoti, mwanakomana waSimoni, kuti amutengese [Jesu].” [Joh. 13:2] Pane kuramba, Judhasi akabvuma kushandiswa naSatani.)
Joh. 6:64: “Kubva pakutanga Jesu aiziva kuti . . . ndiani akanga achizomutengesa.” (Kwete kubva pakatanga kusikwa zvinhu, kana kuti pakaberekwa Judhasi, asi ‘kubva paakatanga’ kuita zvounyengeri. Enzanisa naGenesisi 1:1, Ruka 1:2, uye 1 Johani 2:7, 13, panoshandiswa shoko rokuti “kutanga” mupfungwa yakafanana. Onawo Johani 12:4-6.)
Muapostora Pauro haatauri here nezvokuti vaKristu “vakafanorongerwa upenyu”?
VaR. 8:28, 29: “Tinoziva kuti Mwari anoita kuti mabasa ake ose ashandire pamwe chete kuti zvinakire vaya vanoda Mwari, vaya vakadanwa maererano nechinangwa chake; nokuti akafanogadzawo vaya vaakatanga kuva nehanya navo kuti vaenzaniswe nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji.” (Uyewo VaEfeso 1:5, 11) Asi kune ivava, 2 Petro 1:10 inoti: “Itai zvose zvamunogona kuti kudanwa kwenyu nokusarudzwa kwenyu kuve kwechokwadi kwamuri; nokuti kana mukaramba muchiita zvinhu izvi hamungazombowi.” (Kana vanhu ivavo vakafanorongerwa kuti vachapona, vaisazombowa pasinei nezvavaizoita. Sezvo vanhu vacho vachifanira kuva nezvavanoitawo, boka racho ndiro rakafanorongerwa. Mwari akaita chinangwa chokuti boka racho rose raizotevedzera muenzaniso waJesu Kristu. Zvisinei, vaya vakasarudzwa naMwari kuti vave muboka iroro vanofanira kuva vakatendeka kana vachizowana mubayiro wakavamirira.)
VaEf. 1:4, 5: ‘Akatisarudza tiri pamwe naye [Jesu Kristu] nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene, vasina gwapa pamberi pake murudo. Nokuti akafanotigadza kuti tigamuchirwe naye sevanakomana achishandisa Jesu Kristu, maererano nezvaanoda zvinomufadza.’ (Zvinonzi pana Ruka 11:50, 51, Jesu anofananidza “kuvambwa kwenyika” nenguva yakararama Abheri. Abheri ndiye munhu wokutanga akaramba achifarirwa naMwari kwoupenyu hwake hwose. Saka Mwari akaita chinangwa chake chokuti pave ne“mwana” aizoita kuti vanhu vanunurwe kuburikidza naye pashure pokupanduka kwakaitwa muEdheni, Abheri asati azvarwa. [Gen. 3:15] Mwari akaita chinangwa chokuti Jesu Kristu, Mwana mukuru, azova nevateveri vake vakatendeka muhurumende itsva ichatonga nyika ino, Umambo hwaMesiya.)
Nyeredzi nemapuraneti zvine zvazvinoitawo here muupenyu hwedu kana kuti zvinofanotaura zvimwe zvinhu zvatinofanira kufunga nezvazvo patinenge tichiita zvisarudzo?
Kufembera pachishandiswa nyeredzi kwakatanga sei?
“Kufembera pachishandiswa nyeredzi kunoitwa kuMadokero kunogona kuonekwa zvakajeka kuti kwaivapo mudzidziso dzevaKadheya nevaBhabhironi kuma2000 B.C.”—The Encyclopedia Americana (1977), Vol. 2, peji 557.
“Kufembera pachishandiswa nyeredzi kwaibva papfungwa mbiri dzechiBhabhironi: chati yokuongorora nyeredzi, uye kuona zvinhu zviri mudenga savanamwari. . . . VaBhabhironi vaiti mapuraneti ndiwo anoronga zvinhu zvinotarisirwa nemunhu kubva kuna vanamwari vake.”—Great Cities of the Ancient World (New York, 1972), L. Sprague de Camp, peji 150.
“MuBhabhironi uyewo muAsiriya umo maiitwawo tsika dzevaBhabhironi . . . kufembera pachishandiswa nyeredzi kunoitwa muchitendero chepamutemo seimwe yenzira huru mbiri dzinoshandiswa nevapristi . . . pakuda kuziva zvinodiwa uye zvinangwa zvavanamwari, imwe yacho ndeyokuongorora chiropa chemhuka yechibayiro. . . . Kufamba kwezuva, mwedzi uye mapuraneti mashanu kwainzi kwaimiririra zvinoitwa navanamwari vashanu vari kutaurwa nezvavo, pamwe chete namwari wemwedzi anonzi Sin uye mwari wezuva anonzi Shamash, pakugadzirira zvinoitika panyika.”—Encyclopædia Britannica (1911), Vol. II, peji 796.
Musiki wevanhu anoona sei tsika iyi?
Dheut. 18:10-12: “Hapafaniri kuwanikwa munhu . . . anoshopera, anoita zvemashiripiti kana munhu anotenda mashura . . . Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanosemesa Jehovha, uye Jehovha Mwari wako achavadzinga pamberi pako nokuda kwezvinhu izvi zvinosemesa.”
Akati kuvaBhabhironi: “Vaya vanoongorora zvinhu zvedenga vachicherechedza nyeredzi, vaya vanofembera pakugara kwemwedzi, vachireva zvauchaona ngavasimuke vakuponese. Ona vakafanana namashanga . . . Izvi ndizvo zvakaita vaya vawakashanda navo kubvira paupwere hwako. Vanongofambafamba mumwe nomumwe achienda nokwaanoda, asi pasina nomumwe angakuponesa.”—Isa. 47:13-15, BR.